🇿🇼Chihelele Shona Stories
May 26, 2025 at 09:14 AM
https://chat.whatsapp.com/IXeARB7AxU9Kdq0UPhiFDH
*KANA UCHIDA BOOK IRI FROM PARAKATANGIRA FOLLOW CHANNEL*
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K
*Blood Ties*
Nita Chihelele
&
Mai P #ashava
Chapter 11
Brandon.
"Yeah aripo muramu wako," he said achiperekedza Lindiwe nemeso ndikati," handidi hangu kutambisirwa mwana iyeye shamwari. She's a very good kid who deserves only the best waibata?" Akagutsurira avakutarisa kumberi achibva ati," haa you know me Muzenda. Skiri remadhirezi iri harisi rangu. Ndikada munhu ndinenge ndatongodawo. Asi kuti hameno kuti nditi munyama here or kupusa kwacho. Zvevakadzi izvi ndanga ndatombozviudza kuti ndakutombomira nekuti zvinenge zvisiri zvangu izvi."
"Yeah ukaita munyama wekusangana newrong order unozviramwa chaiko."
"Zvakuda imi makaita luck renyu makatoroora soon munenge mabata kamudhoni kenyu zvenyu. Isu haa zvakangooma mukoma." Ndakaseka ndokuti," shamwari hapana better, unenge uchimutsvaka uchimuchemera. Kana wava naye futi panenge pava nezvimwe zvinenge zvichinetsa. Haa vakadzi mfaname vanochemedza ava." Akatoseka hanzi," but definitely not you Muzenda, haa murima boss hamuchemedzwe nemukadzi." Ndakaita kuseka ndokuti," shamwari chero president paari ipo paye anochemedzwa nemukadzi. Mukadzi haana mugoni .But not kuti wakapusa haukwanise kumugadza pachinzvimbo chake noo. Asi kuti vakadzi it's in their nature to want to exercise their power pauri murume. So zvimwe unongoitawo semwana ndiko kuti utouvaka musha. But ukava murume uya wekuti handidheererwi nemukadzi haa zvinenge zvatodhakwa. Unovatora vachienda vese. But pane apo neapo paunofanirwa to put your foot down umurangaridze kuti I'm the head of this house." Akabva aseka kwakuti," mmmhh saka marriage yakaoma nhai? But ini ndavakuda zvekuroora , as long ndikawana munhu ari straight. Coz as long ndiri single so hapana chandinobura. Mbuya vanepfungwa yekuti takakurera saka ndinenge ndakufanirwa kubhadharira vana vavo mafees. At least ndikaita mukadzi anenge achimira wo zvimwe achiramba. Nyaya dzekuchengetwa nehama dzaamai ma1. Dzikule dzangu idzodzo dzakazvarwa vari 2 namoms. Ndidzo dzitori baba vangu manje kana ndisati ndaroora so ndinenge ndichingonzi handiti hausati wava nemwana. "
Takakurukura munhu avakutoratidza kuti ari interested pana Lindiwe. I liked Donny kubva zvandakatanga kumuziva. He was always a straightforward person asingade zvinhu zvisina kujeka. But hameno paaizobhayiza mfanha wacho vasikana vaitomuita playground zvake. He was 4 years my junior, whereas I was 28. Aingodika nemunhu wese munhu wacho. Paakatanga kuti anoda Lindiwe handina kutomboona problem pazviri kana. Nekuti ndaimutemba chaizvo, vanhu vandaitotya ndito tukomana twake twekuchikoro. Saka I promised Donny kuti ndaizomubatsira kuti adiwe. I saw a perfect couple in them nekuti Lindiwe wacho aitove mwana ari bho zvekuti.
Issue yandaive ndava nayo kumba yaive yekuendesa Lindiwe kuO'level. Sisi vacho vaiti havachadi kuti ndimubhadharire aende kuform 4. Vaitoti akangovhara muna December zvotopera zvechikoro. We had a heated argument about it but ndakazosvika pakuudzwa kunzi," munin'ina wangu she's here because of me! Kana ndati handichadi aende kuform 4 next year ndizvozvo. Undiudze kana wavakukwirana naLindy wacho. " Saka kuti musindo wacho upere ndaive ndangoti pakanaka. But zvaindidya kuti mwana ongogara asina kusvika form 4 here? Vangu vanin'ina vakangovhiringwa nehutofo chete. But vese I made sure kuti they completed their ordinary levels.
Pachokwadi chaipo mukadzi wangu aive asisamude munin'ina wake. So pana Donny ndaive ndatoona munhu kwaye aizogona kumuchengeta Lindiwe. But my worry yaive pakuti aizomubvuma here iye Lindiwe wacho. Umwe munhu aive avakundipa stress ndiOnai. I wasn't sure yet but ndaiona sekuti aisapihwa chikafu masikati. Ndaisada kuwanikwa ndavakumubvunza zvinhu zvakadaro. Zvinhu zvandaida kuzozvionera. Ndaive ndatononokerwa kuti abatsirwe Ethel nekuti hunhu hwaive hwachinja chaiko. After work Donny ndakawana atozembera pamota. Paakandiona akabva atosumudza chiso ndichibva ndamuti," bamnini madii?" Akaseka ndokuti," haaa mudhara munoona sekuti ndingatodiwe here?"
"Trust me mfaname, have faith unotodiwa zvekutozosvika pakuroorana chaiko." Akapinda mumota kwakugara achiti," mudhara ndatove nema images acho mumusoro mangu kudhara." Ndakaita kuseka achibva ati," mudhara nditori serious ka, plus sele-sele iripo futi zvekurevesa paye."
" Mmmhh shamwari kwakuenda pfungwa dzako uko kuri safe here?" Ndakabvunza tichibva tamboseka tese achibva ati," haa ziso redu vanhurume ikoko rinotokutarisa chete."
"Yeah paye unenge wapinda machena, just be patient tinori liner babe." Takanomutora kutown akafamba achizvikandirawo shoko. Tamusiya ndichibva ndasumudzira ini nyaya yaDonny. Ndakazonzwa munhu avakuti," aah ashayeyi kuzoita take take neni? Ko veworking class saiye avashaya here?"
"Ninez madiwa imi musatsvakane nezvakawanda wanda. Hakuna kusina chizivano maiziva. So imi just be grateful kuti muneni Nyamuzihwa ndatodzifambira." Akaita kunonzi kuseka kani hanzi," ibvai apa!"
"Ndobva ndoenda mosara zvenyu muchitambura ndizvo zvamunoda here?"
Akaseka and she was a free soul kutopfuura sisi vacho. Kutoseka chaiko ndaive ndakutongokunzwa ndiina Lindiwe. Aingove happy munhu wacho kunyangwe atukwa sei nasisi vacho. Ndakazoti," mukomana arikukumbira ka manumbers ndimupe?" Aive aedza kuzvikumbirira akamanyimwa.
"Aah handidi zvekunetswa ini " she said ndikati," asi murikukwata kutaura naye paphone? Musakwate formal inopfekwa nemfanha uya akatoperera pamuri mufunge zvenyu." Akaseka ndokuti," ndamboti ndinokwata here ini?"
"Saka murikutyei?" Akazoti," okay mupei kwacho," I said tatosvika takuburuka mumota.Ndichibva ndatoti," musazomuvharire door mfanha wangu uya ninez ndinotemba nemi imi."
Akangoseka achitofamba kunopinda mumba. Ndakatevera soon after and i saw achitambidza Onai something asi vachiita sevasiri kuda kuti zvionekwe. Onai akaisa mujuzi akafambisa achibuda akananga kuseri kwemba. Lindy akabva aita take over zvayiitwa naOnai apa asina kana nekuchinja uniform. Pandaive ndakamira pacho hapana kana aive andiona pahuviri hwavo. I got curious kwava kunyahwaira ndichitevera Onai kuseri kwaaive aenda. Aive akaita kundifuratira zvekuti aisandiona but ndakaona kuti ari kudya something apa aidya zviya zvekukasika zvekutaridza kuti haade kuwanikidzwa naanyone.
"Onai?"
Akaita kuvhunduka achidonhedza kapaper kaive nemafresh chips aaidya.
"Mukoma maswera sei?"
"Nhonga hako machips ako".
Akamanhonga apusa pusa ndikati, "Inga mowirirana namainini Lindy. Ko kuzodya wakahwanda hanzii?".
She forced a smile akati, "Hapana mukoma".
Moyo wangu wakarwadza ndakamutarisa. Ndega ndakazviona kuti I'm failing to stand as a father mumba mangu. Mwana yaitove nzara iyi chida aive audzawo muramu wake kuti hazvina kumira mushe.
Akamapedzisa machips ake faster faster akarasa chipepa chacho.
Ndaive ndakamuyeva with a heavy heart ipapo.
"Wapedzisira kudya nguvai Onai?"
Akamanikidzira kusekerera zvaitooneka kuti ari kuzviforcer hake akati, "Masikati mukoma".
Ndakangogutsurira musoro kwakufamba ndichinopinda mumba. Moyo wangu wayiita kurema chaiko ndainzwa kuti I'm failing as a man.
Ndakawana mainini vachitopedzisa zvemukitchen and takapinda takadungamidzana naOnai zvakaita kuti mainini vati, "Ndakunochinja tete but haa zvatoita hazvo".
"Thank you muroora".
Akabva atobuda Lindy ndikambosara ndakamira mukitchen muya. Ndakavhura mufridge ndikaona muine zvigubhu zvemvura neusavi nemadomasi chete. Kutarisa mubreadbin maisave nechingwa. Kwakuchizama kuvhura muzvimacupboards zvaigara mafood groceries ndikaona zvese zvichiramba kuvhurika kutaridza kuti zvakakiiwa. Makey aisingogara akarembera ipapo asi paive pasina.
"MaKey eapa aripi Onai?"
"Hmm handizive ini mukoma".
"Saka pawabika masikati wavhura nei?"
Akabva amboshaya mhinduro akazoti, "Haa makey motobvunza maiguru".
Ndakamutarisisa ndikaona kuti aive adzikira pane zvaakabva kumusha akaita.
Ndakangotura befu kwakufamba ndichienda kubedroom. Ndakawana Ethel akagara akaita kusadharara uku ari paphone.
"Ko mamuchamboitei kusitting?"
"Wandiona nguvai?"
Akabva aisa phone pasi kwakuti, "Ndanzwa kusvika kwemota kare hangu. Mandivigirei?"
"Ndaswera maswerawo mai Mazenda. My day was fine. Ndokumbirawo makey epakitchen unit pako".
Ndakaona munhu aita kakuvhunduka kwakuti,"Asi pakakiiwa?"
Handina kudaira asi kuramba ndakamutarisa ndisiri kana kusekerera.
"Aah kungoti kugara nevanhu vasina budget kunonetsa uku. Iwewe you are always singing about a tight budget saka ndikaona zvinhu zvichiwastwer ndinozongoti better kukiya".
Handina again kudaira ndikaona munhu apusa pusa kwakuti, "Asi vati chii tete Onai? Ane zvaakuudza ka mwana wamai vako?"
I tried by all means kuti ndisamudaira rough so ndakazongoti, "Ndinokuda Ethel. Handizode kuregreter mulife mangu ndakubata rough. Rega ndigadzirise dambudziko richiri padhuze kuitira tizoramba tichionana for the sake of mwana wangu wawakasenga. Since chikafu chakakukoshera kudarika hukama chisara zvako pano udye ukore mukadzi wangu. Mainini Lindy havana need yekuti varambe vari pano since wakati havasi kuenda form 4 so I'm giving her money vaende kumusha.Then Onai is also going back mangwana chaiye. Ini wacho I'm moving out. Kubasa handimboshaye pekuisa musoro ndichifana kutvaka pekugara. Don't worry imba gara hako wakasenga mwana wangu. Chandangotadza ini kugarisana nemunhu anoita sedemon mumba. Rimwe zuva ungazondivenga".
Ndakaona munhu ave kutadza kugarisika kwakuti, "Ndiyani andanyima chikafu pano. Hoo kuda kusaver ndakutonzi ndine problem?"
"Ndiro rimwe dambudziko rakuita tiparadzane. Moyo wako wakaomesesa haufite munhukadzi. Haugone kutoona pauri kuresva and hautobvume kuti apa paresveka".
Akabva angoti zii ndikachinja mbatya ndichipfeka chitracksuit sezvo kwaive kuchinzwika kachando.
Ndakaona munhu adzika pabed hameno kuti aida kudii asi ndakaona seaive nezvaaida kutaura. Handina kana kumupa mukana wacho ndakabva ndangobudamo. Ndakanogara hangu watching tv but pfungwa dzaisavepo kana. Ndaive ndangotaurawo zvekumutyisidzira hoping kuti akumbire ruregerero and promise to change asi kana aisazodaro ndaisatomboziva the next step to take. Ndaisada kutsvaga advice kubva kuhama dzangu nekuti ndaizeza kumuvengesa umwe wangu. Kana paaizochinja hunhu vaigona kuzoramba vakamubatira chigumbu ichocho.
Pasina nguva ndakaona munhu atevera. Akasvikogara pedo neni ari zii asi achionekwa kuti ane zvaari kuda kutaura. Vasikana vakauya nechikafu and we ate in silence.
Iye wacho haana kutonatsodya aitooneka kuti ane zviri kumunetsa. Ndakazonzwa oti, "Mainini Lindy mangwana tomboshanyira ka mhamha kuguva kwavo?"
Mainini Lindy vacho vakaramba vakamutarisa sekunge vasina kunzwisisa zviri kurehwa zvakaita kuti munhu adzokorere achiti, "I mean hatina kuzombodzokerako kubva zvavavigwa".
"Mangwana ndinenge ndiri kuchikoro sisi".
"Oooh sorry kutovhiringika hangu ndanga ndiri kufunga kuti yatova weekend".
Ipapo havana kuzodaira mainini asi kungosekerera chete sezvavanogaroita.
Girls dzaitaridza confusion chaiyo nekuti vaimuziva munhu wacho asingagone kutaura nevamwe zvake.
Haana kugumira ipapo akati, "Tete Onai musoro wenyu hauchaita uwo. Ndichati mai Mickey vauye vakurukei musoro uyo mangwana. Kufamba kwakurema dai ndakuperekedzai ikoko".
"Maita basa maiguru".
That's all she said vakabuda nemaplates vakunosuka ndakasara ndakamenya serious ndinzwe munhu akuti, "Sorry zvenyu nekuita sendinonyima pano. Ndichazama kuchinja".
Ndakamutarisa ndikati, "Was that supposed to be an apology?"
"Ehe wani ndati I'm sorry for my behavior and i promise to change".
"Ko ini unondiita sorry wanditadzirei? Shamwari ka you better change nekuti ini handingambogara nemunhu anoita seakasenga dombo pachinzvimbo chemoyo".
Ndakabva ndatobudamo ndoenda kubedroom. Ndaida kumbozama kuva tough chaiko kuti munhu wangu aite hunhu kwahwo.
Akambotora mazuva achibehavor chaiko asi ndaisaziva kuti airevesa kana yaive pretense chete.
Days moved by ini nemuface wangu tichinyengerera mainini kusvika vazongoti, "Its okay Donny let's give it a try".
Stay tuned 🥂
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
229