🇿🇼Chihelele Shona Stories
May 30, 2025 at 09:00 AM
https://chat.whatsapp.com/IXeARB7AxU9Kdq0UPhiFDH *KANA UCHIDA BOOK IRI FROM PARAKATANGIRA FOLLOW CHANNEL* https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K *Blood Ties* Nita Chihelele & Mai P #ashava Chapter 17 Brendon "Hameno vanangu ini ndiripo pakusupporter zvamunoda asi kwanga kuri kuzama kukuonesai maringe nezvandinoziva".Vakadaro mama takagara musitting pandaive ndavakumbira kuti vaende nesu kuchipatara topihwa mabodies evana vonovigwa nekuti machembere acho taive tamawana. Ndakatura befu ndisisazive kuti ndodii asi wangu mukadzi akabva ati, "Asi wani vanhu hobho vanofirwa nevacheche vanongoviga asi vachitozoita vamwe vana". "Hamuna kundinzwisisa vanangu. Ndiri kuti ini pakuviga tucheche apa zvikaitwa musiiridzwa kana kuresveka mbijana matotsindira mbereko. Vamwe vanhu machembere hongu asi vanogona vasina zvavanotizivawo. Ini pandiri pano handifunge kuti ndingada kuviga kacheche nekuti kungovhiringa padiki matotsindira mbereko hamuzombofe makabata vana mumaoko menyu umo. Zvinoda vanhu vanoziva chivanhu chaicho nekuti ka mungazochema mangwana ". " I didn't know kana zvakadaro regai vapiswe havo. Handidi zvinozonetsa mangwana ". " But babe are you being fair right now what about - - " Handina kutomusiya achipedzisa kutaura ndakamugamha ndikati," Ini baba vevana ndati ngavapiswe Ethel. Nharo dzako idzodzi ndidzo dzatisvitsa patiri nhasi". Ndakatozoyeuka kuti ndava kutaurisa pamberi pamama ndikanyarara.Iye wacho akabva anyararawo asi achioneka kuti haasi kuzvida.Handina zvangu kuda kumutevedzera. Takatozosimuka toenda kuchipatara pasina ari kutaura nemumwe. Mama ndivo zvavo vaizama kudzimura runyararo rwaivemo mumota. Vakapiswa vana kwaive wo nedzimwe hama dzake Ethel and it was done tikadzokera kumba. Aive anyanyisa kunyarara kwacho zvakaita kuti ndizomunyengetedza nekuti ndaitoona kuti pada ari kufunga vana vaive vabva kupiswa. Days moved by and mainini Lindy vaindiavoider zvebasa chaizvo. Rakasvika pakukwana week kubva zvandaive ndarara naye tisina nyaya. Pakuenda kuchikoro aisataurika naye since tainge tiine vamwe vanhu mumota and same nepakudzoka. Musi iwoyo it was a Friday takatodropper vasikana mutown tonanga kubasa ndikaona kuti umwe wangu haana mufaro kana. "VaMhembere bhoo here?" He chuckled slightly akati, "Haa zverudo zvinenge zvisiri zvangu ini. Kutaura sure ndinenge ndine munyama nazvo izvi". Kahana kakarova ndafunga kuti pamwe ane zvaakaudzwa naLindy. "Ko indava hanzii namainini vangu?" "Hapana hake angori zii kubva musi uya wandakauya kumba kwenyu uya ndichiti haasi kudavira mamessege. Kudobvunza kuti chii Lindy ndakatadza papi haasi kudaira uyo. Ndaitotya kukunetsai kuti mundibvunzirewo since mutorinewo zviri kukunetsai". "Haa rega ndigotaura navo ndinzwe pane nyaya yavo. Don't worry umwe wangu zvinoita bhoo". Ndaiita kutaura zvekumanikidzira chaiko. Ndaizvituka nehubenzi hwandakaita asi yaive yakatodeuka zvayo pakange pachisina yekutamba. Donny aive munhu angori bhoo and kufunga what I had done ndaiita kunzwa kushaya zororo muhana. Takazosvika kubasa ave nani ndamusimbisa kuti ndaizotaura naye Lindy. Pakudzoka kumba vanhu taitaura nyaya asi Lindy aingova zii hake achitaridza kuti pfungwa dziri kure. Kumba kwacho ayiita take take naOnai zvekuti ndaitoshaya mukana. Mama ndivo vaisara vachibatsira muroora wavo tese patinenge tabuda. Ndakaona kuti navo vari kuona manyarariro a Lindy pavakati, "Muramu wenyu akabatikana fani nerufu rwevana nanhasi haasati afaranuka". Yakabva yadairwa nasisi vacho kwanzi, "Maattention seekers ana lindiwe ava. Anorwadziwa to that extent kuti ndiye aive akavasenga here vana vacho. Kana ini ndakasenga zvakutoenda zvichiita nani iye angori una una". "Aah moyo inosiyana mwanangu. Uyo munin'ina wako munhu munyoro zvake zvingadai zvakamuvhiringa zvedi kana kuti ane zvimwewo zviri kumudya moyo". Haana kuzombodaira Ethy asi kungomonyorora zvake miromo. Ndakatozoona plan yekutaura naye paphone iriyo yega inoshanda. Ndakatobva ndaisa messege ipapo ipapo sezvo ndaiziva kuti anayo phone yake paatori. Ndakangoti, "Hie mainini". Akaverenga akambotora nguva asina kupindura ndikazoona typing. "Muri sei". Ndiyo yakauya ndikamuti, "I'm not good to be honest. Zvandakaita zviri kundidya worse off nekundivenga kwamaita uku". "Handina kumbokuvengai". "I'm really sorry mainini. Handizive kuti ndodii kuti mundiregererewo. Ndakashandiswa naSatan chaiko paya". "Zvakatodarika". Ndiyo mhinduro yaakaunza ndikanzwa kupererwa. Ndakazoti futi, "Ko hanzi naDonny hamusi kutaura naye?" "Ehe haa ndotaurei hangu naye handidi zvekurwadzisa mwana wevanhu". "Kumurwadzisa how?" "Aiziva ndiri mhandara manje moda ndizomuudza kuti kudii?" "Handitodewo mumurwadzise mainini I'm regretting what happened that day with everything in me. Iniwo Handitodewo kurwadzisa sisi venyu saka let's work together tisarwadzisa vanhu vedu nenhau iyoyi". Haana kuzodaira ndikaona vachipinda vakabata maplates. Handina kutodya zvisvinu ziso rangu ndaiti padiki padiki ndorikanda kuna mainini avo vaingonyobvora nyobvora chikafu. Ndakazorega kumutarira ndaona kuti mama vari kundiongorora matatisiro andaimuita. "Lindiwe kwanzi nyaradzo yamai vako iriko in 6 weeks time". NdiEthy akadaro Lindy wacho akangogutsurira musoro. "Yazorongwa date?" Ndakamubvunza akandidaira zvakanaka naka. Tapedza kudya takaonekana tonorara and ndakawana message yangu yapindurwa kunzi, "Work together how moda ndizomuudza kutii azowana ndisiri mhandara. Ari serious munhu uya aitotaura zvekuda kunditora. Nemadiro andomuita i can't hurt him like that hangu better zvingopera he will heal nekufamba kwenguva". "Musadaro mainini. Taurai naye i will work on a plan yekuti asazozviona kuti hamusi mhandara. He is hurting and i can't hurt him like that also". Ndakagona kuzama kuvanyengetedza and mangwana acho Donny was over the moon achiti babe rave kutaura naye. Ndakachitanga kutemeseka musoro kuti ndoita zvipi. I ended up ndafunga kudhakwisa Donny ndoita plan yekuti varare vese so that he wouldn't remember details. Days moved by so fast ndichishaya how to execute my plan. Ende nyaya iyoyo yaitondidya zvekuti mostly I would stay awake most of the hours at night. Ethel aizofunga kuti ndichiri kufunga nezvevana. I would feel bad kana avakuedza comforting me kana awana ndakasvinura hanzi," I'm sorry Bee I know ndakakanganisa. Pandiri pano ndirikushaya kuti ndiite sei to undo zvese zvakaitika. But I promise to give you back vana vamwe vakawanda." Munhu wacho aibva atanga kuda kuti tiite bonde. I wasn't in the mood kana, besides I wasn't sure kuti ndaive ndava ready for another baby yet. So ndaibva ndangoti," Sha hausati wasimbisa iwewe. I want to give you enough time. Dai kurikuti zvakafamba zvakanaka handiti taigona kuzoita maybe after wabva ku6 weeks nevana here?" "Zvaive zvakare zviye Bee, the moment pano stopper ropa handioni chekumirira ini." Ende munhu wacho akatoita pikerere zvekuti ndakatozoguma ndabvumira. I didn't enjoy kana my mind wasn't at peace. Rimwe zuva iri Wednesday Onai akatadza kuenda kuchikoro aiti arikunzwa mudumbu. Plus mama vaifanirwa kuzosumuka Thursday yacho. Akatosara hake ndakatowana mukana namainini Lindiwe. Ndakatoitanga tichibuda gedhi nyaya yangu ndichiti," mainini I'm sorry." Ndikanzi," imi imbomirai kuda kuramba muchindidzimbira. Didn't you say your sorries enough here?" Aive asisiri Lindiwe uya uya aigara achiseka. Taive tisisina nyaya. "Ooh okay sorry, mainini ndinechikumbiro panapa kuti tigadzirise nyaya iyi. " Akaramba akanditarisa zviye zvekuti taura ndichibva ndabvisa chikosoro chaisavepo nekuti zvandaida kutaura zvacho ndaisatoziva kuti zvaizotambirwa sei. "Ndanga ndichifunga kuti totengera Donnel hwahwa odhakwa stereki murikumba kwake. Then mozochema pretending kuti arara nemi." Ndega wo zvandaitaura ndainzwa kuti hazviite. Asi kuti ndaive ndapererwa nemazano. Akanditarisa kwakuseka zvekubhoekana chaizvo ndokuti," ende soo ka! Muchiona zvinemusoro here izvozvo? And you want me to lie to my boyfriend manje?" " Mainini I'm trying apa," akati," trying murimi makandikanganisira? Should I clap hands for you? Should I be grateful? Tell me how to react?" Akadaro akutoyeredza misodzi ndikaona kuti hazvisi kubuda. Kwakungomedza mate, chero kuti sorry ndainzwa kutya. Kwakungofamba tinyerere kusvika tapicker Donnel. Akaonawo kuti mood yemunhu wake haisi bho apedza kutitaudza. Akambomuedza kumusofter nemasasi but zvakashaya basa. Ini ipapo hana yaiita seichadonha muhembe ndaive ndavakutya kuti Lindiwe aigona kutozondifumura chete nekuti kamunyarariro kake kaitotyisa. Ndakazonzwa hunani asara mutown. "Mudhara haa ini ndine munyama ini. One minute ndinoti zvaita, the next munhu akundi ignore." Ndakamboshaya mhinduro kwakuzoti," I don't think it has to do with you mfaname. Ndizvo zvatangobva ari kumba munhu wacho. Hameno zvavaitana nesister yake. You know masiblings ." Achibva ati," haa gulez ngavasadaro munhu wangu mhani." Akabva atoibvisa pfungwa yekuti munhu wake aive akamudhurira iye. Kubasa chaiko ndaive ndavakungoita mamistakes ari silly nekuda kwenyaya dzangu. Ko Iko kuvhunduka zvako kumba? Stress yacho yakaita kuti nditadze chero kunoticer behavior yaEthel. Ndaive ndangove munhu zvake. Mama vanenge vaitoona kuti energy between me nemuramu wangu yaive yashifter chaiko. I remember musi wandavaperekedza kubhazi vachiti," hamuchawirirane sepaya nemuramu wako." "Tinowirirana mama kungoti masvika paine dambudziko irori revana. Anga akavatarisirawo vana vemukoma wake." Vakamboti zii ndokuzoti," mmmhh?" Handina kuziva the meaning of that, I didn't ask either. Days passed Ethel achiita kunetsera bonde hanzi," Bee ndirikuda kuita nhumbu imwe." Ndakazomubudira pachena ndichiti," babe I'm not ready for another baby yet. Moyo wangu uchiri kurwadza sha, I'm scared. Besides iwewe wacho unoda muviri umbopora." Pakabva patomuka bongozozo munhu avakuti," asi wava nehure here undiudze Bee? Nekuti kuita kwako handichakunzwisise ini." I just lost my cool kwakuti," Ethel nzwisisa damnit! You killed my babies nekuda kwekusanzwisisa kwako ikoko. Vana handisi kuda imbondimirira please." Takanetsana kusvika anorara nanaLindiwe. Energy yekunyengerera ndaive ndisina. Akazodzoka ega atoona kuti hapana munhu arikuda zvekumuteverera. Mazuva akafamba Lindiwe akazoita bho towards munhu wake. Zvakaenda zvichava nani kusvika ndazongozviudza kuti pamwe she has decided kuzomunyepera kana vachinge varoorana. But hushamwari hwedu hwakaramba kudzokera pahwaimbove. She would ignore me. Chero kuzviitira ndaive ndakuzvi ayini ndega. Ndofunga Ethel aive asati atoona kuti ndaizviitira yakazoita nyaya ndikanzwa avakuti," kugadzirira Bee kana kuchikuremera Lindiwe better ubve hako pamba pangu. You're not grateful nezvese zvatiri kukuitira, remember we're not your parents ka " iye Lindiwe wacho aive apindurawo rough. Ende ndiyo yaitove first time kumunzwa achitaura pfocho mwana iyeye. Akati," I know hamusi vabereki vangu how could I forget that kuti ndiri nherera nhai? Murume ndewenyu it's not my job kumugadzirira. Kana zvirizvo zvamunoda kundidzingira it's fine futi. Nherera yagara munhu wese anoita zvaanoda nayo." Pandakanzwa yava ikoko hana yangu yakarova ndakufunga kuti pamwe Lindiwe afunga kufumura chokwadi chese kwakukasika kutsiura wangu mukadzi kusvika anzwisisa. Later pandakazowana mukana namainini since it was a weekend. Ndakabva ndavati," hona Lindy pakabhayizika handirambi hangu. I know makanditsamwira neniwo wacho I'm angry at myself zvamunoona kudai. But unfortunately I can not undo zvakaitika. The only way apa kushandidzana mufunge." Akandipa ziso kwakuti," kushandidzana how?" "Bvumai mainini kupa mfanha uya. Mongomuudza kuti I'm sorry I lied to you I wasn't a virgin. Haamboite problem nazvo mface uya he's into you zvekudaro. Besides ndichange ndichibatsirawo kuti asaite problem nazvo." Akaramba akanditarisa kwakuti," muchibatsira how imimi manje? In fact murikuti kumupa, kumupei?" I scratched my head ndokunongedzera pana Lindiwe chaiye nemeso. Achibva asunga face ndichibva ndati, "Uchaona he will be understanding, I'll try kumuudza nedzimwe nzira. Look ninez I love your sister maibata? And you love Donnel. So apa zvakungoda kushandidzana chete chete. Kuitira kuti marelationships edu asavhiringike." Akabva atura mafemo kwakuti," hameno I'll give it a try tione. But you ruined my life, you changed the storyline of my plans. That's not how I had pictured everything to be." Our book will be*on sale* from chapter 19. Please make sure you secure your seat kusubgroup nekuti kunenge kuchibvira moto. You don't want to be missed nemabvira-bvira emoto aya!! Usaite zvekuzofungidzira kuti zvakazodai huya uzvinzwire wega! Tichatanga nepromotion before chapter 19 unouya hako ne$1.50/ 75zig/ $2 airtime buddie/30rands voucher. 75zig apa O78O368492 N.Makohliso $1.50 us apa 0776134925 V. Zengenene
❤️ 😢 👍 🙏 😂 😮 145

Comments