🇿🇼Chihelele Shona Stories
May 27, 2025 at 03:39 PM
https://chat.whatsapp.com/IXeARB7AxU9Kdq0UPhiFDH
*KANA UCHIDA BOOK IRI FROM PARAKATANGIRA FOLLOW CHANEL*
https://whatsapp.com/channel/0029VaxesKw0G0XjP7oQIv0q
*Blood Ties*
Nita Chihelele
&
Mai P #ashava
Chapter 14
Ethel
"Iwe kuregedzera muviri kwako uku unomugomera here mwana. Kubva watoita kurembuka kudaro kumba kwako wanga uchitomboita basa here iyewe kana kuti vana variko ndivo vatova mamaids?"
Ndizvo zvavaibhowera mainini. Vaingoita sekuti vari kutsvaga pamuromo. Ipapa kurega kuvadaira yaiita hondo futi zvakaita kuti ndivati," Muviri wangu uri kurwadza uyu. Handina kujaira kuvata pasi that's why".
Vakaita kuridza chikwee chaicho vakati, "Heyaa mukagodii kuuya nematress ndipo. Muri mbinga zve imi ingotengai muwane kuvata zvakanaka. Warm water yandakati upote uchinwa wanwa here so zvawatobata bowl recereal?"
I almost rolled my eyes mai vaitove nechipo chekushusha ivavo.
"Ndikanwa pasina chandadya ndonzwa kuda kurutsa ini".
"Heyaaa itai asikana ndiri kutoitira imi zvangu. Unenge uri wega musi wacho. Chete kungozvinetsawo hangu asi dumbu rako iro radzika hauna mazuva iwe wakatononoka. Iko amwene vako havana kumbokupawo anything chekuvhura masuwo here?"
"Havana and handifunge kuti ndaimboda. I don't trust people zvekusvika pakupihwa zvimushonga ndotonwa. Ko kuri kupihwa mushonga wekuuraya mwana wangu ari mudumbu ndigoti ndaitei hangu".
"Ethel iwewe sisi vangu vakakuregerera chaiko. Vaifanira kumbofamba newe vasati vafa nekuti pauri vakatongotisiira mabasa agere zvawo. Pauri pane zvinoitika chete this can't be normal. Kana murimo mukanwa maunamo kwawakaroorwa uku uchachema mwachewe. Vamwene vanogoda kukuroyera chii? Saka ini mai vako zvandiri kuti inwa warm water every morning ndogona ndiri kutoda kukukuvadzira mwana ndizvo usiri kunwa ka? "
Ndaive ndotosvotwa ini mainini was very good at making a small anthill into a mountain. Yaive yatokwidza makata nyaya yacho ndakuudzwa zvekuti ndiri kushandiswa chaiko nemweya yevakaenda kare.
" Chinja pachiri nenguva mwanangu. Hupenyu uhu hunozokupfuudza nemunorwadza ukada kuzviita chazezesa uchidai. Bva ita zvaunoda handiti anongobvaruka shure yese ndiwe. Apa mwana wacho anenge muhombe zvake aah hameno asikana Vimbai akamama ura apa".
Vakabva vatosimuka vachinozvivharira mubedroom mavo sare ndega. Kana cereal yacho yakasvika pakupora ndatosviba moyo. Ndakangonokutura musink kwava kusiya imomo zvese nekabowl kacho. Kwaive kuchiri kuseni asi ndakazvipira kutovatiza mainini vacho. Weekend yairehwa naBee yaitova kure ini ndaitoda zvekumba kwangu. Ndakaona kuti vasazonditsvaka better kusiya phone. Ndakanovagugudzira kwakuti, "Mama ndichambotwasanudza makumbo".
"Iih iwe uchiendepiko nezidumbu rarembera iroro".
"Handina kure kwandombosvika kungoda kufurwa nemhepo badzi".
"Haa ini zvenharo ndombozvida here nhai asikana. Kuuya kuzosiiwa kuno kuti ini munhu mukuru ndinge ndichikuona zvino kana uchindiitisa nharo ndokusiya wakadaro nekuti zvekutemeswa musoro nemukadzi mukuru handidi. Handisi sisi Vimbai wavaichemedza. Ita zvaunoda asi dumbu rako ndakuudza kuti rakutyisa iro ".
Handina kutombovadaira ndakangofamba kubva padoor pavo. Ndakasiya phone patable mudining imomo kwava kutobuda ndakananga kugate. Dumbu racho rainzi hee rakutyisa according to the clinic kwandayienda for scale raive rava mu36 weeks. Handiti munhu aipona ne40 weeks saka chandairambidzirwa kufamba ndichiita sekuti ndave mu40 macho ndakatochishaya. Phone chimwe chandakaisiira ndaisada kuzonetsana naBee kana kuri kwekuti afona ndomuudza kuti ndaenda kumba kuRiverside. Ndaida ive surprise aizongodzoka zuva rodoka owana ndiripo.
Ndakanokwira kwakudzikira mutown kwakuzokwira kuenda kumba kwangu. Nguva yese iyoyo ndainzwa kafunny feeling pasi peguvhu apa. Pane pazvakazoita kakusunga so zvekuti ndakafinyama asi zvakakasika kurega. Handina kuzvitora serious semunhu airara pasi mazuva iwayo kwamainini I just assumed kuti marwadzo ekurara pasi.
Mai vandaive ndigere navo padhuze vakanditi, "Chachaya ka. Zvino ukuendepi wega wega usina kana bag?"
Ndakatoshaya kuti vari kutii ndikavati, "Ndiri kuenda kumba kwangu".
Ndakashandisa tone iya yekuti mind your own business and havana kuzombotaura anything.
Ndakazodzika kwava kufamba ndakananga kumba kwangu asi ungati pasi peguvhu pacho pane kakusunga kane pain kayiitika ipapo asi kokasika kuregedza. Makey aingove pandinoziva ipapo ndakavhura kwava kupinda mumba. Maive neat and clean zvamo. Ndakatanga nekumona kasadza ndikakarova zvekunge munhu anga oziya chaiko. Dzaive dzatova kuma11 time ndakaona patv. Ndakabva ndatombonorara kusesedza nguva hangu. Ndakapeputswa nepain iri serious pasi peguvhu paya zvekuti ndakapotsa padiki kuridza mhere asi zvakabva zvati zii futi. Ndakatoshaya kuti chii chiri kuitika ndikazongoti pada kufamba kwandaita. Ndakamuka kwava kudzokera kusitting kuya ndikaona dzava kuma1. Pain iya yaive yodzoka padiki padiki zvekuti ndaive ndochishaya kuti ndodii. Plus ndaizozvidzikamisa nekuti 40weeks hadzisati dzakwana. Ndakademba phone yandaive ndasiya kuAscot. Zvakazongotanga kupisa non stop ndikairidza wani mhere. Ndakazama kufamba kuda kunobuda gate asi ungati musana waive woramba kuita straight uyu. Ndakazvirova rova mambama pachiweti paive poita kunzwika kubaya baya apa. Ndakadudza ndega kuti, "Mhaaiii ndazorwadziwa inini".
Ndaive ndakambaira kudzokera musitting muya.
"Beee kani maiwee ndofa inini kani. Maiweee Brendon".
Ipapo hapana akandiudza asi ndakazvinzwira kuti ndiyo inonzi labor iyi. Kuti ndochidii ndizvo zvandakashaisisa. Ndakatanga kuungudza ndakagwadama pakati pemba apa ndichinzwa kuti handichagona kana kudii. Pain yacho yaiita seiri kukuchidzirwa. Ndakaita sendanzwa panze pachisvika mota.
Pasina nguva madoor akavhurwa zvemufirimu chaizvo ndikanzw, "Ethel!!!"
Ndakatadza kana kumudaira Bee akabva angondiona achipinda.
"Nhai babe amana chiiko chaunoita iwewe. Mama vari kuchema izvozvi kwanzi vakushaya kuseni chaiko apa wabuda vatombokurambidza. Phone wasiirei horayiti Ethel chiiko asi".
Ayioneka hasha asi paakaona kuti pane zviri kutoitika akamhanya pandaive akati, "Babe are you okay?"
"Ndofa Bee kani mhaaaiii. Huyai kani mai Ethy imi mwana wenyu ofa".
"Shittt shittt babe wakurwadziwa ka iwewe amana ka. Okay ita so ndinokuisa mumota".
Nguva dzaakandisenga ndakanzwa kanhu kakati paa muchiweti mangu ndikanzwa mvura dzakabva dzangoyerera ipapo ipapo. Akamboda kundiisa pasi aona mvura yaive yoyerera akangoti," zvirikunyanya kurwadza here nhai babe zvekuti unozviitira weti?" Inini ndaive ndisina kumbonzwa kuti ndirikuda kuita weti yakangozvibudira yega iyo.
Ndakatadza kumudaira ndichinzwa kurwadziwa kwakanyanya. Akanondiisa mumota ndakunzwa kuda kugomera. Ndaitozvishayira ini nekuti ndainzwa kuti nhumbu inotora nguva refu ichikurwadza. Saka apa ndaishaya kuti chimbori chii chakuda kubuda. Akamhanya kunokiya door ndikasara ndichishinyira. Kugara chaiko kwaive kwava kundirambira. Kusumuka kuchiramba zve. Akawana ndavakurira nendimi. Akasvika achiti," please Ethel help me tisvike kuchipatara amana." Aingotaura hake ega handina kumudaira nezvandainzwa. Ndakabva ndatonzwa kuti panapa panechinhu chirikuda kubuda and that something was big.
Ndakabva ndagomera akandicheuka Brandon atodikitira hanzi," Ethel please imbomira kudaro." Handina kumuteerera aive andiisa kupassanger seat. Saka zvaimuremera kucheuka ini nekutarisa kuroad. Ndakabva ndatongonzwa kuti handichakwanisi kucontroller chinhu chaida kubuda ichi. Ndakabva ndagomera zvinesimba ndikanzwa kuti kaaa! Kwazvakarehwa kuchitsemuka ndakaburitsa mhere ndichivhara makumbo. But chinhu chacho chaindituma kugomera zvakadaro. Ndakagomera futi zvakanyanya kwakubata ikoko ndikanobata musoro wemwana. Kwakuti,"Brandon kani ndava kufa ini ! Musoro uyu wadongorera." He panicked kwakutodzima mota iripakati peroad. Akaedza kuimutsa aita kudikitira ikamurambira. Kwakubva angosiyana nazvo kwakuuya kumashure kwandaive ndiri. Ini kuti ndivhure makumbo mwana abude zvairwadza kani ndakamavhara makumbo. Akanditi," babe vhura kani makumbo acho unotsimbirira musoro wacho. Ipapo aive azorarisa sit akudongorera ikoko kwacho. Ndaiti ndakamavhura ndagomera pakugomera paye musoro uya wairamba uchiuya. Mukuuya kwawo waibva wanditsemura zvaizokonzera kuti ndimavhare makumbo angu. Brandon paakaona kuti haasi kuziva zvekuita akabva aburuka kwakumira pakati peroad waving to the passing cars sebenzi. Pakamira imwe yeumwe murume aive nemukadzi wake. Hameno akavaudza kutii vachibva vamira. Mukadzi ndiye akauya ndikanzwa Brandon avakuti," ndinokumbirawo mother mungobatsira mukadzi wangu ini ndichimhanyisira mota kuchipatara. Nekuti ega ikoko zvirikurema." Mai vaye pavakangonditi baa ndavhura makumbo vakaridza mhere hanzi,"Yooooo! Handina zera nazvo izvi!" Vakadaro vachidzokera kumashure. Brandon ndakaona kuti haachazuvi kuti arambe achi driver or auye kwandaive. Hameno akafungeyi akabva adzoka futi kwandiri apa aingonamata zvinzwikwa. Achidembera Mwari. Musoro uya wakazobuda mushure mekunge anditi," push babe ndakutya kukusiya wega ndichino driver." I pushed kwacho mai vaye vaive vazokoka vamwe vakazoita zvivindi zvekupinda mumota. Kwakubata bata vachiti," nhai Mwari wangu! Ko manga makagarireyi kusvika munhu asvika pakadai nhai veduwe? Mwana wacho zvaabuda but anenge as....." Havana kuzopedzesa ini ndaingovanzwira hangu kure kure. Ndakangonzwa vavakuti," hamuna futi mbatya dxemwana ende zvakaoma hazvo. " Ndakangoona Brandon achikurura shirt yake ndofunga ndiyo yaaida kupitiridza mwana. Handina chero kunzwa kuchema kwemwana. Brandon kwakujambira kudrivers' seat ndikanzwa mota yavakumutswa zvekupenga chaizvo. Ini ipapo ndainzwa kuda kugomera futi. Ndakagomera futi ndikanzwa chinhu chaibuda but chaipfuura chichidzinbira paye pandaive ndatsemuka. Zvekuti ndakaedza kumuka. Mai vaye kwakuti," urikutsimbirira umwe mwana nhaiwe! Yooh!" Ndichibva ndadzorera musoro pasi. Ndikanzwa vavakungoti ," ende zvakaoma hazvo vaviri vese, uyu wo atotsimbirirwa futi musoro." Brandon aingocheuka achitsika mafuta. Apa ziya raive rakuchururuka.
Handina kuzokwanisa kuona zvakazoitika,chero kuti takazosvika sei kuchipatara handina kuona.
Ndakazongopepuka pave paye. Ndakunzwa kureruka zvekutonzea kuti zidumbu riye handisisina. But muviri wangu waiita kurwadza so. Ndakaona ndiri muward maive matoitwa on malights meaning hwaive hwatova husiku. Ndakacheuka cheuka kwakuona Brandon avakuuya he was wearing imwe coat yandisina kuziva asina shirt mukati .Apa maziso ake aive akatsuka kuti piriviri. Akasvika kwakundibata ruoko ndikaona achiedza kudzoreredza misodzi. Akati," babe."
"Mmmhh?"
Akambonyarara achioneka kuti he didn't trust himself to open his mouth. Kwakubva ambomedza mate achiedza kutsvaka zvivindi zvekutaura kwakuzoti," we lost the babies." Ndipo pakabva pazosvika pfungwa yekuti gara zviye ndauya ndiri munhu anga achirwadziwa. Plus vana vacho ndaive ndavaitira mumota. Akadzoreredza madzihwa but hapana misodzi yaibuda kwakuti," tashaya help in time,misoro yevana yakatsimbiririka pakubud...." He was voice was breaking. Misodzi yangu yakatanga kuyerera he squeezed my hand gentle. Mainini mai Memory natete vangu vakabva vatobudikira. Brandon achibva andiregedza. Vaksngosvika vachiti," wavasei muviri?" Vaitoratidza kuti vainge vambouya nyaya yese vaive vavakutoiziva. Akabvunza zvemuviri nditete mainini havana. But pahuviri hwavo vairatidza kusandifarira kana. Brandon akabva abuda. Tete kwakusara vachiti," mwana waMunyaradzi wandipurura nhasi! Shuwa shuwa kupwanya vana vaviri vese?" Vaidaro vachisumudza zvigunwe 2 mudenga. Mainini kwakurovanidza maoko vachiti," uyu ndamutadza mwana wehanzvadzi yenyu uyu. Murume arikuita kurwadziwa chaiko. Nechaakabvira kumba kwangu ndinochishaya ini." Kwakubva vatoti," nhaiwe Ethel? Wabvirireyi kumba kwangu? Ndakudzinga here? Handina here kukurambidza kuti usafambe fambe dumbu rarembera iri?" Ini wo zvakanditsemura moyo kufunga kuti matwins here ese kutofa.
Havana kumirira kuti ndipindure vakabva vati," mukadzi mukuru akaita sewe 22 years? Vanana vadiki kwauri 16 years chaidzo anomuzvara wani mwana zvakanaka naka. Iwe idhimoni chete riripauri, hazvisi zvega kana." Ndakati," zvairwadza izvo.." ndakapindurwa nekukasika namainini ndichinzi," pfetsek uko! Benzi remunhu! Haunyari?" Dai mukomana uyu akakusiya imo muno, anoendepi nemunhu anouraya vana vaviri vese shuwa?"
Stay tuned 🥂
❤️
😢
👍
🙏
😮
😂
315