
Lorraine SHONA NOVLES🇿🇼
June 21, 2025 at 05:09 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaDxdcsICVffB0UwJl19
KANA UCHIDA BOOK IRI KUBVA PA ONE FOLLOW MY CHANNEL UNORIWANA RESE
💮SHINGIRAI 💮
STORY BY LORRAINE
CHAPTER 9
SHINGI.
Ndaifunga kuti Inno anogara nzvimbo dzinogarwa ne vanhu vane mari.zvino pandikazowona achimisa mota yake pamwe pamba paiva pakashata pacharatidza kuti panogara vanhu vakawanda ndakabva ndati,, ko saka mari yainzi anayo na Fungai ndeyipi, iye achi lodger kuno kwakadai.nguva yakaburuka mumota ndakaramba ndakagara achibva ayita zvekuuya kuzondivhurira door achinditi
"Tasvika beb chiburuka ?
Ipapo ndakambotanga ndamutarisa zviye zvekutomudzikisira ndichibva ndamuti...
"Urikuda kuti ndiburuke ndichiyenda kupi apa?"
"Mumba ."
"Mumba menyu enda wega, handidi zvekuzobva ndakurwara kuno plus
Doctor vangu vakanditi ndisafambe ma places ari dirty or anofamba vanhu vakawanda coz ndine asima inobva yatokwira apa doctor wangu anondirapa haasi kuno ariku England."
Ndakadaro ndichitomunyepera Akati...
"Kuno hakuna kana vanhu vakawanda vanombofamba, uye mumba matinogara muri clean saka haumbobve uchirwara."
"Saka urikundiudza kuti nezvauri izvi unogara kuno kwakashata kudai, pandatokuwona mu restaurant ndatofunga kuti unogara kunana borrowdale Brooke ."
"Imba ndinayo ku borrowdale, problem iripo ndeyekuti ndakajaira kugara na mom vangu kuno, nditori nemagonyeti anoyenda kuma countries ese zviri zve mari usandityira, ndirikuda kutokupa iPhone."
"Really !?"
"Ukangondida chete uchawona kuti uchadya mari."
"Kukuda ndatokuda asi handidi zvekunyeperwa, asi kana wati kuno ndekwa mom vako it's fine ,rega ndiburuke tiyende mumba macho."
"Thank you nekunzwisisa,wakabatana wangu ."
Ndakabva ndaburuka mumota macho ndichitotarisa kunzvimbo kwandaive ndaunzwa, handina kutowirirana nako.
Achitopedza ku locker mota yake, akabva andibata ruoko rwangu ndokundibatsira kufamba kuyenda mumba mavo.
Nyasi yangu iyi yairwadza kuita vhika chaiko kuchiita senge kwaiva nemaronda . tichipinda mumba mana Inno ndakawona mune vamwe mai vaiva vechikuru not stereki, ndakatoyenda kunovakwazisa kwakuchizoyenda kunkgora pasofa ndokuvati..
"Makadii henyu mhama ?"vakati...
"Ndinofara zvangu ,,makadiiwo ."
Vakadaro vachitonditarisa kuti ndini ani ndichibva ndavati....
"Ndirinani zvangu ."
Zvekuswero taura nemachembere zvaitondibhowa.ndakazoona vakusimuka mai vacho vachibva vayenda kunotora ma bescuits ne drink zvavakazouya nazvo vachindipa asi handina kumboda kuzvidya nekuda kwekuti ndakangosemeswa na mai ava vaiva nemaronda pamuromo pavo vachiita semunhu aitova nechiwere
Ndakatovati"Maita henyu mhama asi mawona ndakaguta ndabva kudya mu restaurant." Vakati" Chingonhonga maviri matatu,, ndipo paungabve wada kubva usina kudya pamba pa mai vako here?" vakadaro vachitosimudza ndiro iya vachiisa kumberi kwangu ndokuvati" Ndakaguta imi, madirei kundimanikidza?" nguva yacho vakabva vanzi ne mwana wavo"Musiyei mhama kana ati haasikuda kudya musamumanikidze anozodya hake mazuva mazhinji"Vakati "Horyt vachitosimuka kuyendesa plate iya mu kitchen, ndipo pandikazonzi na Inno handei ndinokuratidza ku room kwangu ndichibva ndamurambira ndichimuti ndakuda kuyenda kumba kwe friend yangu tine kwatirikuda kuyenda tese."Akati"Kupi kwamunoda kuyenda nguva dzino, madii kuzozviita mangwana kwakachena, zva nhasi tomboawera tese uchindiudza mamiriro akaita family yenyu zvekuti kana ndakuda kuroora hazvindinetse." Ndakabva ndasimuka nguva yacho ndichibva ndamuti" zvakawanda ndichazokuudza Kana wandiratidza kune imba yako, ita tone undiperekedze kumba kwa Fungai...
"Mari ndinayo Shingi."
"Kana wandiratidza kune imba yako ndipo pandicha believer kuti unayo mari."
"Chindiperekedza ku room kwangu ndinopfeka bhutsu dzangu dzimwe."
"Hauzondikanganise here ku room kwako uko."
"Handina zvandinombokuita Fungi ."
"Horyt handei,."
Akabva atora ma keys ake emota ne foni tichibva tayenda ku room kwake.
Kwakasvika achikinura door tichibva tapinda mukati, mu room maiva makanaka zvirinani, akatonditi ndiyende kunogara pamubhedha ndichibva ndaita sekudaro, iye kwakuchibva atanga kutsvaga bhutsu dzake ndakamutarisa.Aiva nema pairs hobho, akatotora ma pushi ndokupfeka iwayo, achibva andiperekedza kumba kwa Fungai, takatosvikako kuma 6pm asi haana iye haana kuzoda kuyenda mumba. akatondipa hug ne kiss yakanditapirira achibva andisira foni yake nyowani iPhone akati achazondifonera mangwana totaura tese.ndakanzwa moyo wangu kutsemuka nemufaro zvekuti ndakanyemwerera ndokumupa ma kiss hobho achibva ayenda ne mota yake ndakasara ndichitofamba kuyenda kuka room kaigara Fungai. ndakatomusvikira achimona sadza pa gas ndikamuti ....
"Vasikana ndini munhu anonzi apinda machena, tarisa uwone kuti ndapihwa iPhone na Inno."
Ndakdaro ndichitofamba kunogara pamubhedha akati....
"Zvako watotanga nekuitirwa zvakanaka, apa wapinda machena ."
"Ndikangopora sinhi rangu ndirikuda kuripa Inno apa andigonera zvehupenyu hwese, Jay akatadza kunditengera foni iyi nenyaya yekuomera kwake ikoko."
"Chihure chinobhadhara,,zvese zvaurikuwona zviri mumba mangu chihure chese ,rent handizive kubhadhara.".
"Rega uwone ndipore, ndinoku joiner ."
"Chinongodiwa chete kugona kupa murume sex hazofe akakusiya."
"Asi nhai Fungi ,, Inno ane mari here coz kumba kwavo kwatayenda masikati kwakashata kune old property, hameno zvakungori."
"Iye Inno anonditi ane mari, haadi kuti zvizikanwe nevakawanda."
"Angona ayinayo coz IPhone iyi haitengwe ne munhu asina mari ."
"Iyi foni inopisa ,saka mangwana tirikuyenda here kunowona mbuya vangu ?"
"Eh hatifane kutoregedza kuyenda ndirikuda kuti sinhi rangu ripore."
"Horyt ,, mbuya vangu ivavo vanobatsira zvavo."
"Tinovayendera,asi mangwana ndirikuyenda kumba kwangu."
"Ko unomhanyirei tinogona kumbogara tese pano."
"Jay anogona kungodzoka ondisvikira ndisipo ndinorohwa ndakafa."
"Kunhamo kwakayenda hambodzoke zvekudaro."..'
"Kana asina kuuya ndinodzoka."
"Horyt ."
Akazopakura Sadza raibika tichibva taridya ne fresh fish zvainyatsoyenda .
Zuva ratevera racho takamuka makuseni-makuseni tichibva tasheyana mabasa na Fungi iye akatsvaira yard nekukwesha mu toilet iniwo ndokungotsvaira mumba zvandaigona tichibva tanwa tea,hapana akambogeza kunhu kwainetsa mvura ndakangozvipukuta-pukuta tichibva tatobuda kuyenda kwa gogo vake ku waterfalls.takatovasvikira vane matare ne vamwe vanhu.ndichibva ndatonzi na Fungai ndiyendewo kunojoina vamwe. kwakubva ndasunga kadhuka kangu ndokuyenda kunogara paiva ne vamwe.vanhu vese vaivapo vakabatsirwa vadzokera kudzimba dzavo kwakuchibva tasara tiri twona gogo ndokuvamhoresana navo, vakandidaira zvakanaka-naka.ndipo pandikazowona vakanda hakata dzavo pasi ndokunditi....
"Nhau yenyu yamavinga ndaiwona kuti ndikubatsirei ndirikuda two hundred us."
Vakadaro vakanditarisa ndikavati.......
"Manji apa ndafamba ndisina mari, muzukuru wenyu haana kundiudza kuti munobhadharisa."
"Muzukuru wangu upi ?"
"Fungai ."
"Ndiye wamauya naye here?"
"Hongu ."
Vakabva vamudedza Fungai wacho akauya kunogara parupasa akanzi na mbuya vake....
"Ko nhai Fungi wakatadza nei kuudza mumwe wako kuti kupinda pamatare neni ndinobhadharisa."
"Ndakatokanganwa kumuudza gogo, asi
Munogona kumubatsira then ozokuisirai mari yenyu pa ecocash."
"Horyt,, asi mari yangu handidi kuzoti igarise."
"Anokusenderai musatye ."
"Pakanaka , nhau yake yafambira yaari kusangana nayo yekurwadziwa ne nhengo ma rituals akatoitika paari.
Munhu wakarara naye Haana kunaka."
"Kana muchiti haana kunaka murikurevei ?"
Ndakati ndibvunze ndinyatsonzwisisa vakati ..
"Munhu waukarara naye akaromba ,
Unofana kunorara naye futi kuti zvirikuitika pauri zvipere uye ndine Bute randichakupa rauchange muchinoisa mubucket rine mvura yakapisa woita zvekugarira kwemazuva matatu...
"Zvino handifunge kuti Jay anobvuma kurara neni nezvandiri ."
"Hamborambe kurara newe ndichasara ndichishanda nezita rake anonzani full name yake."
"Anonzi Jayson Musekiwa ."
"Horyt."
"Zvino zvakaromba ndodii coz iniwo wacho handikwanise kugara ne munhu anemushonga."
"Murikuda kuti tiparadze zvakabata here ?"
"Kana zvichiita zviparadzei ?"
"Asi Kuparara kuchaita zvinhu zvacho zvichaita kuti asare asina chinhu."
"Hazvina kana basa akasara ari murombo ,,paradzai zvinhu zvake zvakaromba."
Ndaiva ndatogarwa nemoyo wekuda kumuitira hutsinye Jay zvekuti paisara ari pazero ndaizoda kunyatsomushanira ndomuisa pa level rake...
Gogo vaye vakabva vabvarura jira raiva red vachibva vandipa pen kuti ndinyore zita ra Jay na surname yake, ndichibva ndaita sekudaro.vakanditi jira iroro ndaizoyenda kunoricherera pamba pa Jay ndiro raita kuti zvinhu zvake zviparare
ndakanyatsonzwa kufara ndaitoziva kuti Jay akaita murombo, handaimbotadza kubatsirwa na innocent.ndakatoitirwa zvinhu zvangu zvikafamba mushe .
Ndikasiya ndavavimbisa kuti ndaizovaisira mari yavo mangwana kana kuswera mangwana.kwakuchizosimuka ndichiudza gogo vaya kuti ndaizovatumira mari yavo mangwana kana kuswera mangwana.
Vakandipa number dzavo dze ecocash.
Hatina kubva tayenda kumba.
Takatoitira gogo basa vakatibikira tea ndokutanga kutandarara navo.
Takazoyenda kumba kuma 5pm.
Asi handina kuzoyenda kumba kwa Fungai ndakabva ndangonanga kumba kwangu straight ndakatosvika ndichiwona mota ya Jay iripo zvinova zvakandishamisa kuti akadzoka rinhi, ndichibva ndacherera jira rangu pasi kwakuchizofamba kuyenda mumba mandakasvika ndichiwona Jay na Jennifer vakagara pasofa rimwechete vachiwona tv vachidya ma popcorn ende vaitoratidza kuti vaitodanana .
Ndakanzwa chigodo kugara pahuro pangu ndichibva ndangofamba kunodzima tv ,ndokuvati..
"Murikutodanana henyu mumba mangu ,manji ndadzoka, iwe Jay simuka ipapo tinotaura ku bedroom ndoda kuziva kuti musikana uyu avingei pano..
Kana wakuda kuita second wife taura ndizive.
Ndakadaro ndichinzwa hasha chaidzo ndikanzi na Jay.....
"Urikubva kupi nezuro takasvika usipo pano apa mumba muribvuu..
Maitiro ako anonyadzisa Shingi .....
Unehutsvina hunosemesa ......
Ndosaka ndakatoti Jennifer auye kuzoshanda pano coz mumba mangu mungatowora."
"Saka urikundiudza kuti Jennifer akauya kuzoita mu maid pano.
Makaita mugariro uyu...
Pamwe nezuro ndisipo makatombokwirana henyu, manji yangu imba iyi haumbofa wakaiparadza Jennifer.
, Jay anoti ini, kurumbidza kusimuka ipapo
ndini ndine right yekugara pa side nemurume wangu ,kana iri nzara yekumusha kwenyu inoda kukutumai kuuya kuzotora varume ve vanhu ,wangu uyu hamutore nxaa !"
Akabva asimuka Jennifer uya ndichibva ndanogara pa side pa Jay akanditi..
"Nguva yese iyi ndanga ndichifema smell yakanaka,kungogara kwako pa side pangu ndakutonzwa kunhuhwira ,haugeze urichapa ."
"Jay uri mumwe dai wati zii ipapo coz soon zvogona kungokudhakwira.
Kwandafamba ndatoudzwa kunzi ndiwe wakakonzeresa kuti chinhu changu chizvimbe,saka ndanzi kuti zvipere ndinofana kurara newe asi kana usirikuda ndinenge ndakunokuzvimbisa chako yongoita square squares coz ini zvemushonga ndinotozvigonawo chaizvo iye Jennifer anomboziva here kuti wakaromba nema brothers ako, unemushonga wekuti ukangorara ne munhu anozvimba kusazi......
End of this chapter 9.....
❤️
😂
👍
🙏
😮
😢
982