🇿🇼Chihelele Shona Stories
May 25, 2025 at 06:17 AM
https://chat.whatsapp.com/IXeARB7AxU9Kdq0UPhiFDH
https://whatsapp.com/channel/0029VaxesKw0G0XjP7oQIv0q
*Blood Ties*
Nita Chihelele
&
Mai P #ashava
Chapter 8
Brandon
Chat racho raive rakatangwa naiye Ethy.
Ethy::Morning bamkuru aewa well done nezuro handina kuzowana mukana kuti nditi ndizvo zvinodiwa izvi ndiko kunonzi kuchengeta mukadzi zve kuya.
BaMickey ::Aah thanks ninez kungozama zama kani. Kuri sei kumba.
Ethy::Haa ndokuti murume zve ikoko. Moti dai vakadzi vese vaibatwa samambokadzi kudaro vaizombobuda kunze here.
BaMickey ::Kkk mainini ka haa kungozama zama kukufadzai haa vanhu vacho munombofadzika here.
Ethy ::Iih ndirini munhu ndingamuitira chese chaada. Pamunoswera nanaBee ava itaiwo muchivapa matips ekubata mukadzi zvakanakisa kudaro.
BaMickey ::Uya ndiye munhu bhoo manje kungoti zvinhu zvake zviri low chete.
Ethy ::Aewa kana munhurume haade anongozhamba mari pese pese. Imi makazvigona sei aewa ndimi vanonzi varume chaivo imi.
BaMickey aive azongoisa zvimalaughing emojis chat rikaperera ipapo. Ndofunga kutarisa tarisa kwaayiita phone aitarisira mhinduro hameno. Munoziva pane paunonatsofeeler kuti pano my ego has been bruised chaiko. I can't explain the feeling i had ipapo. Kuona mukadzi wangu achiudza umwe murume kuti ndimi munonzi varume chaivo kwakaita kunge tsono yabairirwa muziso pain yacho.
Ndakamunzwa achidhonza makumbo ake and akapinda ndakangobata phone yake ndichakavhura chat riya. Akaita kakuvhunduka kwakusekerera ndikatoshaya kuti ko kumoodhura kwapera nguvai.
"Asi yanga ichiringer?"
She asked achismiler asi achioneka kusagadzikana. Ndakatora nguva ndakanyarara finding the right words for her.
"Daddy? Ndikutaura nemi wani".
"Aya matitle akaita sana daddy aya don't they deserve kudaniwa pavarume chaivo chaivo vakaita sana BaMickey kwete isuwo hedu ana Brendon".
Ndakataura ndakamutarisa mumaziso chaimo ndikaona obhwaira bhwaira.
"Aah Bee don't tell me kuti watobatikana ipapo. That was just a conversation".
Akadaro asitori sure nezvaaitaura zvacho.
"Just a conversation?? Wow. Wow Ethel wow. Saka ndichashanda freely here nemaguys audzwa kunzi handizive kubata mukadzi mushe i need lessons?"
Ndakapedzisa kutaura voice rangu raita kakukwira and i didn't notice kuti mainini vaive vapinda mataive.Ndakatendeuka ndichida kunobuda kudoor chaiko ndainzwa kutsva.
Ndakanzwa mainini vave kuti," Ndobika muriwo upi sisi".
Akadairwa with a very loud and scary voice zvakatoita kuti ndimire ndicheuke.
"Haaaa futseke iweee rinoda makuhwa ndizvo zvawavinga here zvekuzondibvunza muriwo izvozvo?"
Aive aita kuvhurirwa ziso zvakaita kuti nditi, "Mainini endai munoita mahomework mai vepano vachabika. Unless mava mukadzi wangu wepiri".
Ndakabva ndatobuda padoor kwava kunopinda mumota. Ndakaimutsa mota ndikabuda ndisingazive kwandaive ndakananga chaiko. Ndaida kungofurwa nemhepo kakutsva kandainzwa kawane kupera.
Ndakangotenderera ndikanobudira line rekuseri kwava kuzodzoka kumba. Ndakawana arimo mukitchen Ethel achibika. Mainini vaisatovemo pamwe vaive vatya zvandaive ndareva vakanoita zvemabook avo.
"I'm sorry babe".
Akanditambira nekudaro uku maziso atotsvuka zvekutaridza kuti ange ari kuchema. Handina kuda kumudaira though moyo waive wotorwadza kare. Ndaisada kumuona achishushikana mukadzi wangu. Ndakanogara kwakuona tv kusvika apedza kubika. She dished akauya kuzondigezesa maoko akapfugama zvaaive asati akamboita. Ndakageza munhu kwava kudzokera kunotora plate ndikaipihwa zve munhu akapfugama. Ndakaona adzoka neyake kwava kutogara akatanga kudya. Ndakatozoti, "Mainini havasi kudya nhasi?"
Akabva atsveta plate patable akabhidhaira akananga kuroom kwamainini ndikanzwa achiti, "Iwe Lindiwe huya udye".
Kwave kutodzoka. Mainini vakatevera vachitoratidza confusion havo. Vakanotora plate tikadya murunyararo.
Ndakakasika kupedza kwakubva ndatonanga kubedroom. Munhu akazouya pave paya akamboda kuzama kunditaudza asi ndakangomuudza kuti ndaida kurara.
Kunze kwonoyedza ndakazopepuka mushina wangu wakaboverwa mumukanwa and I couldn't stop her. Zvakatondinetsa kuti zvadii nekuti ndaitombokumbirwa kufadzwa saizvozvi asi achitobheja kut haadye tsvina.
Handina kumbotora nguva kurasa mbeu achibva azondigarira zvake. Ungati aitove nemangoromera chaiwo ebonde! Ndakatozoita wekubata muromo ndotya kupandutsa mainini vanzwa zvisina zera navo.
Patakapedza ndakanzwa munhu oti, "I'm really sorry Brendoe. Kutaura sure now ndipo pandave kutoona kuti matauriro andazviita ndaita sendiri kukushora kune umwe murume. I'm really sorry hako ndatodeleter number dzavo hauzombondiona ndichitaura navo zve".
Ndakaona sekuti airevesa zvakaita kuti ndimukwevere pachest pangu ndikati, "It's now water under the bridge. No amount of sorries will delete what i saw but its okay. Ngatirare".
Ndakamukissa mubvudzi trying to assure her that we were good though moyo wangu waive uchiri kubanda chaiko.
Kuseni mainini ndivo vakatimutsa vachinocker vakati vaida hembe dzandaipfeka musi iwoyo kuti vaayine. Vaive vatotora zvaive zvataurwa nasisi vavo seriously. Ndakashama kuona achitomuka Ethy akamonera towel kwava kusarudza hembe dzacho akavhura door kwava kuvatambidza mainini.
Akadzoka pabed ndikati, "Hazvizovawandire here mainini?"
"Haa kana. Plus ndine nhumbu ka ini ndobasa rake semunin'ina wangu kundibatsirawo basa. Kumukira nedumbu iri mwana anopindwa nechando uyu".
Ndakatozomuka kwava kugeza ndikanotora hembe dzangu kuroom kwamainini kwavaive vaayinira.
Ndakanopfeka kwava kuoneka munhu wangu ndikasiya ndati, "Tete vako vari kusvika nhasi".
Ndaiti zvimwe achadaira dondo asi kana ndoona aive achakabatwa nenyadzi plus kuda kundinyengerera kuti ndisarambe ndakabatikana. Akatodaira zvakanaka hanzi, "It's okay tovaona vasvika. Mogona kuzongouya navo kuti vasanetseka kufamba vega sezvo vasati vambokusvika kuno".
Musi wacho handina kumupa goodbye kiss ndakangobuda. Takapinda muroad ndikanosiya mainini and ndaisakanganwa kuvapa $2 yavo. Nhamo yandaive ndava nayo ndeyekuti BaMickey achange achindiona sei uye audza here mamwe maguys kuti ndozvaayiudzwa nemukadzi wangu. Ndakasvika ndiri low chaiko ndaiti munhu akanditarisa ndototi ari kuona rema remurume riri kuda nalessons ekuchengeta mukadzi.
Lindiwe.
Ende pondo yandaipihwa nabamkuru yaindibatsira zvisingaite. Ndakazoita luck paive nevamwe misi veAgriculture vaida kutengeserwa masamoosa avo. Saka kadollar kangu ndaizongokachengeta. Ndaiti ndikatengesa ndaipihwa masamoosa angu 4. Ndiwo andaidya ndonwa mvura zuva rotoendeka. I kept kamari kangu in case nekuti moyo wasisi vangu waive wakatooma. Mukukura handina kubvira ndambozvicherechedza kuti ndizvo zvavari. But pane pamwe ndaive grade 3 ivo vaive vatove form 1. Ndaive ndichiri kuitira weti mumagumbezi. Mumwe musi vakaudza vana vemu class medu kuti ndinoita weti. Ndakasekwa nevamwe vana ikatotekeshera chikoro chese yekuita weti mumagumbezi kwangu. Zvekuti chero chikoro ndaive ndisisachide nenyaya yekusekwa. I remember mama pa incident iyoyo vakatovati," Ethel ucharoya iwe, ndizvo zvaunganoudze vamwe vana izvozvo? Saka urikufara ka mwana achisekwa nechikoro chese? Uchenjere kuroya form 1 wakura to know kuti izvi hazviite kuudza vanhu." Vakangonyarara ende ndizvo havo zvavaive kubva tichikura kuita sure kuti vandirwadzisa chete. Ndizvo zvaizoita vagare vakanetsana namama izvozvo. Zvakandidya kwenguva refu kuziva kuti handisi mwana wababa Ethel. Ndaiita kurwadziwa but taking it out on others ndaiona zvisiri kuita. I would just smile but behind that smile yaive misodzi yega yega. Ivo bamkuru Phibion vacho ndaivaziva but vaive vakashaya karesa. I only had vivid memories of him.
Ndaingoshingirira treatment yasisi vangu yairwadza ndichinyengerera kuti ndingopedza chikoro ndizviitirewo zvehupenyu hwangu. Lucky racho murume wavo was just the opposite. Vaitonditora semunin'ina wavo chaiye chaiye.
Rimwe zuva I was walking slowly ndachayisa chikoro ndaitofunga hangu nhamo dzangu . Taibuda hedu kuma 1 ndaizotenderera hangu mutown ndichimirira bamkuru vaizopinda mutown vachindi picker kuma 4. Ndakacheuka ndanzwa zita rangu kwakuona ari umwe mukoma ainzi Miguel aitove muUpper 6. Aitozvikakata hake achiuya ndikati," vakuru fambisai ka kurikupisa uku." Taive takajairana zvisingaite akaseka ndokuti," shamwari zvekumhanya izvi ndezvevapfanha." Ndakabva ndazendama hangu padurawall ndichitevera kamumvuri kaivepo. Akazosvika Miguel uya kwakuti,"mazuvano unekakudada ka mfanha iwewe." Taive tajairana pakuti aimbodanana neshamwari yangu ini wo ndichidanana neyake. Shamwari yangu iyoyo yakazogumira hayo mufirst term yeform 3 ava nenhumbu. Taive tangoita zviye zvekudanana nemashamwari isuwo tirimashamwari.
"Kana handidadi ini," I said tavakutofamba kuenda akati," Micah arikuti urikumuvharira panze mazuvano." Vaive maUpper 6 vese naMicah wacho. Ndikati," akakuudza here chikonzero chazvo?" Akabva atoseka ndikaziva kuti munhu aitove nedot.com rese. Aingoda hake kundinzwa. Ndikati," yeah akakuudza." Akawedzera kuseka hanzi," amana imimi vanhu vanotisungira play munenge muine rimwe team renyu ramunopa zvinhu izvi. Tamara handiti ndiro skiri raaindivhara naro iye achitolaziwa zvake kumarayini kwake uko. But maresults akazongobuda wani. So newewo kana uchivhara Micah boy tichazviona zvedu kumagumo."
"Ndikwanire Miguel iwe," takambowanzirana hedu akandiperekedza akanondisiya ndakwira kombi yekuenda kutown. Micah wacho aive asina kuuya kuchikoro musi iwoyo. Ndakati ndagara mukombi akandiisira message achiti," uripi babe ndirikuda kuzokuona?"
"Ndatove mukombi ini kuenda kutown." Achibva angoti," eish hard luck ndanga ndauya nemari yekukupa kuti ukwirise."
Munhu wacho chaiita mari dzake ndidzirambe aizoti akakupa anenge avakutotarisa something in return. Ndipo pandakabva ndatongoramba mari dzake. Saipapa vhiki raive rapera achingondivhevhetedza achida tiende kumba kwavo uko kwaaigara zvake nasekuru vake hanzvadzi yamai vake avo vaitoswera vasipo zvavo. Ndakatoshamisika kuti aitaura nezvemari yekombi kunge ndaive ndamukumbira. Takazoita dzimwe nyaya kusvika ndanoburuka mutown. Ndakambotenderera semazuva ese zvangu ndichifambisa nguva. Bamkuru vakazosvika kuma 4.30. Pandakazoona vaine munhu mumota that's when I remembered kuti gara zviye vaive vataura zvekugamuchira munin'ina wavo kumabhazi. Ende aive akafanana navo zvisingaite. But iye hake aive akanakira pachikadzi. Ndakapinda kumashure since aive atogara kumberi vakangotanga nekuti," atete magara panzvimbo yemuridzi. Ndimadam vangu ava vadiki wandakapihwa naatezvara vangu for being mukwasha anetsika." Takaseka tese ndichigara. Bamkuru kwavakuti," amai Muzenda zviri kudii?"
"Bhoo zvangu, maswera sei imi?" Vakati," ndaswera bho zvangu. " Takamhoresana paye naOnai wacho. Kwakubva vapa maintroductions. Tichibva tazoitana matafara nekukuziva edu. We drove home bamkuru vachiedza kutaura nyaya dzaipinza tese. Zvekuti takazonosvika kumba taita kakujairana naOnai. Seni kuuya kwake ndakakufarira pakuti ndaisazosurukirwa hangu. Sezvo mwana wamai vangu zvaiti kana zvamubata unodemba kuita svosve zvaro.
Takawana vari mugood mood sisi vangu. Ndikambofunga kuti kuda vaizogara vakadaro kuedza kuvharidzira kuti Onai asaone huipi hwavo. Ndivo vakatomira mira pamapoto. Tikadya ndikazonosuka hangu. Onai offered to help ndikatomuti azorore zvake. Akatouya kuzomira pasink pandaisuka achibatsira hake kupukuta. Ende taive tatokenererana kudhara. Aitondiudza dzeku Mhondoro Ingezi kwavo.
Pakurara we shared a room. Takaita setichayedzerwa tichiita nyaya dzevakomana. Kuseni ndakamukira nenguva dzangu ndichiitira kugadzirira bamkuru. To my surprise ndakawana sisi vatomuka. Ndichibva ndavataudza kwakuti," musazvinetse zvenyu sisi ndinomuka ndichivaitira bamkuru haisi nyaya." Ndaiti zve ndagona kurerutsira Sisi vangu sezvo vaive vakaremerwa ndisina kuziva kuti ndatokanganisa. Vakati," iwe Brendon murume wangu wanzwa? Unomuitira pakai iwewe? Unofunga ungagone kufadza murume wangu iyewe? Wakora pamba pangu wakuona sekuti kukora kwako ikoko ndiko kungadiwe naBrendon? Unofunga Brendon anochiva mazigaro ako ayo? Shamwari angori maspeaker ekusurisa hapana chinoshamisira ipapo ufunge hako." Ndakaita kuvhunduka nemashoko avo ndikashaya kuti vandifungireyi? Ipapo ndivo vaive vanditi ndiitire bamkuru mazuva apfuura.
Ndakangokwanisa kuti," sorryi sisi ndanga ndichifunga kuti ndirikubatsira since makaremerwa." Kana uchida kubatsira zvakawandisa zvekubatsira nazvo. Clean the toilets or something but definitely not pamurume wangu. " Ndakabuda muye ndasvava kwakugeza ndakunozora ndakatoona kuti mafuta ekuzora apera. Kwakuenda kukitchen kwavaive vakamisa ironing board vachi ayina. Bamkuru vaive vamirewo padivi ipapo vachitoita nyaya. Ndakavataudza bamkuru kwakuzoti kuna sisi," sisi ndokumbirawo mafuta angu apera." Havana kusumudza chiso vakaramba vakatsikitsira kwakuzosumudza pave paye ndokuti," vakomana venyu nhai mainini basa ravo ndereyi kana takukutengerayi nefuta rekuzora nhaimi? Zvimwe itai muchikumbirawo tumaboyfriends twenyu asikana." Bamkuru vakabva vaseka ndokuti," babe usade kupandutsa mwana iwe. She's still young ngamboita focus nechikoro asafunge zvisina basa izvo." Vachibva vaita sejoke hanzi," manje ndikamunyima angu achaita sei?" Bamkuru kwakubva vatoti," ninez sisi venyu is just joking endai mubedroom munotora mafuta " vakati," ini zvekuzorerana mafuta nemunhu handidi hangu." Ndakangoita sekureva kwabamkuru kwakunotora mafuta ndokuzora.
Stay tuned 🥂
❤️
😢
👍
🙏
😂
😮
163