Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
June 18, 2025 at 07:50 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaHptqd7Noa7d4X46k0F FOLLOW MY CHANNEL FOR MORE CHAPTERS... DESTINY ⚘️ STORY BY CATHY CHAPTER 1 Ndichisvika pagedhi repaMatoranhembe High School pachikoro pandaidzidza,yakangova congratulations Kundi kumunhu wese wandaisangana naye.Ndakabva ndangoziva kuti zvangu zvainge zvaita asi ndaingosekerera hangu mumoyo ndongogumira mukuvamhoresa chete vanhu vacho pasina zvandaivabvunza.Pandaive ndoda kusvika pa-Administration block ndipo pandakabva ndaona my formal class teacher Mrs Nyamadzawo ende ivo vachingoona chete vakabva vatomira,ndokubva vandisheedzera zvikanzi"my daughter." Ndakawedzera hangu kusekerera ndokusvika pavainge vamira pacho ndikavapa ka-side hug ndikati"makadii henyu ma'am"zvikanzi"l'm good dear,urisei hako iwewe?."ndakabva ndati"ndiri right hangu ma'am,riri sei basa renyu nepano"zvikanzi"basa ririnani haro ende kana muchitifadza kudai zvionyatsoendeka manje nekuti tinenge tichiziva kuti tinenge tisingashandire mahara."Ndakabva ndanyepera kuzungaira ndikati"saka zvakamira sei mukati umu,ndiri kungonzwa kaa munhu wese wandiri kusangana arikungonditi congratulations." Vakabva vatoshamisika zvikanzi"asi hauna kusearcher wo kani sezvakaita vamwe?" Ndakazunguza musoro wangu ndokubva ndanyepa hangu ndikati"kwandaive kwainetsa network zvisingaite ma'am saka handina kukwanisa kumasecha." Ndakanyepa hangu ndichidaro asi chokwadi chaiva chekuti ndaisatombova nephone yacho yaita izvozvo.Ivo vakabva vangonzwisisa zvikanzi"horait, its okay haisi hayo nyaya,uchangomaona nhasi wacho but inini handikwanise kukuudza manje nekuti hazvisi pamutemo saka enda unongozvionera wega ku-office kwaDeputy Head uko ndiko kwaari." Semunhu wandainzwanana naye zvakanyanya ndakatombozama kuvanyengerera kuti vangondiudzawo nekuti hana yangu yaive isisina kumbogadzikana ende ndaitonzwa kunonokerwa nekuda kuziva but vakarambisisa chaiko kunduidza.Ndokubva ndazongosiyanawo nazvo,ndatoona kuti vaisada kumbondiudza zveshuwa ndikati"horait ma'am,regai ndinopedzesa hangu kubhadhara mari yaive yakasara ndinoona kuti zvakamira sei." Vakabva vati"horait mwanangu asi kana uchinge wapedzerwa uzopfuura neku-office kwangu uku uchindiona,pane zvandoda kutaura newe usati waenda." Handina kumboita dambudziko nazvo hangu,ndakabva ndangovati"horait ma'am ndinouya" Ndiko kuzopesana kwandaita navo ipapo ndave kuenda hangu pa-reception pandaida kutanga ndasvika.Ndichisvika ndakawana patorina Bursar munyowani,ndikatoshaiwa kuti ayinge achinjwa rini? Ndakamupa mari yangu ndichibva ndamutaurira nyaya yangu. Achibva anditi"hoo,ndiwe Kundai wacho nhai adai kunetsa pachikoro panapa" Ndakabva ndangosekerera futi zvenhema ndichimutambidza receipt randaive ndapedzesera kupihwa pandaive ndapedzesera kubhadhara, achibva atanga kunyora muchi-book chaive pamberi pake ndokubva azonditambidza receipt nyowani.Ndakabva ndamubvunza ipapo Deputy head vacho vaiveko here ku-office kwavo zvikanzi"ehee ndavaona vachipinda manje manje and handisati ndaona kubuda kwavo."Ndakabva ndangomuti"thanks." Ndokutosimuka ndakananga ku-office kwaDeputy head kwacho asi hana yangu yainge yarovera mumukanwa chaimo zviya zvekutya.Ndichisvika ndakarova kasoft knock kangu ndichibva ndadairwa kunzi"come in"ndokubva ndapinda ndakatsikitsira musoro asi ndakazousimudza pandakatanga kuvamhoresa ndikati"makadii henyu Sir."Ndakaona vachisekerera ndokubva vati"aah it's you Kundai" Ndakabva ndangogutsirira musoro wangu zvikanzi"gara hako pachair apa mwanangu"vaidaro vachireva pachair yaive yakananga ne-offfice desk ravo.Ndakabva ndagara hangu zvikanzi"Saka how are you my daughter"ndikati"l'm good and you sir"zvikanzi"l'm good hangu,wauya kaa kuzo-collector zvinhu zvako."Ndakabva ndagutsirira musoro kubvumira zvikanzi"okay,candidate number yako ichii zviya?"ndakabva ndavaudza.Ndokubva vatora chimwe chi-envelope paive nezvima files zvaive zvakangowanda wanda, ndokubva vangozvomora kwamwe kaslip kavakazonditambidza kakapetwa asi ini ndaive ndobvunda chaiko ndichikatambidzwa kudaro.Ndichikavhura ndakangoona mutserendende wema A's ndichibva ndangotarisa Deputy Head vaya zvekushamisika vakanditi"congratulation my daughter,wakatidadisa wena pano and you are our top student" Ndakango-smiler ndichibva ndati"thank you Sir"asi ndaitonzwa kuda kujamba jamba nemufaro mu-office mavo imomo but ndakazongozvidzora hangu plus nekunyara chaiko ivo vakabva vanditi"so,what are your plans?" Ndakabva ndati"parizvino handisati ndaziva kuti ndiri kuita sei?"vakabva vati"horait,its okay my daughter asi kana uchinge wangofunga kudzoka futi pano wakasunuguka hako"nl Ndakabva ndangoti"horait Sir,thank you"zvikanzi"l wish you the best kwese kwauchaenda mwanangu ende urambe uchidadisa futi" Ndakavatenda futi ende ndiko kuzoonekana kwandaitawo navo ndichibva ndabuda mu-office mavo.Mupfungwa dzangu ndaingoda kungonanga kumba kwedu straight nekuti ndaitononokerwa kunoratidz mhama asi pandakazorangarira kuti Mrs Nyamadzawo vaive vati ndizopfuura ndichivaona ndakabva ndangonanga ku-office kwavo kwacho. Ndakasvika variko zveshuwa, vachibva vangondibvunzawo same mubvunzo wavainge wabvunzawo naDeputy Head.Ndokubva ndangovabudira pachena futi kuti ndainge ndisati nemaplans ende ivo semunhu ayiziva situation yekumba kwedu, vakabva vangokasika kunzwisisa vachibva vangoti"ndine imwe cousin sister yangu inokwanisa kukupinzisa kuZPCS,hameno kana uchikuda hako.unongouya uchindiona kana kundifonera hant number dzangu uchiri nadzo?" Ndakabva ndagutsirira musoro ndikangoti"horait."Ende ndiko kwazova kuonekana kwangu navo futi kekupedzesera.Ndini uyu kufambisa ndakananga kumba kwedu. Ndaive ndatononokerwa nekuti ndisvike zvekuti ndichingosvika ndakabva ndatanga kusheedzera mhama vangu ndichiri kuroad chaiko,vachibva vabuda mukitchen yedu yehuswa vachitoratidza kunetsekana kuti chii chaitika zvikanzi"kwakanaka here iwe kwaunosvika uchikwamatata seunopenga kudaro nhai Kundai?."Ndakabva ndati"huyai mutambire mwana wenyu kani mhama"vakabva vatoseka havo zvikanzi"ende unotopenga iwewe chete Kundai."Ndakabva ndafamba hangu ndikasvika ndichivambundira zvemufaro chaizvo zvikanzi"ko chiiko nhai? Wafariseiko kudaro."Ndakabva ndangoburitsa karesult slip kangu ndokubva ndavatambidza. Vakaita kanguva vakakatarisa ndokubva vazongobata muromo wavo vachinditarisa ndikati"l have made it mhama"vakanyemwerera zvemufaro chaizvo zvikanzi"ndeako here aya mwanangu?"ndakabva ndati"ehe mhama asi hamusi kunona here pakanyorwa zita rangu?" Vakabva vatanga kuridza mhururu uku vachitambirira, zvekuti vamwe mai vataingowirirana navo vaigara panextdoor pedu vainzi mai Rugare vakabva vauya vachida kuona zvavaifarira mhama.Ndokubva varatidzwa karesult slip kangu ndokubva vandisimudza mudenga chaiko vakatanga kubatsirana namhama kufara ende vainyatsoraitidza kuti vainyatsofara zvemachokwadi chaizvo nekuti vakabva vatondipa ka$10 zvikanzi"watidadisa mwanangu,wozotenga zvaunoda nekamari aka ndiyowo present yako".Ndakafara zvisingaite ndikavatenda. Chataifarira apa ayiva maresults angu e-o'level yandaive ndanyora gore rakapera ndokubuda hangu ndine 12 straight A's gore iroro.That was another record yandainge ndavasetera paMatoranhembe High School ende ini wacho nema circumstances acho andainge ndanyora aripo ndaisambofungira kuti ndichipasa zvakadaro,yes kugona ndaigona hangu asi ndaisambofunga kuti ndichabuda nema A ega ega.Mhama vakazonditi"chitoenda unofonera hanzvadzi yako izvozvi umuudzewo kutidadisa kwawaita mwanangu."Hanzvadzi yangu yavaitaurwa apa ndiyo yaiva first born mumba medu.Mumba medu macho taive takangoberekwa tiri three chete.Kwaitanga ivo mukoma Tonde,kuchitevera sis Patience kuchizopedzesera hangu inini Kundai ende ndini ndaitova gotwe asi pamusha pedu patagaira kwaMurombedzi taive tazongosara tiri two hedu namhama nekuti mukoma Tonde vainge vakugara kuChinhoyi kwavainge voshandira nemhuri yavo then sisi wo Patie vaigara kuHarare nemurume akanga avaroora ende ivo mukoma Tonde vandainzi ndifonere ndivo vainge vatondi-regestera form four yacho.In fact ndongoti kubva zvavaiva vatanga kushanda ndivo vaive vondibhadharira school fees yangu.Vangu Baba vaifanirwa kunge vane responsibility yacho ndakangokura ndichingonzwa kuti vakangoenda kuBotswana ndichitori netwo years chaidzo vachiti vari kuenda kunotsvaga basa ndiye kwakaenda imbwa ndiko kwakaenda tsuro ende hapana ayitomboziva kuti vaiva nechapi chaipo kana kuti vaiva vapenyu here?.Mhama ndivo vainge vazongotikudza sa-single mother and havana kumbobvira vaitawo pfungwa dzekuzoroorwa futi saka Zvadaro ndakazoenda hangu kubedroom kwaive nephone yavo mhama,ndiyo yandaitoshandisa panguva yacho, ini ndaisava hangu nephone yandaiti yangu. Ndichisvika ndakavafonera mukoma Tonde asi call yacho yakabva yadairwa nemukadzi wavo ndokubva ndatomumhoresa zvakanaka naka samaiguru vangu but madairirwo acho andakaitwa,ayita sekunge munhu ayimanikidza kutaura neni asi hazvina hazvo kunyanya kundishamisa nekuti ndiwo waitova mutiiro wavo kwatiri ende hameno kuti why vasanyatsotifarira namhama saka handina kunyanya kubatikana hangu nazvo. Ndakabva ndavati"varipo here mukoma Tonde padhuze ndoda kutaura navo?"zvikanzi"kana dziri nyaya hadzo dzemari dzamafonera Tete,hatitomborina kana cent isu kuno tichitori takarohwa naJanuary diseases."Ndofunga ndizvo zvaitongova mumusoro mavo maiguru vangu kuti pese pataifonera mukoma Tonde taingoda kutaura navo nyaya dzemari chete.Ndakangoti zvakaoma nechemumoyo ndokubva ndazovati"handizvo zvandafonera mai Micky" Ndakabva ndatopindurwa rough zvikanzi"saka murikuda chii nhai Tete?"vaisambova havo nerespect yekuti ndaivawo hanzvadzi yemurume wavo nyangwe ndaive mudiki zvangu kwavari.Ndakabva ndavati"ndiri kuda kuvaudza nezve maresults angu,ndiri kubva kutonomatora izvozvi akabuda"zvikanzi"hoo zviya maresults ema form 4 akabuda,aaah kana kutombozvinzwa nhai,saka mabuda nema-cup manganiko manje tiuye hedu kuzotora mamwe ekunwira tea kuno" Ende kwaisatombova hako kutamba neni,vaitova serious,ndakabva ndangovati"ndabuda ne12As"vakabva vati"12 maA munonyatsomaziva here imi Tete"vakabva vamboseka havo zviya zvine kakushora mukati zvikanzi"tambai nezvimwe Tete"ndakabva ndati"chokwadi maiguru,ko ndinotadza nei,dai ndanga ndine phone inopinda pawhatsapp ndingadai ndakusenderai photo maona"munhu akabva atochinja matauriro ipapo zvikanzi"hoo inga"ndikati"ehe saka mukoma Tonde varipo here padhuze ndokumbirawo kutaura navo" Ndakabva ndachenamirwa futi zvikanzi"muchiri kuda kutaura navo chii? imi matoudza ini,hant kana matoudza ini zvakangofanana nekuti maudza ivo saka ndichavataurira" Ini zvekutaura kana kuita rough ndaisanyatsozvigona hangu ndakabva ndangoti"horait maiguru"call ndokubva yatokatwa sekunge ndivo vainge vafona. Ndakazodzokera hangu kwaiva nana mhama ndatosuwa suwa nekuti besides zvekuvaudza naresults angu izvozvo ndaida kunzwa kuti vaizozadzikisa here promise yavainge vandipromiser kuti ndikangopasa chete A'level vandiendesa kuboarding school zvino zvainge zvatotanga kudhakwisa namai Micky ende ndaizviziva hangu vaitonetsana nenyaya iyoyo nekuti pakabuda mari yeku-register futi pakatoitika hondo chaiyo zvekuti mukoma vakatozondi-rejestera zvenharo chaizvo.Pandakasvika paiva nana mhama vakatozviona kuti ndaive ndisisina mufaro zvikanzi namai Rugare"ko zvaunenge usisiri kufara wani,ko chii nhai Kundi?"mhamha vakabva vatiwo"asi yaramba kupinda kani phone yaTonde"ndakabva ndati"yaita hayo phone yavo but yadairwa nemukadzi wacho" Mhama vaisanyatsovafarira futu but vaisagona havo zvekutaurawo seniwo asi ipapo vakatoridza katsamwa kekusvotwa zvikanzi"ati chii?" Ndakanyara hangu kuvataurira zvaayinge andiita pamberi pamai Rugare nekuti ndakangoona zvisingazopa chimiro chakanaka. Ndichibva ndangoti"hapana,angoti ndichavaudza kana vadzoka mukoma Tonde vacho,apa hanzi vambobuda" Vakazviona havo mhams kuti ndainyepa mhama but vakabva vangoti"hoo"ndikangotiwo"ehe". Zvadaro takazobva hedu patainge takamira takuenda mukitchen mavaive vabuda mhama asi mai Rugare vakabva vangotioneka vakabva vadzokera havo kumba kwavo.Ndichingogara pasi mhama vakabva vati"anyatsokuti chiiko mukadzi waTonde?"ndakabva ndanyatsovaudza zvaayinge andiita zvikanzi"kanopenga fani kamukadzi kaya,kanoita sekunge ndiko kakazvara Tonde wacho kasingatozive kuti amuwane zvaari ipopaya Tonde ndini ndakamusafira ndichishanda mumapurazi umu kuti ayende kuchikoro agopedza nxaa" Ndakanyatsoona kuti vainge vabhoikana mhama vangu, ndakabva ndangotiwo"zvakaoma mhama,hameno kuti ndinoendera here mberi ipapa"vakabva vati"unotadza nei?,as long as Tonde uya ndirini ndakamuzvara ndikamuchengeta uchatoenderera mberi chete"kwaingova hako kundisimbisa vachidaro but ivo mukoma Tonde vacho vaita sekunge vaimbotongwa nemukadzi wavo.Tiri pakati pekutaura kudaro vamwewo Tete vangu vaigara nechepa mhiri pedu mbichana vakabva vasvika ende ndakabva ndatowedzera kubhoikana hangu nekuti vaitondibhowa havo Tete vangu ivavo vaitaurisa. "hodhii pano"vakasvika nekudaro zvikanzi namhama"pindai henyu Tete"ini handina chandakambotaura,ndakatotarisa zvangu kuside zvikanzi"ko iwe uri kungoramba wakanyarara ipapo asi hausikundiona kani" Vainge vatotanga zvavo zvekuda kunditsiura-tsiura ndakabva ndangoti"maswera sei Tete"zvikanzi"saka wanga uchimirira kuti ndikutaudze manje, kuti uzondimhores?"ndakabva ndati"ndanga ndichimirira kaa kuti mutange magara kaa pasi Tete".Vakabva vatotanga kundipopotera vachiti ndaisava nehunhu,mhama havana zvavakadaira nekuti vaitoziva hunhu wavo ihwohwo.Vakazogara havo pasi pavainge vapedza shungu zvikanzi"ko maswera seiko nhai maiguru?"mhama vakabva vati"taswera hedu,ko kwaswerawo sei kumba kwenyu"zvikanzi"taswera,ndauyawo kaa kuhupfu,handisati ndawana $1 rekuti vakomana vari kumba uku vaenda kuchigayo" Ndaizviziva hangu kuti ndizvo zvainge zvafambirwa ende vaisatombonyara zvavo Tete vangu ivavo kuti svondo rainge ratopera vachitikumbira hupfu zvino mhama vangu nekusagona kunyima kwavo vaingovapa.Seipapo vakabva vatonditi"tora basin iro uvaisire mwanangu" Ndakangosimukawo kuti painge pasina zvekuita.Ivo mhama vakabva vatanga kuvataurira zvema results angu zvikanzi"atidadisa kaa mwana wehanzvadzi yenyu uyu,abuda nema A ega ega pamasubject ake ese ahakanyora gore rakapera" Ndaifunga kuti zvimwe vachatondikorokotedzawo sezvaita vamwe but vakabva vangoti"hoo"zvikanzi namhama"zvino manje hameno kuti apa anobudirira here kuenda mberi nemukadzi wehanzvadzi yake uya nekuti atatonga kuita misarinya yake iya yaakaita paaka-register paya" Nyaya yacho yese vayiiziva nekuti ndivo vainge vatomboigadzirisa but ndakashaiwa hangu kuti mhama vaiswero kuzvinetserei vachivaudza nyaya dzese idzodzo nekuti type yacho zvechikoro yaisatombova nebasa nazvo ende ipapo vakabva vatoti"ko madireiko kuramba muchinetsa vanhu nhaimi maiguru?,ipapo paatosvika patokwanawo munoti mwana musikana anodzidziswa kusvika kupiko?.Ngaatotsvaga hake basa kana kutoroorwa hake nekuti makore ake kaa uyu afamba ende akatodarika 25 ipapa achashaya anomuroora akunzi ichembere apa akati neicho chimuviri chake chihombe ichi."Ndakangoti zvakaoma hazvo nechemumoyo nekuti makore angu ayinzi afamba ayingova 20 chete ipapo.Ndakabva ndavasvitsa chibasin chavo chehupfu ndichibva ndagara hangu pasi zvikanzi namhama"zvamuri kutaura izvozvo ndezvakare Tete,zvenguva yedu isusu yatakakura.Inga wani mwana musikana uya wekwaKuchena ndiye ari kutochengeta vabereki vake izvozvi kudarika vana vavo vkomana ende musiuno futi apa akatobva kuvaisira borehole nema solar pamba pavo ipapaye saka munoti iyeyu Kundai anozotadza neiwo kuzotichengeta kana akadzidzawo zvekusvika kuUniversity kwakasvikawo" Vakabva vaseka havo Tete zvikanzi"izvo zvechihure zviya ndizvo zvamungaswera kuchiva nhaimi maiguru.Asi hamuna kani kunzwa mbiri yake musikana uya mazuva aye ayiva achiri paMatoranhembe pavo apa achinzi ayidanana nekaHeadmaster kaya kekuzobviswapo kachiendeswa kuKaroi?."mhama vakabva vati"idzo nyaya dzekunyepa dziya ndidzo dzamungaswera kuteedza nhai Tete, ende dzinototaurwa nevanhu vane godo naye mwana uya nekuti asizvingaziva kuti ndiDoctor iko kuHarare kwaari,ende hanzi atori nemasurgery ake maviri."Ende chaiva chokwadi hacho but Tete vangu vakangopikisa,zvikanzi"izvo zvehuDoctor zvacho ndakatonzwa kuti akazvipinda nechihure futi iko kuUniversity kwaanga ari,Hanzi ayidanana nemadhara ayimubhadhirira chikoro" Mhama vakatoona kuti nyaya yacho vaisamboihwina ndokubva vati"kana Tonde wacho akakonewa kumuendesa mberi ndichaita zvandichaita inini kuti akwanise kuenda"zvikanzi"haiwa, munenge makutoda kutambisa henyu mari yenyu maiguru,makangwana zvamakaitwa gore riya naiye sis vake uyu mapedza henyu kumu-rejistira form 4 yacho nemari yecotton yamakafondokera gore rese ndokubva angotizira hake asina nekutonyora kwacho kwese"chaive chokwadi hacho but mhama vakabva vati"vanhu vanosiyana Tete ende paari Kundai uyu ndinotoona zvihombe chaizvo nekuti mwana ane shungu ende paari ipapa haasati atombondinetsa nenyaya dzetukomana sezvinoitwa nevamwe vana mumaraini umu"vakabva vaseka futi Tete zvikanzi"muchangofarira zvimwe zvinhu zvinogona kuzokunetsai kumberi uku maiguru,munoti zviri normal here kuti nezera rake irori plus neiyo body yake yechihure hure hure iyi anganzi anoshaya mukomana waanofambidzana naye Kundai.Dai atori mumwe hake,akangwara,ataura neni zvakanaka nekuti ndinotogona kumurongera mamwe dhiri masvinu kune mwana mukomana mukuru uya wekwaNdoro.Ndakangonzwa Tete vake vachiti akavati vamutsvagire musikana wekuno kumusha akadzikama uye wechidiki ane hungu ende Kundai wenyu uyu anonyatso-qualify ipapo manje saka akataura neni zvakanaka utu ndinotogona kumurongera madhiri anogona kuchinja hupenyu wake wese kana nemi vacho" Mhama vakabva vati"yuhwi ndisiire zvangu mwana wangu Tete,iye mukwegura uya ndiye wamungada kunorasirira mwana wangu plus ichowo chinomutadzisa kuroora kusvika zera rake iro riya munochiziva here? And munoti iko kuChinhoyi kwaanogara hakuna vasikana here?"zvikanzi naTete"haana kumbonyanya kukura wani mukomana uya maiguru kana asitori kuma 34years ari kuzvima 35,36 years ikoko plus haana kumbonyanya kusiyana nana Tonde ava"vakazviramba mai vangu zvikanzi"zve-marriage imbomumirirai henyu mwana wangu,parizvino achiri kumboda kudzidza,tozotanga kutaura zvemarriage kumberi."Ivo Tete vakabva vati" hameno henyu saka but chandoziva hangu mukana unouya kamwe ende ukatourasa haumbofe wakauwana futi,dai nditorine hangu mwana musikana asati aroorwa ndatomuitira hangu madhiri acho"mhama vakabva vati"mukana wei apa manje?"zvikanzi"hant akaroorwa nemukomana iyeye anotogona kuzonopedzesera chikoro chake chacho chaaringonetsera vanhu varimudzimba dzavo nekuti ane mari dzake kaa mukomana uya saka haandifunge angatomborwadziwe nekumuendesa kuchikoro saka panyatsopafunge ipapo maiguru kana iwewe Kundai wacho,wamunhu mukuru iwewe haikona kungoramba uchiitirwa madecision nevamwe"mhama vakabva vati"haiwa ngazvigare hazvo"ivo Tete vakabva vasimuka zvikanzi"saka hameno henyu,muchangoramba muchinetsana nemuroora nenyaya yamunogona kusolver mega" Mhama havana kumbovadaira ivo vakabva vangoti"ndakuenda ini"ndokubva vatobuda.Mhama vakasara vachiridza katsamwa zvikanzi"ende vanopenga zveshuwa Tete vako,havana kana zvimwe zvinhu zvavanombofunga mulife mavo kunze kwevarume chete ndokusaka vakazomitiswa kahobho hobho nenyaya yavo yekuda zvinhu iyoyo"ndakangotiwo zvakavaomera nekuti zvekuroorwa zvacho zvavaitaura zvaisatombovamo mupfungwa dzangu.Shungu dzangu dzaingova pakuti ndikadzidzawo ndikakwanisa kuita Doctor zvandaida.Ndochengatawo mai vangu ende kutitamburira kwavainge vaita kubva tichikura ndiko kwaindipa shungu idzodzo plus mwana uya wekwaKuchena ayitaurwa naTete ndiye ayitova role model yangu.Ndaitoshuwirawo kuzoitawo zvaitira vabereki vake kuna mhama vangu.Ndakazoswera hangu ndiripo pamba pedu ndakangomirira call yamukoma Tonde kuti ndinzwe kuti vairongei neni but zuva rakatosvika pakudoka vasina kumbofona.Mhama vakazonditi mufonere kwave kumanheru but phone yavo yainge isisaite.Takambozama kufonera mukadzi wacho but haana kutidaira mhama ndokubva vangoti"ngatirarei hedu tozoyiedza mangwana kwachena"..... End of chapter Follow my channel for more chapters..⚘️⚘️⚘️⚘️⚘️⚘️
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 124

Comments