COCO NOVELS
COCO NOVELS
June 18, 2025 at 07:40 PM
https://chat.whatsapp.com/HJJrWB9CmGzLRfik6RGXzP *Maprevious chapters anowanikwa kuchannel not kuinbox kwemunyori saka huya kuchannel dear* https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q *😔 PAINFUL FORGIVENESS😔* _Family means no one gets left behind or forgotten_ Written by Coco🦋🖤 CHAPTER 13 *Mai Mike* Ndakasimuka ndichimhanya, ndaida kuedza kumhanya kuti ndinobata Mike asaenda. Ndave kunze kwegedhi ndakabva ndashaya munhu. Ndakashaya kana direction yekutora ndichibva ndagara pasi zvekupererwa zviya. Ndaita ndichitura mafemo ndichiedza kufunga kuti saka Mike anga atoramba kuteerera inini amai vake. Chimwe chaindidya moyo ndechekuti iko kuHarare kwaaienda ikoko aienda kumba kwaani. Asi aida kunoita street father kani, coz neage yake haangamboite street kid zvee. Zvino pane kumwe kundinyadzisa kungadarike ipapo here nhai veduwee. Ndaiita ndichirovanisa maoko angu, ndichizvishora nekutadza kumumisa kwandanga ndaita. Asi kana ndimiwo nehu useless hwaMike huye munoti ainobatei kuHarare, zvitori nani paanga aripamba pemunin'ina wake kudai atleast I knew kaa kuti anenge ari safe, manje Harare kwaanga aenda uko veduwee. Apa ndaituka futi munhu anga amupa zano rekuenda kuHarare nekuti iye ega nekuzungaira kwake ndaizviziva kuti haaimbofunga zvekuenda kuHarare and mari yetransport aiiwanepi iye munhu aisapihwa mari kana nani zvake wepamba. Kuti ndiBrian anga amupa, asi iih zvakandirambira ini. Asi zvaigona kudaro nekuti ndiye anga achangobva kuoneka achidzokera kumba, uyu Mike obva angotiwo ave kuenda kuHarare. Ingaite coincidence here iyoyo, asi nehunhu hwaBrian angape Mike mari haiwa zvaingoramba zvichindirambira. Asi mukadzi waBrian aigona kuzviita, ndaimuona zvangu achiitira Mike tuma favours, ende vane kamwe kakuwirirana zvekuti vanogona kutogara for more than 2 hours vachitaura nyaya, izvozvo hazvina kuipa hazvo sezvo vari varamu, asi ko kuzofurira mwana wangu kuti aende kuHarare iye asina kwekusvikira. Pfungwa iyoyo ndiyo yakaita kuti ndisimuke ndichinopinda mugedhi, ndaida kunotora fon yangu kuti ndiwane kufonera Brian. Ndaida kumubvunza pamusoro pezvanga zvaitika. Ndakawana mukadzi waTawanda akagara paverandah achitaura pafon. Pandakapfuura akaramba akangonditarisa asi haana chaakataura, asi ndaiona senge aida kuseka asi achizvibata. Handina kumboita hanya nazvo ndakapfuriira ndichipinda mumba, uno mandakangosvika nekutora fon yangu nekutotanga kufonera Brian. Ndaida kuti kana aine chekuita pane kuenda kwaMike kuHarare atoita kuti adzoke zvake. Nhai aiti basa repamba raiitwa nani. Hanty Mike ndiro ranga riri basa rake iroro rekuita kese kanoitwa pamba, kusanganisira nekubika chaiko. Manje zvaanga aenda ndiani aizotsvaira zvese nekucleaner mumba, mukadzi waTawanda haaimbozvikwanisa , munongovazivawo wani vamwe vana vakakurira kuHarare kujaidzwa kwavanenge vakaita. Fon yaBrian haina kudairwa ndikadzimara ndangozvisiyawo. I think aitadza kudaira nekuti aidriver, asi ndaizviziva kuti aizofona kana awona mamissed calls angu. Pandakagadzika fon yangu pasi mukadzi waTawanda anga ave mumba manje achiri kutaura pafon yake. Ini nekuda kwestress yandanga ndave nayo ndakabva ndabuda ndichienda kuroom kwangu, asi ndakanzwa senge mukadzi waTawanda akataura nezvangu achiudza munhu waaitaura naye pafon achibva afa nekuseka zvake. Ndakangosiyanawo nazvo nekuti ndaifunga zvakawanda asi handidi kunyepa hangu ndakabatikana, chero ndanga ndisina kunzwa zvaanga ataura asi zvakangondibatawo zvekunyeewa pafon. Apa chimwe chaindinetsa ndechekuti anga asina kana kumbondibatsira kubata Mike kuti asaende asi tese taiziva kuti Mike mushandi wedu ende kuenda kwake taitosara tirisu tinenge tave kushanda semadhongi. Mike Pandakakwira mucombi ndakanyatsofema zviya zvekufeeler relieved. Ndaisaziva hangu zvanga zvakandimirira kumberi asi atleast ndanga ndabuda muhuranda. Zvimwe zvese ndaizvionera mberi ikoko. Pakasimuka combi ndanga ndakangotarisa panze, ndaisada kunyanya kufungisisa saka ndaingoona zvangu nzira yese yekubva kumba kusvika kuHarare. Ndanga ndatove nekanguva kakati rebei ndisina kupinda muHarare, tongoti ndakapedzesera pagraduation yaTawanda. Ndakaburutsirwa paMarket square necombi, ndichibva ndafamba kuenda kunokwirirwa macombi ekumba kwana Danny. Semunhu akapindawo chikoro ende akangwara ngarwa handina kumborasika mutown zvangu, ndakakwira combi iya. Yakanonoka kuzara munongozivawo macombi anenge achienda kumalow density haazare zvekudaro. Yakazozara zvayo later, apa ini ndanga ndave nenzara manje, ndakangokwanisa kutenga freezit yaitengeswa nevaya vanotengesa vari mumawindows emacombi. Ndakaburutswa necombi pandanga ndanzi ndiburukire, ndikabva ndafamba ndichitsvaga pamba panga paine address yandanga ndakanyorerwa pasi. Zvakanditorera nguva kuti ndipawane, asi ndakazongopawana. Asi ndanga ndaneta plus nzara, ko kuzoti kutsva neiro zuva ranga ririko. Ndakagogodza pagedhi, ndikauya kuzovhurirwa naDanny uyo akaratidza kufara nekundiona. Takafarirana kani, achibva azonditakurira bag rangu tichipinda mukati. Iiih anga aine pamba pakanaka zvake jealous down. Mumoyo mangu ndakatonzwa kurwadziwa kuti vamwe vanhu vezera rangu vanga vaine life yakadaro. Tumisodzi twakatowungana mumaziso not because of kuti ndanga ndiine godo nezvinhu zvaDanny, asi ndainzwa kuti ndanga ndanyanya kusara mumashure sterek, asi zvisineyi hazvo inguva. Takapinda mumba macho, iiih ndikada kutanga kutaura nezvamo handingambopedze nhasi, asi in short ndingangoti mumba manga makanaka zvamo imomo. Ende manga makarongedzwa zvakanakisisa, zvekuti ndaitonyatsoona kuti mukadzi waDanny munhu ane choice pazvinhu zvemumba make. Ndakasvikonzi ndigare pasofa, ndichibva ndaigirwa mvura sezvo iriyo yandanga ndataura kuti ndirikuda. Takatanga kutaura zvedu naDanny ndichitomuudza mabviro andanga ndaita pamba, nedrama rese ranga raitika. Aingodzungudza musoro achinzwa zvandaitaura. Ndakazoona mukadzi mukadzi wake achibuda nemupassage. Ndakatozviona kuti mukadzi wake nekuda kwemapictures emuchato wavo. Pakaitwa maintroductions handina kumboona mufaro pachiso chemukadzi waDanny asi semunhu wandisingazive ndakangofungawo kuti maybe ndiwo mugariro wake. Haana kumbogarisa akabva atongobuda achienda kunopedzesa kubika. Ini ndakasara ndichikumbira fon yaDanny kuti ndifonere mukadzi waBrian ndimuudze kuti ndanga ndasvika zvakanaka. Akandipa fon yacho ndichibva ndafona. Mainini..." Hello, ndibamukuru Mike handiti Vaitaura nekazeve zeve zvakabva zvaita kuti ndizive kuti vanga vakahwanda kuti vasanzwike naBrian. ..." Ehe ndini mainini, ndanga ndichida kukuudzai kuti ndasvika zvakanaka. Mainini..." Hii ndotenda Mwari shuwa. Saka matambirwa henyu zvakanaka. ..." Ehe haa ndatambirwa zvakanaka mainini, handingashore. Mainini..." Atleast kana zvakadaro better coz isu tangoti tichisvika pamba nekutoona mamissed calls hobho amhamha. Brian achibva afona back. Tatopinzwa mucourt munoziva, hanzi dzosai mwana wangu wamaenda naye. Munoziva ndaseka bamukuru. Vatozodzikamiswa naBrian avaudza kuti mave murume mukuru anozvifungira otherwise ndanga ndakutonzi ndini ndakubai mufunge. Vaitotaura zvavo vachiseka mainini, inini ndakabva ndasekawo coz ndaivaziva madrama avo mhamha. ..." Asi zvamhamha soo, hayas ungati rudo. Mainini..." Hazvisisina basa, just concentrate mezviriko ikoko. Tozotaura later, now ndirikutotaura ndakahwanda munin'ina wenyu. Tozotaura bamukuru, munogona kungondiisira call back kana fon yeshamwari yenyu isina airtime kuti ndiwane kukufonerai. ..." Okay, maita basa mainini. Handizive kuti ndokutendai sei nerudo rwenyu. Mainini..." Manje manje munenge makushanda kaa, ndombodya mari yemuramu. Vakataura vachiseka, vachito cutter fon. Ini ndakabva ndanoratidzwa room yandairara kuti ndinoita freshen up ndiwane kuzodya. Room iyoyo yanga yakanaka zvayo, ndakarongedza tuhembe twangu tutatu itwotwo mucloset, ndichibva ndapinda kugeza mubathroom yanga irimo ensuit muroom macho. Mai Mike Pandakaenda muroom mangu, ndakabva ndanorara zvangu, ndaisada kufungisisa nekutya kuti BP yangu inokwira, saka ndakatobatwa nehope ndikarara masikati machena iwayo. Ndakazomutswa necall yaBrian. Handina kumboda kutendera nenyaya ndakamubvunza nezvaMike. Brian..." Mhamha, Mike amurume mukuru ipo paye, saka kana afunga zvekubva pamba tingati pane amufurira here. Mukadzi wangu kana amupa mari munoti anomuchengetera kupi Mike wacho. Kana Mike adecider kubva pamba ini ndotoona atofungawo ipapo. Munoti ndiani anga achiri kuda kuramba achichengeta mumwe murume mukuru. Chatisingangode ndechekuti azodzoka pamba kana zvamuomera, nekuti kutobva kwaaita kuzvitemba, saka ngaabva azvitemba nekusingapere. ..." Ndingori nestress zvangu nemaendero aaita asi ndozviziva kuti munhu mukuru. Brian..." Saka musaite kuti BP yenyu ikwire nezvisina basa, magara muinacho chirwere chebp nechekare, musade kuti chiwedzere handiti. ..." It's okay, mafamba henyu zvakanaka. Akabva angopindurawo zvaienderana nezvandaibvunza. Takatozopedzesa call takutaurawo zvimwe. Pakadzoka Tawanda akangotaura zvakada kufanana nezvanga zvataurwa naBrian zvekuti ndakabva ndangozorora ini. Kana kufunga nezvazvo ndakabva ndarega, ndatoona kuti ndingazorware nekuda kwemurume mukuru ave kukwanisa kuzvionera, hanty kutobva pamba kuratidza kuti ane kumwe kwekuenda zvake. Saka ndakabva ndangosiyanawo nazvo, though ndanga ndakagadzirira kumuona achidzoka achikundikumbira ruregerero nekuti Mike ndomuziva kuti hapana chisvinu chaanobata, chero iko kuHarare ikoko. End of Chapter
❤️ 😢 👍 🙏 😂 😮 414

Comments