
COCO NOVELS
June 17, 2025 at 02:51 PM
https://chat.whatsapp.com/HJJrWB9CmGzLRfik6RGXzP
*Maprevious chapters anowanikwa kuchannel not kuinbox kwemunyori saka huya kuchannel dear*
https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q
*😔 PAINFUL FORGIVENESS😔*
_Family means no one gets left behind or forgotten_
Written by
Coco🦋🖤
CHAPTER 11
*Mike*
Ndakasvikopinda mumagumbeze ndichibva ndarara masikati machena iwayo, kana mapisiro aiita panze handina kumbomanzwa. Ndakarara zvekuti ndakatozoita zvekuvhunduka ndichizunzwa nemunhu aindimutsa. Ndakaona ari mukadzi waBrian, ndichibva ndabuda mumagumbeze ndichipukuta maziso angu, ndanga ndichiri kutonzwa hope zvangu.
Mainini..." Asi marwara kani bamukuru. Kupinda mumagumbeze kuri kupisa kudai.
..." Kana handisi kurwara ini, kutonzwa hope chaiko.
Mainini..." I heard zvaitika nhasi and I'm proud of you bamukuru. Atleast maratidza Brian kuti asangokuitei zvese zvese. Auya akatsamwa nhasi akandiudza, and ndaona kuti murikuchinja bamukuru. Musavasiye vachingokuitai zvese zvese vanhu ivava.
..." Iye murume wenyu zvaandiita zvake. Ndotoshaya kuti chandakaita chii chinoita kuti ndinzwai asi hazvina mhosva.
Mainini..." Don't worry bamukuru. Once ndangodzokera kumba ndikangono dai nekudai ndinokutumirai mari muwanewo zvekuita nekuti iiih life yamuri kurarama ndaiona ende handina kumbofara hangu.
Bamukuru..." Munenge maita basa henyu mainini, nekuti inini pekutangira chaipo ndipo pandisina. Asi inguva zvayo.
Mainini..." Ehe inguva ende ndozviziva kuti zvichanaka. Asi tinofanha kubatsirana nekuti tese tiri vanhu ende hapana anoziva kuri kuenda hupenyu hwake.
..." Muri right ipapo mainini asi sometimes life is just unfair munoziva. Anyways hazvina hazvo basa sezvandambotaura inguva.
Mainini..." Bamukuru ndanga ndakuigirai chikafu ichi.
..." Handina appetite mainini.
Mainini..." Chingodyai zvishoma chete.
..." No mainini moyo wangu wakatosviba, hachingambodzike chikafu chacho.
Mainini..." Bamukuru hakusi kuti muchiri makatsamwa here, chingotii idyei idyei mosiya henyu, or pamwe hamusi kuda chikafu changu coz of zvaita murume wangu.
..." Hazvisirizvo, haa kana. Handina appetite chete mainini. Ndirikungonzwa hope chete, ndozodya hangu kumatime time.
Mainini..." Saka ndosiya chikafu chacho muno.
..." Endai nacho ndozouya ndichitora, ndobva ndachidziisa ka1.
Akangoramba akanditarisa neziso rinema doubts but haana kuzoda kuenderera mberi nekutaura, akabva angotora plate achibva abuda. Ndanga ndisinawo appetite zveshuwa. Munoti appetite ndaiiwana kupi ndichibatwa nekuseri kweruoko nevanhu vepedyo chaivo. Achingobuda ndakabva ndatongofuga magumbeze ndichibva ndatorara futi. Ende hope hadzina kumbonetsa kubata. Dzaisava hope dzekuneta bodo asi hope dzekubatikana plus ndaisada kunyanya kufungisisa nezvemabatirwo andaiita nekuti ndaitoona kuti kupedza nguva kufunga ndisina solution.
I think handina kana kutomborara kwe30 minutes, ndakanzwa ndavhurwa magumbeze futi. This time vanga vari mhamha vakabata plate yanga yangouya yakabatwa nemukadzi waBrian. Handina kumbomuka pandanga ndakarara. Ndakaramba ndakarara ndakavatarisa zvangu.
Mhamha..." Chikafu chacho hausiriwe watenga, pamusoro pazvo oda kutoramba futi. Nxaa unotochidya chikafu ichi. Pano hapana chikafu chinowastwa wanzwa.
Handina kumbovapindura. Ehe mashoko ekuvapindura ndanga ndiinawo asi ndakaona kuti bomber randaive naro ndikavaudza ndaizoguma ndanzi ndakatuka amai, nyangwe zvavo vasingandifarire semwana wavo asi zvekufamba mbiri yakadaro ndaisada coz she's my mother chero zvikadii nekudii, ndivo vakandizvara ende ndivo vakandiunza panyika pano, so I knew kuti she deserves my respect no matter what.
Mhamha..." Iwe Mike wazvinzwa here zvandataura. Ndati hapana chikafu chinoraswa pano. Ichi chikafu ichi ndochauri kuzodya, chero ukada. Chero ukasada, izvozvo zvinenge zvave zvako asi kudya urikuzochidya.
..." Mhamha handina kana appetite. Kudya ndiri kutoda asi appetite ndiyo yandisina kana kana.
Mhamha..." Izvozvo hazvinei neni, hauwaster chikafu chausina kutenga pano, ichi ndochauri kuzodya. Ndakusiira apa kana waveku behavior semurume mukuru weage yako asingangotsamwire tsamwire tunhu tusina maturo uzodya chikafu chako ichi.
Vakadaro vachitogadzika plate iya pasi vachibva vabuda. Ini ndakabva ndangofuga magumbeze angu nekutobatwa nehope zvekuti ndakatozomuka makuseni ezuva raitevera racho. Ndakamuka ndikaita basa rangu ndokubva ndanorasa chikafu chiya, ndichibva ndaenda kunoisa plate yacho mukitchen. Ndipo pandakanzwa mukadzi waTawanda achiti arikuda kuenda kuHarare. Ininiwo ndaida kuenda kumashops arinechekure nekumba asi ari munzira yekuenda kuHarare saka ndakabva ndatomhanya kunogeza, ndichiitira kuti ndiwane kubatana naye nekuti mari yetransport yekuenda ikoko ndanga ndisina. Apa pane zvandanga ndafunga kunoita ikoko zvaigona kungondiwanisawo kana ka 5usd.
Ndapedza kugeza, ndakapfekawo hembe dzinenge dziri nani pane dzandaive nadzo asi nekusakara ndaitozviziva kuti ndanga ndisina kana kumbochena zvangu. Ndaitongoita senge munhu aripamba zvake ende anototambura futi, icho chiri chokwadiwo hacho coz kutambura ndiko kwandinotoita zvangu. Ndapedza zvekuchinja ndakabva ndaenda kunocleaner mota yemukadzi waTawanda. Ndichingopedzawo kucleaner mota, iye akabva abuda akachena chena nekahandbag kake. Apa aitoenda zvake kunoita shopping yehembe dzake. Kune vanhu vakakomborerwa shame.
Akasvika achibva avhura door ndokuisa bag rake, achibva anditarisa nekutondipima kubva kumusoro kusvika kuzasi.
Natasha..." And then, muchiri makamirirei ipapa. Basa renyu maita mapedza saka fambai fambai.
..." Ndanga ndichida kungokumbirawo kuti mupfuure muchindisiya pamashops epamberi apo.
Akatanga aseka, kunyatsoseka munokuziva zvekuti ndakapedzesera ndave kutofeeler senge munhu asina kupfeka ndakamira ipapo. Ndakatozvitarisa tarisa ndichifunga kuti pamwe ndakapfeka hembe yakabvaruka kaa, ndikaona zvandanga ndakapfeka zvakasakara hazvo asi zvisina kubvaruka.
Natasha..." Munoti ndingafambe nemunhu akapfeka semi soo, apa chinzwa smell irikubuda pamunhu arikuda kufamba neni, oooh please bamukuru musade kundiita kuti nditaure coz kana ndakutaura munondiziva. Anyways I don't have time for this. Regai ndikupei mari mukwire mucombi coz mota yangu nadha ndaramba.
Aitodaro achitora handbag rake achitora mari yaaitaura. Akatora mari achibva aita yekundikandira achibva apinda mumota nekutoreverser achibva abuda. Ndakatarisa mari yanga yakandwa ndikaona iri 100bond. Ndakaseka munoziva. Kunyatsoseka chaiko. Ehe ndakambodadirwa hangu asi not kusvika paextent yanga yasvikwa nemukadzi waTawanda. Kukandira murume mukuru akaita seni 100bond chokwadi. Zvakaoma hazvo.
Ndakabuda zvangu ndichibva ndatanga kufamba netsoka, zvishoma nezvishoma hangu. Mukufamba uku ndanga ndawonana nanurse aide uya wekumbobatsira mhamha pavakarumwa nenyoka. Tanga tingori mafriends naye ende anga atoroorwawo muDomboshava medu imomo. Ndanga ndave nenguva refu ndisina kumuona saka takafarirana tichibva tatombogara paside peroad panga paine zidombo.
Takataura zvedu, ndichimuudza nhamo dzangu semunhu anga angogarawo achiziva hupenyu hwandinorarama, iye achindisimbisawo. Maybe kumashure handina kutaura kuti nanurse aide uyu takazosangana sei after mhamha varumwa nenyoka atovabatsira, asi it's a story for another day.
Nurse aide..." Oooh mukoma Mike chibataiwo neapa. Handina hangu kufamba nemari yakawanda asi iyi inotombokuchovhai.
..." Aaah wazvinetserei nhai.
Nurse aide..." Chingotambirai mukoma. Mungoziva kuti zvinhu zvese zvichanaka kwete nhasi asi nerimwe ramazuva, Mwari achakurangarirai.
..." Thank you so much my sister. Mwari awedzere patapudzwa.
Takabva tahugger mumwe nemumwe achienda kwake. Ndaitonzwawo kurerukirwa atleast ndanga ndawanawo mumwe munhu asiri mukadzi waBrian anondinzwisisa, wekuturira nhunha dzangu. Ndakacontinuer nekufamba zvangu. Kunyangwe zvangu ndanga ndaane mari asi ndakatoona kuti zvirinani kuti ndifambe ndisungirire kamari kangu ndizoita zvisvinu nako. Ndichitofamba muroad ndakaona ndamirirwa nemota pamberi, apa yakangomira zvefast fast zvekuti yakatoita senge irikuda kundidhuma. Ndakanzwa kubhohwekana zvekuti ndanga ndangomirira kuti munhu arimumota macho abude ndimuudzise chaiko nxaa, munhu wepi anoita reckless driving yakadaro. Apa uwone mota yacho svinhu svinu chaiyo. Pakavhura muridzi wemota door ndakashamisika kunzwa achideedza zita rangu.
Danny..." Mike, Mike my guy
Haa I was shocked kuona munhu aiburuka mumota ari Daniel. Shamwari yangu yandaidzidza nayo kuUZ. Ndakafara kani tikabva tahugger, tichibva taita handshake. Nekuda kwekufara takabva tahugger futi. Hamumbozvinzwisise veduwee. Munhu iyeye anga arishamwari yangu zvekutodaro. Taitoita semabrothers pacampus zvekuti vanhu vese vaitofunga kuti tine hukama ihwo huri hwushamwari.
..." Aaah Danny it's been long my bro.
Danny..." Yah it's been long. Takapedzesera kuonana paya pakashaya mudhara wako shaa. Pafon ndakazongoona usisabatike haa shamwari ndakanetseka, apa ndaisaziva kumba kwenyu coz kunhamo handina kuuya nekuda kwekushaya mari yetransport. So how have you been my brother, iiih but I'm not happy nezvauri.
Mike..." Haa life hasn't been treating me well my brother but on the other hand I see kuti you made it. I'm happy for you my guy.
Danny..." Handei somewhere quiet tinotaura shaa coz iiih handisi kufara nezvawakaita aah Mike, this is not the Mike I know iih. Mike uya uya aaah. Unoziva ndatopotsa ndarasika asi ndazoona neface manje ndikati I know this guy asi mmm, kwira mumota shamwari.
Ndakakwira mumota muya asi ndanga ndave kutozvibvunza mibvunzo. Did I look that bad zvekuti shamwari yangu yanga yatozviionawo. But handina kuzombonyanya kufungisisa nekuda kwekuti ndanga ndakungotaurawo nyaya dziri general naDanny. Danny munhu uya anotaurisa zvekuti kana nguva yekufunga ndanga ndisina. Takanosvika pamashops pandaida kuenda paya, tichibva taenda panotengeswa chikafu. Danny akandibvunza zvandaida kudya ndikataura riri sadza chairo nekuti nzara yandainzwa kaa yaitoda sadza. Remember ndanga ndisina kudya anything kubva nezuro wacho pandanga ndaramba sadza kumba. Saka ndakafamba naro sadza zvekuti ndakatozorisiya ndave kuyerera ziya chairo.
Apa matarisirwo andanga ndakaitwa naDanny aitoratidza kuti arikundinzwira tsitsi. Iye anga angotenga mvura chete. Ini ndapedza kudya ndipo pandakabva ndazonwa drink rekudzikisira. Ndokubva ndazochinyatsotanga kuudza Danny zvese zvanga zvakaitika kubva pakufa kwababa vangu kusvika panguva yandanga ndaave.
Danny..." Aaah Mike zvese izvi zvakaitika kwauri ndisina kana chandiri kuziva. Asi wakasimba shamwari.
..." Zvakaoma Danny asi chekuita ndopasina. Ndirikuedza kutofunga kuti hupenyu hwangu huri kuenda kupi.
Danny..." Haa no mhani, Mike handisi kukusiya wakadai. You are my brother iwewe, you sacrificed a lot for me even kuchikoro so that's why I'm not amazed nemasacrifices awakaita coz you've always been like that but inini chirikundibata ndechekuti these people are treating you this way after all those sacrifices. Even Mai vako chaivo, why vachiita senge vakatengesa moyo wekubereka kudaro, sorry hako kana ndakuita senge ndakutuka asi ndabatikana Mike. This is not you kutaura chokwadi.
..." Hupenyu Danny, hupenyu. Ndaitiwo ndirikubatsira asi iyezvino ndini ndave muipi. Hazvina hazvo mhosva.
Danny..." God has blessed me Mike. Ipapa ndirikubva kunosiya mukadzi wangu nevana kuti amboone amai vake. Mike handisi kukusiya wakadai. You were there for me when I had nothing now yanguva yangu yeku appreaciter kumira neni kwawaiita paUZ apo. Ndirikuda kuti uuye kuHarare, ndoda kukutsvagira basa asi for now ndirikuda umbosuduruka kubva pamba pane vanhu vari negative towards you kudaro.
..." Danny handizive kuti ndingakutende sei ukandibatsira nekuti ini ndapererwa.
Danny..." Don't worry, leave everything to me Mike, mira ndibva ndatokupa mari yetransport yekuti uwuyise kuHarare kana mangwana chaiwo nekuti noo mhani this is too much, zvanyanya izvi Mike.
End of Chapter
❤️
😢
🙏
👍
😂
😮
508