
COCO NOVELS
June 5, 2025 at 07:53 PM
https://chat.whatsapp.com/GhZJ2AxyEJT6SRTKF2WyVk
*For previous chapters ebook redu huyai kuchannel. Machapters ekumashure haawanikwe kuinbox yemunyori.*
https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q
*❤🩹WHAT IF❤🩹*
Written by
Coco🦋🖤
Chapter 19
Ndakaiswa mutub apa mvura yaivemo yaidziya asi ndairwadziwa ini zvekuti misodzi yaingoyerera izvo zvedu zvekumirira kukura tozobviswa humhandara izvi ndakanyatsozvidema haiwa ndairwadziwa ini. Grey akanopinda mushower ndaiita zvekubiridzira kumutarisa, akasvika pakubuda imomo ini ndisina kana kumbogeza zvangu apa anga amonera towel muwaist better. Akasvikogara paedge petub paye achibva anditarisa, ndikabva ndatsinzinya. Ndakanzwa abata ruoko rwangu ndikakurumidza kuvhura maziso ndikaona ave kuda kundigeze.
..." Ayehwa ndogeza ndega zvangu.
Ndakadaro ndichitomutorera towel raaida kundigezesa, haana kuita nharo akabva abuda. Ndakasara ndikazvigezesa kuzasi kwese uku but ndainzwa pain zvangu. Ndapedza kugeza ndakavhurira mvura ikabuda mutub ndikabva ndazvishingisa kusimuka mubathroom macho maive nerimwe towel zvevanhu vane mari here nhai ndakaritora ndikarimonera zvangu kwave kuzvishingisa ndikacleaner tub. Ndikabva ndatanga kufamba zvishoma nezvishoma kusvika ndasvika padoor rebathroom pandakarivhura, Grey akabva akurumidza kutarisa kwandiri aitove pakati pekuwaridza mubhedha ndofunga ndanga ndamesser zvinhu zvanga zviripo coz panga pakaiswa masheets ewhite nechibed cover chewhite iyo smartness yaCamila here yemunhu asingawache zvinhu zvacho. Akafamba fast kusvika pandiri kwave kunditakura nhaimi.
Grey..." Wadii kundiudza kuti wapedza pane kufamba wega.
..." Kuti ndakaremara here bamukuru.
Ipapo aitondirarisa pabed, hameno zvanga zvabviswa zvacho zvanga zvaiswa kupi nhai.
Grey..." Bamukuru vako ndiani?
..." Imimi kaa.
Grey..." Ukwane handizvide.
..." Aah saka ndokutii ani
Grey..." Kana zvekuti babe, sweetheart, my love, daddy, honey zvichikunetsa ingonditi Grey.
..." Haa kana handidi zvangu maproblems naCam makamunzwa nezuro zvese zvamuri kutaura ndichazviita murume wangu kana boyfriend yangu.
Grey..." Murume upi?
..." Wandichazoita kaa ko hanty pano ndikangozvara mwana wenyu ndiri kubva ndaenda here nhai, why are you asking me mibvunzo yakapusa kudaro nhai aah.
Akangoramba akanditarisa haana chaakataura but aiita kunge munhu atsamwa ende akabva atora masheets ndakazoona kuti anga ari pasi kwave kuenda nawo mubathroom, ini nekuona kuti handina kuzora mafuta plus ndakangomonera towel ndakasimuka kubva pamubhedha ndichida kunotora zvangu nightdress rangu mucloset nekutora lotion yangu ndaida kuita zvese izvi Grey asati abuda mubathroom plus ndaida ayende kumukadzi wake ini hanty tanga tatorara tese here kare.
Grey..." Asi Pamela unotomboteererawo here uri kuitei ipapo handina kusiya ndakuisa pamubhedha here, you need to rest.
..." Ndiri kuda kutora nightdress rangu.
Grey..." Rei?
..." Rekudya aah rinoitiswei nightdress obvious kupfekwa munhu orara kaa.
Zvekubvunzwa tumibvunzo nhando zvinobhohwa hazvo aah. Ndakabva ndatora nightdress racho ndave kubva pacloset pacho munhu kwave kungonditorera nightdress achikanda pasi achibva anditakura futi kune vanhu vane power zvavo kana mazogara kana nechaainditakurira ndichigona kufamba ndega handitozive.
Grey..." Ndaitoti uri soft apa uri stubborn chii chinonetsa pakungoteerera.
..." Ndiri kuda kuzora mafuta nekupfeka nightdress ndirare Grey.
Grey..." Okay rega ndikuzore mafuta acho.
Akabva anotora lotion yangu kwave kuuya apa ndanga ndave kunyara futi, iye anga achiri akamonera towel. Akatanga kundizora lotion iya pamwe pacho unongoona kuti uku hakusi kuzorwa lotion kuri kwega. Of cause ndairwadziwa but body yangu yese yaiita kudairira kumaoko aGrey zvekuti apa iye wacho maoko ake anga atove kumazamhu angu.
..." Ummm ndiri kurwadziwa ini.
Grey..." Ndiko kutoti upore ikoku Pam.
..." Ayehwa aah handisi kuda zvangu.
Kuramba ndisati ndanyatsobatwa chaipo chaipo, mukurwadziwa imomo akazongoita zvaakaita wani and this time ndakabva ndatobatwa zvehope hangu ndikarara ndikazomutswa naye Grey futi hameno dzanga dzave kumanguvai iye hameno haarare here nhai aah ndanga ndave kutonzwa kurwadziwa nemuviri wese uyu apa ndaiti achaenda kunorara kwaCam kaa asi makuseni ndakatomuka ndichinzwa achivhara door repabathroom. Ndainzwa kuneta nekurwadziwa nemuviri wese zvekuti ndakatadza kana kusimudza musoro chaiko. Iye Grey ndiye akatouya kwandiri achibva andikisser apa ndanga ndisati ndageza mazino nhai.
Grey..." Ndakumboenda kubasa ndodzoka ndichikuona. You need to rest Pam usamuke uchitanga kuita kana anything pano ndichaudza Cam akuigire chikafu muno.
..." Aah zvichizoita here izvozvo nhai.
Grey..." Zvichitadza nei undi unblocker ndizowana kukufonera hanty.
..." Okay iri bhoo.
Grey..." Hameno nhasi ndokwanisa kushanda ndichikufunga here.
Akabva anditswinyira kaziso zvakaita ndiridze tsamwa nhai achibva atanga kuseka kwave kubuda ndikasara zvangu ndichitorara futi iiih ndaiita senge munhu arara husiku hwese achitema huni aah. Ndakarara hameno kwemahours mangani ndikazomutswa naCam better ndanga ndakafuga coz ndanga ndisina kupfeka kaini and ndaisada kurwadzisa Cam ndaitozviziva kuti it's so painful for her kuti ndiri kurara nemurume wake so ndaisada kumurwadzisa worse.
Camila..." Dzichiri nguva dzekurara here idzi nhai Pam or Grey akazonyanyawo kuenda overboard, I know how he can be.
..." Kutoneta chaiko sis kubva pawataura nyaya yako iyi handina kuzombowana time yekuzorora.
Camila..." Usanyepe kani Pam, unoti handione here kuti you didn't sleep the whole night. I hope nhumbu yavepo asikana coz zvinozobuda here kuti ndiri kusacrificer murume wangu kuti auye kuzorara kuno ini ndichirara ndichitonhorwa husiku hwese apa achikukerengera chiweti icho mahara haiwa hazvibude. So tell me how was it, wanga uchiri virgin here iwe or wanga wazovhurwa coz pawakasiiwa naBless aye handina kuzonyatsoona mafambiro awakaita paye haiwa.
..." Mmm Cam I'm not comfortable neku discusser nyaya dzakadaro newe. I know kuti already you are dying inside hazvimbonakidze kuti I'm sleeping with your husband so please ngatisiyanei nenyaya iyi.
Camila..." But Pam we are sisters tofanha kuva free kudiscusser nyaya idzi. Okay ukasataura neni unozoudza ani.
..." Not when it comes to your husband no handidi tivengane ini ndakauya pano tichiwirirana.
Camila..." Okay fine. Grey ati ndikuigire chikafu muno that's why I wanted to know kuti how far asi wakakuvadzwa here kana kuti chii.
..." Mmm I don't know why he told you that asi ndiri kuuya kudining rega ndipinde ndigeze.
Camila..." Okay coz ndanga ndatonetseka kaa kuti asi maikwirana zvemu movie kani.
..." Mmm Camila.
Camila..." Chiiko zvinonyadziseiko hanty makangoita sex here ini kuti zvisandirwadze ndongozvitora sekuti Grey akakecha hure rake ndikazvibata.
..." Saka urikuti ndiri hure raGrey.
Camila..." Zvakasiyanei hanty ukamuzvarira mwana obhadharwa oyenda it's just like you are being paid for sex so wakasiyanei nehure nhai usabatikane nezvisina basa.
..." Hayas regai ndinyarare.
Camila..." Usarwadziwe nezvisina basa haiwa.
Akabva abuda but ndakasara ndakabatikana zvangu ende ugoona ini kusatomuudza zvesex yangu naGrey hanty kuprotecter mafeelings ake manje zvekunditi hure iye Grey ariye murume wandatanga kurara naye here ndakatonzwa kusvotekana. Ndikazvisimbisa ndikamuka ndanga ndichiri kunzwa kuneta plus kurwadziwa chaiko nepakati pemakumbo apa. Ndakananaira ndikanopinda kugeza imi kuti ndanga ndisina kubvarukira aah Grey wacho anga azozviwanzawo uyu. Ndakayuwira kani pandakapinda mumvura. Ndakazobuda ndikapfeka madress ekureba aya andakatengerwa naCam ndiro raitoita ndifurwe nemhepo nekuti ndairwadziwa even pant ndakangopfekera kushinga ndikaenda kudining ndisina kana muroom mangu ndanga ndave kunzwa nzara.
Camila ndiye akandipa chikafu ndikanyatsodya zvangu but ndaizama kufamba asingaone so zvakandiforcer kuswera kuroom kwangu and iye Cam haana kumbonyanya kuita pressure nazvo, masikati akatotuma Mai vanomuitira basa ndivo vakandiigira chikafu vakazouya kuzotora maplates acho zvekuti ndakatonyara ndichiitirwa zvinhu zvese nemunhu mukuru nhai. Camila anga aka connecter phone yangu pawifi yepamba pake so ndakaswerera zvangu kuona zvima video patiktok, ndikazombobatwa nehope ndikamutswa nemakisses paface pangu apa, ndakatomuka ndichiita zvekuvhunduka kwave kuona ari Grey.
..." Aah what are you doing here. Cam ari kuzviziva here kuti muri muno.
Grey..." Ane basa reiko Camila, kana ndiri muno ndinenge ndauyira iwewe hatitaure nezvaCamila wanzwa. Zita rekuti Camila riri forbidden muno.
..." Ayehwa kaa akataura wani kuti ndiye anotonga zvese pano. Please bamukuru I don't want to ruin my relationship nesister yangu nekuda kwenyu.
Grey..." Cam ndiye akaita uuye pano semukadzi wangu so mese muri vakadzi vangu ende ndini ndinotonga pano not Cammy.
Akabva atogara pabed apa ini ndanga ndamuka kaa ndaita zvekugara, kwave kuswedera padhuze neni achibva atanga kutondikisser. Ndaisada kuresponder but Grey hameno zvaanongondiita, ndakazomurambidza ave kuda kubvisa dress rangu haa ndakarambisisa kuti aribvise.
Grey..." Rega ndikusiye umbozorora nhasi but unenge unotetawo iwewe haiwa ndosaka wapfeka chihembe chihombe kudai manje chero wakapfeka kunge chembere I still find you attractive and hauna kundi unblocker iwe ndichakupa Mari I want you to remove that hairstyle ko chiiko kuitwa zvakafanana naCamila ini ndokufarira ungori Pam ari natural.
..." Ndakaita zvaidiwa naCam kaa plus she said handipihwe mari nemi ndiye anondipa.
Grey..." Uchaitiswa naCam kana ukaramba uchizviita munhu akapusa nhai, kusvika pakuudzirwa zvekuita nemusoro wako here unenge wakapusawo ini manje ini handidi mukadzi akapusa ini.
..." Good thing ndingoriwo surrogate zvangu.
Grey..." Ndizvo zvaunozvinyepera kaa.
Akabva andikisser futi kwave kusimuka achibuda ndakasara nditori neconfusion matauriro aGrey neaCamila anga akatosiyana kuita senge vasina kutanga vawirirana panyaya dzavo nhai. Ndakambogara zvangu kusvika pakauya Cam.
Camila..." Huya tidye murume wangu adzoka kubva kubasa.
Ndakada kumuudza kuti ndamuona kare but ndakazofunga futi ndikamuti ndiri kutevera. Takanodya zvedu ndikadzoka kuzorara that night Grey haana kuuya asi akamukira kuroom kwangu akandimutsa kuma 3am chaiko nhai hanzi hee handidi urare wakapfeka hee what what aah asi Grey isex addict kani coz he didn't even allow me sleep kubva na3 idzodzo. Madays akafamba apa Grey aiwuya kuroom kwangu nearly everyday zvandakazoziva kuti Camila aisatomboziva nezvazvo nhai coz iye aiti Grey anofanha kurara kwangu ka2 paweek manje Grey wacho aitaimirira Camila arara ouya kuroom kwangu ini handizive kuti ndanga ndave addicted to sex or to Grey coz chero kungotaura naye kwaitondinakidza chaizvo ende ndaiswera ndichitaura naye pawhatsapp arikubasa ndanga ndazomu unblocker zvangu. Ndakaita dzinenge two months ndiripo pamba pana Cam apa achindibvunza everyday kuti hausi kunzwa kuda kurutsa hee hausi kurwadziwa nepakati aingobvunzira kuti awone kuti ndave nenhumbu here manje ini besides kungosimba nekuti ndaidya ndongorara kaa hapana kana chaindainzwa.
So Camila akazongoti handei kwadoctor unotariswa pamwe hauzvare matauriro aakazviita haana kundiitira ini apa Grey anga asingambondibvunze nyaya dzenhumbu idzi ndoona sekuti Cam ndiye ainetseka nenyaya dzemwana idzi not Grey sezvaanga ataura. Ini semunhu anga ave ne2 months achipihwa mari sekuwirirana kwatanga taita naCam handina kuita nharo takaenda kwadoctor vaye but Grey handina zvangu kumuudza ende takasvika kuya zvikanzi nditange ndaitwa ultrasound, Camila anga arimo.
Doctor..." Umm nurse come and see this.
Vakadaro vachifambisa chimushini chavo chiya padumbu pangu.
Camila..." Doctor chii tiudzei kaa pane kudeedza nurse asi pane problem.
Doctor..." Okay your sister is pregnant.
Camila..." Haa doctor muri serious here kana murikutanva nepfungwa dzedu.
Doctor..." I'm serious ini. Mirai nditarise kuti ine maweeks mangani.
Vakabva vamira kufambisa chimushini chavo kwave kundipukuta zvavanga vandizora tichibva tanzi tiende kuoffice. Inini I don't know how I was feeling kutaura chokwadi but Cam was excited kuita kundihugger nekudiiko haa zvaCamila. Takazoudzwa kunzi nhumbu ine 5 weeks tichibva tapihwa copy yescan iya kwave kuenda zvedu kumba.
Camila..." Better zvapera haiwa murume wangu haachauye kuroom kwako hanty nhumbu yavapo and yaita surprise chaiyo kwandiri ndafara, thanks Pamela I love you aah kwasara kuti mamonths amhanye undizvarire mwana wangu.
Akadaro achidriver ndanga ndangove zii. Grey akaudzwa zvenhumbu ndiripo and akanditswinyira kaziso akangoratidzawo kufara pana Cam zvadaro takazoenda kunorara zvedu asi Grey akauya manheru ndikamuudza zvanga zvataurwa naCam akangoti anopenga hee ndinoda kusimbisa mwana wangu what what iniwo semunhu anga ave kutoda zvinhu iiih anga andinzwisa zvinhu zvinonaka Grey ende ndanga ndave kunyatsomuitira zvatakadzidziswa nana Tete paye pavaidzidzisa Cam ini ndaitodzidzirawo kaa ende body yangu iri flexible ndaisanetseka kana and Grey aizvifarira.
Makuseni ndaimuka Grey abuda zvake ndofunga aiitira kuti Cam amuke iye ari kuroom kwavo. Ndaisamboziva kuti zvinhu zvechitsotsi zvinonaka kudaro ini. Ndakazoti ave masikati that same day ndaitove musitting room ndichiona tv pakatanga kuringer phone yangu dzaive number dzandisingazive asi ndakangodaira zvangu.
Bless..." Ko murisei ko nhai Mai Mhofu munodiwa maMhofu venyu.
..." Mai Mhofu ndianiko ukwane iwe uri kundifonera kuti zvidii. Mukadzi wako arikuzviziva here izvi.
Bless..." Mukadzi wangu ndiwe kaa nhai Pam urikurasika papi, I hope uchiri wakandichengetera virginity yangu ndiri kuuya kuzokuroora zvemashuwa this time ndakaunganidza mari yakakwana and handisi kukuvhara ini ndakarongeka kani plus I heard kuti you are not yet married.
..." Bless undikwanire wanzwa pfutseki unoda kuroora ani ita zvemukadzi wako nevana kambwa kemunhu.
Camila..." Aah Pamela uchiri kuita zvaBless.
Ndakabva ndacutter phone fast, ndanga ndisina kana kumbozviona kuti Cam apinda.
Camila..." Pindura kaa iwe nhumbu yako haisi yaBless here.
..." Aah Camila, Bless atongondifonerawo nenumber yandisingazive uyu hauna kunzwa ndichimutuka here nhai plus ndinoita nhumbu yake how ini ndave ne2 months ndiri mujeri pano ndinobuda here kana pese pandinobuda ndobuda newe usade kundibhohwa.
Camila..." Munogona muchingotukana murudo kaa saka ndinozviziva sei, wanga uchimutuka uchitonzwa mafindifuva apa ayehwa tichazvinzwa hedu munhu akakusiya achinoroora mumwe munhu uri kutokwirana naye zvake chete varume vevanhu hauna havo matyira kwavari.
..." Mmm Camila usadaro iwewe ndakauya pano kuzokuitirai mwana nemurume wako wani mmm dai ndisina nhumbu ndabva zvangu pano zvemashoko handidi hangu.
Camila..." Ndangoti nditaurewo zvangu ini I know nhumbu ndeya Grey asi zvekuzotaura naBless no handidi zvekuzvarirwa mwana wemusanganiswa.
..." Bless ndomudiiko munhu ane mukadzi wake ukawana time undikwanire haiwawo mxm.
Haana chaakataura akabva abuda but ndakasara ndichizvitongesa ndanga ndisina kumupindura rough here nhai apa ndiri mumba make. Ini handidi zvekunetsana nevanhu ndinenge ndave kutofeeler bad zvekutonzwa kuda kungoti sorry chero ndisirini ndiri wrong seipapa but haiwa anotaurisa cam haadi kupihwa time ndakabva ndatoblocker new number dzaBless ane muyedzo unoshura nhaimi, I think I should buy a new simcard coz iri akatorojairira nxaa. Imagine dai ari Grey azvinzwa hanty yaitoita nyaya iiih anochengera Grey ungati haana mukadzi wake Camila.
End of Chapter
❤️
🙏
😂
👍
😢
😮
932