
COCO NOVELS
June 1, 2025 at 06:25 PM
https://chat.whatsapp.com/GhZJ2AxyEJT6SRTKF2WyVk
*For previous chapters ebook redu huyai kuchannel. Machapters ekumashure haawanikwe kuinbox yemunyori.*
https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q
*Vanoda kucommenter handei umu*
https://chat.whatsapp.com/Gf7kfO5VQiv922Uwyz2TfY
*❤🩹WHAT IF❤🩹*
Written by
Coco🦋🖤
Chapter 11
Camila..." Munotanga kuisa inini naPamela naCute uyu. Don't confuse inini nauyu she's my twin.
Yeah musikana aifara zvake. Ini nekusada kuzonzi nevanhu ndine godo ndanga ndisina zvangu kuenda kubasa asi ndainzwa kuda kuenda ini. Ana Tete vanga varara pamba pedu even ana gogo vanga vauya kubva kumusha just like zvavakaita paroora day rangu like everyone anga aripo. Pandakatomutswa zvese zvaindiitira kunge deja vu I guess it's because zvakamboitika but this time zvanga zvave kuitika zviri kuside kwaCam manje. Ndakagara zvangu pachair kwave kutanga kuiswa wig yacho nemusikana aivepo, Cam nefriend yake Cute vanga vakagarawo paavo machair vachiiswawo mawig hanty zvese zvanga zvakatengwa nekubhadharwa kare chedu vamwe kwaingove kugara pachair toiswa makeup dzacho nemawig zvemanails ndaisaiswa nekuda kwekubasa asi ana Pam vanga vakatoiswa zvavo nezuro.
Tete vakapinda muroom medu vachiita kupururudza zvaisada kutarisa kuti ndizive kuti nditete Sarah ava vagara ndivo vakaita kakuvhengedzera nedzungu, Tete Susan havamboite zvinhu zvakadai izvi.
Tete Sarah..." Ndiri kufara kani mwana wehanzvadzi yangu ayehwa wadadisa. Asi kwave kutonamata kaa kuti munyama wemumwe wako usauye pauri nekuti gore riya takanyadziswa kani.
Vakapedza kutaura vachitoseka like vari kutaura nyaya inosekesa ini ndakasiiwa naBless paye hapana chaimbonakidza mhani paye. Handina zvandakataura zvangu ndakanyarara ndakamirira mhinduro yaCam.
Camila..." Aah ende Tete futi. Makatarisa Grey uya munomuona akafanana naBless waPam uya. Grey akakuudzai wani kuti he is a man of his word nhai Tete. Ndiani aitisa zvese zviri pano handiti ndiye Grey iyeye saka why muri kumudoubter nhai vatete. Wangu munhu anondida manzwa hapana paangandisiye ndakamirira dhongi rakawora pano achinoroora chimwe chimbudziwo zvacho uko. He respects me Tete haangambode kundinyadzisa and chero zvikanzi haana kuuya imari yake yaanenge awaster nekuti zvese zviri pano ndiye aita unlike paPamela pekuti ndiye akabuda Mari yese paye achiitisa zvese, zverudo hazvidi kuzoperera zvakadaro tete. Kushandisa mari yako kuti uzonzwa kuti door ratovharwa.
Vakaseka kani iye natete vese nemafriends ake. Ndakazvibata kuti ndisacheme asi misodzi yangu yanga yave mumaziso chaimo umu asi zvakadaro ndakazvidzora ndikasekerera kuti vasaone kuti conversation yavo iri kundi affecter coz hanty vaitotaura zvekuti zvindirwadze zviri obvious.
Tete Sarah..." Haa bamunini vangu ndovatemba vaye kungotaurawo zvangu asi ndiri kutoziva kuti vari kuuya. Apa vaye Mari vanoita yekudonhedza kaa havarwadziwe kana pawakauya navo kumba kwangu uko vana vako vakasara vachifara vapihwa mari. Paye wakazvibatira mwana wehanzvadzi yangu zvasiyana nezvatanga taunzirwa naPam kuuya kuzodya mumba mangu kana kundipa chero dollar zvaro kwave kurega kuuya kuzoroora futi nxaa.
Vakaseka futi ende vakaenderera mberi nenyaya dzavo idzodzo kusvika pakabuda Tete ndikasara zvangu ndakatarisa Camila ndini ndakamupa Grey uyu after ambomuramba asi nhasi ave kuwana simba rekusimudza muromo wekumusoro newekuzasi achitaura shit about me vese natete zvazvo kuzvitaura pamberi pevanhu vese ava vasingazive nyaya yacho. Kundiseka nevanhu ivava here. Seipapa anga achiri kutonditaura neshamwari dzake nyangwe zvazvo Tete vanga vabuda.
Camila..." Matarisiro awakandiita bho here nhai Pam.
Ndakabva ndatarisa zvangu kuside handina zvandakataura kusvika pandaiswa wig iya vakandiita makeup ndikapfeka iyo hembe yandanga ndatengerwa nemaheels acho, iye Cam anga asina kupfeka yakaita seyedu aive nayo iri imwe colour hanzi ndozoipfeka tave kutorwa mapictures. Apa anga akapfeka dress rirefu remermaid style riri renavy blue rakanaka zvaro jealous down. Kusvika kwemota takakunzwa kuchiteverwa nekupururudza kwatete. Camila anga akamira pawindow akabva aita kusekerera achipihwa mahug nemafriends ake ini ndanga ndakaramba ndakagara zvangu zvanga zvave kutondibhohwa zvinhu zvese hameno not even kuti ndainzwa jealous but the way Cam was behaving unotoona change pamunhu ne2 minutes dzaanga awonana naGrey idzodzo.
Tete Susan pane pavakauya kuzotora Cam akazodzoka achitaura zvekuti anhonga mari handina kutodziteerera zvangu nyaya dzacho asi kudining ndaingonzwa kuchipururudzwa chete kuratidza kuti zvaifamba hazvo kaa. Nguva dzakafamba I think pakadarika 30 minutes here or is it 1 hour handitozive coz ndanga ndave kubatwa nehope kutobhohwekana chaiko dai ndanga ndazviendera kubasa kwangu zvangu pane izvi mxm. Tete Sarah vakazopinda vachipururudza ndivo vakatondimutsa ivavo nekuti ndanga ndave kutobatwa nehope zvangu ini.
Tete Sarah..." _Nhasi ndezveduwo, itai makorokoto gorokoto kwatiri wedu wadadisa wazvinzwa kaa, mazvinzwaka. Nhasi ndezveduwo itai makorokoto gorotoko kwatiri, wedu wadadisa. Wazvinzwa kaa, Mazvinzwa kaiwe._
Vakapinda vachiimba kudaro Tete vachiita kuzvizunza muviri wavo wese uyu kutamba nekufara nekuridza mhururu mukuimba ikoko. Camila akasimuka achisekerera.
Camila..." Zvaita here Tete.
Tete Sarah..." Ndafara mwana wehanzvadzi yangu haiwa ndadada newe kani ini. Mwari vazviramba zvekuti unyadzise sezvakaitwa nemumwe wako. Wafadza dzinza kana baba vako kwavari I know kuti he is smiling vakatitarisa, hii wandifadza kani. Bamunini kana kumbochema-chema Mari yataurwa ichingoiswa ndafara kani roora rese kupedzwa kudai pasina kana kuchema kana kudii haiwa kana nyadzi dzandanga ndakatakura kubva last year dzaPamela uyu dzabva dzapera kuti hwaa ko takanyadziswa kaa haisi secret chete ndizvo zvazviri wacho wamunenge muchitemba naye muchiti akadzikamira itsika yake kukunyadzisai kuti musvode asi Camila muzukuru kana yangu yuhwutete ndinoda kuhusvuura chaiko nekuti I'm happy, wadadisa kani wasimudza flag yekwaDube.
Tete Susan..." Asi Sarah kaa, Sarah, Mai Sthe ndakudeedza kangani. Urikunzwa sei uchitaura zvinhu zvakaipa kudaro about Pamela pamberi pevatorwa. Urikufunga kuti Pamela wacho ariku feeler sei uchidai. Kwaive kuda kwake here kuti asiiwe nhai, anga atiunganidzawo zvakanaka wani akarasiswawo usaite senge usina mwana musikana unobva waita kuseka kudaro kuburitsa mazino ese panze uchiseka mwana wehanzvadzi yako.
Ndanga ndambozama kuva strong asi ipapo ndakabva ndatanga kuchema ende Tete Susan vakazviona kwave kuuya kuzondi hugger vachindi puruzira kumusana.
Tete Susan..." Newe Camila uchiita kusekerera sister yako ichinyombwa kudai chiiko nemi vanhu imimi. Uchamudawo one day Pamela uyu kana watoroorwa munhu natsa kwawabva nekuti you never know zvauchanosangana nazvo neiko kusekenyeka uku tinoona wadzoswa pano waseka hama yemurume nekusakwana nxaa chirungu chaicho chinoti charity begins at home.
Tete Sarah..." Aah Pamela newewo unazvowo chokwadi wave kutochema zvatanga tichingo joker apa. Pane pawatukwa here Pamela nhai asikana mwana uyu kaa. Sorry kana paine patatadza kutaura Pamela newe Susan.
Tete Susan..." Pam pukuta misodzi iyi usadonhedzwe pasi nemashoko evanhu. Nguva yako yanga isati yakwana paye ndosaka usina kuroorwa paitove nereason nekuti Mwari haangosiye zvakaipa zvichiitika, mukomana uya aisave wako zvake saka don't cry hantika. Vamwe vese handei kudining tione newe Pam hande.
..." Ayehwa Tete endai honai I've ruined my makeup plus mood yandiri haitode ndiende kune vanhu vari kufara ndozoita kunge munhu ane godo ndabvirira kare ndakanyarara pachitaurwa zvakawanda zvinorwadza.
Camila..." Jealous ndoraunaro nekuti chii chinorwadza pachokwadi hauna here kusiiwa naBless inyaya yekunyepa here. Manje you are not going to ruin my day for me ende nezvima moods zvako izvi pamuchato wangu hauperekedze haiwa unodzosera zvinhu zvangu kumashure. Tete Susan kungotitsiura henyu asi you know kuti hapana atukwa pane zvataurwa natete Sarah chese ichokwadi.
Tete Susan..." Asi Camila kaa regai ndinyarare. Handei zvedu varikuenda.
Vakabuda wani ndikasara ndichibvisa maheels ndikapinda mumagumbeze chaimo ndikafuga musoro kwave kutanga kuchema ndakadaro ende ndakanzwa pakadzoka Camila achichinja hembe ndakazvinzwa zvangu kusvika paakabuda ndikasara zvangu ndakangofuga musoro wangu kana kutsva handina kumbokunzwa ini. Ndakazonzwa door ravhurwa ndikanzwa voice ramhamha vachiimba.
Mhamha..." _Maita mambo wangu nekundikomborera. Maita Ishe wangu nekundikomborera. Kana makomborerwa regai kuzokanganwa kutenda Mwari. Kana maropafadzwa regai kuzokanganwa kutenda Mwari._
Ndiyo song yavaiimba mhamha iyoyo kuratidza kuti vaifara zvee vanga varopafadzwa nekuroorwa kwemwana wavo. Ndakabva ndatanga kuchema futi ini saka inini ndini ndaive wekunyadzisa nekuchemedza Mai vangu asi Cam ariye wekungovafadza chete.
Mhamha..." Pamela muka apa tione ko chii nei usiri kuri kutorwa vanhu mapictures uko apa kupinda newig iyoyi mumagumbe here mwanangu.
..." Makorokoto mhamha this time hamuna kunyadziswa.
Mhamha..." Ko zviri kubva kupi izvozvo nhai Pamela, kunyadziswa kwei usandiudze kuti uri kufunga zvakaitika last year.
..." Ndingatadze ini ndiri kungoudzwa zvinhu izvozvo pese pandinenge ndangoti ndifare. Endai munofara zvenyu nevanofara mhamha handidi kuzoita senge ndine godo.
Mhamha..." Ndianiko ari kutaura nyaya yelast year iyoyo nhai aah zvinhu zvacho.
..." Mazita anourayisa mhamha regai ndirare zvangu muno, farai nevamwe uko. Hanzi muchato uriko riinhiko.
Mhamha..." Zvinhu zvacho zviri kungoitwa fast izvi hameno ari kumhanyira kupi muzukuru wamai James. Muchato wanzi next week but one zvekuti kutanga mangwana kwave kutogadzirira muchato uku.
..." Inga zvakanaka nhai. Chienda munofara nevamwe mhamha don't worry about me.
Mhamha..." Ndofara seiko ndichiziva kuti mumwe mwana wangu arikuchema kuno nekuda kwemashoko evanhu. Rega ndinowana wandinotuma nechikafu udye.
..." Ayehwa handina appetite mhamha.
Vakaramba vakanditarisa vachibva vazosimuka kwave kubuda apa vanga vakachena zvavo mhamha vangu. Ndakasara ndakarara zvekutobatwa nehope ndikazomutswa nenoise panze zvadaro zvakafamba zveroora day raCammy akatouya achindiratidza engagement ring yake saka noise yanga yaitika kwanga kuri kufarira engagement nhai ndakangosekererawo ndakatarisa ring iya apa anga ave kuda kutaura neni zvemuchato wake ndikanyatsomuudza ini kuti idzo usandiudze wati handisi part of your wedding.
Madays akafamba vakanochatira kucourt first ana Cammy ende ana gogo havana kuzombodzokera kumusha kwanga kwangove kumhanya-mhanya nedzemuchato ini ndaitozviendera kubasa kwangu zvangu. So maplans aive ekuti Pam aibva aperekedzwa kumba kwana Grey manheru eday remuchato vanga vasiri kuita zvehoneymoon ndofunga. Ini ndakatotengerwa hembe yekupfeka asi zvekuva bridesmaid ndakaramba zvangu nekuti Cam anga azoti hee ndataura zvekutsamwa hee I didn't mean it ndikati mashoko anotaurwa mukutsamwa ndiwo echokwadi iwayo ehe that's how she feels hakusi kunyepa manje. Wakasvika musi wemuchato tikaenda ndipo pandakatoonawo Grey ndanga ndave nenguva ndisina kumuona munoziva, mhamha vanga vakati ndikuti bamukuru.
Vakachata zvavo vakaita mavows avo nekupfekedzana maring nekakiss kanenge vanhu vari kutyanana kunge malearner nhai ndakatoseka zvangu. I was happy for Cam chero yanga iri arranged marriage anga adadisa and inini namhamha tisu taizviziva kuti it's an arranged marriage ana Tete vanga vasina kumboudzwa nehama dzese ende vaitoti imarriage yekudanana mhamha vakati tisaudze kana munhu nezvei arranged marriage iyi. So ana Tete vakaramba zvekuti Cam ayende kwana Grey day remuchato vachiti varikuda kumbomuraira so aizoenda Sunday yacho kunoperekwa hameno aiyendeswa kupi Mai James vanga vasinawo kana kumbotaura.
Ndakanzi ndipindewo mairairwa Cammy. Manga muinana Tete nanagogo. Takapinda busy kani chiiko chatisina kudzidziswa nekuda kwekumhanyiswa kwezvinhu anga asina kuitirwa bridal shower iye Cam so takadzidziswa zvese mabatirwo emurume, kubika, kugeza, zvemubedroom ndanga ndave kungonyara asi vanhu vataive navo ndivo vaive neyese manje haiwa vaibva vaita neaction zvaibva zvaita kuti ndingoseka zvangu but akadzidziswa zvakawanda hake Cammy and I was happy for her iye aifarawo zvake.
Akaperekedzwa nanatete inini akanyatsoramba kuti no handidi kuti Pam avepo pandinoendeswa kwana Grey handidi kuperekedzwa naye, ndakangotiwo zvakanaka ini ndaitodawo kutozorora ana Tete ndivo vaizvinetsa nekuti hee toda azive kunonzi kuita chiroora kuitira paachazoroorwawo zvipikowo akavaudza kuti ndoda kuroorwa ndiani nxaa fanika Tete Sarah ndanga ndatoita kakuvavenga zvekuti dzimwe nguva ndaivapindura rough hanty ndivo vakatanga kungotaura zvakaipa nezvangu nxaa. Cam paakaenda tese namhamha takatochema munhu watajaira kugara naye kaa uyu asi iye kana kudonhedza musodzi aitofara zvake apa vakauya kuzotorwa pagedhi pedu chaipo, Grey anga atumira mota nadriver coz Cam anga aine tumikwende kaa.
End of Chapter
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
1.1K