COCO NOVELS
COCO NOVELS
June 2, 2025 at 11:33 AM
https://chat.whatsapp.com/GhZJ2AxyEJT6SRTKF2WyVk *For previous chapters ebook redu huyai kuchannel. Machapters ekumashure haawanikwe kuinbox yemunyori.* https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q *Vanoda kucommenter handei umu* https://chat.whatsapp.com/Gf7kfO5VQiv922Uwyz2TfY *❤‍🩹WHAT IF❤‍🩹* Written by Coco🦋🖤 Chapter 12 *CAMILA* Tete Susan..." Mmm better tave kuzvipedza zvechiroora izvi ini ndaneta ndave kuda kuenda kumba ndinorara zvekukanganwa chaizvo. Muchato wekumhanya-mhanya uyu manga manonokerwa neiko ana Cammy mmm I'm so exhausted kuita 2 weeks dzekushaya kana rest. Apa kutotanga nekuenda kuDema nekuti vana vako ndiko kwavari kaa dai vakangoenda nababa vavo kumba haiwa. Tete Sarah..." Asi mari tatora hedu, tinga complainer asi mari tinayo tomboendawo kuma massage kaa timbonyatsoshandisa iyo mari yabamunini iyi. Vanhu vane mari havaomere zvavo kuita kuburitsa Mari kudaro. Tete Susan..." Uyu kungofunga mari pese pese ana Mai Sthe takamirira pacharoorwa wako wakafitira kucharger mari inotyisa iwe. Cam muzukuru kungotaurawo zvangu asi ndafara ayehwa wafarirwa kani urikuona kuti ndiwe Mai vanga vakatomirirwa kaa nekuti murume wako ndiye mukomana muhombe mumba mavo. Uve munhu anobatanidza hukama kwete anopesanisa handidi zvekuzodanwa kutumatare tusina basa nekuda kwekusagona kuvhara muromo kwako. ..." Asi Tete munenge muchingondifungira zvakaipa chete. Tete Susan..." Kana ndinenge ndichitaura zvinhu zvechokwadi. Wakambonetsa iwe uchiputa mbanje nekunwa doro nekuita zvemaparty hanzvadzi yangu ikandifonera ichiti Sue hanzvadzi Camila ndamutadza chimbotora muzukuru wako ugare naye kutaura chokwadi vairwadziwa baba vako chinhu chinorwadza kuti mwana wako anofamba negwara risina kururama asi now I'm happy hauchapute mbanje and you are now a married woman please usadzokere kumbanje uko. Tete Sarah..." Nhaiwe Suzy zvinhu zvekutaura pano pamba pevanhu here ko ukanzwikwa nhai. Takamuraira wani tisati tauya pano. Cam munhu akadzidza uyu anotoziva zvaanenge achiita. Tete Susan..." Usandirambidze kutaura Sarah nekuti Cam uyu anoita zvinhu zviri wrong unonzwa wave kufonerwa kuti Cam haana kurara pamba then what ini handidi zvekukavhira munhu pazvinhu zvakaipa nekuti handisi pfambi ende handina kumbobvira ndakaita maissues kwandakaroorwa. Iwewe Sarah kungotaurisa zvako but zvaiitwa naCam uyu hauna kumbobvira wakazviita muhupenyu hwako. ..." Tete ndachinja wani ehe ndakatadza but that's all in the past. Ngatichinjei nyaya please zvikanzwikwa pano hanty vanhu vanototanga kuita madoubts pandiri. Ndakadaro ndichitocheuka kutarisa kumashure kuti hapana arikuuya here. Taive pakati pekusuka ende taisukira panze nekuti yanga tabikira pamoto panze ipapo so taikwesha mapoto. Zvinhu zvangu zvese zvanga zvafamba zvakanaka, kuroorwa zvakanaka kusvika pakuchata zvangu zvakanaka zvese zvakarongeka ndainzwa kufara chaiko ende apa ndanga ndangofarirwawo nehama dzaGrey coz ndanga ndauya kuzoitira chiroora kuMandara kumba kwabamunini vake and hama dzake dzese dzanga dzakaungana ipapo hapana anga ambondishorawo kana kunditarisa zvekusandifarira. Takasuka kusvika tipedze tanga tachinja nyaya, Tete Sarah ndivo vanga vave kutaura zvekushora dzimwe hama dzedu dzanga dzauya kumuchato vachingotaura hembe dzavanga vakapfeka nemamwe maspeech. Tete Susan..." Ko hauna kuzondiudza kuti nabamunini makasangana kupi kaa. Ndanga ndakanzi namhamha ndisaudze vanhu kuti it's an arranged marriaged zvekuti it was our little secret naPam naivo mhamha so ipapo ndakatomboshaya kuti ndonyepera Tete kuti chii asi ndakabva ndabatsirwa natete vaGrey vakasvika vachitaura nana Tete hameno mari yavakavatambidza inenge yekubika kwatanga taita ko hanty taingopihwa mari pazvinhu zvese zvatinenge taita. Takapinza maplates mumba kwave kuenda kuroom yatanga tanzi tirare. Tete Sarah..." Isu pedu tapedza kaa pano nhai Sue. Cam handei kune vamwe tinowonekana kaa nehama dzako idzo. Takabuda tikaenda kusitting room ndiko kwaive nevanhu vese naiye Grey wacho. Takagara zvedu pasi chaipo tanga yakamonera mazambiya kaa, unotongoona kuti imba iyi zvasiyana nekwedu kuDema uko. Kune vanhu vane mari dzavo shame. Ana Tete vakawoneka zvakanaka paye vakapindurwa zvakanaka asi zvakazonzi natete vaiye Grey since inini ndiri kuenda kumba kwangu as in kumba kwaiye Grey nhasi, zvakanaka kuti ana Tete vatange vanondisiya ikoko vachionawo pandinogara then vozoenda zvavo kudzimba dzavo havana kuramba ana Tete vangu, takanotora mabags edu tikanopinda mumota yaiye Grey ko iye anga akangonyarara kuti zii. So takapinda mumota imomo nana Tete vangu, nevamwe Tete vaGrey then namai James futi vaiti vari kubva vadzokerawo kuDema kumba kwavo. Takakuenda wani kumba kwacho kuMount Pleasant Heights uko. Ndagara ndozviziva kuti Grey ane mari but imba yake aah heaven on earth kana yabamunini vacho yandanga ndambochiva inotopetwa ka10 chaiko. Ana Tete vangu ndaingovaona vachitarisa tarisa. Ukaona Tete Sarah vashaya zvekutaura oziva vashamisikawo. Kuzoti patakaenda upstairs aah apa ana Mai James kana kushamisika kuratidza vanoiziva kaa imba iyi asi ko ivo why vachigara kuDema nhai coz hama dzavo dzese dzinoratidza kuti dzine mari ivo havo imba yavo yekuDema yakanaka but zvasiyana kaa nekugara kuma low density kuno, uko kuDema kunotoita sekumusha chaiko coz vamwe vane maround huts padzimba dzavo. Tete Susan..." Taiwona imba bamunini ayehwa mune pamba penyu pakanaka zvekuti. Mainini mochisarawo muchigarisana zvakanaka nabamunini nhaika nemiwo bamunini mogarisana zvakanaka nemunin'ina wedu uyu kana paine zvanetsa munongofona kwatiri kwete kunyara tiri vana Tete isu zvakangofanana nekuti tiri vakadzi venyu tese takadai. Zvavakataura pekupedzesera zvakaita kuti vanhu vaseke zvavo. Grey achibva ati tiperekedze ana Tete kuDema, vamwe Tete vake takazonzwa kuti vaiyendawo kuDema ikoko kwamai James so takapinda futi tese mumota apa kwanga kwave kumazuvarodoka tikanosiya ana Tete. Ndakapinda mumba zvema two minutes ndikangomhoresa mhamha nanagogo kwave kutobuda nekuti ndanga ndakamirirwa kugedhi. Pamela anga asipo hanzi anga ayenda kubasa. Takabva kuDema kunze kwatoita kakusviba and ndakafara kuti tanga tasvika Pam arikubasa. Grey..." Now we are officially Mr and Mrs. ..." Ehe and I'm so happy. I know this is an arranged marriage and now tese maybe we just like each other but nekufamba kwenguva tinokwanisa kutozodanana here coz this is forever right. Grey..." Asi hatisi kutodanana izvozvi. Grey anoda kuti ndimelter hanty. Ini kwaingovewo kubvunza but ndaitoziva kuti ndave murudo nemunhu uyu kare. ..." Handizive Grey ndinenge ndichitoda undiudze kaa. Grey..." Tave kutofanha kudanana just like any normal husband and wife. Ehe this is forever handingambochate kuti tizo divorcer coz vana vedu vanozodii. ..." Vana? Grey..." Ehe ndiri kutoda vana as soon as possible, hapana need yehoneymoon phase yekuti hee tisina vana ayehwa tinozoita zvese izvozvo tatove nemwana wedu kana one. Why wavhunduka asi uri virgin? ..." Handisi asi waida mhandara yakakwana kani Grey. Grey..." Ayehwa I didn't even expect you to be a virgin at 26 here plus zvichiine basa zvevirginity zvacho here mazuvaano hanty dai zviine basa ana Tete vaizobva vawona jira rewhite what what zvaiitwa kare. ..." Ehe haa chete zvinhu zvachinja mazuvaano. Ndizvo zvandakaita izvozvo nditori nestress yekuti kana achida mwana as soon as possible then ndinenge ndave kufanha kunobviswa jadel kaa. Semunhu aimboitawo zvemafaro ndanga ndakaiswa jadel zvangu kuitira nhumbu coz with condoms zvinogona kuenda nepamwe kaa plus ndaigara ndichienda kunoitwa matests eHIV nemaSTIs kutotya zvirwere zvangu asi ndisingatye kuita sex kwacho. Ndakati handimboudze Grey nezve jadel ndinongotaimirira ayenda kubasa ndoenda kana pa24 hour iri padhuze ndonobviswa zvinonetsei hanty macards angu ndichiinawo but nyaya iyoyo yakaita nditombonyarara ndave kufunga manje kuti why ari kuda mwana zvekumhanya hanty tofanha kumbozivanawo here tisati taisa mwana muequation iyi nhai. Grey..." Chii ko wanyararirei. ..." Kutoneta zvangu madays adarika ndaive busy zvekuti ndichigadzirira muchato. Dress fitting, kunoona venue, cake tasting iiih zvinhu zvacho zvanga zvakaoma apa iwewe waingoburitsa zvako mari but usingabatike. Grey..." Yeah kubasa kwanga kuri busy zvekutodaro. Ko waidii kubatsirwa naPamela iye why usina kumuisa pama bridesmaids ako and why asina kuuya newe nana Tete. ..." Akaramba kuperekedza muchato wangu hanzi handiwane time yekugadzirira nekuda kwekubasa then nhasi apa atori kubasa so that's why ndakauya nana Tete chete. Pam is always busy wakaona even day rawakandiroora akatobuda zvinhu zvese zvisati zvapera achienda kubasa. I don't even know why asina kukumbira kupihwa maoff days pama special days angu inini mutwin wake maybe she didn't want to be part of zvinhu zvangu coz iye zvake zvakatadza kubuda or maybe ijealous hameno. Grey..." Hoo day rekuroorwa kwako akabuda titoripo handina kumbozviona ndaive busy. Ko apa anoshanda kupi tidarike nepabasa pake tichitenga food coz nepave nenguva plus kuneta obvious kutongosvika nekurara. ..." Food unotenga mutown aah panoshanda Pam hapana kana parking apa saka mota tinodii nayo plus hapasi safe pane mbavha paarea iyoyo obvious hauzvizive coz hausati wambopaenda paMakoni nzvimbo dzemughetto hadziite idzi. Grey..." Hooo. Ndizvo chete zvaakataura aah iye nenyaya yake yekungoti Pamela kaa iyi kaa ndinobva ndanzwa kusvotwa nhai. Takazonotenga chikafu chacho mutown zvekuti Grey awone Pamela kana bodo ndanga ndazviramba, kuchengetedza territory yangu chaiko haiwa. Zvadaro takaenda kumba but nekuda kwekuneta takangosvika nekutoenda kunorara mumaster bedroom iri upstairs apa mabags angu ndanga ndisati kana ndarongedza zvanga zvingori pasi zvinhu zvacho here. Makuseni Grey akamukira kugadzirira kuenda kubasa ini ndikatomukawo sezvandanga ndaudzwa natete ndikanomubikira nekumubvunza zvaaida kupfeka ndikamuburitsira, ndaida kunyatsova mukadzi akanaka kwaari zvekuti anokurumidza kundida nekuti ini I was already in love so plan yaive yekuti Grey anyurewo seni. Handina zvizhinji zvandakaita coz ndanga ndaudzwa kuti there's a lady anouya kuzocleaner so pakauya mukadzi iyeye ndiye akabva atanga kuita basa rese ini ndakangoita zvekubedroom kwangu chete nekurongedza hembe dzangu mucloset I had to make space for them coz dzaGrey dzanga dzakawandawo kaa ndichipedza ndakabva ndatopinda kugeza. Ndikanva ndanobvunza Mai vanocleaner kana vachiziva any clinic, 24 hour or hospital iri padhuze coz ini ndaitovewo munyowani kuMount Pleasant Heights ikoku and I know zvainditorera time kuti ndizojaire nzvimbo yacho. Vakandiudza nezvepa Royal Heights Medical Center ndivo vakatozondiperekedza panoendeka zvapo netsoka ndikabhadhara mari yangu ndaive nayo kaa yandakanhonga pandakaroorwa plus yataka sharer nana Tete pane yepatakaita chiroora. Vakandibvisa jadel riya ndikabva ndatopihwa mapills ekucleaner chibereko nekuti ndanga ndave kutoda kukurumidza ndaita nhumbu yacho ndifadze wangu murume pamwe mwana iyeye ndiye anobva aita ndinyatsodiwa coz ndanga ndanzwa nematauriro ake kuti mwana ari kunyatsomuda zvemashuwa. Ndichipihwa mapills angu takabva tadzokera zvedu kumba asi Mai vanocleaner ava ndanga ndisina kumbovaudza zvangu zvandanga ndaendera paMedical center. Ivowo vakangoti vachipedza basa ravo nekutoenda ndakafarira kuti ndistay out maid coz zvekugara nemusikana webasa handina kumbobvira ndakazvida zvangu. Kumazuvarodoka ndakatanga kubika and I made a special meal for my husband ndichibva ndanogeza kwave kupfeka kadress kangu kapfupi kanonyatsofita kachisiya zvidya zvese panze necleavage iyi. Ndakatoshaya macandles aye ekuti zvinhu zvangu zvinyatsove romantic asi ndakasetter table yangu zvakanaka ndikatanga zvangu kutenderera ndichiona imba yangu yese room by room ko imba yangu kaa hanty ndini ndatove madam vepano. Grey wacho akazosvika ndatogara zvangu pasofa kunze kwanga kwatosviba zvako. Achisvika ndakanomutambira ini ndikamuhugger and he was surprised why I don't know coz I'm his wife kaa. Ndakatora laptop bag rake ndikamubvisa bhachi rake netie ini handinyare ini ndakabva ndatomukisa just a peck pamuromo apa then I led him to the dining room. Ndakamupakurira chikafu chake tikatanga kudya, tichipedza ndakamubata ruoko ndikaenda naye kubedroom ini handinyare manje saka aah akashamisika nezvandakaita but ndakaona kuti akazvifarira ini coz we had the night of our lives husiku hwese tichigadzira mwana waanga ati arikuda iye Grey hameno nhumbu yacho ndaizokasika kuiita here coz mapiritsi ekucleaner chibereko ndanga ndichangotanga kumanwa kaa. End of Chapter
❤️ 👍 😂 🙏 😢 😮 923

Comments