
COCO NOVELS
June 14, 2025 at 07:24 PM
https://chat.whatsapp.com/HJJrWB9CmGzLRfik6RGXzP
*Maprevious chapters anowanikwa kuchannel not kuinbox kwemunyori saka huya kuchannel dear*
https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q
*😔 PAINFUL FORGIVENESS😔*
_Family means no one gets left behind or forgotten_
Written by
Coco🦋🖤
CHAPTER 6
*Mike*
Ndakamhanya asi ndakazosara ndosvika kumusika wamhamha pasisina kana vanhu. Ndakadzungaira ndichivatsvaga ndikatozopedzesera ndaenda kunobvunza vamwe vakadzi vanga vari kure mbichana nepamusika. Ndakasvika vachitaura nyaya yenyoka ndikamira nechekure navo ndichida kunzwa kuti vainyatsotaurei chaizvo.
Mai1..." Iwe waiwona nyoka yacho here shamwari. Zinyoka rakakura kudaro kana ndiwewo. Tototenda Mwari yakasika kuurayiwa iwe yaitozopedzesera yatiruma nesuwo.
Mai2..." Iwe chizvirega shamwari, ndabva ndatomerera. Asi munoti ivo amai varumwa avo vararama.
Mai1..." Iyo nyoka yacho kuita seyatumwa kudaro. Ingabva yano camper mumusika wavo. Hameno tozongonzwawo nevaenda navo kuchipatara. Asi kaa ndirikutotenda Mwari kuti handisirini ndarumwa hangu.
Mai2..." Chirega kudaro shamwari, unoti kana naiyewo arumwa anga achida. Mhoti unozvishurudzira zvinhu zvakaipa nekuda kwemashoko angu. Zvawave kutaura izvi ini handikwanise kupindira mazviri rega ndiende kumba kwangu zvangu.
Mai1..." Ayehwa kani Mai Bee chirega kutaura uchidaro. Mira tiende tese kumba.
Vakabva vatotanga kufamba vachienda kwavaienda. Inini mukutaura kwavo ndanga ndabata pehospital and for sure kuti ndanga ndazvinzwa kuti pane arumwa nenyoka zvichireva kuti amai vangu vanga varumwa nenyoka zveshuwa. Handina kuzomboda kuramba ndakamira ipapo, ndakabva ndatotanga kufamba ndichienda kuchipatara nekuti mumusha medu maingova nehospital one so it was obvious kuti ndikwo kwavanga vaendeswa.
Hospital yacho yanga iri kure nekwandanga ndiri zvekuti ndakaona kuti ndikaita zvekumhanya hapana kure kwandinosvika ndisati ndaneta saka ndakaona kufamba kutoriko kuri fast. Ndakapafamba wani masikati apa zuva richipisa zvekuti heyi. Wenhamo ungadii, miyedzo yacho yanga yave kundiwandira ini. Kufamba kwese kwandakaita ndaitove stressed zvangu ndichifungisisa nezvehupenyu hwangu nekwahwaienda. Kuendeswa kuhospital kwamhamha zvaitoreva kuti panga pakudiwa imwe mari kaa uku, Tawanda achiuya futi. Mweya iko wanga wapinda mumba medu.
Ndakazosvika zvangu kuhospital makumbo ave kurwadza nekufamba. Madistances ekumamisha I think mese munongomazivawo. Apa kuti ndizive kuti mhamha vanga varapwa vakaiswa kumawards or vanga vachiri vakamirira kurapwa panga pasina wekundiudza. Ndakaenda ndega kureception, ndikataura zita ravo ndikanzwa kuti vanga vatodeedzerwa doctor kuti varapwe. Munoziva zvipatara zvekumamisha zvekuti panenge paina doctor one hospital yese zvekuti akangoenda somewhere anenge atori ma1 chaiwo.
Ndakazoendeswa kuward yanga yaiswa mhamha. Ndakangonzi nditaure navo kwenguva diki sezvo yanga isati yave visiting hour. Ndakavasvikira vakagara pakamubhedha kemuchipatara vachichema. Apa muward macho manga muine vanhu hobho. Vamwe vaitorwara zviri serious, asi vamwe vairatidza kuti havasi havo kunyanya kurwara nekuda kwemagariro uye matauriro avaiita nyaya zvavo. Ndakasvika padhuze namhamha hana yangu ichitorova kuti vaichemei. Kuti pane zvimwe zvavanga vaudzwa nadoctor kani, or vairwadziwa nepavanga varumwa, kana kuti poison yanga yatofamba mumuviri wavo, but hanty dai vakabva vatofira ipapo. Dzaingovewo pfungwa dzangu idzo ndichitofamba kuenda pabed pavanga vari.
Mukutaura navo mhamha vakazondiudza kuti dai pasina musikana wechidiki akaita nurse aide anga atumwa naamai vake kuti azotenga madomasi kumusika anga akasika kuvasunga nejira pavanga varumwa kuti poison isapararire nemuviri wavo, dai vasina kumborarama. Ndakamutenda musikana iyeye nyangwe zvake anga asipo asi anga andigonera zvangu. Ndakatoudza mhamha kuti vazondiratidza musikana wacho, vakati vaizondiratidza kana akwanisa kuuya kuzovaona pavisiting hour sekuvimbisana kwavanga vaita.
Handina kuzonyanya kutaura zvakawanda navo sezvo ndanga ndanzi ndingovaona kwenguva diki. Ndakabuda panze ndichinomirira visiting hour ndiripo. Kuti ndiende kumba zvanga zvisingaite nekuti panga paine kamufambo ndichibva kuchipatara apa futi ndichida kuzodzoka. Ndakangogarawo pazvimabenches zvanga zviripo panze ipapo. Dollar randanga ndiinaro muhomwe ndaida kuritengesa mafruits andanga ndaona pazvingoro zvaive pagedhi rehospital chairo.
Ndakangobatwa nehope ndiri pabench zvekuti ndakatozopepuka nekunzwa mavoices evanhu vaive vauya kuzoona hama dzavo dzairwara. Ndakageza face yangu patap yepanze ndichitoshamisika kuti ndanga ndarara for more than an hour ndiri pabench risitombori comfortable kudaro. Ndakaenda kunotenga mabanana pazvingoro paya ndichibva ndananga kuward yanga iina mhamha asi pfungwa dzangu dzaingove pakuti Tawanda anenge anga asvika kumba ashaya vanhu, zvino aizodii. Apa mhamha vari muhospital which means imwe mari futi iyi. Mubvunzo wangu waive wekuti ndaizoiwana kupi Mari yese iyoyo. Ini ndaitotembawo kuti mari yaibva pamatemba. Zvino mutengesi wawo zvaanga arumwa nenyoka ndaizodii.
Ndakasvika pana mhamha asi kana kunyatsotaura navo ndakatadza pfungwa dzangu dzichingopishana chete. Ndaishaya kana kuti ndoenda kunaani anonditeerera anokwanisa kundikweretesawo nhai.
Mhamha..." Mike mwanangu ndavekunzwa zvirinani. Haukwanise here kutaura nadoctor kuti vandi discharger zvangu coz mari yekuti tizobhadhara kana ndarara muno hatina. Uri kuziva situation irikumba wani. Pamwe Tawanda atosvika kumba kusina kana munhu. Apa kamari kandanga ndatengesawo matemba ndiko kandatobhadhara kuti ndizoonekwa nadoctor.
..." Mhamha musaedze kuzviitisa strong hanty. Ehe hatina hedu mari asi doctor kana vati murare muno, munotongorara vachi monitor kuti muri kupora. Zvemari izvo chimbomirai kuzvifungisisa.
Mike..." But Mike zviri kutondistresser izvi. Pfungwa dzangu dzinga dzikame sei. Iye mwana wangu arimunzira kuzopihwa mari yefees, apa ndisina kana cent. Ndingagadzikane sei izvo zvinhu zvacho zviri kungoramba zvakatsomana neni nhai. Mike ini handizive hangu kuti chii asi ndazvitadza ini, ndakundikana. Dai baba venyu vachiri vapenyu pamwe.........
Havana kuzombopedzesa sentence yavo vakabva vabatwa meshungu ndokubva vatanga kuchema. Ininiwo ndakabva ndangotsikitsira uku misodzi yangu ichibuda. Rufu runokanganisa zvakawanda chokwadi, ndikatofunga kuti dai ndiri kuchikoro asi ndanga ndave kungoita zvematemba wani. Ndakazozvishingisa semurume, ndichibva ndatanga kunyararidza mhamha. Panguva idzodzo ndipo pakasvika doctor.
Doctor..." Mhamha mave kuchemei futi. Ndambokuudzai kuti BP yenyu iri high. Kuchema kwamuri kuita kuti kunoitadzisa kudzika. Asi mave kuda kunwa mapills ebp kani.
Mhamha..." Ayiwa mwanangu, zvinhu zvacho zvinombowoma zvekuti unoshaya kana kuti owudza ini. Ini zvandiremera hangu. Ndoti ndirikunetswa nezvehupenyu hwangu, ndorumwa nenyoka pamusoro pazvo futi here.
Doctor..." Zvinhu zvese zvichanaka mhamha, inguva chete. Ndiwe Mike anga achirehwa namhamha hanty, ndokumbirawo kuti timbonotaura paside zve2 minutes chaidzo.
Ndakabva ndasimuka, tichibva tadungamidzana nadoctor tichienda muoffice mavo. Takasvikogara pasi, havana kumbotambisa havo nguva vakabva vangotanga kutaura zvavanga vandideedzera.
Doctor..." I'm sure kuti you heard kuti mhamha varumwa nenyoka and fortunately there was someone akwanisa kuvaita first aid zvekuti poison haina hayo kuzospreader. So now tazovarapa but vanofanha kurara pano nhasi kuitira kuti timonitor gumbo ravo.
..." Okay doc, saka pakatoipa. Chivaudzai murimi coz inini pandanga ndichitaura navo vanga vachitotaura zvekusada kurara muno muhospital.
Doctor..." It's okay handei ndibva ndanovaudza.
Takadzokera and doc vakabva vaudza mhamha zvaivepo. Mhamha vakaedza kuita nharo nekuchema nekuchema, tikabatsirana nadoctor kuva convincer kuti varare kuhospital. Visiting hour ichipera ndakabva ndaenda zvangu kumba. Asi muroad mese ndaingofungisisa. Asi mukufunga mangu umu hapana kana chisvinu chaibuda.
Ndakasvika kumba Tawanda aveko. Alagara panze akabata shaya. Kundiona kwaakaita akabva asimuka nekubva atotanga kundibvunza mibvunzo yandakatoshayawo kuti zvaaitaura anga azvinzwepi.
Tawanda..." Ko mhamha varipi. Varibhoo here, poison yabviswa here mubody mavo.
..." Ko zvaurikubvunza wazvinzwa kupi zvese izvozvo.
Tawanda..." Ndasvika pano pasina vanhu, ndichibva ndaenda kumusika kunotsvaga mhamha. Pandasvika ikoko ndipo pandanzwa kuti mhamha varumwa nenyoka. Varisei mhamha Mike. Ndiudzewo.
..." She's okay zvavo. Vangonzi varare muhospital zvanhasi kuitira kuti vatariswe nadoctor otherwise zvinhu zvese bhoo.
Tawanda..." Atleast kana zvakadaro bhoo coz pawasvika ndanga ndave kuda kutotevera kuhospital ikoko. Hana yangu yanga isina kana kumbogadzikana. Zvinongotyisa kunzwa kuti amai vako varumwa nenyoka unoziva.
..." Pakaipa, neniwo ndatovhunduka pandazvinzwa but now ndavaona, haa there's no need to worry. So wafamba bhoo zvako.
Tawanda..." Ehe zvangu but manje stress yangu yave pakuti ko mari yefees ndichaiwanepi nhai. Ndanga ndakatotemba kaa zvakataurwa namhamha nezuro, manje zvavarumwa nenyoka kudai, mari yacho vanoiwanepi.
..." Don't worry mari uchaenda nayo kuchikoro hanty. Usatye unotononyora maexams nevamwe.
Tawanda..." But Mike....
..." No buts, just trust me. I promised dad kuti I'd take care of you guys and I'm going to keep my promise no matter what. Chienda hako unobika sadza nematemba ko tingadyei chimwe.
Haana hake kuita nharo akabva apinda mukitchen kuti anobatidza moto atange kubika. Tanga tisisashandise gas pakubika, ko mari yekuritenga tai iwana kupi nhai. Ini ndakasara ndichingofunga chete. Asi this time ndanga ndave kuziva zvekuita manje. Manheru sadza handina kumbonyatsoridya. Even Tawanda tese takangonyobvora nyobvora tichibva tatovhara maplates edu. Appetite chaiyo ndanga ndisina. Ndave kuda kutorara ndipo pakabva papinda call pafon yangu. Ndakadaira call iya ndichibva ndanzwa vari boarding master vekuchikoro kwana Brian. Vakati aida kutaura neni vachibva vamupa fon.
Brian..." Ndaedza kufonera mhamha but fon yavo haisi kupinda so that's why ndazofonera iwewe.
..." Fon yamhamha yadzima, irikuramba kucharger iyi. And ivo varara kuti ndinovamutsa hazviite. Unokwanisa kundiudza zvawanga wafonera then ndozovaudza mangwana.
Handina kutombomuudza nezvekurumwa kwamhamha nenyoka coz ndaisada kumuitisa stress mupfana wangu. Saka ndakangoedza kumuvhara vhara.
Brian..." Tave kuda kutanga kuita zvemaCALA so ndirikuda laptop nefon coz ndozvatinoshandisa pakuita maCALA acho. Apa fon yangu yakadhakwa that's why ndatofona neya BM ineyi. So ndiudzirewo mhamha izvozvo.
..." Bhoo ndovaudza or zvitori wise kaa ndezvekuti ndokupa fon yangu nelaptop yangu ofanoshandisa izvozvo coz kuti utengerwe zvinyowani haa ma1 handimbode kukunyepera mupfana wangu.
Brian..." Zvese bhoo, so long ndichingokwanisa kuita matask acho chete. Thanks mukoma wangu, saka zvinouya nani.
..." Ndichatomaker plan ndinenge ndichiona hanty. Ndokufonera wanzwa ndichikuudza zvandinenge ndaronga. Study hard wanzwa, usaite zvekutamba kuchikoro ikoko.
Brian..." Iribhoo zviri zvechikoro musatye kani, munondiziva wani. Murare bhoo.
Akabva acutter zvake fon. Inini ndichibva ndasara ndato neimwe stress kana hope dzese dzandainzwa dzakabva dzapera. Mumazuva akatevera mhamha vakazobuda muhospital but zvekunotengesa matemba vakatombomira kusvikira gumbo ravo rave nani pakurwadza. Inini ndakabva ndatsvaga mari yekuti Tawanda aendese kuchikoro asi ndakazosara ndichishandawo sei kuti ndiidzosere muridzi mari iyoyo, kupinda mumigodhi yegoridhe kumakorokoza uko kwakatomboita kuti ganda rangu richinje mazuva iwayo. Ndanga ndakutoita senge munhu asingageze nekuda kwekutsvaga mari. Asi chazvanga zvakanakira ndechekuti mari yacho ndaiiwana. Nyangwe zvayo yanga isina kuwanda and basa randaiita raityisa asi chikuru ndechekuti mari ishoma iyoyo yaitobatsira kumba kweku.
Apawo ndanga ndisisina fon ndanga ndaiendesera Brian zvese nelaptop yacho. Life was really hard but ndaimira mira kuti vapfana vangu vawane zvinhu zvekuchikoro zvese, vasawane chavanoti ichi handina, kana kuti ndakafoiriswa nekuti handina kutengerwa chakati. Even mhamha kubva pavakapora vanga vasisagare pasi kuri kutsvaga mari yaTawanda naBrian, saka tese namhamha taingomhanya mhanyira Brian naTawanda asi isusu zvehupenyu hwedu tanga tatombozviisa kuside coz taiitira kuti vana vadzidze vasazotambura muhupenyu.
*YEARS LATER*
End Of Chapter
❤️
🙏
😢
👍
😂
😮
248