
COCO NOVELS
June 4, 2025 at 07:01 PM
https://chat.whatsapp.com/GhZJ2AxyEJT6SRTKF2WyVk
*For previous chapters ebook redu huyai kuchannel. Machapters ekumashure haawanikwe kuinbox yemunyori.*
https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q
*❤🩹WHAT IF❤🩹*
Written by
Coco🦋🖤
Chapter 17
*CAMILA*
Desperate times call for desperate measures ndakamboedza zvese kusvika pakuti ndakaona kuti 2 months dzatopera apa nhumbu hapana, ndanga ndave kutowonda nestress even Grey aingove stressed everyday, mumba macho manga musisina kana mufaro even zvekuendawo out zvataimboita panga pasisina. Ndipo pandakafunga zvekuti Pam auye aite seni kutaura chokwadi plan iyoyo I didn't think it through zvakangouya mupfungwa ndichibva ndafonera Pam and ndaitarisira kuti achabvuma coz Pam ndiPam kaa akangopusa pusa manje akaramba musikana kuita kutsika madziro, ndakachema wani ndikadiiko but vese namhamha vakazviramba ini ndipo pandakazofunga kuti asi Pam akaroorwa naGrey kaa bhoo. Pam nekumuziva haamborambe kundisiira mwana ende haashandise mushonga coz ndiyo yaive worry yangu iyoyo yekuti Grey anogona kungondimhikurira kamunhu kana mbuya vanobata-bata then what ndinenge ndaitei hanty imba yangu inoparara. Pam akaramba still apa ndanga ndisati kana ndambo discusser nyaya yacho naGrey. Ndakabva zvangu kuDema coz ndanga ndatodriver mota yangu muzvima dust road ndichiti ndinotaura naPam manje anga aramba apa mhamha kana kumbomuudzawo zvekuti abvume.
Ndakaenda kumba ndikasvika ndichiudza Grey zvandanga ndafunga haana kumboratidza kufarira idea iyoyo uyu apa all along ndaifunga kuti he has a soft spot for Pam but haana kana kumboda idea yangu ende akatoti Pam haambobvume futi so takaita bet yekuti Pam akabvuma anondipa Mari but Pam akaramba anoroora munhu waanoda iye Grey haa takawirirana izvozvo apa ndaitoziva kuti ma1 naPam aramba ndakabva ndafonera Tete Sarah kuti vaite knock some sense into Pam's head manje Tete vacho vakarambirwawo vane problem yekutaurisa Tete ndofunga vanga vave kutuka futi Pam. Ndanga ndave kugara ndichinyengerera Pam angabvume imi zvakaoma manje Grey akabva atoti Pam aramba kwave kuenda kuna Tete vake Mai James kuti vamutsvagire mumwe munhu wekuroora akatowanikwa, day ravakaenda kwadoctor kunotariswa zvekuzvara izvi ndiro day randakapinda mumota mangu ndini uyo kuDema kwave kunonyepedzera kuda kuzviuraya. Mhamha pavakandiona vakaona senge ndiri kuda kuzviuraya zveshuwa inini Cam ndigonzi ndazviuraya nekuda kwandinoita kurarama here ndipo paye pandati desperate times call for desperate measures.
Mhamha manje nekupanicker coz ndanga ndave kungochema vakabva vafonera ana Tete and vakazama kundi counsellor but ndanga ndave kungoti ndiri kuzviuraya. Pandanga ndaneta nekalecture kezvekuzviuraya kwandaisada kuita but ndaingonyepedzera zvangu ndakabva ndanyepera kurara pasofa iiih zvanga zvave kubhohwa apa natete Sarah aah ndanga ndaneta ini so ndakanyepera kurara kudaro ndipo pakasvika Pam kufara kwandakaita ikoko paakaudzwa zvekuti ndanga ndichida kuzviuraya iye semunhu anondiziva akanyatsopindura chokwadi but Tete Sarah vakabva vatsamwa kwave kubuda ava vanosarudza kunoenda mhepo kaa seapa kwandiri vaikudira tumari twedrink twandaimbo sender kwavari ndichiti vapihwa naGrey.
Pakabvuma Pam ndakaita kunge ndichasimuka ndigobata denga but I had to behave coz vanhu vese vaive mumba. Tete Susan ndivo vanga vave kuda kudzosera zvinhu kumashure nhai but vakazonyarara vakafonera ana bamukuru asi havana kuvaudza kuti Pam arikuda kuroorwa nemurume waCam hameno why nhai. Chete marriage yacho yaingovewo yefake haiwa hanty kana azvara mwana aibva abva pamba pangu.
..." Thanks Pam I really appreciate you for this kutaura chokwadi. I will never forget this sacrifice.
Hapana chaakapindura Pamela aingochema zvake aah anopengawo uyu.
..." Now I have to go and tell my husband the good news. Tete Susan muri kuda kunosiiwa mutown here tiende tese zvedu ndiri kuda kufamba kuchiri kuchena plus imi kwenyu kuNorton kure kaa uko.
Tete Susan..." Handei shuwa hazviite ndirare pano ndine vana kaini.
..." Pam mangwana otonosiya basa hanty.
Tete Susan..." Aah ko basa anosiirei futi.
..." Tete anozokwanisa kuenda kubasa aine nhumbu here nhai plus ndakati pay yake ndinomupa iri double.
Tete Susan..." Hoo ahh zvakanaka kana zvakadaro ndanga ndangoshamisika nekuti nhumbu yacho inenge iri mumaoko here, hanty munhu anongoenda kubasa nenhumbu plus Pam ndimanager kaa uyu anenge asingashande akamira plus maternity leave anopihwa saka kana zvazopera sezvamataura kuti achasiya mwana anenge ave kuita nezvei manje imi mamusiisa basa chete regai ndinyarare handimo muhurongwa hwenyu.
..." Ehe nyararai zvenyu Tete nekuti zvatakawirirana hamusi kuzviziva, handei tione. Pam I will call you but program iri kutoitwa as soon as possible since naGrey musiri kuroorana kwenguva refu hapana need yekuita zveroora day kana majava tichi waster Mari kana ana gogo ngavasabve zvavo kumusha kungouya maclose family members ari muHarare chete, kubika tobika tega ende Saturday iyoyo tinobva tatoenda kumba hapana chekumboitira mazi process kunge uri permanent wife waGrey zvaunoda inozoita paucharoorwa newako chaiye murume.
Ndanga ndatove back to my normal self ko ini ndononoka here. Ndakabva ndasimuka ndikatora bag rangu kwave kuenda kubathroom ndikanogeza face yangu nekuzora mafuta ndakabva kubathroom vanhu vachitaura nemavoices ari low nxaa handina kuzombomira ini chii chavaitaura chavaisada kuti ndinzwe.
..." Mhamha ndokuonai Friday ndogona kuuya kuzorara pano. Pamela thanks mwana wamai, Tete kana musiri kuda kusara handei. Bye family toonana Friday kana Saturday.
Ndakabva ndatobuda pasina kana anga apindura ndichinovhura gedhi ndega. Tete vakatozomhanya ndave kuvhara gedhi ndatoburitsa mota yangu kunze.
..." Dai manonoka masara.
Tete Susan..." Ndaingokwira zvangu combi kaa nhai mainini mungabva mandiita kunge munhu auya asina Mari yake here nhai. Kana musingatondide mumota menyu ndinogona kubuda zvangu kwete kuita mota yekukonorerwa kunge ndakazvarwa ndichikwira mota yako Camila.
..." Hii Tete ndanga ndichijoker nemi handina kumbozviziva kuti hamuna kuzvifarira. Sorry Tete kana ndakanganisa kutaura.
Tete Susan..." Kana kwanga kuri kutamba hapana need yeapology.
Vaitovewo muimwe mood Tete, vanga vasina kumbofarira zvekuti Pamela aroorwe naGrey nhaimi zvinhu zvekungoti azvare mwana here nhai unoshaya Tete zvaivabhohwa papi chaipo.
Tete Susan..." Camila ndinokuziva zvangu kuti une kahu bully kubva kare ndaizviona asi apa ndiwe wakumbira wega ukachema iwe kuti Pamela aroorwe nemurume wako zvauriwe uzotanga kumuitira hutsinye nehubully iwe wabatsirwa ndinokuziva hautende inini ndinoona zvese zvinenge zvisingatariswe nevanhu wanzwa, I can even see the fakeness of your smile right now.
..." Tete kaa handizive hangu chamakandivengera nditoriwo munhu bhoo inini.
Tete Susan..." Kune vaunonyepera Camila not kwandiri. Inini ndikazofonerwa nechine chekuita newe nekushungurudza Pamela unoziva kuti inini handidi zvekutaura tinongoita zvemaoko chete ini handina kupusa kaa saPamela akanyararira kupusa.
..." Haa Tete handichazivewo zvamave kutaura kuti zviri kubva kupi kana makangondivenga taurai zvakanaka.
Tete Susan..." Ndokuvengerei zvangu.
Handina kuvapindura ende vakabva vanyarara kusvika tapinda mutown ndikavasiya, vakaramba $5 yandaida kuvapa kuti vashandise patransport hanzi ndinayo. Ndakavasiya vachienda ndikadriver kuenda kumba ndanga ndatononokerwa nekuona Grey ndimuudze good news zvangu, ndakasvikawo mumba aveko Grey ndikatopinda akagara pasofa zvake hameno zvaaibaya palaptop pane paside pake paine envelope. Ndakasvika nekumukisser padama ndichibva ndagara paarm resofa ndakahugger Grey ndakadaro ndakaisa musoro wangu pashoulder.
..." Babe I'm so excited, ndauya negood news. Dzima laptop iyi titaura mudiwa vhara laptop my love.
Grey..." Mira ndipedzese zvandiri kuita totaura ndine zvishoma zvekubasa zvandiri kuda kupedza first.
..." Okay ko wambodya here kubva zvawabva kubasa.
Grey..." Ndiribho ndadya kubasa ini.
..." Okay babe neniwo handina nzara.
Ndakaramba ndakagara ndakamubata kudaro achiita zvaaiita kusvika apedza achibva agadzika laptop yake patable ndichibva ndagara pamakumbo ake.
Grey..." Chiiko nhasi, why are you being clingy.
..." Because ndiri kufara but at the same time I'm scared coz ndave kuzoku sharer babe apa ndajaira kungova wako ndega manje apa Pam ave kuuya pano....
Grey..." Hee wati Pam chii?
..." Pam abvuma kuroorwa newe so ave kuuya pano, ndipe Mari yangu tione ndahwina bet yedu.
Grey..." Camila are you being real right now.
..." Ndonyepereiko nhai Grey, ana Tete vanga varipo vatozvinzwa ava even ana baba vatofonerwa ndati unomuroora Saturday kuitira tisanonokere zvinhu but Grey before that ndinoda kugara ndataura mitemo yangu since wave kuroora sister yangu and zvagara it's only for about 10 months by then anenge ave nemwana I'm sure and mwana wacho anobva andisiira inini iwe omupa gupuro zvopera.
Grey..." Zvese izvozvo I know babe and zvagara ndiwe uri in charge pazvinhu zvese izvi.
..." Okay good, Grey hapana chaunoitira Pamela unondipa Mari ndini ndinoziva zvaanoda nezvaangade even Mari kana uchida kumupa inofanha kutanga yapfuura through me.
Grey..." Okay that's fine chii chimwe.
..." Paunorara naPamela ndinenge ndirimo muroom kuitira musazoronge zvimwe zvinhu zvandisingazive coz ndozviziva kuti you like Pam and she likes you saka I don't want izvi kuti zvizo leader kukudanana mondisabhura.
Grey..." Uri kuti chiiko Cam zvauri kutaura uri kuona zviine musoro.
..." Ehe zvine musoro wani, madays ekuti urare naPamela ndini ndichamaronga coz zvinenge zvichida when she is ovulating kuti akasike aita nhumbu yacho.
Grey..." Izvozvo hazvina basa asi zvekuti ndiite sex naPamela urimo ayehwa ndazviramba urikuona zviine musoro here even iye Pam she won't be comfortable kana neniwo kuita senge ndiri kuactor porn here ukwane iwe.
..." Tozoona day racho Grey for now let's plan kuroora kwacho asi haisi kuita sebig function hanty kuroora kwebhaizi kaa, Pamela zvakangofanana nekuti anenge ari surrogate wedu.
Grey..." Chero zvawada Camila.
..." Good then Saturday tiri kunoroorwa Pamela.
Ndakangofarira kuti ndini ndanga ndanzi I'm in charge zviri zvekuti pavanorara vese pese ndinenge nditoripo anopenga Grey kana achifunga kuti achawana kana time yekutaura naPamela zvandisingazive inini ndipo pakuzotanga kudanana ipapo ini ndakadzima. Vanofanha kutongoita sex senge vanhu vakechana kwete zvekuita love making ayehwa kana. Ndakazonobika tikadya but tanga tave kutofara ende takaronga zvekunoroora Pamela manje Grey aida kunobvisa Mari yakawanda ini ndichiti abvise shoma chero akasara nechikwereti zvine basa reiko ko idzo hama dzangu dzinoda kudya Mari yeroora yemunhu one kangani. Friday ndakaenda kuDema asi ndakabhohwekana kuti ndakaenda ndisina kuonana nemunyai waGrey nhai. Zvadaro ndakasvika Pamela ariko hanzi anga atosiya basa ndakafara akaita kunonzi kunzwa nekuita kwete kuteedza zvatete Susan zvekupenga nekunzwa godo.
Sevanhu vaisaita zibig function takango cleaner mumba but mhamha vaisamboratidza kufara even iye Pam haa hameno zvinei neni chero zvangu zvaita chete. Ana Tete vakazouya mangwana vese nana bamukuru ende list rakanyorwa that day though bamunini vanga vambozviramba zvekuti Pam aroorwe nemurume wangu vachibatsirana natete Susan asi ini support system yangu Tete Sarah vanga varipo kaa ende vakapenga wani list rikanyorwa zvekuti zvegrocery Grey ndanga ndangomuudza kuti atenge senge zvanga zviri pangu ende mhamha vakangotora list rangu vakakopera zvese zvaamai zvanga zviripo. Maiguru vanga varipo and vakambodawo kumira nana Tete Susan but haa vakazongonyarara.
Ndakaenda kuroom kwaPam ndiko kwandaive kudining kuchibviswa Mari dzeroora. Iye Pam aingochema uyu hameno chaichemedza pakuroorwa kwaakabvuma ega chii ndaitotaura zvangu nemurume wangu paphone achiti ari panze mumota. Zvadaro takazodeedzwa naPam nditete Susan vakauya kuzotitora avo havana guhwa kaa plus inini navo mmm kakuwirirana hapana so handina kukwanisa kuvabvunza Mari yanga yaburitswa for roora. Anga arimo Grey wangu ndikasmiler ndakamutarisa. Pakaitwa maintroductions futi tikanotora chikafu vanhu vakadya tanga tabika makuseni isu zvecatering kana nemari yaani nhai iye Pamela wacho arikuda kuzobhadharwa.
Pazvanga zvapera ana Grey vakaenda even ana bamukuru vanhu havana kumbogarisa ava vakasara ndivana Tete namaiguru.
..." Pam wakarongedza hembe dzako hanty, tora bag tiende. Mhamha isu tave kuenda hapana chatingararire pano.
Tete Susan..." Ko Pamela haasi kuperekedzwa nesu here.
..." Kunoitei nhai Tete, kuperekedzwa kupi futi munoda kunoita chiroora kangani nhai ayehwa kaa even zvekurairwa hanty pamakandiraira aivepo Pam saka hapana chaanoda kurairwa.
Mhamha..." Mmm Camila ko dzungu racho nderei nhai hanty aroorwa here Pam anofanha kunoonawo hana dzemurume wako kaa.
..." Ayehwa mhamha ndini mukadzi anozivikanwa ikoko ndakataura wani kuti Pam akangofanana nasurrogate wedu saka hama dzinodirei kuona surrogate nhai. Iwe kana usina kurongedza bag don't worry handei tinonotenga hembe dzimwe mangwana zvagara handisi kuda kuti upfeke hembe dzawaipfeka pano wave mumba mangu.
Tete Susan..." Atotanga kuratidza matrue colours ake muri pano, uchatongwa kusvika wati eke iwe Pamela regai ndinyarare zvangu.
Tete Sarah..." Iiih murume agara ndewa Camila saka siyai aite zvaanoda.
Tete Susan..." Ko ndatiiko ini.
Mhamha..." Munogara zvakanaka Camila usakanganwe ndiwe wakauya kuzokumbira Pamela uyu kuti akubatsire wanzwa.
..." Haa mhamha ndingamuiteiko Pam ndipo pandingamuuraye here haiwa handei Pam.
Tete Sarah..." Rega tibva tangobuda tese undipewo transport unonondisiya paMaruta ndinenge ndatove padhuze nepamba pangu.
Vakatosimuka tikabuda tese asi Pam anga ayenda kuroom kwake ndofunga kunotora zvinhu zvake zvakakosha nekuti pahembe ndaitorevesa kuti ndinoda kunomutengera dzimwe kwete kuti apfeke dzake dzepano haiwa anozodzipfeka adzoka.
End of Chapter
❤️
😢
🙏
👍
😂
😮
869