
COCO NOVELS
June 13, 2025 at 07:21 AM
https://chat.whatsapp.com/GhZJ2AxyEJT6SRTKF2WyVk
*For previous chapters ebook redu huyai kuchannel. Machapters ekumashure haawanikwe kuinbox yemunyori.*
https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q
*😔 PAINFUL FORGIVENESS😔*
_Family means no one gets left behind or forgotten_
Written by
Coco🦋🖤
CHAPTER 2
*Mai Mike*
Ndakakandira pasi suit yababa Mike yandaida kuisa pahanger kuti iyende kudry cleaning pandakangonzwa mhere ichibva panze. Apa chemero yaiita Mike yakabva yandipedza simba chairo. Obvious munhu akangochema pamba pane hurwere zvinongoreva chinhu chimwe chete. Ndakangozvisimbisawo kuti ndibude mubedroom mangu asi mandiri ndaizvinzwa kuti ndanga ndisisiri munhu.
Ndakaona mwana wangu achizunza zunza baba vake, uku achingondideedza. Ndakabva ndaita zvekumhanyirira ndichisvika paya ndakaona baba Mike vakavhara maziso. Ndakapfugama pasi ndikabata ruoko rwavo ndikanzwa ruchidziya. Ndakatarisa kuna Mike uyo anga atoisa musoro wake pakati pemakumbo, achinzwika kuti arikuchema asi zviri pasi pane mhere yaanga ambokwetsura.
..." Nhai Mike chiiko chiri kuita ucheme kudai.
Akatadza kana kutaura neni chaakangokwanisa kuita kusimudza musoro wake, achibva apukuta misodzi yake nekuseri kweruoko achibva angotarisa baba vake. Inini hamenowo kaconfusion kanga kakatondibata zvekuti ndaisatoda kana kutarisa baba Mike. Semunhu mukuru ndanga ndatozviona kuti apa munhu hapasisina asi ndaingotadza kuzvigamuchira kuti baba Mike vanga vatondisiya sekutamba sekuseka. Apa nezvandanga ndamboudzwa nemaporifita ndaitoona senge zvaiitika pamberi pangu idrama chairo.
..." Nhaimi baba Mike chiiko chamuri kundiitira murume mukuru. Musade kutityisidzira nemwana zvakadaro kani. Ingawani ndimi manga muchitaura neni manje manje apa muchindiudza zvekuti ndikutsvagirei suit yenyu yenavy blue nekuti mune kwamuri kuda kuenda, zvino ndiko here kwamanga muchireva uku. Ndiko kuenda kwacho kwamanga muchitaura here murume wangu.
Ndakabva ndabata musoro wangu nemaoko angu ese ari maviri ndichibva ndaikwetsura mhere yakaita kuti vavakidzani vedu vauye vachimhanya. Havana kusvikobvunza zvandaichema nekuti navowo vakatongoona zvanga zvaitika. Sahwira wavo baba Mike ndiye akangosvika nekuvatarisa nekuchonjomara paside pavo.
Sahwira..." Sahwira ndizvo zvawazofunga izvi. Baba Mike ndizvo zvawazoronga izvo. Inzira yedu tose asi maendero acho manje ndiwo anorwadza. Zvisinei ndinongoti zorora murugare shamwari yangu, wakarwa kurwa kwako kwakanaka, iyezvino yave nguva yako yekuzorora.
Vakasimuka paye vachipukuta misodzi, kana neniwo ndakazviona kuti murume mukuru anga arwadziwa. Inini ndanga ndaita kukombwa zvino nevavakidzani vangu vechikadzi tichibatsirana kuchema. Handikwanise kutsanangura pain yandainzwa panguva idzodzo. Chainyanyondirwadza ndechekuti ndaive ndataura navo pasina kana hour chairo. Sahwira wavo ndiye akatozovapeta nekubva avavhara nezambia rangu nekuti zvanga zvisisaite kuti varambe vachingoonekwa nevanhu vese.
Varume vanga vavepo ndivo vakabatsirana kuvatakura vachivapinza mumba, mubedroom medu, ini ndichibatsirwawo kufamba kuenda mudining umo mandakasvika masofa atoburitswa panze, ndatowaridzirwa mucorner mekuti ndigare. Ndaitadza kuzvibvuma kuti murume wangu anga atondisiya ende pamba pangu panga patove nemariro.
Kana kuti Mike anga aripi ndanga ndisisazive ende handina kumbozvifungawo panguva iyoyo. Pfungwa dzangu dzaingove pakuti baba Mike vanga vandisiya. Apa mugoona conversation yatanga tichangobva kuita yanga iri iya yekuti ndaitofanirwa kunyumwa, asi semunhu aive nekutenda mune zvaive zvataurwa namadzibaba ndaingoti munhu arikurarama.
Ndisati ndapinda mubedroom umo mandakazobuda ndichisangana nemashura erufu, ndanga ndakatogara nababa Mike panze tichitandadzana hedu, asi ivo vanga vakarara semunhu anga asisakwanise kugara. Baba Mike vaingotaura zvekuti varikutya kundisiya inini nevana. Vaingotaura zveku disappointer Mike, nekumunzwira tsitsi zvekuti ndakapedzesera ndatovaudza kuti tisataura nyaya idzodzo.
Nekusada kuti varambe vachitaura nyaya dzinotyisa sedzavaitaura ndakatochinja nyaya ndichibva ndatanga kutovaudzawo zvangu nezvenyaya yanga yatongwa kwamambo zuva ranga radarika racho, asi ivo vaingoramba vachidzokorodza kutaura mashoko avo iwayo. Panguva idzodzo ini ndaingoti kutaura kwemunhu arikunyanya kudzimbikana nemuviri. Munoziva kana munhu anyanyisa kurwara anongotanga kufunga kuti ave kufa, saka inini pfungwa dzangu ndizvo zvimwechete zvadzaifunga izvozvo.
Vaona kuti nyaya dzavo handisi kudziteerera ndipo pavakabva vandituma kuti ndinotora suit yavo yenavy blue ndiiendese kudry cleaning nekuti vane rwendo rwavaida kuenda vakaipfeka. Ndakadozama kuvabvunza kuti rwendo rwacho rwaive rwekuendepi asi vakati vachazondiudza kana ndapedza kuita zvavanga vandituma. Kuvaoneka kwandakaita ndichipinda mubedroom handina kumbozviziva kuti ndikwo kwaive kutoonekedzana zvachose ikoko.
Ndakazovanzwa vachidana Mike ndiri mubedroom, ndikangosiyawo zvakadaro ndichiti ndibaba kaa varikuda kukurukura nejaya ravo, dangwe ravo kaa. After some minutes ndipo pandakazonzwa mhere ichibva panze, ndipo pandakazonoona zvanga zvandisvitsa panguva yandanga ndave iyi. Kufunga kwandaiita kwakandipa kuti ndozvipunzire pasi chaipo ndichichema. Vakadzi vanga varipo havana kumbomira kundisimbisa, zvekuti ndakapedzesera ndave kutonzwa zvirinani.
Ndakazorangarira kuti ndanga ndisina kumbotaura naMike kubva kufa kwanga kwaita baba vake. Ndaida kunzwa kuti vamwe vana vangu vanga vanzwa here nezverufu rwababa vavo, ende vehukama vanga vaudzwa here plus Nyaradzo funeral policy sezvo iriwo Pala yavanga vakapinza mhuri yedu. Ende kunyangwe mazuva azvakaoma hatina kumborega kuendesa mari ikoko. Panguva idzodzo ndakatotenda kufunga zvirimberi kwaiitwa nemurume wangu, nekuti chokwadi dai tanga takazvivharisa zvekuNyaradzo dai rufu rwazotiwana tiri pa0 chaipo.
Ndakatuma mumwe wevanhu vaindinyaradza kuti aende kunodeedza mwana wangu uyo anenge anga atogara kuvarume, nekuti munhu anosimbiswawo neabiyake kaa. Akanodaidzwa mwana wangu, panguva iyoyo ndipo pakabva pasvika vanhu vandibata maoko, kutaura kwaiita vanhu in past tense ndiko kwaiita kuti kunyangwe ndanga ndisisade kuchema, misodzi yangu ingobuda yega. Hazvisi nyore kugamuchira kuti munhu waunoda afa hama dzangu.
Mike uya akazouya tikabuda panze kuti ndimbonoita mwinyu mwinyu naye kusina vanhu. Ndaitonyatsozviona kuti mwana wangu anga aine stress chaiyo. Hazvisi nyore kaa kuti munhu anofa wakatarisa kudai. Ndakatomunzwira tsitsi zvekuti zvimwe zvandaida kubvunza handina kuzombobvunza kuri kutya kudzimbira ronda rekufirwa nababa paage yake iyoyo.
..." Mike mwanangu ndinoziva zvinorema kugamuchira, asi panguva ino totombafanha kushinga chaiko kuti tikwanise kuradzika baba vako.
Mike..." Zvakaoma mhamha.
Ndiwo ega mashoko aakakwanisa kutaura, but I could see kuti anga aine zvakawanda zvekutaura but then anenge aitadza kutaura nekuda kwepain yaainzwa.
..." Waudza here ana bamukuru nana bamunini nedzimwewo hama. Ini hapana wandati ndataura naye.
Mike..." Ndaudza ana bamukuru nabamunini then nanamhamha your sisters. Ana Tawanda handikwanise kuvaudza mhamha, I can't hameno imimi. Ndipeiwo chitupa chababa nemapapers ekunyaradzo, baba Taku vati vanokwanisa kundiperekedza nemota yavo kuNyaradzo ikoko kuti body ikwanise kuuya kuzotorwa.
Chokwadi ndakaona kuti kana neniwo ndaisakwanisa kuvaudza, saka ndakangofunga zvekuzoudza masisters angu kuti awone zvekuita. Brian anga arikuchikoro ndaida kuti atozonotorwa coz anga ari lower 6 kuChinhoyi high ari muboarder. Zvinhu zvanga zvakaoma hazvo but nemurume wangu shungu dzedu dzaive dzekuti vana vedu vabudirire ende Mwari akabva atipawo vana vakaropafadzwa nenjere chaidzo. Vana vangu vanorova chikoro zvekuti kana neniwo ndopa kutenda.
Takazoparadzana naMike after tambotaura hedu zvimwe ende ndamupa zvekuti aende kuNyaradzo kwacho. Mike akaenda kumasofa kwanga kuine vamwe varume, ndiko kwanga kuina baba Taku vacho, uko kwanga kwave kutounganidzwa huni dzekutivabatidze choto chevarume. Vakadzi vemuraini ndakaona vave kutogadzawo mapoto pamoto ndikatoshayawo kuti kubatidza moto nekuchera mvura vanga vaizviita nguvai. Hama dzakazotanga kusvika. Apa mhere dzaingoridzwa kani, ini ndanga ndatoneta nekuchema zvekuti misodzi yanga yave kungobuda chete, apa voice rese ranga rapera, maziso angu azvimba aya. Nyaradzo yakazouya ikatora body, zvinhu zvacho zvanga zvingori hard to believe soo.
Vanhu vaingobvunza kuti chii changa chaitika, apa inini voice ranga raenda zvekuti ndanga ndangonyarara vamwe vachiudzana vega. Ehe ndakambofirwa zvangu but panhamo apa ndipo pandanga ndave kutofungawo dzimwe hama dzangu dzakafa futi. Masisters angu paakasvika ndivo vakabva vangogara pamasides pangu. Chainyanya kundirwadza ndechekuti ndanga ndafirwa nemurume ndichiri mudiki veduwee, murume wangu ndaifunga kuti ndichachembedzana naye asi hupenyu hwake hwanga hwagurirwa pakati, asi dzimwe nguva kuita kwaMwari hakusi fair zvako.
Chokwadi first born yangu ingori ne22 years chete murume wangu otofa, asina kana chizukuru chake chaamboona, zvakangooma hazvo. Handizive kuti ana Tawanda vakaita zvekuudzwa sei asi pandakaona vana vangu handidi kunyepa zvangu ndakatanga patsva kuchema. Ivo vachichemawo zvekuti dai pasina hama neshamwari dzakapinda busy kuti kutinyararidza hapana aikwanisa kunyararidza mumwe pakati pedu. Takazopihwa chikafu, sadza nacabbage zvandisina kuziva kuti zvanga zvabvepi. Ini handina kana kuzvibata ndanga ndisina appetite. Vangu vakamboedza kundinyengetedza kuti ndidye asi ini ndaisatomboda zvese izvozvo.
Manheru handingamboti ndakarara. Paiti noise yevanhu vairidza ngoma vachichema mufi panze koti inini pfungwa dzangu dzaingopishana asi chacho chandaifunga chaicho chaicho panga pasina. Ndakatozobatwa nehope kuma 3am chaiko, ndikarota hope dzekuti ndakabhohwekana pandakamutswa ndichiudzwa zvekugeza. Ndakarota tichifara nemurume wangu nevana vangu, asi murume wangu aisarwara kuhope ikoko, zvekuti pandakamuka ndakatotanga kuchema ndaona kuungana kwevanhu. Ndakazonogeza, ndikangozvishingisa kunwa cup yetea kuti ndidziise muviri asi chingwa handina kudya kana slice.
Apa vanhu vaingonditarisa nemaziso ekundinzwira tsitsi, apa vaindiita senge zai nhai, kundiita kunge munhu ari fragile and pathat moment ndanga ndiri zvechokwadi. Kumasikati ndakauya kuzodeedzwa naBrian achiti bamunini nabamukuru vanga vati ndiuye kuseri kubedroom kwavo ivo vakomana kuti tiite meeting semhuri.
Handina kupikisana nazvo hangu, ndakaenda kuspare kwacho. Ndakasvika Mike naTawanda vakagara pabed pavo, Brian akabva angoendawo kunogara ipapo. Ana bamukuru vanga vakagara pamachair. Inini ndakangogara pasi chaipo ndanga ndiine zambiya saka handina kumbotya kuzara tsvina. Sevanhu vanga vasina kumbonyatsowana time yekutaura kubva zvakatanha nhamo, takatanga nekubatana mawoko ndokubva tazotanga kutaura kurwadziwa kwataiitwa pamwe nekutaura zvimwewo zvishoma zvaiitwa nemufi pamaziva aripedyo nezuva rekufa kwake.
Tapedza kutaura zvese ndipo bamukuru pavakatanga nekukosora kuya kwekuda attention yevanhu vachibva vazotanga kutaura.
Bamukuru..." Sematauriro atangoita tese pano, ndirikurwadziwawo kuti munin'ina wangu akatisiya asi zvandiri kuda kutaura panguva ino ndichatozvitaura sekuti handina hukama nababa Mike nekuda kwekuti zvine chekuita necommunity.
Hapana akataura, muroom mese manga makangonzi zii zvekuti taingonzwa noise yanga iri panze. Inini nevana vangu taida kunzwa kwaienda nyaya. Bamunini ndakatoona kuti vaiziva kwaienda nyaya yemukoma wavo.
Bamukuru..." Baba Mike mwana wababa namai vangu chaiye, wandakasiira chaiye. Buda ndibudewo chaiye asi when it comes to nyaya dzemari yemumucommunity zvehukama toisa paside. Tese tiripano I guess tinozviziva kuti baba Mike vanga vaine chikwereti che2000USD checommunity chavakakwereta pakurwara kwavo vachiti vari kudzosa asi havana kudzosa kusvika pakufa kwavo. Zvino ndangoti ndikuudzei imi vana vacho, nemi mainini mukadzi wacho kuti baba Mike haavigwe kusvikira mabhadhara 2000 iyoyo.
Ndakangosticker ndakavatarisa soo, even ana Mike vakavatarisawo. I'm sure tese taingofunga kuti mari yakawanda iyoyo tinoiwanepi tiri panhamo kudaro. Apa baba Mike vanga vasina kumbondiudzawo nezvemari iyoyo mufunge henyu.
End of Chapter
❤️
😢
👍
🙏
😂
😮
306