COCO NOVELS
COCO NOVELS
June 2, 2025 at 06:43 PM
https://chat.whatsapp.com/GhZJ2AxyEJT6SRTKF2WyVk *For previous chapters ebook redu huyai kuchannel. Machapters ekumashure haawanikwe kuinbox yemunyori.* https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q *❤‍🩹WHAT IF❤‍🩹* Written by Coco🦋🖤 Chapter 13 Pakambosarawo hama kaa zviya zvekuti after muchato vanenge vakabva kure vanenge vari pamba asi vese vakazoenda kudzimba dzavo tikasara two namhamha ndiko kwanga kwave kutongogara kwedu tiri two zvekuti kubasa ndakatokumbira kuti vasanyanye kundipa maafternoon shifts kuti ndikurumidzewo kudzoka kubva kubasa ndiwane time namhamha. Ivo mhamha vacho vanga vave kunyanya kuva lonely and obvious zvaibva zvaita kuti vatange kufunga daddy atleast Camila paanga aripo vaimbowanawo munhu wekuswera vachitaurawo naye nyaya nekuseka naye manje apa zvanga zvakatongooma. Apa iye Camila taimutaurawo sei, she was so happy when she got married shame kusiya Grey for her was the best decision I have ever made I guess. Mafirst days takambomusiyawo kaa hanzi namhamha munhu haadi kunyanya kufonerwa kana kutaurwa naye achangapinda mumba tofanha kumupa time nemurume wake so we did just that asi ini ndakazotanga zvangu kumufonera kutomusuwa mutwin wangu manje iye kana ndikafona aisada titaure kwenguva refu and mostly maconversations ake aingove my husband this and my husband that, Grey adai hee Grey bought me a car as a wedding gift most of the times aingo bragger paphone zvekuti unopedzesera wangobata phone iye achingotaura chete apa ndini ndinenge ndafona imagine kubhohwa kwazvo. Iye hapana kana one day raakambondifonera kana kusender message yekuti Pam urisei ndini ndaingomutanga pese imagine and it went on for about 3 months ndipo pandakazoona kuti mmm munhu wandiri kutsvaga uyu haanei neni ndini ndiri kutozvinetsawo then ndichibva ndamira kumufonera kana kutaura naye. Ndaingoona mastatus ake ekuwanda aaiposter aripa swimming pool, arimumba, ayenda kudinner naGrey aingogara achiposter musikana agoti anga atengerwa phone ine picture quality yakanaka handizive hangu kuti ndeipi yacho handina kubvunza. Ini handinyanye kuposter pastatus kaa so here and there pandaingoisawo zvima memes kana zvima quotes ndaitoona avhura zvake but tisingataure tese and it went on for like 2 months zvekuti anga ave ne5 months ari married manje and tanga tisina kumboonana pa5 months idzodzo kwaingove kumuonera pama status ake iwayo. Mhamha..." Pamela kudada here kana kuvhaira pese paunoita off unenge uri pano whole day. ..." Ko munenge muchida ndiswere kupi mhamha pane kutongoswera nemi nhai. Mhamha..." Ko kuenda kwemutwin wako nhai, kungonoonawo pakagara mumwe wako kana iye murume wake haati unodada here nhai otoshanyirwa nehama dzekure uko iwewe mutwin wake uripo. ..." Mhamha munhu anoenda kwaanodiwa plus kwaanenge adeedzwa. Zvekungoronga rwendo rwekuenda kumba kwemunhu usina kudeedzwa ndipo pakasvika asipo then what. Mhamha..." Ko hanty munotaura pamaphone here nhai Pam. Ndakakurerai makabatana wani nhai mwanangu ipapa munofanha musingatode kana kusiyana. ..." Ndotaura nemunhu anoda kutaura neni. I'm sure maizvinzwa ndichiedza kutaura naCam, kumufonera nekudiiko but iye haana kumbobvira aitawo zvakadaro ndikati maybe she is busy but munoziva here kuti tave ne2 months tisingataure, so why should I force her kutaura neni kana kuenda kumba kwake. Camila ndinotomuda sesister yangu but kana asina basa neni ndinongomusiyawo mhamha and I will love her from a distance. Mhamha..." Hayas ende zvakaoma asikana ndichataura naye kana achidaro ari kukanganisa. Ko iwe nei usingabudewo pamba toti hausi kuenda kwaCammy kwacho asika munhu wezera rako angangopedza maoff ake akagara. Ndaiziva zvangu zvavaireva so ndakangoseka ndichibuda mudining matanga takagara, ini zvekuside kwerudo nemarelationships zvanga zvakatondidhakwira. Ndofunga kuti ndakura hameno but kana kubasa vese vaikumbira number dzangu unotoona kuti munhu uyu ari married nekuti anenge akatopfeka ring kana kuti anenge ari zera rekukwanisa kuita baba vangu so ndanga ndatombosiya zvekufunga zvekupinda murudo ndave kungomirira nguva yaMwari nemunhu wacho wandakanyorerwa naMwari that's if kana ariko unogona kungomirira kaa iyo soulmate yako yakatofa kare kana kuti isiri muZimbabwe zvekuti unofanha kutobuda muZimbabwe kuti unomuwana. Musi weoff yangu ndipo pandaipinda busy yekunyatso cleaner mumba coz mamwe madays ndinenge ndangotsvairawo asi mhamha vanenge vaizosara vachiita zvinhu chaizvo nekuti unotongoonawo kuti mumba makachena umu even pakuita deep cleaning ipapo. Tave kutodya zvedu chikafu chemasikati ndipo pakatanga kuringer phone yamhamha vachibva vatoidaira vachiisa paloud speaker, ndakatozvinzwa kuti ndiCamila paakatanga nekungotaura. Camila..." Mhamha nei musingade kuuyawo kuzoona pamba pemwana wenyu nhai kunyara mukwasha here nhai. Mhamha..." Ini ndinotozouya after gore chairo zvingaite kuti mwana asati ave nenguva apinda mumba Mai vongotanga kushanya here zvinoita senge ndiri kuda kunyanya kupihwa nemukwasha. Ugoona ndanga ndichitoitaura nyaya iyoyo naPamela makuseni ndichiti nei asingauye kumba kwako, uyu ndiye sister yako kaa munogona kana kutoita mwedzi wese ariko zvake ikoko pane kuti inini ndochitanga kunorara mumba memukwasha aah it's to early mwanangu. Camila..." Matanga mhamha zvekuita senge muri ana Mai vekudhara zvine basa rei nhai zvekuuya kuzorara mumba memukwasha. Arisa Pamela handidi zvangu kumuona mumba mangu, ngaagare kwenyu ikoko kana kushanya zve1 day no handitode even zve1 hour handidi Pamela mumba mangu kana pamberi pemurume wangu maybe kana avewo newake murume eheka ochishanya kwete ari single kana handidi zvangu miyedzo pamberi pemurume wangu, Pam garai naye ikoko ndoonana naye ndauya. Mhamha vakanditarisa so coz ndanga ndatomira kudya ndatarisa paphone pavo ndofunga iye Cam anga asina kumbozviziva kuti ndiripo ende ndiri kunzwa zvaari kutaura. Mhamha vakashaya kana zvekutaura ndikabva ndango smiler zvangu vanga vazvinzwira vega hanty. Camila..." Mhamha muripo here kana kuti network yangu yave kuita problem. Vakanditarisa futi mhamha kwave kutarisa phone yavo. Kunyarara kwavo kwakaita ndiite maquestion marks coz havangonyarare kaa asi vanombondinyeya naCamila ndosaka zvanga zvamuitira easy kaa kungorutsa mashoko kudaro. ..." Chii ko ini muri kunditarisirei. Pindurai married daughter wenyu uyu. Zvinobva zvaita senge maybe ndiri kunyengerera kuenda kumba kwaCamila. Camila..." Aah mhamha ndiPamela kaa uyo. Haa mhamha imimiwo futi azvinzwa zvandanga ndichitaura here aah. ..." Usati wacutter zvako call Camila usatye sterek nezvangu my dear kumba kwako handitsike chero ndavewo newangu murume kwako kumba ukaona gumbo rangu iri richipfuura neko richeke zvako handiti. Haana chaakataura akabva acutter call asi zvandanga ndataura anga azvinzwa. Ndakaseka zvekuda kudzinga misodzi kuti ndisacheme coz ndaitonzwa kurwadziwa so ndakaseka ndakatarisa mhamha avo vakabva vatarisa pasi. Ndakagadzika plate yangu patable kwakuisa zvangu spoon muplate ndichibva ndanwa mvura kwave kusimuka. Mhamha..." Ko wave kuenda kupi usina kupedza kudya. ..." Handichade chikafu ini, I've lost my appetite. Handina zvangu zvakawanda zvekutaura asi why do I feel like munomboita maconversations akadai naCamila anyway it's fine mhamha it's fine. Grey uyu waave kudada naye handisirini ndakamupa here ashora achiti Amerikana nhasi zvave kutapira ndave muipi asi anofunga kuti ndinomutorera Grey wake kani takangofanana wani kana pari parunako nebody kutyira hunhu hwake kaa kuti hunopusher murume wake kwandiri, hayas ndaona zvakawanda zvangu ini Pamela musi weroora vaindiseka natete apa asi kwaive kuseka kwekuti anotya kuti ndotora murume wake manje I'm not a marriage wrecker inini handina hutsinye zvangu asi ndichida kumubhohwa ndomu unblocker Grey wake uyo nxaa anondivengerei sendakamutadzira paachafona futi mumuudze kuti hanzi neni to hell kambwa kemunhu kaCammy kenyu kuita tuma insecurities twekushaya coz she know kuti she can't keep a man ndosaka akazochemera wearranged marriage waanga ambodadira nxaa. Ndanga ndatotsamwa ende ndakabva ndatobuda mudining ndichienda kuroom kwedu kwandakasvika nekuzviuraya zvangu nekuchema ndichinyatsofunga kuti Cam ndakamutadzira chii zvekuti anobva andivenga zvakadaro, you could hear the hate in her voice and obvious ndiGrey asi anga akahinter kuti anondida kuna Cam kani asi achindida how zvakandinetsa asi shungu dzangu dzese dzakaperera mukuchema ende handina kutozobuda kusvika manheru ndanga ndakiya door zvekuti paka knocker mhamha door ndakava ignorer zvangu. Ndakaita week rese ndisingataure navo mhamha, mwana wavo haangandiite senge muroyi votadza kumutsiura kaa ndanga ndakatobatikana ndizvo zvaiita kuti ndisataure navo ndai avoider kuzovaudza mashoko asiriwo coz she is my mother. Saturday yacho ndaiyenda kubasa masikati so ndinobuda kuma12 kuitira ndisvike kuma3 kuno kwatinogara kunonetsa transport ndogona kutoshaya combi ndozoiwana kuma 1 then yotenderera kuti izozara tizoenda coz masikati kunenge kusina vanhu kaa apa macombi acho haayende kana asati azara zvinobhohwa shame dai pasina kuti handidi kusiya mhamha vari vega ndainozvirojera zvangu kuChitungwiza padhuze nepabasa. Ndave kuda kutobuda ndakanzwa sound inenge kuvharwa kwedoor remota ndikatarisa nepawindow ndikaona kari kaCamila kaipinda pagedhi. Anga akachena zvake akapfeka maxi dress netuma sandals. Ndakabva ndangotora bag rangu nekutobuda ndaisada kutaura naye. Mhamha vanga vakagara mudining handina kana kuvawoneka ini ndakangobuda ndikavanzwa vachindideedza ndikava ignorer. Ndakapesana naCam padoor chaipo ini ndichibuda iye achidawo kupinda. Hapana akataura nemumwe iye akangonditarisa achibva andipima ini ndakangofamba ndichimudarika. Mota yanga yamusiya yanga yatoenda zvayo so ndakabva ndangobuda zvangu ndikafamba ndichienda kumacombi. Ndaitove busy kufunga zvangu kuti ndobva here pamba pedu ndinoroja kwangu ndega pandakanzwa zita rangu kudeedzwa, ndakatarisa kumashure kwanga kusina munhu pakuzotarisa kudai ndakaona mota yanga yaitofamba slow zvaiyenderana nepace yangu yekufamba yanga yakavhurwa window zvekuti ndakatonyatsoona Grey akagara pasteering paye. Ndakabva ndatotanga kufambisa ndiye arikundivengesa nesister yangu iyeyu. Grey..." Pam kani chiiko asi takatukana kani zvawabva waita kunditiza kudaro tiri hama wani. ..." Makadii henyu bamukuru. Akaseka zvake Grey anga amisa mota even inini ndanga ndamirawo but ndanga ndakamira zvangu kure nemota handina kuda kuswedera padhuze nayo ko kana Cam akabuda ondiona ndakazembera mota yemurume wake handiti ndiko kuzonzi hee chakati ipapa. Grey..." Stop it Pam, I'm Grey to you zvekuti bamukuru zvabvepi. Pinda kaa mumota ndipfuure ndichikusiya pabasa pako. ..." Thanks but ayehwa ndiri kunokwira combi. Ndinotokutii bamukuru ndihwo hukama hatisi shamwari kaa nhai bamukuru. Ndakataura ndichitofamba kubva pamota pacho iye Grey wacho achibva atoseka ungati zvandaiita zvaitomuitira senge joke zvake. Akafambisa futi mota yake zvekuti ndakabva ndamira iye achibva amirawo. ..." Chiiko veduwee. Ndanga ndave kutobhohwekana coz tanga tichiri muraini medu and ndaingofunga kuti Cam anogona kungobuda pagedhi then what nhai ndobva ndaita sei kana zvadaro. Grey..." Pamela pinda mumota kana kuti urikuda kuti ndibude panze ipapo ndikutakure ndikuise mumota. Chero ukada kumhanya haundisiye mupfanha. Ndakaridza tsamwa ndikaramba ndakamira. Pandakaona avhura door rake ndakabva ndakurumidza kuvhura door ndichipinda mumota macho, aigona kungonditakura kaa zvaanga ataura ende ini zvekumhanya izvi ndagara handitogone so ndakapinda mumota muye ndikabva ndavhara door fast iye Grey wacho akadzoka mumota achiseka kwakubva atanga kudriver. ..." Hapana chiri funny apa. Grey..." Shuwa why did you push your sister kwandiri wadaro uchibva wandi blocker nekundi avoider zvekusvika pakuti hausati wambosvika kumba uko. ..." Mmm kana tisina nyaya ngatinyararei zvedu. Grey..." No I need to know Pam, pacall iya you didn't explain to me zvakakwana and when I tried calling back wanga watondi blocker, did I do something wrong. Ndakaona senge tanga tatowirirana ini. ..." You married my sister wani and I'm sure by now you are so much in love and happy. I'm also happy for you guys. Grey..." That doesn't answer my question. Is it because of what that boy did to you, is that why you pushed me kuna Camila. ..." Which boy kana zviri zvaBless zvawakaudzwa naCamila handitode zvangu kuinzwa nyaya iyoyo kana tisina nyaya ngatinyararei. Grey..." Seems like you are trying to protect yourself nekuchengeta zvinhu zvakakurwadza. Why can't you let me in. ..." Saani nhai bamukuru, munhu wandanga ndakajaira akafa ini. Ndisiyei ndizvi protecter it's fine. Grey..." Saka uchauya kumba kuzotishanyira riinhi. Ndakakurumidza kubata muromo wangu ndanga ndave kuda kutotaura zvekuti Cam akandirambidza but ndakazofunga kuti ko akamubvunza. Ndaisada kukonzeresa mumarriage yavo so ndakangoti ndichauya ndinenge ndiri busy nebasa. Grey..." Kana mazoita free muzouyawo kuzotiona kana usina Mari yetransport ndokupa kana kutuma driver. ..." Okay ko why apa maperekedza Cammy mukasapinda mugedhi. Grey..." Ndiri kumhanyira kubasa ndafonerwa kunzi pane mapapers arikuda signature yangu. ..." Hoo ko adii kudriver ega Cam hanty ane mota yake here. Ndakatozoona kuti zvandataura hazviite ndatotaura kare. Iye akangoseka Grey akati Cam anga ati haagone kudriver kumaroads ane dust nemakomba seeku Dema kwedu. Ndakati andisiire pacorner peSpecies college, so ndipo pakamiswa mota ipapo pagara ndipo pandinongosara kana ndakwira macombi etown. ..." Thank you bamukuru, ndokuonai. Grey..." Undi unblocker Pamela hatina kutukana isu plus ndofarira kutaura newe uri calm iwe pane sister yako. ..." Musanyeye sister yangu neni bamukuru. Ndichaku unblocker. Grey..." Good uri mukadzi wangu kaa iwewe ana Tete vakati mese muri vakadzi vangu. ..." Mxm mukwane imi nana Tete mese handisi mukadzi wemunhu ini. Grey..." Bye wifey usati wanonoka kubasa. Akabva ablower kakiss kwandiri. Ndakaridza tsamwa ndichitofamba kuenda. Kuunblocker Grey anopenga chete anoda ndiurayiwe naCamila but ndanga ndanakidzwa zvangu nekutaura naye infact kubva pakutanga hazvina kumbotinetsa kuclicker zvekuti dai pasina kuti Cam mxm regai ndisatoendese pfungwa dzangu ikoko. Grey murume waCam and I should respect that. End of Chapter
❤️ 😂 🙏 👍 😢 😮 885

Comments