
COCO NOVELS
June 19, 2025 at 06:16 PM
https://chat.whatsapp.com/HJJrWB9CmGzLRfik6RGXzP
*Maprevious chapters anowanikwa kuchannel not kuinbox kwemunyori saka huya kuchannel dear*
https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q
*😔 PAINFUL FORGIVENESS😔*
_Family means no one gets left behind or forgotten_
Written by
Coco🦋🖤
CHAPTER 1️⃣ 6️⃣ AND 1️⃣ 7️⃣
CHAPTER 16
_Narrated_
Mukadzi waDanny akasimuka pabed paanga anowira achibata dama rake. Zvaimurambira kuti murume wake aive amurova. Since kuroorana kwavo anga asati amborohwa nemurume wake. Ehe vaimbonetsana zvavo like any other couple but not pakuzosvika pakurovana, saka zvaimubata kuti anga aroverwa mbama, Mike. Munhu anga asina kana chaainacho. Apa hasha nenyadzi zvanga zvamubata zvekuti ainzwa kuda kuchema but akatadza kana kubuditsa misodzi. Nekuda kwekuti anga agara ari munhu ane pamuromo zvake akabva atotanga kupopotera murume wake.
Danny's wife..." Ndirove, ndiuraye. Hanty wandirovera Mike mukadzi wako. Chindiuraya zvipere.
Aidaro achijunga junga murume wake pachest nechigunwe.
Danny's wife..." Basa kuda kurova inini munhukadzi kutadza kunorovana nevarume biyako uko.
Danny haana kupindura nekuti he was regretting kurova kwaanga aita mukadzi wake. Ehe anga atsamwiswa hake but kwete zvekuzosvika pakudzemura mukadzi wake zvakadaro.
Danny's wife..." Shuwa kubva titange kudanana hausati wambondirova, otanga kundirovera Mike inini. Haa its either Mike achaenda or ndini ndichabva pano chete.
Ipapo akabva atanga kuchema mukadzi waDanny kwaive kubatikana nezvainge zvaitika, ende zveshuwa aisambotadza nekuda kwekuti Danny anga atoratidza kaa kuti shamwari yake yakakosha kudarika iye mukadzi wake. Danny awona mukadzi wake akuchema, akaedza kunomuhugger asi mukadzi wacho akabva avhizhura maoko ake achiita kupopota.
Danny's wife..." Ndisiye mhani, ndati this house haikwanise kugara ini naMike, so kana Mike asingakwanise kuenda then inini ndini ndakuenda.
Danny haana chaakapindura asi akangobuda muroom mavo achifungisisa kuti odii. Kuti mukadzi wake abve pamba nekuda kweshamwari yake zvaisaita, and at the same time kuti Mike abve, aienda kupi. Zvaisaita kuti asiye shamwari yake panguva yakaoma kudaro. Akaenda kunogara panze chaipo kuseri kwemba achifunga mazano ekuita. Asi zvese zvaaifunga aiwona kuti hazvina kana nemusoro wese saka akapedzisira angopinda mumba achida kunokumbira mukadzi wake ruregerero then ozoona kuti angawanire basa ripi nekuti zvemabasa epamusoro aaive neshungu dzekuti aite akaona kuti zvainonoka apa mukadzi wake anga atomuisa panguva yakaoma.
*Mike*
Zuva iroro handina kana kuzobuda muroom mandairara. Ndakatoita zvekuigirwa chikafu naDanny. Ndakatombofunga kuchiramba asi ndakazoona kuti zvaisabuda kuita sendairamwa mumba mevanhu. Danny haana kumbonyanya kutaura neni, ndakatoona kuti pane zvaimunetsa, maybe yaive nyaya iyoyi yanga ichangobva mukuitika. Nemafambiro anga ave kuita zvinhu ndaitoona zvakanaka kuti ndibve hangu pamba paDanny pacho nekuti ndasada kuparadza imba yake yandanga ndawana iyine mufaro.
Zvekubva pamba pake ndakaona zvakanaka kuti ndizomuudza mangwana acho, asi chakandishayisa hope husiku ihwohwo, ipfungwa yekuti ndaizoendepi kana ndabva pamba apa. Nemabviro andanga ndaita kwaTawanda zvaisaita kuti ndidzokere. Ende kuti ndiende pamusha pedu, ndanga ndisina kana pekutangira. Kamari kandanga ndinako kanga kasara pane yandakapihwa naDanny ndiko kandaida kutoshandisa pakudzokera kumusha saka haa anga ari ma1. Asi ndakazobatwa nehope ndatozviudza kuti ndaienda pamusha pedu ndonotangira ipapo.
Nekuda kwekunonoka kurara, mangwana acho ndakanonoka kumuka, zvekuti ndakatozomuka Danny atobuda kuenda kubasa, so ndaitozomuudza zvekubva kwangu kana abva kubasa kwake. Ndakangoswera ndichingobata bata mabasa epamba. Mukadzi waDanny haana kana kumbotaura neni muswere wese wezuva, asi chikafu aingosvika achigadzika pamberi pangu. Maitiro ake ezvinhu airatidza kuti akatsamwa asi ini pandangoona kuti haasi kuda kutaura neni ndakabva ndangozvinyararirawo.
Danny akazodzoka hake kubasa kwake, ndisati ndatokumbira kutaura naye ndiye akabva atondidaidza kuti tinogara panze kugarden kwavo. Takanogara pama garden chairs, ndokungotaurawo nyaya dziri general like asking him kuti kubasa kwavo kwanga kurisei and all that. Tapedza takamboita kanguva takanyarara, ini handina kuda kutanga kutaura sezvo ndirini ndanga ndadaidzwa naye.
Danny..." Mike I'm very sorry my brother, hazvisirizvo zvandanga ndichida izvi but ndatoona kuti nguva irikufamba ende basa chairo randaida upinde handisati ndariwana.
Ndakatoshaya kuti chave chii, kuti ainge ondidzinga pamba pake here. Izvi hazvina kundirovesa nehana sezvo ndanga ndangogarawo ndave kuda kuwoneka plus ndanga ndisingade kuenda pakati pake nemukadzi wake. After ataura izvozvo takaita kamoment takanyarara futi, ini ndaisaziva kwaienda nyaya yake saka handina kuda kuita dzungu rekupindura.
Danny..." Okay so ndandichiti ndakuwanira basa, harisi haro svinu but it's a stepping stone......
Handina kumbomirira zvaaitaura kumberi kwese uko, kungotaura kwaakaita kuti andiwanira basa ndakabva ndatomujambira. Zvekuti ranga riri basa rei handina kana kumboita basa nazvo, chero rehumatanyera handina kumboita basa nazvo nekuti zvaitoreva kuti ndanga ndawana pekutangira.
Danny..." Zvakwana kani Mike harisi kana basa svinu but ndatoona kuti it's better ushande zvako uchizowana zvirinani.
..." Thank you so much my brother, handizive ndokutenda sei. Ndirikunzwa mumwe mufaro mandiri. Basa ibasa hazvinei nekuti nderekucleaner zvimbuzi or what.
Akamboseka, anenge aitondiseka coz excitement yacho anga ari ma1 ndaitadza kana kuzvibata nemufaro.
Danny..." Hayas Mike usandinakidze soo. Ndakuwanira basa rekuti uite driver, hanty wakati license unayo kaa. Unenge uchishandira company its like a taxi company so unotopihwa taxi iyoyo then haungofambe uchikwidza vanhu vese vese kaa secombi but unotoita kuudzwa kunzi ukuno picker this person coz, maclients eikoko imbinga.
..." Wow ndikushaya kuti ndokutenda sei Danny, haa ndafara mwana wamai vangu.
Danny..." So mangwana unoenda onotora uniform yako ototanga basa. Then ndakuwanira apartment mutown paflat riripadhuze nepabasa pako, and I've already paid 3 months rent in advance so you can move in tomorrow.
Haa ipapo ndakatadza kuzvi controller misodzi yemufaro yakangotanga kungoyerera pamatama angu, haa I was so happy. Ungamuwanepi munhu ane rudo senge Danny, ndopaya panonzi blood makes us related but loyalty makes us family. Danny was more than family to me. Imagine vana vamai vangu vanga vakandivenga asi iye mutorwa ndiye anga adai kundisvitsa pandiri. Chandakangokwanisa kuita kukumbira Mwari kuti vamuropafadze nekuti anga ayamura nherera inenge iniwo zvayo.
Natasha
Manheru ndaingonzwa Tawanda achi turner turner, ndakatozvinzwa kuti istress yezvandanga ndamuudza. Ini ndakatodzi pfodora zvangu Koo ndaityei zvangu. Makuseni munhu akamuka kwakugeza nekubva atobuda, zvekuti akatobuda even Mai vake vasati vamuka.
Ndaisaziva hangu zvaiva mupfungwa dzake but zvandanga ndamuudza I knew kuti zvanga zvatomupa ka doubt kuna Mike vake and zvaitoshanda to my own advantage. Takaswera whole day tisinganyanye kutaura hedu namai vacho, kwanga kuri kungotaurawo here and there. Kumanheru mwana wavo akabva akakurumidza kuuya zvekuti akatosvika tiri pakati pekuona tv. Ndakabva ndatomugezesa maoko nekunomutorera chikafu chake.
Aidya tichingotaurawo nyaya dziri general tese namhamha vacho, but ini ndanga ndakutobhohwekana kuti achazotaura nyaya yangu riinhi nhai, coz ndanga ndakuda kuti adzinge Mai vake then zvinhu zvangu zvese zvopinda mugwara. Apedza kudya ndipo paakazotanga kutaura nyaya yake manje.
Tawanda..." Nhai mhamha ndakakutadzirai chii chaizvo.
Mhamha..." Ko nhai Tawanda zviri kubva kupi zvese izvi.
Tawanda..." Ndini ndakakutorai kumusha kwenyu kwamaigara uko kukupinzai mumba mangu, then after that you do this to me, mhamha inini mwana wenyu.
Mhamha..." Hezvo nhai Tawanda nyaya yako iripapi chaizvo.
Vairatidza kutoshamisika, vaisambotadza coz bomb randanga ndavagadzirira anga arima one, ini ndaingosekera hangu mumoyo, asi hapana kana chandakataura.
Tawanda..." Nhai mhamha mune shuwa kuti hamudi kundiona ndichifara pano ndiine vana vanguwo here. Hanty ishuviro yamai vese yekuti vana vavo vaitewo vana, vabatewo vazukuru. Manje ini muri nai vakanyaitasei.
Mhamha..." Tawanda une shuwa kuti unganditongese panyaya yandisiri kana kumboziva. Ndiri chiiko chako nhai inini, ndiri chii kwauri. Ndinotadza kuda kuona uyine mwana pakuita sei inini.
Tawanda..." Saka chibereko chemukadzi wangu makachiisirei muhari nhai.
Vakabata muromo wavo zvekushamisika, vachibva vabva pasofa vachigara pasi chaipo. Vakabva vabata musoro wavo. Mhere yavakaridza ipapo yakaita kuti nditombo feeler guilty, haa jokes ndaitofara ini.
Mhamha..." Hii munondinzwirawo here, ndave kupumwa huroyi nemwana wangu inini, mwana wangu wandakatakura 9 months. Mwana wangu wandakatamburira.
Tawanda..." Handina kumboti muri muroyi ini mhamha ndangokubvunzai mubvunzo.
Mhamha..." Wangu munyama ini, iri ndorinonzi jambwa. Inini kuudzwa zvehuroyi nemwana wandakabara here nhai Mwari wangu. Mwana wandakachengeta baba vake vafa, nhasi ndiye ouya achindiudza kuroya kwese. Kana pane pandakatadza nditongei neimwe nzira.
Ndakaona Tawanda ave kubata musoro wake. Ndizvo zvandaisada izvozvo zvekuti afunge kuti Mai vake hapana zvavakaita nekuda kwekuchema kwavaiita. Ndakaenda paari ndokubva ndamomuhugger. Ndokutanga kumuudza zvese zvandaitaura nezuro wacho munzeve ndichiti asavharwe nemisodzi yamai vake yenhema nekuti ini ndaitodawo vana. Ndipo paakabva asimudza musoro.
Tawanda..." Since musiri kuda kutaura nyaya yenyu ndanga ndafunga kuti mudzokere henyu kumusha kwenyu pane kuuya pano kuzoparadza musha wangu.
Mhamha..." Tawanda une shuwa kundidzinga mumba mako manheru ano, kundidzingira huroyi hwandisingazive hiii hiii.
Vaidaro vachichema, ini ndaitofarawo kuti finally everything was going according to my plans.
End of Chapter
CHAPTER 17
*Mai Mike*
Zvaindirambira kuti shuwa mwana wangu agondipumha huroyi inini, handina kana mushonga wandaiziva asi ndainge ndonzi ndiri muroyi. Kana ndakambochema that day ndiro randakanyatsochema, kutodarika kana zuva rakafa murume wangu chaiye. Ndakashaya kuti ndiye Tawanda wandakashandira kuti asvike paanga ave, anga ondiudza huroyi hwese.
Tawanda aitoda kuti ndibve pamba pake husiku ihwohwo, asi mukadzi wake ndiye akazomurambidza achiri ndizoenda mangwana acho. Tawanda anga atowomesa moyo atokanganwa kuti ndini Mai vake vakamuzvara mufunge. Ndainyatsonzwa kubatikana zvakanyanya zvekuti kana husiku ihwohwo handina kurara nekuchema. Ndakatomboedza kufonera Brian asi phone yacho yaisadairwa. Ndakangofunga kuti anga arara nekuti nguva dzanga dzafamba chaizvo.
Mangwana acho makumbo angu ainge atozvimba. Obvious yaitove bp coz of kufungisisa zvese nekuchema kwandainge ndaita. Brian akabva atofona kuseni ikoko. Ndakachema ndichimutsanangurira zvese zvanga zvaitika. Mufunge zvekuisa chibereko chemunhu muhari ndaizvizivawo kupi iniwo zvangu. Handidi kunyepa ndaive ndakabatikana. Ndapedza Brian akatanga kundinyengerera kuti ndisabve pamba paTawanda asi nguva idzodzo ndichitotaura naBrian, Tawanda akabva atotanga kuknocker door.
Tawanda..." Mapedza kurongedza twese twenyu here umo, ndiri kuda kutonokusiyai kuseni kuno ndisati ndaenda kubasa.
Ndakangosimuka zvekuvavarira ndokutanga kurongedza zvinhu zvangu zvese. Brian anga anzwa zvese zvanga zvataurwa naTawanda, ini ndakabva ndango cutter phone yacho. After kutukwa kwese kuya zvaisatoitawo kuti ndirambe ndiri pamba ipapo. After ndanzi ndiri muroyi zvanga zvichaita kuti ndigare mumba mandanga ndadzingwa futi.
Ndapedza ndakaburitsa zvinhu zvangu, ndave panze ndakatombotarisisa imba iyoyo, ndaifunga kuti ndini ndanga ndave kubva pazi mansion rese iri ndichidzokera kumusha kwangu here. Haa maenemies angu anga ahwina this time. Tawanda akabuda mumba make achibva avhura boot remota yake, haana kana kubata masuitcase angu, ndakazviisira ndega zvinhu zvangu muboot make iye achibva avhara. Dai pasina kuti ndanga ndiine zvinhu zvakawanda plus makumbo angu anga ave kurwadza dai ndakazvifambira netsoka kuenda kumba kwangu, ko kwaive kure here.
Ndakagara zvangu kumashure, ko kumberi kwanga kuchagarika here. Pai reverswa mota ndakaona Natasha akamira pamusuwo achinwa wine achiita kuseka chikwee, chokwadi nhamo yemumwe hairambirwe sadza. Ndakasvika pamba pangu ndokutakura zvinhu zvangu ndichiisa mumba. Ndakaona Tawanda akupinda mumba achibva asvikopfugama pamberi pangu. Ndikati pamwe mwana wangu awona kuti ari wrong ave kuda kukumbira ruregerero zvake kaa.
Tawanda..." Mhamha kana pane pandakakutadzirai ndokumbirawo mundiregerere please.
..." Ndizvo zvawapfugamira here mwanangu, simuka titaure hedu. Kutadza kuri muvanhu uku.
Tawanda..." Ayehwa mhamha handisi kusimuka pano kusvika madzosera chibereko chemukadzi wangu. Mhamha ndokumbirawo kani, hamudi kundionawo ndichifara here. Ingawani ndingoriwo mwana wenyu wamakatakura 9 months why muchida kundiona ndichi suffer nhai.
Ndanga ndatoti zvimwe munhu akukumbira ruregerero pane zvaanga aita izvo, aitowedzera kundipumha huroyi. Handina kumupindura ndakangobva paari ndichitonanga kubedroom kwangu, ndikasvika nekukiya door rangu. Ko iye wacho kuzodeedzera nekutochema nekuchema nhaimi. Ndakangogara pabed pangu, manga musina hamo tsvina nekuti pane musikana aibhadharwa kuti apote achi cleaner.
Ndakazofonera Brian ndichimuudza kuti ndanga ndave pamusha pangu. Akatombotanga kunditi dai ndisina kubva nekuti aitouyawo mangwana acho kuti azotaure naTawanda but ini ndakatomuudza kuti akaona gumbo rangu pamba paTawanda andibvunze zvake Ndakazonzwa door rekudining kuvharwa ndikabva ndaziva kuti Tawanda anga abuda. Ini handina kuzombobuda mubedroom mangu, ndakaswera ndichingochema, kana nekudya handina. Ndakachema kusvika ndatobatwa nehope, zvekuti door rekudining harina kukiiwa handina kana kutomboita basa nazvo izvo.
*Mike*
Mazuva akatevera ndakatanga basa, ndikabva pamba paDanny ndikatanga kugara ku1 bed apartment yaanga andirentera. Kubasa ndanga ndatopihwa mota yandaifamba nayo, nephone yanga iri strictly yekubasa zvekuti ndiwane kucommunicator nevekuoffice kana pane munhu wandiri kufanha kunotora. Ndanga ndatopihwa uniform yangu yekubasa. Haa ndainzwa kufara zvekuti basa rangu ndairikoshesa sebasa randanga ndawana ndichida.
Maclients ese ndainyatsomabata zvakanaka. Mari yacho yanga isina kuwanda zvayo, but for the time being yaitondikwanira, ko ndaida zvakawanda wanda zveyi hangu. Ndanga ndagara ndatojaira life yekushaya saka mari yangu ndaiyi budgeter zvekutodaro. Even tumari twandaipihwa twematip, ndaitotuisa pakanaka. Ndaida kugadzirisa hupenyu hwangu zvekuti vavengi vangu vazoone kubudirira kwangu.
Ndanga ndatove netime hangu ndichishanda sadriver, one day ndakanzi ndinotora munhu kubva kuairport ndichinomusiya kuaddress yaaizondiudza iye. Ndakaenda kuya, ndikatonoona munhu uya ari musikana, but she looked rich and airatidza kuti arikuma late 20s ikoko. Ndakatakura luggage yake ndichibva ndaisa muboot, ndokubva ndamuvhurira door achibva apinda.
Akandiudza kuti aida kuenda kuChisipite hanzi ndokwaive neimba yake yaaive asiirwa nababa vake. Aingotaura taura zvakawanda ini ndichimupindurawo pari necessary. So ndaingomuti ma'am kaa serespect yandaingopa mamwe maclients plus ndozvandanga ndakatoudzwa kuti ndiite pandaiita training yebasa irori.
Lisa..." Please call me Lisa, this ma'am thing is making me feel old.
..." But ma'am
Lisa..." Lisa don't call me ma'am call me Lisa.
..." Okay ma..., Sorry Lisa.
Lisa..." It was that hard you see, So iwewe what's your name.
..." I'm Mike.
Lissa..." Ko nei musingaise manametags them it will be easy kaa pakukudeedzai.
Aitaura English yekuratidza kuti haana kukurira muno muZimbabwe and from the conversation we had I could tell kuti she had been kuUK for almost all of her life. She was just surprised nezvinhu hobho muHarare. So ndakazoenda kunomusiya but akati ndimirire aite freshen up coz she had to see a doctor ainzi doctor Bella if I'm not wrong hameno Isabella here kudini dini. Hanzi she had been referred kwaari nadoctor wake wekuUK so she had to go there kucheck-up.Kuti nditi airwara zvaisaoneka coz she looked healthy but you just never know with these rich people.
*Lisa*
Harare had changed yooh, I guess it's because panga pane nguva ndisina kuuya muZimbabwe. I last came to Zim when my parents were still alive and that's like 20 years ago, and I was 8 by then, shortly after that my mum passed away then my dad passed away like last year, so yeah I'm all alone. Apa the fact that ndakangozvarwa ndiri one doesn't make it any better.
Everything had been left in my name, all the companies in Zimbabwe, Canada and other countries. All along ndaigara kuCanada so apa ndanga ndauya kuzotarisisa macompanies mamwe ese aya coz I didnt trust vanhu vai manager zvinhu zvacho, and the fact that I was sick and could die at any moment was scaring me. So instead of hiring a car kusvika ndatenga yangu since I was going to be in Zim for like a year or 2 if my health permitted ndakafano opter zvangu for zvekuhirer a driver from some company that came highly recommended on social media.
So pandakasvika paairport I met up with the guy aive driver wangu, ainzi Mike and he was such a nice guy. The fact that he could listen to me without judging me made it all better, coz ndaitya kuzonzi vauya maspoilt brat aya and yes ndanditori spoilt, and being an only child obvious I was the princess. So akandiendesa ku1 of my houses yaive kuChisipite. Yeah obviously my dad had many houses munyika after all he was rich, but he was based in Canada so kuno vaingouya here and there to check on macompanies and dzimba and all that, I just missed my dad, dai vanga varipo ndisina stress yese iyi.
Ndichisvika kumba kuya, ndakangogeza geza, I was just so tired from that long flight but I had to go and see doctor Isabella for my checkup, nezvirwere zvedu izvi zvaitoda kuti tigare tichitariswa and I had been referred to her nadoctor vangu so it meant that she obviously was the best doctor muZimbabwe.
Ndakaenda kunomuona Bella uya, she was such a nice person zvekuti aitondiudza about her sister hanzi anonzi Sandra here what what, since I didn't have any friends in Zimbabwe ndakabva ndatotora number dzako coz she was now my new friend and doctor futi lol.
Mike akazondi driver kuenda kumba, kwandakasvika ndichirara coz I was exhausted, iye akabva amboenda but ndaida kutofonera company yavo ndivaudze kuti ndiye aizova driver wangu, I don't know why but I just felt like I could trust him and nekuva nice kwake ndakabva ndatoona kuti munhu bhoo manje.
Pandakamuka the first thing chandakaita kufona kucompany kwana Mike kuya and they agreed. Then ndakabva ndatanga kutarisa mapapers ecompany yadad vangu oops sorry yangu, yaive muHarare, semunhu anga akaita business management I could see kuti some things were not adding up but I had to see an accountant aizonyatsonditarisira kuti how far, management yanga iri pacompany apa ndanga ndisingai truster zvamuchose, so ndaingoda evidence then ndovadzinga, ndotsvaga vanhu vari honest vanoziva zvavanovinga pabasa ravo, saMike I could see kuti aida basa rake. Zvaisatomboda kana kuudzwa munhu coz wega you could see kuti uyu munhu anoda basa rake uyu.
So ndakazo order zvangu chikafu, ndichibva ndadya then after that, ndakabva ndanwa mapills semunhu anga amborara masikati hope dzakati nonokei kubata and the other thing is ndaifunga kuti after all that zvekudzinga vanhu and staff ndaizowanepi management iri honest nhai. After all I barely knew anyone muZimbabwe muno. So pfungwa iyoyo ndiyo yandakatozobatwa nehope ndiinayo.
Makuseni ndakamuka ndichifeeler kuti everything was going to be okay, and the other thought yanga iri yekuti Mike could be honest but then how could I see that, I had to plan something kuti ndione kuti is he honest enough? Akazouya achinditora kuti tiende kunoona mumwe accountant wandanga ndapihwa macontact details ake ne a friend of mine in UK, so I had already talked to him and set an appointment so ndokwanga ndave kuenda.
Muroad ndaiti ndikatarisa Mike nepamirror paye ndoona achi concentrater nedriving yake, then I could see kuti this is one of vanhu vandiri kuda mucompany mangu, zvisinei nekuti akapasa zvakadii muchikoro coz obviously he could further his education whilst working, nyaya hombe yanga iri pahonesty and I had a plan.
End of Chapter
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
357