
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
June 20, 2025 at 03:42 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaDxdcsICVffB0UwJl19
*KANA UCHIDA BOOK
IRI KUBVA PA ONE FOLLOW MY CHANNEL UNORIWANA RESE UYE KANA USINGADE KU JAMBWA NE BOOK IRI GARA WAPINDA
MU CHANNEL
💮SHINGIRAI 💮
STORY BY LORRAINE
CHAPTER 7.
SHINGI.
Zvekufa kwe mwana wa Taku handina kumboita hanya nako. ndaitovawo nezvangu zvaindinetsa ndakatozovavarira kufamba ndichibva ndayenda kunogara pamubhedha.ndokutanga kuchemera ipapo ndakuchifunga mashoko a Tendekai ayiti ndisaraoorwe na Jay ndikamutuka ndichitoona sekuti ayindiitira godo. zvino apa ndaiva ndodemba kuti dai ndisina kubvuma kuroorwa naye life yaive akundiraramisa yaiva yakundirwadzisa ma first days akatanga kundirova ndaiti pamwe kungotsamwa nezvandaita zvihutsvina zvino apa aiva akuchinyatsondiratidza kuti aitova munhu ane hutsinye anongoda kugara achindirova. ndakatombofunga kufonera Tendekai kuti ndimuudze situation yandaiva ndakusangana nayo kuno zvino number dzake dzakabva dzaramba ndichibva ndangosiyana nazvo ndokuzvirarira pamubhedha ndichingonzwa mukadzi wa Taku kuchema ,handina kumboda kuyenda kunomubata maoko.ndakatoramba ndakarara nditori nema stress angu.
Ndipo pakabva padzoka Jay akasvika achinditi.....
"Wakatorara zvako muno kutoita seisina kunzwa kuti pano tarasikirwa ne mwana moyo wako wakamboitasei nhai Shingi ?"
Handina kumudaira ndakaramba ndiri zii !" Achibva anditi...
"Kumuka ipapo uyende ku dining unochema nevamwe,, plus ugare warongedza dzako ndirikuda kuti ipapa parikuyenda kunovigwa mwana wa Taku kumusha kwedu unoosara ikoko uchibatsirana na mai vangu basa ndichazokuti uye kuno kana wakuziva zvaunoita."
Mashoko ake aya akandipa kumuka ndichibva ndamuti....
"Kana wakusada nezvangu chingobuda pachena ,, haungati ndiyende kumusha kwenyu kunobatsira mai vako basa ini vangu chaivo varikuita vega basa kumusha, undiitire mushe ,ndingo recover chete ndirikubva pano handikwanise kugara ne munhu ane mushonga, kubva paukangorara neni chete ndipo pandikabva ndatanga kurwara zvichireva kuti mari dzako hadzina kuchena unofana uriwe unoshandisa ma brothers ako.
Sei uri wega une mari ?"
Haana chakandipindura ipapo, ndakazongowona andivinga pamubhedha achibva andirova futi mbama.
Ndikamuti..
"Ndirove hako asi chokwadi ndochandakuudza, wakaromba,, hazvitoshamise uriwe waurayisa mwana wa Taku.uchingobva kupinza mota yako nyowani mwana abva."
"Zvandakuita hauna kunyatsozvinzwa , rega ndikutorere futi bhandi."
"Ritore undirove ,,asi mumoyo mangu ndakutoziva kuti mari dzako ndedze mushonga. "
Haana kumbondidaira akanovhura mu drawer rake achibva abuditsa rimwe bhandi ndokuuya naro achinditi.....
"Nguva yareba ndichingo tolerater nonsense dzako,,ezvino ndakuda kumbokupinza muchini."
Akabva andirova naro bhandi ndikaridza zimhere !" Ndichibata foni yangu ndikamuti...
"Ndoda kuvafonera mai vangu ndivaudze kuti urikuita basa rekundirova kunoku , zi muroyi ndosaka wadya mwana Wa Taku nonsense!!"
Ndakataura ndichitochema achibva andibvutira foni yangu ndokuyikanda pasi paikasvika ichinotsemuka achibva atanga kundirova, ndakazhamba mumba umu kusvika pandikaribata bhandi racho zvine simba achibva andipa zimbama rakaita kuti ndise bhandi racho ndikayikwetsura mhere !" Ndaiva ndakutobuda ropa gumbo ese nekuda kwekuti pamwe pacho ayitoita kundirova nekwaiva nechisimbi chekupfekera bhandi.akazondisiya kundirova mushure mekunge anzwa pa door paita knock.achibva ayenda kunovhura door racho ndokunzwa mukadzi wa Taku kutaura ipapo achiti...
"Mufoni menyu mungaitewo here airtime
Ndoda kufonera mai vangu ndivazivise rufu rwemwana vangatozosangane nemashura."
"Rega ndingokupai iri mari munotenga airtime, mubve mangozivisa vamwe.
Vangouya kuzochemera pano."
"Horyt ."
Vakabva vapihwa mari yacho ,vachibva vatoyenda uyu Jay ndokusara achinditi...
"Simuka ipapo uyende kunogeza."
Ndakatadza kumudaira ndichingochema akati...
"Asi zvandirikutaura hazvisi kunzwikwa here, ndati simuka uyende kunogeza.
Wega hausikuzvinzwa kuti urikunhuwa?"
Ndakabva ndangoburuka pamubhedha pacho chinyararire ndichibva ndayenda kunogeza asi pakaita hondo kuti ndikugeze kuzasi kwangu kwaindirwadza zvisingaite kuchiita se kwaiva nemamota zvekuti kana weti chaiyo yaindirwadza kuita ndakatoshingirira kugeza kwacho ndichibva ndayenda kunochinja ndokunzi na Jay ndiyende kunogara ku dining kwaiva ne vamwe.ndikaita sekudaro.iye akabva asara achi cleaner mu room make zvinova zvakatoita futi ndiwone kuti munhu uyu akaromba. munhu aiva afirwa haimbowana simba rekutsvaira mu room make .ndakatobata mukadzi wa Taku maoko ndokugara pasofa .hapana hama yavo yaiva yamboti yauya.uye vanhu vemuraini muno handifunge kuti pane ayimboziva kuti pano pane nhamo.
Nguva dzakatofamba tingori tega mumba .hama dzizhinji dzana Jay dzakazosvika kumanheru kusanganisira vamwene vangu.apa vaindibhowa mazuva andakambovawona kuno ndisati ndaroorwa ne mwana wavo havana kuratidza kundifarira ndaingonzwa nemutauriro wavaita.ndakatovamhoresa zvimwe zviya.ukuwo ma brothers a Jay ese vaiva vakapfeka zvi hembe zve mhanga-mhanga hapana ayimbova nemari.ndaitoshaya kuti chii chinovapa nhamo kudai.tuvakadzi twacho twaiva twakaperezeka ,ari sewa Tonde mukadzi aiva akutochembedzwa neruzevha, ganda rake iri raitoratidza kuti haana kugara mushe, kamwana kacho kadiki kamukomana kaiva kakapfekedzwa nepi raiva rakaita brown nekutadza kuwacha apa matama ake aiva mahombe
Ndofunga aive akamboita kwashi..
Nguva yandikasimuka ndichitoda kuyenda panze kumbonotohwa nekamhepo ndakabva ndanzi na mwene vangu.......
"Mupfekero rudzii ,waukaita uyu , asi urikuwona kunge pano parikuitwa zve fashion?"
"Ko rakashatei dress iri ?"
"Hauwone kuti harite pa vanhu ."
"Munoti harite kuti ndimi makaripfeka plus hamuna kuuya kuzotarisa inini , zivai zvekuchema hama, handisi mukadzi wenyu wamunoda kuudza zvekuita."
"Iwe ka,, haikona kundiudza nyobvo uri pamba pe mwana wangu ndogona kungomuudza kuti akudzinge so."
"Akandidzinga ndongoyenda kumba kwedu pane chinonetsa."
Vaiva vakuda kundidaira vakanyariridzwa neumwe musikana aiva akapfeka hembe dzirefu ndofunga ayita zvema church.asi handina kuziva kuti aiva nehukama nana Jay pakutiii,,, akatoti vamwe varoora vachitanga kubika achibva asimukawo akanotanga kubika nevamwe mu kitchen .ini ndakati bodoo handingombosimuke kunobika pa nhamo isiri ye hama yangu.ndakabva ndatoyenda panze ndichifamba mbichana-mbichana kwakubva ndayenda kunogara pane chimwe chitsubhu ndichiterera ka mhepo kaitika.ndaitomboita yimwe pfungwa yekutoda kumutiza Jay ndava marovero aive andiita mumba umo akandipamha futi ndaigona kungoti zii zvekuti manheru aya handina kutomboda kuyenda kunorara naye ku bedroom kwake.ndakatowaridza chichira changu mu dining maiva nevamwe ndokurara imomo patakapedza kudya.following day, Jay nema brothers vakayenda mu town kunogadzirisa papers Leo mwana wa Taku ayitoda kutakurwa kuyenda kumusha zvese izvozvo zvaiva zvakamirira kuitwa na Jay ndiye ayingobuditsa mari.vakatozodzoka kuma 11am,vaine chikafu nema case ema drinks aiva akawanda.nema cabbages ekugadzira ma salad.vanhu vacho vangoita zvechirungu asi chirungu chacho chese chaisambovafita coz vese vaiva vekumapraz.handina munhu mumwe wandikambowona ayiratikidzira kuva netumari pa vanhu vese vaiva pano.
Apa musikana wekupfeka zvirefu handina kumumzwisisa ma action ake ayita kuna Jay uye vanhu ava vaita kunge vanozivana coz vamboita nguva yekutaura Vese.
Ndakazoti ndawona musikana uya ari ega mu kitchen achitosuka ndichibva ndamuyendera ndokusvika ndichimuti...
"Uri ani wa Jay ?"
Akambotanga anditarisa akati. ....
"Ndiri friend ya Jay takangokura tese kumusha nema brothers ake .
Saka pandakaudzwa zve mwana wa Taku ndakabva ndango decider kuuya kuno."
"Hushamwari hwenyu ngauve nema limits."
"Horyt sisi , hamuna kwamurikuziva kurikudiwa munhu we basa here?"
"Handina kwandirikuziva ,unogara kupi ?"
"Ndaimbogara na sisi vangu kuno ku harare asi parizvino ndavekumusha."
"Hoo unoitwa ani ?"
"Jennifer."
Ndakabva ndaramba ndakamutarisa ,musikana uyu aiva akanaka zvekuti ayigona kunditorera murume wangu ndakabva ndamuti...
"Saka na Jay munotaura pa foni here ?".
"Eh tinotaura ."
"Nyaya dzei ?"
"Anenge achingoda kunzwa kuti ndirisei ?"
"Hoo,, akakuudza here kuti ndine nhumbu yake ."
"Haana kundiudza hangu."
"Ndine nhumbu yake yatova mu three months, tirikuto expected kubata mwana wedu manji manji."
"Munoyenda ku church here ?"
"Kunotsvagei hangu, ku church ndichayenda ndane nhamo ."
"Asi vanoyenda ku church ndivo vane nhamo."
"Eh,, ko kana usina nhamo unoyenderei ku church,sanike kumasowe handiyende kana zvikazodii ."
"Ini ndinofarira kunamata,, kunyangwe zvakarema zvakaoma , ndinonamata Mwari."
"Isu kuma church hatiwanikwe."
Akabva aramba akanyarara ndikamuti...
"Siyana nemurume wangu, haatombode munhu anopfeka dressing yako iyi."
Akatoramba ari zii achi focuser nekusuka ma plate.ndichibva ndamuridzira tsamwa.
Ndichitoyenda kuno checker mu fridge kuti maiva muchiri nema fruits angu here or aiva apera kudyiwa ne mhuri yaMusekiwa.ndakatoona musina ndikanzwa kusvotwa chaiko.
Kumanheru kwacho ndipo pavakazogadzirira vachibva vayenda kumusha vese.iniwo handina kumboda kuyenda kumusha kwacho ndakatozesa kuyenda kunoshandiswa ikoko zvekuti husiku uyu Handina kumbobvira ndakatya kurara ndega ndaitofunga zvangu foni yangu yaiva yapwanya na jay.
following ndakayenda kunowona Fungai kumba kwake asi ndakatosvika achida kuyenda mu town tichibva tayenda tese nemota, ndaiva ndisati ndamuudza problem yangu yekuzvimba kuzasi.
Ndakazomutsanangurira tamu restaurant tichitodya ndichimuti.....
"Nyaya yekuda bonde iyi yakandiparira hama yangu ."
Akabva aseka akati....
"Ko chii nhai Shingi ?"
"Ndakazvimba kuzasi kwangu ,handisi kutokwanisa kuita weti. ."
"Wakazvitanga rinhi?"
"Ndatone nguva ndashaya kuti ndodii ?"
"Haisi sick here ?"
"Ndo ingazvimbise kuzasi kudaro ?
"Eh chimboyenda kunotariswa ku hospital."
"Haisi sick , ma ritual arikuitwa na Jay coz musi wakarara neni ,akaisa jira red pamubhedha, randikazowacha ndawona rakaiswa mu wardrope asi jira racho handina kuzomboriwona."
"Ummmm saka parikutoda kuti umboyende ku church unotaura problem yako ."
"Kumasowe handiyende .".
"Unoda zvemushonga here ?"
"Zvitorinani."
"Saka ngatiyendei kunowona gogo vangu vanobatsira zvisingaite."
"Vanogara kupi ?"
"Ku water falls."
"Tinoyenda plus nasi handisikuyenda kumba ,Tinorara kumba kwako , Jay hambodzoke nhasi ."
Plus ndirikutofunga kumuramba ."
"Indava ?"
"Ndinosvikepi ne munhu anondirova."
"Munhu anorova haite, kana uchida ndokuitira plan ya Innocent akanaka uye ane mari ."
"Chimbomufonera auye ini handichina foni yakapwanywa."
"Saka Jay haasi murume boe anoda kuhurirwa chete ."
"Ndozvandakuda kumuitira."
"Rega ndimufonere Inno."
"Ok."
Ndakabva ndatanga kudya ndichitonzwa Fungai akutaura na Inno achomuti auye ku restaurant akati ,arikumboita shopping.
Anozouya apedza, akanzi na Fungai akasire.Ndaiva ndakutononokerwa nekuwona Inno wacho.akazosvika hake kuma late apa ayita kunhuwirira perfume achiratidza kuti ndi business man.
Akatondimhorese akandidaira zviri cool.
Uyu Fungai achibva asimuka achiti akumbotenderera mu town kwakubva atisiya tiri two tichitaura akanditi.....
"Unogara kupi , you're beautiful."
Ndakatonyemwerera ndikamuti...
"Ndogara ku Bluff hill nevabereki vangu ."
"Hoo saka une foni here tizotaura ?"
"Foni yakafa ndichatoita kuti nditenge."
"Kana zvichiita ndogona kungokupa yangu , topota tichitaura."
"Hazvina kuipa ."
"Saka une mukomana here ?"
"Nditori single ndiri pakutsvaga."
"Ini ndirikutoda munhu wekuroora ."
"Kana ungori serious unondiroora hapana chinoramba ."
"Wakanaka hako Shingi ,,nditori nema pictures ako mufoni mangu.:
"Wakamapihwa na Fungai."
"Yes ."
"Okay ."
"Zvinoita here kuti tiyende tese ndinokuratidza kumba kwangu."
Ndinogara na mom vangu ."
"Handei hedu asi unozoyenda kunondisiya kumba kwana Fungai ndiko kwandirikuda kurara nhasi ndichazoyenda kumba kwedu mangwana."
"Horyt ."
Ndakatosimuka , tichabva tabuda tese mu restaurant muya.ndichitofamba mbichana-mbichana zvinova zvakaita kuti Inno andibvunze kuti urikufamba sei ndikamuti ndine mota pachidya pangu akanditi,saka wakatenga mushonga here ndikamuti, Eh ndakatenga ndiwo wandirikushandisa ."akati" horyt.......
Akabva andibata ruoko rwangu tichibva tafamba kuyenda kumota kwake akasvika achindivhurira door rekumberi ndichibva ndapinda mukati..........
End of this chapter 7
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
1.8K