🇿🇼Chihelele Shona Stories
May 25, 2025 at 02:38 PM
https://chat.whatsapp.com/IXeARB7AxU9Kdq0UPhiFDH
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K
*Blood Ties*
Nita Chihelele
&
Mai P #ashava
Chapter 9
Lindiwe.
Ndakazooneka Onai uyo akatoti," dai wo ndachiwana nzvimbo yecourse tinge tchienda tese." Ndikamuti," soon unotangawo." Ndakazonomirira bamkuru kumota. Ndaiziva kuti vachiri kukissana nebabie ravo. Ndakaita zvandaiita daily. I checked on dad, ndozvandiita every morning. Zvakabuda zvakabuda hazvo but I couldn't stop or reduce the way I loved that man. Kufa kwamama kunenge wo kwakatowedzera kuti ndivade. Ivo wo I knew he loved me genuinely. I couldn't wait kuti zvivharwe zvikoro ndinovaona kumusha kwacho. Pandakavaisira message ipapo vakatopindura ipapo ipapo kwakuti," haa vatete data rangu rinogona kupera anytime. Mukaona ndisisabatike inhau yedata iyoyi." Zvakandipa kufunga kamari kangu kandaisungirira. Ndakabva ndatovati,' it's okay daddy ndokutengerayi data kana ndasvika mutown. " Ndikanzi," mari waiwanepi Lindy mwanangu? Usatore mari yasisi vako varipanguva yakaoma kukuchengeta. Zvinhu zvakaoma izvi."
"Ndeyangu daddy handina kumbotora mari yasisi." Ndikanzi," please uite zvekudzidza mwanangu usiyane nezvakawanda wanda zvisina zvazvichakupa kumberi " I knew vairevera nyaya dzevakomana asi kwaive kutsiura kwemunhurume. I assured him ndichiti," don't worry daddy ndinodzidza , and I promise you kuti ndichapasa." Vachibva vati," good girl." Ndakazomira kutaura navo pakasvika bamkuru vachiti," madam are you ready?" Ndikati," yes." Ndichitobva paapp vakati," mmmhh phone iyi handidi ivhiringe mukadzi wangu chikoro mmmhh. Ndiyani iyeye anotaudzwa daily kudai?" Ndakaseka sezvo munhu wacho aitozvitaurawo achiseka kwakuti," ndidaddy ava vandinenge ndichitaudza hangu kuseni kwega kwega." Taive tatopinda mumota kwakubva vatoti," mmmhh ndirikuvharwa zvangu, haaa it's okay ndivhareyi ndabvuma kuvharwa kwacho " ndakabva ndatoenda paapp kwakuvaratidza munhu wandaive ndataudza so far that morning. Vakati," that's good mainini kupota muchi checker daddy. Hanzi varisei zvavo?"
"Hanzi varibho," kwakubva vati," that's good ndakambotaura navo neTuesday." Vakabva vazoseka kwakuti," ko uyo akasevhwa kunzi Bae ndini here?" Zvakandishamisa kuti vaive vamhanyisa maziso zvenguvai pakunoona vanhu vangu muphone. Ndakamboseka ndokuzoti," hii bamkuru ifriend yangu."
"Yechikadzi kana yechirume?" Ndakamboda kunyepa kwakuona zvisingaite ndokuzoti," of course he's a boy." Vakati," yeah tell that boy to behave around my woman. Iye handiti iboy inini ndini murume handiti?" Ndakaseka vachibva vazoita serious ndokuti," I know at your age mainini mavakunyengwa and stuff. But please be safe, munoda ka kudzidza zvekutoenda kure nechikoro?" I nodded vachibva vati," good, so mukomana at your age ndewekungotaura naye from a distance. Avoid kubatwa-batwa or kunyengedzwa muchiendwa nemi kumba kwake or pasina vanhu. Tinoda muzoita lawyer handiti?" I nodded vachibva vati," good." Kwakuzofunga kuti ko vakazofarisa voudza mukadzi wavo? Hiii ndofunga kuri kuzvinzwa Ethel aigona kutondirova chaiko. Ndakabva ndati," bamkuru!" Vaive vakutoonekwa kuti pfungwa dzavo dzatobva panyaya yataitaura dzatove kumwe zvadzo. Vakati," yes." Vachindicheuka ndichibva ndambonyarara ndichishaya pekutangira kutaura. Kwakuzoti," please ndokumbirawo musazoudze sisi Ethel." He grinned ndokuti," if you promise kusapusiswa noboys ayewa your secret is safe with me. Mainini I'd hate it kuti paitike chinoitika murimumaoko angu maiziva? So please make me proud."
"I promise bamkuru," yakabva yatopera nyaya yacho vavakutaura nezva Onai nenyaya yake yecourse. Vaitoti," tete venyu akaramba kuenda kuA level nenyaya yehudhanda head. Akungwarira zvima course hameno tichaona kuti achaita zvisvinu here." Distance yekunosvika kutown hatina kumboiona nekuda kwenyaya dzaive dzakawanda. Ndakapihwa $2 yangu yandaive ndakupihwa daily kwavakuzokumbira kuburukira pamwe paive pakanangana netuckshop ndikanzi," asi marangana nabamnini kusangana panapa?"
Ende ndaive ndazviparira kani nekuonerwa nabamkuru. Ndakakasika kuti," ayewa kani bamkuru ndirikuda kutengera daddy airtime vati havana data." Ichibva yatoita nyaya ndavakunzi," mari yekutenga airtime maiwanepi? Mainini kana muchitora mari dzevakomana I tell you takuzoita problem svinu." Ndakakwiridzira mapendekete ndokuti," handina mari yemukomana yandinotora ini. Imari iyoyi yamunondipa." Vakati," mari ipi? Handiti ndinoti mutenge chikafu here?"
"Handitengi every time bamkuru. I keep it hangu kuitira vana data ivava."
"Saka pamunenge musina kutenga chikafu munodyeyi? I know munenge munenzara."
Ndakavaudza about misi vandaitengesera masamoosa. Vachibva vaseka ndokuti," inga makangwarira adzimai." Ndakazopihwa iri $4 kuchinzi pondo nditengere daddy data. Ndakati ndichipedza kuisira daddy airtime vakatofona ipapo ipapo vachitenda kunge ndaive ndavaitira zvihombe. Handina kutozotaura kuti ndapihwa pondo yacho nabamkuru kurikuzeza kuti ndaizonzi," wavaudzirei urikuvaremedza." Ndakazobata kombi yangu yekuMkoba. Kwakutowana Micah naMiguel varipandaiburukira ndikaziva kuti ndini ndaive ndakatomirirwa. I was happy kuona munhu wangu sezvo aive asina kuuya previous day. Hatina hedu zvisvinu zvatakataura zvekudanana kwedu since paive naMiguel. Pabreak ndakazoona auya Micah and handed me $10usd hanzi ," babe since wakukwira daily kudai unobatsirikana apa " nekumuziva munhu wangu ndakarambira padenga denga mari yacho. Akaedza kunditi," babe unondirwadzisa do you know that? I try to look out for you iwewe unondivharira kunze."
"Micah handikwanise kuzoiripa mari iyoyo ini." Ndikanzi," c'mon sha paye ndakangobhayiza wo kutaura paye. Now I'm changed kungokupa semunhu wangu expecting nothing in return." Akadaro hake but handina kumbozvibvuma kana. Ndaive ndatomudzidza munhu wangu. Akatozoneta kundimanikidzira mari yake.
Akatozoita zvekubva pandiri achiita seatsamwa asi ndakati zvaive zvake izvo mari yake ndaisazombotambira kana.
Ndakazoona munhu aive amboita seatsamwa uya adzoka zve nguva dzekubuda padzakakwana. Ndiye akatondiperekedza kunokwirirwa macombi and ndaitotaura nyaya tichiwirirana kuita sekuti hapana zvambonetsa. Akasiya ndakwira ndikanorova hangu zvirounda waiting kuti nguva dzabamkuru dzikwane. Kuma past 4 vaive vauya ndikapinda mumota.
"Amai mwana. Maswera bho?"
"Ndaswera bhoo bamkuru maswera sei imimi?"
"Ndiri bho ini. Mavaisira dad etym?"
"Ehe ndatosender kuseni paya haa vafara kani".
He smiled vakati, "Saka ini ndikudawo ka yefuel. Muri mbinga mainini ndakuonai".
Ndakagegedzera kwakuti, "Maybe in the near future ndendave mbinga sure. Kwete izvozvi iih".
"Mukunyima chete apa mainini asi musavings account irimo".
Vaidaro vachiseka vakafocuser neroad zvakaita kuti ndiseke futi ndikati, "Bamkuru ka! Kana iye anokunzwai muchandirobhesa nematsotsi imi".
Kana kumba handina kutomboona kuti tasvika sei ndakanyura munyaya chaiko. Takapinda takadungamidzana mumba
tikasvikira tete Onai vari mukitchen vachibika.
Takaswedzana ndikati, "Regai ndichinje tete ndouya ndokubatsirai ndinongoda kuwacha shirt nemasocks then ndotouya".
Bamkuru ndivo vakabva vati, "Munenge magona mai Muzenda nekuti ka hii tete venyu ava kuganhira kwacho vanga vatomira pamapoto nguvai muenzi iyeyu. Plus hadzigone kubika idzi itoita udzidzidzisewo mukadzi".
Vaiwanzira havo sisi vavo zvakaita kuti tese tiseke. Ndakapfuura nemusitting ndikaswedza sisi avo vaive vakagara pasofa vakaturika makumbo avo patable. Vakadaira zvakanaka asi vasina kubvisa maziso patv.
Ndatova kupinda muroom mangu ndakanzwa vakunzi nabamkuru, "Tete vako wavakutobikisa avo vatojaira mashandisirwo ezvinhu zvako here uchenjere kuurayirwa ka nekuti haazvizive tete vako uyu".
Mhinduro yasisi handina zvangu kuzoinzwa ndaive ndatopinda mukati. I did what i wanted to do very fast kwakudzokera kunobatsira tete Onai. Zveshuwa she wasn't used vaitonetseka nezvinhu zvakawanda.
"Madii mazoita zvekubika izvi kumberi uko nhai vatete manatsojaira. Muri kungogwinhwa nestove muchimanikidzira kubika munhu ane varoora vairi vose".
Vakaseka kwakuti, "Ndiko nditojaira henyu mainini. Kwanga kuri seiko kuchikoro".
Dzakatanga kutotsva nyaya as we cooked.
We dished vanhu vakadya. Taive tawirirana zvekuti naOnai uya ndakanzwa akuti, "Saka ari seiko mkomana wenyu nhai mainini?"
"Ari bhoo uyo. Ndamurambira ka mari nhasi akatombotsamwa".
"Muchapusawo imi mari inorambwa here? Akura sei?"
" A level henyu. Pfungwa dzake dzakaora ndidzo dzinoita ndirambe mari yake. Unozonzwa zvakunzi babe ndikissewo. Hee wakuramba nekiss zvayo asi ini mari dzangu ndokupa. Hee ndibatisewo mukaka ka1 chete".
She laughed so hard vakati, "Iih mandinakidza zvenyu. Saka hamude kukisswa kana kubatwa mukaka kwacho?"
"Hii izvo handide ini. Ndichiri kure nekutozviita chaiko".
"Hamusati makuziva zvinonaka henyu. Chete mava O level itai serious nemabook remember next year makutogara padesk".
"Zvinonaka zvipi tete Onai ka apa ndiri kutokuonai semunhu kwaye ipapa'.
She laughed vakati," Nditori munhu kwaye ini asi ndakaravidziswa muto wegwaya chete. Haa ndabva ndatomusuwa Jose wangu veduwe ".
" Hedee mukwasha anonzi Jose? Unodii muto wegwaya? "
She giggled kwakuti, "Ih unozoda kuravira ndikakuudza manakiro acho".
Kwakaita sekuchayedza tichidzipisa nyaya. Vakatozoita zvekunditi, "Iih ngatichirare unoda kuzomukira kuchikoro mangwana".
Ndiko kurara kwatakazoita. Kuseni kwacho ndakamuka ndichimonyewa nepasi peguvhu apa ndikaziva kuti chachaya. Ndiwo aive madays angu eperiod iwayo.
Ndakabva ndatongotanga nekugeza kwava kupfema pad iro raive ratosara 1 zvaro. Ndakazviudza kuti ndaizotenga mamwe mutown kuseni ikoko kuti ndigozowana ekuchinja kuchikoro.
Ndakatorivara starring at the tv ndakanzwa "Morning mainini. Ndiayinireiwo zve shirt iyi. Ndouya ndoitora manje manje".
Hana yangu yakarova ndafunga mashaudhirwo andaive ndaitwa nasisi zuro wacho. Kuti ndivarambire zvakaramba zve asi i was now confused kuti which is which. Zvekuzotukirwa maspeaker ekusurisa aya ndaizvityawo futi asi ndakangoayina fast fast. Vakazouya vakaitora and pavakapedza we left tikasiya tete Onai vava kuita basa. Ndayiita kuvanzwira tsitsi hangu. Vaive vabatanawo nacho chekushandiswa namai vemba ivo vari mugumbese. Apa zvaitoita ndinzwe kunyara chaiko, dai vayiitira havo inini mwana wamai vavo izvozvo kwete tete hanzvadzi yemurume.
Taifamba tichiiya nyaya and taive tazojairana zvekuti navo bamkuru. Vaingove munhu uya ari free. Ndakati vandisiye futi pamberi petuckshop paya. Ndakanotenga mapads angu and ndaitove ndakamabata zvakanaka naka ndaive ndisina kuziva kuti bamkuru vanditevera patuckshop. Ndakanyara pandakatendeuka ndichisanganidzana navo maziso.
"Ndanga ndiri kuda mvura imomu but haa regai ndiende ndonozviona mberi. Ko ndipeiwo ka mabiscuits".
Vakadaro ziso ravo riri pabepa remapads ndikatombofunga kuti zvimwe havamazive asi kasmile kavakabura kakandiudza kuti ndiri kutosekwa apa. Hameno ndaive ndarivara nei kuisa mubag ndakabva ndatoriburutsa kwakuisa mapads angu ndichiti kwavari, "Handide tengai enyu. Byee bamkuru imi aah motaurisa".
Ndakabva ndatoita kakumhanya ndichibvapo vakasara vachiseka. Musi wacho ndakanotengesa masamoosa amisi vaye saka handina kuzoshandisa $1 rangu rakabva ratoreplacer randaive ndatenga mapads.
Nguva dzekuenda kumba dzakasvika and ndakati ndichingopinda mumota taswedzana ndakabva ndanzi, "Mainini sveererai bepa riri kumashure uko muise mubag menyu. Ndezvenyu mozovhura mave muroom menyu. I'm just helping you out mosheyana natete venyu asi musaonekwa nasisi venyu mimba yavo iri kutoita kuti imwe imbonyima dzimwe moto chete dziri kungodambuka anytime ".
Ndakaseka ndichisveerera bepa riya raive reblack saka ndakatadza kuona zvaive mukati apa moyo waive warembera kuda kuziva zvirimo. Kumba kwacho kwakatoita kure chaiko musi wacho.
Stay tuned 🥂
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
228