
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
June 18, 2025 at 12:11 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaELGiW6WaKohS4xJ43E
RAUYA BOOK REMUBATANIDZWA USASARE APA INHAPI TAPI CHAIWO LORRAINE NA MAMA JORDAN VAKUBIKIRAI MUTAKUNANZVA UYU MUDYA NDAKASUNGWA ITA FOLLOW UGARIRE KU CHANNEL USAJAMBWE
https://chat.whatsapp.com/DwWNq6vHHA6DdkNvSUujvI
VANODA COMMENT GROUP JOIN LINK IRO👆👆👆👆👆
INTRICATE
💝💝💝💝
STORY BY MHAMA JORDAN
+263775937245
COLLABORATION
WITH
LORRAINE
0776797355
CHAPTER 16📘📗📕📙
OMEGA
"Ndichiti ndigare pasi paiva nevamwe nditange kudya ndakabva ndanzi na mai bhanda,"Ko iwe wavingei kuno usina kupedzisa ndima yako"Vakanzi nemurume uya mu Gaurd jeri"Inga vamwe vangouya wani vasina kupedza ndima dzavo,, musiye adye sadza rake vozoenda kunoshanda ka 1"Asi mai Bhanda havana kuda kuzviterera,, plus paiva nenyaya yavo ndaitopaziva zvino ini wacho ndaitotya kutiza jeri uye munhu wacho ayinzi arikuuya kuzonditora ndaisamboziva kuti vaiva munhu akaitasei?"Ndakamboda kuramba ndakagara ndikapedzisira ndasimuka kudzokera kunoshanda nekuda kwekuti mai bhanda vacho vakange vakutondiita benzi pa vanhu kana chikafu chacho vakabva varamba kuti ndidye.
Ndichingoti shandei ndakawona mota ye black yabudikira mu road, ndikabva ndaziva kuti ndiyo mota ya Prosecutor yacho yaitotaurwa. Nguva iyoyo hana yangu yakatanga kurova ndakufunga kuti todii,, vanhu vaiva vachiri vakagara kumusasa vachitodya masadza avo ndikati zano nderepi. Ndakabva ndabvisa chijusi changu chemu line ye red ne white ndokuchikanda pasi ndichisarwa ndakapfeka dress ndini uyo kucheuka ndokuwona vari busy kudya ndichibva ndakotamisa musana wangu ndakatanga kufambisa zviye zvekuti handina kumbobvira ndakada kucheuka kumashure kwangu kuti kurikuuya ani ndakaramba ndaka focuser nekwandaitoenda ndichimhanya nemufodya kusvika pandakazosvika kumota kwacho. Prosecutor vaye vachibva vavhura door rekumashure ndini uyo kupinda mukati. Mota yakamutswa ipapo -ipapo ichiita kumhanya zvekumbumura dust chairo. Asi ndaiziva kuti ndakatadza kuyambuka apa ndakabatwa ndaigona kuurayiwa kana kuendeswa kujeri repasi kubindura. Mota ichiti fambei Prosecutor vaya vakabva vanditi....
"Wandiziva here ?"vakadaro vachito smiler varikumberi ndikati...
"Hongu ndakuzivai asi i reason yei yamaitira kuti ndibude mujeri.
handizobatwe here ?"
"Dont worry hapana kubatwa kwauchaitwa,, pandiri ndipo pauchange uri,, hauna mhosva yaunganzi ungagarire mujeri problem ndosaka wakaona kuti musiuya ndakakuti nyarara ndaiziva kuti ndichakuitira way yekuti ubude.
Mu court hamudiwe kungotaura-taura unopedzisira wapihwa makore akawanda."
"Manji zvakabva zvangofanana ndakapihwa life yese in jail apa handina munhu wandakauraya."
"Ndosaka ndauya kuzokubatsira ."
"Asi ndirikutya nekutiza kwandaita uku ndichararama hupenyu hwekungotiza."
Ndakadaro ndichitopukuta dikita raiva kumeso kwangu vakati...
"Zvinotyisa hazvo asi watoyambuka so,,
chinhu chakudiwa kuti tifaitire kuti tisungise munhu akaurayisa mai vako."
"Chokwadi chacho chinobuda sei ?"
"Tichatsvaga nzira yekuti chibude ,,for now uchatombogara wakawanda kwemakore akawanda then wozobudikira."
"Zvino mwana wangu achadii ,,ipapa handisikuziva kuti akayendeswa kupi ?"
"Zvemwana imbomira kufunga nezvavo chakosha ndechekuti wabuda mujeri.
uchazomuona mwana wako nekufamba kwenguva."
"Okay ."
"Ndoitwa Jack ,,, handidi kukunzwa uchindidedza kuti Prosecutor."
"Ok but ndoda kuziva kuti Chuma chenyu makachiona kupi because musi wandakuonai ku court ndichingotarisa chuma chenyu pane zvandakanzwa."
"Ndichazokudza history life rimwe zuva,, "
"Horyt" handina kuzombotaura navo .
mota yakafamba takazosvika kumba kwavo tichibva taburuka mumota asi nguva iyi ndakatomboita chadzimiranezvandaiwona pamba apa paiva nezimba rihombe raiva rakavakwa kuenda mudenga rine window ema glass ma hombe,,poti zi swimming pool raiva rakakura rakazara nemvura.Pamba pacho hapainzwisisika kuti pai.ende pairatidza kuti panogara security yakasimba coz paiva nevarume two vaiva vakamira kugedhi poti three mamonya aiva mumba vakagara mudining vachiona bhora. ndakatovamhoresa ndichibva ndaenda kunogara pasofa ndakangoti zii,, ndakanzwa Jack akudeedza vamwe mai vakabva vauya ndokusvika vachimhoresa vakanzi vaende kunondibikira tea.Vachibva vanoita sekudaro ndaitonzwa nzara. Zvekuti pakazouya chikafu ndakadya kunge munhu anopenga handina kumboda kunyara vanhu vaiva mumba umu ndakatonwa ma cup two e tea ndokudya half loaf yese yechingwa chine mazai.
Kumusha hataiziva kudya chikafu ichi,
chiri se chingwa taidya apo ne apo kana pa christmas. Ndichipedza kudya mai vaya vakabva vauya kuzotora ma plate avakaendesa ku kitchen ,,vachibva vadzoka, vakanzi vandiperekedze kunondiratidza room yandaizopota ndichirara. Ndichibva ndaenda navo ,
ndakatoshamisika ndichipinzwa mu room maiva makanaka mune zimubhedha raiva rakawaridzwa zvakanka.Jack aiva nemari zvinhu ndaiona mumba mangu zvinhu zvairatidza kuti zvakatengwa nemari refu.
Ndakazoenda kunodzidziswa mashandisiro emu bathroom ndikanzwisisa.Asi pfungwa dzaiva kune mwana wangu ndaingoisa munamato wekuti kana akaendeswa kumba kwana Authority vangopindwa nemweya wekumubata zvakanaka. Mazuva akafamba ndichagara mumba ma jack ayindibata zvakanaka akatotuma mai Mudyiwa mu town vakanonditengera hembe ne bhutsu nezvipfeko zvemukati. Ini handaibvumidzwa kufamba ndaiswera mumba ndichiona tv. Chiri sechikafu ndaidya pandadira ganda rangu raiva ratochinja kutotsvukirawo. Hana muviri wangu waive wakuchidzokedzana asi chinhu chaindi stresser ndechekuti ndainzi ndirikutsvagwa ne police ma pictures angu akatozadzwa kwese kunzi ndakangowonekwa chete ndichifamba vanhu vofonera police asi Jack ayiti hakuna kwazvinosvika vachasvika pakuramwa kukutsvaga. Mai vandaiswera navo vaiva boe munhu plus vanga vari vechikuru ndaitovaudza ma problems angu vakati. Ndinamate ivo hameno ku church kwavaienda vakatondidzidzisa kuziva kupfugama.m Musi uyu yaiva weekend kwakamuka kune good weather.
Ndakatobatsira mhama kuita basa,
tichibva tabika breakfast yedu ndokudya.
Ndaitofunga kuti Jack aenda ku basa asi ndakazoona achiuya mu dining achinditi..
"Morning Omega," akadaro ne happy face ndikamuti..
"Ndamuka hangu hauna kuenda ku basa asi ?"
"Ndichazoenda kuma time time ."
ndauya kuzobvunza kuti unoda kudzidziswa here?"
"Ummm kudzidziswa chii ?"
"Ndine friend ano teacher so ndanga ndafunga kuti apote auye achikudzidzisa ."
"Zvinoita asi kuzonyora form 4 handifunge kuti zvinoita."
"Hapana chinoramba Omega ndine link kwakawanda ."
"Horyt anouya achindidzidzisa coz chishuviro changu chandanacho ndechekuti ndirikuda kuita Detective shuvira yangu kuda kusunga ini pachangu munhu akauraya Mai vangu"
"Basa riya unorigona nekunyarara kwawakaita."
"Ndichatoita kuti ndiri gone chinhu chose unotodzidzira munhu ."
"Ukangoshinga nema book unotoita basa iroro ndichati mukomana wacho anodzidzisa awuye masikati ano.
Asi uchenjere mukomana iyeye haadi kusekererwa,akangowona vasikana hanzwe haana yake ichiita munhu.
Saka akauya ndichagara ndamuudza kuti atambire kure newe coz akatoona munhu akanaka hagarisike."
"Ane makore mangani ?"
"Ummmm maybe kuma 30 ,,35 ikoko.."
"Horyt ."
"Ndakutoyenda kunomufonera awuye ." vakadaro achitosimuka achibva ayenda ndokusara ndichitaudzwa na Mai mudyiwa vachinditi...
"Omega wakawanirwa nyasha kutowana munhu anoda kukudzidzisa mukore uno?"
"Handizive kuti ndomutenda nei Jack."
"Ndovarume not vamwe avo vanongopengereka kudai wakaroorwa nemunhu akadai hawaimbofa wakatambura. Iyezvino Omega watochinja kutobuda runako rwese,, paye paukabva kujeri zvanga zvisina kumira mushe.
Now magaro akutobuda ndofunga vanhu vanokuziva kubva kare vakakuona havakuzivi",
vakadaro vachitoseka ndikasekawo ndichiavati..
"Ndega ndirikuzvinzwa kuti ndachiinja."
"Kana murume wawaiti akakutsvinyira akakuona anogona kukushaya,."
"Uyo handichatode nezvake akanditambisira nguva chinhu chandofunga mwana wangu not imbwa iyo ndinoyishuvira kuti iyite munyama usingapere akandirwadziswa asi ezvino nda healer,,"
"Varume vanorwadza sechironda chemumhino but ezvino kana wakuroorwa ziva munhu wekusarudza ."
"Marriage handichade hangu."
"Unoda kuchembera usina ku roorwa,."
"Zvirinani panekuti unopinda muzvinhu zvinokutambudza ,,"
"Ukawana munhu anenge Jack munhu boe ."
"Varume vakaita sa Jack havawanikwe ,"
"Mogona kungodanana makafitana ."
"Jack itori brother yangu kana ndichimuona ."
"Hoo,, rega ndinobika chikafu chemasikati."
"Mirai tinobatsirana kubika ."Ndakadaro ndichitosimuka tichibva taenda ku kitchen takanotanga kubatsirana kubika.
Mai mudyiwa vaiva ne recipe book ravo ndiro ratakashandisa kubika rice ne chicken nekugadzira salad yema fruits.
Asi ini handaizvidya ndanga ndisina kuzvijaira.Taatoita hour tichibika.
ndokupedza ,,mhama vachibva vangopakurira varume vaishanda ipapo vaigara ku Cottage vese asi vaizopota vachiuya mu dining kuzoona tv.
Tichitovapa chikafu chavo takabva tadyawo chimwe ndokuenda kunopa Jack aingove munhu asinga seki seki kana kujairika aive asingajairike.
Kuma four four ndipo pakazouya mukomana uya ayinzi achange achindi teacher. Takazomhoresana naye paya asi ziso raindipa handina kurinzwisisa akazoti anonzi Richard akanzi na mhama..
"Uno teacher ma subject api ndine mwana wangu arikunyora form 6.
"Ndino teacher rese rinonzi subject handina mwana wandino teacher akatadza kupasa izvo ndinopika namai vangu vahera."
"Hoo saka motondisiira number dzenyu tozotaura ."
"Horyt garai matora ."
"Zvino phone yangu iriku bedroom ."
"Endai munotora moms ."
"Horyt" vakabva vasimuka vachibva vaenda kunotora phone yacho mukomana uya ndokusara achinditi..
"Makaroorwa here ?"ndikamuti..
"Handina kuroorwa asi ndine mwana."
"Zera rako iroro watone mwana ."
"Ehe."
"Munenge muchimhanyirepiko hamuzive kuti kunze uku munenge makatomirirwa nemaface ma svinhu sesu takadzidza.
Mukomana asina dedgree unomudii ?"
unofana kutya Mwari wanzwa hana yangu yanga yatorova ndikati ndawana babe zvino mvana haa handibati zvangu."
Handina kumudaira ndakaramba ndiri zii akati..
"Ndiyaniko anotambisa ma baby akanaka kudai isu tichimashaya ,, unonzani,."
"Omega."
"Waaal nice name ndiwe urikuda kuitiswa ma lesson."
"Yes ."
"Ndichakudzidzisa kusvika wakuziva , Jack arikupi ?"
"Ku room kwake ."
"Ndichanomuwona ndambopa chembere iyo number dzangu,, saka une mukomana here ?"
"Ehe."
"l see ,, asi wakanaka hako togona kungoita plan ."
"Plan yei manje iwe wagara wati hauite zve mvana nhai"
Nguva yaiva akuda kundidaira ndipo pakabva padzoka mhama vakasvika vachidedzerwa number dzacho na Richard achibva asimuka kuenda ku room kwa Jack. Asi mukomana akandiratidza kuti anoda vasikana snike nechiso chake ndofunga muno muHarare ayinetsa ndaifanirwa kutongwara ndiyo type inongotambisa yokusiya iyi. Jack akazobuda anaye Richard akuenda akati aizotanga kuuya kuzondidzidzisa mangwana. Haana kure kwaakaenda Jack akabva adzoka.
"Omega ndine zvandafunga".
"Taura henyu ndakateerera", pandakadaro vakabva vambokwenya musoro kwakuzoti,"ndinoda kuti uite birth certificate ne chitupa asi unochinja zita. Ndinoda kuti zvizotiitira nyore paunonyora form 4 yako ne kuzoendawo kunoita detective kwauri kuda".
" Horaiti is that possible ".
" With money everything is possible in Zimbabwe surname unotora yangu ndini ndichatomira sa baba vako".
" Okay ndiri kungoda kudzidza ini zvakawanda handina basa nazvo".
" Good girl zvinoita chete hapana chinoramba wena so unoda zita rekunzi ani".
" Imi moda kuti ndinzi ani".
" Angel I think rinoita ini", vakadaro kwakubva vasekerera.
End of this chapter 16
Stay stuned
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
1.5K