🇿🇼Chihelele Shona Stories
May 28, 2025 at 09:38 AM
https://chat.whatsapp.com/IXeARB7AxU9Kdq0UPhiFDH
*KANA UCHIDA BOOK IRI FROM PARAKATANGIRA FOLLOW CHANNEL*
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K
*Blood Ties*
Nita Chihelele
&
Mai P #ashava
Chapter 15
Brandon.
I paced up and down ndiripanze. Moyo wangu waive wazoita mamvemve musi iwoyo. Ndaishaya kuti ndanyanyotadzira denga zvakadii zvekusvika pakurohwa neshamhu ineminzwa zvakadaro? Madai aiva andiwandira, ndaingoti dai asina kubvira abva kwamainini vake. Dai akawanirwa help in time. Ndaideyi ndatobata vana vangu. Apa Mwari aive andipa musikana nemukomana. I didn't expect twins kana! But mama vaigara vachingoti Ethel akatakura matwins nemukuriro waive wakaita zidumbu rake. Besides kumba kwedu aive ariko matwins . Phone yangu yakarira kwakuona vari mama. Ndaive ndavaudza vese zvaive zvaitika. But of course I ommited part yekuti Ethel aive atiza kwamainini vake. Kurikuzeza kuti vaizomuvenga. Personally I was angry at her but ndaiziva kuti with time I was going to forgive her because I loved her. I really loved her but aive agona hake kundirwadzisa.
Ndaida abude muchipatara first ndozomuudza kuti shamwari wakandibaya moyo. Satete vacho namainini vacho vaitopopota. They didn't care kuti aive achiri muchipatara. I answered call yamama vakati," haa pafamba Satan mwanangu. Vana vaviri vese here? Amuka here makoti?"
"Yeah amuka mama," vakati," arisei zvake?"
"Yeah anenge ava nani."
" Ndakungotenda hangu kuti iye mutano mwana wevaridzi. Taizvireva kunani ko dai zvaienda nepamwe?"
"Zvakaoma mama,"
" Ndirikukwira mangwana tizoonera pamwe mwanangu. Usanetseke ndinoziva kuti hauna mari. Ndatofambisa shoko kuti ndirikutengesa mombe yangu Manzuma. But vanhu havana mari ava. Asi ndambotaura hangu nava Jeremiah vabvuma kundikweretesa mari ndavati tozoonana kana mombe yatengwa." I didn't want that kuti mama vangu vasvike pakutengesa mombe dzavo. Asi wo ndaive ndisina plan. Mari ndaive ndisina kana. Apa tuvana tudiki kudaro twaitoda kunovigwa or kupiswa zvese izvozvo zvaida mari. Ndakazongovati," thanks mama ndichaidzorera mombe yenyu pamberi apo."
"Ndiro basa radzo mombe mwanangu. Handiti ndiwo mabank edu vanhu vatema."
"Mama I'm grateful to have you, dai musipo mai vangu hameno kuti dai ndiri chii?" Vakabva vaseka ndokuti," mwanangu zvaunotiira zvishoma here Shumba?" Takonekana ndikawana Onai andiisira message. Vaive vandinzwira tsitsi vese naLindy pandaive ndavazivisa zvaive zvaitika. Onai aitobvunza kuti ndinosvika nguvai kumba. Ndikamuti," handifungi kuti ndichauya vatete I'll spend the night kuno kuchipatara ndichisimbisa maiguru vako."
Lindy aive aisawo achindisimbisa. Donny on the other hand aive ambofona. Akazofona futi tete vaEthel namainini vacho pavakandioneka vachiti taizooonana kuseni.
Ndakatodaira ndimire panze, apa kwaive kwakutonhora zvako. I was still in a coat yandaive ndapihwa nevamwe nurse pandaive ndasvika ndisina kupfeka shirt. Since ndaive ndakururira kuputiridza vana vangu.
Ndakamudaira ndichiti," bamnini madii?"
"How are you holding up?"
"Shamwari ndirikurwadziwa, and it's not getting any better. Zvinenge zviri kuwedzera izvi." Akati ," it's too early mukoma but zvichapfuura. We're here for you all the way." Kubva zvaive avakudanana naLindy aive ava kutoita kunge taizvarwa tese. Neniwo ndainzwa kuti apa ndakazviwanira a brother from another mother.
" Sha maiguru vako vanenharo stereki unoziva. Dai dzisiri nharo dzake nekusaudzika kwake pasina zvese izvi. Ndirikunzwa kumugumbukira munhu uyu zvakanyanya. But I'm not yet ready kutaura nezvazvo kwaari. Nekuti ndinogona kuzotaura things I will regret later."
"Yeah vakabhayiza havo gulez. Dai vakangogara ka ikoko kwavaizowana help." Donnel ndaive ndamuudza zvese sezvazviri.
"Wamuona here munhu nhasi?" Akati," yeah tabva tese kutown. She's really disturbed nezvaitika izvi."
"Yeah haangaregi," I said akati," Saka murikubva nguvai kuchipatara?"
" Ndicharara hangu pano, maiguru vako vandibhowa but she needs me." Chimwe chaizoita ndisanyanye kumuitira hasha Ethel ndaive ndafunga mashoko amama pandaive ndatanga kuvaudza nyaya yacho vaive vanditi," vanga vasiri vako mwanangu. Zvanga zvagara zvakatonyorwa mumagwaro kudenga kuti vangouya kuzokunyepudza vachipfuura."
"Yeah ndiko kugona mukoma, ini ndichapfuura hangu ndichikuonai kuseni ndavakuenda kubasa." Hatina kuzonyanya kutaura. Ndakaisira mainini Lindiwe message yekuti vaigire sisi vacho hembe dzekuchinja.
Handina kuzoda kudzokera mukati maive naEthel. Ndakabva ndatozvigarira pamabenji. Husiku hwese ndiripo ipapo. Moyo wangu wairwadziwa pandaida kunomudongorera. Ndobva ndazvigarira hangu ipapo kusvika kwayedza. Ndakazopinda mukati ndikawana akasvinura she smiled paakandiona.
"Ndeipi?" I greeted akamuka kwakugarisika ndokuzoti," ndiri bho, Bee unogona hako kundipa mhosva but hauzive hako treatment yandanga ndichipihwa namainini vangu. Vanondivenga Mai vaye, munhu anomukirira kungondituka pasina zvandaita achiti ndine mamhepo." I didn't want to talk about that panguva iyoyo. But ndakatongogumburwa nekuti munhu angotadzawo ku acknowledger mhosva yake for once. Ende habit iyoyo ndaiti yaikonzerwa nenhumbu. But there she was again aisatoona kutadza kwake kana. Zvakandipa kumboramba ndakamutarisa. Ndofunga akatya nekuramba akatariswa kudaro. Akazoti," I know urikurwadziwa but mainini is to blame..."
"Iwe hausi kurwadziwa ka? Iwewe you're not to blame ka?" Akaita kakuvhunduka ndokuti," ndingatadze kurwadziwa shuwa nhumbu yandakatakura 9 months Bee uneshuwa?" Aive avakuchema, ndikanzwa hasha kwakutongobuda ndichimusiya achichema. Kwakusanganidzana namainini vake, naLindiwe naOnai vachipinda. Takataudzana kwakubva ndangoti," ndirikudzoka pindai arimo mukati." Ndakangonopinda mumota mangu kwakuenda kumba. Donny akazofona wo achiti atosvika pachipatara achibvunza ward. Ndikangomuudza ward yacho kwakuti," but ini tatopesana ndirimunzira kuenda kumba."
" Ko indava bamkuru ndandichiti ndokuonaiwo ka pavisit ipapa".
Ndakangomuti, "Haa toonana maybe manheru parizvino ndatobvapo".
Kwakutodropper call yacho.
Ndaidriver sekunge munhu akadhakwa chaiko. Moyo wangu ndayiunzwa kuremerwa chaiko. Hapana chinorwadza sekuti munhu akanganisa akufanira kuzvininipisa asi iye haasi kutoona kutadza kwake ari kutoblamer vamwe vanhu pamusoro pemhosva dzame.
Phone ndayiinzwa ichiringer as i drove like a mad person ndakananga kumba but i ignored. Ndainzwa kuti handisi kutoda zvekutaura nevanhu. In no time ndaive ndasvika kumba. Ndakadzika nephone yangu ndipo pandakazoona kuti mamissed calls aive aOnai naLindy. Ipapo Onai akabva atofona futi ndikazodaira hangu, "Hello bhudhi muri papi hatisi kukuonai?"
"Handisisipo ipapo vatete. Manga musina mari dzekuendesa kuchikoro here nekuti ndatova kumba".
Akamboramba akanyarara akazoti, "Okay regai tione kuti todii".
Ipapo i felt really bad. Vana vandaive ndangodumperwo pachipatara ava vaive vasina kana mhosva zvavo. I called Donny ndichimukumbira kuti andipirewo vanhu ivavo mari dzematransport ndaizomucover. Takawirirana izvozvo ndichibva ndavhura mufridge kwakutora mabeers angu aigara imomo. Ndaisave munhu uya angatonzi chidhakwa asi ndainwira kunakidzwa nenguva dziri kure. Ipapo ndaida kuti ndimbozama kukanganwa nhamo dzese zvadzo. Ndainwira mubedroom ndakagara pafloor chaipo ndakazembera bed.
Mhamha called vachindizivisa kuti vaive vasimuka ndikangovati ndaizovatorera mutown kana vachinge vasvika.
Musi wacho ungati castle lite yaive nekamwe kataste chaiko. Yainaka kudarika zvayaisimboita mazuva andaimboinwa. Ndakatozodistubwer necall yaEthel iyi yandakasiya ichiringer kusvika yacutter. Akafona zve ndikaziva kuti haatorege kufona kwacho kusvika ndadaira.
Ndakangotanga nekumuti, "Ethel?"
She sniffed akati, "Brendon ko visit yazopera usina kumbodzoka wani?"
I chuckled kwakuti, "Wanga uri kudei?"
Akamboti zii ndikanzwa akuti, "Uri kuvadefender hako mainini asi dai usina kubuda paya wazvinzwira kuti havana kana mukanwa".
"Wapedza here Ethel ndiri busy"
Akabva atanga kuita zvekuchema paphone ipapo ndikaicutter.
Akatanga zve kufona ndikatanga nekuti, "Nhaiwe simba rese iri riri kumbobvepiko munhu ari pakuchema auraya vana 2?Uri kudeiko nhaiwe uri kundinetsereiko?"
This time aive asisapfikure asi akataura zvakanyorovera zvakaita nditombofeeler bad achiti, "Daddy ndandiri kuda kuti kwanzi tisaine if vana vari kupiswa or toda vavigwe".
"Saka saina ka nhai".
"Tisina kuronga here kuti vopiswa kana kuti vovigwa?"
"Hoo apa pakuchivarasa ndipo pandakudiwa kuti tironge asi pakutiza kwamhamha uchinorwadzirwa kusina vanhu kusvika uzotsimbirira vana wakangoita wani zvisina kuronga neni?"
Ipapo she let out a loud sob zvakaita kuti nditi, "Ndichasaina inini manheru kana ndauya siya zvakadaro".
Handina kutombomirira mhinduro yake ndakabva ndatokandira phone kure uko kwakuenderera mberi necastle yainakira svoto.
Phone yacho ndakati better ndiidzime nekuti ndiyo yaive yotondishaisa hayo peace ipapo. Ndisati ndaidzima yakabva yatorira ndakatovhunduka ndaona vari vakuru vekubasa. That's when i remembered kuti ndangorovha hangu without telling anyone dambudziko raive randiwira. Ndichingonodaira vakabva vatoti, "Muzenda very sorry nekurasikirwa nevana. Sorry sure wotoshinga semurume".
Ini kwakungoti, "Zviri kurwadza sir but thank you very much".
"I know right. You are allowed to grieve uri munhu ane moyo unototi urwadziwe. We are sending something in your account mubatsirike"
Ndakatenda zvekurevesa chaizvo ndaive ndisina kuzvitarisira kana.Ndichibva pacall iyoyo ndakabva ndatoramba ndakabata phone kurindira kamari kacho kaive karehwa. Ndaitove pazero chaipo zvekuti pandakaona ichipinda mari ndakanzwa kurerukirwa chaiko. Kaitove kamari kari nani zvekuti ndaizotocover mahospital bills ose zvawo. Ndakabva ndatozviudza kuti tichaita kuvigwa tuvana twangu kwete kupiswa. Maimages avo vana vangu vakarara lifeless vakaputirwa nehembe yangu airamba kubuda mumusoro mangu.
After about an hour ndakanzwa main door kuvhurwa ndikatoshaya kuti aive ani iyeye. Ndakazonzwa munhu akamira padoor pangu akadaidzira kuti, "Bamkuru murimo here?"
Vaive mainini Lindy ndikatoshaya kuti vari kudei pamba that hour.
Ndakasimuka kwava kunovhura door and there she was. Vaive vakanditarisa nemaziso azere tsitsi.
"Mainini kwanzii kuchikoro?"
"Haa ma1 ndadzingirwa pagate chaipo ndanga ndanonoka. Mota kubva pahospital paya dzinonetsa kuwana zvekuti tatozopinda mutown very late. Kuzowanawo dzekuMkoba yanonoka. hayo kuzara manje guard anga ari pagate nhasi haajaidze zvake kungononoka unodzokera kumba kwenyu".
"Shame sorry mainini mazononokawo nekunoona sisi venyu dai mazozviita masikati zvekunovaona but anyway itai zvemabook enyu ndirimo muno".
Vakabva vananga kuspare kwavo ndikasara ndoenderera mberi nemabeers. Raindidheerera doro pamwe yaive nhau yekusarinwa pese pese. Seipapo ndaive ndonzwa kuti zvakwana zvakaita kuti ndibva ndatongozvikandira pabed. Dzakandibata hope ndikazopeputswa neknock yamainini.
I responded vakati, "Huyai mudye bamkuru ndabika sadza".
She knew kuti sadza ndoraive favorite zvimwe zvose izvo ndaisave nebasa nazvo. Ndainzwa husimbe hwekutofamba kuenda kusitting zvakaita kuti ndivadaidzire saying, "Huyai naro kuno mainini thanks".
Vakadzokera vakanouya nedish kwakudzokera kunotora plate. Zvagara mubedroom vaipinda havo since varivo vaive votomucleaner most of the times vachichinjana naOnai.
Pavakadzoka neplate ndakavati, "Ko. yenyu plate iripi mainini?"
She smiled faintly vakati, "Iriko kukitchen uko".
"Ko maziso akatsvuka nei? Mambochema?"
"Haa musoro uri kurwadza mhoti ndamborara here husiku. Ndiri kunzwa kuvarwadzirwa sisi vangu. Pandiri kunzwa kurwadziwa inini nekufa kwevana ko kuzoti ivo i can imagine kuti moyo wavo uri papi izvozvi".
Ndakaramba ndakavatarisa and as she fought tears and ini sadza racho rakabva ratorasa taste ndikatsveta plate pachiside bed table. I saw kurwadziwa chaiko mumaziso mavo as she fought nemisodzi asi yakangoyerera chete.
Ndakasimuka kwava kuvaisa mumaoko mangu. She cried varimo mumaoko mangu zvakadzosa pain yandaive ndambozama kuviga mudoro. I don't know how it got there but ndakazongoona muromo wangu wava pane wamainini kissing her zvenzara chaizvo.
Our book will be*on sale* from chapter 19. Please make sure you secure your seat kusubgroup nekuti kunenge kuchibvira moto. You don't want to be missed nemabvira-bvira emoto aya!! Usaite zvekuzofungidzira kuti zvakazodai huya uzvinzwire wega! Tichatanga nepromotion before chapter 19 unouya hako ne$1.50/ 75zig/ $2 airtime buddie/30rands voucher.
75zig apa O78O368492 N.Makohliso
$1.50 us apa 0776134925 V. Zengenene
❤️
👍
😢
😮
🙏
😂
184