
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
June 21, 2025 at 06:06 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaDxdcsICVffB0UwJl19
**KANA UCHIDA BOOK IRI KUBVA PA ONE FOLLOW MY CHANNEL.UYE KANA USINGADE KUJAMBWA NE BOOK IRI GARA WAITA FOLLOW MY CHANNEL*
💮SHINGIRAI 💮
STORY BY LORRAINE
READ AND SHARE
CHAPTER 8.
JENNIFER.
Takafamba zvakanaka kuyenda kumusha kwamutoko.hapana chakambonetsa munzira macho kana police haina kumbobvira yatimisa-misa.mwana wa Taku akazovigwa zuva remangwana racho Kuma 2pm.asi ndine zvinhu zvakandityisa tirikumakuva pakapedzwa kufushirwa mwana ndakawona Jay nemaziso angu aya achinokora ivhu raiva pa guva rwemwana achibva ariisa muhomwe make ndokutanga kucheuka-cheuka achitarisa kuti hapana aiva amuwona here akawona pasina achibva ayenda kunomira kwake ega.asi ini pfungwa mangu ndaiva ndozvibvunza kuti ayida kudii ne ivhu iri.takazobva hedu kumakuva tichibva tadzokera kumba vanhu vakasvika vachidya sadza raiva rabikwa nenyama asi ini handina kuridya ndakatoriramba ndichitonzwa kusviba moyo nezvandaiva ndawona zvichiitwa na Jay.zvekuti pakuyenda kumba kwedu handina wandikawoneka ndakatofamba munzira mese ndichinzwa kutya muhama mangu.ndichisvika kumba ndawana mbuya vangu vachitodzvuura mudiri asi handina kuziva kuti vaidzvurei, ndakabva ndafamba kuyenda kwavaitira zvinhu zvavo ndokusvika ndichivati ....
"Maswerasei gogo ,, zvinyiiko zvamurikudzvuura nguva dzino ?"
Ndakadaro ndichitoyenda kunogara pachibhenji chaiva pa bhedhuru ratairara vakati....
"Chimera changu chandirikudzvuura ndoda kugadzira mahewu, ndawona kuti anotibatsira makuseni."
"Ko hamuna kuzouya wani ku nhamo?"
"Makumbo angu awora muzukuru wangu ,ndichatozoyenda kwamusekiwa kwacho kunobata maoko ."
"Munofana kuyenda,,kana muchida ndinokuperekedzai ."
"Iye mwana wacho avigwa hake zvakanaka ?"
"Eh avigwa zvake zvakanaka asi ndine zvinhu zvandishamisa gogo,ndawona Jay achinokora ivhura repa guva re mwana wa Taku. Angave achida kuridii?"
"Vamwe vanowanzorishandisa kutsipika mweya wemufi ."
" Saka Jay ,arikutoda kutsipika mwana wa Taku ndozvazviri kureva."
"Ipapo panondiremera kudavira muzukuru wangu,iye muridzi atora ndiye angatozive kuti arikuda kudii ne ivhu iroro ."
"Horyt gogo ."
Vakabva vayenderera mberi nekudzvuura Chimera chavo.mbuya vangu vaitondinzwisa tsitsi, hapana kana mwana wavo mukomana ayimbovachengeta .
Vese vana vaiva vakuita zve life dzavo mu harare vakatopedzisira kuuuya 2021 vaine muporofita akasvika achibata gogo huroi nekutovati ndivo vapedza nekudya vana va Sekuru Kuda zvinova zvakachemedza gogo vakati, nekukuchengetai kwese kwandakakuitai kusvika mukure ndichiita zvinhu zvekutamburira nhasi uno makura mavenemisha yenyu nevakadzi ndipo mavekuda kundibsta huroyi, ko kana ndichiroya madii mangoita kuti muporofita wenyu andipfuudze zvake.ini hangu
Muporofita wacho handina kumunzwisisa kunyangwe hazvo gogo vaiva nezvavano zvandaisaziva asi muporofita uyu ndakawona sekuti ayitodya mari dzana Sekuru vangu achingovanyepera zvehuroyi coz manzwiro atazviita nana sisi Paida vanogara ku harare vaitoti anoitwa zvekubhadharwa kuti ayite basa rake.kubva ipapo takatsvaga church yekupinda na gogo ndokutanga kunamata ikoko kusvika parizvino.sunday hataishaikwa ku church kunze kwekutoti mvura yanaya rukova rwazara ndipo pataitotadzirira kukuyenda nekuda kwekuda kwekuti tatoyambuka kuti tiyende ku church kwacho tainamatira kumakomo kwachigada.nyama dzangu dzaiva dzakatofizuka ndakayenda kunogeza zvema minute's akati oooo..
Handaigona kubuda muchinjausi ndisina kukwesha.dzimwe nguva taishaya sipo asi hazvainditadzisa kugeza.mai vangu na baba vakashaya vese asi havana avo kufirana pamwechete, Amai vangu ndivo vakatanga kukazotevera baba vangu.
Zvinova zvakazoita kuti nditange kuchengetwa na mai va mhama.
Vabereki va baba vangu vaiveko havo asi vaisamboita shungu neni. ndakamboshanyira vamwe tete vangu vaiteedzana na baba vangu vaigara kukadoma pandakasvika kumba kwavo mushure mekunge ndapihwa address yavo na gogo havana kuratidza kundifarira vakabva vatanga kutaura kuti heee watosvika tichitoda kuyenda kumusha unotozodzoka kana ndakufonera apa ndaiva ndaitawo chido chekuti ndinowona tete vangu kubva ipapo handina kuzomboyenda kumba kwavo ndakabva ndatanga kuzvitira life yangu yekumusha.
Ndaiva ndakajaira nhamo yese, kuchikoro ndaiyenda ne uniform yakabvaruka .
Ndaizoita kupihwa ne vamwe dzavanenge vasisade kwandiri yaitondiitira nyowani.
Ndakazonyora form 4 yangu ndakafoira ndichibva ndatsvagirwa baba na sisi Paida.munhu wacho wandikanoshandira ayinetsa zvisingaite asingade kubhadhara ndakabva ndarisiya basa racho ndokudzoka kuno kumusha ndakatanga kuitira vanhu maricho.ana Jay ndakatanga kuvazivira kuno, dzimwe nguva ndaitomboyenda kunoswera kumba kwavo tichitandara.ndakatozoshamisika kunzwa Jay ane mari nemota hameno kuti akaita bussiness rakamupfumisa kudaro coz ndamuziva achitambudzika uye mazuva afa baba vake ndiwo akatanga kutaurwa kuti Jay ave nemari zvekuti foni yandaitoshandisa inodhura ndiye akanditengera akati tipote tichitaura asi haana zuva rimwe haro rakambondipfimba.
Ndakazopedza hangu kugeza ndichibva ndayenda kunopfeka roko rwangu.
Ndokutanga kuverenga Bible rangu.
manheru acho hapana chakambobikwa .
Takangorara nenzara sezvo paiva pasina hupfu,chibage chaivapo asi mari yekuti tinogaisa ndiyo yaitoshaikwa.zuva rakateera racho ndakazomuka kuma 9 ndaiva ndakaneta apa kuno kwacho kwainetsa mvura.nguva dzino pachibhorani pacho paita kuzara zvekuti pandakayenda ku harare ku nhamo ndakatosiya ndacherera gogo zvibhu zvemvura zvakawanda vaiva vachitori nayo asi hayaida kumirirwa kupera mumba.ndakatoyenda kunotora ma bucket angu maviri ndokusiya ndavhurira huku dzichibva dzabuda .
Ndichingoti fambei ndipo pandakawona Jay achitofamba kuuya kumba kwedu ndichibva ndatomirira paye akanditi...
"Hausikundiwona here ndimhanyire ?"
Ndakatoseka ndichibva ndamuti....
"Zvekutukwa nemukadzi wako handidi, akatogara andipa ma warnings ekuti nditambire kure newe ."
"Kamunhu kaye kandikaroora hakasi kamukadzi kachikwambo."
Akadaro achitofamba kusvika pedyo neni
Ndikamuti...
"Ayitasei mukadzi wako waurikuti chikwambo." Akati.....
"Kanoroya masikati machena kamunhu Kaya,ipapa pakakasara kega ku harare karikuita hutsvina hwese ,hameno kuti ndakatadza nei kuroora iwewe ndichiyenda kunoroora madhodhi.
Munhu uya this months anofana kuyenda kumba kwavo handichada."
"Usadaro mukadzi wako Jay ."
"Handina mukadzi Janne , ndiri single ndirikutoda kuroora iwewe."
"Siyana nezvaurikutaura hako."
"Apa urikuyenda kunochera mvura kupi ?"
"Pachibhorani .".
"Handei ndikuperekedze hunza rimwe bucket nezuro ndakazokutsvaga ndokuzoudzwa nevamwe mai kuti wayenda.".
"Nezuro ndainzwa kuneta ."..
"Nei baby ?"
"Mvura yakabikiswa ne vanhu kugeza tisu takachera ."
"Thank you Jenn,ndirikuda kutoyenda newe ku Harare unopota
uchinditsvairira mumba ndinenge ndichizokupa mari."
"Zvino mukadzi wako hazotsamwe here ?"
"Handichina mukadzi Janne ,rangove zita rekuti ndakaroora Shingi."
"Asi makutoda kurambana vanhu makabva kuroorana manji manji.".
"Shingi aiva munhu wandaida, zvinhu maitiro ake ndakamatadza ,chimbofunga kuti ne age yake hagone kubika,kutsvaira mumba,kuwacha hembe dzangu .
Bhurugwa rake chairo remukati hagone kurichenesa pakati,pakadaro ungati une mukadzi here ?"
Ndakatoseka ndikamuti....
"Wotongozvitambira zvanoita."
"Handitambire shit iyoyo,,iwe ndiwe uchaita mukadzi wangu ndirikuwona version yacho."
"Hazvife zvakaitika izvozvo Jay, chaungatondipe ibasa ."
"Basa riripo pandirikuyenda nhasi tinoyenda tese ,ndichanotaura na mbuya vako."
"Horyt, ndaneta ne nhamo apa nezuro hatina kudya tanga tisina hupfu ."
"Wakadii wakauya kwandiri ndakakupa mari yekunotenga zvekudya "
"Iwe wanga uripakuchema hazvaita kuti ndiuye ndikukumbire mari."
"Handaimbotadza kukupa sweetheart."
"Handina kuzvifunga."
"Next time kana une chiri kukunetsa unondiudza ndokubatsira "
"Okay chihandei kuchibhorani."
"Hunza ndibate ma bucket."
"Siya hako ndinobata ."
Akabva ayita zvekunditorera ma bucket achozvechisimba ndokuchizofamba hedu kuyenda kuchibhorani wakasvika kune vanhu vakawanda tichibva tanotsvaga pekugara ndokutanga kuita nyaya na Jay achindiudza nyaya dzemukadzi wake.
Ayitawo hutsvika hunosemesa ndakatonzwa kumunyarira.pakazosvika nguva yedu yekuchera mvura .
Ndakatoyenda kunogairwa chibhorani na Jay apa vanhu vaingomutarisa.
Akatozadza ma ese bucket achibva amatakura ese kuyenda kumba kwedu mbuya vangu vaimuziva zvake.tichitosvika kumba ndakamuti amasiye hake panze achibva ayita sekudaro.Kwakuchibva tazoyenda mu kitchen maiva na gogo akasvika achimhoresana navo vachibva vamubata maoko. ndokuchizotanga kutaura vese kusvika pakazopinza nyaya yake yekuti arikuda kuti ndinomushandira kumba kwake asi gogo vakabva varamba kuti ndiyende kunoshanda vachibva vazoita kunyengererwa na Jay kusvika pavakazobvuma kuti ndiyende kunoshanda asi vakabva vabuditsa muromo wekuti ndisanosiye kunamata.ini Mwari handairegedza kumunamata. ndakazobuda na Jay kuyenda kuma shops akanonditengera grocery raiti gogo vazosara vaine chekubatsirikana nacho.
Ndakafara zvisingaite kuti mbuya vangu vaisarawo vaine chekubata.ndakabva ndapihwa mari yekuchigayo na Jay akandipekedza kunogaisa.musi takaswera tichifamba tese.ndakazogeza ndokupedza kwakuchinja.ndokurongedza tuhembe twangu ndichibva ndawonekana na gogo asi vakabva vanditora ndokuyenda pedu tega vakanditi....
"Jay wako uyu umunjerere ,ndiwe nyakuuya uchindiudza kuti wakamuwona achitora ivhu repa guva re mwana wa Taku."
"Gogo musambondityire ndiri prayer warrior."
"Please!" Please !' usaregedza kunamata."
"Ndazvinzwa gogo ndichanonamata zvakasimba, Bible handina kukanganwa kutakura."
"Horyt kana masvika mufone ."
"Pakanaka."
Ndakatonzwa moyo wangu kurwadza kuti ndaiva ndakusiya mbuya vangu.
Asi iniwo handina kwandaisvika ndakagara kuno ndisingashande coz mbuya vangu vaitoda kuchengetwa neni ndovaitirawo zvese zvavanoshuvira muhupenyu hwavo.Takazowonekana navo vachibva vatibuditsa kusvika padhuze. Ndokuchizofamba kuyenda kumba kwana Jay. vamwe ve hukama hwavo vaiva vachiripo vakaungana.ndaitonzwa tsitsi nemukadzi wa Taku.zvaive zvisingatambirike kurasikirwa ne mwana.
Maziso ake aiva akazvimba nekuchema.
Ndakatoyenda kunogara kusaga kwaive ari na mbuya musekiwa ndikasvika ndichivati..
"Maswerasei pano ."
Mbuya musekiwa ndivo vakabva vandidaira vakati..
"Taswera hedu, ko nezuro wakafamba sei ?"
"Ndaiva ndakaneta ndikati better ndimbonorara."
"Hooo ."
"Eh, apa ndirikuda kutoyenda ku harare na Jay arikuda kuti ndinoshanda kumba kwake."
"Zvino nekanjapisi kariko uku unokugara?
"Eh ndinogara ."
"Kamukadzi kakatorwa na Jay hakaite. wakanzwa zvakandiita musiuya wandaimutsiura nenyaya ye dress rake raiva akapfeka akandipindura rough.
Kana kunhamo chaiko kuno haana kuuya."
Ipapo mukadzi wa Taku akabva adaira achiti.......
"Mukadzi uya akaoma zvake ,,, kubva mwana wangu atange kurwara haana zuva rimwe rakamboyenda kunomuwona kuchipatara.basa repamba ndini ndaita .
Oti chikafu chacho ayitokonorera....
Mwana uya akaoma moyo.
Ini handichadzokero better kugara kuno.
"Haana nguva ayina Jay arikuyenda kumba kwavo batai mashoko angu.
Jay ndatomutaurira kuti kana achizoda kundiwona kumba kwake ngasiyane ne Ngozi yakatora ."
Vaiva mai vacho vaitaura.............
Asi Ini ndakatomuwona mukadzi wa Taku kuti haana mukanwa.ndainomunyarira kana akatanga hunhu hwake .
Takatandara kusvika kuma 2pm ndipo pandikawonekana nana mhama tichibva
tapinda munzira kudzokera ku harare na Jay. taiva tiri two mumota.akatoti tichipinda mu harare kwakubva anditi urikuda kudyei ndikamuti.......
"Ndirikuda kudya chicken inn." Akati..
"Buruka mumota ndiyende kunokutengera ."
Ndakamboda kuti ayende kunotenga ega .
Ndikangoti better ndimboyenda kunowona zvinenge zvichiitwa mu chicken inn macho.kumusha kwaiva kwakutondichembedza.ndakatoburuka mumota macho tichibva tayenda mu chicken inn. Akanonditengerwa four piece.
ne pizza nema drinks. Asi hatina kuzojira imomo.takabva tatoyenda kunopinda mumota .ndokunanga kumba ndichidya food yangu.iri se nyama ndakayidya kusvika moyo wangu pakumira.
Ndaitofungira kuti tinosvika mukadzi wa Jay ariko.zvino takasvika asipo.
Hameno kuti aiva ayenda kupi......
Takatowona mumba muri bvuuuu....
Zvataiva tamusiya makaita ndizvo zvamangove muri.ndakabva ndatoita busy rekumugadzira ndichibatsirana na Jay tichitaura nyaya tichiseka......
Zvekuti tichipedza zvataita takabva tanozorora pasofa takatanga kuwona tv ndokuwona Jay andibata ruoko rwangu achibva anditi...
"Youre beautiful hako Janne ."
Akadaro akanditarisa ndikamuti.....
"Unopenga here Jay , ndisiye ruoko rwangu."
"Handisi kuzokusiya kana usina kundipindura zvandataura ."
"Thank you kwacho nekundiudza kuti ndakanaka, urikuda kubikirwei nhasi."
"Ummmm sadza ne beef ndozvandirikuda kubikirwa newe."
"Ok but mukadzi wako ayenda kupi ?"
"Anenge akayenda kumusha kwavo...
"Saka urikureva kuti tichange takugara tiri two pano."
"Ehe,, kana uchibhoikana tinoswera tese kubasa kwangu."
"Ndosara hangu pano Jay "
"Ok ."
Ndakabva ndasimuka kuyenda mu kitchen kunomubikira asi ndakazowona anditevera ndokusvika achinditi...
"Zvakaipei hazvo kuti ndikuroore Jennifer ndokubvisira mari yese....
Uyu Shingi handifunge kuti achadzoka kuno plus Ndirikuda kumuramba .
Iwewe ndiwe type yemukadzi wandirikuda anonzwisisa.
End of this chapter 8.
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
1.6K