🇿🇼Chihelele Shona Stories
May 27, 2025 at 05:49 AM
https://chat.whatsapp.com/IXeARB7AxU9Kdq0UPhiFDH
*KANA UCHIDA BOOK IRI FROM PARAKATANGIRA FOLLOW CHANNEL*
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K
*Blood Ties*
Nita Chihelele
&
Mai P #ashava
Chapter 13
Brandon.
Munoziva unosvika pamwe pekuona kuti izvi zvavakungoda kutarisa nemeso. Ndakangomutarisa Ethel kwakukasiya kasadza Kaye ndokunozviitira tea nekutonorara. Akazouya ndatove mumagumbezi. Ende hunhu hwake hwaienderera day by day. Akasvika achipinda mumagumbezi akapfeka ndikamusiya so. Akarara akaisa muromo mumhuno. Aive akatarisira kuti ndaizomunyengerera but handina kuita saizvozvo. Mangwana acho ndakamukira kuenda kugym kwandaive ndakokwa hangu naDonny. Taive takutowirirana zvekudaro kubva zvaaive avakudanana naLindy. But handina hangu kuda kumuudza nyaya dzekumba kwangu. Aitoda kuti masikati ndibude nebabie rake awane kuriona. Ndikaona zvisingaite nekuti sisi vacho vaigona kuzofungira zvisiri or kutomupinza busy.
Pandakadzoka kugym ndakawana vasikana vagere panze mugariro wavo waive wevanhu vasati vadya. Apa dzaive dzava kuma 10 kuseni. Ndakangopinda mumba ndikaona masettings acho kuti munhu atonyima vana chikafu uyu. Ndakavhura macupboards ndokutoti," girls itai chikafu mudye apa. Ndini ndadaro." Ndakadaro ndaona kuti vanemibvunzo . Iye akabva atouya achida kupopota ndichibva ndati," shamwari bvumawo kunyarwa nhaika?" She started throwing tantrums ndichibva ndatofonera tete vake. Pavakadaira ndakabva ndatoti," tete muzukuru wenyu avakuda kuenda kumasungiro please huyai mumutore mumuperekedze. " I was so sure kuti akabatsirwa chete ndaizowana Ethel wangu back kwete uyu wandaive ndava naye. Tete vacho vakati," hindava bamnini?" Vaive vatonzwa mukutaura kuti something wasn't right. Ndikati," help me tete muuye kuzomutora nhasi chaiye." Vakangoti," hoo? Ndirikuuya." Pandaka cutter akauya kwakumira mberi kwangu ndokuti," urikundidzinga ka kuti usare uchiita madiro nemahure ako."
Ndakangosuduruka ndichimusiya achiita drama rake. Ndofunga aitofunga kuti ndirikuita mafunnies kuti ndataura natete vake. Akatozozvibvuma vasvika tete vacho masikati. Ndakavaudza zvese hapana chandakasiya vakangoti," inhumbu pamwe irikuita zvese izvi."
"Manje tete marriage iyi ingatoputsika akasasuduruka. Ndinomuda mukadzi wangu chaizvo but at this point ngamboenda hake kumasungiro. I know akabatsirwa tinoita bho. Nekuti tete it's getting out of hand zvirikuitika pano. " Akatanga kuti," tete arikundidzingira mahure ake Brandon uyu." Havana kutomuteerera vakatoti," rongedza Ethel ndirikuda kunoita mabasa angu kumba kwangu uko musandipedzera nguva." Akatanga kuti," chimwe chinhu Brandon uyu tete anoita zvinhu ega asina kundiudza." But havana havo kuda kuzviteeera. Ndaive ndanzi ndibvise mari yembudzi yemasungiro. Pane pandakambosimuka ndikasiya vachipindurana natete vacho. Ndakazodzoka vadzora volume vese. Ethel akuita kugutsurira hameno aiudzwa chii. Ndakati ndichigara pasi tete kwakuti," tawirirana bamnini namainini vati tinoenda zvedu " ndakatoshaya kuti vaive vamutii chaizvo.
Akabva asumuka kunorongedza ndikazenge ndava kufeeler bad. Ndikanzi," ndiregererewo Bee murume wangu ndinokanganisa mukusaziva " I hugged her ndokuti," I know mukadzi wangu, hakusi kukudzinga uku but ndaona kuti it's for the best. I know mwana uyu avakukuita uite umwe munhu chaiye. Saka tikaramba tiri tese kudai panogona kuzoitika zvimwe zvinhu zvatinozo regretter tese kumberi." Akapukuta misodzi yaive yava kubuda and nodded. I hugged ndokumubatsira kumupukuta misodzi ndichiti," it's okay babe ndinokuda handiti? Please usatombondifungire zvisina basa. Ndinoda kuva newe for the rest of my life. " Akaita kuzembera pachest pangu achinzwikwa kuti mashoko angu aive amatambira. Akazoenda natete vacho avakutosekerera. Ndakabva ndatongovapa mari yacho yembudzi. Mazuva aEthel aive aswedera zvekuti ndaive ndavakutomutyira.
Tichangoparadzana akandiisira message hanzi," ndazobva nenzara makandinyima zuro Nyamuzihwa."
"Don't worry babe weekend iyo kana usati wava nemwana ndirikuuya ndizokuba ndikupe zvinhu zvako." Akati," Saka hausi kuuya kuzondiona kusvika tanobata imwe Sunday?"
"Of course not, iiih Sha ndingararame here ndisingakuone. I'm coming mangwana chaiye after work." Taive takutotaudzana kunge vanhu vasina kubvira vambonetsana kana!
But husiku hwacho ndakatambura Kani. Ndakanyatsoona kuti Ethel ndaimuda chaizvo.
Ndaipota ndichipererwa nehope husiku. The night wasn't peaceful kana ndiri ndega. Following day Monday ndakabuda with both girls sezvo Onai ainotangawo course yake musi iwoyo. Takatora Donny panzvimbo pake. But ndaive ndamutipira kuti," shamwari nhasi tineka sister Kangu. Saka it will feel weird kuti uite nyaya dzako nebabie rako ndiripo nesister yangu. Anozofunga kuti it's okay haazotsiurike. I know akura ava naye munhu wake but it doesn't feel right kuzviita pamberi pake." Zveshuwa wo haana kumboita sekuti iripo iripo. Iye Lindiwe wacho hameno kana vaive vaudzana nabhururu wake about Donny. But takafamba tichitaura nyaya dziri general. Pakudzoka Donny akatosara mutown kuitira nguva nebabie rake. Vakazotevera nemakombi, but ndaive ndamuti," mfanha usazoite zvisina basa nemwana. I've trusted you with her " akanditi," relax mudhara mwana ari safe mumaoko angu."
I dropped Onai kumba kwakunanga kuAscot kunoona munhu wangu. Funny part I was already missing her. Naiyewo kundifarira kwaakaita kwakazviratidza. Akazoti," hapana hapo zvekuzviita but I'm not happy panapa Bee. Mainini vangu vanotaurisa ava. Mwana wacho hameno kuti anouya rinhi ndidzoke kumba kwangu."
"Don't worry babe soon but maweeekends ndinenge ndichimbokuba ka." Akasekerera kwakuti," dai nhasi iri Friday manje iMonday. Pachasvika Saturday yacho ndinenge ndafa ini."
"Haumbofe babe,"
" You've no idea manetsero anoita mainini vangu."
" Vanhu vakuru ndizvo zvavari babe iwe unongonyarara chete haufe."
"Am i that bad Bee?"
Akabvunza akaita kurereka musoro and i felt so bad.
"No babe but you know kuti we did this for the best. Handina kumbokurasirira inini ndinokuda shaa. Manje manje anenge auya baby wedu then you come back home. Ipapo I'm hoping kuti Ethel wangu chaiye ndiye ari kudzoka kumba then we start afresh".
Akapukuta misodzi ndikamukwevera pachest pangu. Chimwe chayaive yoita mimba yacho kumuchemedza nhando chaiko. Ethel aive munhu uya anotsamwa asi asingangodonhedze misodzi pese pese.
Ndakazomunyengerera akabvuma zvake kunyengererwa kwacho ndikazooneka ndoenda kumba.
Ndakasvika girls dziri muhappy mood. Pane paunonatsoona kuti vana vakasununguka and vari kuzvifarira.
Mumba mune something chainhurira ndikaziva kuti pane zvavaigirana chete vakadya. Ndakadenha hangu saying, "Ndipeiwo ka pizza yacho mainini iri kunhuwirira iyo".
Vese vakati bvuu kuseka ndikaramba ndakavatarisa and i ended up smiling.
"Ndakuudzai ka tete".
"Ndiri kutozviona kuti munovaziva Nyamuzihwa venyu mai bhoi".
I smiled even more ndikati, "Manga muchindinyeya?"
"Kana hatina munhu watambonyeya isu. Imi takuitirai kasadza topakura here kana kuti masoterwa kwaambhuya kwamuri kubva uko".
Taive tonzwanana namainin Lindy zvekutopindirana chaizvo panyaya apa and she was so free around me we could joke all day round tichinakidzwa chete.
"Mainini makudaro? Asi paya maitsika madziro ka now zvakufaya makudya zvipizza zvenyu ini mondiita wesadza".
Vakaseka vese Onai kwakuti, "Asika bhudhi sadza is your favorite. Musi uya hamuna kuramwa imi maona katadha mundiro karibe nyama?"
Vanhu vacho vaitove vakafarisa musi iwoyo nekuti vaiti kungotaura point chete voita kufa nekuseka.
"Uri kuside kwani Onai iwewe? Haa bhoo itai henyu achadzoka mukadzi wangu ndoda kukusiyai muchitambiswa nhova".
"Muchiti ini hangu ndikada kumuisa panzvimbo pake ndinomukoniwa here mukadzi wenyu bhudhi? Kwaive kutonyara dumbu iro riya chete. Zvekuzonzi tete vakandikwidza bp mwana akatsva. Mumutsiure zvenyu nekuti mimba yaikonzeresa paanodzoka kanenge kave kamunhu. This time ndomuisa mugwara chaimo ndiri kutokuudzai".
"Yuwii yuwii nhai vatete munotaurisa kudaro. Haa muchamuona munhu bhoo uya kamunhu kari mudumbu ndiko kaive nema1 ese. I wonder kuti kamunhu rudzii ikako".
Yakabva yatengwa namainin kukanzi, "Asi hamuna kuenda kuscan?"
"Ehe iih zvasisi venyu here ma1 ndakaramwirwa kwanzi handisi kuda scan yakachipa hee what what".
They laughed kukanzi naOnai, "Mutsiurane zvenyu vadzoke vadzikama. Zvavo zvekukiira chikafu izvo ngavachizviita ka vasisina mimba. Ndiri tete ka ini pano asi mukadzi wenyu haambozvione. Gore raanouya kumusha ndiriko ndichamutsividza chete. Ndoda kumugededza zvekuti ega achabvuma".
"Ndongokurova zve ahiye. Munhu uya ndomuda kwete zvekutamba. Ipapa moyo uri kutorwadza kumuona asipo pano. Mainini ndichipai kasadza kacho".
Ndakaripihwa sadza raive rakabikwa mushe nekabeef kaive kasanganiswa nemavegie zvainaka zvekuti. Ndapedza ndakachipihwa 2 maslice epizza ndikati, "Hesi mhani. Saka ndofembera ka ini".
Vakaseka mainini Lindy vachiti, "Hmm munenge maudzwa kare apa. Ndipei cup iyo ndoda kunosuka".
"Aewa mai Nyamuzihwa tandadzai murume wenyu regai ndinosuka hangu".
Akadaro Onai kukanzi naiye Lindy, "Iih mozoti muroora wacho aindijairira mozondigededza ndauya Mhondoro uko".
Vaitongowanzirana zvinonakidza vanhu vacho asi Lindy akatozosara akagara neni Onai akanosuka.
"Manga muchiti ndaudzwei imi?"
"NaDonny wenyu? Kuti ka anditengera pizza".
"Wangu ndiEthel handisi ngito ini ndewenyu Donny uyo. Handina kumbotaura naye ini".
She laughed vakati, "Aah zvabamkuru so. Magara moudzana zvakawanda wanda imi i guess musi watichakisana chaiko muchatoudzwa".
Ndakabva ndatombomira kutsenga ndikati, "You mean to say hamusati mamboita kiss?"
She laughed shyly vakati, "Ehe iih handiite zvevanhu vakuru ini".
Ipapo it was my turn to laugh manje. Ndakaseka zvekuti Onai akasvika pakudongorera achida kuona chandaiseka chacho.
"Mainini Lindy ka aah yaa zvaane mabasa ake Donnel. Zvinonzi zvevakuru ndizvo zvipi?"
"Zvese hazvo izvozvo zvana kissing and touching. Ndezvevanhu vakuru ndakatomuudza kuti akangozviita chete ndakutomupa red card".
"Muri right zvenyu mainini imi kana mune that spirit. Vakomana havasi vekusiya vachikuita yese yese nekuti akazongofinhwa newe akutokusiya apa mikaka yarembedzwa iyo wakuita semvana munhu. Learn to stand your ground kana matoti izvi no munhu ngaazive kuti its a no".
Vakagutsurira musoro vakati, "Manje ka iye aitoti hee Lindy amana chavaudza hangu bamkuru kuti unondinyima kiss zvayo".
Ndakaseka ndikati, "Ndomurova akangondiudza izvozvo. Mukadzi wangu haade ka zvemakiss izvi zvevanhu vakuru ngaamusiye akadaro. Saka munenge muchiitei kana muri mese?"
"Aah kutaura nyaya and taking pics. Ndopatinombogumanawo ipapo pamapics. Asi hug ndomupa hangu".
Ndainakidzwa nadzo nyaya kusvika Onai azouya vakabva vatorana vakunorara. Ini ndaitobhowekana nekunorara kwacho ndega ndega. Ndakangonopinda mumagumbeze kwava kuisira babe wangu message asi haana kupindura ndofunga aive atorara hake.
Ndakazoti kuna Donny, "Madya mega mapizza enyu ka kutown".
Akaisa zvimalaughing emoji kwakuti, "Wangu handina kana kutomboidya ini kwanzi tenga yako iyi ndoda kunodya natete Onai"
"Haa vanowirirana vanhu vacho. Rega ndirare zvangu ini ko hubhachura ndanga ndichambohuziva here dziri kutonetsa kubata hope dzacho".
"Tafanana ka mainyanya kuvhaira. Manje ini ndaona munhu azonyorera form 4 kumba kwake ini. Mwana uya ari kuita kundipinda muropa chaiko and ndiri kubatwa nekafear kekutya kutsabvurirwa hameno kari kubvepi chaizvo. Haa ndaona ndatora munhu wangu ini".
Stay tuned 🥂
❤️
😂
👍
🙏
😢
😮
261