🇿🇼Chihelele Shona Stories
June 17, 2025 at 06:29 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K https://chat.whatsapp.com/EriQCbrfUFW7vATRxnQ1Wa Irreplaceable Nita Chihelele Tanatswa. Chapter 8 I felt like both my parents has abandoned me. Mama vaifara varikwa baba Anna wavo. Daddy vaina Helen wavo. Helen aindivenga zvisiri zvekuvanza. Daddy vakazombonditengera chi piggy bank changu. Vaindiisira mari imomo vachiti ndaizochivhura paChristmas. But ndaiona kuti Helen haasi kufara nazvo. Nekuti akatomboti," ma$1 iwayo amuri kuisa imomo anototenga usavi tikaseva." Daddy vakamuti," inga mari yeusavi ndakupa wani? Iyi ndeyakewo yaachavhura kupera kwegore." Dzimwe nguva daddy kana vaine mari vaindipa chero $5 chaiyo. But kana Helen aripo aizvidira jecha. Apa dumbu racho raiita kuyemeswa asi risati ratoonekwa. Gogo vangu mama vadaddy vaive vasingatomude Helen iyeye. Aive azokenererana namai Bee zvaitobhowa. Ndakatanga kuvavengawo mai Bee ivavo. Vaive vasisaite zvekumusika mazuva acho. Vaswera vachiita makuhwa naHelen wavo. Rimwe zuva ndichitobva hangu kuchikoro ndakanzwa Helen achiridza tsamwa hanzi," kanongooneka nestep kuti karikutera matsimba amai echihure." Mai Bee kwavakuti," haa aka kahure chaiko aka! Muchanzwa nekuchengeta tuzukuru." "Evoo kuti ndini zvangu ndadii? Handiti mai vacho vapenyu here? Anongoendeswa kuna mai vake." Ipapo ndaive ndisina chinonzi mukomana kana. Pesanayi wemuclass medu aindida ndaimutiza ini. Kurikutoshaya kuziva kuti ndobvuma sei kana ndichimudawo. Akaenderera mberi Helen achiti," handiti hanzi akasiya merechi here iye mai Tanatswa wacho." I was shocked kunzwa izvozvo nekuti it was new to me. Ndaive ndaguma mama vavakugara kuZengeza nemurume wavo. Zvakabva zvaita kuti ndirambe ndiri kwati kwati kuti ndinzwe more. " Manje uchenjere kuzonetswa avakuda kudzoka pamurume." Vakadaro mai Bee vakanzi," haa ndakatomuudza iye Kenny wacho kuti kana makuda zvekuita ma babe come back nemukadzi wako undiitire wo favor undiudze in time. Akati haafe akadzokererana namai Tanatswa. Hanzi chero kukanzi ndiye mukadzi wekupedzesera asara panyika. Hanzi ka vakamboedza kuda kudzoka hanzi vachiisa mamessages vachiti hwaive hwanana ndakura ngatidzokereraneyi hanzi ndikaramba." All that was news to me. Mai Bee kwakuti," vakamugona haiwawo unoendepi nechifeve chemukadzi?" Ndakawedzera kuvavenga mai Bee nekudeedza mai vangu nechifeve kunge vaivaziva. Ndakaswera ndisina mufaro kana. I wasn't my mother's number one fan. But kunzwa vachishoropodzwa kudaro naHelen nasahwira wake hakuna kundiitira kana. Ndakatovaisira message Ivo mama asking ndichiti," mama ishuwa here kuti hamusisiko kuZengeza? Ishuwa here kuti makarambwa nababa Anabel?" Ndakavaudza zvese zvandaive ndanzwa zvichitaurwa naHelen zvekuti Ivo ihure. Vakati," Tanatswa where did you get that? Tanatswa mwanangu ndinokumbirawo usazvinetse nezvinhu zvisina zera newe wanzwa? Focus on your studies usiyane nezvinhu zvisina basa. " Vakabva vatobva online ndikasara ndatarisana nephone. Manheru daddy vakauya vakaita kufuta, vakasvikira kunditi," stop telling your mother zvinhu zvekunyepa wanzwa?" "Zvinhu zvekunyepa zvipi?" Ndakavabvunza vakati," izvozvo zvawavaudza masikati." " Hazvisi zvekunyepa izvo." "Wazviwanepi iwe?" "Ndanzwa mama namai Bee vachitaura masikati. Vanga vachiti mama vangu ihure." I said misodzi yanjenga mumaziso. Ndaive ndavakuchemedzwa nekukwidzirwa izwi. Vakacheuka Helen uyo akabva akwiridzira mapendekete ndokuti," Kenneth mwana wako uyu ka! Mwana wako uyu! Mmmhh hameno imboitai ini zii." " Ayewa shamwari pindura is it true zvataurwa naTanatswa?" "Iwe true yekudii ko? Ndinombomuziva here mukadzi wako ini?" Vakadaro vakanzi," iwe ex wife haasisiri mukadzi wangu." Vakanzi," whatever Kenny! I've better things to do panezvaurikundibvunza izvo. Mwana wako anonyepesa uyu. Manje achaita ugare uri tsvimborume mwana iyeyu ukaramba uchimusekerera." Zvakandirwadza kuti munhu arambe zvinhu zvaiita kwakuti," ehe ndakunzwai muchiti ndichaita hure samai vangu. Mataura futi kuti vakarambwa!" Akabva arovanidza maoko Helen achiti," hezvo hezvo! Aya ndiwo anonzi mashura aya! Ndinoti vakarambwa ndinozvizivirepi ini nhai Mwari? Tinogona kuenda kunovabvunza mai Bee vacho kuti ndakambotaura nezvamai Tanatswa navo here? Ndinotaura munhu wandisina kutombowana pano kuti ndinopenga here?" Akaita kurambisisa ndikaona kuti daddy vatomubhilivha. Vakabva vandicheuka ndokuti," Tana wakazotanga rinhi iwewe zvekuumba nyaya? Heee?" "Handina kumboumba nyaya daddy ndirikutaura chokwadi!" I said Helen kwakuseka zvesvoto hanzi," Iko kuzoomesa shaya kudaro munhu achinyepa ndiko kunotokuudza kuti mwana ari dangerous iyeye." Daddy kwakubva vati," iwe Tanatswa ndichakubhurira kunyepa!" I tried to say something vachibva varova table nechibhakera vachiti," shut up mhani! Ndakuzokurova karomo ikako kaneguhwa." Zvakaita nditange kuyeredza misodzi Helen ndokuti," ayas mwana ane drama zvake iyeyu! Saka chachemedza hanzi chii manje ipapa?" Daddy vakabva vakurura bhandi ravo kwakundiruka kumusana uku. Apa ndaisatoziva when Iast I got a beating from him. Zvakaita kurwadziwe moyo chaiwo kupfuura pandaive ndarohwa pacho. Ndakangomedza bundu raive pahuro trying hard kuti ndisacheme vachibva vati," dhemeti Tanatswa usade kundiitisa zvinhu zvandisingade!" Vakafemera mudenga Helen kwakuti," iko kumubhabhadzira ikoku muchitadza kumurova chaizvo ndiko kunomuita ndururane Tanatswa uyu." Aitoda ndirikitiwe nadaddy luck daddy havana kuzoita sekuda kwake. Vakangoridza tsamwa kwakuti," achafira mumaoko angu uyu akaita hunhu husina basa kudai." Yakabva yatopera kwavari nyaya yacho. But kwandiri haina kana. Moyo wangu waiita kudzimba. Ndakabuda kwakunochemera panze. Ndikabva ipapo ndatoronga kutiza ndiende kuTafara kwagogo zvangu. Nekuti kugara naHelen ndaive ndava bho. Handina wandakaudza nezvekutiza kwangu. Sadza ravo ndakatoriramwa Helen akatotaura zvekusvotesa hanzi," aah tinganyengerere munhu kuti adye kuti arikudyira dumbu raani? Handiti arikudyira rake? Kuramba chikafu kuguta uku." Ende ndaive nayo nzara ndarara nayo wani. Ndavandega kwakuputsa chi piggy bank changu Kuseni ndakaisa tuhembe twangu musatchel. Pandakachayisa ndakabva ndatongobatana nevana vaigara kuTafara. Gogo vakavhunduka pavakandiona vakatoti," haasi Tanatswa here uyu?" Vaitobvunza mainini mai Junior mukadzi wabamnini Kainos. Mainini kwakuti," ehe ndiye uyu." Ndisati ndatogara gogo vakatoti," kwakanaka here nhai Manjenjenje?" She was right kuvhunduka nekundiona nekuti yaitove wo first time kusvika ndega kuTafara. She asked with a concerned face izvo zvakaita kuti nditobongomora iri mhere chaiyo. Ndakanozviwidzira mumaoko agogo kwakuchema chaizvo. Vaingondipuruzira kusvika ndazonyarara ndipo pavakazonditi," hanzii ko mwana womwanangu?" I sniffed ndokuti," gogo daddy varikundishusha vachindirova nemukadzi wavo." Munhu akatanga kudairira ndimainini mai Junior vakati," bamkuru kukushusha?" I nodded ndichidzoreredza madzihwa vakati," aah vachinja shuwa bamkuru. Nekuti bamkuru vandinoziva havadi naye Tanatswa wavo." Gogo kwakuti," vakadzi here mwanangu? Anotorwadziwa ka kuti sei munhu agere nemwana wake." "Anondinyima chikafu Helen, achindituka every day achiti ndiri mwana wehure. Pandakazviudza daddy akabva azviramba daddy kwakundirova vachiti ndinonyepa." Vakaratidza kusafara nazvo. Chero pakazosvika sekuru nevamwe vese vairatidza kusvora daddy naHelen wake. Bamnini Kuda ndivo vakazofonera daddy vachivaudza kuti ndiriku Tafara. Vakamboda kupopota paphone pabamnini vainzwikwa sezvo yaive paloud vachiti," anonyepa stereki Tanatswa iyeye. Ndakamurovera makuhwa ende ndirikuda kuzomurovera kunobata kuTafara kwese ikoko asina kutaura. "Gogo ndivo vakazoti," kana uchida kurova Tanatswa better urove ini Kenny." Ndiko kuzodzikama kwavakaita. Vakanzi nagogo vauye ivo weekend kuzonditora. Ndaive ndaramba kudzokera kumba kwacho. Gogo vakati," usatye muzukuru wangu ndinoda auye pano baba wako ndimutsiure haambokurovi." Zveshuwa vakauya weekend yacho daddy. Vakauya iri Saturday. Ikatanga kubvunzwa nyaya yangu ndikaitaura sezvazviri. Kwakuwedzera ndichiti," futi Helen akati mai vangu vakarambwa nemurume." Hameno why ndaive ndafunga kuzvitaura musi iwoyo yet musi wenyaya kumba ndaive ndisina kuzvitaura. Handina kutoziva kuti statement iroro ndiro raizondinunura. Sekuru vakabva vatoti," Hongu Masiziba akakutadzira Kenny asi handioni ini kuti angaudza mwanana akadai kuti akarambwa. Inyaya yakataurika iyi," ipapo ndakabva ndatoti," muvabvunze mama ndakatovafonerawo musi wandazvinzwa naHelen achiudza mai Bee ndichivabvunza kuti vakarambwa here?" Daddy kwakuramba vanyerere ndokuti," yeah mune point ipapo." Gogo ndokuti," ibenzi remunhu nhai. Anorwisa munhu waasina kubvira awana aripo shuwa?" Pandakaona kuti vanhu vakundi bhilivha ndakabva ndatowedzera maspices kuti Helen kana kunobhurwa anobhurwa chete. Kwakuti," zvakawandisa zvaanoudza mai Bee. Aiti family yedu inehurombwa hanzi vanatete havaroorwi vana daddy havaroori. Zvakawandisa kungoti daddy ndaizeza kuvaudza nekuti vavakundivenga." Ndakataurawo zvandaisinzwa zvichizevezerwa wo nevanhu about our family. I knew izvozvo zvaiita munhu wese atsamwe it was a very sensitive issue. Bamnini Kuda ndivo vakatanga kuridza tsamwa hanzi," mudhara mahure enyu amunokumbana nawo ka! Anoziveyi about this family? Itai zvekudanana murege kutaura nezve family yedu please." Daddy kwakuti," Sha munhu uyu ishamwari yaKudzi so pamwe vane zvavanotaura. Handisati ndakambotaura naye anything nezvapamba pedu ini " "Saka zvese zvekurambwa kwamai Tanatswa ndiko kwaakazviwana ka kuna Kudzai." Vanhu vakatanga kupopota gogo vakati," anoti panehurombwa hwaakatipa here? Ukaona munhu achitaura zvaasingazive asati avamumusha munhu iyeye marabishi emunhu." Vanhu vakatanga kutaura negative things about Helen uya. Daddy havana kutozoenda neni musi iwoyo vakati vaizodzoka kuzonditora mangwana acho. Vanhu vakasara vachitaura zvakadzama about Helen ende aive avengwa. Ndakafara mangwana acho daddy vachiuya kumazuva rodoka vachiti," ndamuudza kuti handingagare nemunhu anonyomba family yangu achindishungurudzira mwana. Kana azorongeka achadzoka." Ndakatanga kunamatira kuti kuve kutongoenda kwake zvamuchose Helen. Tete vakatondiisirawo message ndavakumba vachiti," aah Kenny anopedza manyawi. Ndakamuudza kuti ndiMazvimbakupa avo havaitirwe zvisina basa. Anga avakunyanya kuvhaira munhu wacho avakutokanganwa wo neni ndakamupinza machena." It felt good being home pasina Helen tiri 2 nadaddy vangu. Vakazobvunza chi piggy bank changu kwakutya kutaura kuti ndakachipwanya ndichida mari yekukwirisa kuenda kuTafara. Apa imwe mari yacho ndaiswera ndichiidya kuchikoro. Ndakangoti," handitozive kwachiri chaingogara paroom divider ipapo." Daddy kwakuridza tsamwa hanzi," madhora iwaya andakuisira akatomurwadza zvekusvika pakuba chipiggy bank chako nxaa " Stay tuned. Chihelele ❤️
❤️ 😂 👍 🙏 😮 😢 264

Comments