COCO NOVELS
COCO NOVELS
June 4, 2025 at 11:48 AM
https://chat.whatsapp.com/GhZJ2AxyEJT6SRTKF2WyVk *For previous chapters ebook redu huyai kuchannel. Machapters ekumashure haawanikwe kuinbox yemunyori.* https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q *❤‍🩹WHAT IF❤‍🩹* Written by Coco🦋🖤 Chapter 16 ..." What! Can you even hear yourself right now. Asi wave kupenga kani, how can I dress like you and pretend to be you kuti ndirare nemurume wako urikutoona zvauri kutaura zvichimaker sense. I don't want your money ini, how can you come kwandiri nechiplan chako chisina kana pfungwa ichocho. Camila..." Pam ndini ndoziva zvandichaita, I'm begging you my sister imba yangu yoparara here mwana wamai uchitadza kungondibatsirawo nhai Pamela. Ndokupfugamira here Pam coz ndiri desperate ini you are my only hope. ..." Only hope yeikowo munhu asina kana 2 years ari mumba ukwane Camila wanzwa, unonyatsondiona ndiri munhu akaita sei kana wakanditarisa serema here kana fuza rekuti unongoti pawafunga kaplan kako kakadhakwa unouya kwandiri. Hausiriwe waiti haudi kundiona mumba mako now you are comfortable kuti ndinopinda mumba mako and sleep with your husband pamusoro pazvo, are you stupid or you just trying to be stupid chiiko newe. Akabva aita kupfugama pamberi pangu, ndaitarisira kuti munhu achati ndiri kujoker but ndanga ndave kutoona kuti ari serious. Ngaatange kuyeredza misodzi akapfugama pamberi pangu. Camila..." Pam I am begging you please unoda ndikisser tsoka dzako here kana ndidzinadzve nekuti I'm that desperate even ukati ndinanzve magaro ndomananzva zvangu. ..." Mxm iwewe hauna kutokwana zvako. Ndakadaro ndichitosimuka kuti ndibude coz benzi iri ranga rave kutondibhohwa nhaimi munoziva pane zvinhu zvinonzwisa hasha. Munhu anenge achikuona uri munhu akanyatsoita sei kana achiuya kuzokuudza plan iri ridiculous seiyi. Kuri kumhanyirwa kwacho ndekupi pakuzvara. Hanty aitsiurwa nevanhu achiputa mbanje apa achiti vanopenga kaa ayo maresults ake plus zvagara kutongoita nhumbu kunosiyana pavanhu nhai. Ndave kutosvika padoor achibva andibata makumbo angu zvakasimba apa anga achiri akapfugama pasi. ..." Iwe ndisiye mhani une mweya wetsvina here nhai chiiko aah. Ndakadaro ndichirova zviwoko zvake nhai chii chaaindibatira kudaro nxaa. Mhamha vakabva vavhura door reparoom pangu vanenge vanga vanzwa noise coz Cam wacho anga ave kuchemawo zvekuda kunzwikwa. Mhamha..." Ko chiiko nhai veduwee noise chiiko nemi vana imimi makura wani. Iwewe Pam unoiteiko munhu auya kuzokuona nhai. Vakadaro vachibata Cam kuti vamusimudze iye aida kuramba akabata makumbo angu nhai kutoita nharo. Ndakaturova mambama tumaoko twake ndanga ndatobhohwekana ini. Mhamha..." Pamela usarove mumwe kani chii ndave kuzokukanganwa manje iwe Cam simuka apa tiende kudining munondiudza nyaya yenyu. Hamunyare kurwa here zera renyu iri. Vakazomusimudza Cam tikaenda tese kudining, vakagara naye kurimwe sofa ini ndikagara kwangu ndega. Akambochema zvake Cam hameno aichemei nhai. Ndanga ndave kutozvishaya hakasi kaplan kake ikaka maybe anofunga kuti ndinoda Grey hanty kusatoda kuti ndiende padhuze nemurume wake inyaya yema insecurities ake iwayo nhai. Mhamha..." Cam tanga wataura nyaya yako iwewe ndiudze kuti chii chiri kuitika pakati pako naPamela ndiwe wauya pano kuzoitisa noise here apa ndichitofarawo kuti mave kuwirirana imimi munoda ndife chete nestress nekuda kwenyu haiwa. Camila..." Mhamha zvenyu kaa kutaura chokwadi ini nyaya yaita ndiuye pano ndeye mwana chaiye. Mhamha from day one Grey akandiudza kuti anoda mwana manzwa and he did everything for me and achiri kutoita zvimwe but ini ndatadza kumupa mwana waari kuda mhamha and now ave kuti arikuda kuroora mumwe mukadzi. Mhamha..." Aaah mwana isn't it to early for you to be worried about mwana and why kuda kuroora mumwe mukadzi iye murume wako kuwandirwa nemari here kana kuti, Camila taura nyaya yako zviri straight I feel like you are hiding zvimwe zvinhu hobho. Camila..." I'm not hiding anything mhamha hanty you know kuti Grey akangokura ariye ega mwana like nebrother yacho havana kumbokura vachigara pamba pamwe chete so Grey nekuda kwekuva mwana one akabva azviudza kuti anodawo kuzvara vana vakawanda nekuti ndidzo hama dzake. Manje mhamha hanty ndine 27 years izvozvi and these days vakadzi vari kukurudzirwa kuguma kuzvara pa35 years here saka that's why Grey aine pressure yemwana nekuti iye ave kuma 30s kaa uyu and zvinoita here mhamha kuti azozvara vana vanomuti sekuru nhai or kuti ndizoita mwana ndane 32 years ko ndikatadza kuzvara mumwe futi toita mwana one chete here. Mhamha..." Pazvese zvawataura hapana chine musoro chawataura Camila. Ndiudze nyaya yako zvakanaka nekuti ndiri kuda kuziva kuti Pamela arikupinda papi pazvinhu zvekumba kwako izvi. Camila..." Mhamha Grey arikuda mwana as soon as possible and ndikatadza kuita nhumbu arikuroora mumwe mukadzi chii chisiri kunzwisisika nhai murikuda imba yangu iparare here nhai mhamha. Ndanga ndauya kuzoudza Pam kuti angorara naGrey kana ka2 chaiko akaita nhumbu ndozoona zvekuita. Anouya ari disguised sainini ndozviziva kuti Grey haambozvione kuti handisirini mhamha. Mhamha..." Nhai Mwari chiiko nemwana uyu nhai, makamupa pfungwa dzikadyiwa naSatan here. Mashura api auri kutaura aya. Pamela orara nemurume wako pakuita sei, chitsotsi chipi chauri kuronga ichi. Kana zvadaro zvobva zvazoita sei hee ndati kana akaita nhumbu yacho zvobva zvaita sei. Camila..." Zvinhu zvandichiri kufunga mhamha ndanga ndisati ndaziva kuti after that ndodii but ndinoona zvekuita. Ndomubhadhara Pam uyu, ndomupa mari nezvese zvaanoda akangondiitira this little favour. Mhamha..." Baba vangu shumba iwee, mashura api andinonzwa aya nhai. Camila usade kushandisa mari pasiripo wanzwa ndinogona kungokutsemura izvozvo chii chauri kutaura. Kutodriver kubva kumba kwako kuuya kuzondiudza tunyaya twekutungana kwembudzi kudai. Never handimiririre chitsotsi inini wanzwa. Pamela haasi kuzoita mashura akadaro zvimwe zvinhu shandisa pfungwa iwe. Camila..." Mhamha saka murume wangu oyenda here nhai. You want me to lose everything coz second wife yagara inenge yave number one plus vanhu vanosiyana mhamha ko akashandisira murume wangu mushonga ndozodii nhai mhamha hanty ndinodzingwa sembwa mumba mangu here nhai. Akatanga kuchema Camila namhamha tikatarisana vakarovanisa maoko avo zvekutoshamisika chaiko. Iyo plan yaCamila munoti inoitwa nemunhu ane 5 senses dzinonyatsokakata nhai hanty kusangokwana kwake kunoita aronge zvinhu zvekupenba kudaro. Akachema takangomutarisa kudai kusvika anyarara. Mhamha..." Camila I know you are desperate and barika harisi easy ini handina kumbobvira ndaenda pabarika but ndaingonzwawo nevamwe kuti barika hariite asi idzowo dzave nyaya dzekumba kwako nekuti iwewe wakachemera Grey achifanha kuroora Pamela saka Pam haauye kumba kwako kuzoita chitsotsi chakadaro never zvinoitika over my dead body wanzwa. ..." Ndanga ndatogarawo ndaramba nhaimi zvine musoro here izvozvo. Takapindurana namhamha tichishora pfungwa dzaiye Camila iye anga angori tuzu achiboira tumaziso twake akatitarisa. Ndakatozosimuka ndave kuenda kunobika zvangu, Camila haana kana kumbodya anga akangotarisa chikafu kudai aitove nestress aah vari kumhanyira kupi pakuda mwana iyeye chero zvikanzi Grey akazvarwa ari ega so what even nyaya dzemazera avo dzaaitaura iye Cam haa nyaya dzake dzaisa adder up zvadzo. Takazoti tangogarawo zvedu tichiona tv taitoona tichitaura namhamha coz taiwona soapie yatangojaira kuona everyday. Camila..." Mhamha naPamela ndazofunga manje. Takabva tamutarisa tese kutoshaya kuti anga afungei coz hapana anga achiri kuda kutonzwa pfungwa dzake. Camila..." Ko Pamela akaroorwa zvake naGrey instead yekuti atsvage mumwe mukadzi kunze uko anogona kuzondikuvadza nekuda kwemurume wangu. Mhamha haisi good idea here yekuti Pamela aroorwe naGrey ongondizvarirawo mwana kana zvaita voramba ndosara nemwana then Pamela ndomubhadhara zvangu chero zvaanoda after that anotoenderera mberi nehupenyu hwake, oroorwa kana nemumwe munhu. Handimbofe ndakamunetsa kana kutaura naye nezvemwana nekuti mwana iyeye anenge ari wangu. Hazvisi right here mhamha munotodya mari yeroora kaa 2. Mhamha..." Mmm iyo munenge mave kutaurirana naPamela wacho naGrey moita zvinhu zvenyu pakuwirirana kwenyu apa handipinde zvandaramba ndezvekuti Pam aite senge iwewe ayehwa handi supporter zvinhu zvakadaro asi kana zvave zvekuti muende pabarika mmm inini handina zvandinokwanisa kutaura. Camila..." Mhamha ndibatsireiwo kutaura naPam abvume, mhamha chatove chikumbiro. ..." Cam handidi zvangu, handidi zvekuenda pabarika newe, handidi zvekuenda mumba mako nemurume wako handidi zvangu. Camila..." Honai ari kuramba mhamha ndoita seiko inini. Mhamha..." Nguva dzafamba dai wachienda kumba. Camila..." Ko Pamela haasati abvuma mhamha ndodiiko inini. Anga ave kuchema futi iiih ane misodzi hobho zvake yekutambisa, murume wake ngaaroore mumwe mukadzi kwete inini handidi ini. Akazobuda akaenda kumba kwake ndikasara namhamha. ..." Asi Camila anopenga hanty. Mhamha..." She's just desperate Pam. Ukapererwa chaiko unoita senge munhu anopenga. Ipapa ndangoti ayende kumba kwake but I'm worried anogona kutoita accident ipapa. ..." But zvaari kutaura hazviite mhamha aah. Mhamha..." Zvaingoitwa wani kubva kudhara chete iye ati kurumidzei zvake nekuti hapana kana makore akawandisa aroorwa kaa uyu asi dai paine ten ndipo pataiti zvaramba kana aine munin'ina kana mwana wehanzvadzi ochienda kunoita chigadzamapfihwa manje apa mmm amhanya zvake kana iye murume wacho anenge ndiye ari kumupa pressure vanhu vane mari ndizvo zvavari anokuisa mucorner chaimo achema nhasi Cam haasi munhu anochema sewe kaa uyu ndabatikana. ..." Kana neniwo ndabatikana asi zvekuenda pamurume wake mhamha. Mhamha..." Iyoyo idecision yako yekuita hapana anokuforcer kana usingade murambire asi kana wadawo handikurambidze nekuti unenge wadawo kubatsira sister yako and iwewe wagara ungoriwo single hako. ..." Ko kana iniwo zvikaramba then what ndarara nemurume waCam chero zvikanzi andiroora mhamha you know kuti Camila haagarike naye munozviziva wani iiih kana handidi zvinhu zvisingandipe peace. Mhamha..." Good saka usazvipinze mazviri. Ndakabva ndanyarara ende mhamha vakazofonera Pam vakanzwa kuti ave kumba kwake. Makuseni ndakamutswa necall yatete Sarah, vakafona kuma 4am chaiko ndakatobhohwekana. Tete Sarah..." Sorry kufona uchiri wakarara asi ini ndatadza kurara. Ndakafonerwa naCamila nezuro achichema hazvina kundibata zvakanaka Pam. Ko haunzwirewo mumwe wako tsitsi here. ..." Murikutaura nezveiko Tete. Tete Sarah..." Asi Pamela kaa haikona kuita moyo wakaoma kudaro ingawani wakanzi unobhadharwa wani. Ungarambe kungoroorwa nemurume waCamila kuti uvaitire mwana here. ..." Tete muri kutoona zvamuri kutaura zvichiita. Tete Sarah..." Zvichitadza nei kuita ndimi mazvitanga here nhai. Asi une shavi risingade varume nhai Pam. ..." Tete musadaro. Tete Sarah..." Ayehwa kaa asi unoda kufa tisina kunhonga Mari dzedu dzehwutete here. Hausi kunzi unenge wave mukadzi waGrey zvehupenyu hwese hanty ukazvara mwana mave kutorambana oita hupenyu hwako here nhai. Unoti ne27 years dzako idzi pane pauchasangana nemukomana asina vana here nhai. Ndakaramba ndakanyarara nekuti ndaisada kuvarafura kana kuzonzi Pam akatuka Tete vake. Vakaramba vachitaura hee roorwa what what but handina kumbovapindura kusvika phone yacutter kunenge kwaive kupera kweairtime ende handina kuzombobatwa nehope. Saka Cam anga afonera Tete Sarah kuti vandituke here nhai. Pandanga ndave kubuda kuenda kubasa mhamha vanga vamuka ndikabva ndavaudza zvecall yatete. Mhamha..." Ndakakuudza kuti Mai Sthe vakavhengedzera ipapa vave kukuudza zvekuti unoda kufa usina kuroorwa kuti zvidii. Havana kukwana vaye usapihwe pressure handiti Pam. Ita zviri pamoyo pako usaitiswe zvausingade natete Sarah hanty ipapa ukaroorwa nemurume waCam unenge wave kutosiya basa kana wazvara mwana wabva pamba ipapo owana basa kupi futi. Usabvume kudzosererwa hupenyu hwako kumashure haiwawo ndichamufonera Camila anoda kunyanya kuzviita close natete Sarah sterek haana kubva pano taitaura nyaya iyoyo here zvaanonoudza Sarah kanyenze kaye nyaya iyoyo. ..." Zvakaoma mhamha aah ini Camila zvaanondiitira kaa hameno akandivengerei zvake. Mhamha..." Haana kukuvenga asi ndiwe munhu waanotanga kufunga akapinda mudambudziko nekuti muri munhu one. Kana usingade kumubatsira it's fine chandaramba ndechekuti une akasimbira kumuromo sepinjisi apinzwe munyaya idzi ini Tete Sarah handina kuvavenga asi ndakavenga muromo wavo unotaura zvese zvese. ..." Regai ndiende kubasa mhamha. Ndakabva ndabuda asi ndisati kana ndapinda mucombi Camila anga atumira message ndakatozoiverenga ndave mucombi. 📥Ndakataura naGrey and he said kuti it's fine anokuroora kana wabvuma and we will pay you kana uchida togona kutogadzirisa mapapers toenda kwalawyer onosigner. It's more like you will be our surrogate but iwewe unenge uchiita zvinhu the natural way I'm sure you know zvandiri kuedza kutaura. Once wangozvara mwana it's up to you kuti unoda kumu breastfeeder here but I think zviri wise kuti umusiye musati mabonder coz zvinogona kuzoita kuti uzotadza kumusiya inini ndonwa mapills ekuti ndibude mukaka ndomupa mukaka mwana iyeye anenge ave mwana wangu. Pam ndiri kukupa nguva yekufunga nezvazvo hanty please do this for me, dai uriwe uri musame situation ndaitokuitira zvinodarika izvi wani coz I love you as my sister why can't you just help me nekundiitira this simple thing. Handina kana kumupindura ini. Kana kuine munhu ari selfish kaa ndiCamila. Zvingani zvandakamuitira nhai, ko iye zvingani zvaakandiitira then otaura zvekuti dai ndirini ndiri musituation iye ari kutaura nyaya dzake kunana Tete Sarah kuti vandiise mucourt manje. Ndakaenda zvangu kubasa kwangu asi akandisendera message anosvika ten kana kudarika. Chakandibhohwa aiti kurara nemurume wake kubviswa virginity kauku chero zvichinzi aroora hazvina basa then ndoita nhumbu and I have to push zimusoro remwana wekuti ndingopa iye Cam ini ndobva zvonzi it's a simple thing kuva self centered kwakaita sei ikoko. Ndofunga takaita two weeks Cam achifona everyday and she would beg me, kuchema kudiiko but ndairamba chete. Matext aya kuwhatsapp kwese anga akazara Cam achingotaura nyaya yake one iyoyo ndichimu ignorer asi Tete Sarah vanga vasina kuzombondifonera futi and mhamha vaisatotaura nyaya iyoyo zvachose kana kundibvunza or kungotaurawo anything chiri along those lines. Ndakazoti patodarika futi rimwe week to make it 3 weeks kubva pakauya Cammy kumba ndakatobva kubasa ndikasvika mota yaCamila iri mugedhi nxaa dai ndiine kumwe kwekuenda ndaiyenda zvangu ini pane kupinda mumba kuti Camila atange kuchema ndirimo. Ndichipinda mumba ndakaona muina Tete Sarah namhamha natete Susan vanga varimo futi iye Cam anga akarara pasofa asi achitoratidza kuti anga achichema coz face yake yanga iine zvimisodzi zvaomerera. Mhamha..." Pam wadzoka iweka gara pasi apa. Nhasi zvandanga ndaitirwa muyedzo nemutwin wako nhai. Ndatozofonera ana Tete venyu. Anga ave kuzviuraya uyu hanzi murume wangu ave kuroora mumwe mukadzi ndoraramirei. ..." Camila kuzviuraya nemadiro aanoita kurarama uyu onzi anoda kuzviuraya musanyepe zvenyu maybe anga achingoita kuti mumupe attention ndiattention seeker kaa uyu. Tete Sarah..." Kubva wavenga mwana wamai vako kusvika pakutaura kudaro ndakutya Pamela. Saka dai wasvika afa waitoseka kaa apa. Maiguru regai ndiende kumba kwangu ini ndisati ndataura mashoko asiriwo. Mmm Tete Sarah kusataurisa. Vakatora bag ravo vachibva vatobuda ndikasara ndakatarisana natete Susan namhamha. Tete Susan vakatarisa Camila vakabva vatarisa mhamha. Tete Susan..." Zvino anorara pano here nhasi kana ndonomusiya kumba kwake. Mhamha..." Iiih musiyei pano Tete dai pasina kuti ndapinda muroom maPamela umo asati azvisungirira hanty dai ndawana afa mwana wangu, ko kuzoti kumba kwake kwaanenge ari ega anozviuraya kaa nhai. Maita basa mauya mukataurawo naye anzwa zvamataura regai ndisare naye asi kana murume wake akauya kuzomutora ayehwa anoenda zvake kumba kwake. ..." Nhaimi saka mutori serious kuti Camila anga achida kuzviuraya. Tete Susan..." Uchiti tingatambe nerufu here. Nhasi Mai vako vanga vaitirwa ngozi pano hanzi murume waCamila akawana mumwe munhu wekuroora saka iye ave kutya kuti anogona kutorerwa murume pabarika hameno nyaya dzemwana dzanetsa tanga tati tifonere bamunini timbotaura navo nekuti it's too early kuti nyaya yemwana ive issue mumba mavo manje Cammy aramba hanzi ndiri kutonzwisisa murume wangu zvaari kudira mwana. Ndanzwa kuti anga akambotaura newe ukaramba kuroorwa nemurume wacho hanzi aingoda uve surrogate here but wotanga waroorwa then ozobhadharwa zvino hanzi wakaramba saka iiih nyaya yacho yakaoma muzukuru. Kana mhamha vanga vakatopusa chaiko. Ndakamboita nguva ndakanyarara ndanga ndave kufunga kuti dai Cam afa nhai, she is my only sister zvimwe zvese tingaite asi pakuzoti afe apa ayehwa iiih chero tikaita 10 years tisingataure ari mupenyu better. Ko iye Grey aimupa pressure yakadiiko zvekusvika pakuda kuzviuraya. Ndakasimuka pandanga ndakagara ndikanomumutsa Cam. Achingondiona akatanga kuchema zvakaita kuti ndigare paside pake ndichibva ndamuhugger, anga atoita kakudzikira chaiko and maziso ake anga ari puffy zvekuratidza kuti arikugara achingochema apa anga asisatonyatsovhurike and she had these dark circles under her eyes. Camila..." Pamela ndokumbirawo please ndoita zvese zvaunoda please, Grey ave nemumwe munhu waave kutoda kuroora Cam pay yako yaunopihwa kubasa ndokupa iri times two every month kusvika wazvara mwana. Aitaura achichema apa Tete Susan namhamha vanga vangotitarisa manje. Ndanga ndave mucorner chaimo chaimo zvekuti dai ndaive pangu ndega ndafonera Grey kuti ndimubvunze why he is doing this to my sister, the mighty Camila kupera kudai here nhai mmm. ..." Shh don't cry, pukuta misodzi iyi wachema zvakwana Cam wambotarisawo kana face yako here nhai, ungabva wasvika pakuda kuzviuraya. Camila..." Ehe rega ndizviuraye ndisati ndaurayiwa nesecond wife yaGrey zvagara pabarika ndizvo zviripo kuurayana chete ndosaka ndanga ndatiwo sister yangu indibatsire manje waramba. ..." Cam kuzviuraya haisi solution. It's okay, it's fine pukuta misodzi iyo, I will help you. I will do whatever you want me to do kana zvirizvo zvinoita imba yako isaparare then I will help you. Ndakapedza kutaura ndave kutochema. Ndaisada but ndanga ndisisina imwe option. Mhamha vakauya and she hugged us inini naCamila. Mhamha..." Pam I hope you won't regret this and Camila she is sacrificing for you please treat her well handidi zvemadrama please. Kana zvichizonetsa kumberi garai mazvisiya. Camila..." Ndingamuitei mhamha she is my sister and I love her, she's family so I will treat her well. Thanks Pam, thank you so much sis let me call Grey. Rega ndiudze Tete Sarah iiih wandifadza Pamela. Tete Susan hanty manzwa udzaiwo ana baba Pam ari kuroorwa this Saturday. Tete Susan..." Okay ndingadii zvangu but I don't think kuti this is a good idea zvangu but eeh regai ndinyarare ndinozonzi asi handidi vanozochema vachiita dai ndakaziva nekuti mukaka wacho unenge watodeuka. Ndangotiwo nditaure asi don't come for me ndokuzivai zvenyu. Vakadaro vachiburitsa phone yavo. Kana kwandiri zvese izvi zvaisandibudira but ndodii I have to help my sister kaa. Obvious ndini ndichazongoti dai ndakaziva but for now let me do this for Cam, for my sister, my mum and I know kana daddy vanofara kwavari ikoko hanty this is what sisters do sacrifice for their sisters dai ndiri musame situation pamwe aindiitirawo zvandaita so why not help her. End of Chapter
❤️ 😢 👍 🙏 😂 😮 969

Comments