🇿🇼Chihelele Shona Stories
May 26, 2025 at 06:05 AM
https://chat.whatsapp.com/IXeARB7AxU9Kdq0UPhiFDH *KANA UCHIDA BOOK IRI FROM PARAKATANGIRA FOLLOW CHANNEL* https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K/1627 *Blood Ties* Nita Chihelele & Mai P #ashava Chapter 10 Lindy Ndichisvika ndakananga muroom medu and tete Onai vaivemo zvakaita kuti ndivhare door kwakumhanyira kuvhara door ndikalocker. "Hanziiko makoti asi wandivigira pizza?" I laughed ndichiburutsa bag kumusana ndikati, "Ini handiifarire pizza zvangu saka handina kumbokuvigirai pizza". "Hii asi hainake? Kungoitaurawo zvangu but honestly handisati ndamboidya". "Haina kana basa iyo aunt imi". Ndaidaro ndiri busy kusunungura plastic riya. Ndakabva ndakutura zvaivemo pabed kwakubata muromo ndaona mune 2 mapackets emapads, 2 packs dzemapents aive 3 in each packet. 2 maroll on ne2 maspray and also 2 chocolates. "Wowwww mainini imi ndiye school boy here atenga izvi?Hii muchenjere kudanana nekambavha imi kanobira mai mari kumba". Ndakaseka as i debated either to tell her the truth kuti zvaive zvatengwa nabhudhi vavo or to let her believe kuti zvaive zvatengwa naiye mukomana wangu. "Imi idyai makanyarara chete. Tikuita half half torai zvamuri kuda". Vakaita kuscreamer nemufaro as she took half ot the things. Vakabva vatovhura chocolate vakatanga kusvisvinira vakavhara tumaziso zvakandipa kuseka. "Iiih pamanduwe apa maita basa mainini imi ndandisisina ini". "Manduwe?" She giggled vakati, "Mabhurukwa imi kani. Apa ndetwechirungu kani maiwe dai Jose aizondiona ndakakapfeka aka hadaaa". Ipapo vaidaro vachinan'anidza kalacy pant kered. I laughed ndikati, "Tete ka ndakuda umwe mukwasha wekuno uyo akasara Ngezi zvakatovharana haiwa". Taive tava busy kudzipisa nyaya patakanzwa zinock rinenge remupurisa chairo tevere voice rasisi, "Saka ini ndotobika ka makazvivharira imomo? Matova ka nekuzvitonga kuzere pamba pangu. Vasikana handidi miyedzo kana makura ibvai pamba pangu". Takangotarisana ndikadaira kuti, "Sorry sisi tiri kuuya". Takanzwa zimutsindo vachifamba kubvapo tikasara tichibhwibhwinyika kuseka takabata muromo. We were getting used to that treatment now. "Asi imi nasisi venyu makatoyamwa zamu rimwe?" "One chairo tete imi". "Iiih makasiyana chaiko. Haa dai bhudhi vangu vakaroora zvako iwewe unofara kwete sisi vako vakahodha makwindi pie avo". She said that laughing ndikasekawo tichibuda muya. Takawana vasimo musitting kana kukitchen vaisaveko tikaziva kuti shasha yatonopinda mumachira. Takatanga kudzipisa nyaya tichibika. Vaive vasiya vabuditsa chicken saka ndiyo yataibika. Days moved by and tete Onai zvaingonzi mari haisati yabatana kuti vatangewo kuenda kuchikoro. Ndaizviziva hangu kuti mabasa asisi vangu iwayo. Lucky enough tete vacho vaisambova nebasa nazvo vaitongonakirwa nekalife kemuchirungu. Dumbu rasisi raive rachikura zvino zvekuti hapana chavaive vachagona kunze kwekudya nekuenda kutoilet. Kugeza chaiko bamkuru vaitopinzwa busy vachinzi siya wandigezesa handichagona. Tete Onai nzvimbo yakabva yatombomira kutsvagwa kuchinzi vamboswera nemuroora aive akurirwa. Ndaivanzwira tsitsi vaiswera vachitomutswa sechindumure. Pane umwe muface wabamkuru ataive toenda naye zvese nekudzoka mumota. Musi wekutanga bamkuru vakanditi, "Madam pane mface wangu akugara this side toshanda tese. Tichange tichimutakurawo kuenda nekudzoka". Ndakatoseka ndikati, "Apa muri kundisuma here nhai bamkuru?" "Ehe zve nhai mai Muzenda. Mukazongoona takufamba nemunhu andisina kukuudzai nezvake mungasati murume anondijairira uyu?" Ndakagegedzera kwakuti, "Aewa ndazvinzwa Nyamuzihwa hapana chakamboipa". He smiled vakanditarisa vakati, "Ndozvifarira sei kunzi Nyamuzihwa maiwe ndoita kunzwa kuti ndini baba pano. Zvino sisi venyu vanozongoda kunditi Nyamuzihwa kana vachinyengerera vandiresvera". Ndakaseka hangu as he slowed down paive pakamira this guy. Ndakamutarisisa ndikaona kuti aive akura but not zvekuenzana hake nabamkuru vangu. He was dressed smartly akachekerera ndebvu zvaive zvakamufita zvekuti. Paakaona mota he approached kwakusvika achingovhura door rekupassanger's seat kwandaive ndakagara akakasika kuti, "Hii sorry sorry handina kumboziva kuti kune munhu". Akabva atopinda kumashure akanzi nabamkuru, "Mupfanha iwe ka hauzive kuti ndinofamba nemukadzi wangu here iwe". "Hii sorry zvenyu mai Muzenda. Ndonzi Donnel ko imi?" Vakabva vaseka vari 2 nabamkuru akanzi, "Donny tambira kure nemhuri yangu. Zita rei wanga wagona wani kuti mai Muzenda". "Haa bamkuru musadaro imimi. Munonzani nhai mainini?" Ndaingosmiler chete vachinetsana havo apa mota ichitofamba. Takatonosvika kutown iri nhau yezita chete. Bamkuru vakamira pavaisindidzikisira vakati, "Ndichakamirira hangu kutendwa unless parcel musina kuyiona". Ndipo pandakabva ndarangarira kuti ndaive ndisina kuzowana mukana wekutenda zvavaive vatitengera natete. "Hiii sorry bamkuru kutorivara chaiko. Thank you so much". "Its okay mainin oyi mari yenyu iyi toonana zuva rodoka". "Haa mainini kani ndobhadhara here kuti mundiudze zita renyu?" I jokingly said, "Ehe bhadharai". Apa ndaitodzika mumota ndikaona munhu abuditsa $5 nepawindow. Ndakavhura maziso zvekushamisika nekuti ndaisarevesa ini. Bamkuru vakakasika kuti, "Pihwa mari mukadzi usatambise mari yauya yega iyi. Nhasi utenge machips pabreak wozoti sadza palunch". Kunzwarwo nabamkuru kwakandipa zvivindi zvekuitora ndikabva ndadaidzira kuti, "Ndonzi Lindiwe". Ndichitofambisa kubvapo pamota ipapo ndakananga kwandaikwirira. Musi wacho ndakakasika kusvika taive takasika kubuda pamba. Ndakati ndichipinda muclass medu kwakuona Micah akagara patable akavhura makumbo then pachair yaive pafront pake pakagara musikana wandaidzidza naye. Vaingove 2 muclass. Ndakambofreezer looking at them. Iye akatondicheuka kwakuita seasina kundiona. Ndakazonzwa akuti, "Babe auya ka uyo mubvunze?" Ndakashaya kuti ndini here ndiri kunzi babe kana kuti musikana waaive naye iyeye. Musikana uya kwakutoti, "Nhaiwe Lindy is it true kuti wakarambwa naMicah? I mean hamuchadanane?" Ndakasticker zvekutopererwa. Ndakamboda kuda kuchema ipapo misodzi yaive yavakutosvinya svinya kumaziso. But ndakazvitsiura nekukasika ndichiti I wasn't going to let them see my precious waters never! Ndakabva ndatokoka zvivindi kwakupetera maoko pachest ndokuti," ndini ndaive ndagara ndisisamude ndichitoshaya kuti ndomuramba sei. Fortune enough akabva atozvibatanidza ega kuti hapasisina dhiri. Ndakamurambira kuti ndaive ndatove hangu neumwe munhu. Mwana wechikoro maya ndakaona kuti haaite mari yacho anoita yekubira vabereki. Ndakuda munhu anozvishandira. Vana Micah ava torai zvenyu vana Rumbidzai ndotype dzenyu." Ndakaita kuganza ndikaona Micah atsvukisa maziso anditarisa. Rumbi wacho akabva aseka akabata muromo ndikaona kuti Micah atsamwa. Iye aifunga kuti arikundipedzera. Aive atsamwa kumurambira kamari kake. Akabva aridza tsamwa kwakuti," so wayindi cheater ka iwewe Lindiwe? Miguel akazvitaura kuti urikulaziwa nemamwe maboorangoma. Kunyepedzera huinnocent panapa. Manje ndoda kukumamisa patinoenda kumba." Akadaro achitosumuka achipushira chair kwakadaro achindinongedza nechigunwe chaidedera achibuda. Rumbi akabva atosara achiputika nekuseka kwakuzoti," anopenga here Micah wako nhaiwe?" I shrugged ndokuti," yuwii ndewangu here? Handimude ini you can have him, all of him futi ndaabho naye." Ndakatoona kuti Rumbi atomuramba nemuitiro wake. Pabreak ndakazoona Miguel kwakumuudza nyaya yasahwira wake. Akaseka kwakutotanga wo kumu disser hanzi," muface wako uya anoriwanza dzungu. Aaah but akusayiza kukuita rough yakadaro pamberi paRumbi." Akabva atobudikira iye Micah wacho hana ikarova ndavakutya zvandaive ndamuita. To my surprise akatosvika achiita shoulder bumping naMiguel. Ndikanzi," yes." I just nodded kwakubva azoti," ndokumbirawo kutaura newe." "Taura ipapa," I said achibva ambopukuta kumeso ndokuzoti," I'm sorry Rumbidzai uya uya handitorina kana mafeelings naye. Ndanga ndichingoda kuti uite jealous. Ndanga ndisiri kutombomu liner ipo paye. I love you." Ndakanzwa kutomusema he was childish. Shamwari yacho ndiyo yakabva yatoti," wazo deepisawo wangu babe harinzwaro." Achibva ati," sha I was trying kuti Lindiwe arwadziwe chete but Rumbi handina dhiri naye." Akadaro akutonzwisa tsitsi zvichibva zvatondipa manyemwe. Kwakuita kuzuza magadziko ndichiti," Ita life yako usiyane neni." Akasara achisekwa naMiguel. Palunch ndakamu avoider. Takuenda futi kumba ndikamudadira avakutoyeredza misodzi. Bamkuru vakazosvika naDonny wavo kuzonditora. Akasimudzira paaive asiira kundishusha Donny wacho kusvika tanomusiya achishungurudzana neni. Takati tavatega aburika bamkuru kwakuti," he's a very cool guy mfanha uyu ninez. He's mature mainini , I voucher for him." Ndakavacheuka ndikati," Nyamuzihwa imi!" Vakabva vaseka ndokuti," Nyamuzihwa varikutokubatisai maimwana. He's the real deal manje. He's got a very good job munhu asingazara-zare pese pese futi uya. He's single what more do you want nhai askana?" Ndakaita kuseka zvekusvika pakugegedzera musungirwo waive wazoitwa face. Vachibva vati," okay haapo Donny panapa tiri 2. Munomuona sei? Ngatimbomunyeyayi." Chokwadi chaicho he was very handsome indeed ari zvese a girl could want. But zvaisataurika ndakangoti," ari bho but of course not for me." Taive tatosvika vakamisa mota vachiti," muzvipe nguva yekumuongorora neziso repfungwa handiti manyatsomuona? To be continued.. handei mumba." Takaburuka mumusoro matongozara iye Donny wacho iyeye. Ndakawana tete Onai varimukitchen tikafarirana kwakutaudza sisi vaive vakararira pasofa. Ndakapfuurira kunochinja ndavakutoda kubuda tete vakabva vapinda nekutovhara door ndokuti," asikana ndikakuudzai kuti handisati ndadya munogona kuti ndirikunyepa." "Hamusati madya? Why?" "Hanzi hapana mari yechingwa. Ndazovati ndavakubika sadza kukanzi hapana usavi." Ndakaona kuti arikurwadziwa kwakumuti," sorry zvenyu, mirai ndinoita take over mapoto ndibike fast fast." Vakatura mafemo ndokuti," it's okay rega ndipedzese hangu." She quickly changed the subject vachiti," arisei mukomana wemablazer?" Kwairehwa Micah. Kwakubva ndatovaudza zvaaive andiita. Vakati," munhu wandanga ndichitorumbidza nezvinhu zvaakatitengera nezuro ndiye avakudai?" Ndikati," ayewa chirongo cherudo paari ndinoti ngachipfuure zvacho munhu anema drama ndinombomuda here ini?" Ndaitorevesa zvimwe zvivindi zvaive zvawedzerwa ka nekuda kwaDonny. Surprisingly Donny aive atongoita kuzara mupfungwa dzangu. Takabika tikadya mood yangu yaive parinani. Kungofunga kuti ndinotodiwa nevanhu vakaita saDonny kwaiita ndinzwe kufara so. Chero tete Onai vakatoona kuti nhasi umwe wavo ndinekakufara. Ndaive ndisina kuvaudza nezva Donny. Saka vakatozonditi," yeah mukomana weblazer anenge anga asisadiwewo uyu. Munhu kufarisa kudai zviriko here." " Kutofarira kuti ndava free tete Micah anga achindi suffocater." Takarara kuseni ndikamuka ndichigadzirira bamkuru. Sezvo muridzi wemurume aive azozvisiya. Takazobuda kuenda tichingopinda chete mumota vakatotanga nekuti," yeah takagumira papi nezuro? Munotii nemface wangu ninez?" "Kudii kwekudii?" "Munhu anotaridzikawo handiti?" I shrugged ndichiti," hameno." Vakati," haaa ini munhu akadaro ndotongobatanidza kuti arikubvumirana neni." Ndakaita kuseka takatowana aripa nzvimbo pake Donny wacho. Musi uyu he was wearing a white shirt ari clean zvekurevesa. Akangopinda nekuti," ndeipi Lindiwe?" Kwakuti," ndiri bho zvangu." Vakambotaudzana nabamkuru, tikafamba tichiita nyaya. Pandakasvika pandaisara bamkuru kwakuti," vaMhembere ndirikupa mainini vangu mari yelunch so musazoti murukurambwa inyaya yekuwomera iyoyo. Kana mangwara zivai zvekuita." Vaidaro vavakunditambidza $2 Donny kwakukasika kuburitsa wallet yake achiti," ayewa vaMuzenda regai ndivape madam." Yakabuda zve $5 ndakaitora ndaive nezvivindi handiti bamkuru ndivo vaindifurira. Vakatozodedzera bamkuru vachiti," musakanganwe kundipa kapercent kangu ipapo maimwana ndini ndirikuita mari ubude mface wacho haaburitse mari zvekumhanya uyu." I giggled ndichifuratira. Stay tuned 🥂
❤️ 👍 😂 🙏 😢 😮 177

Comments