๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผMAI SHAMMAH SHONA  NOVELS ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ
๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผMAI SHAMMAH SHONA NOVELS ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ
June 20, 2025 at 01:07 PM
๐Ÿ‡๐Ÿ‡๐Ÿ‡๐Ÿ‡๐Ÿ‡๐Ÿ‡ *Thandiwe* ๐Ÿ‡๐Ÿ‡๐Ÿ‡๐Ÿ‡๐Ÿ‡๐Ÿ‡ https://whatsapp.com/channel/0029Vapoqzj77qVNHhxu1o3r Book 2 ๐Ÿ“•๐Ÿ“•๐Ÿ“•๐Ÿ“• By Mama Vinny Number 0780237156 Chapter 1 "Iwe Thandy chibudamo umanye unogona Mai Mutsa vasat vabuda" Vakadaro gogo vangu vachindideedza ndir mukitchen ndichikuchidzira moto Ndakabuda ndakatobata bucket rangu remvura kut ndibve ndanochera mvura ka1 "Hezvo ko nhywe mwana waZephe ukat haushuri iwe unoendep neshena kudaro" Vakadaro gogo ko ndanga ndine mamhorodz pandabva kowacha handina kugeza plus ndazonotamba bhora Me...gogo hanty ndazoshaya nguva yekugeza hr Gogo...undikwanire Thandiwe wazvinzwa nguva yese yawanga uchitamba bhora wadii kunogeza ,watokira Soo unozviziva hr Me...Saka bhora racho ndachizoritamba sei ini ndageza Ndakapotserwa nemutsvairo Gogo...putseki ndoruvhuna rukumbo manje zvino zvandoda uyende kuHarare koshanda netsvina Yako iyi ungasano nhuwira vanhu aiwa bodo Vakadaro gogo vachirovanisa maoko avo vachibva vabata muchiuno mavo vakanditarisa Me...โ˜น๏ธgogo ndongopukuta shena yacho vanhu muroad havambozvion kut handina kugeza Gogo...nxaaaaa chimhanya uyende uko mazisvina Ndini zvangu Thandiwe Nyoni musikana ane makore 16ndakutosvitsa 17soon .Chikoro ndakagumira form 3 ndaitogona zvangu asi nekuda kwenhamo ndakashaiwa mari ndikatozvigarira zvangu pamba nagogo vangu nekamunin'ina kanguNothando kane makore 11 Taigara nagogo vangu Mai vababa vangu ,vabereki vangu vakashaya ndichir mudiki Nothando asat ambosvitsa kana gore.Taigara kuMberengwa ndokwega kwandoziva kwandakakurira fut Gogo ndovaitichengeta sezvo hama dzese dzakatoramba ,gogo vaitova nevana 4 vaitova nemari but kubva pavakatanga kugara nesu vana vavo vakabva vavaramwawo Handiziv chataive takavengerwa but nagogo vangu life yaitoendeka ,gogo vaimboenda kumaricho pandaienda kuschool but nekukura vakazorega ndopandakagumirawo kuenda kuschool Nothando ndiye aienda ndaienda kunowachira vanhu nekuvatemera huni kut ndibhadhare school fees yake Apa ndaitoenda zvangu kwamaMutsa kumuso kugomo uko hanz vakat vachanditsvakira basa nagogo kuHarare Saka vanga vati ndinonzwa Ndaitofamba hangu ndakabata bucket mumaoko ndichiimbirira ndichikava matombo Kwakubva ndakubva ndakava rimwe dombo ndobva ndadonha ,ndakanot muvhu nemuromo mvoooo Ndanzwa kuseka ndir muvhu kudaro ndikanzwa shungu but ndainyara kusimudza musoro Ndakazongosimuka hangu ndikatanga kuzvipukita mavhu nemaoko "Unogopukutei nhy Thandy tatokujaira wakadaro uchitamba bhora paya ndozvaunenge wakaita" Akadaro mumwe mukoma apa achiseka nevaaiva navo Ndazosimudza musoro ndiona aaaah Divah anogara kunxt kwedu nxaaaa kuda kundijaira Me ...Divah tinongotamba yese bhora racho wan fut munot ndogona kukudarikai Divah ....tingagot chii iwe uchitamba bhora revakomana uri musikana apa haugezi fut Me...zvekusageza kwangu zvinei newe nxaaa Ndakasiya ndamudira mavhu kumeso ndikarova sporo ndichienda kwamai Mutsa Divah akamboda kutevera but manje ndaiva mhepo nekamuviri kango kastick maponzo haaaa kkkkkk Ndakasvika pamai Mutsa ndichifemuruka Mai Mutsa ....yuwii yuwii ko waitwa sei ko Thandy kuzara mavhu kudaro apa ukuita kunge ukutandaniswa Vakadaro Mai Mutsa vachinjeva njeva vaifunga kut pada vangaona munhu Me....haaaah zvenyu Mai Mutsa ndadonha ndichiuya kuno apa ndanga ndatogeza henyu Mai Mutsa.....yuhwiii nemumusoro nemumusoro Thandy musikana muhombe akaita sewe unofamba Seiko Mai ava vanga vakutondiwanzira ini ndavinga zvekubvunza zvebasa rekuHarare Ivo vakutarisa Zvemavhu angu Me...ndatumwa nagogo hanz vebasa vaya vakazot chii Mai Mutsa...ndachida touya kumba kwenyu ukutodiwa mangwana chaiye Saka wotonoudza gogo vako ndozokutora mangwana ndonokusiya kubhazi Ndakanzwa kamwe kakutya Soo zvese nemufaro waivamo fut ko kuHarare kaaa uko kunobva vamwe vatsvukira ndaitoda kuendawo Ndakazonochera mvura yangu ndikadzokera kumba Ndakawana gogo vatopedza kubika mufushwa ndikazopedzisa sadza Takudya ndopandakazoudza gogo kut hanz kuHarare ndikudiwa mangwana Gogo ....Chiterera unzwe mwana waZephe ,kuchirungu kwawakuenda uko wonoita munhu kwaye ,usandinyadzisawo Thandy muzukuru bhurukwa wotovhara kana ,chipfeko chako chemukat unongokurura kana wakuda kuenda kutoireti chete handizvo Me....ko kana ndakuda kugeza gogo Gogo ..... Isvi ndosviponda Vakadaro vachindisikiza nembama ndikaseka ndichitiza mujinga mavo Nothando akasekawo hanz Nothando...Saka gogo sis vanotogeza vakapfeka pant ravo nekut mati vasaribvise Gogo vakasekawo vakazot Gogo...handizvo baa ndikureva kut bhurukwa haribvisirwe varume Thandiwe iwe muzukuru wangu ziva kwawakabva nhy kaaaa ,ini ndatongotarisirawo iwe chienda unoshanda ugopedzisa chikoro muzukuru ndoda uite dhokotera ugondirama mazuvano muviri haichina kusimba Ndanga ndajenga misodz gogo vachindiraira moyo wanga wakurwadza kuvasiya Gogo...chirega kuchema muzukuru neniwo handina kujaira kugara usipo but ndosara zvangu naNotty uyu chatova chimhandara kaa ichi Ndakazonamata tikanorara muhozi magogo ndaingorairwa kasingaperi Ini hope dzairamba kubata ndaingofunga kut ndin uyo kuHarare hohodo vachandiona pandodzoka ndatsvukira Kwakazoedza hako Mai Mutsa kuita kumukira kuuya kuzonditora kuita sekut ndat ndotiza aaah Gogo ..hezvooo ko Mai Mutsa asi vanofamba husiku kwakadai Husiku hupi ko kwanga kwaitova kuma7 gogo vaisatoda kut ndiende asi nhamo ndoyaindituma Mai Mutsa...mamuka hr gogo Nyoni eeeeh bhazi rekuHarare roenda na9 Saka Thandy watopedza hr tiende Gogo ...aiwa atopedza uyu akarongedza nezuro chaiye iwe Thandy hanz chihande Ndakabuda muhozi magogo ndakaenda kogeza ndakazvikwesha chaiko ,ndagutsikana ndikazobuda ndakabata kabag kangu ko maimbova nehembe ngan ko Gogo..Thandy muzukuru munhu ngaafarire mvura kuchirungu kwawakuenda ikoko havad svina Aaaah gogo vanga vakutoudza Mai Mutsa kut ndojambira kugeza Ndakazombundira gogo naNotty misodzikatanga kubuda hanz na Notty Nothando....sis ndoda kuendawo Me...ndozokutorai mese nagogo nxt tym iwe chimbosara uchichengeta gogo Vedu ndandinodzoka toenda tese Ndakadaro misodz yakuyerera Me....gogo ngandingorega hangu kuenda Ndanga ndafunga kurega kuenda ini kusina gogo ikoko vanhu vandisingazivโ˜น๏ธ Gogo ..aiwa Thandy chiendai muzukuru handizvo vaManyo Vakadaro gogo takazoenda hedu bhazi rakakasira kuuya Mai Mutsa vakandit ndinowana munhu akandimirira pandinoburuka bhaz Bhazi raifamba iroro but takasvika kuHarare kwacho magaro akurwadza Ndichiburuka mubhaz ndakanatsoona kut nzvimbo dzasiyana vanhu vaimhanya mhanya vachitengesa zvakasiyana siyana Ndakatorivara ndakabvutirwa bag rangu ndakangoramba ndakamira ndakatarisa ndaitoshaya kut ko bag rangu vanoridii Akadzoka mukomana uya aona ndisina kutora action hanz "Ko sisto mukuendep Koo" Ndakamboda kuseka ndichibva ndamubvutira bag rangu iye akabva akuridhonza fut tikatanga kudzonzerana Me....imi siyai bag rangu Ndakadaro ndakutoda kuchema pakabva pasvika vamwe mother vakaita vechikuru Mother..ndiwe Thandiwe Nyoni Me...ehe ndin Mukoma vaya vekudhonza bag rangu vakabva vatorisiya vakutoenda kunobvutira vamwe ini eeeeeh Mother vaya vakabva vat Mother..ndangur ndakutsvaka mubhazi rawaburuka Me..sorry henyu mother Mother...it's ok ini u can call me aunty Dorothy Vakatozondibatira bag rangu tikapinda mumota yavo yooooh Mai vaigona kudrover ivava taifamba zvinyoro Nyoro apa mumota macho mainhuwira hey Ndakasvika tikavhurirwa gate apa gate racho rakavhurika Rega ini eeeeh chava chii zvee ichi Pamba paiva pakanaka zvapo ipapo kuita paPresident yuhwiii Takazopinda Mumba ndir kumashure ndichingonjeva njeva chirungu imi kune vanhu vane zvinhu zvavo Aunt Dorothy....gara hako pasofa boss vako vanosvika soon Ndagara pandakanz ndigare naAunt Doro kkkkkk lol apa ndakagara kaaaa semunhu ajaira kugara pachituro chepiranga ndakatoita zvekuzvikanda yoooh ndaita kunyura mumutefu tefu Sofa raiita kunge mubhedha imi ndakanyura ndiriko ndakamirira boss Boss vacho vainonoka kuuya ndakatosimuka ini ndakuenda kuKitchen kwaiva naAunt ndichida vabatsira ko zvekugara zvimbor zvedu hr Ndatozo Cheka madomasi ndopavakabuda hameno chakarira Mumba ndikasara ndega mukitchen Ndaingoona mapoto achikwata but moto ndaisauona ini aaaah hameno Vakadzoka aunt hanz Aunt Dorothy... Thandy boss vako vauya he is in the living room mawasvikira enda novaona Ndakatobuda ndichida noona Boss vacho vandaizoshandira maziso angu aitomhanya mhanya ndichitarisa mamutefu wemasofa but paiva pasina munhu Ndikadeedzera aunt ndikat Me... aunt Doro hamuna munhu muno "What's going on" Ndarinzwa voice raitaurira mumhino kumashure kwangu ndakacheuka ndakasimaira murungu wangu kaaa Kunonai maihwee ndakaita sendicharidza mhere zvaaiva murungu nhymi ๐Ÿ˜ฉ๐Ÿ˜ฉ๐Ÿ˜ฉ Bhunu chairo mwari wangu aitova nebvudz mumusoro revarungu riya Ko Seiko vasina kundiudza kut boss vacho murungu ndisina mbouya ini๐Ÿ™†โ€โ™€๏ธ Apa aitova wechidiki kuzvi 27yrs something ikoko zvino ini zvekutaurira mumhuno ndozvinzwa here aaaah Mai Mutsa mwari ave navo๐Ÿ˜ฉ๐Ÿ˜ฉ๐Ÿ˜ฉ End of chapter 1 Comment, Like and Share ๐Ÿฅฐ ๐Ÿฅฐ ๐Ÿฅฐ This is my second book toenderera here naThandiwe๐Ÿ‘
โค๏ธ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ข 27

Comments