COCO NOVELS
COCO NOVELS
June 3, 2025 at 12:21 PM
https://chat.whatsapp.com/GhZJ2AxyEJT6SRTKF2WyVk *For previous chapters ebook redu huyai kuchannel. Machapters ekumashure haawanikwe kuinbox yemunyori.* https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q *❤‍🩹WHAT IF❤‍🩹* Written by Coco🦋🖤 Chapter 14 *CAMILA* Pandakapedza mapills ekucleaner chibereko ndakanyatsoti yave kuzobata manje nhumbu iya asi 5 months dzakatodarika pasina kana sign yenhumbu apa Grey aingotaura zvemwana pese zvekutoti unotoona kuti munhu uyu ane baby fever but ndaitoshaya kuti why the rush nhai, zvisinei ndanga ndatengerwa mota yangu kwete hombe just a Toyota Corolla Quest but yanga yakatondinakira zvangu coz ini ndine license kare kaa, ndakatengerwa futi phone, nehembe chiiko mari ndinongopihwa every month so ndingangoti marriage yaitonditapirira plus Grey anga ave kundida manje zvelove chaizvo zvekuti mumba medu maive nemufaro asi Grey paaizombotaura nyaya yemwana manje but aisazvitaura hake ari that serious ndaibva ndaita kupererwa chaiko. Ndakatiwo ndifonere mhamha vauyewo kumba kwangu ivo kwave kudaira zvavo phone vakaisa paloudspeaker zvekuti Pamela anzwe nhai apa ndakatozozviziva kuti aripo ndatotaura kare asi ko ndainyepa here hanty ndaisamuda kumba kwangu here kutaura chokwadi ndine one fear yekuti Pamela anogona kunditorera murume wangu hazvisi zvekuti chii kana kuti but iye Grey wacho sometimes kubvunza kwaanoita zvaPamela ummm kunondipa maquestion marks ehe anoti anondida and ndotoona kuti pano ndave kudiwa zvasiyana nepatakatanga kugara tese but still kapfungwa kekuti Grey likes Pam ndinako and I know kuti Pam wacho likes Grey saka hazviite kuti vasangane never ndingatozode zvangu kana Pamela avewo newake murume eheka there's no way yekuti vangaite anything naGrey iye Pam ari married. Grey anogona achindida but hazvichinje kuti marriage yedu it's an arranged one so ndofanha kuchengetedza munhu wangu. Pandakazoenda kunoona mhamha ndakapfuudzana naPamela kana hake kundimhoresa can you imagine that. So she expected me a married woman, mukadzi mukuru to greet her anopenga Pamela takangopfuudzana zvedu ndikapinda mumba mhamha vachiti I should apologize to Pam for what I said over the phone, hee she sacrificed a lot for me by sacrifice vachireva Grey here coz aah Grey anga asiri wake to begin with so how did she sacrifice anything for me. Ndakatopinzwa mulecture namhamha kusvika pekuti ndakazongoti it's fine I will apologize and sezvineiwo Grey akabva ati aita busy kubasa and anga asisakwanise kuuya kuzonditora chii kuDema so aizouya kuzonditora mangwana so pakadzoka Pam kubva kubasa tese namhamha tanga tichiri takamuka and I apologized to her for mhamha's sake not nekuti ndaida, iye she forgave me and haana kana zvakawanda zvaakataura akangoti I forgive you and we hugged and that was it achibva ayenda kunorara zvake. Nekuona kuti mmm munhu angondiregerera kuti zvimubve sezvandanga ndangoitawo hanty ndanga ndakumbira ruregerero kuti zvindibve so ipapo ndakabva ndatorara namhamha kubedroom kwavo mmm kwaPam uko ndinogona kungomuka ndakadzipwa kaa nekuti achiri akatsamwa. Ndakazouya kuzotorwa ndikadzokera kumba kwangu and mwedzi yakafamba ndingaite nhumbu kana zvangu kuita nhumbu mufunge. Every month ndaiti ndikaona ndaenda kuperiod ndaiita senge ndichachema munoziva. Ndainzwa senge ndiri kutadzira Grey zvakanyanya I mean he did a lot for me zvakawandisa yet inini I'm failing to just give him a child. Kuzoti iye Grey paaingozviziva kuti ndaenda kumwedzi aibva aita kupusa kana kudya aisatodya imi he really wanted a baby apa ini hameno kuti chii nhai inga chibereko ndanga ndacleaner wani nhai zvanga zvave kutondinetsawo zvangu ini kuti kuputa mbanje nekudutira doro kwandaiita ndiko kwanga kwave kunditadzisa kuita nhumbu but how nhai zvinobatana papi izvozvo or maybe ijadel haa ndakanetsekana ini. Kubasa kwaGrey kwakazoitwa this function hameno yaive yei but ndakanzi naGrey tiri kuenda tese coz kwaidiwa munhu nemukadzi wake. He bought a dress for me and it was delivered pamba, pakauya vanhu vemakeup, ndikatoiswa mamwe manails apa andaive nawo anga asina kana week ndamaiswa akatobviswa ipapo. I looked beautiful shame, iye Grey he looked good in his suit. Takaenda kufunction iya ndipo pandakanoona brother yake because haana kuuya kumuchato wedu iyeye apa mukadzi webrother yacho anga aripo futi and anga ane nhumbu zvekuti zvaitooneka kuti this person is pregnant. Brother yaGrey akanditarisa padumbu apa hameno aitarisei achibva atarisa Grey aine kasmirk paface pake ndakaona tension pakati pavo, the whole greeting and conversation was so fake zvitongori obvious ende hatina kumira navo kwenguva refu takabva tanogara pasi. It was such a classy event but I didn't even enjoy it coz Grey anga angori moody half of the time handitozivewo kuti aitsamwirei nhai hatina kutombomirira kusvika maspeech aiitwa apera Grey anga atondibata ruoko tave kubuda kuenda kumba and the whole way yekuenda kumba Grey anga akaisa musoro wake mumaoko ake haana kana kumbotaura neni kana kumbotarisana neni but handina zvandakamubvunza zvangu ipapo ndanga ndakamirira kuti tisvike kumba then we talk and tichingopinda mumba tisati kana taenda upstairs kubedroom kwedu Grey akangomira coz aifambira pamberi pangu achibva anditarisa. Grey..." Mangwana tiri kuenda kuhospital ndiri kuda tinotariswa nadoctor kuti why tisiri kuita mwana maybe ndini ndine problem or ndiwe hameno but ndiri kuda kuziva. It's been a year now and hapana hapana ndasarwa ne2 years chete so I can't waste imwe nguva coz I've already wasted a year. ..." Kunotariswa nadoctor it's only a year tachata, mwana tinomuita wani and zvema 2 years asara aya zviri kubvepi nhai Grey. Grey..." Inini ndakakuudza kuti ndiri kuda mwana as soon as possible chii chandisina kukuitira Camila chii. You want me to lose everything nekuda kwekutadza kuita mwana here. We don't have imwe nguva yekuwaster. This luxurious life yauri kurarama haina kungouya yega kaa iyi. ..." What do you mean by that asi wakaromba. Ndakadaro ndichitoita a step back coz zvaanga ataura manje asi aida ndizvare mwana wekuti asacrificer. Pressure yacho yekuita mwana plus zvaanga ave kutaura zvanga zvave kutondityisa manje. Grey..." What unopenga here Camila, inini kuromba kuti zvidii, mangwana tiri kuenda kwadoctor usandiitise nharo babe ndine stress and handisikuda zvekutaura waona mukadzi waBright ane nhumbu kaa. I will explain everything to you once maresults ekwa doctor abuda. Iniwo ndakaita dzungu ndisati ndakuroora we were supposed to go kunoona doctor coz now my inheritance aah. ..." Okay zvese zvauri kutaura zviri kutondipa confusion chaiyo. It's fine toenda kwadoctor kwacho asi ko zvikanzi ndini ndine problem maybe handizvare then what. Grey..." Tinenge tave kutangira ipapo babe maybe zvinenge zvichirapika or maybe ndini nditori neproblem so tinonoona mangwana then ndokuudza zvese zvauri kuda kuziva. ..." Okay my love, handei zvedu kubedroom kwedu. Watadza kana kufara kufunction kwatanga taenda uko. Ndanga ndatove worried about you ini. Ndakadaro ndichimubata ruoko tichibva taenda kubedroom kwedu but the whole night handina kumborara. Ndakamboedza but ndaingopinduka pinduka kusvika pandakazomuka ndikagara. Grey anga achitaura nezvei nhai hee inheritance, hee mukadzi webrother yangu ane nhumbu hee chiiko mmmm ndanga ndanonokerwa nekuda kunzwa zvaaida kundiudza ini and also ko kana ndikanonzi handizvare kuhospital then what nhai. Makuseni akangomuka nekutopinda kugeza Grey ende achibuda akandibvunza kuti ndichiri ndakarirei tine appointment na9 kwadoctor ndikabva ndatongonopindawo kugeza zvangu ndikapfeka hembe dziri simple tichibva tabuda nemota yaGrey tanga tisati kana tatombodya nguva dzatakabuda. Takaenda panenge pasurgery panga pasiri pahospital kana paclinic ipapo so takasvika takatomirirwa nadoctor ivavo vaive vechirume. Grey ndiye akatanga kupinda kwave kuitwa matests acho ini ndichibva ndazopindawo after iye ndikanzi ndirare pabed vakabva vandiita ultrasound vapedza vakatanga kundibvunza zvemaendero angu ekuma periods vachibva vazotora ropa rangu hanzi for kuchecker mahormone levels here. Pazvakapera takadzokera kuoffice yadoctor kwanga kuina Grey akagara akabata shaya mmm ndanga ndave kutonetseka nezvaiita Grey ini. Ndakagara zvangu pachair, doctor vachibva vagarawo kuyavo chair. Doctor..." We will get the results of your fertility tests in about a week. We will contact you as soon as they are ready, and we will go over them together to discuss what they mean and what our next steps should be. Grey..." Okay thank you doc. Takabva tatosimuka tave kuenda kumba. Road yese hapana aitaura nemumwe ini ndaitovewo worried ini kuti arikuzvifambisa sei Grey. Tichisvika kumba ndakamubvunza kuti arikuda kudyei Grey ndimubikire kaa akabva ati haana appetite ndakabva ndatoperawo simba ini rekubika kwacho ndikabva ndamutevera kubedroom kwandakasvika akarara pamubhedha pfungwa dzichiratidza kuti dziri kure chaiko. ..." My love what's wrong. Taura neni babe. Something is worrying you and I'm also worried. Pressure yekuda mwana iyi iri kubva kupi coz ndiri kuona kuti ndiyo iri kukutadzisa kana kusekerera. We've not been married for long but tichingopinda mumarriage wakatanga kutaura zvemwana and yesterday you said something about your inheritance and also kuti your brother's wife is pregnant kuita senge zvinhu zvakakunetsa or zvakakupa stress. Grey we are married and patakachata wakanzwa zvichinzi now we are a team tave nyama imwe. Pandakataura mavows ekuti mukufara, mukuchema, mukusuwa ndinenge ndinewe I meant every word so tell me kuti chii chiri kuita uve worked up like this. Akamboita nguva akanditarisa, ndikabva ndabata maoko ake ndichitarisana naye mumaziso kunyatsomuratidza kuti I'm serious. Iye hameno why anga asina kuenda kubasa ipapa. ..." Babe let me in. Grey..." Okay rega ndingokuudza chokwadi chacho zvagara wanga uchazongozviziva futi so let me tell you. Akabva atanga kundiudza nyaya yeWill rababa vake and zvese zvanga zviri ipapo. Ndakabva ndanzwisisa why the wedding was rushed like that and why anga ave kuda mwana fast so ndiyo inheritance yaaireva zvekuda kuwana mashares akawanda pacompany yababa vake plus kuwana his share of mari yemutrustfund yaanga akasiirwa nababa vake. Paakataura Mari yacho ndakabata muromo wangu zvekushamisika nekuti handisati ndambonzwa mari yakawanda kudaro mulife mangu. Grey..." Now ndiri kutya kuti I might lose zvese izvozvo zvoenda kuna Bright then inini I get the smaller share nekuti ndinenge ndisina mwana, I love you usafunge kuti handikude or chii but then zvemari necompany izvi ndizvo zvakaita ndiuye kuno kuZimbabwe ndichisiya basa rangu kuAmerica so ndikatadza kuzviwana hapana chandinenge ndakaita. Kushanda ndiri pasi pemupfanha wangu achindiudzira zvekuenda hazvinakidze babe. Ndakamboshaya kana mashoko ekutaura, mmm mari yaanga ataura yanga yandirovesa nehama so some people have that kind of money muma accounts mavo wow. ..." I understand zvauri kutaura and mwana ari kutodiwa coz you can't lose your birthright haa never not ndichizviziva inini. Ndosaka uine stress neniwo ndatovewo worried saka todii nhai. Grey..." Ngatimirirei doctor tinzwe kuti zvakamira sei but hatisisina nguva refu nekuti pangosara 2 years chete. Eish 2 years here manje pa2 years ndinenge ndazvara mwana here iyo nhumbu yacho iri kunetsa kubata. We were both stressed manje zvekuti takagara pamubhedha mumwe nemumwe pfungwa dziri kure. Week rakafamba zvaro fast kusvika Grey paakauya achiti afonerwa maresults edu anenge ave ready mangwana so makuseni takamukira kuenda kusurgery kuya tikapinda muoffice madoctor tikagara. Doctor..." We have the results from the tests that we did on the both of you. So the tests that we did on the both of you show that you are both fertile, which is good news. However we are still not sure why you are having trouble getting pregnant. If you want we can try other options like, one option is IVF, where we help the sperm and egg meet outside the body. Another option is surrogacy, where another woman carries the baby for you. Let's discuss these options in more detail and see what's best for you both. Ndakatura mafemo pakanzi both of you are fertile, hana yangu yairova ndichiti zvimwe handizvare asi pandakanzwa kuti ndinozvara haiwa ndakanyatsofema mweya unotonhorera chaiwo zvekuti zvema IVF zvanga zvave kutaurwa nadoctor handina kutonyatsozvinzwisisa nekuti ndainzwa senge ndaturwa zimutoro chairo nekungonzwa kuti ndinozvara kwandanga ndaita. Grey..." Doctor zveIVF zvinotora nguva yakareba sei nhai nekuti tiri kufanha kuita mwana as soon as possible. Doctor..." It depends on maresults anenge achibuda pamatests amuchaitwa. Zvinogona kutora a few weeks or months or even years zvinongosiyana. ..." Okay thank you doctor regai timbono discusser nyaya iyi nemukadzi wangu asi hapana chamunokwanisa kutipawo here to like help us maybe tiri fertile but hapana chino booster fertility yacho here. Doctor..." Mmm there's nothing we can give you now nekuti mese zvese zviri right pamuri. Takatenda zvedu tichibva tabuda, Grey akapfuura achindisiya pamba asi hapana chatanga tambotaura kwave kuzodzoka manheru haana kudya akangosvika nekuenda kubedroom kwedu zvekuti pandakamutevera ndakamuwana apfeka mapyjama ake atove mumagumbeze kana mufaro mumba medu manga musisina mufunge apa tichiri pahoneymoon phase here nhai. Grey..." Ndaenda kunoona lawyer nhasi patabva kwadoctor and he said kuti muwill hamuna kumbonyorwa zvekuti ndisaroore mumwe mukadzi asi chakarambwa kuti ndizvare mwana nemunhu wandisina kuroora so since we are both fertile but hatisi kukwanisa kuita mwana and doctor vati zveIVF zvinogona kutora time, zvasurrogate hazvitoite zvachose so ndiri kufunga zvangu kuti ko ndikaroora mumwe mukadzi handichate naye since iwewe neni takachata kaa.... ..." Grey wati chii, kuroorerei mumwe mukadzi isu tese tanzi tinozvara. Grey..." Ehe tinozvara asika zvaramba pamwe ropa redu ratadza kuwirirana. Don't get me wrong babe ndokuda hanty but then nei usati wamboitawo nhumbu yekungoti uitewo kana miscarriage zvayo since iwewe uchizvara neniwo ndichizvara. I can't lose my birthright Camila I can't and my inheritance I can't lose it so it's better ndiroore someone else iwewe you will always be my number 1 but uyo anenge ave kundizvarirawo mwana togona kutorambana zvedu naye kana ave nemwana otipa mwana tochengeta nekuti lawyer ati zvinoita. ..." Why am I even surprised wagara wanga wakazvi planner izvi. Ndakadaro ndichizembera padoor ndichitonzwa kupera simba chaiko pakadaro kana misodzi haibude shame. Ndoiswa pabarika nemumwe munhu apa ndisina kana 5 years ndaroorwa ehe ndanga ndanzi ndinozvara asi why ndanga ndisiri kuita nhumbu munoziva kupererwa ndiko kwandanga ndaita ipapo and why Grey anga atanga kufunga zvekuroora mumwe mukadzi which means kuti iye ane mumwe munhu mupfungwa dzake kaa maybe agara anga achingocheater all along. ..." Grey ndokumbirawo kuti ungondipawo kana 2 months zvadzo ndikatadza kuita nhumbu oroora mumwe zvako coz ndirikutodawo uwane inheritance yako but ndipo kana 2 months dzekuti ndimbofambawo maybe ndinoita nhumbu yacho, 2 months chete I'm begging you my love. Akaita time akanditarisa achibva asimuka pabed kwave kuuya kuzondihugger Grey..." Okay but 2 months chete Cam zvikaramba toita zvimwe. ..." Thank you that's why I love you. Ndanga ndafunga kutomboshandisa kana macloves chaiwo hanzi anocleaner chibereko kana kuenda kuma porofita even vanoita zvechivanhu ndanga ndave kungoda kuita chero ini chero zvichingoita ndizvarire Grey mwana ndisati ndaiswa pabarika. End of Chapter
❤️ 😂 👍 🙏 😢 😮 819

Comments