🇿🇼MAI SHAMMAH SHONA  NOVELS 🇿🇼
🇿🇼MAI SHAMMAH SHONA NOVELS 🇿🇼
June 21, 2025 at 06:25 AM
*THE GHOST VOICE* BY PRIM NDIRIRE (Mai shammah novels) EDITOR MAI RYAN Follow our face book page, https://www.facebook.com/profile.php?id=61553316993477&mibextid=ZbWKwL FOLLOW OUR whatsapp channel https://whatsapp.com/channel/0029VaDyrAr8fewnrBCUcz1c CHAPTER ONE "I love you Milliscent,I love you,I love you,Where are you my love,where are you my love,my darling where are you" Ndaive ndakamira mumhepo ndakapfeka gown rangu dzvuku.Ndakatanga kunzwa tsitsi misodzi ichiyerera nematama angu.He is in pain,aindida zveshuwa.Ndichaita sei kuti ndimunyaradze ndomusiya here achipinda mukanwa meshumba I love my man I love him."Hiiiii hiiiii hiiii!!!" "Iwe Milliscent! Iwee!!!" Ndakapepuka kuhope ndichizunguzwa namai vangu nyakubereka.Vanga vaita kupfugama nemabvi vakanditarisa.Ndakabata kumeso kwangu ndikapukuta ziya rayerera kunge mvura Ndakatora nguva ndakanyarara ndichitadza kunzwisisa kuti chii? Mai vangu vakayereredza misodzi vakatura mafemo. "Chii mwanangu,handisi kurara ndichinamata nokuda kwezuva rako guru remuchato.Ndapinda muno wakarara asi mafemero anga uchiita ziya richiyerera,ndikuona kunge pane mhepo iri kutenderera Milliscent,Satan haadi chakanaka.Wanga wakunda rwendo rwako zvakanaka wakapedza chikoro ukapasa ukatora decree ndafara kuti wakuchata,asi hana yangu iri kurova,kumusha kwababa vako varoi ndivo vari kusimudza mhepo iyi" Pavaitaura kudai ndairangarira hope dzandarota,ndakashamah muromo ndikati, "Pane hope dzanga ndichirota asi handichadzizivi i love my man ndodawo kuva naye kusvika murufu" Ndakadaro mhamha vakati. "Ndisatan chaiye asingadi chakanaka,I pray now." *Mwari ndauya kwamuri nemwana wangu uyu Milliscent ari kuchata vhiki rinouya,Ishe ndokumbirawo nyasha dzenyu nesimba renyu kuti dzive naye,ndaramba mweya weshaisano paari nezita ra Jesu,Ishe ndinzwirei ngoni Ishe ndinzwirei ngoni" Mai vangu vakatanga kuchema vachinamata ini ndaingoti Amen Amen. "Maits Basa mhamha" "Chimuka ugeze munin'ina wako Ella ari kugadzira breakfast" "Oraiti mhamha" Ndakamuka pabed,ndokufamba ndichienda kubath kunogeza.Hope dzandaive ndarota handina kuzombodzirangarira zvachose,saka ndaive ndakutofunga zvangu mukomana wangu Ryan.Ndapedza kugeza ndakapinda mumba ndokuwana tete vakagara pabed vane munin'ina wangu Ella. "Congratulations Milliscent wadadisa ende ukuchata nemurume ane Mari ndaisaziva kuti ane Mari kudaro ini" "Haana Mari yakawanda asi munhu anoshingirira chete tete" "Haaa kana paya wakapinda machena paya,zvino Aya ndiwo mapent aunopfeka here asina garo aya" "Tete veduwe ndiwo evasikana iyaya" "Ahh ndosaka ndatouya muno ndakuvigira mapent evakadzi wochirega kupfeka anosiya magaro panze aya" "Wow akanaka wena" "NaElla ndamupa akewo futi" "Maita basa tete" "Good ndoda unodadisa kwaunoenda muzukuru hausi werudzi rwangu asi ndongokuda sezvandoita Ella" "Tete kunyangwe ini ndokudai ndoziva kuti mondida wena" Ndaitotaura ndichipfeka rimwe racho bhungwa,Ella akabva ati "Hiii sisi rakakufitai chitondipa enyu ese mopfeka aya amapihwa natete" "Aiwa amwe ndoada shaa" Vakaseka vose natete.Hapana chandakafunga ndakafunga kuti vaita nerudo ini.Tete vakatanga kutaura zvimwe ndokubva vazobuda havo,Ella ndiye akasara aneni. "Nhai sisi saka mukafa ndiani anokugarai nhaka?" Hana yangu yakarova, "Ella ukufunga zvenhaka nhasi ndofa nhasi here amana?" "Kkkk sisi soo kuda kuziva hant imimi muna baba venyu ini ndina baba wangu" "Makore ano Ella hakuna zvekugara nhaka ndezvekare zviya,nokuti ukada kugara nhaka iwe unenge une wako waunoda rudo haurinzwi kutapira dear" "Iiii asi ahhh murume akaita saRyan mukafa ndoda ini kugara nhaka" "Ahhh ende unonakidzwa hakuna zvakadaro kana zviri zvekuti ndafa pachada kugarwa nhaka,Mercy ndiye anogara nhaka" Akaita kuvhunduka achimuka sezvo anga akarara nedumbu pabed akafutisa matamaake,zvekutsamwa ini ndaitoona kunge nyaya isiri serious ini, "Sisi Milliscent muchiri kufunga mercy you don't loves me right you loves mercy" Aive atotsvukisa maziso,kuratidza kubatikana.Mercy munin'ina wangu mwana wababa vangu.Handimuzive handisati ndamuona nokuti handina kukurira kumusha kwababa,baba vangu vanonzi vaive garden boy pamba Pana mhamha.Pavakadanana namhamha ndokuvapa mimba vakabva vadzingwa basa,mai vangu vanonzi vakatombotiza pamba kutevera asi pavakasvika kumusha kwacho ivo vachitaura vanoti pamba painhuwa nhamo pasina kana toilet.Ipapo vakabva varamba baba vangu vakadzoka kuvabereki vavo vane nhumbu yangu.Baba vangu vakakwanisawo kuuya kunonditoresa birth ndichiri mudiki. Ndava ne16 years vakauya,kuti ndigore chitupa. Ndipo pandakavaona ipapo ndakafara chose,zvakangooma kukura nababa Vasari vako.Mbuya vangu nasekuru uye mhamha ndivo vakaramba kuti ini ndimboenda kunotsika ivhu rekwababa vangu.Zvinondirwadza ndikazvifunga kuti ndina baba,Havana kundichengeta havo I understand him.Pavakauya ipapo vakauya nemanhanga nemapudzi vakandisiira 20us,vakandiudza kuti hupenyu hwakaoma vanoita zvekurima.Vaida ndiuyewo ndione vamwe vana vavo,mukuru aive Mercy anova mudiki kwandiri.Zvakawanda zvoitika,dzimwe nguva ndotumira hembe nemabook Evana vabereki vangu vasingazive Kuroorwa kwangu kose Mari vakadya Vega Havana kumbodana baba wangu.Ndakazvifunga ndochema nokuti ndohwa pakati pemoyo wangu kuti,"I love him" Ipapa misodzi yangu yakadonha ndikaipukuta, "Ella handisi kuda zvekutaura Buda muno kana usina nyaya" Ndakadaro nokuti ndaihwa Ronda pahuro pangu "Ndikunovaudza mhamha zvose kuti haundide unotaura zvaMercy mwana wababa Wasina kukuchengeta" Akaridza zitsamwa,ndakagara pachair ndokubata shaya.Chii change atsamwa ipapa, Ndakashaya kuti atsamwei ini? ELLA "Muzukuru murume uya ndiye wako manje,iwewe une 19 years wakura zvekuroorwa iwe wakatadza kuroorwa naRyan ucharoorwa nani,Ryan ane Mari kumba kwavo kwakapfumiwa baba vake vanoshanda" Vakadaro tete moyo wangu wakafara nokuti ini pachangu I love Ryan. Ndakatombomuudza kuti ndokuda akati hazviite I love your sister so much.Zvino sisi vangu vasvika pakuroorwa ndisina kumbodanana naye Ryan Tete ndivo vanga vauya nenyaya yakanaka ndakafara, "Hapana imwe nzira yatichaita kunze kwekumuuraya,mushonga uyu unotouraya chaiko Budisa mapent aya uzore" Ndakasekerera ndichizorera mushonga,yaive mvura chaiyo.Saka vanga vandipa kamunhenga kekunyika mugaba racho rine mvura iya Ndakamazora ose ari 5. "Good paachapfeka zvavharana iwe achifa tichamuti hatisi kukudzosera Mari anofanira kuti agare nhaka Ndipo paacharoora iwewe wova mukadzi wake,zvakanaka sei kutanga nokunogara muupfu.Ungade kusekerera Milliscent achitora Mari,Haasi hama yako Milliscent,ngwara ngwara" Vakadaro tete,ndakatura mafemo asi hana ichirova,Ndaive ndofunga kuti sisi mill vofa shuwa here? Nerudo rwese rwavanotipa vofa.Milliscent haana utsinye munyoro uye ari humble,munhu anogona kuzvideredza.Ofa here shuwa,munhu akadadisa pazvose iye zvino vanonzi I Virgin kusaziva zvangu kuti ishuwa here,? Ini yangu virginity yakaenda kare akaibvisa wacho umm anonyadzisa kutaura. "Ndazvinzwa tete,dai zvikabuda hauna ngozi here mushinga uyu?" ,"uyu hauna ngozi ndiko kusaka wazorera nemunhenga uyu.Iwe tsitsa hana yako worega kutaura kuti ndizvo zvataita kunani hake" ,"handitauri tete ndezvedu tiri two" Tose takasekerera.Tikasimbisana kuti hatitaure. Ndipo patakazoenda kuroom yaMilliscent,akapihwa natete mabhurungwa aya.Ndakafara ini paakaapfeka rimwe racho bhurungwa.Ndaingotaura senyaya ndichida kunzwa kuti anotii,ndakasvotwa munhu achitaura zvaMercy.Ndakaenda Kuna mhamha straight, "Mhamha Milliscent wenyu haandide ari kutaura kuti mercy ndiye munin'ina wake chaiyye anzi anofanira kutova best pamuchato wake,imagin ini ndiripo here mhamha" Ndakatoyeredza misodzi mhamha vakashamisika, "Anopenga here nhaimi?" Vakatanga kufamba kuenda kuroom yake,tete ndipo pavakati "Chiiko chikuitika?" Ndikati,"NdiMilliscent anzi ndoda Mercy kwete iwe" "Ahhh murwere wepfungwa azvimbirwaka nekuchengetwa nehadzvadzi yangu akungorutsa zvisina basa" Vakafambawo vachitevera.Saka tanga toti mhamha pamberi ini kumashure tete kumacheto, "Iwe Milliscent unopenga ukuudza mwana kuti haumyde unoda Milliscent kuti zvaita sei haaa,kuroorwa kwawaita ndiko kwakukupa kutaura zvisina basa? Unomuziva Mercy wacho iwe,wakachengetwa nani?" Vakadaro mhamha,ivo sisi Mill vanga vakangotarisa kwatiri,Havana kupindura, tete vakabva vati "Wazvimbirwaka nekuchengetwa nehadzvadzi yangu wakutaura zvisina basa mwana wehure!" Mhamha vakatarisa tete kunyangwe ini ndakavatarisawo,sisi Milliscent vanga vakangogara pachair yavo vakabata shaya. "Nhai tete kutuka mwana chirudzii ikoku haaa" "Aiwawo ngaasimuke pachair ndoda kugara, Sisi Milliscent nokusada kutaura vakabva vasimuka,pavakasimuka tose takabata muromo,chair yose yanga yava neropa rimwe rayerera nemakumbo echair. ",Jesus Christ iropaka iri Milliscent " Mhamha vakadaro ivo sisi vakashatisa chiso vabata mudumbu mavo,akabudisa sound yokuti haaaa.Vachibatira madziro,tete vakaridza tsamwa vakafamba vachibuda,mhamha ndivo vakabata sisi kuti vasadonha.Ini hana yanga yakarova ndakabva ndafamba kuenda Kuna tete,ndakavashaya musitting room ndikanzwa vachitaura kubedroom kwamhamha.Kwaive nadad ndakangosvika nokupinda tete vakati "Unopenga ukudei buda kasira" Hamheno changa chakabatwa nadad Chinenge chihari soo.Ndakabuda ndichidedera,ndakakundika kuenda kuroom yasisi Milliscent hana yangu yaive yorovesa saka ndakanogara hangu pasofa. "Ukubatirei shaya,ukangoti bufu chete ndiwe ukufawo wanzwa" Hana yangu yakawedzera kurova tete pavakasvika vachidaro,vakabva vatochinja fesi vakudedzera kuna mhamha. "Mai Ella!" "Tete!" "Zvino ndanga ndakuda kuenda ndasiya pwere dzega" "Zvino moenda here tete mwana achidai ropa rikubuda kunge mvura,dad varipi tiende naye kuchipatara?" "Ahhh zvatonyanya here ini ndatoti I period ini" "Hazvisi zvega izvi iye akuita basa rekutaura zvana Mercy kupa mukana mhepo yekumusha kuti ipinde,watoroowa soo nevanhu vekumba kwenyu" Vakadaro mhamha,ini ndaingova ndakagara pasofa.Tete vakaenda kuroom iya ndikanzwa vachiti mapent anawo andamupa ndiwo anotopfekeka nepad" Ndakatura hangu mafemo,ndichifunga masoko atete ndofanira kusimba moyo kuva nehushingi nokuti ndini ndatoteya marina angu murutsva,vakuru vakati ateya mariva murutsva haatyi kusviba magaro. The end of chapter 1 Ngatiisei macomments nema likes.
❤️ 😢 🙏 👍 😂 😮 70

Comments