
COCO NOVELS
June 3, 2025 at 07:26 PM
https://chat.whatsapp.com/GhZJ2AxyEJT6SRTKF2WyVk
*For previous chapters ebook redu huyai kuchannel. Machapters ekumashure haawanikwe kuinbox yemunyori.*
https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q
*❤🩹WHAT IF❤🩹*
Written by
Coco🦋🖤
Chapter 15
Gore rakapera wani naCam we were cool coz anga azonditi sorry obvious anga anzi namhamha andiite, I mean I could hear kuti this apology is so fake but ndakamuregerera zvangu ko ndaisvikepi ndakasungira sister yangu chigumbu, she's my only sibling iniwo kumba kwake handina kumboita kana shungu dzekuda kuenda ikoko zvangu ende ndanga ndapromotwa kubasa ndave kushanda sashift manager ndanga ndave kutoshandira muHarare chaimo ndanga ndabviswa paMakoni so zvinhu zvaindifambirawo zvakanaka pakuti pay yangu yanga yawedzerwa asi kuside rema relationships iiih zvanga zvakadhakwa zverudo zvinenge zvanga zvave kutondiramba ini kuti ndakatemerwa nyora dzemunyama handitozive nekuti ndanga ndapinda muma relationships anenge three ese panguva yadarika and aisambo laster for kana 2 months chaidzo ndotorambwa ende ndakambozvinzwawo zvangu kuti ukarambwa nemukomana one unoita munyama ndofunga chaive chokwadi nekuti ndanga ndave kuzvionawo ini kubva pandakasiiwa naBless zverudo hazvina kuzombondifambira zvakanaka asi pane zvaakandiita kani zvaindinetsa zvangu. Mhamha vanga vasisabvunze asi Cam paaiwuya kumba kuzotiona ndiye aibvunza even Tete Sarah pane pavakambondifonera vachibvunza kuti kwave nabamunini here she even said kuti kana zviri kunetsa huya tifambe ugezwe munyama mwana wehanzvadzi watokura ndanga ndave ne27 years zvangu ende ndaitoshaya time but ndaida kuenda kunogezwa munyama kwacho coz ndanga ndave kutya kusvika pa30 years ndiri single ndisina kana kastable relationship.
Since ndanga ndave kushandira mutown kure kaa nekumba, ndakawirirana nevamwe vangu mashift managers kuti inini ndongopinda shift yemakuseni chete kuitira panyaya dzetime dzekuzoenda kumba apa coz combi yekubasa kwedu yaisasvika zvayo kumba kwedu so kufamba manheru kwaitove kurisker chaiko. So ndaitoti ndikapedza basa ndonokwira zvangu combi yekuenda kumba straight ko ndaive nechii chimwe chekuita, maybe once or twice pamonth ndipo pandaiwonana naNonoe kana naTsitsi ivo manje vanga vakawana basa rinoenderana nezvatakaendera kuuniversity so vaigara vari busy zvavo.
Mostly madays andaipihwa pay yangu yemaUsd ndaibva ndatenderera mutown ndichitengera kana mhamha neni zvinhu then grocery ndaitenga in bulk plus mhamha vaitengawo nemari yepension yadaddy yaisapinda yakawanda zvayo. Payakatanga kuuya ndipo payanga yakawanda mhamha vachibva vaisa durawall pamba nekutenga masofa manyowani vaida kutenga nestove but ndini ndakazovatengera zvangu ininiwo ndaisaver mari shoma neshoma zvayo but ndaida kuti izongokwanawo kamota kana kaVitz chaiko kana Honda Fit ndaingoda chero kamota ndoziva kuti ndiri kuendera kubasa zviripo.
Ndiri pakati pekutenderera ndakatonzwa munhu akati Camila but handina kumbocheuka kana kuzvitarisa handina kutoziva kuti munhu iyeye aireva inini ndakazovhunduka ndabatwa ruoko ndikavhunduka coz muHarare unenge wave kutotya kubiirwa kana kurohwa chadonha vagara vanhu vacho vanoshandisa mushonga zvekuti anenge atozviona kuti une mari so ndakakurumidza kubata bag rangu ndichicheuka kumashure kwangu.
"Camila hesi it's been long watadza kundiziva here." Akadaro murume anga akandibata
Ndakatarisa face yemunhu wacho handina kumuziva ini, ndakabva ndabvisa ruoko rwangu mune rwake anga asina kundibata zvakasimba zvake.
..." Makadii henyu handisi Camila ini ndiPamela wamuri kutaura naye. Camila is my twin sister.
"Hii sorry makanyanya kufanana but iwewe Pamela wabva watadzawo kundiziva here, kutadza kuziva inini Clever ndandiri besty vaCamila kuVarsity kaini but aah a lot happened and we lost contact arikupi nhai." Akadaro ende ndakabva ndatomu remember nhai, ndivo vaive mafriends aCammy kaa aya embanje nemaparty haa aiwirirana nevakomana Camila, but uyu Clever manje anga achinja manje atove kuratidza kukurawo maybe anenge anga asiya mbanje.
..." Aah hesi Clever kana kumbokuziva ko makura kaa nhai. Cammy akaroorwa uyu ave kugara nemurume wake ndane time ndisina kumuona but aribhoo zvake.
"Aaah kakazoroorwa ana Cammy vaive type dzekukanda pakitchen here vaye aah kana akawana akamuroora better manje hazviite ndipihwe number dzemukadzi wemunhu ndichamutsvaga paFacebook handimbomushaya. Ko iwewe urikushanda paChicken Slice wave kugara kupi nemurume wako." Akadaro ndikamboshaya kana zvekutaura coz handina kuroorwa kaini.
..." Handina kuroorwa ini. Ko iwewe?
"Ndakaroora ini ndatove nekamwana kangu. Ko nei usati waroorwa ndimi maive magood girls kaa uchipengesana neuya ainzaniko aive pamberi pedu uyu hanzi Blessed."
..." Mxm takarambana nemunhu uya, ndakuenda Clever ndiri kumhanyira kumba ndakamirirwa.
Zvekubvunzwa zvaBless zvakandibhohwa zvekuti handina kutozombomirira kuti Clever wacho apindure ndakabva ndatofamba ndichibva paari ende ndakabva ndatonanga kuma combi ekumba ndanga ndatobhohwekana zvangu. Ndakasvika mhamha vakatozviona kuti ndakatsamwa.
..." Nhai mhamha ndanyanya kunonokesa kuroorwa here inini. Mhamha I can't even keep a man asi ndine sare kana ndine manjuzu kana mweya wetsvina chaiwo. Tete Sarah vanga vakati ndiuye ndiende navo hameno kwavaiti kunogezwa munyama ndoenda here mhamha.
Mhamha..." Pam mwanangu zvekuroorwa izvi hazvina zera. Vamwe ndivo vanokurumidza, vamwe vachinonoka asi hazvireve kuti hauroorwe mwanangu. Zvesare nemanjuzu wakazvinzwa kupi ende izvo zvekunogezwa munyama wakazviwana kupi. Pamela ukateedzera zvatete vako Mai Sthe vaye hameno zvako. Ini ndakakukudzai ndisingaende nemi kun'anga asi ukatangawo kuenda wakura kudai pachako mwanangu.
..." Aah mhamha ndakungodawo help ini, 27 years hadzina kunyanyisa here kuti ndive ndisati ndaroorwa nhai mhamha.
Mhamha..." Hameno Pam wakura mwanangu zvave kwauri kusarudza chakanaka nechakaipa ini I'm not even worried ini nekuti ndoziva kuti kuroorwa inguva pamwe ucharoorwa wave ne30 ndiMwari anoziva kuti wako chaiye uchamuwana riinhi asi regai ndinyarare zvangu pamwe ana Tete vako ndivo vanoziva kaa nekuti handiti ndivo vawave kutaura navo muchiudzana zvemunyama here.
..." Mhamha....
Mhamha..." Ayehwa Pamela ngatitosiyai nyaya iyoyo ndikakuti usaende natete Sarah vako ivavo vakavhengedzera unovaziva iwe kuti vakachenjeresa Mai Sthe vaye hanty ndikakuti usafambe navo ndipo pakusonzi ndiri muroyi.
Ndakangonyarara ndikasimuka kwave kubuda mudining ndichienda kubedroom kwangu. Ndakambonetseka ini dai ndiine hama dzinoroya ndaiti pamwe ndakaitwa mukadzi wechikwambo asi aah maybe mhamha is right zvekunogezwa munyama hazviite asi ndichasangana nevanhu vangani vanondiziva ndichivaudza kuti handisati ndaroorwa nhai. Ndakazozvisimbisa nezvandanga ndaudzwa namhamha kwave kunobika zvangu tichibva tarara.
Makuseni ndakamukira kuenda kubasa ndikanoswera ndiri busy atleast ndanga ndisisaswere ndakamira hanty ndanga ndisisiri cashier. Ndakazoti ndabuda pabasa ndave kutoenda kunokwira combi yekuenda kumba phone yangu yakabva yaringer. Dzaitove number dzandanga ndisina kusaver so ndakatomboda kusadaira but aah ndakazongodaira kutotyira kuti maybe pane zvinenge zvaitika kuna mhamha ndave kufonerwa.
..." Hello ndiri kutaurawo nani.
Bless..." Hesi Pamela urisei.
..." Ndiri kutaurawo nani nhai.
Ndanga ndazvinzwa kuti ndiBless but ndaitozviitisa. Zvagara voice raBless handimborikanganwe chero zvidii ndiwo mamwe emavoices ekuti rikangotaura unobva watoriziva chero ataura one word chairo.
Bless..." Pamela usanyepedzere kunge usiri kuziva kuti ndiani. Hauna kuzvinzwa here kuti ndiMhofu vako here nhai Pam.
..." Pfutseki mwana wembwa kusakwana kuti pwofu vaani undikwanire wanzwa. Uri kudei Blessed and mukadzi ako ari kutombozviziva here kuti uri kundifonera.
Bless..." Tuka hako chero zvawada Pam I know wakanditsamwira, usandibvunze nezvemukadzi wangu ndiye akufonera here handiti ndini ndakufonera saka why tiri kutaura nezvemunhu asipo.
..." Usade kundibvisa pamberi paMwari Blessed wanzwa. Wakawana time undikwanire nxaa usade kutondibhohwa handina time yebenzi rinenge iwewe ini nxaa ita zvemukadzi wako unofonera munhu ane sare kuti zvidii muri kuwandirwa neairtime hanty siyana neni.
Bless..." Manje handichatokusiye iwewe uri wangu manje chero wakazoroorwa asi uri wangu first before murume wako.
..." Ndibvire ukandifonera futi ndichatsvaga number dzemukadzi wako ndomuudza ende phone yangu ino recorder macalls saka ndinenge ndiine proof yemashoko ako. Siyana neni Blessed wanzwa usade kundipa munyama mwana waSatan rubbish apa wakaurayisa baba vangu futi, dai rikatyoka zvimakumbo nxaa Satan wemunhu.
Ndakabva ndacutter phone kwave kutomu blocker ipapo ipapo nhaimi hausi mumwe muyedzo uyu ende Blessed anondishura mufunge hazvishamise kuti pane chakaipa chinogona kubva chatoitika ipapa hayas zimwana raSatan iri ndakanyatsonzwa kusvotwa kwakadarikidza zvekuti ndakanopinda mucombi ndatosvotekana futi nhaimi two days dzakateedzana ndichienda kumba ndakatsamwa. Ipapa unoshaya kana nechaari kundifonera munhu akataura toshi mhani uyu.
Ndichiburuka combi ndave kutofamba kuenda kumba, phone yangu ichibva yaringer futi ndakaitora ndichitoti ndiBless andifonera nedzimwe number ende ndanga ndamugadzirira mashoko chaiwo manje ndakaona ari Camila aifona. Camila chaiye kundifonera maybe it's a mistake ndizvo zvandakafunga ndichidaira phone.
Camila..." Hello my beautiful sister urisei zvako nhaiwe ko kurova zvekutadza.
..." Hesi uri kutaura naPamela.
Camila..." I know hanty ndiwe wega sister yangu here nhai Pam ndiani mumwe wandingati sis.
Ndakabvisa phone yangu panzeve ndichibva ndatarisa ndikaona aah ndiCamila arikufona zveshuwa. Ndakaidzosera panzeve ndakatomboshaya zvekutaura coz mmm Cam kuva sweet kwandiri zvakadai aizviita kare achida kana kundikumbira something but tichiri vadiki hanty recently ndanga ndave kutoita senge enemy yake that's why ndanga ndatomuudza kuti ndiPamela.
..." Ndiribho zvangu uri sei Cammy.
Camila..." I'm good sis kurisei kubasa.
..." Kuribho zvako uku.
Ndaitoshaya zvekutaura naye ini zvekuti pakatomboita tuma minutes tese takanyarara pasina ari kutaura ini ndanga ndave kungoti dai acutter zvake.
Camila..." Umm Pam ndine zvandiri kuda kutaura newe kaa asi hazviite paphone manje coz nyaya yacho ihombe my sister. Uri kuita off riinhi ndiuye kumba titaure coz I really need to talk to you.
..." Ndezveiko Cam kana paphone panongotaurika nyaya wani.
Camila..." Not iyi sis haiite zvinoda in person.
..." Okay ndiripo mangwana ndinenge ndiri off.
Camila..." Aah saka bhoo ndokuona mangwana handiti my beautiful sister aah unomboziva kuti ndakusuwa sei nhai my other half.
..." Ndokuona mangwana Cam, bye.
Ndakabva ndacutter phone zvekundisuwa izvo hanty ratove drama nhai. Ndakatoshaya kuti aida kundionera chii zvangu asi ndaizonzwa zvangu mangwana. Sezvineiwo nguva dzakafamba tikarara tikamuka makuseni asi mhamha ndanga ndisina kuvaudza nezvecall yangu naCam nyangwe zvayo yanga yangondiitira weird asi ndakangozvichengeta even zvaBless ndanga ndisina kuvaudza ini. Zvadaro kuma 11 ndipo pakasvika Pam akauya achidriver mota yake akatonovhurirwa gedhi namhamha akaiparker mugedhi. Vakafarirana panze namhamha anga ave nenguva asina kuuya kaCamila.
Camila..." Ko arikupi Pam mhamha akandiudza kuti ari off nhasi.
Mhamha..." Ari kuroom kwake uko, aah mave kufonerana muchitaura aah ndafara ndanga ndave worried nekusawirirana kwenyu vana vandakakudza vakabatana nhai.
Camila..." Zvamhamha nhai regai ndinoona Pamela ndinodzoka kuno.
Vaive kudining ndanga ndakamirira padoor zvekuti zvavaitaura ndaizvinzwa asi pandakanzwa Camila ave kutaura zvekuuya kuno ndakabva ndakurumidza kugara pamubhedha kwave kunyepera kuva busy nephone yangu zvekuti paakapinda ndanga ndakangotarisa phone yangu.
Camila..." Mmm Pam asi ndibae wauri kutaura naye kani wabva waita kutsikitsira paphone zvekutadza kundinzwa ndichipinda nhai.
..." Kana pane zvemugroup rekubasa zvandanga ndichiverenga zvangu. Urisei zvako Cam.
Camila..." Ndiribho ini, haa zvekubasa kwako unozvida nhai.
..." Wakati une nyaya yauri kuda kutaura neni.
Ehe straight to the point zvetunyaya-nyaya izvo tozvisiya nhai.
Camila..." Mmm nhai Pam ungabva wadaro here asi you are right rega ndingotaura nyaya yacho zvangu.
Akambonyarara hameno aifunga chii achikwenya kamusoro ungati ari kuda kunamanura kawig kanga kakanamirwa mumusoro make. Iye ainhuhwirira even ganda nezvese zvanga zvachinja paari ave kuoneka kuti arikugeza mvura iri different from yedu yekuDema kuno ende ave kuzora mafuta anodhura even dress raanga akapfeka ranga riri simple asi rakanaka richiratidza kuti harisi repondo pondo.
Camila..." Aah Pam ndiri kushaya kuti ndozvitaura neway ipi yaunogona kunzwisisa. So Pam I need your help my sister zviri kuitika ndezvekuti Grey ari kuda mwana hanty ende inini nhumbu yanetsa kubata I've tried everything Pamela takatoenda kwadoctor tikanzi tese tiri bho hapana ane problem but handisi kubata nhumbu ndakashandisa zvechivanhu even macloves kana mapills ekucleaner chibereko but zvese zvaramba kushanda Pam.
..." Wait naGrey hamuna kana 2 years maroorana kaimi. What's the rush pakuita mwana apa hanty maifanha kuzotanga kunetseka maybe mane 5 years maroorana here nhai.
Camila..." Camila izvozvo hazvina kana basa ndiri kuda kufadza murume wangu chiiko chaasina kundiitira Grey akandiitira zvese and achiri kuita zvese and I don't want to lose him aroora mumwe mukadzi coz arikuda mwana Pamela so that's why I'm here since inini ndatadza kuita mwana Pam ndiri kuda urare naGrey uchiita senge inini unopfeka zvako hembe dzangu osprayer perfume yangu, oiswa wig seyangu I'm sure haambozvione kuti handisirini. Akarara newe ukaita nhumbu I will know what to do nekuti inini newe hatina kumbosiyana kaa. Pamela ndinokubhadhara zvako kana uchida, ndinokupa zvese zvaunoda my sister can you please just do this for me.
End of Chapter
❤️
😂
👍
🙏
😮
😢
896