
COCO NOVELS
June 21, 2025 at 11:07 AM
https://chat.whatsapp.com/HJJrWB9CmGzLRfik6RGXzP
*Maprevious chapters anowanikwa kuchannel not kuinbox kwemunyori saka huya kuchannel dear*
https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q
*😔 PAINFUL FORGIVENESS😔*
_Family means no one gets left behind or forgotten_
Written by
Coco🦋🖤
*CHAPTER2️⃣2️⃣ AND 2️⃣ 3️⃣*
CHAPTER 22
*Natasha*
..." Iwe ungati ndingakunyepere here, vakadzingwa sembwa pano wanzwa.
Friend..." Haa usadaro iwe zvakaitika riinhi izvozvo.
..." Hapasi patove ne5 months here. Paya pandakabva kumba kwako ndichikuudza zvandaironga ndipo pavakabva vatodzingwa kani. Iwewe ndakazotadza kuku updater coz ndaisada kukudisturber kaa since murume wako anga arimuno muZimbabwe and I know kuti haandifarire hake.
Friend..." Hazvina basa izvo hanty dai wakangondifonerawo here. So what's the next move.
..." Haa iyo ndokuudza in person hazvitaurike paphone.
Friend..." Okay ndichauya kumba kwako next week iyoyi. So now nyatsonditsanangurira zvakaitika in detail.
..." Kakachema kani kamai kaye hanzi handisi muroyi what what lol. Ndakatombonzwa tsitsi unoziva, jokes zvako iwe........................................
.....................................................................
I explained zvese zvakaitika kwaari, tichiputika zvedu nekuseka, haa ukazozvifunga uri pako wega unoseka mufunge. Asi Mai Mike ndakangovajumha vasina kana kumbozvifunhira and I used the love that my husband has for me to my own advantage. Zvakanakira kungwara ngwara pamazhets ako izvi.
Friend..." Haa ndasimudza maoko Natasha, iih kana ini handizokwanise kusvika kwese kwawasvika uku.
..." Iih wangu unotoita zvinhu zvekuti usapinde pama1, kutoedza kuprotecter reputation yangu ufunge. Nhasi ndopandirikuda kuti drama rese riperere, ndakanzwa kuti Brian arikwamai vake hanzi varikurwara zvisingaite so ndirikuda kufurira Tawanda kuti anovatuka kekupedzesera ndobva ndazvisiya manje.
Friend..." But isn't that a bit to extreme, hanty havasisiri pamba penyu here why don't you just leave her alone.
..." Babes you won't understand, mira ndipedzese tsoro dzangu tozotaura.
Ndakabva ndacutter call, ndichibva ndaenda kunomutsa Tawanda, anga achiri makuseni zvekuti anga achiri akatorara. Shamwari yangu ndiye anga amukira kundifonera. Tanga taane time tisina kutaura tese coz murume wake anga abva kuCanada kwaanoshanira auya kuzoona mhuri yake. Murume wacho aisandifarira zvekutodaro and anga akatondiudza kuti haadi kundiona padhuze nemukadzi wake coz aiziva magames angu andaitamba kare, so kana aripo ndaisatsika kumba kwake. Ndinonyadziswa ikoko plus anga akatondi threatener kuti aizoudza Tawanda izvo ndozvandaisatoda manje. Saka to avoid that pese paaiuya muHarare ndaisaenda kumba kwake.
Tawanda amuka paya ndakabva ndatanga kuchema futi ndichimuudza kuti nei amai vake vaisada kungondisiya. Ndakamunyepera kuti ndanga ndiri pacall napastor wangu and vanga vatondiudza kuti amai vake varikuramba kudzosa chibereko changu ndosaka varikurwara. Ndakataura twakawanda wanda kani, ndichida kungoti hasha dzake dzikwire chete. Ende handina kutozokwanisa kupedzesa kutaura nyaya dzangu dzese dzandairuka nekuti munhu anga atosimuka atora macar keys ake, akapfeka mapyjamas ake kudaro achitonokwira mumota.
Ndakatozomuteera ndichimhanya, ndaida kunoona zvainotika kumberi ikoko haa this was the last time kukonzeresa so I wanted to witness everything kuti ndizowane zvekuseka zvangu kana ndave pangu ndega. Mota yaidrivwa zvemufirimu chaizvo, zvekuti hatina kutora time tanga tatosvikawo and pamba pacho panga pagara pari padhuze, hanty manga muri muDomboshava makare imomo.
Tichingosvika pamba pacho, Tawanda akabva abuda mumota, hapana chamakaona imi. Drama rakaitwa naTawanda ipapo kaa. Inini ndaisanyatsonzwa mashoko avaitaura but ndaivaona hangu maactions avaiita. Brian naTawanda vachiita kunonzi kurwa chaiko, vachitora zvinhu vachikandirana. Ini ndaitoseka zvangu. Dai ndaikwanisa ndaitora phone ndovatora video zvangu coz zvanga zviri funny zvaiitika. Apa ndaiona zvese izvi ndiri mumota zvangu ndanga ndisina kuburuka.
Brian's wife
Everything was just going from bad to worse, patanga tave kufunga kuti zvinhu zvave nani kaa mhamha vave kutoita vachiita nani health wise ndopanobva pauya bamukuru Tawanda vachida zvehondo chaizvo. Zvimwe zvacho zvanga zvave kutoda munyengetero chaiwo nekuti eeh. Ndanga nditori busy zvangu kubikira mhamha porridge mukitchen pagas kuti vadye vawane kunwa mapills avo emakuseni, ko pamba pacho panga pakarongeka kaa kwaisatomboita senge kumusha.
Ndiri pakati pekutoisa dovi muporridge ndakabva ndanzwa kupopota kuchibva kubedroom kwamhamha. Handina kukwanisa kumhanya nekuda kwecondition yangu so ndakangofambawo, asi ndakanzwa riri voice rabamukuru Tawanda.
Tawanda..." Nhaimi chiri kukutadzisai kudzosa chibereko ichocho chii, ezvinezvi muri kurwara nezvinhu zvamunoziva kuti mukangodzosa chibereko zvinobva zvatopera. Ini handichade zvekuswero waster time yangu ndichiuya pano, ndichifambira chinhu one. Imi amai vakarara apo dzoserai mukadzi wangu chibereko chake.
Ivo mhamha vanga vave kungochema, vaisakwanisa kana kutaura. Tawanda wacho aitaura achivanongedzera. Hasha dzaaive nadzo aigona kutongovarova saka ini ndakatya kuenda padhuze naye, nhaimi kuri kurohwa ndosvodza ipapo. Ndichiri ndakamira kudoor ikoko ndipo pakabva pasvika murume wangu, akangosvika nekupinda mubedroom muya achibva adhonza Tawanda achibva atanga kumujunga junga pamhanza.
Brian..." Let this be the first and last time yaunouya mumba maamai vangu kuzovati muroyi wanzwa. Wakuenderera manje, ndakambokusiya asi zvanyanya.
Tawanda..." Ndikavati muroyi obva wandiita sei.
Brian..." Putsek wako mhaniwe, uda kumbozviedza ani pamba pano, uchitaura bullshit ndichikunyararira nxaa fokofu mhani.
Ndakatoona kuti murume wangu anga anyatsotsamwa manje nematauriro ake, and nekumuziva kwangu panguva iyoyo ndanga ndakutotya fight chaiyo.
Tawanda..." Uchazochangamuka mwana wako adyiwa nemuroyi uyu, ndopauchazonyatsopepuka.....
Vasati vatombopedza kutaura vakabva varohwa mbama iri strong naBrian. Ndakascreamer kufeeler kunge ndini ndanga ndarohwa mbama yacho. Kana mhamha ndakavaona vachivharawo nzeve dzavo. Ipapo ndopakabva patangira fight. Vana vemunhu vakarovana kusvika vabuda panze chaipo. Ende vachirwa chaiko chaiko. Tawanda akazobva achiita zvekumhanya achitemwa nematombo naBrian. Ini ndanga ndangomirawo muverendah hana iri mumaoko.
Pakapinda bamukuru mumota vachii reverser ndakaona maiguru varimo, ndakatonetsekawo nekuti nei vanga vasina kupinda mumba. Hunhu hwabamukuru hwanga husiri hwega kutaura chokwadi there was something behind and why maiguru vanga vagumira mumota. Vakatoita lucky kuti mota vanga vaisiya kunze uko coz nemapotsererwo ayiitwa matombo naBrian dai vakatozoenda kumba mota yacho yatsemurwa mawindows ese aya newindscreen.
Pakapera zvehondo ndakabva ndaenda mumba, ndakanohugger mhamha avo vaitochema, and vakabva vatodzokera back to zero pakurwara kwavo. Ndaiedza zvangu kuva comforter but haa zvanga zvakatooma. Kana porridge racho vakatongodya shoma, zvekutova forcer chaizvo. Brian ndanga ndisiri kutaura naye coz ndiye anga atanga fight. Nhaimi chii chakadaro murume mukuru kutadza kurespecter amai vake kurwira pamberi pavo. Ndanga ndakatomutsamwira zvedi chaizvo and ndaitozoda kumutsiura kana tave pedu tega tisisiri pamberi pamhamha.
Mhamha vanga vangove kungodzokorora yavo yekuda kuona bamukuru Mike. As much as vakavatadzira I knew kuti it was just right kuti Mike wacho auye kuzoonawo amai vake, nekuti Mai ndimai chero vakatadza zvakaita sei hazvichinje kuti ndivo vakakuzvara. I was a witness pakutambudzwa kwavo and at times ndaitopopotera Brian kuti asatreater mukoma wake zvakadaro but vanhu vacho kuoma musoro ayas.
Ndakazotora phone yangu ndichibva ndaenda pangu ndega, nguva idzodzo Brian aitaura naamai vake. Ndakafonerwa bamukuru Mike kahobho, vaisadaira phone yavo. Ndakatozoita zvekusender text chaiyo. Ndakatopedza day rese ndichitarisa phone yangu kutarisa if Mike anga apindura text yangu but there was nothing apa mhamha vanga vatove worse. Bp yavo yanga yatowedzera kukwira, zvekuti kana manheru handina kurara, ndichingomuka ndichinovatarisa apa vaiita kusweater zvekuti ndaitopota ndichinovaputuka netowel nyoro, apa iniwo musana wangu wanga wave kurwadza zvekuti ndanga ndakutotya kuzvara nguva isati yakwana.
Makuseni ndakamuka paine text from a new number. Munhu wacho aizviti Lisa and aiti anga atora number dzangu muphone yaMike. Ndakabva ndatoenda mutoilet ndichibva ndamufonera and akabva adaira phone ipapo ipapo. Pakutaura kwedu ndakabva ndaziva kuti ndiye aive girlfriend yabamukuru, ende takataura zvakawanda tichizivana.
Ndakazovaudza situation yanga iri kumba vakati vachaedza kutaura naye futi Mike wacho because hanzi anga asiri kutangika panyaya iyi. Manje nemarwariro aiita mhamha zvaisatomboda kana nharo dzese idzodzo. Akazondi promiser kuti achaedza by all means kutaura naMike but kana atadzawo anenge atadza. Ini ndanga ndatove kunamatira kuti angonzwisisewo Mike wacho nekuti situation yanga iri kuno yaitongoda kuisa misoro pamwe. Ehe kuregerera kwaigona kurema hako but atleast kungouyawo kuzoona amai vavo.
Avawo bamukuru Tawanda kwanga kwatongovewo kunamatira kuti kana paine zvavakafuridzirwa zvibve pavari nekuti furatiro yavanga vaita amai vavo yanga isiri normal, ende tukiro yavaiita mhamha ndaisaiona mushe. Pane zvanga zviripo, asi semuroora zvaisaita kuti ndipindire panyaya dzemhuri ini changu kwaive kungotaurawo pandinenge ndabvunzwa nekungobvumiranawo nezvinenge zvataurwa nekuedza kubatanidza mhuri.
Asi zvinhu zvese zvaiitika zvanga zvave kutondipa stress zvekuti Brian aingonditsiura kuti ndisapise mwana wake nekuda kwebp asi ini ndaitadza kuita stress sei mhamha vachitambudzwa kudaro, mhamha ndaitovaona saamai vangu nekuda kwekundigamuchira nerudo mumhuri mavo kwavakaita.
End of Chapter
CHAPTER 23
*Natasha*
Tawanda anga akaita kuzvimba face yese iyi, anenge ndiye aitongorohwa naBrian nekuti zvanga zvakaita face yake kaa. Ndakatonotora mvura inotonhora yemufridge ndichibva ndatanga kumutova uku ndichimupopotera futi, nhai airwirei naBrian ndizvo zvatanga tafambira here izvozvo. Ehe hangu ndini ndanga ndakonzeresa asi ndaisada kuti murume wangu arohwe zvakadai, it's hard to believe hazvo but Tawanda ndinomuda, zvimwe zvese zvandiri kuita zvekumuparadzanisa nehama dzake zvakaipa hazvo but ndiri kuzviitira side rangu kuti marriage yangu isaparare nekuti kwezvinhu zvandaita kare, mamistakes andakaita ndisati ndave nepfungwa yekuroorwa.
Ndapedza kumutova ndakamupa mapainkillers ndichibva ndatoti amborare, ndokubva ndatofona kubasa kwake ndichivaudza kuti haasi kuuya, ndakatovanyepera kuti arikurwara. Ndapedza zvese izvozvo ndipo pandakazotanga kuita mabasa epamba, ndichicleaner cleaner zvese nekubika, ndokubva ndanopa avo vekurohwa chikafu. Apa munhu wacho aitoita nharo dzekuti aida kudzokera kunorovana naBrian iyeye nekuti haangamborohwa nemunin'ina wake. Haa ini ndakazvirambisisa izvozvo, nhaimi kuri kuurayirwa murume.
Kumasikati takazonotenga kaointment kekuti akazora kuzvimba kunobva kwapera, taizviita coz mangwana acho aifanha kutoenda kubasa. So akarara akakazora and zveshuwawo mangwana acho kuzvimba kwakamuka kwakaserera. Achibva atogeza ndokubva aenda kubasa kwake zvake. Ini pamba paitondibhohwa ndiri one ini.
Basa racho ndakakurumidza kuripedza, ko raimbonetsa here pamba panogara vanhu 2 chete. Ndakazofonera shamwari yangu ndichiti auye kumba kwangu, nekuti zvekuenda kumba kwake ndanga ndisina kana simba rekudriver, hameno ndanga ndingori nekamwe kafeeling soo but I pushed it away. But kafeeling ikako kaingoramba kachidzoka. Ndaingofeeler kuti dai ndirini ndaenda hangu kumba kweshamwari yangu, but hanty ndanga ndatomufonera ati atove munzira saka panga pasina need yekuchinja kaa.
Ndaida kungomuudza plan yangu tobva taita mafinal touches coz ndanga ndakuda kuita zvekuti ndichingowanirawo murume wangu vana, imba yangu isaparare. Ndiri munhu akaipa hangu and pfungwa dzangu dzakawanda dzakaipa asi apa ndaitonamatawo kuti zviite veduwee.
Friend yangu akazosvika after an hour ndichibva ndatoenda kunomuhugger. Haa takambofarirana nekuudzana zvekusimba, kutsvukirira and all that zvinoita vanhu kana vave nenguva vasina kuonana. Ko isu panga patove nemamonths kaa tisina kuonana. Takatozopinda mumba tave kuseka hedu. Takanogara musitting room, ini ndakatombonotira wine nemaglasses acho zvese netuma snacks twekuti tikurikure tichidya hedu.
Lunch ndaizogadzira hangu time time, ko hanty we had the whole day here. Tawanda aitozodzoka kumba zvekuma6 ikoko so ndanga ndakanyatsodekara zvangu. Takatanga tichingotaura hedu nyaya dziri general, like hupenyu, vana vake, varume vedu and the likes munongozivawo nyaya dzacho, apa taitaura tichiita tichinwiririra tuwine twedu nekuside tichitsengerera tudyiwa twatanga tiinatwo. Apa taitaurira padenga chaipo tichiita kurova zvikwee, ko taityei zvedu isu tanga tiri pamutambarakede.
Friend..." So now tataura zvimwe zvese tapedza, tell me plan yako yese hanty ndiyo nyaya yandanyatsofambira pano.
..." So first move yanga iri yekuti Mike abve pano, but izvo zvakazongoitika zvega zvekuti kana plan yandaida kushandisa ndakazoiisa paside.
Friend..." Ehe then the second step, nhasi ndiri kuda kunyatsonzwa zvese kuti ndinyatsoona kuti wanga wakanyatsofungisisa ukaona zvichibuda here.
..." Obvious the second step yanga iri yekuti Mai vacho vadzingwe pano vanzi muroyi, and that one yakashanda kani zvekuti I'm even proud of myself kutaura kuno. Mai vacho vari kumusha kwavo and ini I'm happy ndiri pano ndichigadzirisa zvasara.
Friend..." Yes tanyatsosvika pandanga ndichida chaipo, now wakuda kuita sei nhai.
..." I'm going to give my husband children now.
Friend..." How? We both know kuti hauna chibereko, all that because of you carelessness. You knew kuti kurara nemadhara aya kwataiita kwaingove kwekuti tiwane mari yekuzvi spoiler tiri pachikoro plus kuendeswawo out kumafancy places tichiwana zvekuposter pama Instagram pages edu sevasikana vekuslayer. Iwewe instead of kuti ushandise protection waingorova yekedero. Ukaita nhumbu 5 Natasha iwewe uchinodzibviswa nekambuya kaya kekuGlenview nemishonga.
..." Ehe I know friend but there's no need to say that.
Friend..." Ayehwa let me say this, all these years handina kuzvitaura but you were reckless zvekuti wakasvika pakuwora chibereko kusvika chabviswa nezvimishonga zvenyu zvamaishandisa. Ko maSTIs awakaita, handichatombotaure nezvawo iwayo atleast airapika but now the permanent damage yechibereko iyi uchadii. I'm even shocked kuti murume wako anokuona senge you are innocent nemabasa awaibata hako, ooh ndakusurrender Natty. All this while ndaizvibvunza kuti nei murume wangu achikuvenga but pandakazonzwa kuti waidanana nefriend yake achitoti arikuda kukuroora yet wanga watove married Natasha iiih kana shamwari yangu wakandikandisa mapfumo pasi.
..." There's no need to talk about my past, a past I regret kusvika nanhasi and as for you husband's friend, ndaingodananawo naye ndaida kungofeeler karush kekucheater uri married and zvazvingori zvemjolo iye akutoda marriage haa.
Friend..." Anyways let's forget about zvekumashure, so tell me ukuvawana kupi vana vekupa murume wako iwe usina chibereko.
..." I have my ways love, ndichatomuigira ari matwins chaiwo a boy and a girl.
Friend..." Ndiudze kaa maways acho.
..." So I will tell him kuti I'm pregnant hanty, then I will pretend like itoripo zvemashuwa. Ndototi prophet vakazoti Mai vacho vakadzosa chibereko lol, kana nhumbu yakunzi yakuma 5 months then I will go and visit my mum. Ndokwandichagara ikoko for the remaining months then theres this nurse wandozivana naye. She will help me nekuba matwins, then I will give her money. Kana vana vacho vave ne3 months ndobva ndadzoka zvangu pano.
Friend..." But hazvisi risky here izvozvo, ko ukabatwa nhai ukasungwa, hautye jeri here.
..." Kwakutongo risker uku mumwe wangu. Ndingasaita izvi ndodii. Ndosiya imba yangu ichiparara here.
Friend..." Ko how will you explain kusafanana kwevana nababa vavo or hama dzavo.
..." I will cross that bridge when I get there chete.
Friend..." Ko plan yacho ikasashanda, like matwins auri kuda akasawanikwa and all that ukumbofungawo nezvazvo here izvozvo.
..." Usatye iwewe, mira uzongoona chete. And now let us toast to mabasa angu andabata mazuva apfuura aya nemamwe andichiri kubata. Kudzingisa vamwene vachinzi muroyi, nekuuya kuri kuita matwins angu.
Ndiri pakati pekuseka nekusimuda glass rangu ndichida kuti tiite cheers neshamwari yangu. Ndipo pakabva pangopinda Tawanda mumba nedoor repasitting room ipapo. Ndakatoshamisika kuti ko why anga adzoka kumba early, and ndaitongonamata kuti ange asina kunzwa zvataitaura. And to cover up kuti zvisaoneke kuti hana yangu yairova I had to act normal. Ndakasimuka pandanga ndakagara ndichienda kunomutambira.
..." Oooh honey why are home early, asi you are still sick kani.
Mbama yandakanotambirwa nayo ipapo ndanga ndisina kana kumboitarisira. Ndakarohwa mbama yekuti ndakanowira pasi chaipo. Ndakatadza kana kuchema, ndakangobata dama rangu ndakashama muroyi, uku friend yangu anga atosimuka kumira achiscreamer. Zvanga zvisingade kuudzwa izvi, Tawanda anga anzwa conversation yedu yese.
Haana kana kutombondipa time yekuti ndibatanidze zvaivepo, akabva atanga kundirova nezvibhakera Tawanda. Ndakarohwa kani, ndichimboedza kuzvivhara face asi zvaisashanda. Ndakanzwa shamwari yangu ave kumhanya, Tawanda akatombonondisiya achinorovawo shamwari yangu iyoyo zvekuti akatozoita kupoya achinobuda kudoor, asi anga apihwawo ake mambama nemabhutsu.
Ini pandakati ndisimukewo nditize ndakabatwa ndisina kana kure kwandanga ndasvika. Kana paine musi wandakamborohwa kaa that day ndakarohwa. Akazondisiya ndave kungogomera chete. Kana kuchema ndanga ndisisagone. Akaenda kuroom kwedu achibva abuda nehembe dzangu achinodzikanda panze pegedhi chaipo. Apedza zvekukanda hembe panze zvese nemamonarch, akabva andizvuva kundiburitsa mumba zvese nemugedhi.
Misodzi, ropa nemadzihwa zvese zvanga zvakangozara kuface kwangu ndichizvuzvurudzwa chete. Akanosiya andikanda kunze kwegedhi. Ndakamboedza kubata gumbo rake ndichikumbira ruregerero asi akandirova mambama ekuti ndakamusiya ndega.
Tawanda..." Handidi kukuona futi pano wanzwa. Next time yandichakuona pano I will kill you I swear. After zvese zvawakandiitira uchiti amai vangu muroyi. Kundituma kudzinga amai vangu pano iwe uchiziva kuti hauna kana chibereko chacho. I hate you Natasha and I will never forgive you. Now simuka ubve pagedhi pangu ndisati ndakuuraya. Uri muroyi mwana iwewe dai ndakazviziva ndisina kumbotora ngozi inenge iwe kuyiwunza pano. Mharadzi yakandipesanisa naamai vangu. Izvozvi vari kurwara soo nekuda kwako Natasha, ibva pamberi pangu ndisati ndakuuraya.
..." Tawanda please forgive me, it was the devil's work.
Tawanda..." Chienda unogara nadevil iyeye nxaa I can't believe I trusted you over my mother. Now what am I going to do.
Akadaro achibva atovhara gedhi rake, asi inini wacho ndanga ndatadza kunzwa kuvhurwa kwegedhi kusvikira munhu anzwa zvinhu zvese. Ndakatora phone yangu ndichiti ndifonere shamwari yangu haa ndakaudziswa zvekuti ndakabva ndatopererwa. Akanditukirira kani hapana chakasara hanzi hee "wandirovesa nemurume wako nekuti kwehuroyi hwako", I didn't blame her hangu this was my own mistake. Ndakatanga kunhonga hembe dzangu ndichiisa mumamonarchs angu anga angokandwawo kuroad ikoko.
Ndaizvikuvanza nemibvunzo yekuti kumba ndichanoti chii and iye Tawanda achaudza amai vangu kuti chii nhai. Panga pasina imwe option, kwanga kwatongove kuenda kumba kwedu or kugara mustreet, kuita street mother here. Haa ndakachema ndichirongedza zvinhu zvangu. I was regretting zvinhu zvese zvandakaita but zvanga zvichabatsirei yanga yatodeuka.
End of Chapter
❤️
😂
🙏
👍
😢
😮
639