
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
June 19, 2025 at 06:08 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaDxdcsICVffB0UwJl19
💮SHINGIRAI 💮
STORY BY LORRAINE
READ AND SHARE
CHAPTER 5
SHINGI.
Zvaitaura Jay kuti ane girlfriend ndaitowona ari manyepo ekuda kundirwadzisa. zvino ini handairwadziwa ne zvinhu zvandisina kuona ndakabva ndamuti.......
"Tione girlfriend yako pamwe tinogona kuzosangana muma road umu takatadza kuzivana."Akati.....
"Uri muroyi handimbofa ndakakuratidza mukusikana wangu,, rega ndiite ndinogeza ndiyende kubasa ."
Akadaro achitobuda mumachira ndikamuti...
"Ndiuyewo tigeze tese here?."
"Ndogeza newe pakutii ?"
"Aaa hanty uri murume wangu here jay, mazwano urikundibata rough inga wani paya taiwirirana tichiswera tese kubasa kwako."
"Paye ndaiva ndisati ndakuziva ma true colours ako, unoti hutsvina ,hutsinye ,woti kunyima,kutaurisa,, unoti ndeupi murume angade kugara ne munhu akadaro ."
"Ndanyima chiii."
"Wakumbirwa bhutsu nemukadzi wa Taku ukamuitasei ?"
"Avo ngavadzidze kupota vachitenga zvinhu zvavo,, sanike iwe hako Jay unovajaidza vanhu ava ,ipapa havachambofunge kuzvishandira vakutoziva kuti takugara ne bank accounted ,chavangoda chese kuita vachange vachikukumbira mari ."
"Mari yacho ndeyako here yandinenge ndichivapa."
"Ndeyemurume wangu saka ndinotofana kutongawo ipapo ,,ezvino ndirikuda kuvapa mutemo wekuti kana vachida chinhu vanotanga kukuudza inini then ndozokuudza."
"Taku i brother yangu kana angoda chinhu anouya kwandiri ndomupa."
"Panozopera mwedzi vanenge vapinda muchuni neni."
"Hauna nguva uri pano urikuyenda kumba kwenyu."
"Pano ndichabva nda guva."
Akabva andiridzira tsamwa achibva ayenda mu bathroom kunogeza ndokusarawo ndichitoburuka pamubhedha ndakatanga kuwaridza mubhedha uya ndaitoda kuti Jay achibuda ndobva ndabudawo.ndaitoda kuyenda kunorukwa mu town nekuiswa mamwe ma nails nekuitawo shopping ye hembe.
Muno mu town maichenwa .ndaitoshaya kuti mukadzi wa Taku ayisanyara here ne dressing yake yaipfeka zvakangopera muto. Nhamo yavo ndakatoyishaira mupanda wayo.ndirimukuwaridza kudaro, ndakabva ndanzwa tuma drops twemvura kudonha- donha mu bathroom ndikabva ndaziva kuti Jay aiva akugeza ndichibva ndafunga kuyenda kunomudongorera ndichitoda kuwona kuti aiva ne sinhi here or haana ndava kusada kurara neni kwake ndaisakunzwisisa.Ndakabva ndanyahwaira kuyenda kunomira pa door re bathroom ndokuita kakurivhura mbichana..
Ndakatanga kumudongorera achitogeza, murume wangu aiva ne six pack akati aiva handsome.ndakatoona kuti aiva ne sinhi but ndiye hake ayisangoda kuvata neni. Kutogeza kwaita ikoko kwaiva kwakutoita kuti ndinzwe kubatwa nema feelings. Ndakatoita kanguva ndakamira ndichiwona kugeza kwayita,nguva yandikawona akuzomonera drying towel kuzasi kwake ndipo pandikabva ndabva pa door paya nekukasika ndokutanga kunyepedzera kuwaridza.ndokunzwa akunditi.....
"Shingi mafuta angu ekuzora arikupi ?"ndikamuti
"Wakambondiwona ndichizora mafuta ako here ,,zvaurikundibvunza kudaro?
Ndakamudaro ndichitogadzirisa pamubhedha akati....
"Anotsvaira muno ndiyani ?"
"Ndini Sekuru ,,asi mafuta enyu handina kumbomawona."
"Sekuru ndiyani."
"Bvuma kukura Jay,, unoti 35 years ndedzekutamba nadzo here , zera rako hatichatokuverenge kuvakomana takutokuisa kumadhara, apa utori ne like rekuwana mukadzi anenge ini tsvarakadenga, girlfriend yako inga kunakirana neni , ini kungobuda gedhi ndinenge ndichingoridzirwa muridzo."
"Vanhu ivavo vanokuridzira muridzo vanenge vasingatozive kuti urichapa ,,
Muviri wako chaiwo unokunetsa kuzvishambidza ,,ndipo powoti Jay rara neni ,, inini manji kurara mutsvina puu !"
Kana wakugona smart ndopauchawona ndichirara newe."
"Musana yakafa iyo ana Jay, ndosaka makungoda kunyepera kuti hutsvina hwangu...Regedza futi kurara neni unoti ndinofa here..Bastart ."
"Ndosiya ndakudzikamisa makuseni ano , handisi shamwari ka ini ."
Pandikangonzwa zvekurohwa ndakabva ndati zii, Jay ayirova hake. Akazotsvaga mafuta ake , ndokumawona ari pasi pamubhedha.apa ndopaiva nechitsapo changu chiya che pant rangu nemachira andakashandisa kuyenda mwedzi ndakabva ndanzwa Jay oti..
"Nhai Shingi chiiko chirimupepa umo pasi pamubhedha?"
"Chipi Sekuru." Ndakadaro ndichinyepedzera kusaziva akati..
"Huya upfugame panapa uchiwone."
"Pasi pakutonhora apa ,siya hako ndozochibvisa ungatononoke hako kubasa."
"Nditorere mop iyo ndoda kuwona kuti chii?"
"Jay uchanonoka kubasa."
"Company ndeyangu, kana ndakanonoka hazvina kana basa ."
"Kuroorwa nemasekuru i problem chaiwo."
Ndakadaro ndichinotora mop yacho ndokuuya ndichimupa, achibva atanga kuzvuva chipepa chiya nepranga kusvika pachikazosvika kwaari , achibva asimuka akanditi.....
"Chii ichi ?"
Akadaro akandipa ziso rekutoda kundirova chaiko ndikamuti....
"i pants rangu iri nemachira andakashandisa kuyenda kumwedzi ."
"Arikutsvagei pasi pamubhedha?"
"Ndakangomaisa ipapo ndichiti ndichamawadza ndichibva ndazvikanganwa ."
Ndakangonzwa ndatsemurwa mbama kumeso ndichibva ndangobata dama rangu akati....
"Ungachengete zvinhu zvakadai muno mumba matinorara , Shingi ka ndirikukuverengera hako chasara kukudzosera kumba kwenyu.
Chakutadzisa kuwacha zvinhu izvi chii , hapana sipo here panapa ?"
"Iripo ?"
"Saka zvinhu izvi waizvichengeta muno kuti zviitasei ?"
Ndakaramba ndiri ziii akati.....
"Kurumbidza kuwacha zvinhu zvako handidi kuzviwona futi nonsense !!!"
Ndakatokotama ndokunhonga chi paper chacho, apa chaita kubuda mweya waikachidza ndakanyatsoti handingambowashe maropa agarisa kudai.Ndakabva ndabuda nazvo mu bedroom.Ndichibva ndanotora gwenya ku kitchen kwakubva ndayenda kunopisa chipepa chiya panze kusvika pachikatsva chese kwakuchibva ndazoyenda kunogeza maoko angu.nguva yakazobuda Jay haana kumbondiwoneka aiva akatsamwa ndakatoti better zviyende,varume ava ndakawona sekuti vanoshungurudza sa Jay ayigara achindizora magwati....
Ndakazogeza hangu ndokupfeka ka dress kangu kaitedza muviri wangu kachinyatsobuditsa tuma hips kwakuchibva ndapfeka ma heels angu nekukutobuda kuyenda ku town.idziwo imbwa dze pano dzaitondimirira kunze kwe gedhi kusvika ndadzoka sezvo ma keys paingova ne angu ne a Jay.ndakatokwira kamota kakanondisiya mu town,kwakubva ndayenda ku saloon kwa hairdresser wangu.akatotanga nekundiisa mamwe ma nails achibva azopedzisira nekundiruka box braid.mukadzi uyu aiva nechipo chekuruka .Vakadzi vazhinji vaizara mu saloon mavo.Achitopedza kundiruka ndakatomupa mari yake.ndichibva ndayenda ma edgars ndimo mandakanotenga ma dress angu akanaka .Nekamari kangu kandikabva nako kumusha .kwakuchibva ndazoyenda kunowona Fungai .ndakatomusvikira asina ma client .ndokutanga kutaura nyaya achinditi....
"Saka kubva paya Jay hasati arara newe ?"
"Maimwana kana ndichitaura kudai ndinoita sekunge ndirikunyepa ,; paurikundiwona kudai handizive kiss ya Jay mazwano ,kana sex yacho haasikuda kuita neni."
"Kuona kwangu Jay anenge ane mushonga ,,"
"Mushonga haana, but ndirikuona sekuti chinhu chake chinogona chakaita mayas."
"Kuti haichamire ."
"Zvogona kudaro ."
"Asi kana zvirizvo anofana kungokuudza woziva."
"Kutanga nhasi zvichiyenda mberi handichambomukumbire sex ndakungomusiya akadaro."
"Kana uchida unokupedza nyota unondiudza ndokutsvagira."
"Ane mari here munhu wacho ."
"Eh anayo ."
"Unomupa number dzangu ndozotaura naye."
"Jay chakungoda kuhurirwa ."
"Ndirikuda kumugadzirisa, akazondibata nechikomba ndomuudza kuti waida ndidii iwe waindinyima bonde."
"Hambokubate trust me."
"Horyt ndirikuda munhu one wandingo spender naye one night achandipa mazirudo. ndichagara ndatenga hembe dzangu dziri sexy ."
"Mazwano uriku glower Shingi , apa unochena."
"Ini hembe ndinotenga ."
"Ndirikuzviwona ."
Takataura nyaya dzese kusvika pakupera.
Ndakazoyenda kumba kuma six .
Ndokusvika Taku nemukadzi wake vakamira pa gedhi vachitobvunda ne chando.handina kumbovasweresa sezvo ndaiva muridzi we pamba ,, ndaitomirira kumhoreswa naivo,,, mukadzi wacho ndiye akabva anditi....
"Maswerasei maiguru ." ndikamuti
"Ndasweera ."
Ndakadaro ndichitosvotwa navo vakati...
"Zvinhu hazvina kumira mushe kune mwana wangu , takangomusiya akarara haasi kana kumuka ."
"Hooo ."
Ndakadaro ndichitovhura gedhi ,kwakubva tapinda tese mukati vakati.....
"Ndatopererwa ini , hameno kuti mangwana tinomuwana ari mupenyu here ?"
"Kana akafa mungadii, chinhu chichatoti stresser inyaya yekutenga coffin."
Ndakatozvitaurira dara-dara zvikanzi nemurume wacho.......
"Maiguru mamwe mashoko enyu haite, mungatataure zvekutenga coffin kumwana mupenyu musazodaro kana mazogara."
"Zivai kuti muri pamba pangu , nditori ne right yekutaura zvandinoda, kana muchisvotwa neni,, ibvai panapa hamumbondiwone ndichikutsvagai , hamuna kana chamunondibatsira nacho mutori ne nhamo zvenyu, dai pasina Jay akakubatsirai ,mungadai muchitenderera muma street "
"Kufamba kwenguva tichabva pano."
Aiva mukadzi wacho akadaro ndikati..
"Haiwawo munobva muchiyenda kupi ne nhamo yenyu iyi, kutouya pano hanty kutotadzirira kubhadhara rent nxaa !"
Itai muyende kunobika uko ."
Ndakabva ndafamba kuyenda ku room kwangu ndokusvika ndichiisa ma shopping bag angu pamubhedha ndakatanga kuburitsa hembe dzangu.ndaiva ndazvitengera ma dress akanaka.Rimwe ndakabva ndaripfeka ndaitoda kumbochenera Jay ambowonawo kuti akaroorawo baby risvinhu.semunhu aiva ne munhu anobika ndakabva ndagara pamubhedha kwakuchibva ndafonera mai vangu kumusha ,,ndakatanga kutaura navo kusvika pakazopera ka airtime kacho.Ndichibva ndayenda ku dining kwandikawona kamwana ka Taku kachitambira pa tv, handina kumboda kudedza mai vacho, ndakanokaridza mambama kumusana ndichikati...
"Urikuitei chii ipapa, urikuda kundiurayira mudziyo yangu here ?"
Nguva yandaitaura nako, kaita kuridza mhere, kaiva kamusikana asi kaisanzwa .
Mai vacho vakabva vauya vasvika vachiti kune mwana wavo...
"Urikuchemei Ayisha ?"
Akabva andinongedzera ndikati kuna mai vacho...
"Ndini ndamurova anga achitambira pa Tv yangu, ko dai yanga ya donha ayitenga here ?"
"Mwana uyu haana chanoziva maiguru."
"Potai muchimudzidzisa mwana wenyu asatambire pa zvinhu zvangu coz ini ndinorova handichajaidze "
Ndakadaro ndichitogara pasofa ndokuwona mai vacho vachiratidza kupwrerwa chaiko ndokuvati...
"Mamirei ipapo endai munobika uko , murikuda kuti tizodya nguvai ?"
"Sadza ririkukwata ."
"Ngarikwate muriko ikoko ku kitchen plus muno mu dining handidi vanhu, munogarwa neni nemurume wangu ."
Tinenge tichimboda time yekutaura tiri two se vanhu tinenge taswera tisina kuwonana."
"Maiguru hupenyu hausi hwekushanirana, mangwana ndimiwo muchada rubatsiro rwedu."
"Mune mari here imi yandingati mungazondibatsire nayo ?"
"Handina hangu mari, asi nhamo yandinayo hairambe iripandiri."
"Ndibvirei uko,, ndosaka muchipfeka hembe dzakapera muto."
Vakangonditarisa vachibva vasimudza mwana wavo ndokufamba kuyenda ku kitchen.iniwo ndaiva ndakushaya kuti ndoitei Tv yacho yaitondibhowa kuwona.
Nguva yakazouya Jay ndakatosimuka ndichinomutambira plastic bag raiva akabata randikawona rine ma fruits nema yoghurt ndikamuti....
"Waitabasa Jay , mabanana nema apples ndomafarira zvisingaite." akati.
"Hazvisi zvinhu zvako izvi,, ndatengera mwana wa Taku ." ndikamuti
"Ungatengere mwana wa Taku uchatadza kutengera inini mukadzi wako ukati haushure iwe ."
"Kushura chii ?"
"Zvinhu zviri imomo ndezvangu , hapana ari kuzozvidya ."
"Hunza kuno plastic iroro ."
"Handisikuda naro ,,."
"Iwe hauna kumbosiyana nemuroyi une hutsinye ."
"Eh nditori nawo hutsinye , ungakoshese kutengera mwana wa Taku ma fruits uchitadza kutengera ini mukadzi wako .
Jay zvimwe fungawo usabvume kuitiswa ne hama dzako,, chavanongoda pauri i marii yako, iwe havatombokude."
"Usade kundipesanisa ne hama dzangu."
Akabva atofamba kuyenda ku bedroom ndokusara ndichitogarira ma apples aye ndokutanga kumadya kwakuchizopedzisira nekunwa yoghurt.zvangu zvaiva zvatoita.
Ndakatozosimuka ndichiyenda kunopakurira Jay sadza rake randikamuisira mazinyama hobho ndokusiya mupoto mune nyama one yandaitozoda kuti Taku nemukadzi wake vaizongogurirana . ndichisvika pa door ne sadza racho uyu Jay akabva ati haasikurida ndikati handimboriyendese ku kitchen kunodyiwa nembwa idzi,, ndakatorivhara ndokuriisa pakanaka.kwakuchibva ndayenda kunochinja ndichipfeka night dress rangu re pink ne bhoneti ndokupinda mumachira .Asi Handina kumborara zve 2 minutes ndakanzwa Jay ondizungusa ndikamuti...
"Murikudei sekuru ?"
Ndakadaro ndichitorara ndakamutarisa akati.....
"Enda unogeza nhasi dakumbokuratidza kuti ndirimurume handisi wezita."
"Urikuda kundiratidza how?"
Ndakadaro ndichitomuka kugara akati....
"Kubva tiroorane hatisati taita sex tese, ndoyatirikuda kuita nhasi.
I hope uri virgin."
"Jay taura chokwadi kuti nhasi urikuda kurara neni?"
"Nditori pachokwadii enda unogeza ."
"Okay rega ndiyende kunogeza kwacho."
Ndakabva ndatobuda mumachira ndichiita kufara.ndakanogeza fast mu bathroom.
Ndokuzvipukuta-pukuta.Ndichidzokera mu bedroom muya ndakawona Jay ayisa jira redu pamubhedha rakatondityisa ndikamuti...
"Nderei jira iri ?" Akati....
"Ndirikuita chi vanhu chekumusha kwedu kana ndichitanga kurara nemusikana ndinofana kuisa jira irori pamubhedha
Ndiro richandiudza kuti uri virgin here ?"
"Ndiri virgin hangu ,rega ndimbozora mafuta."
"Usazore hako mafuta coz uchazodzokera kunogeza futi ."
"Kugeza futi ?"
"Eh tichanogeza futi, ne hutsvina hwako unotofana kuti ugeze."
"Horyt ."
Ndakatotanga kunzwa kunyarira ndisati ndabvisa katauro kangu zvekuti ndakazoita kekubvisira muma gumbezi ndokusara ndiri naked.
End of chapter 5.....
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
1.8K