
COCO NOVELS
June 19, 2025 at 10:21 AM
https://chat.whatsapp.com/HJJrWB9CmGzLRfik6RGXzP
*Maprevious chapters anowanikwa kuchannel not kuinbox kwemunyori saka huya kuchannel dear*
https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q
*😔 PAINFUL FORGIVENESS😔*
_Family means no one gets left behind or forgotten_
Written by
Coco🦋🖤
*CHAPTER 1️⃣4️⃣ AND 1️⃣5️⃣*
CHAPTER 14
*Mike*
Ndichipedza kugeza ndakazodaidzwa kuti ndidye. Patable panga pakangogadzikwa mabowls echikafu, mukadzi waDanny akangozviisira chikafu muplate make nekutotanga kudya. Apa nyarariro yaanga akaita yairatidza hapana kana mufaro. Danny ndiye akatozondiisira chikafu muplate mangu nekubva azviisirawo chikafu muplate make. Danny ndiye aitotaurisa, inini attitude yandanga ndaitirwa nemukadzi waDanny yanga yatondipedza simba rese. Asi hazvina hazvo kunditadzisa kudya nekuti nzara yandainzwa kaa yaisatomboda zvekudadira chikafu.
Tapedza kudya, takabva taenda kunogara kusitting room naDanny tichiona soccer zvedu, tichingotaurawo here and there.
Danny..." Saka Mike sezvandakambokuudza, basa ndiri kukutsvagira asi handisati ndariona. Chaita kuti nditi uuye kuno ndechekuti zvawakati urikuitwa kumba kwenyu hazvina kundifadza, ndikati no mhani zvirinani ugare kuno kumafura mhepo wakamirira kuwana basa handiti.
..." Thank you so much Danny. Unoziva handisi kuziva kuti ndokutendai sei.
Danny..." Chimbomira kunditenda shaa. Zvandirikuda kukuitira chaizvo handisati ndaita. Aya masmall small aya.
..." Asi still zvawandiitira zvihombe.
Takazongoramba tichitaurawo but tanga takunyanya kuconcetrator netv. Ini ndanga ndane nguva ndisingaite zvekuona TV izvi, saka ndaitonakidzwawo naro bhora raitambwa, though ndanga ndisina team yekusupporter coz yangu chaiyo yandaiziva yaisatamba.
Tapedza kuona bhora ndakabva ndaenda kuroom kwangu kumbonorara. Makuseni semunhu anga angojairawo kushanda, ndakatomukira kunotsvaira panze. Ndichipedza ndakabva ndaenda mumba asi ndakashaya kuti zvinhu zvekucleaner nazvo mumba zvinogara papi, ndakabva ndangosiyanawo nezveku cleaner mumba ndichibva ndatora dishwasher yandakangowanawo pasink mukitchen ndichibva ndaenda kunogeza mota kucar port.
Ndakabva ndangoonawo zvimachira zvekugezesa mota, nemabuckets ari ikoko ndichibva ndatotanga kurova basa sebasa. Pakazobuda Danny mumba ndanga ndave kutopukuta mota kekupedzesera zvangu.
Danny..." Aaah Mike shamwari watomuka. Iiih zvekugeza mota izvi hazvisirizvo zvandakakutorera kuti uuye kuno Mike. You are my friend you have to rest kusvikira wawana basa.
..." Haa iwe masmall small aya. Ndatozvijaira zvemabasa epamba izvi zvekuti kutotsvaira yard nekugeza mota uku, zvinhu zvidiki diki.
Danny..." Ayehwa kaa Mike, kumba kwenyu ndoziva ndizvo zvawaiitiswa, asi ini ndakutora kuti uuye pano umbozorora, kusvika ndakuwanira basa. Mike ndave kutokukumbirawo please siya zvekumukira kuseni seni uchiita mabasa epamba aya handiti.
..." Horaiti I will try kuita zvimwe ndichisiya zvimwewo.
Danny..." Ehe atleast ukadaro, but ndiri kukutsvagira hangu basa hanty, very soon ndendakuwanira. Ndirikungonzwa zvimabasa zvakangodaro daro, ofwhich iwewe handingamboda kuti unoita house boy wemumwe munhu bodo. Ndoda kukutsvagira basa svinu chairo, rekuti vanhu vekumba kwenyu pavachakuona vachashamisika.
..." Haa wakandiwanira basa unenge wandigonera atleast ndinenge ndave nepekutangira nekuti kumba kuya hazviite kuti ndidzokere ndakadai, infact I doubt ndikafa ndakada kudzokera kumba kuya ini.
Ndanga ndakutotaura tichipinda zvedu mumba maDanny sezvo ndanga ndatopedza zvekucleaner mota yake. Iye akadairawo zvaienderana nezvandaitaura. Takasvika mumba, breakfast yatoiswa patable asi mukadzi waDanny anga asimo muroom hameno anga aenda kupi. Danny haana kumbonyanya kuita basa nazvo nekuti akabva atoti ndigare pachair, tichibva tatanga kudya zvedu.
Meanwhile in Danny's bedroom
Danny's wife..." Hameno kuti akamunhonga kupi unoziva. Apa munhu wacho ndinotomuziva. Ndewekumusha kwedu ikoko uku.
Friend..." Huh saka unotomuziva zvee munhu wacho.
Danny's wife..." Ehe ndomuziva, hameno baba vacho vakangofa zviri mysterious. Vakatambura mhani vanhu avo then mabrothers acho madiki achibva azongoita mari. Vanenge vakatoromba naye chete kana kuti iye ane curse iripaari coz eeh.
Friend..." Saka uchaita sei zvawaunzirwa mutoro mumba mako.
Danny's wife..." I will deal with him, unongondiziva wani. So ndamunzwa achitsvaira yard, ndangosiyawo breakfast patable. Ndakatomuudza Danny kuti zvaakaita handina kumbofara nazvo.
Friend..." Iye akati chii.
Danny's wife..." Akatotanga kutondiudza zveku batsirana pakutambudzika kwavo vari ku university, ndakatobatwa nehope achitaura zvinyaya zvake zvaitobhohwa zvazvo, but unondiziva wani. I will deal with him zvekuti anobva pano ega. Totaura later dear, rega ndimbogeza nekugadzirira kuenda kubasa. Zvimwe ndozo dealer nazvo later.
Friend..." Okay friend. Asi usajaidze makudo neanokamhina ikoko handiti. Bye totaura later.
Natasha
Ndakatobuda zvangu mumba ndichisiya Mai vaTawanda vachiita zveku cleaner cleaner. Haa ini zveku cleaner ivo varipo bodo. Ivo basa ravo rozoita rei. Hanty vakasiya Mike achienda, zvichireva kuti vaitozvitemba kaa kuti basa rese vanoita. Ndakakwira mumota mangu ndichinanga kumba kwefriend yangu Shanice. Tanga tave nenguva yakareba tisina kuonana so ndaida kumbonyatsomupa maupdates ezvaiitika kumba kwedu. Mostly ndaiita zvekumuudzira pafon asi apa ndanga ndakutoita zvekunomuudza nemuromo chaiwo.
Ndakasvika kumba kwaShanice akafara zvekuti achindiona. Takapinda mumba ndichibva ndapihwa juice nemasnacks tichibva tatanga kutaura zvedu. Tichiputika nekuseka. Especially pandakamuudza drama raiita Mai Mike vachienda kumusana kwaMike kuti asaende. Haa takaseka zvedu nabhururu wangu shame. Takazoti taneta nekuseka manje takutaura nyaya dziri serious.
Shanice..." Now that Mike ayenda, attention yevanhu ichaenda pauri saka uchaita sei.
..." Don't worry about that kani, hausi kuziva chiplan chandiinacho.
Shanice..." Chiplan cheyiko sahwira ndiudze kaa, hanty unoziva ndiri wako.
..." Aaah shamwari madziro ane nzeve aya.
Shanice..." Madziro apiko, isu tirimuno mumba mangu tiri tega.
..." Don't worry kani, I've got this under control. Kana ndatanga I will turn mother against son. And brother against brother trust me kani.
Shanice..." How asi, and your secret, uchaita sei nayo.
..." No one will know kani, hanty ndakuudza here. I will use that secret to create drifts between vanhu avo kani. Unozviziva wani kuti inini I'm good at acting. Ndini ndichatotanga nekutaura nyaya yacho vanhu vasingafungire. But first Mai vaTawanda varikufanha kutanga vadzokera kumusha kwavo.
Shanice..." Wow since usati wandiudza plan yako I will just wait and see.
..." Yeah good and please while you are waiting, make yourself useful nekunditsvagira a fake prophet I will pay him for his services.
Shanice..." I don't know but I feel like plan yako iri evil anyways rega ndikusiye uchiita. I hope zvinobudirira at the end.
..." Don't worry everything is under control.
Takazotaura zvedu dzimwe nyaya ndichibva ndazoenda kumba, asi I was shuwa kuti plan yangu yaibudirira chete, and hapana pavazomboziva secret yangu shame. I just have to do what any lady in my place will do.
End of Chapter
CHAPTER 15
*Natasha*
Pandakabva kwaShanice ndakasvika vamwene vangu vatopedza kubika, ndakangozvipakurirawo chikafu ndakadya. Handina kana kumbotaura navo, ndakangovaona musitting room vachiona tv ndikabva ndavapfuura, ndisina kana kumbovamhoresa. Ndaizviitira maplans angu kuti anyatsobudirira, semunhu anga adya aguta ndakangonogeza ndokubva ndapfeka mapyjamas angu nekubva ndatopinda mumagumbeze. Ndakatora phone yangu ndichibva ndaenda hangu patiktok, ndanga ndisingatombo concentrater nemavideos, ndainyatsoronga nekurongonora maplans angu kuti ndione kuti anobuda here.
Pakasvika Tawanda ndakabva ndanyepedzera kufuga musoro. Kutaura kwaayiita namai vake ndaivanzwa zvangu asi ndanga ndakamirira kuti apinde muroom medu nditange madrama angu zvangu. Pandakangonzwa akukwidza mastairs ndakabva ndatanga kuchema, zvekuti iye paakazopinda muroom medu akatosvika ndichichema. Akatomboita tuma minutes asina kusvika pandiri achichinja hembe maybe coz anenge aisanyatsondinzwa ndichichema.
Iniwo manyemwe ekuona kuti handisi kunzwikwa ndakabva ndatokwidza kavoice mbichana ndikanzwa munhu akukwira pabed achibva auya kwandanga ndiri achibva avhura magumbeze, ndokubva andisimudza. Paakangondiisa mumaoko ake ndakabva ndatowedzera kuchema. Ndaitozviitira kuti awedzere kuva worried nekuda kuziva reason yandaichemera.
Tawanda..." Babe ko chiiko, hona ukungochema kubva pandasvika or maybe watotanga kare.
Ini handina kumupindura ndakango continuer nekuchema kwangu, asi ndaitonyatsoona kuti mwana wemunhu ave worried manje. Akamboti zii, ini ndichingo hwihwidzawo kuchema. Haa zveku actor actor izvi ndokwangu manje. Kana misodzi inotogara iri padhuze, zvekuti kana zvangondiomera ndototanga kuchema. Ndakangozvitangawo ndiri mwana mudiki so handitokwanise kuzvisiya.
Tawanda..." Natasha zvakwana kani, please tell me chii chaitika. Hanty Mike haachazi pano so ukuchemei. I thought kuti ndinotokuwanawo uchifara, ndandichitoti maybe we will celebrate but hona manje mukadzi wangu ukuchemei.
Ndakatopotsa ndaseka hangu ndichinzwa munhu atove stressed nekuda kweacting yangu but haa zvanga zvisingaite kuti ndidzokere kumashure, ndaitofanha kuita zvinoita kuti imba yangu isaparare. Nekuti nemadirwo andaiitwa nemurume wangu, plus nemari yese yaaive nayo ndongorambwa nekuda kwezvandaka bhaiza kare. Haa ndakazviramba ini. Ndakazoti ndanyatsopedza shungu dzangu manje ndopandakazotanga kutaura. But tumisodzi twenhema twairamba tuchingoyerera uku Tawanda achingoipukutawo.
..." Unoziva handidi kukupesanisa namhamha, so it's better ndisataure zvangu. Handidi kuzokonzeresa maproblems.
Ndakaona munhu andisiya achibva anyatsonditarisa kumeso, neface iya iya yekuda kuedza kunzwisisa kwaienda nyaya yangu. Ini nekuona kuti ndikaita zvekutamba nyaya yangu inogona kuloser value, ndakabva ndawedzera futi kuchema. Achibva andihugger futi, achindipuruzira kumusana kunge kamwana kadiki. Ndobva ndatombo smiler ndiri mukati mekuchema, coz face yangu yanga iri pachest pake so aisaiona. Ipapo ndanga ndakunyatsoona kuti nyaya yangu yaibuda ende ndaishandisa misodzi yangu kuti andi believer.
After some time ndipo pandakazotanga kutaura manje. Ndanyatsoona kuti munhu wangu ane kakundi believer.
..." Babe sezvandambotaura handidi zvangu kukupesanisa namhamha. Unoziva inini handina kana problem navo ende ndinovada saamai vangu.
Tawanda..." Natasha chingotaura nyaya yako zvipere!!
Ndakatomboita kadebate mumusoro mangu kekuti nditaure or ndorega paakadaro, coz kundideedza nezita ndakatozviona kuti nyaya yandaida kutaura yanga yakutoita kakumutsamwisa asati ainzwa, asi ndaitya kuti aigona kuzotsamwira inini, apa ndichida kuti atsamwire amai vake. Munongovaziva henyu vanakomana nekuda anamai vavo. Ndakazongozvishingisa kuti nditaure ini.
..." Babe I was stressed nekuda kwekushaya mwana kwedu. Pakauya bamunini Brian namainini, ndakaona kunge mainini vane nhumbu. So ini ndakabva ndafunga makore ese atagara tese tisina mwana. Ndobva ndatoona kuti takutotangirwa nevana vadiki kwatiri vakaroorana zuro uno kuita mwana.
Ndakambonyarara kaa kwekanguva ndichida kuona kuti munhu wangu arikunyatsoratidza kunzwisisa pane nyaya yangu here. Ndakaona aisa musoro wake mumaoko, kuratidza kuti nyaya yacho yaitomunetsawo, ndikati right, we are now on the same page. Mainini pavanga vauya ndanga ndatozviona kuti vane nhumbu, asi yaichiri diki zvekuti vakawanda vaisatombozviona asi ini nhumbu ndanga ndakutoziva kuti apa munhu anayo chero ine month chairo, haa handaimbotadza hangu kuzviziva, anyway that's a story for another day.
Tawanda..." Just tell me kuti nyaya iyi ikubatana papi namhamha coz ini ndanga ndati tiende kunotariswa nemadoctors but iwewe ndiwe unoramba uchingoverengera.
..." Hakusi kuverengera as such but kutotya kuti ndinononzi ndini ndine problem then what. Babe wakambozvifungawo here kuti ko kana zviri spiritual.
Tawanda..." Obvious kwadoctor tinonopihwa solution my love and ndini ndinogona nditori neproblem futi, but if it's spiritual then toita sei, nyatsotaura nyaya yako yese.
..." Okay so nhasi ndaenda kune mumwe prophet neshamwari yangu, babe I swear I'm not lying. If you think I'm lying toenda tese kwaprophet vacho.
Tawanda..." Chingotaura zvataurwa chete
..." Hanzi mhamha ndovakukonzeresa kuti tisaite vana. Handisi kuti mhamha vanoroya Tawanda asi ndozvandangoudzwawo.
Ndakaona munhu achisimuka, achibva abata musoro wake. Akatanga kufamba famba muroom.
Tawanda..." Hauti Mai vangu havaroye kaa iwe wambotaura kuti vanoroya. Natasha handisi kuda maproblems newe.
..." Mira ndipedzese kutaura kaa nhai veduwee.
Tawanda..." Taura kaa ko wabatwa nani, Natasha I hope zvinhu zvaukutaura zvino maker sense kana kwauri coz, haungati Mai vangu muroyi kaa.
..." Tanga wagara pasi kaa zvekufamba famba zvaurikuita zviri kundinzwiza dzungu aah.
Akabva agara pasi but this time anga akanyatsonditarisa mumaziso ndichitaura. Apa ndanga ndakutaura ndisingatombo kakame coz ndaida kunyatsoratidza kuti ichokwadi.
..." Tawanda kubva patakachata tongogara namhamha pano, wakavabvisa kumba kwavo kuti vagare pano. Hanzi naprophet ndivo vakaisa mbereko yangu muhari ende as long as vachigara pano handife ndakazvara mwana. Tawanda kana ndichinyepa ita zvese zvaunoda kuita but kubva titange kugara tese mari vako vangoripo pano, saka tingati kunyepa here. Ini ndikushaya kuti ndakavatadzirei. Kana vaisada kuti uroore, vakadii kungotaura pane kuti ndiuye pano ndingogara ndisina mwana here Tawanda. Kana usingade kundi believer it's okay, asi ini ndakubva zvangu pano.
Ndakaona munhu asimuka futi. Achibva atanga kufamba famba achiita achinorova madziro. Ndechemumoyo ndakaita kasmile. Ndiyo reaction yandaida exactly. Iniwo ndakabva ndatanga kuchema ndichingoti "Mai vako ndakavatadzirei, ngavandidzosere mbereko yangu ndiende zvangu kumba kwedu".
Tawanda..." Nyarara zvakwana!
Akataura achisheedzera, ini ndichibva ndatowedzera kuridza mhere. Achibva agara paside pangu ndokubva andiisa pachest pake.
Tawanda..." Ndiregererewo nekukwidza voice babe, but zvaukutaura it's hard to believe. Haa mhamha havangambondidaro. I'm just trying to let zvese zvawandiudza sink ini babe.
Exactly zvandaida, step 1 done now for the next step of the plan. Ndaisekerera mumoyo. Asi ndichichema kunze uku kuti nyaya yangu iyite seyechokwadi kaa. Mai Mike you don't know what's coming.
Mike
Ndaitove busy kucleaner zvangu mota yaDanny. Ndaitoimbirira zvangu ndichicleaner. Zvekushanda izvi zvaisanyanya kundirwadza sezvinhu zvandanga ndangojaira. Ndatopedza zvangu, ndakutsvaira tsvaira pasi panga payerera mvura papavement ndopakabva pabuda Danny akachena, mumashure muyine mukadzi wake, akachenawo. Zvazvitori obvious kuti they were going somewhere.
Danny..." Haa Mike zvawakuita izvi tichazonetsana manje. Hauna kuuya pano kuti ushande. Wakauya kuti ndikutsvagire basa, not mabasa epamba awakuita aya.
Danny's wife..." Ko zvine basa reiko, akasatoita izvi angaitei iye munhu anogara akangogara iyeyu.
Danny haana zvaakataura asi ndakatoona kuti pane nyaya pakati pevanhu ava asi handina kuda kunyanya kufungisisa nezvazvo.
Danny..." Mike tirikumbobuda, tainvitwa neshamwari dzamadam kuti timbonogocha gocha. Usare uchizorora kwete kucontinuer nekushanda.
..." Haa its okay, ndokuonai madzoka.
Danny's wife..." Ooh Mike tivhurire gedhi ozosara uchirivhara tabuda.
Aitaura kudaro achindikandira makeys egate, ranga riri electric so kwakuri kungobaya kabutton rotovhurika, achibva akwira mumota, asi akaramba akangotariswa naDanny. Ini ndakabva ndavhura gate riya, Danny achibva apinda mumota ndokubva vatobuda. Ini ndichisarawo ndichivhara gedhi nekupedzesa pedzesa zvandaiita.
Madays akafamba ndichigara zvangu pamba paDanny. Ndaisatukwa hangu sezvandaiitwa kwedu but haa mukadzi weshamwari yangu aitoratidza kundivenga chaiko, ndisingazive hangu reason yaaindivengera, asi munamato wangu, waingove wekuti ndiwane basa chero zvaro. Asi Danny ndiye aingoramba achiti arikufano nditsvagira basa svinu.
Rimwe zuva ndakatogara zvangu panze, ndichimbofurwa nemhepo. Kwaipisa kaa, saka ndanga ndakagara pasi pemuti ndichifefeterwa zvangu nemhepo. Ndakabva ndadeedzwa mumba nemukadzi waDanny achibva andipa hembe dzavo achiti ndidzi ironer. Handina kumupikisa hangu, ko wenhamo ungadii. Ndakatora ironing board ndichibva ndatanga kuironer ndiri mulaundry room mavo paya. Ndiri pakati peku ironer nditori pakati pekubvisa dress randanga ndapedza kuironer kuti ndiise rimwe ndakabva ndagumha iron nemistake ichibva yadonhera padress riya, time idzodzo ndopakabva papinda mukadzi waDanny.
Akangosvika nekundirova mbama, ndakavarairwa, zvekuti ndakatoshamisika kuti ko chachiiko.
Danny's wife..." Useless man, ndosaka raishandiswa nevanhu vese kumba kwavo, nxaa. Uda kupisa dress rangu unoziva rakaita marii iwe tsuro zvayo yemubook. Usade kunditsvaga. Basa kuswerero teedza mushana sedzvinyu murume mukuru, iwe usina kana chinobatika.
Handina chandakakwanisa kuita, ndakangonyarara. Tese hatina kuziva kuti Danny ainzwa zvese zvaiitika aripa door. Akangopinda muroom nekudhonza mukadzi wake ruoko vachibva vatobuda asi airatidza kutsamwa. Ini ndakasara ndichidzima iron nekubva ndatoenda kuroom kwangu, ndikabva ndanorara pabed ndichifunga kuti hupenyu hwangu hwainyatsoendepi.
*Narrated*
Danny akafamba nemukadzi wake achienda kuroom kwake, asi airatidza kutsamwa. Mumoyo make ainzwa kunyara nezvainge zvaitwa shamwari yake Mike. Iye aiziva kuti Mike aive ambomubatsira makore avaive kuuniversity ndosaka anga amutora kuti amubatsire kutsvaga basa. Vachingosvika muroom mavo, Danny akabva arova mukadzi wake mbama yakaita kuti anowira pabed, hasha dzaaive nadzo aizviziva kuti aigona kumukuvadza akada kunyatsomurova chaizvo.
End of Chapter
❤️
😢
👍
🙏
😂
😮
404