COCO NOVELS
COCO NOVELS
June 20, 2025 at 05:54 PM
https://chat.whatsapp.com/HJJrWB9CmGzLRfik6RGXzP *Maprevious chapters anowanikwa kuchannel not kuinbox kwemunyori saka huya kuchannel dear* https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q *😔 PAINFUL FORGIVENESS😔* _Family means no one gets left behind or forgotten_ Written by Coco🦋🖤 "CHAPTER 2️⃣0️⃣ AND 2️⃣1️⃣* CHAPTER 20 *Mai Mike* Ndanga ndanzwa nekurwara zvangu, Brian akazenge adzokera zvake kumba kwake. Pane paairamba achigara neni, iro basa rake rakamumirira kuHarare here. Anga amboda kunditsvagira musikana wekuti ndigare naye asi ndakarambisisa, ndanga ndisingade kunyanya kumunetsa nekuti ndiye aitenga chikafu nezvimwe zvese zvandaishandisa plus mukadzi wake anga aine nhumbu kaa saka ndaida kuti aite achitenga nekugadzirira kuzvarwa kwemwana wake. Uyu Tawanda anga asina kana kutozombochinja. Anga achiri akangomira nerekuti ndidzosere mukadzi wake chibereko chake, icho chandanga ndisina, saka ndanga ndave kungonyararawo. Kana twakakwidza aitouya kumba kuzondishaudha, vachibatsirana naNatasha wake. Dzimwe nguva ndaitumirwa matexts ekutukwa chaiko, kutukwa nemwana wako hachisi chinhu chinojairika asi kwaitongove kuzvishingisa zuva nezuva. Ukuwo nekuside ndakanga ndodzimbikana nemuviri zvakanyanya, asi Brian ndanga ndisina kumuudza zvangu, pese paaifona ndaimuudza kuti ndaive right and ndaitomurambidza kuuya kuzondiona, ndichiti asazvinetse saka aingotumira zvake mari nechikafu. Dzimwe dzenguva ndaitoswera ndigorara ndisina kudya nekushaya simba rekubika chairo. Apa chimwe chinhu chaiitika ndechekuti dzimwe nguva ndanga ndisisanwe mapills angu ebp. Ndaisaona reason yekuraramira ini, wani murume wangu akangofawo wani, ndaitoona zviri nani kuti ndife hangu ndizorore nekuti zvepanyika pano ndainge ndazvitadza hangu. Especially ndaiti ndikafunga mashoko andaitukwa naTawanda, ndizvo zvimwe zvaindikwidza bp, asi ndaisakwanisa kuregera kufunga futi kutukwa kwandaiitwa nemwanakomana wangu. Ndaiitiswa stress futi nekufunga Mike, nhaimi mwana wangu anga arikupi. Anga ainani nhai, I had failed my son nekuda kwekufadza mutengi. Ndikafunga kuti ndaitukira Mike mahara misodzi yangu yaidonha. Mike anga akashandira vanin'ina vake asi pakangobudirira vanin'ina vake takabva tamudadira nekumuvenga, nhaimi ndiri amai vakaita sei vanosarura vana vavo nekuti uyu ane mari uyu haana. Ndaigarozvituka nekuda kwemabatiro andakaita Mike kusvika azobve pamba paTawanda. Ndaiti ndikafunga kuti kumutsvaga chaiko ndaitangira papi nhaimi. Munoziva unozoyeuka bako wanaiwa. Mwari anenge aindirangira zvitadzo zvangu zvese zvokwadi. Ndaingogaro vakumbira ivo Mwari kuti ndione Mike ka1 zvako ndikwanise kumukumbira ruregerero, chero akasandiregerera zvake but angondisunungurawo. Ende zvanga zvatove worse nekuda kwekurota baba vake iye Mike kwandanga ndoita manheru ega ega, vachiti ndakavarasisa. Rimwe zuva bamukuru vakangopfuura vachindiona, pavakangoona hurwere hwangu vakabva vatofonera Brian, chero zvangu ndanga ndavarambudza asi vakamufonera zvavo. Ko ini wacho ndanga ndawonda zvekusara musoro chaiwo. Uku makumbo angu anga akangozvimba mukuwonda imomo. Brian akabva atoti ayiuya mangwana acho kuti agondiendesa kuchipatara. Ende zveshuwa akasvika kuseni chaiko. Mukadzi wacho anga ave kutoita senge munhu ave kuda kuzvara chaiko, ndipo pandakatoona kuti panga patove nemwedzi yakawanda tisina kuonana. Brian akatomboyeredza misodzi achindiona zvandanga ndaave, chero mukadzi wacho. Vakabva vatoti vaida kuenda neni kuhospital kuHarare. Haa ndakarambisisa, ndaingovati ndiri kuda kuona Mike chete. Ndaitotaura izvi ndichichema chaiko. Sezvo pakati pavo vese vakati vaisaziva kwaiva naMike, vakazondinyengerera vakandiendesa paka 24 hour kemuDomboshava medu imomo, nekuti ini zvekuhospital ndanga ndarambisisa. Ko ndikano admitwa mwana wangu Mike osara osvika pamba ndisipo, though ndanga ndisisina chokwadi chekuti mupenyu here or akatopondewa, haa asi kana akafa ndaizozvi blamer kusvika muzuva rangu rekufa handidi kunyepa hangu. Ndakasvikonzi bp yangu yanga yakakwirira ku24 hour kuya, ndakazobaiwa injection nekupihwa guchu remapiritsi, ndokubva ndanyorerwa kalist kediet yaiita kuti muviri wangu udzokedzana. Tichisvika kumba Brian akabva atobuda achienda kuHarare kunotsvaga mimwe mishonga yanga isipo pa24 hour plus kunokumbira madays kubasa nekuti ndanga ndaramba kuenda kumba kwake ini kuri kutya kunzi pakazongowana chinotika ikoko ndini ndinonzi muroyi, saka iye nemukadzi wake ndivo vakange vave kumbogara neni kusvika ndarecover. Ini ndakasara kumba nemukadzi wake iye Brian uyu wandaingochemera kuti ndaida kuona mwana wangu Mike, asi ndakazongonyarara ndaona kuti ndikatoitise mwana wevanhu stress nekuda kwemaissues angu, ndakazobikirwa, ndikadya ndikapihwa mapills ndikarara asi kufunga Mike kwandaiita kwakaita kuti ndimurote ndichiudzwa nemapurisa kunzi akafa akaita zvekupondwa ndokubva azobaiwa nebanga. *Mike* Ehe I knew kuti I had feelings for Lisa but fact yekuti ndiboss vangu ndoyaiita kuti ndikwate, zvekuti I was even shocked pandakangongwere ndamuudza mashoko ezvandaimunzwira. Iye akaratidza kushamisika zvekuratidza kuti anga asina kumbotarisira kuti ndichataura mashoko akadaro. Ini misodzi yangu ndiyo yaingoyerera, it's not easy kaa kuudzwa kunzi munhu akakubatsira infact scratch that, munhu waunoda asarwa nenguva shoma shoma yekurarama. I just wish kuti there was a way but iye anga anyatsotaura kuti hapana zvekuita. Lisa ndiye akazenge atondihugger ndichichema. Asi ndakatozonyarara ndatoona kuti I was making this harder for her since anga atozvishingisa kuti andiudze. So tese patanga tanyatsove calm ndipo paakazondiudza kuti iyewo anga andiudza nezvekufa kwake because iyewo she loved me and anga atoplanner kudzokera kuUK kuti anofira ikoko asarwadziwe nekufa achindisiya atleast ariku UK aisazonyanya kufungisisa. Takazotaura sevanhu vakuru tikawirirana zvekuti kubva day iroro tanga tave kutodanana, dzimwe nguva ndaizvibvunza kuti ndini here Mike uya aitambudzika anga ave kudanana nembinga yakadaro, asi ndaizoti ndikafunga kuti anogona kungofa any day misodzi yangu yaingoyerekana yabuda yega, but kana ndiri paari ndaizvishingisa semunhu anga amupromiser kuti I'd make sure that she'd be happy pamazuva ake ekepedzesera. So since taisaziva kuti last day rake nderipi we made sure kuti we were happy everyday, living each day like it's the last. Nekuda kwekugara nemunhu wandaida iye achindida, ko tanga tatove kugara tese kaa, panga paine chekumirira here ipapo lol, ndanga ndatoita kakukanganwa nezvekumba kwedu zvekuti mukadzi waBrian ndanga ndakapedzesera kutaura naye ndichimuudza nezvekupihwa kwangu basa naLisa. Akafara zvake akarumbidza nekutenda Mwari but kubvawo ipapo tanga tisina kuzotaura tese futi nekuda kwekuti anga ave kundiudza zvekuti mhamha vakanzi naTawanda muroyi hee what what ini nyaya yacho handina kuyiisa mumusoro sterek ndanga ndave bhoo hangu nemadrama ekumba kwedu, ende ivo mhamha vaigozonzi muroyi nafavourite son wavo sei, zvana mhamha ndanga ndisina basa nazvo. So rimwe zuva ndatobva kubasa ndiri pakati pekubika chikafu chemanheru, eheka I was spoiling my woman. Phone yangu yakabva yaringer, anga arimukadzi waBrian. Ndakatodairawo zvakanaka naka paya. Ndiye ega munhu aimira neni mumazuva angu ekutambudzwa, saka ndaivafarira zvangu mainini vangu. Mainini..." Bamukuru murisei. Kurisei kubasa. ..." Ndiri right zvangu ini, kubasa kuribhoo zvekuti hameno imi murisei kaa pave nenguva tisina kutaura. Mainini..." Haa inini ndiri right hangu, asi mhamha ndivo varikurwara kuno. Ndiyo nyaya yandatofonera zvangu. ..." Haa nyaya dzana mhamha dzinondibhohwa hangu. Ko hanzi varwara neiko. Vakanditsanangurira zvese zvaitika, ndakatoshamisika saka kureva kuti kumba kwedu kwanga kusisina kana kuwirirana. Ende zvinhu zvinochinja mufunge. Mainini..." ........saka mhamha varikungogaro chema everyday vachiti varikuda kukuonai ende vanenge vane zvavari kuda kukuudzai. ..." Ko vanoda kundiona kuti ndini ndinovaporesa here ngavanwe mapiritsi vapore uko. Ngavasandinetse, vakandibata kaki amai vaye vamunoona zvekuti handidi kana kuvaona. Mainini..." Ndanga ndangoti ndikuudzei bamukuru kuitira pakawana chinoitika zvinozonzi ndini ndaitaura nemi ndichitadza kukuudzai nezvehurwere hwaamai venyu. ..." It's okay mainini, asi inini vanhu vari ikoko handinei navo hangu kunze kwenyu imimi. Ivo mhamha vacho hameno havo vakaita zvekutamba nehupenyu vachiramba kudya nekuenda kuhospital ivo vachirwara, vanofira mahara vachitadza kungoteedzera maorders adoctor vachiti varikuda kuona Mike ndini doctor here ndinovarapa. Hatina kuzombotaura hedu zvakawanda, kutaura kwese kwandaiita paphone handina kumbozviziva kuti Lisa anga akamira kumashure kwangu achinzwa conversation yese. Akazopinda mukitchen ndokusvika achindi hugger nekumashure. Ndakabva ndaturner tichibva tatarisana. Lisa..." Ko ingoenda kaa unovaona ..." Kunoona ani Lisa..." Mhamha kaa, I know vakakutadzira but since varikurwara ingonovaona kana ka1 zvako. ..." Ayehwa noo handikwanise hangu. Lisa..." I'm not saying varegerere or what , I'm just saying ingonovaona. ..." I can't go there chete haunganzwisise how I feel pese pandofunga nezvamhamha coz hausiriwe wanga uri musituation yandanga ndiri. Ndakadaro ndichitobva paari ndichibva ndaenda kutonopinda mumagumbeze chaimo. I was angry, why were they forcing me to go and see that woman after what she had done to me. Why vaida kungoti ndifunge zvinhu zvandaiedza kukanganwa nhai. End of Chapter CHAPTER 21 *Lisa* Ndakatozopedzesa kubika ndirini, I understood his anger asi kuti azondipindura rough kudaro manje. Ndapedza kubika ndakaenda kunodana munhu kuti auye adye, ndione munhu atorara zvake, ndakamuzunza zunza kaa kuti amuke, munhu kutoramba kumuka zvake. ..." Nhaiwe Mike muka kani, ndapedza kubika. Mike..." Handina nzara, ndisiye ndirare ..." Hezvo nhaiwe, all this because I simply asked you kuti unoona mhamha vako. Mike..." Just leave me alone aah. Ndakabva ndatomusiya ini, nhaimi zvinhu zvinotsamwisa here izvozvo. Chikafu chake ndakangonochiisawo mumicrowave. Ini appetite yangu yanga yatoperawo but I forced myself to eat ndichiitira kuti ndigonwa mapills angu coz haaite kunwa ndisina kudya. Ndapedza ndakabva ndaenda kunorara kuspare room, ndanga ndisisade kana kurara padhuze naMike hanty anozviita anotsamwa sterek. Mangwana acho ndakamuka ndikabva ndageza zvangu ini, ndaitogadzirira kunoona Bella hameno kwaanga ati aida kuenda neni, ini ndanga ndisina kumbonyanya kumubvunzisisa ndaizozviona ndasvika. Ndakangopfekawo zviri simple semunhu aisaziva kwaaienda. Ndapedza ndakabva ndaenda kukitchen kunogadzira kabreakfast kemunhu one, Mike aizvionera hanty murume mukuru, or aingodya chikafu chake chandasiya mumicrowave. Ndakutopedza kugadzira kacup kangu kecoffee ndipo pakabva papinda Mike mukitchen, ndakanzwa kupinda kwake nekuda kweperfume yake. Handina kana kutombocheuka kuti ndimutarise, ndakacontinuer nezvandaiita hangu. Mike..." Babe wamuka sei nhasi. Ini zii zvangu, ndaisatoda zvekutaura naye, ndakasimudza chikafu changu, ndokuenda kunochidyira kudining. Ndakazoona munhu ateera, anga adziisa chake chikafu chanezuro. Ndicho chaakadya ichocho. Ndapedza ndakabva ndangosimuka then I washed zvinhu zvandanga ndashandisa. Ndapedza zvese ndakabva ndanotora kahandbag kangu, ndichibva ndazoea lipstick yangu pamuromo, ndobva ndatora macar keys angu. Ndakazotenga mota kaa, Mike anga aine yake yaakapihwa necompany, ndoanga ari mabenefits eposition yake and inini since ndanga ndatove netime ndiri muHarare ndakazongo decider kutenga yangu mota kuitira kuti zvive easy pakuenda kuma checkups and kumameetings and all that. Mike..." Lisa ko why nezuro wakanorara kuspare room. Ini zii, ndanga ndisina kumbonzwa kupinda kwake, ndakangotora handbag rangu, ndakuda kubuda padoor ndakanzwa munhu andibata ruoko. Ini ndakabva ndaturner ndichida kuti andisiye ruoko rwangu. Iye achibva andihugger, ndokubva anditarisa mumaziso chaimo. Mike..." Lisa ko chii why usiri kuda kutaura neni tell me kana paine pandatadza ndigadzirise amana pane kusataura neni. Ndakangoramba ndiri zii zvangu, saka kureva kuti iye aitoona senge pasina chaatadza, nhai zviriko here izvozvo. Mike..." Lisa I'm sorry please atleast chingotaurawo neni kana ka1 zvako. Ndakaisa ruoko rwangu padama rake ndichibva ndanyatsomutarisawo mumaziso ake. ..." I didn't like how you talked to me yesterday. Mike..." Okay I'm sorry babe hanty. ..." It's okay and the other thing is, Mike ingopawo mhamha chance yekuti vataure newe. Handisi kuti varegerere asi kungotaurawo navo kana ka1. Mike.." kana zviri zvamhamha handidi kana kuzvinzwa. ..." But Mike hanty you have to introduce me kwavari here one day, how will we get married nhai. Mike..." If I had known kuti ndozvawakatsamwira izvi dai ndisina kumbozvinetsa nekukunyengerera, as far as I'm concerned ini handina hama wanzwa, I don't have a mother. Akadaro achibva atotora laptop bag rake, ndokubva avhara door zvehasha achitoenda. Ini ndakasara ndikatombochema, nhai munhu angabva awomesa moyo wake zvakadaro here. Chero akatadzirwa hanty amai ndiamai here hazvichinje. Ndainzwisisa kwaaibva asi ndaida kuti angowana closure atleast kungotaura naamai vake ka1 vachionesana kutadzirana kwavakaita nemareasons azvaiitirwa, nhaimi ndingadzi ndaitadzawo here. Shungu dzangu dzaingovewo dzekuti chero ndikafa ndisiye Mike ave kuwirirana nehama dzake especially amai vake. *Mike* Ndanga ndave kutobhohwekana nenyaya dzamhamha ini, Lisa kutozondiitira mamoods nekuda kwemunhu akanditadzira inini. Ndakamusiya akadaro, kupota achitora side remunhu akandidadira nxaa. Ndakaenda kubasa ndakadhiniwa zvekuti ndaitongonyepera kuseka seka mumeeting. Apa after meeting vanhu vacho vachibva vati tiende kulunch, nxaa ndakabhohwekana worse but nenyaya yekuti I had to convince them to invest in our company ndakazongoenda navo. After lunch ndave kutobuda muka restaurant katanga tadyira ndakabva ndasangana naDanny padoor, ndakatomuti amire ipapo ndichibva ndambotanga ndanopedzesa kadiscussion kandaiita nevanhu vandaiita navo lunch, vachibva vaenda ini ndichisara ndichienda kuna Danny. Takafarirana kani, tikabva tatodzokera mukati kuti timbonwa hedu madrinks tichitaura. Kubva pandakabva kumba kwake tanga tisina kuzombotaura tese saka ndakatanga kutomuudza masanganiro andakaita naLisa and all that kusvika pandanga ndaave. Ndakamutenda nekundiunza muHarare dai pasina iye munoti dai ndakasangana naLisa kupi nhai. Danny..." Haa Mike ndafara ndasangana newe ende Mwari vanoshamisa ufunge. Mike..." I just thank God, and ndinovatenda nekuunza munhu akaita sewe mulife mangu. Danny..." Mike ndafara hangu, asi mukadzi wangu haachaende kubasa, saka ndanga ndichitokumbirawo kuti ungovatsvagirewo basa pauri kushanda, chero zvaro nekuti haa ma1. Pane kaproject kandakatanga karikutoda mari yakati wandei. ..." Haa don't worry chingounza CV ravo chete, vakadzidzei zviya. Danny..." Vakaita marketing manje mabasa acho ma1 apa kaproject kangu kachazoburitsa hako mari but kumberi uko so for now zvinenge zvichidawo kuti yangu mari ichienda kukaproject yakewo ichitenga chikafu chemumba nezvevanawo ukuona. ..." Haa usatye just send CV ravo via email address yachichakusendera pawhatsapp pako, then ivo ngavabve vatouya kuinterview mangwana. Danny..." Haa waita basa shamwari, handizive ndokutenda sei. ..." Ndiwe wandofanha kutotenda, unondipa maaccount details ako ndione kuti ndingakupewo marii yekuti uyise kuka project kako. Akaita zvekupfugama chaizvo kutenda zvekuti ndanga ndave kutonyara nhai, apa vanhu vese vanga vangotarisa. Apa matendero acho ungati pane zvinoshamisa zvandanga ndamuitira, iye ariye akatondiyamura, nhaimi ndini ndaifanha kutomupfugamira ndichimutenda. ..." Aaah nhaiwe Danny, hanty ndini ndofanha kutokutenda zvakadai, zvandiri kuita masmall small aya pane zvawakandiitira. Wakandiitira zvandakatadza kuitirwa nevana vaamai vangu nababa vangu chaivo. Danny..." Usandirambidze hako kutenda shamwari wandigonera. Anyways talking about family, wakamboendawo kunoona mhamha vako here. ..." Handina ini haa zvana mhamha izvo hameno zvavo ikoko, hanty vane vana vavo chaivo chaivo here ikoko. Danny..." Mmm Mike asi hauone kuti ukangooendawo kana ka1 zvako unenge wagona. Kungonovaonawo kuti varisei. ..." Ini nyaya yamhamha handitomboifarire kana kutaura nezvayo hangu. Danny..." But unoziva kuti one day uchazofanha kuenda zvako, like ipapa ndakanzwa kuti varikurwara, unofanha kungoenda kunovaona nekuti chero zvikadii she's still your mother chero vakakutadzira hazvichinje kuti ndiamai vako izvozvo. Anyways I can't force you, unozoenda hako wega paunenge waona kuti wave kukwanisa kunotaura navo. ..." Yeah zveshuwa, now ndiudze nezveproject yawakuda kutanga iyi, ndeyeiko and ukutarisira maprofits akadii pamberi apo. Haa chiiko nevanhu nenyaya yamhamha nhai, mhamha this mhamha that, ndanga ndatobva kumba ndakatsamwira same story now chero nekuno futi mwamwa mwamwa chii chacho. Ndakatozochinja nyaya ndaona kuti ndingarambe ndichingosvotekana nezvekuudzwa nezvechembere iya, plus ndaisada kuzopindura Danny rough coz I respect him hangu zvekutodaro and this mhamha issue yaitondinzwisa hasha zvekuti ndaigona kuzomutuka ndikazozvishora after that. End of Chapter
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 361

Comments