
COCO NOVELS
June 21, 2025 at 07:02 PM
*JOKO REHURANDA*
Story by
mªi *£ex*
+263 78 670 1118
https://whatsapp.com/channel/0029VaFhlo91CYoJTe70A63O :
*Iri bhuku rinodakadza kwazvo, tangai nekuita follow ne link riri kuzasi iro risati rabviswa muno, then mozoverenga zvenyu mumbonzwa nezverudo rwa Dyson na Rukudzo*
⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️
Chapter *1*
*DYSON*
"Why are you still sleeping nhaiwe Dyson?" Ndakarinzwa inzwi remudzimai wangu richibvunza mashoko aya apa akaita kurikwidza pamusoro.
Ndakasvinura maziso angu zvishoma nezvishoma sezvo ndaive ndine hope ndokubva ndatarisa kuchiringazuva.
Ndakavona nguva dzichiti
"5 o'clock a.m , ndakangokurumidza kuvhara maziso nokuti ndayisada zvekutaura zvachose."
"Iwe Dhayi haunzwe here kuti ndiri kutaura newe!"
Akataura achiwedzera kukwidza inzwi
"Wati chii nhai mudiwa wangu?" Ndakabvunza ndichimuka ndokubva ndayita zvekugara, apa ndichizvizamura.
"Ndati ndiudze reason imwechete inoita kuti unge uchidai wakarara?"
"Unoda ndimukirei kuseni kuno kunge ndinoyenda kubasa nhai?"
"Muka uvone kuti watondotsvaka cheuviri shamwari.
Wakandisiyisa chikoro iwewe uchiti unogona kundichengeta.
Now ndazvitakura apa nhumbu yatova ne 9 months asi handina kana chipenheti chaicho chandati ndava nacho.
Basa ndiro rekungoita chinzvengamutsvairo nekutevedza mushana unoda ndizoita sei nhai nhai?
Noo, Dhayison, ndati kwete kwete. Handikutendere uchiita izvi kwandiri, unofanira kundipa hupenyu hwakanaka sekundivimbisa kwawakaita.
Ndiri munhu wenherera, nhamo yandakavona pakashaika vabereki vangu yakatokwana.
Handizotendere ndichiramba ndiri wenhamo nekuda kwako.
Nhasi chaiko rinofanira kudoka waunza zvinhu zve preparation pano , pasina izvozvo mumba muno haungaruwane rugare!" Akadero Rukudzo achiita kupupira furo pamuromo rekuratidza kuti ainge akaita kubitirirwa nehasha.
Ndakatanga kunzwa musoro wangu uchitenderera.
Ndakada kumboita hasha, asi ndakazofunga kuti zvechokwadi mukadzi wangu ndakayita zvekumuroora asingade nenyaya yekuti ndayimuda.
Ndayitodawo kumupa hupenyu hwakanaka manje zvakazoyenda nepamwe.
Ndichiroora mudzimai wangu baba vaive nemari yakawanda kwazvo, ende ndayive nechivimbo kuti vacharamba vachindipa mari sezvavayiita.
Manje kungomuunza kwandakayita pamusha vakabva vasiya basa racho ravayiita vachiti rine njodzi havacharide.
Ndakambozama chose kuda kuvabvunza kuti ibasa reyi ndiite carry on naro manje vakarambisisa kundiudza.
Ikozvino tava kurarama upenyu hwehwaku mukwaku, sezvo baba vasingachashande inini wacho handina basa randinoita.
"Shuviro yangu kufadza mudzimai wangu. Zvino mari ndoyiwana kupi chokwadi?" Ndakatanga kuzvibvunzira mumoyo asi zano chairo ndakarishaya.
Ndakapfeka bhutsu ndokubva ndatanga kufamba ndichibuda panze.
Ndakanzwa achisheedzera achiti
"Kana usina preparation usadzoka pano!"
"Ndakunzwa Rukudzo" ndakadero ndava kutanga kufamba.
Ndakayenda kumba kwa amai na baba vangu ndovanhu vandakatanga kufunga sezvo tayingove takagarisana.
Ndichisvika handina kana mashoko andakataura ndakangogara pasi ndakatsikitsira.
Baba ndivo vakazotaura vachiti
"kwakanaka here mwanakomana wangu kwawabva wazviita muranda kudero?"
Hakuna kunaka zvachose baba, mudzimai wangu andishungurudza kwazvo.
"Hanzi chiiko nemuroora wangu?" Vakazobvunza vava amai vachigara pedyo nepataive.
"Mazuva ekuti asununguke ava kuswedera, kutaura kuno arikuchema nenhau ye preparation apa inini handina kana pekutangira" ndakataura ndawisa chiso sezvo ndega ndainzwa zvichindiremera kuramba ndava kungochema nhamo dzangu kuvabereki nguva dzese nezera rangu.
Ndatova murume mukuru chaiye ane makore 32 asi nekusashanda zvirikundikurira.
Amai vakasimuka vakabva vavuya vakabata chibhegi chavaive nacho.
Ipapo vakataura vachiti
"Rega kuzvidya moyo mwana wangu, zuro chaiko ndakabva kwamupedza nhamo uko kwandakandotenga mbatya dzemuzukuru wangu.
Ndakazama kushara shara kubva kuchichira chekuputira , kusvika kumbatya dzinodziya handina chandakasiya.
Kutaura kuno ndanga ndichitoti ndinovuya nazvo kana zuva rati kwirei zvino zvamavuya kudai Mapfaka matogona"
vakataura amai vangu vakazara nyemwerero pahuso hwavo.
Ipapo ndakatanga kudhadhanura mbatya dzavainge vanditambidza.
Ndakanzwa ndichizara nemufaro nokuti zvechokwadi zvaive zvakatowanda chero hazvo zvaive zvitsaru.
Chakanyanya kundifadza ndechekuti zvanga zvisina kumbonyanya kusakara zvimwe zvaive zvakatoita zvitsva.
"Baba na amai handichagare" ndakakurumidza kutaura kudero ndichitosimuka apa chibhegi ndakabata mumavoko
"Ko mava kutoyenda here nhai Mapfaka?" Vakabvunza baba vangu vachiseka zvavo.
"Hongu baba handichagare, regai ndinoratidza muroora wenyu mbatya idzi ndine chivimbo kuti achafara chaizvo mudzimai wangu." Ndayidero ndava kukanda mazinhano ndichiyenda kumba.
Ndichisvika ndakawanikwa Rukudzo akagara zvake pamushana achipurudzira dumbu rake.
Paakandivona mubvunzo wake wekutanga wakava wekuti
"ko zvawadzoka wavuya here nezvandakuvudza kuti ndinoda nhaiwe Dyson?"
"Hongu babe, kudai ndanga ndisina unoti ndingadai ndadzoka here ?"
ndakataura ndichiyenda kwaaive.
Ndichisvika ndakamutambidza chibhegi
chandainge ndabva nacho, ndichinyemwerera.
Iye akatanga kuvhura zvake ndokutanga nekubhedhenura chichira, ndakavona achifinyamisa kumeso ndokubva abvunza achiti
"ndochii ichi nhai Dyson?" Ayidero achiita zvekudurura zvese pasi.
Akatanga kusimudza chimwe nechimwe ndokuhutisa mavoko ake achiti
"don't tell me kuti zvinhu izvi waunzira inini?"
"Hongu maimwana, ndapiwa namhamha kuti tizowana kubatsirika kana mwana achinge azvarwa"
"I can not believe this, why zvitsaru nhai?"Akabvunza
Asi handina kumupa mhinduro.
"Chokwadi nekusvika kwandakaita ndovonekwa ndakapfekedza mwana wangu zvinhu zvakasakanyika kudai, noo tell me you're joking mwana wa Mapfaka!" Akataura akakwidza inzwi apa achifemera pamusoro kuratidza kuva nehasha
Ndakamubata ndokumugadzika pasi, ndichibva ndazomubvunza mubvunzo wekuti "dambudziko rako riripapi nhai Rukudzo, wadireiko kundisengedza joko rehuranda nhai mukadzi wangu.
Unonyatsoziva kuti inini handishande, handina kwekuti ndingawana mari. Vamwene vako varikuzama kutibetsera kuti tiwane pekutangira.
Kana ndazozarurirwa naMwari zvitsva ndichatenga.
Ndine chivimbo kuti zvinhu hazvingarambe zvakaoma kudai"
"Wakati unozvigona iwewe, saka kukuvona uchikundikana ndinonzwa hasha dzakapetwa.
Izvi zvinhu handife ndakashandisa pamwana wangu never!
Ndazviramba inini mwana wekwa Masiyambiri" akataura achisimuka kupinda mumba.
Akadzoka akabata pillowcase netsono ndokutanga zvake kututira mbatya dziya imomo ndokunyatsogadzira pillow yake yakanaka kwazvo.
Akayipotsera kwandiri ndokutaura achiti
"heyo pillow utsamhire, umu ndimo makakodzera kugara madhende aamai vako kwete kuda kurasira bhero kwandiri aiwa handide kushuvirwa nhamo inini ndichiri mwana mudiki kwazvo" akataura mashoko aya ndokuridza zitsamwa
"Mondiregererawo mai mwana nekukuunzirai madhende, ndichazama nepandinogona napo kuti ndikuitirei zvese zvamunoda sekukuvimbisai kwandakaita" ndakataura ndichidzosera misodzi mukati sezvo ndayisada kuchema pahuso hwake
"Better, asi ziva kuti ndikasvika pakubetserwa pasina zvisvinu zvinobatika aiwa ndinosva ndadzokera kumba kwedu.
Ndakazvarirwa munhamo ndikakurira munhamo, handingazorambe ndiri munhamo nokuda kwako aiwa izvozvo ndazviramba ndosaka wayivona ndichidzidza nesimba kuti ndichinje hupenyu hwangu.
Dai usina kunditora kuna mbuya vangu ndisina nhamo yese iyi nekuti ndakanga ndava pedyo nekunyora form 4 ende ndine chokwadi kuti ndayitopasa chete" Akapaumba mwanasikana.
Yakava nguva yairwadza kwazvo kwandiri
Ndichizama chose kumunyengerera kuti arege kuramba achitaura mashoko anondidzimba moyo .
Akazonyarara zvake asi ndayinyatsonzwa kuti ndakaremerwa pahana pangu.
Ndega ndayivona kuti ndiri kukundikana kufadza mudzimai wangu.
Nyaya iyi yakatanga kundidya pamoyo zvekuti musi uyu chero kudya kwakaramba kupinda zvachose.
Rukudzo haana kuratidza kuita hanya nazvo, ndayizvivona zvangu kuti ainge akatosviba moyo neni zvinova izvo zvainyanya kundidya pamoyo pangu nokuti mukadzi wangu ndinomuda.
I shuviro yangu zvikuru kuti ndigare ndakamuyitira zvese zvaanoda asi zvimwe zvacho zvanondikunda.
Ndayinyatsokuzvinzwa kuti
"i am not man enough , nokuti ndayikundikana kuzadzisa zvitsividzo"
Ndakatanga kuzvivhunza kuti
"ndezvipi zvandingaita chaizvo kuti ndifadze chido chemoyo wangu"
Rakasvika pakudoka zuva ndiine kushungurudzika kukuru kwazvo, munguva dzekurara ndakanzwa Rukudzo achiti
"saka nhaiwe Dhayi nhasi zvekutodya hautode zvachose?"
"Ndakaguta maimwana, handina zvangu nzara"
"Asi zvandataura makuseni hauna kufara nazvo here murume wangu?"
Akabvunza nenzwi rakadzikama , achiratidza kuti ainge ava nekakundinzwira tsitsi.
Handina kuda kuzviratidza kuti ndine bundu pamoyo, ndakataura naye murudo kusvika arara zvake.
Zuva rakatevera ndakamuka rungwanani achakarara ndokubva ndikatobuda ,musi uyu ndayisatoda zve madrama.
Ndakazvivudza kuti handizodzoke pamba kana ndisina kuwana basa rinondipa mari.
Zvekuti ndirambe ndichiratidza mudzimai wangu kuti , ndiri kukundikana izvozvo ndayisada zvachose.
Ndakatanga kufamba zvishoma nezvishoma, ndava kusvika pedyo nekwaive nemagadheni edu ndakasangana na baba vangu vakabvunza vachiti
"mafungepi kuseni kuno nhai Mapfaka?"
"Hakuna zvangu baba, ndangoti ndimbotasamura tsoka zvimwe ndingawana chehuviri mukufamba umomu" ndakataura
Ivo vakabva vati
"ndinozviziva zvinogona kukuremera mwanakomana wangu, asi chero zvoita sei ndinokumbirawo kuti usasarudza kufamba munzira dzakaipa"
"Aiwa handimbodero" ndakadero ndichitopfuudzana navo.
Ndakatanga kutimba pasi kuguma ndasvika kumusha wekwa
"Hairove"
Ndoda kupfuura ndakarangarira kuti
"Va Hairove i bussiness man, ende vaitombove shamwari ya baba vangu makare ndakavona zvakanaka kuti ndiyende kundotaura navo"
Ndakatokona ndokubva ndikapinda mugedhe, vakandigamuchira zvakanaka chose.
Ndakasvika vachitodya chikafu chemangwanani, vakabva vandipawo changu ndikadya ndichiita navo nyaya.
Mwanakomana wavo akazobuda naamai vake ipapo ndipo pandakawana mukana wekupinza nyaya yangu mudariro.
Handina kumboda kutenderera ndakangotaura nyaya yangu sezvairi kuti "inini ndinotodawo kushanda navo ndiite mari"
VaHairove vakanditarisa vakabva vati
"unoziva here basa randinoita zvaunoti unoda kushanda neni?"
"Handirizive zvangu asi ndiri so desperate baba.
Mudzimai wangu akazvitakura panoda preparation ,apa inini handina kana cent zvaro"
"Basa redu rinenjodzi Dyson, ndosaka uchivona baba vako chaivo vakasarudza zvavo kurisiya.
Vakati ivo hurombo hurinane pane kufamba vachipaza mashops, nedzimba dzevanhu"
"Kupaza?" Ndakakurumidza kubvunza ndakazvaura maziso sezvo kugara kwese ndayisambofunga kuti
va Mhosvahairove basa ravo nderekuba"
Vakadzvuta tea yavo vakabva vati
"hongu kuba chaiko.
Dyson ndichikuvona ungori mwana kwandiri nokuti une zera rimwechete nejaya rangu rekutanga Hazvinei.
Imwe nyaya , uri mwana wasahwira wangu wepamoyo saka handigone kukuitira hutsinye kuti uyende neni kubasa kwangu inini ndichiziva kuti kune njodzi." Vakataura vachiratidza kuti havatombode kuti ndibatane navo zvachose.
Mashoko a Rukudzo akatanga kuita maungira munzeve dzangu ekuti "akangobetserwa chete ndisina kumupa zvinomufadza achayenda kumba kwake"
Ndakatanga kurangarira mashoko ababa vangu ekuti
"chero zviome sei ndisazoita zvakashata"
Ndakafungisisa nezvemashoko evanhu vaviri ava, ndikasara ne decision yekuti....
Zvekuti ndakangotaura ndichiti "..."
End of chapter 1
Kindly share my new book, follow my channel and comment ku comment section nemufungo wenyuwo pa bhuku redu ndobva ndakupai chapter inotevera.
Comment section ndimi munondipa simba ndokumbirawo mumbomira neni pa this book ndinotenda
[06/10, 21:52] Mai Rockstar: *JOKO REHURANDA*
Story by
mªi *£ex*
+263 78 670 1118 /
№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³
Edited by OPAh
+27 74 869 5086
https://whatsapp.com/channel/0029VaFhlo91CYoJTe70A63O :
*Kunotanga kusvikira bhuku follow this channel*
https://whatsapp.com/channel/0029VbA8LFfGJP880aGYew3F :
*Vanoda ma books akapera kare kindly follow this channel*
https://chat.whatsapp.com/J4yZGFJvwxM046E8RoAiIv :
*main group*
Chapter *2*
*DYSON*
"Urikufungei wabva wabatira rushaya kudero?"
Wakavuya mubvunzo kubva kuna VaHairove
Ndakaita zvekuvhundukira ndokubva ndati "umm, hapana zvangu"
"Sununguka kutaura neni.
Inini handisi munhu akaoma moyo uchindivona ndakadai" vakataura.
Ipapo ndakatura mafemo ndokubva ndataura ndichiti
"Chokwadi ndechekuti handina kumbobvira ndakashuva kuita mbavha , asi situation yandinayo handina kana sarudzo zvachose. Muchidumbu regai ndingoti, ndivudzei zvinodikamwa uye nezuva rekutanga basa then i am in" ndakadero ndatsvukisa maziso apa ndichinzwa hana yangu ichirova sezvo ndaive nekutya kukuru mandiri.
Va Hairove vakanditarisa mumaziso chaimo vakabva vati
"une chokwadi nazvo here Dyson?"
"Hongu, nditenderei ndishandidzane nemi ndinokuvimbisai kuti handife ndakakurasisai"
"Kusweramangwana ndipo patiri kubuda munguva dzemauro, asi ndinoda kuti utange wambondofunga nezvenyaya iyi kana ukavona uri ready unondichaira runhare panumber dzangu idzi" vayidero vachinyora pachipepa ndokunditambidza.
"Ndinotenda" ndorega shoko randakataura, chero kuoneka handina ndakazongosimuka ndokubva ndatanga kufamba ndichitobuda chivanze.
"Ko wava kutodzokera nhai Dyson?" akabvunza Hazvinei mwanakomana wa Hairove
"Hongu wasvika ndava kutobuda Hazvi" ndakapindura ndokubva ndatanga kutofambisa ndichiyenda
Handina zvangu kururama kumba, asi ndakayenda paive pakaungana vanhu vaimwa doro.
Kubva chikuriro changu handina kumbobvira ndakamwa doro, asi musi uyu ndakaridzasa.
Ndakatanga ndichimwa muchaiwa, pedzisire ndava kutokwereta iro doro chairo.
Ndakamwa zvekuraradza , zvekuti ndayiti kana ndikatarisana nemunhu ndayivona sechidhori sezvo maziso akanga asingachanyatsovona zvakanaka.
Ndakazotanga kufamba ndichiyenda kumba, ende zvakanditorera nguva refu kwazvo kusvika zvekuti ndakatozosvika zuva rava kupinda muna amai varo.
"Hezvo , hezvo chii chandiri kuvona nhai wedenga.
Dyson ndiwe here urikuita kukonewa kufamba zvakanaka, apa uri kunhuwa doro zvako?" Akabvunza Rukudzo
Simba rekupindura ndayisave naro, chandakagona kuseka ndokubva ndati "dzuvura ndipinde Ru..rukudzo " ndakadero zvine kakuvhundutsira.
Rukudzo akabata musoro akabva ati
"inga zvakaoma, zvakatanga rinhiko izvi?"
Mhinduro handina kumupa, ndakatanga kudzadzarika ndichipinda mumba.
Semunhu ayisanyatsovona zvakanaka ndakasviko bondera madziro, ndakanzwa musoro wangu uchinyatsodairira.
Ipapo ndakangogomera ndichitorara pa floor, ndokubva ndavhara maziso.
Zvakazoitika handichazive asi ndakazongovona ndichimuka kuseni ndakarara parukukwe ndakafuga magumbezi sezvo tisina zvedu mubhedha.
Ndakasimudza musoro ndokubva ndatanga kunjeva njeva maziso.
Ndakavona Rukudzo akagara akanditarisa kuti ndee.
Paakavona kuti ndamuka ndakamunzwa achindikwazisa.
"Mamuka sei?"
"Mushe" ndoyega mhinduro yandakamupa
"Normally ndinombomuswededza pedyo neni , ndotanga kumukisa dumbu kuti ndimupe mufaro asi apa ndainge ndisingade zvangu zvekugadzikwa anogara pamoyo"
"Ndaisa mvura yenyu yekugeza" akataura
"Thanks" ndakadero ndichimuka ndokubva ndayenda kundogeza.
Ndichidzoka akandipa zvekudya, ndikabva ndadya.
Paakada zvekukumbira ruregerero, ndakakurumidza kuti
"it's okay Rukudzo, i understand" ndakadero ndichitopfeka bhutsu ndokubva ndabuda.
Ndichibuda ndakarurama kumashops uko kwandakatozoswera ndichitamba draft nevamwe zvekuti harina kumbotana zvaro kudoka.
Sezvo ndayisave ne airtime ndakazopfuura nekwa Hairove ndichivazivisa kuti zuva rinotevera ndinoyenda navo kwavainge vakandivudza kuti varikuyenda.
Ndainge ndazvipira kubatana navo, saka ndakavarairisa kuti vasazondisiya.
Ndichizodzokera kumba, ndakawanikwa Rukudzo ari busy ku iron mbatya dzaainge akamboisa mu pillow ende dzanga dzawedzera kuchena zvekuti ndega ndakavona kuti ainge atombodziwacha.
Achindivona akagadzika iron pasi ndokubva akandimhanyira.
Akandimbundira, akati
"maswera sei Mapfaka?"
"Bho" ndakapindura ndichitozvibvisa paaive
"Zviriko here izvi daddy?"
"Zvei?" Ndakabvunza ndakamutarisa apa ndakarova ma serious
"Zvekupindurwa ma 1 word inini handina kumbozvijaira zvachose"
"Unoda ndiitesei nhai Rukudzo?" Ndakabvunza
Munguva iyoyo Rukudzo akatora action yakandishamisa.
Akaswedera pedyo neni ndokubva akapfugama ndokutaura achiti "ndinokumbirawo undiregerere murume wangu, chokwadi ndechekuti ndayifunga ndiri kugona asi nezuro pandakavona uchivuya wakamwa hwahwa aiwa ndakagutsikana kuti ndakakutadzira kwazvo.
Dyson ndinokuda nemoyo wangu wese, munhamo nemumatambudziko ndichava newe.
Kubva nhasi kusvika narinhi ndinokuvimbisa kuti handichafe ndakakupa pressure zvekare.
Ndichazama chose kuti ndigamuchire situation yatiri kurarama mayiri, ndine chivimbo kuti zvichanaka nerimwe ramazuva semashoko aunosigara wakandivimbisa" akataura akazvininipisa achiratidza ku regretter ma previous actions ake.
Mumoyo mangu ndakazvivudza kuti
"shoko harivhikwe, zvese izvozvo hazvaindikonesa kubatana na Va Hairove. Kana iye akati anoda hupenyu hwakanaka, ndayisazozora kusvika ndamupa zvacho zvaanoda."
"Ndiregerereiwo Mapfaka, ndiri kutaura izvi zvichibva pasi pemoyo wangu.
Ndinoziva ndaive ndakakutsamwirai gore rese iri kubva ndichitanga kugara nemi, asi ndakazonyatsoongorora ndikavona kuti ndatova amai Mapfaka hazvichachinje" akataura zvekare mushure mekunge andivona ndakanyarara zvangu.
Ndakamusimudza paaive akapfugama ndokubva ndataura ndichiti
"ndakunzwai maimwana, handina kumbokutsamwira mufunge. Infact ndinotokutendai ne pressure yenyu nekuti kutaura kuno ndakatowana basa"
"Makawana basa kupi?" Akabvunza achiratidza kushamisika.
"Mudhorobha sweetheart , mangwana manheru ndichange ndichitotanga"
"Nderei basa rinoshandwa manheru?"
"Security maimwana, asi harisi full time ingoti partime" ndakayerekana ndapindura
Akabata hana yake ndokuti
"at least, ndanga ndoti zvimwe ibasa risina kururama"
"Aiwa ritori basa bho" ndakadero ndava kumusimudza.
Ndakamuradzika parukukwe ndikabva ndati
"Ari sei mwana wedu nhasi?"
"Angave bho here, asuwa baba vake uyu" akataura akarereka musoro achiyema zvake.
Ndakazotanga kutamba nemudzimai wangu, ndichizama chose kumunyengetedza kuti asafunga zvakawanda wanda nokuti Rukudzo ndinomuziva.
Akangwarira zvekuti any mistake ayigona kuzongondibata kuti handina kuhu security kwandiri kuda kuyenda zvikadhakwa.
At least akasvika pakuzorara asina kuzombobvunzurudza nezvazvo, ende zuva rakatevera akabva atondigadzirira lunch box kuratidza kuti ainge asina kuzvibatanidza.
Ndakati handitomborambe, kuchingoti zvarara ndakaonekana naye ndiye hutu kuyenda kumba kwa Hairove.
Ndichisvika ndakawanikwa kuchinzi vabuda, pandakada kuti ndiise call me back message yakabva yapinda yaitaura kwandaifanira kundosangana navo.
Handina kuzombomira ndakatanga kufamba ndichiyenda ikoko, ende ndakashamisika kuvona varipo nechekare neumwe murume ainge akada kungoyenzana neni.
"Wagona wavuya nenguva Dyson pinda mumota tiyende" vakataura va Hairove
"Zvakanakai baba" ndakataura ndichitopinda mumota.
"Anonzi Trust uyu, ndiye wandinoshandidzna naye"
"Eee Trust uyu anonzi Dyson, he is like a son to me ndokusaka ndasarudza kuti abatane nesu awanewo ka mari"
"Ndafara nekukuziva Dyson" akadero Trust ,
achisimudza motikari.
Va Hairove vakatanga kundivudza mushandiro watayizoita.
Hana yangu yaingorova, sezvo ndayinyatsoziva kuti zvinhu zvatiri kundoita tikabatwa ijere chairo.
Ndakazvivindisa, ndikazvivudza kuti handidzokere kumashure.
Ndakataurira mumoyo kuti
"chichavuya chichavona inini"
Mota yakazomiswa tasvika panzvimbo yatayienda, takabva tapfeka zvimaheti zvinovhara huso hwese kusiya kwema ziso chete.
Inini ndayihuta pakutanga ndichifunga kuti zvichatiomera sekutaura kwavo, kuti tinofanira kugara takaringa mativi ose togadzirira kushamwaridzana nemhepo.
Ndakashamisika vachingobhadhara security mari , ndokubva vakatondiudza kuti ndipinde mukati.
Ndichipinda ndakavona makazara ma solar battery, ndakatanga kusimudza maviri maviri ndichitambidza Trust, iye ayitambidza mudhara Hairove ndivo vaizoisawo mumota.
Taka loader akati wandei, kuzosvika va Hairove vati akwana ipapo ndipo patakabuda.
Tichingobuda chete ndivo vakatozobata steering ndokubva vatanga kumhanyisa motikari.
Vakazotanga kufamba ne normal speed patainge tava pachisango ndipo pavakati
"Finally kana tadai tabudirira"
"Haa nhasi taita gumbo kwaro chose hatina mumbotambudzika sezvatakaita last time ku Karoi paya" akataura Trust
"Wandatenga nhasi akamutsa mutsa ayita zvekurarisa vamwe vake kuti zvireruke sezvo naiye anga achitotyirawo pake" Vakataura mudhara Hairove.
Vaviri vakatanga kukurukura vachiseka zvavo, ende vairatidza kuti vava nenguva vachishanda vese nekuti vairatidza kunzwanana.
Mota yakatanga kufambiswa yafambiswazve zvekuti ndakatozosvika pakumbokotsira nekuda kwekureba kwe rwendo.
Handizive takafamba nguva yakareba zvakadini asi ndakazongonzwa inzwi ra mudhara Hairove richiti
"Muka Dyson"
Ipapo ndakati vhurumuku ndokuvona kwatochena kuti hwee, apa svizuva svabuda.
Ndakatarisa VaHairove avo vaive busy kuverenga mari vachiratidza kuva nemufaro pahuso hwavo.
"Tirikupi?" Ndakabvunza
"Plumtree" vakapindura vachiyenderera kumberi nekuverenga.
"Munoreva here kuti tatobuda muChinhoyi?"
"Iwe mupfanha iwe, Chinhoyi ndoyaungataura.
Tinofanira kutorova 8 hours kudzokera kwatabva izvezvi bata neapa" vakadero vachinditambidza mari yakawanda kwazvo
"Ndeyei?" Ndakabvunza
"Pay yako mwanakomana, tatopedza kutengesa isusu apa tava kutodzokera kumba tozozvivona rimwe zuva, thanks wakagona kufambisa basa zvakanaka nezuro waive fast zvandakafarira "
vakataura
Ndichinzwa izvi ndakafara, ndakabata ma Us ndikatanga kumanhuwidza.
Ndakanyatsorangarira kamushandiro katanga takaita, kaive zvako kakareruka apa ndivone mari yandainge ndapiwa aiwa ndakazvivudza kuti
"chero zvoita sei basa iri handife ndakarisiya zvangu"
"Ndakayiverenga mari ndichipedza ndakangonyemwerera nokuti chero munhu akadzidza akapasa chikoro chaiye hapana paangahora mari yakawanda kudero pazuva rimwechete"
"Wafara here nemari yandakupa zvekuti kukamuka umwe mukana ndakasununguka kukusheedza" vakabvunza
"Ndafara chaizvo boss" ndakataura mazino ndichiisa panze
Ndokuzobvunza ndichiti
"arikupi umwe wenyu?"
"Atoyenda kumba kwake, anogara muno"
"Ko sei makasarudza munhu anogara kure kudai?"
"Trust akavimbika, zvekare ndiye anotsvaka ma customer saka tinozosara kutondoba tava nevanoda kutenga kare" vakapindura
"okay ndanzwisisa"
Vakazotanga kudriver tava kudzokera kumba, munzira mese vayindirayisisa kuti ndisavudza kunyangwe ani zvake kuti ndinoshanda navo. Ivo vakatondivudza kuti vava ne 10 good years vachishanda basa iri asi chero mukadzi wavo chaiye haazvizive.
Neniwo ndayisada kuzikamwa saka ndakavavimbisa kuti vasandityira zvavo.
Mudhara Hairove vakazondisiya pedyo nekumba.
Ndakangoti ndichiti fambei ndakabva ndasangana na baba vangu vakabvunza mubvunzo wekuti
"urikubvepi Dyson, sei wanga una Hairove?"
"Ndangosangana navo ndichizvifambira vakabva vandipa lift"
"Unorevesa iwewe?"
"Hongu"
"Wanga uchibvepi?"
"Kune ka peace job kandakawana ndiko kwandiri kubva" ndakapindura , baba vakabva vati
"Hope urikutaura chokwadi ,nokuti Hairove haasi munhu akanaka zvachose unofanira kutambira kure naye"
"Ndakunzwai, asi inga anotova shamwari yenyu sei muchiratidza kusamufarira mazuva ano?"
Vakada kutaura asi Rukudzo akabva asvika achiti "madzoko Mapfaka"
"Ndadzoka mai Mapfaka murisei?"
"Mushe baba mwana, kwanga kurisei kubasa kwamabva madzoka masikati ano munhu anoshanda night padhorobha ipapa nhai mudiwa wangu?"
"Anoshanda husiku here?" Vakabvunza baba vachihuta
Ipapo ndakakurumidza kutaura ndichiti "zvavatumbwa mungazvigona here baba, ndabva pano kwakayedza inini asikuti wangu mukadzi angovona ka mhindo kukanzi ichiri night"
"Ahh Mapfaka, imimi maka...."
Handina kumutendera kuti apedzise ndakangoti
"Rukudzo...!"
"Tsvariro shewe" akadero achitobva pataive achipinda mumba.
Baba vakanditarisa neziso rinotaura apa vazara mananda mananda pahuso handayida anondivudza kuti
"vazvibatanidza kuti ndava kushandidzana na Hairove"
Ndakatanga kutura mafemo kasingaperi, asi ndakazvivudza kuti
"chero zvoita sei, handizosiyane na Hairove chandingaita kutombopa baba twuma threats kuti vasiyane nehupenyu hwangu vazive nezvavo saka ndakakurumidza kutaura ndichiti "...."
End of chapter 2
Stay tuned
Thanks nema comments kune varikuisa uye ma reactions
[06/10, 21:52] Mai Rockstar: *JOKO REHURANDA*
Story by
mªi *£ex*
+263 78 670 1118 /
№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³
Edited by OPAH
+27 74 869 5086
https://whatsapp.com/channel/0029VaFhlo91CYoJTe70A63O :
*Kunotanga kusvikira bhuku follow this channel*
https://whatsapp.com/channel/0029VbA8LFfGJP880aGYew3F :
*Vanoda ma books akapera kare kindly follow this channel*
https://chat.whatsapp.com/J4yZGFJvwxM046E8RoAiIv :
*main group*
Chapter *3*
*Dyson*
"Muroora wenyu anga arikunyepa baba" ndakakurumidza kutaura ndichidero kuti ndivone paive nenjere dza baba vangu.
Pandaka taura izvi, ndakaona vchinditarisa mumaziso chaimo neziso rinoreva zvizhinji uye kuti usandiita pwere.
Inini ndakakurumidza kutarisa pasi ndakanzwa vachiti
"Irikupi mari yawapiwa na Hairove?"
"Mari yei nhai baba?"
"Yaakubhadhara pakuba kwamakandoita?"
"Ndizvo zvaakuvudzai here?" Ndakanyepedzera kunge ndisingazive paive pakananga nyaya yavo chaipo.
"Rega kunditambisira nguva Dyson, kurumidza kundipa mari iyoyo ndinodzosera ku muridzi wayo zvichakanaka nokuti Hairove haasi munhu akanaka kushandidzana naye zvachose."
Ndichinzwa mashoko avo ndakataura ndichiti
"handisi kuziva nyaya yamuri kutaura nezvayo.
Chokwadi ndechekuti ndaswera ndakamira, ende ndakaneta muchindivona kudai saka nditenderei ndiyende kundozorora" ndayidero ndava kuda kufamba kuti ndibve pavaive.
Vakandidhonzera pedyo navo ,ndokubva vatanga kundisecha muhomwe umo mavakazobuditsa mari yandainge ndapiwa na Hairove.
Ndakangozvaura maziso nokuti ndayinge ndisina kuzvitarisira.
"Chii ichi?" Vakabvunza asi handina kuvapindura.
"Kana uchiramba kuti wakayenda kundoba na Hairove, ndivudze kuti mari yakawanda kudai wakaiwana kupi Dyson?" Vakabvunza zvekare.
Ndakaramba ndakavhara muromo ndisingataure ivo vakayenderera kumberi vachiti
"mari iyi ndava kundoipa muridzi, kubva nhasi handide zvangu kukuvona uchitambira pedyo na Hairove!"
"You won't do such a thing father.
I a m a grown man now, and I have the right to make my own decisions." Ndakataura ndichitobvuta mari ndokuisa muhomwe
"Ndipe mari iyoyo Dyson handide zvekunetsana newe!"
"Ndisiyei baba.
Inga wani vamwe vana munovatendera vachiita mabasa avanoda sei mava kuda kurambidza inini?"
"Hanzvadzi dzako dzinoshanda mabasa asina njodzi ndosaka ndichivatendera.
Rako rawasarudza iri harina kunaka zvachose bvunza inini ndakabva nako kuchibasa ichi.
Hairove munhu ane moyo mukukutu, zvekare ane hudyire murume uya zama kutambira kure naye Dyson "
"Ndava munhu mukuru baba ndinoziva zvandiri kuita.
Makandipa chipidigwa changu kuti ndichizvivonera nemudzimai wangu, saka ndava kungokumbira kuti mumbosiyana neni kana muchida kuti tigare tichiwirirana " ndakataura izvi ndichirevesa uye kutobva pavaive.
Ndakati fambei ndokubva ndacheuka ndikataura ndichiti
"Hairove haafanire kutomboziva kuti mava kuziva nezvenyaya iyi , kana akandidzinga pabasa nokuda kwenyu ndimi muchavona kuti mukadzi wangu adyei, uye apfekei!" Ndakataura ndava kutofambisa kuyenda pamba sezvo nyaya dzese idzi dzainge dzataurika ndichitori ku road.
Ndakasiya baba vangu vakashama muromo, handina kuda kuita hanya nazvo.
Ndichipinda mumba ndakawanika Rukudzo akandigarira pamusuwo chaipo, zvekuti paakangondivona akabva ati
"ndanzwa makakwidzira baba inzwi kwanga kwakanaka here?"
"Hongu kwanga kwakanaka.
Baba havade kuti ndishande basa rekurinda husiku hanzi rine njodzi , ndosaka wavona ndichizama kuvhara nyaya yacho paya ndichinyepa kuti ndabuda kuseni"
"Ohh sorry honey, handina kunge ndazviziva inini"
"Hayisi mhosva yako mudiwa wangu.
Neniwo ndakakangamwa kukuvudza kuti baba havafanire kuziva basa randiri kundoshanda.
Ndazongovabudira pachena hangu kuti vasandityira saka zvatopfuura"
"At least kana mazogadzirisana ndizvo zvinodiwa.
Regai ndinoisa mvura yekuti mugeze" akataura achitobuda.
Ndakatofara nokuti ndakazowana mukana wekuviga mari pandayinyatsoziva kuti ayisakwanisa kuyivona, ndokusiya iri reasonable pachena.
Achizodzoka ndakayenda kundogeza, ndichidzoka ndakamuti agadzirire tibude.
"Munoda tiyende kupi?"
"Kundotenga preparation yawaichemera"
"Ko matohora here?"
"Hongu, handi unoziva kuti peace job unobva wakatobata yezuva iroro muruvoko heinoyi mari yandahora mwaimwana"
ndakataura ndichimutambidza.
Munguva iyoyo akanyemwerera ndokutaura achiti
"Thanks honey asi bhegi ndatorongedza kare inini."
"Warongedza nedzawawanepi nhai babe ?"
"Asi hamuna kuvona kuti mbatya dziya ndakazobvisa mu pillow here?
Handichina preparation yandinoda parizvino ndava sorted.
Pamari iyi tichawana zvimwe zvatinotenga, sezvo tichishota nezvakawanda pamba pano.
Maita basa baba mwana" ayidero achiisa pakanaka
Ndakavona kuti
"ndikada kuramba ndomumanikidzira kuti tiyende kumashops hazvingabude ,saka ndakasarudza kutenderana naye musi uyu"
Zuva rakatevera ndakanyepa kuti ndiri kuyenda kubasa, sezvo ndayida kuti asazoshamisika kana ndobuditsa imwe mari.
Ndakatoshanya zvangu kwakaroorwa hanzvadzi yangu inonditevera
ndiko kwandakarara ndokudzokera kumba kwayedza.
"Well, mungazoshaya kuti sei ndakashanya kuhanzvadzi.
Mumba medu tiri vana vashanu, inini ndiri wenumber 2 apa ndini ndega mukomana vamwe vese mapfumbidza kumwe ndosaka muchivona baba vangu vachizama zvavo kuda kundidzidzisa kufamba munzira dzakanaka."
Madzisisi angu akaroorwa maviri, asi kwandinofarira kushanya ndekwe hanzvadzi yangu yekutanga.
Murume wake haanyanye kuwana, anoziva chinonzi nhamo saka haatotsvinye zvachose, munhu akasunungunuka kwazvo.
Ndakabatwa zvakanaka kumba kwemukwasha, ndakangonyepa kuti ndine basa randawana munharaunda mavo sezvo ndayida kuti vandigamuchire pamba pavo kwezvimazuva zvakati wandei.
Zvese izvi kwayingova kuyitira kuti mudzimai wangu asazvibatanidza kuti ndava kuita basa rekuba.
Rukudzo ndinomuda nemoyo wangu wese, saka ndichazama nepandinogona napo kuti asambofunga pfungwa dzekundisiya.
Rukudzo akafara kwazvo kundivona ndichisvika kuseni, iye ayingoti ndiri kubva kubasa asingazive zvake kuti ndayitobva kwanguwo.
Nekuda kwemufaro waakandiratidza ndakatovona kuti plan yekundorara kumba kwemukwasha ndiyo chaiyo, saka ndakanga ndava kungoti kana kwava kudoka ndoyendako ndobva ndadzoka kuseni.
Izvi ndakazviita mazuva mashanu, pakudzoka ndayingobuditsa mari zvishoma nezvishoma ndichipa Rukudzo ndonyepa kuti ndiyo yandahora.
Pamwe pacho ndayiti nonokei kudzoka, ndobva ndaburitsa yakati wandei ndonyepa kuti
" ndapiwa ma overtime kuti nyaya dzacho dzibatane."
Mudzimai wangu akawedzera kuva nemafaro, chero patakazoyenda ku shopping aiwa akanyatsotenga zvese zvaaishuva munguva yataive tisina mari.
Zvinhu zve preparation zvitsva, uye mubhedha chaiwo nemagumbezi manyuwani.
Kurikutendwa , ndakatendwa nemutupo kasingapere zvekuti ndega ndakanyatsokunzwa kuti ndiri murume akakwana.
Nechemumoyo ndayingoti
"Makazviita henyu va Hairove"
Takangopedza vhiki imwe chete tabva kushopping, Rukudzo akabva azobatsirwa nemwana mukomana.
Kutaura chokwadi ndakafara, mufaro wandakava nawo handigone kunyatsoutsanangura.
Hama dzangu dzese dzakafara, kunyanya vabereki vangu nokuda kwe mwana mukomana wandainge ndapiwa na Mwari. Vari sa amai vangu, kugarisika chaiko vayiita kukundikana zvekuti vakabvisa mbudzi yavo imwechete yoga yekukumbira kuti vatumidze mwana zita.
Takavatendera ndokubva vakati
"apa tapiwa na Ishe, saka muzukuru wangu anonzi Tapiwa"
Hatina kupokana nazvo, nokuti takavona rakakodzera zveshuwa.
Kuzvarwa kwakaitwa Tapiwa mumba medu makawedera mufaro, neniwo rudo rwakawedera kumudzimai wangu.
Takagara dzinokwana kuita mwedzi mishanu ,ndichizama chose kuyitira mhuri yangu zvese zvaingangoshuwa.
Mari yandainge ndakahoreswa na Hairove yakasvika pakupera.
Zvekuti mhuri yangu itambudzike ndizvo zvandayisada saka ndakayenda kwa Hairove kuti ndinonzwisisa kuti
"Sei asingachandideedze kubasa"
"Akataura kuti baba vangu vainge vakambomushanyira vakamuvudza maviri matatu saka haade zvake zvemashoko"
Ipapo ndakangomuvonesa kuti
"ndine mhuri sarudzo ndeyangu saka ndinokumbira asaterera baba vangu"
Ndichidero akabva ati
"hapana chakaipa asi ndinofanira kuva careful this time"
Ndakafara kwazvo nekunzwisisa kwake.
Ndakakatanga kubatana na Hairove tichiyenda kundoba kwakasiyana siyana tichitengesa.
For sure pamwe zvayisareruka, nekuti tayitombobatikidzwa asi chandayizongofara ndechekuti
"tayikunda kutiza nehupenyu hwedu"
Basa rekuba rakazosvika pakundipinda mumabhonzo chaimo zvekuti rakanga rava kundinakidza sezvo zvainge zvava kunyatsondifayira.
Masikati ndakanga ndava kuswera ndiri mudhorobha ndichiita zvemoney exchange nekutengesa ma airtime , kana mukana wamuka toyenda kundopaza.
Hupenyu hwangu hwakatanga kuchinja, zvekuti pa 2 yrs ndakakwanisa kuvakisa imba yangu yakanaka chaizvo nekutenga madhonza angu maviri.
Vanhu havana kumbozvibatanidza vayingoti "kuchinja mari kurikumufayira, Mwari amuzarurira.
Vari sababa vangu vayifara, nekuti ivo vaive nechokwadi kuti ndakasiya kushandidzana na Hairove"
Mukushanda na Hairove ndakanga ndisina dambudziko asi rakazoti rimwe zuva raakataura achiti
"Yava nguva yekuti tishande tega Dyson, uyu Trust ava kurwara nechirwere che asthma anogona kuzotibatisa rimweni ramazuva akundikana kunyatsomhanya"
"Munovona iri pfungwa yakanaka here boss?"
"Hongu ipfungwa yakanaka iyi, ikozvino ndava kuziva kuzvitsvakira macustomers ndega iwewe wajaira basa redu saka rubatsiro rwa Trust haticharude zvachose. Tinofanira kuzviiyitira tega, kuti nesuwo tiwane mari refu pasina kugovana takawanda."
"Inini handina chekutaura ndiripo pakutevedzera zvamunoda, nokuti ndimi mutungamiriri" ndakataura vakabva vati
"Good, mangwana tiri kundoba copper ende ndine chivimbo kuti ichatipa mari yakawanda kwazvo zvekuti mukuyitengesa kwatichaita aiwa ndavona tazova vapfumi vanoverengwawo pavamwe mwanakomana."
"Umm sei masarudza kuti tiyende ku copper nhai, chinhu chiya chinochengetedzwa zvekuti hachibike zvenhando "
"Don't worry Dyson, tava ma professionals pabasa iri hatimbobatwe.
Chokwadi ndechekuti ndava kuita ndichinzwa nyama dzangu kuneta 15yrs it's not a joke ndichiita basa rimwe chete iri.
Vana vangu vakura vava ma business man zvinova zvandayishuva saka ndava kuda kuchisiya zvekuba.
Iyi ndo target yedu yekupedzisira, saka ndinongokurayisisa kuti kana wazowana mari uvhure bussiness hombe newevo uchisiya chibasa ichi hachina kunaka zvachose" vakadero zvavo vachiseka.
Va Hairove zvimwe ndezvimwe humbavha zvavo asi vayisave nemoyo wakaipa kwandiri, vayitondifarira zvandayivonawo.
Mukushanda kwese kwatayiita vayiti chero tikange toda kubatwa ,vayi maker sure kuti vandizvuzvurudza kuti ndisasara.
Ndayimbovabvunza kuti sei vachidero, vayibva vataura kuti
"Vanongondivona semwana wavo, saka havade kundivona ndichisara pakaoma"
Takazotenderana kumbozorora mazuva matatu kuti tichiyenda kundoba kekupedzisira.
Inini hana yangu yaingorova handizive sei asi ndakazvivudza kuti
"handifanire kudzokera kumashure at least not pazuva rekupedzisira aiwa ndayisafanira kudero"
Zuva ratainge tarongana na Va Hairove richikwana ndakatanga kugadzirira , Rukudzo ndayinge ndatomuudza kuti
"ndasheedzwa ku peace job kwangu"
Pandakanga ndava kuda kubuda Tapiwa akatanga kuchema achiti
"dad, dad" ayidero akatendeka kwandiri
"Yes my boy" ndakadero ndichimusimudza ndokutanga kumunyengetedza kuti asachema asi mwana haana kunyarara.
Mwanakomana ndinoziva haade kuparadzana neni , asi zvemusi uyu zvaive zvanyanya.
Akapangura zimhere randakatya naro.
Ipapo Rukudzo akataura achiti
"kuchema kwayita Tapiwa hana yangu yarova , please don't go hun"
"Kwete sweetheart , kubasa ndinofanira kutoti ndiyende nekuti havana umwe munhu wavangaisa ndinenge ndava disappointer zvachose havangazofare neni"
"I understand daddy, but hana yangu haina kugadzikana zvachose please ndokumbirawo zvanhasi mungogara pano" ayidero achinditi mbunde apa achitotanga kusvimha zvake.
"Haa Rukudzo ndiye umwewo, uyo ndichandagwinyira zvake kana arutanga haadzokere kumashure"
Ndakavona kuti kuto pretender ndokwega kunoshanda saka ndakati
"it's okay hun, handina kwandichayenda" ndayidero ndichitokumura bhutsu
ndokubva ndazokwira pabed ndokurara nhema.
Pakarara Tapiwa Rukudzo akabva anyatsondinamira zvekuti kungozama kushanyarika aibva andibata ruvoko.
Ndakasvika pakuisira boss message kuti "ndinosvika asi ndichati nonokei"
Sezvatinoziva tese kuti hope hadzina mugoni, yakazoti nguva dzoda kuyenda pakati pehusiku ndakavona kazvirasira kure zvako kamunhu kangu zvikati nemavato aripowo.
Ndakangonyemwerera ndokubva ndataurira mumoyo ndichiti
"i am sorry Ruru, zvese izvi ndiri kuyitira iwewe"
ndayidero ndichitobuda ndokubva ndandosangana na Hairove.
Akafara nekundivona nekuti ayitotaura kuti aifunga kuti zvimwe ruchagurwa negurwe rwendo rwedu.
Takazoyenda kwacho kwataida kundoba, hana yangu yaingorova asi ndakashamisika zvese zvichifamba zvakanaka ende takatotengesa husiku ihwohwo sezvo ma buyers ainge avuya mu areas.
Tichipiwa mari yedu vakabva vayenda zvavo, isusu ndokutanga kuverenga tichigovana mari.
Apa yaive yakawanda zvekuti ndega ndainzwa ka hana kachiwedzera kurova kuti ndini here ndabata mazakwatira akadero.
Munguva yatakanga tava kuti tichiparadzana sezvo taingove pedyo nekumba ndakashamisika kunzwa inzwi ra Trust richiti "...."
Ipapo Hairove akaita zvinhu zvakandishamisa, kugara kwese ndayisamboziva kuti anofamba nepfuti nekuti akabva ango "....."
End of chapter 3
Stay tuned
Bhuku rachitanga manje
Ngatigarei mu comment section murinzwe Joko rehuranda richatakudzwa *Rukudzo*
Ndinoda kuti muwane chamunodzidza mubhuku iri vana amai nana baba kana tiri muwananano.
[06/10, 21:52] Mai Rockstar: *JOKO REHURANDA*
Story by
mªi *£ex*
+263 78 670 1118 /
№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³
https://whatsapp.com/channel/0029VaFhlo91CYoJTe70A63O :
*Kunotanga kusvikira bhuku follow this channel*
https://whatsapp.com/channel/0029VbA8LFfGJP880aGYew3F :
*Vanoda ma books akapera kare kindly follow this channel*
https://chat.whatsapp.com/J4yZGFJvwxM046E8RoAiIv :
*main group*
Chapter *4*
*RUKUDZO*
Ravanondideedza naro rinonzi Rukudzo, iri izita randakapiwa na baba vangu ndiko kuvudzwa kwandakayitwa.
"Hupenyu hwangu ndakakura ndiri munhu wekutambura.
Vabereki vangu vakashaya ndichitori ku primary chaiko ,ndokusara naamai vababa vanova mbuya Masiyambiri"
Mbuya vangu vakazama chose nepavaigona napo kutaka shomhwe vachitengesa kuti vandipe hupenyu hurinane asi zvairamba zvakaoma.
Nokuda kwekutambudzika kwavaita ndichivona ndakazvivudza kuti "handizombofe ndakaita zvinovarwadzisa moyo"
Ndakatanga kudzidza nesimba ende ndayigona kwazvo, zvekuti ndayive munhu ayiyemurwa kunyangwe nevadzidzisi chaivo.
Zvese izvi ndakakwanisa kuzviita ndisati ndapinda murudo.
Akazovuya mwanakomana wekwaMapfaka muupenyu hwangu, akabva andinyengetedza kusvika ndabvuma kuroorwa ndisati ndapedza chikoro.
Ndakava nebundu mumoyo pandakavona Dyson achikundikana kundichengeta sekundivimbisa kwaainge akaita kuti "achandiyitira zvese zvandinoda, uye kuchengeta mbuya vangu"
Ndakarwadziwa zvekuti ndayigara ndakamutaurira anogara pamoyo.
Chandayida ndechekuti angondibvisira gupuro ndibve ndangodzokera zvangu kumba kwedu , asi Dyson haana kuita sekudero.
Paakazotanga kumwa doro ipapo ndipo pandakanzwisisa kuti ndakanga ndava kutadzira umwe wangu, saka ndakachera chikomba ndikapfira ndikazvivudza kuti "ndinofanira kugamuchira zviripo, ndoda umwe wangu sekundidawo kwaanoita."
Zvisinei Mwari akanzwa kukumbira kwangu kuti murume wangu ambozarurirwawo chinhu chinonzi basa.
Dyson akatanga kushanda, hupenyu hwedu hwukatanga kuchinja sezvo ayimbobata twuma piece job twayibhadhara kwazvo.
Ndakaramba ndichiwedzera kunamata, kuti Mwari arambe achizarurira murume wangu.
Rimwe zuva munguva dzakanga dzava kuda kubuda baba Tapiwa kuti vayende kubasa mwanakomana wedu akachema.
Ipapo hana yangu yakarova zvekuti ndakazvivudza kuti
"handizovatendere vachibuda."
At least vakazobvuma zvavo kurara asi ndayivavona kuti pfungwa dzavo dzayisave panzvimbo ,zvinova zvakazondipa kuti neniwo ndisatomborarawo.
Pandakavona vachingoramba votarisa nguva pafoni yavo, ndakabva ndanyepedzera kunge ndarara.
Ipapo vakamuka ndokubva vapfeka bhutsu dzavo inini ndakabva ndavasvorera.
Ndakavona vachinditarisa ,ndakakurumidza kumavhara maziso, ndikazonzwa vava kubuda.
Vachingobuda chete ndakazvivudza kuti ndinototevera chete.
Ndayida kuvona kuti kunombova nei kwavainge vavavarira kuyenda ikoko.
Ndakaisa mwana wangu kumusana ndokubva ndabudawo ndichitora nzira inoyenda kutown.
Dyson handina kumuvona, chandakavona imota ya mudhara Hairove.
Ipapo hana yangu yakawedzera kurova, nokuti ndakava nekufungira kuti ndimo maanga akwira.
Ndakadzokera zvangu kumba asi hope hadzina kundibata.
Papera chinguva ndakazonzwa mudhumo wemota divi reku dust road, apa kwainge kwava kutotanga kuda kuchena.
Munguva iyoyo ndakazvivudza kuti
"Tapiwa ndotombomusiya, ndakangosiya ndisina kunyatsovhara door kuyitira kuti kana ayizomuka awane kuyenda kwa mbuya vake sezvo ndayisaziva kuti ndayizodzoka nguvai.
Ndakatanga kukanda mazinhanho ndichiyenda kwandainge ndanzwa mudhumo.
Motikari yacho yairatidza kuti yanga yadhuma iri chinhambo asi ndakazama chose kuita zvekumhanya.
Ndichisvika pedyo, ndakarohwa nehana zvekuti ndakakurumidza kuhwanda nezvikwedzi kuti ndisavonekwa.
Mashoko andakataurira mumoyo akava ekuti
"Ko ndakayitei nhai Mwari?" Ndakazvibvunza mubvunzo uyu ndakatarisa murume wangu uyo aive akabata pfuti muruvoko rwake, akatarisana neumwe murume ainge akamira akasimudza mavoko ake mudenga.
Dyson paakangoda kuti apfure murume uya ndakakurumidza kutaura ndichiti
"noo ,hun!"
Ndayidero ndichibuda muzvikwenzi mandaive.
"Rukudzo, what are you doing here?" Akabvunza Dyson achiratidza kuvhunduka nokuti akakandira pfuti pasi.
Achingoyiti pasi, murume uya wekusimudza mavoko mudenga akabva amhanya achinhonga chibhegi chaive pana va Hairove avo vainge vakarara apa vakazara ropa mumusoro wavo ,vakazendama padombo rakakura kwazvo.
Hana yangu yakatanga kurova, nokuti ndega ndakanyatsovona kuti vakanga vasisina hupenyu.
Dyson akatanga kurwidzana nemurume uya akabva ati
"hapana chako pano Trust, zvirinane uyende zvako ndisati ndakukangamwa kuti unorwara!" Ayidero achimurova zvine simba.
Murume uya akatanga kugomera, ndokubva akataura achiti
"ndabvuma kuti uri murume Dyson.
Ndinokumbirawo uchindisiya ndiyende zvangu, ndinokuvimbisa kuti hauzondivone zvekare"
Dyson akamusiya ndokubva ataura achiti "handisi muvengi wako Trust, Hairove ndiye akazvironga kuti tichisiya kushandidzana newe.
Inini newe hatifanire kudzvara ruvengo zvachose nokuti hatina kutadzirana.
Tora zvako mari iyi uyende , neniwo ndava kutobva pano" ayidero achimutambidza mari yainge yakatowanda.
Trust wacho akataura achiti
"ndinotenda nemoyo wako une rudo, chero zvikanzi zvaoma sei ndinokumbirawo usataura nezvezita rangu kunyangwe neni ndinokuvimbisa kuti zvese zvatakaita handina umwezve wandichavudza.
"Ndakunzwa umwe wangu.
Yatodeka iyi, saka tava kutogamuchira zviripo kuti isusu vapenyu tiwane kuchengetedzeka, muchidimbu ndiri kungoti iwewe neni hatizivane"
akataura Dyson
Trust akatanga kufamba achiyenda, ende ayitovonekwa kuti ava kutoyenda zvachose nokuti ayiita zvekutomhanya.
Inini ndakazoyenda pana mudhara Hairove, ndokubva ndabata ruvoko rwavo.
Hana yangu yakawedzera kurova nokuti vakanga vangova chando.
Vayiratidza kuti vanga vava nechinguva vatofa zvavo ,apa vaive vakaita kuvhura maziso avo ese.
Munguva iyoyo ndakabvunza ndichiti
"you killed him Dyson?" Ndakadero ndichibata musoro wangu uyo wainge wava kutanga kupisa, uku misodzi ndichiyeredza.
"Handina wandavuraya"
"Haundivudze kudero mhani iwewe nokuti VaHairove vafa ava.
Why Dyson why?" Ndakadero ndichidzana dzana ndichinzwa ndiine kutambudzika kukuru kwazvo.
"Iwe Rukudzo , mwana wangu wamusiya nani zvauri pano.
Zvekare waziva sei kuti ndiri kuno?"
"Zvese zvauri kundibvunza hazvina kana maturo, inini ndirikuda kuziva kuti sei mavuraya baba vevanhu?"
"It was an accident "
"Accident you say?"
"Yes Rukudzo, kwava kutoda kuchena tinofanira kubva pano nekukurumidza vanhu vasati vatanga kufamba" akadero ava kusimudza chibhegi chayiratidza kuti chichitori neimwe mari yakawanda kupfuura yaanga apa Trust.
"Hakuna kwandiri kuyenda kana ndisina kunzwa kuti zvafamba sei, uye sei uchida kutakura mari yeropa iyi unoda kuyenda nayo kupi?"
"Zvizhinji tondotaura tava kumba, let's move from here!" akadero achindidhonza apa achisiya marangwanda ava Hairove achingove paaive.
Akatanga kumhanya akandibata ruvoko , achiita zvekundidhonza zvinesimba.
Inini hana yangu yaingowedzera kurova nokuti huso hwa mudhara Hairove ndayingohwuvona mumaziso angu.
Tichisvika pamba akandisundira mu spare room, ndokubva akakiya door nekunze.
Hameno zvaakazoita asi ndakanzwa kunge ayidhiga handizive zvangu kuti ayitimbei, zvimwe zvacho handina kunge ndada kuzviisa mumusoro sezvo inini ndayingofunga kuti
"Chokwadi Va Hairove vatofa , ende vavurawa newangu murume"
Ndakagara mu floor ndokubva ndatanga kusvimha, ndichidzungudza musoro wangu.
Ndiri mukuchema ndakanzwa inzwi rakataura richiti
"iyi Mhosvahayirove zvachose, endai mundozivisa vehukama hwangu kuti ndafa nekupondwa!
Mukadzi wangu ne vana vangu vese vanofanira kuziva nezverufu rwangu"
"No, no , no , no!"
ndakadero ndichibatira kumadziro ndichinzwa kutya
"Hahahaha, ngozi !
Ndati chenjerai ngozi...!!" rakaseka inzwi zvaive so weird.
Ndakasimudza musoro, ndokubva ndikavona mumvuri chete uchiti nzvesu zvekuti ndakatanga ku screamer.
"Rukudzo " Akadero Dyson achipinda mu room yandaive.
"Ndakawedzera kuita ruzha ndakavhara nzveve dzangu ,apa ndakatarisa kwaaive.
"Calm down babe, you have to calm down" akadero achindiswededza pedyo naye.
Ndakatanga kufemera pamusoro ndokubva ndataura ndichiti
"he was here just now, please honey handei tinozivisa hama dza VaHairove kuti hama yavo yafa"
"No sweetheart, hapana patingayita izvozvo tinenge tazvitsvakira jere.
Patasiya mutumbi wa VaHairove panzira chaipo zvekuti zuva rinozosara kubuda vehukama hwavo vatonzwa nezvekufa kwavo saka rega kufunga nezvenyaya iyoyo"
"Iyi ingozi yawaunza mumusha Dyson, wadireiko kuita izvi?"
"Handina ngozi yandaunza mumuusha babe, VaHairove handisi inini ndavavuraya"
"Saka vavurawa nani?"
"Vanga vachida kuvuraya Trust.
Mukurwidzana vazoshaya balance vakabva varovera padombo ,ndokufa kwavazoita.
Kutaura chokwadi Va Hairove havana munhu avavuraya"
Chero zvakadero waisafanira kutora mari Dyson, wayifanira kuyisiyapo.
"Unodero nokuti hauzvinzwisise Rukudzo, i worked so hard kuti mari iya ivepo hapana pandayizoisiya ichitorwa nevanhu vasina kuyishandira izvozvo ndaramba.
Ndine shungu chose dzekuti ndindozivisa vanhu nezverufu rwa Hairove asi inini ndava kutyira hwangu upenyu.
Kungozvitaura chete ndichabva ndanzi ndini ndavuraya, ende ndichazikamwa kuti ndini ndayifamba ndichipaza nzvimbo dzakasiyana siyana ndakabatana na Hairove aiwa
i can not take the risk" ayidero Dyson achibuditsa fodya ,ndokubva a lighter ndokutanga kuputa.
Hama dzangu ndakapererwa, ndakazvibvunza mubvunzo wekuti
"what am i getting myself into?"
Asi mhinduro ndakayishaya.
Ndakatanga kuchema ndakabata musoro wangu, Dyson akayenderera kumberi nekuputa fodya ,apa maziso ayinge achitsvuka kuti piro achiratidza kuti ainge achizama kudyorera misodzi.
Papera chinguva akazotaura achiti "zvirikwauri Rukudzo, kana uchida kuyenda kundo reporter kumapurisa kuti ndiri mbavha enda handisi pakukurambidza. "
Kana uchida zvekare kuvazivisa kuti
"Ndinoziva nezvekufa kwa Hairove enda, asi usati wayenda gara uchiziva kuti zvese izvi ndayizviitira iwewe kuti uwane hupenyu hwakanaka"
"No Dyson i didn't ask for this"
"Ohh Yes, you did Rukudzo.
Dai pasina pressure yako nemashoko anodzimba pamoyo ndingadai ndisina kana kumbofunga kundoba inini.
Handide kutaura zvakawanda kwauri asi ndava kungosiya sarudzo mumavoko ako.
Kana uchida kundondisungisa wakasununguka kwazvo, asi wobva wagadzirira kuziva kuti wangu mwana uchamuvudza mashoko api!" Akadero achisimuka ndokubva abubuda panze.
Ndakasimuka ndikatanga kufamba ndakabata musoro, uyo wayiwedzera kurwadza.
Chokwadi Dyson ayinge andiisa pakaoma zvekuti ndakatadza kuziva kuti ndoyita zvekudini chaizvo.
Ndakafunga kumboyenda kundozivisa mbuya vangu, asi ndakavona kuti
"kwete, avo vayibva vangoita kuti Dyson atoyenda kujere"
"Kutaura chokwadi Dyson ndinomuda, kurarama ndisinaye ringava dambudziko aiwa ndakasarudza kunyarara"
Shungu dzangu dzakazoperera pakuyeredza misodzi, ndakapfugama ndikanamata kuna Mwari kuti vandipe rusimbiso ndigone kuchengete pfimbi iyi muhana mangu ndisawana wandinovudza kuti mhuri yangu ichengetedzeke.
Chandaifanira ku maker sure , ndechekuti Dyson asatomboshandisa mari yaainge aunza pamusha pedu aiwa apo ndayifanira kumira saamai vemusha.
"Ndakabatira rushaya, ndichifunga kuti ndichamugona sei murume wangu"
"Ndichiri mukufunga, ndakanzwa kuridzwa kwemhere. Nenzwi chete ndakaziva kuti mukadzi wava Hairove.
Ipapo ndakasimuka ndokubuda panze"
Ndakanzwa vamwene vangu vachiti "kwayitikeiko, mudzimai wa va Hairove apfuura apa achipangura mhere?"
Vatezvara vangu vakati
"handina chezivo, asi ndavona vanhu vakaungana kumhiri uko handizive kwanyanyoitikei chaizvo"
"Tadii tayenda tandovona baba, pamwe hakuna kumira zvakanaka " akataura Dyson
"Handei tese.
Mai Tapiwa vuyai tiyende kurikuyenda vamwe" vakataura vamwene vangu
"Dyson akanditarisa ndokubva akadzungudza musoro, zvekuratidza kundirambidza"
Ipapo ndakazongozvishingisa ndokutaura ndichiti "hatingazobve tese pamba, chiyendai inini ndisare sezvo Tapiwa achakarara"
"Zvakanakai muroora" vakataura vamwene vangu vachisunga zambiya ndokubatana nevamwe.
Inini ndakasara ndichitura mafemo kasingapere, ndiine kutambudzika kukuru kwazvo zvekuti ndakazongonzwa matama angu atanga zvekare kunyorova nemisodzi
"Haiwa murume wangu ainge anditakudza joko rinorema.
Kutaura kuno moyo wangu unekutambudzika kukuru kwazvo zvekuti ndinongoti kudai Ishe vandikundisa...."
End of chapter 4
Stay tuned nema comments....
Rukudzo agona here zvaaita, zvekare Hairove ane kodzero here yemukira mhuri yekwa Mapfaka iye asina amuuraya?
Let's find out pachapter
Now bhuku redu rava pachapter 18 saka pindai muzoverenga ne link.
Kusvika na 6.am link rinenge rabvisa.
❤️
👍
😢
😮
4