🇿🇼Chihelele Shona Stories
June 2, 2025 at 11:55 AM
https://chat.whatsapp.com/IXeARB7AxU9Kdq0UPhiFDH
*KANA UCHIDA BOOK IRI FROM PARAKATANGIRA FOLLOW CHANNEL*
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K
*Blood Ties*
Nita Chihelele
&
Mai P #ashava
Chapter 19 *LAST FREE CHAPTER*
Lindiwe.
Ndakatanga kuita kadebate kangu ndega kuti ndinayo here nhumbu yacho? But handina kuzvibvuma ini nekuti ndaitoenda hangu kuma MPs angu hapana pandakambojamba. Ndakavacheuka tete maiMona ende tete ivavo vaitaurisa. Vaive vamire namainini maiMemo. Mainini vakabva vatondisheedza neruoko. Kwakuenda kwavaive apa mutarisiro wandaive ndaitwa ndaive ndakutoshaya step chaiyo.
Ndakati ndichisvika tete kwakuti," mainini madeedzwa nesu pano. Tanga takakutarisai all this time. But mmmmh ndirikuona sekuti pane zviripo. Makaguma rinhi kutevera imi?" I confidently responded ndichiti," ndatobvako last week." Vakatarisana mainini vachibva vati," but variko ka vanotevera vanayo nhumbu. " Vakadaro vavakupindurana vega. Tete kwakuti," iyi imimba iyi Achihoro. Chero kuchinzi handioni iyi ndiyo iyi." Hana yangu yakatanga kurova tete kwakuti," huyai kuno mainini tione." Vaitotaura vavakufamba kupinda mumba vese namainini ndichibva ndatevera hana yavakutorova. Zvandaive ndaita nabamkuru ndizvo zvandaitya nekuti zva Donny zvaive nevhiki zvaitika. Ndakapinda mumba ndikawana ndatomirirwa. Tete kwakuti," sumudzai top yenyu tione." I hesitantly obeyed vachibva vatoita kurovanidza maoko vakaita kuvhurisa maziso hanzi," Maiguru mazviona ka!? Ndazvitaura ini kuti inhumbu iyi!"
Mainini kwakuti," zvisiri zvekufungidzira vaManguluve kana. Minyatso kusviba kuti tsvaa!" Ndakanzwa kuda kuchema but kwakuzviudza kuti noo it can't be. Handiti munhu anenhumbu anosarura chikafu here? Ndaisasarura kana ndaingoti chamuka inyama! Vese vakabva vatorovanidza maoko zvekupererwa chaiko. Kukatanga kukokwa hama dzimwe vakuita debate pandiri. Vamwe ndevaiti," hona mutsetse uyu unobva paguvhu uyu waita kusviba wanyatsobudikira." Ndakazonzi natete," muridzi wemimba iyi aripi?" Ndakambonyarara ndichiita kushaya kuti nditi aripi chaizvo. Ndakamboda kuita nharo chaidzo kuramba kuti ndinayo nhumbu. But ndakazoona sekuti that's being disrespectful. Nekuti inini I wasn't convinced kuti ndinayo kana. Apa ndaive ndaita kuunganirwa chaiko. Luck sisi Ethel vaive vagere zvavo kumota yevamwe sekuru vedu.
"Aripi muridzi wemimba iyi nhai Lindy?" Mainini vakabvunza ndikati," ariko." Vachibva vatura mafemo vachirovanidza maoko kwakuti," hautozvinzwire tsitsi mwana waVimbai kana zvako. Shuwa shuwa urinherera wakatochengetwa ndipo powo ita zvisina basa kudai? Shuwa chero iye arikukuendesa kuchikoro nekukuchengeta anoti chii nematakanana awaita iwaya?" Vanhu vakatanga kundishora paye ndikapusa wani. Sisi Ethel pavakaudzwa vakaita kunonzi kuvava hanzi," uyu manyaradzo achingopera kumba kwangu handichamudi uyu! Ndaizviramba ini zvekugara naye uyu vanhu muchindiidza benzi. Nhasi chii ichochi? Munhu uyu anga avakuita madiro kumba kwangu asingatsiurike. Anga avakuziva kupindurana neni uyu mwana waPhibion uyu!" Vaitotaura vachifunga kuti vachawana aizovatsigira mainini vachibva vatoti," iwe! Iwe! Phibion kudii? Phibion waunopaumba zita rake ndibhururu wako? Anezera newe? Phibion havasi baba kwauri? Usade kundiita kuti ndikutuke pazere vanhu iwewe! Uyu chero aita hake mimba asi ndiye mwana kwaye kwete iwe mhengera mumba zvayo. Munhu akapwanya vana nekuda kwehupenzi! Ethel drama rawakaita parufu rwamai vako nhasi ukariita pano ndinokurikita! Kukubhura chaiko hatina zera newe zvekuti unoita kutaura kunge urikudonha mumuti. Tinyare wo." Vakapedza kutaura vavakuti kufemereka. Vakadairirwa wo namainini kuchinzi," haa mwana wenyu uyu surrender chaiko! Uyu hake Lindiwe aita hake misikanzwa asi mwana kwaye. Nhai nhai munhu kuti Phibion kunge aive nezera newe? Phibion iyeye vaisave baba vako nhaiwe Ethero?" Vakangoti boi boi paye nekuti vaive vaita kupindirwa nevanhu vese. Nyaya yacho ikazenge yava yavo vanhu vakutaura vachishoropodza kutiza kwavaive vaita kwamainini zvakazokonzeresa kufa kwevana. Yangu ichibva yangopera. Akaitwa manyaradzo sisi Ethel vakangopusa . Havana kutozondituka kana but vaisataura futi neni. Ini ndaive ndavakuzvidya kuti zvino ndichadii? Ndakambofunga kubvisa nhumbu yacho asi pekutangira ndipo pandaisaziva. Ndakazoona ndaisirwa message nabamkuru vachiti," mainini please don't panic. Mukabvunzwa mungotaura zita raDonny. Tichaita figure out kuti tichaita sei pamberi apo. Please ninez musatombotaure zita rangu, I promise we'll figure out something. Plus musatye sisi venyu havambokudzingayi ndataura navo." Ndofunga vaive vatoudzwa nemukadzi wavo nezvenhumbu. Ndakaridza tsamwa kwakuvapindura ndichiti," ndakutambura ka because of you? Imi muri safe ndini ndave nenhamo? Donny haana kupusa ka?" Ndikanzi," ndosaka ndati I'll figure out something." Ndakaridza zve tsamwa kwakungodzorera phone yacho muhomwe. Manyaradzo akaitwa zvakanaka but sisi Ethel vaive vaita kakuramwa. Zvakawanda zvakazoitwa sisi Ethel varikumota kunze kweyard. Hapana wo akada kumboita hany'a navo.
Daddy vangu ndivo vaitonzwisa havo tsitsi. Luck nyaya yenhumbu iyi havana kumboudzwa. So to him I was still his sweet innocent girl. Ndakatombonzi," vatete mukavhara December ndinoda muuye kumusha. I'm busy building us a very nice home, I know you'll love it. December I'm looking forward to seeing you I hope ndichawana mari yako yekukwirisa handidi kuti tiremedze sisi wako nemurume wake. Already zvavari kuita zvihombe." Nasisi Ethel handina kana kumboona vachiita nyaya vese. Ndakangobvumira kuti zvipfuure chandaiziva ndechekuti he was going to be disappointed ndakuenda kumusha kwacho nenhumbu isina baba. I wasn't going kutaura zita rabamkuru kana. Ndaisada kuzotukwa, ndaiona zviri nani kutukirwa kusaziva baba vemwana than kutukirwa kurara nemurume wasisi. Ukuwo Donny aingomwaya mamessages erudo. Simba rekupindura ndakachangamuka ndaive ndisisina. Since ndaive ndavakuziva kuti sooner or later aizoziva kuti ndinemimba yeumwe munhu.
Akatozoita zvekuti, "Babe are you okay?"
Chida aive aona mareply acho aaiwana ndikangomuti, "Im good kungoti this event is bringing so much memories im missing mama more nekungova pano seeing her things and everything".
Ndakatomuvhara ndichidaro akangondisimbisa and haana kuzonyanya kunditsoma zvake paphone he decided to give me some space achiti tozotaura manheru zvemanyaradzo zvapera.
Nguva dzaive dzoparara vanhu ndipo reality yakachitanga kusinker zvayo. Ndakasvika pakuti, "Mwari itai kuti ndinge ndisina nhumbu and if you do that 1 favor i will forever be grateful".
Ndakasvika pakuzvibvunza kuti why me chaizvo. Kukura ndakazvibata here kuti ndizongonyadzisa kudai so. Ndakademba ana Sandy vekuchikoro vakatanga kurara nevakoma vari maform 1 vachitori nembiri yemisikanzwa asi zvavo zvaitofaya hupenyu huchiendeka isu ana Lindy tainzi ana sister Holy kungoita mistake ka1 zvako mimba kwakutotubuka. Ndakavhara maziso imagining how the world is going to respond to the news dzenhumbu yangu especially ikaziikanwa muridzi ndikaona kuti pangu pandiperera. Ndakaona ndisina kana reason yekuraramira zvangu. Kana baba vangu vaisimira neni i dont think vaizoramba vachimira neni after all ndaisave mwana wavo biologically.
"Vatete musafungisisa. Mama vakatoenda mwanangu havachadzoke. Ndosaka ndaida nyaradzo iitirwe kumusha ndaiziva ukadzoka pano pfungwa dzinokuwandira".
Handina kutoziva kuti vaive vasvika pandaive nguvai baba vangu. Yakabva yangoyerera misodzi vakandinyaradza.
"Ndimi munaye bhudhi mwana wenyu uyu ndiye andiri kutotsvaga".
Vakasvika pataive vachidaro tete mai Mona.
"Ndini zvangu haa Vimbai ka zvakaoma ndaiti achashingawo muroora wenyu sisi kusvika mwana akurawo avawo nemusha wake".
Vakaita kakuseka tete vaya vakati, "Bhudhi munondishamisa zvangu anyway sandizvo zvandavinga. Atokura mwana wenyu wacho wamoreva uyu moti achiri mucheche here iyeyu?"
"Achiri mudiki Lindy uyu. Chinondinzwisa tsitsi ndechekuti she has no one ipapa. Imi vacho hamutozvivanze kuti you don't regard her as my daughter. She has no one and ndinonzwa kumutyira zvangu".
Dad vayiita sekuti vaiporofita situation yaivepo. The whole world was going to be against me.Ndaive ndazvipira kuvaudza dad mistake yandakaita hoping that he will rescue me asi tete vakabva vatoti, "Haa zvamukoma veduwe. Fambai mainini kuenda kumota yekumba kwenyu tiri kukuperekedzai. Tsvakai pana sisi venyu haa vana vemuroora wangu bodo".
Ndakabva ndangofamba ndakananga kumota kwasekuru kwandaive ndamboona sisi vari. Ndakaona vasiko ndikazoona kuti vaive vatova pamother's seat ravo kare. Kuvatarisa kudai ndainzwa kuti she would never forgive me and vaigona kutondikuvadza chaiko. Ndakamira ndakazembera mota ndaisada kupinda sezvo sisi vaive vega imomo ndaida kumirira vamwe. Tete Onai vaive vangouya kuseni vakabatsira mbijana vakazobva voenda kuchikoro kwavo. Ndakaona bamkuru vakamira from afar vachibaya baya phone yavo. Pasina nguva vakatarisa kwandaive ndikanzwa mangu muphone muchipinda messege. Ndakaitaira ndikaona varivo yaive yakanzi, "You are not alone in this mainini. Ndikungokumbirawo muite zvandakumbira please. I'm with you through it all. I just need time to figure out a plan".
Ndakanzwa hasha chaidzo dzakasangana neshungu ndikangoita long presa his chat kwakubaya delete chat ndisina kana nekupindura.Mainini mai Memo ndakaona vouya natete vachikurukura vakasvikoti, "Ko pindazve mumota nhai Lindiwe wakamirirei ipapo".
Handina kana kudaira asi ndaitozeza. zvangu. Vakavhura door vakandidziurira zviya zvekuti pinda tione ndikaita kupinda ndichitya ziso riri kuna sisi Ethel.
Sezvandaitarisira vakabva vatotaura,
"Saka uyu ari kuendepi nemimba yake asi nhai? Mozviona kuti pamwe pacho munenge muchingotsvaga kundiita muipi henyu ka kuda kundiita munhu anotaurisa. Buruka mumota mangu iwe".
Vaive vandivhurira ziso ndikaona mama mai Memo vatenderera vakanovhura door rekupasenger's seat ravaive vakagara vakati, "Iwewe nditori neshungu newe usanditume kukutibura pavanhu. Bvuma kunyarwa wanzwa ka. Potse potse mwana akaita mimba iyoyi kuri kunyengerera kutengerwa mazep nekakomana nekuti iwe sisi vake une moyo kukutu. Tikada kubvunzisisa magariro ake tinonzwa kuti akagara mushe here mwana uyu? "
Vaive voita kufemera padenga vari kumeso kasisi chaiko zvekuti dai vakada kudaira vaigona kuhedhwa chaiko. Vaitaridza hasha chaiko zvakaita kuti sisi vati zii.
" Pindai mumota maiguru mukwasha wakuuya uyo. Musiyei uyo ane zvinomunetsa. Ane mhepo yekusachema mai ukasapagadzirisa ipapo Ethero hupenyu huchakurwadza. Shuwa parufu pamai vako waiita kunge uri parufu rwevamwewo mai vemuraini zvavo. Kutakurana nemhemeredzo yemufi nekuda kwekutadza kudzikama chete. Handei maiguru imi".
Vakabva vatodzoka vakapinda apa ndaive ndaiswa pakati zvino.
"Unoti tiri kuendepi naye tiri kuenda ka naye kwaakabatira mimba ari kuti tione kugadzirisa nyaya yacho".
Vakadaro tete asi hapana akadaira bamkuru vaitosvikawo pamota.
Vakavhura kwakupinda kukanzi natete, "Tiri kukuperekedzaiwo kumba kwenyu uku nhasi Nyamuzihwa".
Vakangoti, "Kwakanaka hako?"
Vakanzi, "Haa kutsvene uku. Handei zvedu".
Mota yakabva yatomutswa ipapo ndikaona dad waving at us and i waved back nemoyo wakaremerwa.
"Haa bamkuru havatomboone kuti Lindy wavo akura zvavo kunenge kuchingonzi mwana ipapa".
Vaive votodzipisa nyaya vachiseka ndikaona kuti zvedi nhamo yeumwe hairambirwe sadza. Vamwe vaitowana simba rekuseka ini zvisina kundimirira mushe kudaro. Bamkuru mheno driving dzavaingoita musi iwoyo he wasn't stable kana ndikaziva kuti navowo hana iri kurova seyangu.
Tichisvika pamba vanhu vakadzika vangu sisi ndivo vaitove pamberi vachibhidhaira zvekuti. Bamkuru vakatevera munhu wavo ini sare ndotevera natete namainini. Takagashirwa natete Onai vaive vachitobika sezvo zuva raive ratodoka. Tichingopinda ndakanzwa noise yaibva kubedroom ndikaona tete namama votarisana. Yaitove noise yevanhu vari kunetsana chaiko. Takazonatsonzwa bamkuru vachiti, "Ndokupwanya Ethel ndokukanganwa izvozvi bring back my phone. Iputse uone zvandokuita haude kunyarwa iwewe unoti zvausina kukwana zvekunyeya murume nework mate yake woti neniwo ndakafanana newe".
Munhu wese taive tangomira tateerera tikaona sisi vachiuya vari chahwiriri vakananga pandaive kwakusvikobvuta phone yangu. Yaisave nepassword ndikaona voscroller hameno zvaitsvagwa. Ipapo bamkuru vaive vakamira padoor rebedroom looking. Hameno vakashaya zvavaida here kwakuti, "Usandiidza benzi apa i saw you apping her. Iwe Lindiwe wanga uchitaurei nemurume wangu paApp?"
"Hmmm vabvunzei Lindy avanga vachitaura naye nekuti that's definitely not me".
Ndakadaro ndichinogara pasofa ndikanzwa tete vakuti, "Aya madrama mosara muchiita taenda zvedu. Huyai mugare pasi tione. Mainini Lindy tipeiwo number dzemukomana wenyu. In fact kumba kwake mokuziva here?"
I hesitantly nooded kukanzi, "Perfect, rongedzai ndinokusiyai tione. Nyamuzihwa mukadzi atorwa uyu".
Vakadaro joking nabamkuru avo vakatadza kudaira zvakanaka havo kuita sekuti vane chavadzipa.
"Lindiwe mwanangu simuka ipapo unorongedza nguva dzafamba aikazve chiiko ipapo. Asi hausi kuziva muridzi chaiye wemimba?"
Hana yaive yorova ndangotuzura kutoshaya mhinduro chaiyo inoita. Kufunga kuenda kumba kwaDonny ndaiita kuzeza chaiko.
End of chapter
Huya kusub kune vamwe uzvinzwire uko ndokuchabaka fire manje.
Our book will be*on sale* from chapter 19. Please make sure you secure your seat kusubgroup nekuti kunenge kuchibvira moto. You don't want to be missed nemabvira-bvira emoto aya!! Usaite zvekuzofungidzira kuti zvakazodai huya uzvinzwire wega! Tichatanga nepromotion before chapter 19 unouya hako ne$1.50/ 75zig/ $2 airtime buddie/30rands voucher.
75zig apa O78O368492 N.Makohliso
1. 50 us apa 0776134925 V. Zengenene
❤️
😢
🙏
👍
😂
😮
115