🇿🇼Chihelele Shona Stories
May 24, 2025 at 06:31 AM
https://chat.whatsapp.com/IXeARB7AxU9Kdq0UPhiFDH
https://whatsapp.com/channel/0029VaxesKw0G0XjP7oQIv0q
*Blood Ties*
Nita Chihelele
&
Mai P #ashava
Chapter 6
Ethel
"Hmm pari kurwadza apa ndandiri kuda hangu mvura".
"Ooh okay".
Ndizvo zvega zvaakadaira ndikatoshaya kuti tiri kuwirirana here. Under normal circumstances aidei akatomhanya mhanya kundikwiza neheat rub asi apa kana zvake. Ndakasiya zvakadaro ini handingati ndafirwa ndiri pakuchema ndobikira zve vanhu. Zvaitongoda mwana waPhibion Kurima aitsvaga dzvene neparisingadiwe uyu. Ndakanopinda mumachira chaimo hope hadzina kumbotana kundiba zvadzo. Ndakazonzwa kunge ndapuruzirwa malips angu ndiko kupepuka kwandakaita. Aive Bee hake aive akagumanisa malips angu neake. Paakaona ndasvinura akabva achinatsondikissa chaizvo chaizvo zvakaita kuti ropa rimhanye nemuviri wese rakananga pakati pemakumbo apa. He stopped akati, "Chiuyai mudye mami".
Aidaro smiling naughtily ndikati, "Ndoda kutanga ndambodya iwewe Brendo ndatokusuwa mhoti".
Ndaidaro ndichida kuzama kuisa ruoko mutrouse raaive akapfeka akakasika kusimuka achiseka kwakuti, "Not now mami. Sadza first then husiku hwese uchindidya hako".
Matauriro aakazviita akaita kuti ndiseke kwakumuka hangu ndatoona kuti handiihwinhe nyaya yacho. Takawana Lindy namhamha vave kutodya havo. Ndakanogara pasi ndikaona Lindy akusimuka pada aida kutisaver chikafu asi Bee akakasika kuti, "No no mainini garai henyu mudye".
Vakagara mainini vacho iye ndiye akazonouya nedish akandigezesa maoko. Mama vaingotarisa havo vachizvidyira chikafu chavo.
Aitogona kubika Lindy food yacho yainaka and ndakadya kupedza yese. Ndakanyara kuti ndibva ndangonorara saka ndakabva ndagarawo maive nevamwe ndakutoitawo nyaya. Bee akazoti, "Maita Amangulube taguta isu. Chizororaiwo ndisuke". Ndakamupa ziso munhu kupa munhu mutupo waisave wake zvake. Phibion aive wekwaNyati sekunzwa kwangu.
"Aewa bamkuru haa kana ndosuka. Mungasuke ndiripo here garai ndinonosuka ko manganiko maplates evanhu 4 iwaya".
Aidaro achitosimuka kwakucollector maplates akaenda nawo kukitchen.
Mama vakasara vakati, "Askana zvakaoma dai akasavhiringika zvake kuchikoro muramu wenyu uyu. Hunhu badzi kuda kubatsiridza basa asi ari kuoneka kurwadziwa zvakanyanya nekuenda kwaita mama".
"Haa zvakaoma kani asi tichambozama kumuvaraidza hedu kuti asafunganganya. Handiti ka babe?"
"Iih Brendon ndiri kutodawo kuvaraidzwa ini asi ukukanganwa kuti ndimai vedu tese naye Lindy vacho vafa?"
Akaramba akanditarisa and that's when i realized kuti when it comes to Lindy ndiri kuzongoerekana ndaita hasha zvisiri planned. Ndakaseka seka nhema kwava kuti," Chete ini ndiri nani ndinavo vamwe mai vagere apa ava".
Ndakaona osekerera kwava kusveerera ruoko rwangu akarubata and squeezed it gently. Naivo mama vakaita kakusmiler zvavo.
Paakazopedza kusuka akabva angocleaner mukitchen macho ndikatoona kuti ndazogarika zvangu. Raive rawana muiti basa. Akazouya kuzotandara nevamwe asi hatina kugarisa ini ndaive ndotonzwa kunga kunyerekedzwa kunge kuvaviwa ndaive ndoda kunokwenywa zvangu.
Musi wacho akatongoita sekuti akaneta haana kuita zvake chaizvo. Kwakayedza ndikagadzirira Brendon kuti ayende kubasa. Achingobuda ndakabva ndadzokera mumagumbeze. Hadzina kumbotana kubata ndakatozopeputswa nenzara chaiyo. Ndakawana Lindy namama vagere havo musitting. Mheno zvayiudzwa Lindy ndayiona achingogutsurira musoro. Ndakamutsa mama kwava kudarikira kuenda kukitchen. Ndakawana muchitaridza kuti hapana chambodyiwa and ndakabva ndafunga kuti chingwa maive musina. Nzara yakaita kuti ndidane Lindy kwava kumuraira paiwanikwa chingwa. Dzaive dzatova to 11 ndaive ndazorarisawo. Ndakasara ndogara namama vakati, "Wava sei muviri nhasi? Tatoti hatingakumutsei munatse kuwana nguva yekuzorora. Haa nguva yamuri yakaoma kani iyi. Ini pandaive nedumbu remurune wenyu uyu ndakanetseka zvekuti kurwara kwacho kwaisapera bodo. Mainini vatomboti nzara ndikati manje hatingamutse sisi vasiyei vambozorora".
Hameno zvandakangonzwa so kunzwa kuti aive acomplainer nzara kuseni ikoko.
Ndakavadaira hangu zvakanakisa asi ndaive ndisisasekerere ndaive ndatobhowekana. Akazodzoka nechingwa chacho ndikati aite mazai. Ndakamuendera mukitchen imomo kwava kudzora door zvekuti mhamha vasanzwa ndikati, "Saka iwe wanga wakuudza mai avo zvenzara ndivo mai vepano here?"
Akashama zvekuda kudaira asi ndoona akashaya mashoko acho akazongoti, "Aah sorry zvenyu sisi".
"Pano ukada kundiitira mai besa tichatadza kugarisana. Nzara yacho wanga watoinzwa nguvai zvekuishambadza kudaro. Nherera ngaichengeteke Lindiwe handidi zvekutemeswa musoro ndiri kutokuudza so".
Again she repeated her sorry. Ndainatsonzwa kuti ndiri kuda kupopota chaiko asi kunyorova kwake kwaitofizura. Ndakamutorera spoon yaaibikisa and i took over.
Ndakazodisher vakadya asi iye Lindy wekuimba nzara haana kutombonatsodya. Mai vaBee vaingomutarisa nemaziso azere tsitsi. Ndakazoswera navo hangu asi Lindy aisanatsotaura nyaya. Manheru ndakamuti abike and she did so.
Bee nguva dzake dzekuuya dzakakwana akauya.
Takaswedzana ndikanzwa oti, "Ko baba vabva vatongoenda kumusha nevanga vari kuenda nhasi?"
Yakadairwa naLindy achiti, "Ndatonzwawo vachidaro pandavafonera ndichida kunzwa kuti vari sei".
Ndakabatina ipapo kuti sei vaive vasina kuudza ini mwana wavo chaiye. Ndakasimuka ndava kunovafonera but phone yavo yakaramba. Ndakadzoka kuvamwe ndikapinda Bee achiti, "Haa manje manje vanorerukirwa Onai anenge auyawo vakaita 2 havazombonyanye kusurukirwa".
Ndakati zvimwe ndaresva hangu kunzwa. Mama vakabva vati, "Chokwadi anenge awanawo wekuita naye nyaya mwana. Iye Onai ari kufara chinobvira kuti ava kuzouya kunogara kuno".
Ipapo ndakatadza kuzvidzora ndikati, "Vari kuuya rinhiiko zvandisiri kuzivawo ini?"
"Babe musi uya takataura wani?"
"Paya makati vari kuda mari yecourse. Zvekuuya izvi pamwe une umwe babe awakataura naye hako asiri inini".
He laughed akati, "Zviri pano so. Uchamuzvara Onai pachezvake muvenge zvako kudaro. Ndokuona uchiignower matext ake uri kuzomuzvara iwe huya bheji bheji". Ndakangoseka seka zvekutanda nyadzi ndichitoona kuti ndabatwa kuti zveshuwa ndakamuvenga. Ndichiti," ndiye wandinotoda anobuda akafanana tete vake kuitira kuti muone kuti ndewekwa Muzenda chaiye." Nyaya yacho yakazenge yachinja kwakutaurwa yekufanana kwevana. But ini ndaive nechigumbu chekuti Bee aive aronga kuhunza munin'ina wake asina kundiudza.
Takatandara paye phone yangu ichibva yazorira ndikaona vari daddy. Ndakasuduruka ndichinovadaira. Vakangotanga nekunditi," Manguruve mwanangu!"
"Daddy ko kuzoenda musina wo kundiudza?"
"Kupi ko ndanga ndichiti ndinozokuudza ndasvika. Kungoti ndangouya hangu ndisina chinhu. Zvinhu ndichatodzoka kuzotora pane zvandauya hangu kuzogadzirisa kuno."
"But Lindiwe mamuudza wani kuti murikuenda?"
"Ndiye andifonera checking up on me ndipo pazvabva zvataurika. Murisei zvenyu?" Ndakangoti," tiri right isu." Vakati," mwanangu please muchengetane, kusawirirana kwenyu hakundipi zororo mumoyo. Inga makangozvarwa murivavi wani? You've each other ipopaye."
"Ehoi daddy," I said vachibva vatowoneka vachiti," umhorese Nyamuzihwa regai ndimboita zvimwe ndichakufonera."
Ndakadzokera kwaive nevamwe ndikawana nyaya dzichitsva vamwene naLindy naBee. Kwakusvika ndichigara they continued vachiita nyaya ndikangofeeler left out. Kwakubva ndatoti," ndakunorara ini muviri wangu hausi kunzwa zvakanaka."
"Pakanaka mwanangu pamwe urikukonzerwa nekusarara zvakanaka kunhamo kwamaive uko."
" Ehe ndofunga ndizvo mama, morara zvakanaka." Bee ndiye akati," ndokubata mberi." Akasara ndikanopinda mumagumbezi ndichiti munhu achakasika kutevera. But ndaitonzwa nyaya dzichitsva vanhu vachiseka. Hope dzakaramba kubata ndakuedza kuteerera zvaitaurwa. But zvaisanzwikwa zvakanaka. Akazouya Bee pave paye, akasvikira kundipa kiss padama ndichibva ndamu ignore. Akaita kundidongorera hanzi," warara here babe?" Ndikati," yeah." Akaseka hanzi," munhu arara anotaura here?" Handina kumipindura ndakazomutendeukira amire achitsvayira tsvayira phone yake ndichiti," zvatanga rinhi planning things usingandiudze muno mumba?" Akabva atoiziva nyaya yacho kwakuti," babe watokanganwa hako but takataura nezvayo nyaya iyi. "
"Ndikatotenda kuti tete Onai vauye? " Akati," hauna kubvuma as such. But Sha vanin'ina vedu tinofanirwa kuvabatsira kana tichikwanisa. Ndosaka waona ndisina kumboita problem nekuti titore mainini."
"Ooh saka Onai arikuuya just because Lindy aripano here?"
"Sha usadaro, you know kuti hazvisi."
" Bee handisi kuti tete Onai handivadi ini ndinzwisise. But chirikundibhowa kuronga zvinhu behind my back chete." Achibva ati," okay babe ndazvinzwa and I'm sorry handizvipamhi futi." Ndakangonyepedzera kuita sekuti zvapera. But pafair chaipo zvaindibata. Ndaitoona kuti kalife kedu kari soft I've kissed it goodbye. Taive tatove nevana vahombe mumba medu isu tisati tatobata wedu. Freedom iya yechikudo nekuita sex patadira or pakitchen counter zvaive zvapera. I felt kuti it wasn't fair ndaive ndisati nda enjoyer kuva nemurume wangu tiri 2. Ndakangozopedzera shungu mukutura mafemo.
Bonde racho I didn't enjoy ndichinzwa kusvotwa. Mangwana acho akamukira kubasa ndikaswera namama naLindy zvakanaka naka. Pastove ndaive ndisisapatsike Lindiwe aiita zvese hake without complaining. Masikati acho akatonditi," Sisi Monday ndirikuda kuenda kuchikoro. Mazuva awandisa ndinozosarira." Ende kwaaidzidza kwaive kwava chinhambwe nekwataigara. Bee aive ati angopedzesa term tozomu transfer next term. Manheru acho akatorara agadzirira kuenda kuchikoro. Aifanirwa kukwira kupinda mutown kubva pedu. Then town to kuMkoba kuchikoro kwake.
Ndaive neshamwari dzangu dzandaitamba nadzo dzandaive ndaziva through Bee. Aishanda nevarume vacho. Apa taive taronga kuti kutanga kwegore tese titenge midziyo yedu inoonekera mudzimba dzedu. Isu imba yataigara Bee aive atora mortgage kubank Saka aibhadhara imba yedu iyoyo every month kusvika chikwereti chapera yozoita yedu.
Nechimiro chaivepo ndakatoona kuti maplans angu atopinda mudondo. Taive taronga kutanga nema fridge edu eglass aivemo mufashion. Bee pandaive ndamuudza nezvazvo aive angoti," mmmhh babe tisaite zvinhu zvichazoti dzipa. Inini unoziva kuti mari yangu yakawanda irikutorwa nebank for this house."
Mangwana acho Lindiwe akatomukira kuenda kuchikoro. Akaenda naBee aizomusiya mutown. Then from town aizokwira kuenda kuMkoba.
Yakazosvika hondo yekuti vachienda kumusha mai vaBee. Apa mwana wacho akatanga mazi grocery. Ndikatomutsiura ndichiti," shamwari grocery rese iri ndereyi? Onai handiti arikuuya kuno here? Vangani ko vanhu varikunodya chikafu ichochi? Sha unananzerera mari nekuti Onai achadawo kukwidzwa achiuya kuno pamwe nekuzodya kuno." Akati,' don't worry babe ndirikuitira kuti chero tikapedza two months tisiri kutumira ayewa vanenge vari covered." Varipo mama ndaiita ndichimbonyara ndobika dzimwe nguva. Pavakangokwira bhazi ndaive ndisisatombobate poto kana. Lindy aitoona nezvemapoto abva kuchikoro. Weekend ndiye aiwacha ini musana wairamba. Bee ndiye aitombomubatsira.
Aiti akabva kuchikoro obika tozotandara asuka zvake. Ndaimbonoswera zvangu kwamai Mickey shamwari yangu aigara mudhuze medu imomo. Ndakachiva cover bed rake raive rakanaka kani. Kwakukumbira mari kuna Bee ndichida kunotsvaka rangu. Akandiimbira karwiyo kake ikako kekuti ," babe tine tight budget ufunge hako. We don't have money for buying macover beds, I guess we can do with iwaya aripo achiri bho wani?" Ndakafunga kuti Lindiwe apihwa mari yekombi yekubva nekudzoka kuMkoba. Ndikaona kuti ndiye munhu aive aita zvinhu zviome kudaro. So I would make sure kuti anongodya ka1 manheru sadza iroro. Zvebreakfast or mbuva ndakazvivharisa. Nekuti aive akudya mari kupfuura ini muridzi wemurume. Bee akabvunza rimwe zuva hanzi," ko mainini havasi kudya cereal or kutakura lunch tin?" Iye aibva asina kudya aisagona kudya kuseni. Plus kubasa kwavo vaipihwa chikafu. Ndini ndakakasika kupindura ndichiti,"hanzi ndirikuda kuslimmer hanzi ndozodya manheru chete."
Stay tuned 🥂
❤️
😢
👍
😂
🙏
😮
189