COCO NOVELS
COCO NOVELS
June 21, 2025 at 06:23 PM
https://chat.whatsapp.com/HJJrWB9CmGzLRfik6RGXzP *Maprevious chapters anowanikwa kuchannel not kuinbox kwemunyori saka huya kuchannel dear* https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q *😔 PAINFUL FORGIVENESS😔* _Family means no one gets left behind or forgotten_ Written by Coco🦋🖤 *SEMI FINAL AND FINAL CHAPTER* CHAPTER 24 *Mike* Everyone around me was just saying mhamha this and that, naLisa tanga tatove nealmost 1 week tisingataure tese. I blamed myself for that hangu but chaindibhohwa ndechekuti pese pandinenge ndichida kutaura naye aibva ataura zvamhamha ndobva ndatobhohwekana. Even macalls emukadzi waBrian ndanga ndatove kumaignorer chaiko, ndanga ndatoneta nekungoudzwa zvekamai kaye ini aah, vanhu vacho hameno kuti vaisadawo kundiona ndichifara here. Mukadzi waDanny akazouya kuinterview, haana kumbondiona coz ndanga ndisimo muinterview macho, manga mungori naHR. So ndakazonzwa kuti basa anga ariwana but not paposition inoshamisa hake, anga angowanawo zvinoenderana nekudzidza kwaakaita. Kubva atange kushanda pacompany pedu anga asina kana kumbondiona zvake. One day ndakatozoti kuna PA wangu anomudeedza. Ndaida angoona hake zvinoita nyasha, kusimudzira pakazvidzika. Akatouya achiratidza kutya, zvagara zvinongotyisa kudeedzwa naboss nekuti unenge wakutotya kuti pane chawaita wrong and basa rakutopera lol. Kuzoti paakandiona ndirini ndanga ndakagara pachair, akaita senge achadonha neshock. Ndakaona misodzi ichiyerera pamatama ake, anenge aitofunga kuti basa rake rapera chete. Manje inini ndanga ndisina hutsinye saye zvangu. Ndakazoona munhu ave kupfugama pasi, misodzi ichiyerera. Akamboita kanguva akadaro, ini handina chandakataura. Hameno kuti aizvitongesei ari ipapo, uku achipukuta misodzi. Danny's wife..." I'm so sorry Mike, I don't know kuti mweya wei wakandibata ufunge. It's the devil chete, mabasa aSatan. I regret everything that I did to you Mike. Ndokumbirawo kuregererwa I just wish I could turn back the hands of time and change the way I treated you uri pamba pangu. ..." It's okay hazvisisina basa zvese zviya it's water under the bridge. Danny's wife..." No let me apologise, I know ndakatadza kani. Please I can't lose this job. I can't I need the money. Your friend and my kids need the money. Please I'm begging you. Please just forgive me. Ndabvuma ndakatadza, Satan aindituma mukuru zvake shame. ..." It's okay, handisi kukudzingai basa ini, I just called you kuti muone kuti Mwari ndewe munhu wese. Hupenyu ivhiri, you just have to be humble chete, and dai musina kuita zvamakaita paye pamwe dai ndisiri pano, kuipa kwezvimwe kunaka kwezvimwe. Danny's wife..." Thank you so much for forgiving me and thank you for giving me this job, I promise to be a nice person from now. ..." It's okay you can go back to work now. Akasimuka achibva adzokera zvake. I just felt like a weight had been lifted from my shoulders, as painful as it was to forgive her atleast ndakasara nditori nekamwe kakurerukirwa. Ndakapedza basa late zvangu, ndaisada kukurumidza kubva kubasa ndosvika ndichinetserwa nyaya yekwa mhamha naLisa so ndakatosvika kumba Lisa arara. Chikafu changu ndakangodziisa mumicrowave ndichibva ndadya zvangu. Ndapedza ndakabva ndaenda kunogeza zvangu ndokubva ndanopinda mumagumbeze. Lisa anga atorara akatarisa kumadziro. Ini ndakangorara ndakatarisawo kuside kwangu. I just didn't like the tension that was between us. Hope dzakaramba kubata, zvekuti ndanga ndakutoshaya kuti chii chakadaro nhai. Ndakazonzwa kukwiridzirwa kwemadzihwa. Ndakanzwa kasound kekuchema. Ndakabva ndacheuka ndikaona mwana wevanhu arikuita kuzvibaya nekuchema apa ndaitoti munhu akarara kaini. Hana yangu yakarova, asi zvangu zvakwidza kani zvekurwara kwake, apa ndanga ndisiri kutaura naye. Nhaimi munhu kuri kufa ndisiri kutaura naye, ehe nyaya yekwa mhamha yaindibhohwa zvayo asi Lisa ndaimuda zvangu, kwete zvekunyepera. Ndakamusimudza kuti agare ndichibva ndamuisa mumaoko angu, akachema mwana wevanhu kusvikira voice risisabude akuita kunge akupererwa nemweya, ndaiedza kumunyararidza but ndaitoita senge ndiri kutowedzera misodzi yacho. Akazonyarara patove namahours achichema. Apa maziso anga aita kuzvimba aya. Ndakangotora mvura yekuti anwe, akangonwa tuma sips two chaitwo achibva atondidzosera glass remvura riye. ..." Babe what wrong amana, I'm worried now. Lisa..." Mike I've never asked for anything from you since we've met. ..." I know baby, I know. Lisa..." But the one thing I asked for ukuramba. Mike you don't know how I'm feeling right now. Hausikuziva zviri mumoyo mangu. Mike I'm dying and I don't want to leave you alone. ..." Babe don't talk about dying, you know handiifarire nyaya iyoyo. Lisa..." We can't avoid that Mike, one way or the other I'm dying. Money can't buy happiness Mike. Financially I know you won't struggle when I'm dead. ..." Okay now I don't know where this is going. Lisa..." Mike ukundiona now, I don't have a family. Handina wekuchemera Mike. If maybe my mum was alive I'd have someone wekuenda kwaari. Someone anonzwisisa the pain I'm going through. Someone anomira neni. Mike soon you will need someone to comfort you. My days are numbered. ..." Lisa how many times do I have to tell you to stop saying that you are dying. Lisa..." Mike I'd understand if you weren't able to forgive you brothers, ko mhamha vako Mike. Mike you can have all the riches in this world but nothing surpasses the love of a mother. Nothing at all. If not for anyone's sake just forgive your mum for my sake please. Akabva atotanga kuchema futi. Ini ndanga ndangobata musoro wangu and yes my tears were falling too. It was so easy to forgive Danny's wife but why was it so hard and painful to forgive my own mother. A mother who forgot and left me, a mother who hated me. I needed my mother and I loved her but zvairwadza kuvaregerera. Ndainzwa kubayiwa pamoyo apa, she was still my mother but why. Guess I needed closure, I needed to ask her why. *Lisa* Ndanga ndatozvipira kumunyengerera, kumuchemera. Kumuita emotional blackmail kusvikira abvuma kuenda kunoona amai vake. Chaindirwadza ndechekuti I was leaving him soon and I couldn't leave him ari ega in this cruel world. I know kafeeling kekuva wega. I was once there before I met him and I know how that feels. If only he knew kuti I was doing all this for him, I loved him so much that this thing between him and his mum was killing me. I knew he loved his mum but anga aine pride yekuti atange kureacher out to her sekuti ndiye anga akatadzirwa navo so aida kuti ivo vatange kumutsvaga but ndiye mwana kaa. Ndakaenda kunopfugama pamberi pake chaipo. ..." Mike I beg you in the name of Jesus, please just go and see your mother atleast after that I will die a happy woman. Mike..." Babe sarudza zvimwe, please my love sarudza chimwe chinhu not this. ..." This is the only thing that will make me happy my love. That's why ndirikukuchemera babe. It's hard I know but ndokumbirawo Mike, hauna moyo wakaoma iwewe. The same way yauri kukwanisa kuregerera vamwe vakakutadzira chingoitawo izvozvo kuna Mai vako, I know it's painful. Urikurwadziwa mumwe wangu izvozvo ndinozviziva asi chingondifadza nethis one thing and I will die happy, kana denga ndinonopinda. Maybe this is the reason why I came mulife mako kuti ndikubatanidze iwewe namai vako. Mike..." Okay then but know kuti I'm doing this for your sake, plus I think I need closure zveshuwa. Atleast just kungoziva kuti why vakandi treater zvakadaro pavana vavo vese, was it issue yemari or what. Akandisimudza achibva andihugger, ini nekufara ndakabva ndatotanga kumukisser. I was so happy handidi kunyepa. Ndakatozorara ndave mumaoko ake, hanty tanga tagadzirisa nyaya dzedu. Asi ndakatozotsiurwa nyaya yangu yekungogara ndichitaura nezvekufa what what, ndaitoshaya kuti chii chakaipa ipapo. Hanty zvagara I was dying and I had accepted it though Mike naBella were trying so hard kuti vatsvage imwe nzira. Ini I knew kuti panga pasisina hapo. Mangwana acho takamukira kugadzirira kuti tiende kumba kwana Mike. Ndakatopacker kabag kehembe dzedu dzekuchinja. Though Mike anga andirambidza asi zvaMike zvaisada kunyanya kuteedzwa, chero akaramba kurara ini ndaisara ndichirara kumba kwamai vake. ..." I'm so happy you finally agreed kuti tinoona mhamha. Mike..." Ungatadze after emotionally blackmailing me like that. Taitotaura hedu tiri mumota achidriver kuenda kuDomboshava. I was so happy atleast finally I was meeting his family, I just hoped kuti vanga vachinja hunhu, I wouldn't forgive myself if they maltreated Mike futi this time after doing everything in my power to convince him kuti avaone. Nemukadzi webrother yake we were communicating but ndanga ndisina kumuudza kuti taiuya, ndaida kungomurova nesurprise, but I was stressed coz ndanga ndanzwa kuti Mai vaMike vanga vatove worse though ndanga ndisina kumuudza kuri kuda kuti asazive kuti ndaitaura nehama dzake asingazvizive so I was just praying kuti tisvike situation isiri that serious. *Natasha* Ndanga ndave kumba kwedu manje, mhamha vanga vakamboedza nepese pavaigona napo kubvunza kuti chii changa chaitika asi ini ndaingochema. Chainyanya kunetsa amai vangu, marohwerwo anga ndakaitwa asi ndanga ndisina kuvaudza kuti ndiTawanda akandirova nekuda kwekuti vaida kuzoziva kuti why ndakarohwa. Ndainetsekana nekuti ndovaudza sei kuti ndanga ndakaparadza imba yangu. Ndaigara ndakangozvivharira muroom mangu ndichichema, kana kudya ndanga ndisingadye.Rimwe zuva ndakazogara pasi ndichibva ndanyorerwa amai vangu chitsamba chezvese zvakaitika hapana chandakasiya kubva kumabasa andakabata ndiri kuuniversity kusvika pazvandanoita kumba kwana Tawanda, ndanga ndaona pasina chekuraramira hapo. Zvagara amai vangu pavaibata chokwadi vaizongondidzinga then ndozoita sei. Ndakatora mapills ese andaingoona mumba ndichibva ndamanwa ese zvawo. Munamato wangu waingove wekuti Mwari andiregerere pane zvandainge ndakatadza anditambire sehwai yake yanga yakarasika. Pain yemudumbu handina kuinzwa nekuti yaikundwa nepain yanga iri pamoyo. Ndakanyorera Tawanda message yekuti andiregerere uye azonditarisirawo amai vangu, since ndanga ndirini ndega mwana wavo ndanga ndakuvasiya vari vega nekuda kwemabasa angu, asi it is well zvagara mubayiro wechivi rufu. End of Chapter CHAPTER 25 *Narration* Tawanda haana kana kumborara manheru, zvekunzi murume haacheme kunyepa kuya. Akarara achichema husiku hwese, aiti akafunga hutsinye hwaakaitira amai vake, koti Mike ozoti kurwa kwaakaita naBrian ainzwa moyo wake uchiita senge wave kutsemuka. Natasha aive amutadzira zvekuti aitonzwa kuti anga amurova zvishoma, aitoda kunyatsomusiya asingagone kana kufamba, munhu wepi anopesanisa vanhu zvakadaro. Akatotenda kukanganwa file raidiwa kubasa kwaanga aita that day otherwise aitosvika pakuurayisa amai vake nekuda kwerudo rwaaive narwo kune mukadzi wake. Ende kubasa kwacho haana kutozodzokera after kurova Natasha, akabva atofona achinyepa kuti amai vake vanga varwara zvekuti akabva atopihwa 1 week off kubasa. Paweek raanga apihwa ipapo ndipo paaitoronga zvekukumbira amai vake ruregerero kusvika vamuregerera. Aitozviziva mumoyo make kuti zvanga zvisiri nyore kuti aregererwe naamai vake nekuda kwepain yaanga avapinza yese but anga azvipira kana kuri kuvachemera kana kudii kuti vamuregerere. Apa aiti akafunga misodzi yavakayeredza vachimuudza kuti havasi muroyi hana yake yairova. Aitozviziva kuti aifanha kuripa, asi zvekuripa yanga isiri problem coz he could afford to buy mombe dzinenge dzichidiwa, chaimunetsa ndechekuti ko amai vake vakasamuregerera nhai. Amai vake naMike ndivo vanhu two vakamira mira kuti adzidze. Now paanga ave nemari anga afuririka newaaiti mukadzi wake kuti avenge hama dzake, chero nemunin'ina wake chaiye Brian vanga vasisaonane. Kwakasvika pakuedza munhu asina kana kumbodziti chwaa hope achingofunga chete. Akashingirira kubuda mumagumbeze, akanopinda mushower. Haana kana kukwanisa kushandisa shower gel kana chii akangonomira pasi peshower akatonhorerwa nemvura akabva atozora lotion yake ndokubva angopfekawo jean net-shirt zviri simple achibva apfeka nemaslides ndokubva atobuda ave kuenda kunoona kumba kwamai vake. Aisaziva kuti achanotambirwa zvakadii but anga angozvipira, kana kuri kurohwa kana kudii ainozvionera ikoko and he knew kuti he deserved zvese izvozvo coz anga atadzira family yavo yese nekuda kwerudo rwaaive narwo kumukadzi wake. Kumba kwamai Mike vanga vamukawo vachidzimbikana nemuviri, asi semunhu mukuru vakangozvishingisawo kunogeza achiri makuseni chaiwo. Nekuda kwekuti vaisada kuita sevanonetsa muroora wavo anga aine pamuviri, vakabva vazvibudira panze nechicarpet chavo nepillow nezambia ravo. Vaida zvavo kuzvizororera panze vachifurwa nemhepo. Pavakabuda mubedroom mavo vakanzwa muroora wavo achigwedebudza, gwedebudza zvinhu mukitchen vakabva vapfuura vachimubvunzawo kuti anga amukawo sei. Mukadzi waBrian uyo ainge otobura poto yeporridge akabva atopakurira vamwene vake, achibva atonovapa porridge ravo panze, vachibva vadya nekunwa mapills avo ndokubva vazozvambarara zvavo. Uyuwo mukadzi waBrian ainge opedzesa mabasa emumba, uku murume wake achigeza. Vakazenge vese vatogara zvavo panze paverandah vachitaura nyaya pavakaona mota yaTawanda achisvika. Brian nekufunga kuti Tawanda ainge auya kuzotuka amai vake futi akabva atosimuka achienda kwaiva naTawanda. Tawanda wacho akabuda mumota make akazvininipisa asi zvese izvozvo Brian haana kana kumbozvitarisa nekuda kwekuti anga aneta nekushungurudzirwa amai vake naTawanda. Brian..." Wadzoka futi kuzotuka mhamha kaa. Tawanda..." Handisi kuda kuvatuka ndauya kuzovakumbira ruregerero. Brian..." Usanyepe hako Tawanda, ndave kukuziva iwewe wanzwa, nei usingade kuona mhamha vachifara. Unobva waita kuzvonda munhu akakuzvara zvakadaro. Tawanda uya akabva atanga kuchema, achifunga zvese zvaaita kuna amai vake. Brian akatoshamisika kuti ko munhu ave kuchemei futi. Tawanda..."(sniff) Brian a lot was going on, I need to talk to mum. I'm sorry zvangu nezvese zvandakaita kwauri Brian, kurwa newe and all that uri mupfanha wangu iwewe. I should have listened to you but I chose to listen to my wife and now hona, munhu wese wemumba medu ave against me. Zvese zvaiitwa Tawanda zvaitoshamisa Brian semunhu anga atongojaira kuti Tawanda ange ave munhu weviolence nekuda kwehunhu hwaanga aratidza pamazuva aive adarika. Brian akazobva pavaive vakamira achidzokera paverandah. Tawanda akasara akangomirawo achipukuta misodzi, aive oshaya step chaiyo yekufamba achienda paive pakagara hama dzake. Mai Mike..." Ko arikudeiko Tawanda, tangoona uchiuya kuno, iye achisara uko. Asi taona semanga musiri kunetsana pamatauriro enyu. Brian..." Aaah hameno zvaari kungodemba ikoko achichema. Ini I'm tired of drama raTawanda saka pandangoona asiri kuita zvehondo ndabva ndamusiya. Mai Mike..." Asi mufunge kaa kubereka kwakaoma uku ndosaka zvichinzi ura mapako unozvara mbavha nevaroyi zveshuwa. Munhu paunotakura nhumbu 9 months haufe wakafunga kuti mwana wawakatakura anozokuudza huroyi hwausingazive. Asi icho chidzidzo muhupenyu hwangu. Brian's wife..." Mhamha musazvinetse henyu nekunyanya kufunga, umwe ndiSatan mufunge. Satan anenge asingatode kukuonai muchifara. Nguva dzese idzodzo Tawanda aitofamba zvishoma nezvishoma, achingosvika paive naamai vake akabva angopfugama nekubva atotanga kuchema izvo zvakaita kuti amai vake nemukadzi waBrian vatarisane vaine confusion yekutadza kunzwisisa zvaiitika. Tawanda..." Mhamha I'm very sorry nezvese zvandakaita. I know munogona kutadza kundiregerera but I'm ready to do anything for you kuti mundiregerere. Right now makarara ipapo nekuda kwangu, I will never forgive myself for this. Amai Mike vakatoshamisikawo kuti ko Tawanda ainge ovakumbira ruregerero, iye munhu aive abva pamba pavo achivatukirira mazuva mashoma aive adarika. Vachiri pakati pekuda kuedza kunzwisisa kuti Tawanda aiti chii, pamba pavo pakabva pasvika zimota, iyi haina kumira kunze kwanga kuine yaTawanda. Yakanyatsopinda ichibva yamira pamberi pemba chaipo. Vanhu vese vakangotarisana nekuti mota yacho yaiva yembinga chaiyo. Vese pakati pavo hapana aikwanisa kutenga. Vakatoshamisikawo kuti ndiye aive avatsika. Vari mukati mekushamisika vakaona Mike achiburuka kuside kwadriver. Ukuwo kurimwe side kuchibva kwaburuka musikana aiita kunge murungu, asi achiratidza kuti munhu mutema savo. Tawanda akasimuka paaive akapfugama achimhanya kunopfugama pamberi paMike. Mai vacho misodzi yavo yakangotanga kuyerera. Ukuwo Brian akangosimuka achibva amira akabata muromo wake achiratidza kushamisika. Mukadzi waBrian akatosimuka zvakadzikamira achibva aenda kunohugger Lisa. Ndiye munhu one anga asina kumbonyanya kuratidza kushamisika nekusvika kwaive kwaita Mike. *Mike* Takatanga taenda nekumba kwaTawanda, ndaifunga kuti ndiko kwanga kuchiri kugara mhamha kaa. Takasvikako kuchiratidza kuti hakuna kana munhu. Takabva tangosimudzira nerwendo rwedu tichienda pamusha pedu. Takasvikako kuriko kune munhu wese. Vese vakaratidza kushamisika vachindiona ndichibuda mumota yangu. Tawanda akabva amhanya kuuya kwandiri ndokusvika achipfugama. Brian akangosimukawo akashamisika akadaro. Mhamha vanga vakangozvambarara pasi vachiratidza kuperezeka, ungazoti ndivo amai vangu vandakasiya vakagwinya kudaro. Mainini vangu ndivo vasina kumbonyanya kushamisika. Vakabva vatomhanyirana naLisa vachibva vahugger zvavo. Ini ndanga ndangomira zvino, coz Tawanda anga akapfugama pamberi pangu kaa. Tawanda..." Mike I'm so sorry my brother, I'm very sorry ndakakutadzira. Kupfugama kudai kunyara kutarisana newe kuface. I know ndakabvuma kushandiswa naSatan asi nhasi ndave kukumbira ruregerero rwako mukoma wangu. Brian akabva auyawo achibva apfugama paside paTawanda vachibva vatanga kukumbira ruregerero vese zvavo. Misodzi yangu yaive yatove padhuze. Zvavakandiita zvakawanda ende zvaindirwadza asi ndaida kutanga ndambotaura namhamha first ava taizotaura hedu. Ndakavati vasimuke vakada kumboti hee hatisimuke kusvika watiregerera what what, asi vakazosimuka zvavo tichibva taenda paive namhamha. Lisa anga atogara paside namhamha avo vaive vagarawo. Misodzi yaingoyerera pamatama avo, Lisa achiedza kuvanyararidza. Ndaishaya kuti moyo wakanaka kudai ainyatsouwanepi. Nemari yese yaaive nayo you'd never expect her to be this humble kutaura chokwadi. Mhamha..." Mike ndiwe here mwanangu. Ndiwe here uchiri mupenyu. I was worried ndichiti ko kana mwana wangu aine chakamuwana kuHarare kwaakaenda uko, asi nhasi ndafara ndakuona. Handisi kana kuziva kuti ndotangira kukuti sorry papi Mike. Ndakakutadzira mwanangu, ndini munhu mukuru ndaifanha kunge ndakadzora vanin'ina vako asi ndini ndanga ndave kutotungamira pakukuitira hutsinye. ..." Why nhai why ndowega mubvunzo wangu. You know what I went through mhamha manga muripo imimi. You know how we suffered kuti tiwane mari yana Tawanda yema fees. After all that struggle mondi treater like that. I know hangu ndanga ndakagumira chikoro panzira iri sacrifice yekuti vamwe vanhu vabudirirewo nehupenyu coz ndaiona kubudirira kwavo kuri kwanguwo. After all that then you treat me like I'm nothing. Mhamha..." I don't know kutaura chokwadi. At first I felt guilty kuti you had to leave school kuti ukwanise kundibatsira kutsvaga Mari kuti vamwe vako vaende kuchikoro. Pandakaona vanin'ina vako vave kuenda kumabasa, vave kubudirira nehupenyu iwe uri panzvimbo one ndakatanga kuzviblamer. Your brothers noticed kuti something was wrong, ndakavaudza zvaindinetsa, ipapo Natasha mukadzi waTawanda anga aripo, ndiye akabva atanga kutaura kuti I shouldn't blame myself coz ndiwe wakaramba kuenda kuchikoro and inini I wanted someone else to blame so I put the blame on you. Ndakatanga kukublamer coz wakaramba kuenda kuchikoro forgetting kuti you did it for you brothers. Even your brothers vakabva vatotanga kukuvengera izvozvo zvekuti even maplans avaive navo ekuti vakutangire business vakabva vamaisa kuside. Misodzi yangu yanga yave kuyerera. Infact munhu wese aingopukuta misodzi. So vanhu vemumba medu vaitondiona senge ndine nungo ndosaka vaindishandisa kudaro, vachikanganwa kuti I sacrificed my own education kuti vasvike pavaive. Mhamha..." I blame myself for the way I treated you, I shouldn't have listened to Natasha's negativity. I don't know if you will ever be able to forgive me after all the pain I caused you. Tawanda..." On the Natasha issue there's something I'd like to tell you. Akabva atanga kutaura nyaya yake. Vanhu vese takashamisika. Nhaimi Natasha muroyi akadaro. So mhamha was sick because of kutukwa kunzi muroyi. I didn't know how to forgive her but ipapo moyo wangu wakangosununguka wega. She had suffered coz of Natasha and I also had suffered coz of mashoko akataurwa ne the same Natasha. Saka ndiye aive aparadzanisa mhuri yedu yese nhai. Ndakangosimuka ndichibva ndanohugger amai vangu. Pain yaive pamoyo pangu yakatanga kupera mbichana mbichana, ndakanzwa senge ndaive ndatura mutoro wairema. ..." Mhamha I forgive you, as painful as it is, ndakuregererai. Handingaomese moyo muri amai vangu. Even imimi Brian naTawanda ndakuregererai. Chero ndikada kuomesa moyo you are my only family. Mhamha..." Thank you so much mwanangu, bible chairo rinoti tisasarudze vana kozoti vakuru vedu vanoto chenga ose manhanga hapana risina mhodzi, asi inini ndakave nekusarura pavana. I just thank God kuti nhasi wakwanisa kundiregerera. Tawanda I forgive you my son, inini ndaregererwawo saka chinonditadzisawo kukuregerera chii. Tawanda naBrian vakabva vasimuka tichibva taita group hug. Ndaiona Lisa nemukadzi waBrian vachisekerera zvavo. After that ndaka introducer Lisa kuhama dzangu then tichibva tatanga kudiscusser nyaya yekuripa kwaTawanda, chero anga aregererwa zvake asi isu pachishona munhu akatuka amai vake anoripa. Saka anga atoti aitotenga mombe nezvese zvaidiwa otoripa kuitira ngozi ende zvese izvi zvainoitirwa kumusha kwamhamha. Tiri pakati pekutaura nyaya Tawanda akabva afonerwa. Akadaira phone yake achibva aiisa paloud since anga afonerwa neprivate number. Natasha's mum..." Hello mukwasha, ndini mhamha Mai vaNatasha, makadii kuuya zvenyu nemwana wangu makandiudza zvakaitika. I know akakutadzirai henyu but dai makangondiudzawo. Right now mwana wangu hapachina nhaimi nhaimi ndoraramirei zvangu. Changosara itsamba yekunditsanangurira zvakaitika. Tawanda akatadza kana kudaira, misodzi yake ndiyo yanga yoyerera. Ndakatora phone yake ndichibva ndataura ndirini. ..." Hello mhamha ndini Mike brother yaTawanda ikutaura, ko chii chaitika kuna mainini Natasha's mum..." Azviuraya uyu, anwa mapiritsi hobho, ndanonoka kusvika paari mwana wangu, I blame myself I should've asked her kuti chii chirikuitika, now handisisina mwana. I'm all alone. Maybe it's because ndakanyanya kumuregerera, kukura kwake kwese ndaimu spoiler ndichimaker sure kuti awana zvese semwana wangu one, now honai kwazvasvika. ..." Mhamha ineyi haisi nguva yekuzviblamer, murikupi tiuye ikoko. Natasha's mum..." Ndiri kuParirenyatwa ndiko kwaazoshayikira mwana wangu hanzi I was a bit too late. Ndamunonokera kani Natty wangu. Ndakatozocutter phone atove mariro chaiwo. Tave kuda kuenda mukadzi waBrian akabva atanga kurwadziwa nenhumbu zvekuti chakava chipata pata kutora bag rake neremwana, Lisa akabva asara namhamha since vanga vachiri kurwara. Apa mhamha vakasara vachichema muroora wavo Natasha ainge ashayika. Inini naTawanda takabuda takananga kuParirenyatwa kwaive naamai vaNatty. Uyuwo Brian akabuda akananga kuhospital kwaive kwanyoreswa nemukadzi wake. THE END C.O.C.O
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 206

Comments