COCO NOVELS
COCO NOVELS
June 14, 2025 at 12:15 PM
https://chat.whatsapp.com/HJJrWB9CmGzLRfik6RGXzP *Maprevious chapters anowanikwa kuchannel not kuinbox kwemunyori saka huya kuchannel dear* https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q *😔 PAINFUL FORGIVENESS😔* _Family means no one gets left behind or forgotten_ Written by Coco🦋🖤 CHAPTER 5 *Mike* Mhamha vakazobvuma havo kuti ndisiye chikoro ndishande, asi ndaizviona hangu kuti moyo wavo wanga usingade asi chekuita panga pasina coz breadwinner anga ayenda. Zvakadaro ana Tawanda vakazodzokera kuzvikoro zvavo, inini namhamha tichisara tichitanga kushandira mhuri. Zvanga zvisiri nyore hazvo but everyday ndaishingirira kuti zviite. Chimwe chaindipa simba mashoko ababa vangu avakataura kwandiri vachibva vazofa zvavo. Ikoko kuda kuchengeterwa vana vavo kwavanga vakumbira ndiko kwandanga ndave kunyatsoita. Ndaiita zvekuenda kuMozambique, ndichienda via Mutare zvekuti zvaisambondinetsa hazvo asi mazuva ekutanga ndisati ndave kuziva kunonotorwa matemba acho ndipo pazvaindiremera. Nekuzofamba kwemazuva ndajaira zvanga zvatove kuendeka. Mhamha vaitengesawo matemba nekuside, zvaiita hazvo asi sekuziva kwedu tese mazuva haanake ese. Mari taiita tichiisa paside kugadzirira mari yevana yechikoro. Imwe ndiyo yataitengawo chikafu. Asi taisazotenga chikafu chakawanda wanda sevanhu vaiziva nhamo yavo. Rimwe zuva tatopedza hedu kupacker matemba amhamha, ivo vachitomaverenga mapacks acho pakabva pasvika ana bamukuru. Inini namhamha takangotarisana. Ini ndaitozvibvunza kuti vaitsvagei pamba pedu sevanhu vanga vasiya vataura kuti havachapatsike futi nekuda kwemari dzecommunity. Shungu nekurwadziwa zvanga zvichiri pamoyo pangu zvakanditadzisa kana kuvamhoresa ,kana kutaura any word zvekuti ivo vakaramba vakamira pamberi pedu isu takangogarawo pamachair patanga tiri. Mhamha ndivo vanga vatotsikitsira zvavo. Bamukuru..." Ende zvepamusha pano munin'ina zvakaoma, vanhu vakutozviona senge vari pamusoro pedu nekuti vakaviga hama yedu vasina kutidzosera mari yedu. Vakataura izvi vachirova rova pasi netsvimbo yavo yavanga vakabata. Mashoko avakataura akaita kuti ndidzose maziso angu kwavari. Ivo bamunini vakatarisa mukoma wavo vachibva vatanga vagadzirisa pahuro zvaitonzwika kuti ndezvekunyepedzera ndokubva vachizotanga kutaura. Bamunini..." Vasiyei kani mukoma. Infact ngatitobvei zvedu pano nekuti ndiri kuona kuti hatisi kutodiwa. Asi tangai mavaudza zvatafambira. Ndoziva hangu kuti hatina kana kupihwa pekugara asi chero takangomira totaura futi, chero tisina kumhoreswa totaura futi isu. Bamukuru..." Ipapo uri very right hako. Amai Mike newe Mike let's hope kutengesa kwamuri kuita matemba uku kuunganidzawo mari yedu kwamuri kuita. Kuviga kwamakaita munin'ina wangu musina kutiudza zvakabva zvatotiratidza kuti hamuna kana respect and for that, hatiuye pano futi kusvikira mari yedu yauya ende chero yauya hatiuye pano. One day muchatida ende muchatitsvaga murimi, nekuti isu varume vakuru hapana chatingamboda kubva kwamuri asi imimi nxaa life haisati yanyatsotanga kukuratidzai kuti inorwadza sei shame. Vaitaura zvese zvavaitaura bamunini vachibvumirana nazvo nekamusoro kavo. Ini half of zvavakataura ndakatoona kuti kamudhara aka kari kutoshaya chaiko asi handina hangu kuda kuzvitaura nekuda kwekuti vabereki vangu vakandidzidzisa kuti ndirespecter vanhu vakuru. Vakaramba vachitaura zvimwe, vachibvumirana nabamunini asi zvese zvavaitaura ndinganyepe ndikati ndaizviteerera hangu. Ndanga ndatove busy kuzviimbira masong mumusoro mangu kuti ndisateerere zvaitaurwa nehama dzangu dzaive pamberi pangu. Mhamha vanenge vaiteerera zvaitaurwa nekuti ndakazonzwa vave kuburitsa masounds ekuratidza kuti vanga vakuchema, asi vachichemera pasi zvavo. Ini handina kucheuka kuti ndivatarisa ndakaramba ndichiconcentrater nezvandaiita mumusoro mangu nekuti ndakaona kuti nyaya dzana bamukuru dzinogona kutonditemesa musoro. Ndakazoona ana bamukuru vavekuenda vakadungamidzana nemunin'ina wavo. Ini ndakabva ndangosimukawo ndichinanga kuroom kwangu. Kana simba rese ranga rapera mumuviri mangu. Asi zvakadaro ndakangoti zvaitaurwa nanabamunini ndezvekwavo izvo. Vanofunga kuti 2000 inonhongwa here zvekuti unongofuma wave nayo nxaa. Pandakapinda muroom hameno kuti chiiwo maziso angu akabva angonangawo pamabooks angu ekuchikoro. Ndakanzwa kurwadziwa mumoyo kuita kunge ndagadzikwa dombo pamoyo chaipo asi zvekuita panga pasina. Kusada kufungisisa ndiko kwakabva kwaita kuti ndirare masikati machena iwayo, ndikazomuka ndave kudeedzwa namhamha kuti ndiuye kuzodya. Ndakatoita zvekushamisika pandakavhura maziso ndikaona muroom mandanga ndiri matove nerima. Ndakatarisa time pafon pangu tikaona dzatove kuma7 nhai. Ndega ndakangotanga kutaura zvangu kuti murariro hwayi wandanga ndaita kubva masikati nhai. Ndakanzwa mhamha vave kundidana zvakare ndikabva ndangosimuka fast fast ndichitoenda kukitchen. Uko kwandakasvika mhamha vakagara vakatarisa zvavo chikafu. Ndakagara zvangu pachibench chiya chinoita zvekuvakirirwa mumadziro emakitchen ekumusha. Ndokubva ndageza mawoko nekutotanga kudya. Hameno kuti kurara kwandanga ndaita ndiko kwanga kwandipa nzara here or yaive nyaya yekuti ndanga ndapedzesera kudya chimunya makuseni chaiwo. Nditori pakati pekudya ndipo pandakasimudza musoro ndikaona mhamha vasiri kudya. Vanga vakaita zvekubata shaya vachiratidza kuti vaifunga kachana. Ndakatanga ndamedza chikafu chaive mukanwa mangu ndichibva ndavadaidza, havana kudaira izvo zvakatondiratidza kuti pfungwa dzavo dzaive kure kure chaiko. Ndakaramba ndichivasheedza kusvikira ndazogadzika plate yangu paside ndokubva ndanovazunguza. Mhamha..." Aaah, eee Mike watopedza kudya here mwanangu. Asi kuchembera soo, ndanga ndatokanganwa kuti ndiri kufanha kudya soo. Tauriro yavakaita yakandiratidza kuti munhu ane zvaari kundivanzira uyu. Even iko kuchembera kwavanga vakutaura ndakashaya kuti kwanga kwabvepi. Mhamha vangu vatori ne42 years chaidzo votozviti vachembera. Even dad vangu vakafa vari kumalate forties. Icancer zvayo yakavauraya but he was still young zvekuti vamwe vavo hanty vachiri kutoenda kumabasa, vachiri vakatogwinya soo. Asi denga rakangoitawo kuda kwaro pana baba vangu. Asi hazvina mhosva, inguva inenge yakwana. Mhamha ndakangoramba ndakavatarisa soo. Vachibva vatora musova wesadza. Vave kutoda kuuisa mukanwa ndipo pavakaona kuti ndanga ndakavatarisa. Mhamha..." Ko iwe Mike enda kaa unopedzesa kudya. Usarambe wakanditarisa uri ipapo. Enda unodya chikafu chako chisati chapora. ..." Mhamha what is it. Mhamha..." Chiiko nhai Mike. Vakataura kudaro vachiedza kusmiler kasmile kandaitonyatsoona kuti aka ndekefake. Asi handina kuda kubvuma kupusiswa netuma facial expressions twavaiita kuri kusada kubvunzwa zvaivanetsa neni. ..." Mhamha musade kundihwandisira zvinhu. Ndiudzei chiiko chaita muve down kudaro. Chii chaita kuti mubate shaya muchifungisisa kudaro. Mhamha..." Mike ndinenge ndisingade kukuudza zvimwe zvinhu zvinokupa mastress. Uchiri mwana mudiki iwewe, handidi kukuremedza. Zvimwe zvinodawo inini kuti ndifunge ndega semunhu mukuru. ..." Ayehwa mhamha ndiudzei, kusharer zvamunenge muchifunga kunoita kuti tikurumidze kuwana solution. Nekuti tikaisa musoro pamwe zvinhu zvakawanda zvinofamba. Mhamha..." Asi Mike wakazokura kudai riinhiko nhai mwanangu. Atleast murume wangu akazondisiya ndave nemwana akurawo kudai. ..." Chitaurai mhamha chii. Mhamha..." Masikati paya paenda ana bamukuru vako, hapana kuzombotorawo time Tawanda abva afona. Asi kufona kwake kwanga kuri kwekuti ataure kuti hanzi kana asina kupedzesa kubhadhara mari yethis semester yakasara haasi kunyora maexams ake esemester ineyi. ..." Hoo zviya ndanga ndatozvikanganwa kuti inini naye Tawanda takabhadharirwa mahalf half nhai. Atleast inini ndakasiya maiiwana kupi mari yevanhu two nhai. Saka ati imarii Tawanda wacho. Mhamha..." Azombotaura here mari yacho, pandamubvunza kuti imarii akabva ati yakawanda mhamha ndabva ndatotanga kuchema ini, kufunga macurse andasiya ndapihwa nanabamukuru vako zvese nefoncall yabva yangoitwa naTawanda. Saka iye paanzwa ndichichema abva ati arikuuya kuzonyatsotaura neni mangwana. Achibva atocutter fon. Pandazoedza kumufonera futi ndopandabva ndatoona kuti fon yangu yanga isina kana mari. ..." I know hedu hatina mari yakawanda but ndozvamungaitire stress yakadaro here. Mhamha..." Mike handina kana mari izvozvi, iwe unayo here nhai. ..." Mhamha tozonzwa mangwana auya for now ngatimbodyei tirare zvanhasi. Takazodya hedu asi kana neniwo appetite ndanga ndisisina. Chokwadi chaicho ndechekuti mari yaidiwa ndaingofungira kuti ingasvike pamarii, asi mari yacho ndiyo yanga isipo. Zvakadaro takanorara asi ndaitozviziva kuti amai vangu vaisambonorara nestress. Inini kuti nditi kutadza kurara kwandakaita kwaive kwekuti ndanga ndarara masikati kana kuti istress ndinganyepe. Apa fon yangu yanga isina kana mabundles zvekuti ndakapedzesera ndave kutoverenga zvimwe zvimanovels zvaingosendwa muchimwe chigroup chandanga ndakaiswa neshamwari yangu kudhara. Zvemanovels epafon ndaisambozviteedzera izvo zvekuti ndakatoshamisika kuona novel racho richitonakidza nhai. Ndakazorara kwave kuda kutoedza. Mangwana acho ndakanonoka kumuka, zvekuti ndakatomuka mhamha vaenda kumusika kwavo. Ndiro zuva randaifanha kuenda kuMozambique asi ndakazozvisiya ndaremember kuti ndopaiuya Tawanda saka ndiye wandanga ndamirira. Masikati ndatopedza zvangu basa repamusha, ndave kupedzesa kuverenga novel rangu randanga ndatanga kuverenga manheru ndipo pakabva pangouya kamwe kamwana. Kakangosvika nekuti, " Mike, Mike iwe. Hanzi mhanya kuno mhamha vako varumwa nenyoka". Ndakangosimuka kana fon yangu handina kutomboziva kuti ndakaiisa payi panguva idzodzo. Chandinongoziva ndechekuti ndakangosimuka ndichimhanya ndakananga kune musika wamhamha. Mai Mike Kuti nditi ndakamuka ndichinanga kumusika ndinenge ndichinyepa nekuti kurara chaiko ndokwandisina kuita. Kubva ndipinde mumagumbeze ndanga ndiine imwe stress yekuti ndakapedza husiku hwese ndakarivhura ziso iri. Ndizvo zvakandituma kuti ndibude mumagumbeze ndichinanga kumusika pakangochena kunze. Apa kumusika kwacho kwakaswera kwakatodhakwa zvako. Atove masikati ndipo pakauya mumwe mukadzi airatidza kuti ane mari. Ko ganda rinotaura zvee. Akauya achibvunza nezvematemba. Akatanga asingamaone zvakanaka ndikabva ndaita zvekumubatisa chaiko, ndipo paakaona kuti akanaka. Akabva atotanga kundiudza zvekuti anogara kuHarare so matemba aimatengera mabuilder aivaka musha wake imo muDomboshava medu imomo. Hanzi aida kuvakirwa musha uri mudhuze neHarare saka paakawana nzvimbo muno muDomboshava haana kuzoda kutambisa nguva akabva atotanga kuvakisa imba yake. Takatotaura nyaya dzakawanda zvekuti akapedzesera atondiudza nezve kumusha kwaakaroorwa nekutaura nezvevana vake. Munhu wacho aitooneka kuti munhu anotaurisa ende nyaya dzake dzaisapera shame. Akazotenga bucket rematemba ndokubva aenda. Inini nekuda kweexcitement yekutengesa matemba akawanda kudaro ndakabva ndaita zvekumhanya kuenda kuother side remusika riri nechemukati kuita senge kuseri kwecounter yemumashops iya ndichibva ndanotora kabag kangu kanga kari ikoko, ndaida kuisa mari ndobva ndakaisa pahuro apa. Ndichisvika ikoko ndakanzwa sendatsika something. Pandakatarisa pasi ndipo pandakanzwa pain yekurumwa pagumbo pangu ndichibva ndangoscreamer ndichidonha nekuda kwepain yandainzwa pagumbo. Ndakangonzwa something chinotonhora chakapfuura nepaside pegumbo rangu asi handina kuchiona. Ndakanzwa vanhu panze vachingoti nyoka nyoka. Vainzwika kuti vanga vari padhuze nemusika wangu ende kuscreamer kwandanga ndaita ndiko kwanga kwavaita kuti vamhanyire kwandiri vachibva vangogumira kwavaiudzana zvekuuraya nyoka. End of Chapter
❤️ 😢 🙏 👍 😂 😮 212

Comments