
🇿🇼MAI SHAMMAH SHONA NOVELS 🇿🇼
June 17, 2025 at 06:12 PM
THE GIRL HE LEFT*
BY MAI SHAMMAH
APA0778349453
EDITOR MAI RYAN
APA0719925853
FOLLOW MY WHATSAPP CHANNEL
https://whatsapp.com/channel/0029VaDyrAr8fewnrBCUcz1c
JOIN MY WHATSAPP GRP
https://chat.whatsapp.com/ItU0b5FyjSZD3OaJOZlE7O
CHAPTER 29
MAI KELLY
"Tete henyu vaudzei kuti zvikundirwadza shuwa munhu kurara ku girlfriend"
Ndakatanga kuchema nokuti ndairwadziwa zveshuwa.Kelly naJunior vakafarawo pavakaona baba vavo,
"Mrng vana vangu Mai Kelly usachema mberi pevana.
"Imi munoitirei hurombe"
Ndakapukuta misodzi nehembe.
"Sorry sweetheart wangu.Kelly how are you"
"Boe daddy handei kukitchen ndoda tinamate"
"Ahhh Kelly kana kutimutsa hauna wakutoti handei kukitchen"
Vakadaro Tete
"Yes ndikuda kunamata nababa vangu kuti vashandiswe nezvakaipa,kuchikoro tinodzidziswa kunamata hanzi kunyangwe ukaona Mai vako nababa vasiri kuwirirana namata ndisatani apinda pakati Pavo kuti zvikanganise kunyangwe education yangu,baba vangu vakaroora umwe mukadzi kureva kuti rudo rwavo kunyangwe kwandiri ruchaita rushoma,"
"Aiwa nyarara unongotaura zvisina basa unozivei pakuroora kwababa iwe Mai Kelly wakapusisa mwana anoda kupindura nyaya dzababa namai"
"Imi munei nazvo muri chii pakati pangu nevabereki vangu"
Ipapo ndipo paakatadzawo Tete vakafutisa fesi nokutsamwa,
"Kellyka endai modya muende kuchikoro ndichakurova hauzive kuti nditete vangu hanzvadzi yababa vangu"
"Zitete zitete"
Junior akadaro akatadzawo kutaura zvaida chaizvo vana ava Soo
"Kelly learn to respect your elders wanzwa? ava vatori Mai vako ipapa respect her haaa chii chakadaro ndizvo zvamodzidziswa kuchikoro"
Baba vacho vakatomunzwirawo hasha,Tete vakamutarisa nerimwe ziso randakatya naro.Kelly akafamba achizvuwa makumbo kuenda kukitchen ndakatevera kumashure kwake ndikapinda achichema,
"Kelly ndogona kukurova ukaenda kuchikoro watonhorerwa chii chinodaro unoda ndivengane nehama dzangu"
Ndakadaro asi haana kundipindura aingochema Kana kudya haana airatidza kuti Ari kurwadziwa.Ini ndakashaya kuti Ari kurwadziwa nei nhaimi ende futi.Junior ndiye akapedzisira kubuda,ndakapa Tete chikafu pamwe nababa Kelly.Vakazosimuka vachienda kubedroom Ini ndokutevera ikoko,
"Muno mukunhuwa chii kudai?"
Vakadaro vachifinyamisa fesi,
"Chii daddy hamuna chikunhuwa muno"
"Ummmm hooo Rega ndigeze"
"Saka makarara kupi?"
"Uchakuziva hako"
"Baba Kelly musandirwadzise kudaro Soo mukulodgera Chipo imba"
"Siyana naChipo Mai Kelly huya tigeze"
Ndakabvisa hembe akati ahhhh nyora ndedzei,
"Ndairapwa natete"
"Natete kudii uchatemerwa nyora dzohuroi unongotemerwa nyora haaa"
Moziva ndakarohwa nehana handina kumbotarisira kuti baba Kelly vangataure mashoko iyayo Ini
"Ndairapwa daddy"
"Hooo"
Takageza tose asi vaioneka kuti vane zvikuvabhohwa.Ndaiti vachada kuvatawo neni Havana havo vakatopfeka hembe ende Haina kumboratidza kumira zvayo.
"Makutoenda here daddy dai tamboita kaone chete mabuda henyu"
"Handina kana mafeelings hamheno sei wangozviona Wani yambovhunduka"
"Mirai ndiibate daddy"
"Nguva dzaenda shaaa ndodzoka toita manheru"
Ndakabatikana hangu.Vakatobuda shuwa voenda paya.Tete vakazondibvunza kuti Monika chikoro anotanga rinhi ndikati mangwana acho.Nguva dzati fambei Fungai ndipo paakasvika.
"Kwanga kuri SEI kwanga muri masisi"
"Boe zvako wena vakauya here bamukuru"
"Kupi kuuya havo kuseni kuno"
"Yooo hanzi ndanga ndiripi?"
"Vangoti uchakuziva hako"
"Zvakavaomera shuwa asi vanofunga kuti hamugoniwo kuhura here varume vakadai sisi ndevekugadzirira size iye zvino 50 50 takaenda"
Akadaro Tete ndokutsinhidzawo,
"Sewako uyu Mai Kelly akaramba akadai unomusotera size yaanokwana 50 50"
Endeka hupenyu hwangu handisati ndambohura,
"Ahhh Tete Makati mushonga inoshanda Wani Ini handidi kuhura hangu"
Ndakadaro ndakaona vakunyara nyara,
"Yangu mishonga chiororo manje inoshanda iye zvino hapana kwaachaenda uyo"
Handina kupindura Fungi ndiye akati,
"Aiwa baba Kelly Tete vanoda kupihwa wokuti vapuse vambohurirwa stereki vari chizungairwa Soo"
"Iwowo ndouziva futi kana uchida Mai Kelly"
"Vapei vambp revenger zvavanoitirwa"
Fungai kugwarisa kuda kundiendera mberi.Manje ndakaramba ndikati handiude ndoda wekuti vasahura chete.Yakazopera nyaya iya Fungai akutaura yokubasa hanzi vandinyima Mari yangu kubasa here ndazoona Trevor achitsvaga basa ikoko kudii weee manje ndazomuramba kuti hauna chaunacho.
"But Fungj ungaramba mwana wadoctor Mai ndidoctor baba ndidoctor"
",Aiwa pay ndeyavo vanozomupawo here Mari kana riri rombe ngaarambe"
"Ummmm chete handichanyatsozive nezvake hangu ndaimuona semunhu boe aitozokuchengeta mangwana"
"Ahhh sisi ndine wangu wandikudanana naye muchamuona henyu"
"Chete wakanaka hauzoshayi pombi yako"
Takatoseka tose tichirovana maoko nokuti ndanga ndamuudza zvakamufadza.
Takaswera zvedu tose boe umwe neumwe akazenge ava pafoni yake kunze kwatete vaive vavata sezvo vasina foni yewhatsapp ndakabva ndatofunga kuvatengera foni Tete vangu.Monika aive nayo ndini ndakatotenga,uyu aisataura hake chinhu aive angori ziii hake.
"Mangwana ndikudzokera mati Monika anotanga chikoro mangwana"
"Ehe mangwana"
"Oky Ini kuseni ndiri kudzokera kumusha"
"Ko sei Tete mombopedzawo week"
"Aiwa ndatogara muzukuru zvandanga ndafambira ndapedza chasara kuti uchafona uchindiudza kuti zvikufaya"
Ndakada kuvaudza kuti pataenda Mumba yanga yakangoti svata ndakabva ndanyara kutaura,
"Ahhh Tete Soo oky"
Ndakadaro asi ndaisada kuti vaende havo.Ndakazoti ndakunotsvaga muriwo,ndakati Monika handei ndaida kunotenga huku mbiri.Ndakabuda naMonika ndokusiya Tete naFungai Mumba.
"Chikoro chandichange ndichienda Chiri kure here?"
"Hachisi kure zvacho asi munenge muchitoenda necombi"
"Hooo ini ndaisada kuuya Ini Tete nababa ndivo vakandimanikidza kuti ndiuye"
"Monika asi haudi kugarawo kutown "
"Ndoda hangu asi Ini ndichiri kuda kudzidza hangu"
"Chikoro unoenda chekuno chodzidzwa kukunda chokumusha"
"Oraiiti"
Ndaishaya kuti ndizvo zvaari here kunyarara kwacho.Takatenga huku nemavise nezvimwe ndokupinda mumota tikadzoka kumba.Takawana Tete naFungai vagara panze anzi tikuzembera zvedu zuva.Monika ndiye akagadzira huku ini ndichiitawo zvimwe.Nguva dzakafamba vana vakauya kubva kuchikoro.Kelly akangomhoresa vanhu achiti maswera sei ndokutoenda kuroom yake.Akatora nguva arimo ndokuzobuda.Ndakamupa chikafu akadya asiri kumbotaura neni.
"Mainini Monika vachange vachidzidza kuno"
"Oky"
"Kunge usiri kufara wani"
"Ndofareiko chinofadza ipapa"
"Kelly une rough"
"Aiwa"
Zvakaoma shuwa Zvisinei nguva dzakafamba akava manheru.Baba Kelly vakauya tichakamuka tose,ndini ndakavapa chikafu vakadya.Vanhu vaitaura nyaya asi Tete vaikotsira varimo musitting room mune vamwe,vakazoti vakunorara munhu wese akati akunorarawo.Ini ndaiita kufara Kani kuti murume wangu adzoka.
"Daddy hamusi kugeza"
"Aiwa handisi babe huya tirare"
"Veduwe oky ndikuuya"
Ndakabvisa hembe dzese kusara ndiri musvo chaiwo,ndakaenda pabed iye zvino nechando kutopinda mumachira chaimo.
"Sorry babe ndakaita musikanzwa kurara ndisipo hant I love you URI Mai vevana vangu iwewe"
"I love you too "
"Thanks nhai"
Aitaura asi aioneka kuti akaneta kare kare zvake,haisi iye wandoziva mhani.Akatanga kundibata zvakaneta neta sooo nefeeling ranga ndinaro ndakanzwa hasha kunge ndichamuti regedza kundibata kwacho.Ndakazoti regai ndibatei kuengine kwacho.Yowee ndakapera power imi,kaive kakati svatata zvakene,ndakaramba ndichidzvanya mabhora kuti isimuke asi Haina kumbotora action zvayo.Ndakafemeruka nehasha,
"So masungwa kuhure renyu makazvitanga rinhi izvi baba Kelly"
"Zvikundinetsa kuti chii zvatangira pauri"
"Nokuti magadzirwaka"
"Ahh hamheno zvikutondinetsawo Ini"
Akadaro achitarisa Divi,
"Ndakunoudza Tete"
"Ndikunzwe kuti wazvitaura ndokurova wanzwa ukuda kungofumura zvese zvese,yanga yaramba mazuva mangani one day kaone futi pamwe patichazana inomira zvino,munhu asina Hana handimude wanzwa"
"Handichanotaura daddy"
Aive atsamwa Kani.Ini ndaive ndongoyeredza misodzi Ini,ndakatadzei chaizvo Inini,Saka Chipo agadzira murume wangu? Ndakafunga kudaro ndotiii gwiiii hwiiii kuchema,ndikafunga manakiro anoita murume wangu sooo moyo wairwadza, iri kuramba zvayo kumira.
The end chapter 29
❤️
😂
👍
🙏
😢
😮
854