🇿🇼MAI SHAMMAH SHONA  NOVELS 🇿🇼
🇿🇼MAI SHAMMAH SHONA NOVELS 🇿🇼
June 20, 2025 at 06:07 AM
*THE GIRL HE LEFT* BY MAI SHAMMAH EDITOR MAI RYAN FOLLOW MY WHATSAPP CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaDyrAr8fewnrBCUcz1c JOIN MY WHATSAPP GRP https://chat.whatsapp.com/ItU0b5FyjSZD3OaJOZlE7O CHAPTER 30 FINAL SEASON ONE (Ndinokugamuchira mose nemaoko maviri kuseason yechipiri kunova iko kwatakunochitangidza)👏 *Kana UCHIDA season two hi me* https://wa.me/message/NDH6NY46AEMLL1 CHAPTER 30 SEASON one FINAL MAI KELLY Semunhu aive nehope shoma,ndakati Paramu Kuma 4 am.Ndokubva ndamuka ndikagara pabed,misodzi yaitoyerera semvura.Ndakambonzwa umwe mukadzi achipa testimony hanzi ndakanamatirwa murume wangu aiiti akasvika kumba odzokera kugirlfriend.Mufundisi vakandinamatira vakati murume wenyu ainge achiona chembere yapera basa zvayo,saka ndizvo zvikuita murume wangu ari kuona ndiri chembere yakaunyana zvichikonzerwa nababa Chipo.Manje ndichaenda kumusha kunovapopotera ngavasiyane neni handina ropa navo ini.Ndakasimuka hangu ndokubuda ndichida kunodziisira tete mvura yokugeza, "Saka hauchade kusara kuti zviite sei,nokuti ndakuudza zvakanaka unoda kuroorwa nemurombo asina chaanacho" Ndakanzwa tete vachidaro vari muroom yavo vaitaura naMonika,ndakangoti asi Monika haachadi kusara "Aiwa tete ini handidi hangu ndiri mwana mudiki" "Mwana mudiki Wei 17 years wakura unotoita nhumbu iwe" Handina kuzviisa mumusoro kuti vangava vachirevei,ndakabva ndakasira kunoka door ravo. "Mamuka sei tete ndakuisa mvura yokugeza pastove " "Hooo waita basa ndiyeka Monika  hanzi haachadi kusara zvino ndikutomuti ukuda kunomitiswa nezvikomana zvekumusha" "Nhaimi hant ukadzidza kuno unotozowana wako mukomana mutown" "Aiwa sisi kana handichasari ini ndikudzokera kuchikoro kwandaidzidza" Takazama kumunyengerera asi akarambisisa,ndakatozongovapa Mari yavo yebus neya Monika wacho.Nokuvapawo yegrocery. "Usatya muzukuru ndine umwe mushonga wandichanopfungaidza ndadzoka kumusha zvinobva zvagadzirisika chimbomira kuenda kumusha kwamai vako" "Hooo ndanga ndatofunga kuenda mangwana chaiwo" "Nooo nooo kumhanya Sani kusvika mira kuenda chimbodzikama unozonokorwa tsoka ukafirako" "Iiii ini ndomuka chipoko kusiya vana vangu vari vadiki vanondiona" ",chero wakamuka unenge watofa saka dzikama" Ndakaseka hangu,vakagadzirira kuenda.Baba Kelly vanga vave kubedroom nguva yanga yobuda ana tete, "Daddy ngatiperekedzei tete kumbare" "Ndikuda kumborara mai Kelly" Ndakabva ndangovasiya,ndini ndakazoenda navo Kumbare kuya ndikasiya vava mubus.Ndakadzoka kumota yangu,ndisati ndatanga kudriver ndakaona msg nenew number. "Hi sisi ndiTanatswa ndashandisa foni yemukomana wangu.Kuri sei ikoko,ndabva kutaura naChipo ati mukumuvenga muchifunga kuti ari kudanana nemurume wenyu.Sisi don't trust anyone in life,especially hama dzababa venyu dzinozokudai makura nguva yose yamaive mudiki muchichengetwa nababa vedu vaivepi baba venyu.Zvisinei kana muchivenga sisi vangu muchituka baba vangu muchiti hamusi baba vangu handina hukama nemi,ini naChipo hatichinawo hukama nemi tichasangana parufu rwamai Ndakagara ndiri seni ndiri mafira kureva handinyengerere manzwa,how can I respect you imi makatadza kuremekedza baba vangu.Muri mbwende yemunhu imbwa isina muswe,ini handikubhabhadzirei kana kuhupenyu hwangu muri manyowa emadhongi Gore ramuchaona kuti vamuri kuda ivavo ndivo vari kukushandisai muchada kudzoka kwatiri.Asika muchawana takavhara door nokuti ndoziva kuti munhu anoshandiswa zvichienderana nemoyo wako kana usingade hama unongovenga hama pasina mhepo,ndaikuonai kubva kare imi makambotengera mhamha hembe nyowani.Asi munovapa dzamunenge makurura musingade baba chaivo maivapa hembe dzasiiwa nababa Kelly nedzamunemge manhonga kubhero.Munopenga Mai Kelly munofunga kuti zimbabwe ndeyenyu here? Chenjerai kuti Chipo wamaita left iyeye mangwana muchamupfugamira.Chero zvikaoma sei nhasi kuhupenyu hwasisi vangu asi one day zvichanaka chete,ndiri mafira kureva manzwa! Huuya kuno kumusha muone ndakakumirirai dakukurovai zvokuti dhuu nokuti hamufunge stupid yemunhu. " Ndakaidzokorora kuiverenga ndikanzwa hasha,kamwana Kazuro uno kakundiudza zvakadai, "Uri imbwa baba vanoroya" "At least  vakaroya vakagona kukuendesai kuchikoro venyu baba vakaitei muhupenyu hwenyu Imi ndimi muroi musatanist " "Hooo ndikukuvingai kumusha ikoko dakukugadzirisai mose nababa venyu" "Matuzvi enyu ari muhuro seehwiza manzwa! Kana muchida kuona ndichirasa hunhu rambai muchitaura zvakaipa pamusoro pababa vangu vasina kumbobvira vakushuvirai zvakaipa asi vakakushuvirai zvakanaka nhasi makuvadzosera nekuvashuvira zvakaipa" Mwana uyuka kundituka ane zera neni, "Une zera neni here unondituka" "Imi mune zera nababa vangu" Ndakaridza tsamwa ndokublocka number iy.Ndakatura mafemo ndichiisa foni kwakadaro uko.Ndokutanga kudriver ndodzokera kumba,ndakatozosvikako vana vatoenda kuchikoro.Ndichipinda ndakaona Fungai achangogara pasofa, "Madzoka" "Yaaa ndadzoka wena gara zviya wakati basa rakapera" ",ehe" "Ko uri kugara neside anzii kudaro" "Uuuu ndabatwa nekabayo shure yangu ikurwadza" Akabva aita kakurara pasofa sooo,akatombobudisa tumisodzi.Ndakamunzwira tsitsi ndakashaya kuti kabayo kanobata munhu kumagaro kabayo rudzii? "Unombokarwara," "Ehe kanobata kumashure uku,asi kanenge kakupera zvako kanongoti kaaa soo." "Ko ropa" "I period regai ndinogeza zvinhu zvacho woti uku period uku wobatwa nekabayo" "Fungai une huchapawo iwe,hant unofanira kumuka uchinogeza first wozouya wogara pasofa iye zvino uchazadza tsvina pasofa" Ndakasvotekana fani.Akangoti sorry sisi achitofamba kuenda mumba make ndokubva azobuda achienda kunogeza.Ndakanopinda mubedroom ndichivhara door ndokubva ndatarisa pasi,ndakaona kadodzi keropa.Ndakatarisa futi pasi pose ndokuona kuti kaingove kamwe chete, "Ropa rabva kupi?" Ndakazvibvunza ndakatarisa pasi paya,ndakatarisa pabed baba Kelly vaive vakarara havo.Kunyatsopfinyira chaiko. Ndakatura mafemo, "Nhai ropa riri pasi iri rabva kupi? Asi mambobuda mututu" Ndakadaro ndichibvunza baba Kelly,Havana kundidaira havo.Ndakanetseka kwazvo,ndakabuda ndokutora salt yemagodo ndokuisa paropa paya kuti kana rine chekuita chakaipa mumba mangu ratumirwa nevaroi chibve. CHIPO "Chipo!" Vakadaro mai Trevor vauya ndivo vakatondimutsa, "Mhamha" ,"Good pane Pari kurwadza here?" "Aiwa kuneta  chete nokusviba moyo" "Inhumbu chete chinoweta mubucket woisa weti mukavharo aka uuye nayo" Ndakatomuka nokukasira nokuti weti ndaitoinzwa.Ndakaita zvavakataura hana ichiita kurova chaiko.Ndakambomira mutoilet ndakabatanidza maoko angu, "Mwari kana iri nhumbu nezita raJesu ngaibve ngaingobva ingonzi haipo nesimba raJesu Amen" Ndakapedza kunamata mate awanda mukamwa ndokubva ndatosvipira muchemba.Ndokuflasha ndobuda neweti iya.Charity aive akaita kusuwa,mai vacho vanga vauya ne5 tuma test.Twose vakatunyika muweti muya.Zvaisuwisa, Charity akatochema achibuda ini ndakangoyeredza misodzi ndakazembera madziro.Mai Trevor vakazunguza musoro wavo ndokubva vati, "Usacheme hako I help you better kuti wosarudza zvauri kuda,kuchengeta mimba kana yonobviswa,kana wasarudza kuti woichengeta mwedzi ukapera wakusiya basa handidi zvekushandirwa nevarwere nokuti unogona kundifira pano.Unoda zvipi?" Vakadaro vachiputsira tuma test kwandiri,ndakatunhonga ndikatubata nemaoko angu ese ari two, "But sei nhai Mwari?" Ndakadaro ndichiyeredza misodzi, "Ukuda inobviswa here mimba or ukuda kumbofunga" Vakadaro vachida mhinduro yavo,ini ndakabva ndati,> The end of season one. Chipo ava nenhumbu. Mai Kelly  vaonawo chiropa chakadonha pfungwa dzavo dzikuti varoi chete. Baba Kelly vari kuona mukadzi wavo sechembere Tanatswa ndimafira kureva Kelly ndiprayer worrier Fungai ndigame master Last hoyoooo ane nyaya Trevor atsamwa Chipo ane nhumbu. CHIPO ACHATII MAI KELLY VACHABATA FUNGAI ZVAITA SEI ? PANE NYAYA APA,KUSEASON TWO NDIKO KWATAKUNOZVITANGIDZA MANJE.USASARA APA NOKUTI BOOK RAVA KUBVIRA MOTO CHAIWO. KUTI UVE KUSEASON TWO SEND 1 USD ECOCASH 80 ZWG ECOCASH 0778349453 P NDIRIRE R 25 VOUCHER OTT,BLU,ONE FOR YOU,KAZANG,EASYLOAD, MOTUMIRA PICTURE Book rakachipa usasare pakuverenga vamwe. Dollar  chete chete mudikani wakutoverenga book rinonakidza kudai. Proof tinoisa apa, 0771882503 Kana panumber yeecocash mondipa proof ipapo,
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 166

Comments