🇿🇼Chihelele Shona Stories
June 9, 2025 at 10:20 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K
https://chat.whatsapp.com/EriQCbrfUFW7vATRxnQ1Wa
Nita Chihelele
*Irreplaceable*
Chapter 4
Patricia.
Life mumba mangu yaive yovava zvayo. Ndaimbokungura kudzokera kumba kwedu but zvaive zvanyanya veduwe. Herbert aive ava murume wechitatu kuroorwa naye. Moffart ndiye munhu aive andiita kuti ndibve pamurume wangu baba Tanatswa. Chikonzero chaicho chaive chandibvisa kumba kwaana Kenny inhau yevanhu vekwavo. Vaisandida kana ka1. Treatment yandaipihwa nemadzitete vanasisi vake Kenny yaiita kurwadza. Apa Kenny wacho wouldn't want to hear anything chakashata pamusoro pevanhu vekumba kwavo. Ndakabva ndatanga hangu kudanana naMoffart mukomana wangu wakudhara. Moffart aive nemari dzake he would bring groceries kumba kwedu. Izvo zvakaita kuti mama vangu semu single mother vamufarire Moffart uya. Plus aive wemurayini medu kwaMusana. Treatment yandaipihwa kwa Machipisa yakaita mama vamuvenge Kenny.
Tanatswa mwana wangu ndiye hake aive azoita kuti wanano yedu naKenny iparare. Mwana aive nemakuhwa zvake iyeye apa akamatangirira achiri mudiki . Hongu aive atiwanikidza tichifadzana zvedu naMoffart. Ipapo ndaitoti mwana mudiki hapana chinoziikanwa. Ndakatozoshamisika akuudza baba vacho. Naiyewo Kenny aive awanda mamessages aMoffart aaibata. Haana hake kundidzinga chero paaive abata mamessages kungoti ini ndini ndaive ndisisamude. Ndakaita zvekutiza first time akanditevera akandinyengerera. Second time ndakatobva aripo akaedza kunyengerera vakazoita zvekutevera kumba kwedu nababa vake but mama vakabva vavadzinga.
But he managed kuzondinyengerera ega ndakadzokera. But panguva iyoyo taive tavakutopengesana naMoffart. Kubva kwandakaita pamba going back kwana Kenny ndaive ndanyepera Moffart ndichiti ndirikunotora mbatya dzangu. Akazotanga kufona Moffart uya call yacho ikabatwa naKenny. He wasn't a violent person hake.
Kuna Moffart wacho things didn't go as expected. Takangoita mwana kwakutosiyana. Ndipo pandakazosangana naHerbert tikaita vana vaviri vasikana. Mukomana aive second born waMoffart .
Herbert wacho he was handsome ndaiti zve Mwari vandinzwa ndisingazive kuti ndaizochema. I would regret kurwadzisa kwandakaita Kenny nekumuhurira. Ndaisatoziva kuti kuhurirwa kunorwadza zvakadaro. Ndaive ndatora rimwe picture kugallery redu naHerbert kwakukandira Kenny. Ipapo moyo wangu waitorwadza zvawo nekusauya kumba kwaive kwaita Herbert. I was hoping to start a conversation naKenny. Ndaive ndanzwa naTanatswa kuti haasisina munhu. Plus Tanatswa aive andiudza kuti baba vake vaigara vachitaura nezvangu hanzi vachiti," dai mukadzi wangu mai Tanatswa akadzoka zvake." Zvakabva zvatondipa hope yekuti Kenny achiri kundida . I wanted him to feel jealousy nephoto iroro. Instead akangorivhura and ignored.
Ndakaramba ndakagara ndakabata phone yangu expecting kuona Kenny achi typer but hazvina kudaro. Ndakazoita delete picture riye ndagutsikana kuti raonekwa. Kwakuisa message ndichiti," very sorry yarasika." Yakatora nguva isiri kuvhurwa kwakuzovhurwa munhu achiti," it's okay."
Zvandaive ndaronga kunyora ndakazoona sekuti hazviite. But kwakuzvipa simba ndichiti zvinoita mhani. Kwakumunyorera ndichiti," aren't you feeling jealousy kuona mukadzi wako akabatwa neumwe munhu kudaro?" Munhu akabva andisvavisa kwakuvhura message iya nekutoisiya yakadaro isina kupindurwa. Zvakandidya ndavakufunga kuti arikundifungireyi?
Takasvika pakurara wani asina kupindura zvake mwana wekwa Mbizi. Ndikazvinyarira ndiri kwandaive kunge aive akanditarisa.
Another day rose Herbert asina zve kudzoka kumba. Kuuya kwaTanatswa kunenge ndiko hako kwaive kwawedzera kuti aite hunhu ihwohwo.Misodzi yakatanga kuchururuka ndikatozobviswa mundangariro naTanatswa akati," mama ndaane nzara ini."
"Wakura Tanatswa tea unofanirwa kunge wavakugonawo kubika. Boiler mvura mujug uite tea yako." Akati," vana Anabel naAlia varikudya porridge wani? Ndiro randiri kudawo."
"Cerevita yacho yanga iri shoma Tanatswa ndosaka ndaitira vadiki ava."
"Ndinozviziva kuti munondisarudza nekuti handisi mwana wababa Anna." Moziva Tanatswa ari wangu kudaro ndaive ndava bho naye. Ndaimbomuramwa asi moyo wekubereka waimborwadza ndomukumbira. But mwana wacho aisagarika naye kana! Ruvengo chairwo kuvanin'ina vake aive narwo. Mwana uya aive nepfungwa yekuti izai regondo pana baba vake. Aive atora hunhu hwekwana Kenny chaihwo. Muitiro wake aitofanana nana tete vake vana Kudzai. She was a young version of them. Baba vacho kuvaudza vaisatoona chakaipa pahunhu hwemwana. Ende aive akazvarwa nahwo hunhu ihwohwo. Ndiye aive atiparadzanisa nababa vake achitaura zvekunyepa achiti akaona Moffart aripamusoro pangu. Yes chaive chokwadi ndaive ndazviita ndichifunga kuti achiri mwanana kuti haangatakura zvinhu zvakadaro. Mai vangu chaivo Tanatswa vaisamufarira kana.
Holiday iyoyo yandaive ndamupihwa ndakamboedzawo kuisa mwana wangu mugwara kuti aite hunhu hwakanana. But ndakapera rudo nemhinduro dzake. Taigona kuwirirana zvenguva diki chete.
Rakadoka rikabuda rimwe Kenny achito ignore zvake message yangu. Kwakuzoisa imwe ndichiti," Kenneth ndinzwewo, I know ndakakurwadzisa but hwaive hwanana huye. Ikezvino ndakura ndakuda kuti tigadzirisane tichengete Tanatswa wedu. Ndinogona kukupa umwe mwana munin'ina waTanatswa." Ndakabva ndatoitumira ndisati ndapindwa nepfungwa yenyadzi. Yakaenda wani ikazovhurwa pave paye. Mhinduro yakauya but haisi iyo mhinduro yandaitarisira kana.
Aive andipindura achiti," shamwari ndaimbokuda yes and zvekutodaro futi. But not anymore zvakapfuura panguva yazvo. And paye kana ndavakutarisisa zvinhu ndakuona kuti you were not entirely to blame. My family played a big role mukuparara kwemarriage yedu. But zvakatopfuura hazvichagone kugadzirisika. What we can do now is being there for Tanatswa wedu uyu." Ndakashaya kuziva kuti kutaurwa kwandaigara ndichiitwa naKenny sekuudzwa Kwangu naTanatswa kuripi iye munhu achindidadira kudaro?I was so convinced kuti Kenny achiri kundirwarira zvekuti kundirasisa kwaakaita kwakaita ndinzwe hasha chaidzo.
Hasha dziya dzakawedzerwa naHerbert asina zve kuuya kumba. Akazouya zvake Herbert uya smelling fresh akapfeka mbatya nyowani. Dzaitoratidza kuti akatodzitenga. Maiguru mai Mazviita ndivo vakazondifonera vachiti,"maimwana baba Anna vakugara zvavo kuno kuChitungwiza. Haashuri here Herbert kupengesana nekamwanana kakadai?" Moyo wangu wakaita kunonzi kutsemuka. Vakatoti," ndamuudza mukoma wacho kuti amutsiure nekuti ijeri ka iri."
Zvakaita kuti ndimubvunze nezvazvo Herbert wacho akatodaira akapora pora hanzi," hapana chako chandirikushandisa Patricia saka usarwadziwe neni." Ndakambobatwa nemweya wekutakura kangu kese kuti ndidzokere kumba kwedu. But zvakarema kwakubva ndamboedza kugomera ndiripanzvimbo. Tanatswa akazodzokera kumba kwababa vake pakavhurwa zvikoro. Ndiye Kenny akauya kuzomutora and akatozviratidza kuti haasi kuda zvenyaya neni. Ini ndaingobhwayira-bhwayira nekuda kwenyadzi dzezvandaive ndataura naye paphone.
Ndakatanga kuita compare life yandairarama mumba ma Herbert nelife yaKenny. Ndikaona kuti kwaKenny kwaive nani. Dai hake aibvuma kundipa umwe mukana vana Anabel naAlia ndaivaendesa kwaive neumwe mwana wangu kumba kwamai vangu. Ndonotanga life yangu panyowani naKenny naTanatswa wedu. Ende tiri tese ndaiona tagona kuisa Tanatswa wedu mugwara. I was no longer worried nevanhu vekumba kwavo. Ndaive ndakura zvekukwanisawo kupindurana navo unlike paye ndichiri mwanana.
Saka ndakazviudza kuti ndaifanirwa kutomira-mira Kenny asati awana munhu mulife make.
Mazuva akafamba life isiri kuchinja mumba mangu.
Ndakazoona ndaisirwa message nababa Tanatswa after 3 days adzokera vachiti," iwewe umbori mai vakaita sei? Saka wotobvuma kuparadzaniswa neropa rako nekuda kwemurume? Haazive here kuti Tanatswa mwana wako? C'mon Patricia usadaro iwewe treat Tanatswa semubatiro aurikuita vamwe vese kwete kumusarura. Unofunga ano feeler sei mwana?"
Ndakatozvishaya kwakuti," handisi kuziva kuti urikutii Kenny?"
"Ayewa shamwari inoshamisira zvakadii cerevita yacho yekuti ungatomunyime? Kana uchida atakure chikafu chake paanouya ikoko unotaura zve."
"Kenny mwana wako anonyepa stereki uyo! Hapana zuva randakambomunyima chikafu ini aingodya izvozvo zvinodyiwa nevamwe vana. Izuva 1 chete randakamuti cerevita yapera. Umuchenjerere mwana iyeye Kenneth, ndiye futi akatiparadza mwana iyeye."
"Haasi kunyepa chinja muitiro wangu nekuti you will lose mwana uyu if you don't want to fix your relationship with her. Unogona hako kunge wakabatwa rough nevanhu vekwedu but please don't take it out on your daughter." Akabva ato cutter ndikasara ndangobata phone.
Stay tuned.
Chihelele ❤️
❤️
🙏
👍
😂
😮
😢
297