🇿🇼Chihelele Shona Stories
May 26, 2025 at 04:48 PM
https://chat.whatsapp.com/IXeARB7AxU9Kdq0UPhiFDH *KANA UCHIDA BOOK IRI FROM PARAKATANGIRA FOLLOW CHANNEL* https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K/1627 *Blood Ties* Nita Chihelele & Mai P #ashava Chapter 12 Ethel "Matoguta?" Ndakabvunza tete Onai vapedza kuondomora plate yaive izere rice vakasekerera kwakuti, "Ndaguta maiguru maita basa". "Zvino mukazvijaidza kudya kunge bhiridha kudaro munhu wechikadzi hameno zvichakunetsai. Idyai madiro even now kana muri kunzwa kuda sadza endai munobika". Ndakataura kudaro ndichitonzwa shungu chaidzo. Ndaive ndichakabatikana nekuudzwa kuti ndinonyima naBee asi semunhu aida imba yake i had to act accordingly zvaidiwa zvacho though moyo wangu wainzwa kubatikana. Madyiro ayiita vanhu vacho senge tete Onai ungati imombe yakabva kusina mafuro. Vakasimuka vapusa pusa vachiendesa maplates kukitchen. Vakati nyaa variko ini kwakutomboita zvephone yangu. Ndakafonera mai Mickey uyo akatodaira achiti, "Mbuya tumbwa ndava kutosvika pamba penyu pane kwandange ndiri kubva hangu". Hatina kuzombotaura dzakawanda ndakabva ndatodropper call sezvo aiti aive achitouya kumba kwangu. "Tete Onai?" Vakauya vachifambisa ndikati, "Asi kudaira muri kwamunenge muri ikoko kunonetsa? Kuuya makanyarara ndokudiiko. Eeh chete ndimi varidzi vepano zve imi tikakukanyai tinogona kuzongovirirwa tatizwa nevarume". Vakaramba vakangonditarisa ndikati, "Ndipeiwo chithrow blanket chiri muwadrobe chegrey so. Oyi ichi ingokandai pabed ipapo". Vakaita zvandaive ndareva vakabva vangoenda kuroom kwavo. Ichocho ndaichidira kunaka plus chaivewo mufashion. Ndaizama nepese pandogona kuti ndizame kumaintaner level iroro rana mai Mickey. Ndaisada kuzofamba mbiri yekunzi vapera bodo. Pasina time akasvika zveshuwa akanoka ndikadaira kuti vapinde. "Iwe shaa vaenzi vanovhurirwa door aah. Yuwiiiii zidumbu iro rega uite nungo dzekuuya kuzovhura door hii asi une matwins nhaiwe munhu?" Ndakaseka ndichipuruzira zidumbu racho iro raive raita kukurisa zvaro zvekuti kana ndakagara so raibva raita kugara pamakumbo apa. " Asikana ka ndanzwa zvangu ini. Makadiiwo kundiudza kuti mimba inofizura kudai aah handipamhe futi ini". Akaita kuridza chikwee kwakuti, "Zvino ukachema dumbu kuzoti musi wacho waanobudamo munhu uyo? Mai mwana uko unoona masuwo edenga achizaruka zve Mwari vachitodaidzira kuti huya zvako mwanangu". Takaita kugegedza tese ndikati, "Asikana imbomirai kuda kundityisa apa. Hesi Mickey. Hesi kani baby". "Vakatsamwira ice cream bp yacho iri pahuro chaipo haumbodairwa". "Ko madii kumupa ice cream yacho?" "Yuwiii tirege nechando ichochi apa ari kukosora. Chienda unobheura bhazi iro iwe. Mwana one here uyu?" I smiled ndikati, "Hameno wena. Daddy vakaramba zvescan kwanzi i want it to be a surprise". Ndakadaro ndichidadirira hangu apa chokwadi chaicho ndaive ndazviramwa ini. I wanted a 3D scan that was going for $80 only asi Bee kwakuramba kwanzi why wasting money like that itwa idzo dzema$20 idzodzo. Ndakabva ndazviramwa ini akangondisiya ndakadaro. "Hii ende bamnini so. Manje preparation makatenga which colors. Asi anenge mukomana uyu". Ndakasekerera kwakuti, "Taiwanza hedu mablue iwayo i can feel kuti ndiNyamuzihwa ava". Takabva tamborovana hedu maoko ndikati, "Saka kuri kubviwa ndepi apa?" "Ndanga ndaenda kunoona mablankets ana mai vekuchurch kwedu mai kwana pandora blanket zvinhu. Mangwana ndotonotora asati apera". "Hanzi mariiko apa takapera mari neprepa mai mwana". "Ari kuita ma$75 ayo". "Hauna here umbondipawo ndoidzosa. Chikwereti chaBee chekubank chakupera saka anenge akuzohora mari svinu chaiyo". "Haisi problem ko ndoinzwisisa zve nyaya yacho preparation inokuzunza homwe kani. Ndobva ndangouya naro mangwana blanket racho. Asi uri wega pano nhaiwe munhu nezidumbu iro?" Ndakabva ndaita kuderedza izwi ndikati, "Ndine vemhondoro ngezi vakazvivharira muspare umo". "Amwene vako vakauya rinhii?" "Kwete amwene iwe. Muna vatete aah imiwe zvimwe zvinoitwa naBee unotozvishaya". "Ko vaita sei futi?" "Amai mwana dyiro yacho ka kunge zvine mweya yetsvina mukati. Ko guhwa zvaro musi uno ndaive ndorambwa ka kwanzi uri kunyima mwana wamai vangu chikafu. Kubva ipapo ndinongoti idyai madiro imari yamukoma venyu. Ipapa abva kudya kapoti kese kerice". "Usadaro tete iwe. Kumusha kunodyiwa ka uku havasati vajaira chete asi vachajaira. Ko munin'ina wako aripi?" "Upiwo anongoti mazigaro asina zera naye kwaendwa kuchikoro". "Mimba ine basa iyi. Tete namainini vari kupagara sei pano maiwe ndichatouya zvangu ndivatore ini". Aidaro achiseka ndikangosekawo zvenhema ndatoona kuti haasi kutombonzwisisa kuti ndigere nematambudziko pano. Akazoenda hake and mangwana acho akauya naro blanket haa zvaive zvinhu kani. Ndakafanoisa pabed ndaidawo kuti daddy vasvike vachiona manew developments. Paakadzoka pacho akangoti, "Rabvepi iri?" Ini kwakuti, "Ndatenga". Munhu kwakungoti, "Inga vamwe munenge mutori nemari dzenyu. Rakanaka". Ndaitarisirawo kuti achanatsa kufara asi kana zvake akabva atopinzawo imwe mudariro achiti, "Nhai babe kana ndichida kukusungira ndinoita sei? I mean i do know the process but manje apa since mama is no longer with us panofambiswa sei?" Ndakaita ka kufinyama ndikati, "Ati ndiri kuda kusungirwa ndiyani zviya? Takawirirana rinhii izvi?" "Babe c'mon amana. Inhumbu yekutanga iyi you know nothing and zvagara ndizvo zvinoitwa ndakaroora ka ini?" "Bee zvinomanikidzwa here? Uda tidii ivo mama vasisipo? Ndogara ka pano pamba pangu". "Ko mimba ikarwadza uri wega nhai Ethel pamwe pacho hapade nharo babe". "Handiti tete varipo here veduwe aah". "Ave kuzoenda kuchikoro uyo ndatobhadhara mafees acho". Ndakaita kunzwa kunga kuswinyiwa muviri wese ndakamutarisa so. But semunhu aive achangobva mukutsiurwa ndakabva ndangoita sezvisina basa ndichiti," inga mavagonera shuwa." Akati," yeah handidi mangwana munhu azoti ndaida kuita chakati and they failed me." I sighed ndichinzwa kutsva chaiko. Kwakurovera moyo padombo trying kumuudza kuti zvaive zvandibata. But I tried kutaura nenzira yakangwara ndichiti," Saka inini fridge yangu yeglass iya makatongoramba zveshuwa kunditengera?" " Babe kuramba nekuti hapana mari zvinhu zviviri zvakatongosiyana. Unoziva iwewe ndiwe munhu anotoziva situation irimuno mumba. I expect you to understand." " Handisi hangu kurwa but ndirikuti vamwe zvavo vanoitirwa isu tonzi situation. Dai zvaigona ndaichinja ndoita hangu mwana wamai Muzenda pamwe ndaiitirwa zvinhu fast." Akabva aramba ari zii akanditarisa ndikatya kuti noise iya yaizotanga. Kwakukasika kuseka seka ndichiti," don't bite my head off Nyamuzihwa veduwe kudawo zvinevamwe vakadzi mudzimba dzavo." Ndaiti achapopota asi akabva ati," Sha ndinoda kukuitira zvese zvaunoda. But for now zvakato tighter. Plus the other thing sha let's not compete nevamwe vanhu. Let's run our own race, upenyu hwecompetion hunotisiya kuresa. Of course ndinoshanda basa rimwe chete nababa Mickey but maproblems edu akatosiyana nechekure. Tarisa vanin'ina vedu varikuda our help. Fridge haitize iyo, maybe by the time yatichabata mari kunenge kwava neimwe irikupisa panguva yacho." Ndakanzwa kusvotwa chaiko. Mhinduro inopisa ndaitove nayo asi ndakatya kuti tinetsane. Takangorara musi iwoyo pasina kana love making. Munhu wacho aive akuita sekuti ndiri zai raigona kupwanyika. Saka love making yacho yaive isisiri iya iya. Ipapo dumbu racho raive ratopinda mu8 months. Apa munhu wacho aitosheedzera zvemasungiro. Hakuna kumba kwehama kwandaida kuenda especially kwamainini maiMemory ndaisada. Kuseni handina kutomuka hangu. Yaitove Saturday aiita half day kubasa kwake. Akagadzirirwa naLindy as usual. Ndakazomuka late kwakudeedzera breakfast in bed. Vakaita zvese vakawacha washing yese ndakarara. Ndakazomuka Kuma 12 ndichinogeza kwakunogarira hangu TV. Mai Mickey aive asina kuzokwanisa kuruka Onai semunhu aive asvika achimhanya -mhanya. Ndaisamurukisira kumuda Onai wacho. Ndaitoda kungoratidza mukoma wacho kuti ndinomuda munin'ina wake. Ndakatovati vaende vese naLindy vachiperekedzana kwamai Mickey. Musikana wavo webasa akavagamuchira pamashops sezvo vaisakuziva. Akazosvika Bee ndigere ndega akasvikobvunza vasikana ndikati," ndati vaende kwamai Mickey tete Onai vanorukwa." Akati," kurukwa? Asi vanoruka mahara mai Mickey vacho?" "Ayewa vanobhadharisa avo," akati," mari vamwe vedu murikumboiwanepi yekuita zvese izvozvo?" "Brandon handichatozivi kuti urikuda ndiite sei chaizvo. One minute you're complaining kuti handimude munin'ina wako. Ndoita zvekuratidza rudo zvacho wakuti mavara azara ivhu chaizvo chaizvo unoda ndidii?" He chuckled kwavakuti," Ethel shamwari taitaura nezvechikafu. Kwete zvekuti uite zvinhu zvinoda mari yatisina munomu. Anyways, let me rest ndakaneta ." Akatonanga kubedroom achindisiya ndega. Half way through the way akabva amira kwakuti," ndafonera tete ndichi discusser zvemasungiro. Vati it's okay unogona hako kuenda kwamainini kuAscot." Ende kwaisave kubvunza kwaive kutondiudza. Ende maiMemory ivavo ndaive ndakavamaka zvangu. Ndakanzwa kudumbirwa kwakungonyarara. Shasha yakabva yanyangarika kubedroom ikoko ndikasara ndangoti vavava. Kuenda kwamainini ndainzwa sekuti ndirikuenda kujeri. But ndakazozviunza kuti ndaizokuenda ndava mu9 months chaimo. Vakazouya vaive vaenda kwamai Mickey ndatobeeper. Ndakavadaira zvegwabvu pavakasvika pacho. Chekunyengerera chaicho paive pasisina since effort yangu yekuedza rudo yaive yadirwa jecha. Ndakazosumuka zuva ratonyura ndikawana shasha yakarara manhede iripaphone smiling. Zvakandipa kufungira kuti pamwe ndavakuhurirwa chete. Zvakandirambira kungonyarara kwakuti,"ivavo varikukunakidza ndivo vavakuita kuti undiitire rough ka?" Akamboita seasiri kundinzwa zvake kusvika ndamuti," Brandon ini hangu handidi zvekuhunzirwa zvirwere muno. " Ndaiti achazvi defender instead akatoti," panzwikwa Ethel." "Saka apa are you admitting kuti urikuhura?" Ndakabvunza akati," Saka iwewe zvekuti tifare muno mumba hautodi ka? Peace wakatoimaka zvekudaro haikona?" "Usade kundiidza benzi apa! Uchakaura uchakwira mahure ako." I said ndatozviudza kuti ndirikuda kumusungira play akaure. Haana kundidaira akatoramba achisekerera paphone pake. Ndakaita kunzwa pachest psngu pachipisa apa. Ndakabhidhaira ndichienda kukitchen ndikawana vasikana vavakubika. Ndakakudubura mapoto aibikwa kwavakuti," burai chicken iyi muidzorere mufridge. Nhasi parikusevewa neveggie rega! Poto yesadza iyi hafurai mvura. I try muno mumba kuti ndifadze vanhu but ma efforts angu hapana anomaona. Instead ndinotukwa inini! From today onwards muchamama nayo nzara! Brandon uyu is complaining kwandiri kuti hapana mari zvinhu zvakaoma. Apa ndatokurukisa Onai ndichiedza kuratidza rudo but ndapinda submarine nazvo! Kasikai hafurai mvura yesadza iyo inotikwana poto iyoyo mukaisa pazasi pemubato mvura yesadza. Ndaneta kukonorerwa mari kunge ndini ndinoidya." Vakaita kupusa ndavakupopota ndakabhidhaira ndichinozvikandira pasofa. Ini ndaive ndisina nzara kana. Vakakabika wani katadha ndaisatorida sadza zvangu ndakaguta. But kungoda kuvakaurisa kuti risavakwane chete. Rangu ndakabva ndatosimuka ndokunokutura mubin. Vese vakandiperekedza nemeso ndichienda kubin. Bee akabva auyawo semunhu aive adeedzerwa sadza. Akangoti achiti baa chikafu chake achiona kari katadha musina nyama angori maveggie chete akabva afinyamisa kumeso ndokuti," mmmhh why mapakura sadza diki diki kudai? Plus munenge musina nyama wani?" Hapana akadaira kwakubva andicheuka ndichibva ndati," budget iri tight takutanga kuita budget handiti unondikonorera kunge munhu asingafunge. Itoitai adjust nekuti ndiyo skero yechikafu chamuchadya kubva nhasi. Handiti unondiita kunge munhu asingazivewo budget?" Stay tuned 🥂
❤️ 😂 👍 🙏 😢 😮 287

Comments