🇿🇼Chihelele Shona Stories
June 21, 2025 at 06:36 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K *Follow my channel for previous chapters and more books!* https://chat.whatsapp.com/E24B4JqO77SCXiIlu3LYZd WINDFALL Written by Nita Chihelele 0️⃣7️⃣8️⃣6️⃣6️⃣1️⃣5️⃣9️⃣9️⃣7️⃣ & Tanyae 0️⃣7️⃣8️⃣3️⃣2️⃣9️⃣5️⃣9️⃣4️⃣6️⃣ Chapter 3 Katherine "Unomboziva kuti ndoyemucheno iyo iya? Ndiyo yandinopfeka kuenda kuchurch. Besides Kayla hausi munhu wekukweretwa hembe iwe. Especially chekufambisa futi chiri chewhite. Urichapa stereki," ndakadaro Mama ndokudairira vachiti,"haa Kayla zichapa chinhu chewhite chinochinja kani kuita khaki chaiyo kana cream. Iko handiti yake t-shirt yemasports akarasa?" Akapusa hanzi,"yakabiwa iyo kuchikoro." "Usanyepe Kayla, usatombonyepe zvako. Taura chokwadi kuti wakaona yanyanya kutindivara ukarasa. Ndihwo hunhu hwako, ende hautorina tsitsi neni hako mwana waSebastian. Shuwa shuwa kutadza kuwacha mbatya kusvika warasa? Hameno uchafamba matako Ari panze ndipo pauchapepuka. Unoziva iwe kuti kana madomasi acho haasi kutengwa zvawo. Yekudya chaiyo hapana kuzoti yekutenga hembe zvadzo? Vasiri maimufundisi vanemoyo wakanaka hameno kuti tadei tiripai. Ikezvino kutonamata kuti iro basa ravavimbisa Kathy ribudirire. " Ndaitorongedza ndiro manheru tapedza kudya vakabva vatopopota hanzi," purizi usauraye ndiro dzangu? Heee munhu anoita kunge arikurwa nemidziyo? Ndizvo zvichakushayisa basa kwamai Karakadzai izvozvo. Huyanga Kathy mwanangu. Shuwa munhu angafare midziyo yake ichiita kungwenderedzwa kudaro?" "Ko ndinenge ndichishanda mumba here? Inga vati ndinozoita ambassador wekuTK fashions wani?" Ndakavayeuchidza vakati,"iyo yekuzviita too much I know iyoyo ndiyo imwe ichakutadzisa kugara pabasa. Unofunga chero ikoko kuTK fashions kwacho hakubatwe ndiro? Ko mukapihwa chikafu ndiyani anokusukirai? Munhu ngaadzidze kutora manotes uchiudzwa. Kwete kuti ndikati one iwe woti seven. " Vakabva vanakidza Kay akaita kuseka. Ikamupandukirawo pasina nguva avakunzi,"kuseka rudzii sebenzi ikoko? Ndiko kunokuita urase mbatya uchitadza kuwacha uchiita senzenza." Ndakamutarisa akanditarisawo kwakuburitsa rurimi enjoying kuti atukwawo. Achibva atoti,"mama!" Akanditarisa ndikakurumidza kuziva zvazvinoreva kwakumutarisa zvinosiririsa kuti asataure zvaainge adeedzera mama. Mama kwakudaira vachiti,"chii?" Achibva azongonyarara, ndikaenderera mberi ndichiita zvandaiita. Ndikanzwa futi avakuti,"mama!" I quickly gave her a begging eye. Unenge unezvipande zvaunenge uchitotya kuti zvisasvike kunamama. Pandakamupa that begging eye akabva anakirwa zvake. She was enjoying blackmailing me. Zvichibva zvamupandukira akanzi,"chii ko chaurikungondideedzera usingataure nhai Kayla? Handidi zvekusemburwa ini. Kurumidza batsira Kathy kusuka tirare nekukasika. Ndakatoneta zvangu, plus ndirikuda kumukurira kuenda kumapurazi kunohodha madomasi angu. Kumarket avakudhura zvinopedza rudo. Unoshaya profit yacho.Kumavinga kumapurazi kurinani fani." Takabuda nendiro kunosuka panze. Kay kwakusvika achimira zvake ndikatanga kusuka ndega. Akanditi,"handiti unoziva kuti unechikwereti changu chekubatana batana naItayi wako? Ndisukire ndisavaudze mama." Nekutyawo kuti mama panyaya dzevakomana vaidhinda chaiko ndakatongosuka paye. Ndaimbokuverenga here kusuka tundiro twevanhu vatatu? It was a walk in the park. Taigara namama vedu muHighfields Harare. Daddy vaive vakashaya karesa. Ndaive ndakatopedza form yangu ndokuzotadza kuenderera mberi. Kay was 16, five years younger. She was doing form 3 aive adzokorora. Tairoja kuback room yaimbove garage. Muridzi wepo akangotinzwira tsitsi hake. Floor yacho yaive ingori concrete isina kuitwa zviye zvekuti itsetseke but we felt comfortable living there. Mama vaitengesa madomasi kuti tiwanewo kurarama. Iniwo ndaizombotenderera nedhishi remadomasi kumazuva rodoka daily ndichitengesa mamwe. Ndakabviswa mundangariro naKay akabva aseka achirovanidza maoko hanzi,"Itayi anomboziva here kuti waiita weti mumagumbeze iwe Kathy?" "Hiii Kay vasikana ndezvakare izvozvo ka!" Akati,"aah wakasvika muform four uchiitira weti mumagumbeze." "Pave nemakore mangani zvakapfuura izvozvo?" Achibva atoti,"ndipowo t-shirt yako ndirikuda kuipfeka kumasports mangwana." "Kayla vasikana hazviite ndeyangu yemucheno. Handidi itindivare, inga ndakuudza wani kudhara?" Akati,"ukandinyima ndomuudza Itayi kuti babe rako raidiridza mumachira." Ndakanzwa kupera simba rese and aizviita hake munin'ina wangu kwaisave kutamba. Ndakabva ndangoti,"horayiti utore kwacho." "Iripayi mucardbox munogara mbatya hamuna umo." She said ndikaziva kuti kukumbira kudaro shasha yaive yambopinda busy kuitsvaka t-shirt yangu iyoyo. Kayla ndaitomuhwandisira mbatya dzangu dzekufambisa. Nekuti raive zichapa zvaro. "Okay ndichakupa," I said ndatogaya kuti asaone pandinoviga mbatya dzangu dzandinofarira. Ndakasuka paye kwakuendesa maplates iye akanonhonga nhonga zvinhu pachoto pataive tabikira. Ndikasvikira kusumudza mattress yamama yakawora zvayo. Ndokuvhomora t-shirt yacho fast kuti asaone Kay, vakazouya vese namama. Mama ndokuti,"urikumupa uyu t-shirt iyoyo uneshuwa iwe? Hameno hako ndirikukuona zvangu hauchaidi." Aizoti akapfeka chinhu Kayla haabvise zvekumhanya. Mama vaizoita kupopota chaiko kuti achinje. Munhu wacho wairamba kani kuti muform three aidisa kutamba zvisingaite. Ndopavaigara vakakonana namama ipapo. Iniwo semunhu aiziva zvipande zvake zvaiziikanwa naKayla kwakungoti,"ndamunzwira tsitsi sezvo achiti masports mangwana." Vakati,"anonzwirwa tsitsi dzeyi munhu aimbove nayo akaita hurombe? Hameno ini handimo munyaya dzenyu kana mavakunetsana ." Takarongedza rongedza mama ndokuti,"itai mudzime light iroro honai ravakutobhwayira bhwayira handidi kuzomuka murima kuseni." Takaita sekudaro paye tese we would squeeze pabed pamama tiri 3. Ini ndakazoparara pabed ndisisaite weti. Kubvira nakubvira ndairara ndega pasi nenhau yekuweta iyoyo. Tairara early zvaisvota sezvo taisave ne entertainment kana zvayo. Ndaiwanza kutaimira vese varara. Ndoita on kaphone kangu kandakapihwa naItayi mukomana wangu. I had to make sure kuti sisi vehana nhete havaioni phone yangu. Ndaitanga kutaura naItayi pawhatsapp kana achinge anditengera data. Ndairara kumudhuri, Kay pakati. Saka ndaifuratira ndoti ndii nemudhuri ndoita busy zvangu nemunhu wangu. Musi iwoyo aisabatika paapp pacho. So I ended up ndavakumbeya mbeya kuma statuses evanhu. Ndakanodhumana neya maimufundisi. Vakazviposta wearing different African attires. Imwe yacho ndeyavainge vauya vakapfeka zuva iroro kuchurch. Mai vaive vakanaka ivavo veduwe. Ganda iri waiona wega kuti munhu anodya achiguta. Nechemumoyo ndakangoti Mwari itai kuti basa ravaida kundipa ribudirire. Vaive nemoyo wakanaka mai ivavo kani. Thinking of the job randaive ndavimbiswa ndakatanga kuzviona ndavakupfekawo zvandinoda. Kuchurch uku ndavakuita wo show off sevamwe vana. Ndarega zvekutenderera nedhishi remadomasi mumarayini. Hope hadzina kundinonokera sezvo munhu wangu aisabatika. Before I slept ndakaidzima phone yangu kwakuikanda pasi pebed. Paive pakanangana nepandairara ndaive ndauswededza kumberi mubhedha kuitira kutora phone yangu nyore ndavamumagumbezi. Ndakazopeputswa namama kuseni seni vavakugadzirira kuenda kumapurazi. Vakanditi," utarise Kay asatambise mafuta paanobika sumu yake yerice. Anozomadira kunge mvura munhu wacho." Pavakabuda ndakasara ndokudzifodora kwaive kuma to 5. Ndakazomuka Kay avakugadzirira kuenda kuchikoro. Moyo wangu wakaita kunyura apfeka t-shirt yangu yewhite. Kufunga kuti paanodzoka inenge yava color rudzii veduwe. Munhu wacho kwakubva atoidira nesumu ipapo achidya breakfast ndikatsemuka moyo. That was my best t-shirt iyoyo. Avakuenda I managed to say,"askana Kayla musazonyanyewo kusviba chinhu chewhite chinonetsa kuwacha veduwe." Akati,"bho." achiedza kupukuta pukuta the stain which I doubted kuti ndaizogona kuiwacha ikabva. Ndakazonyevuka kuma 9 ndavakutaura naItai Kayla atoenda. Ndaitaura ndakasununguka ndega zvangu. Mama vakazouya kuma10. Tikapinda busy kugrader madomasi. Ndokuvaitira chikafu kuti vaende kumusika. Vasati vaenda vakanditi," please Kay achingosvika utobuda nemadomasi. Nhasi akanaka unogona kunhongerwa wo." Kay wacho akazosvika to 5 manheru zvake. Apa akaita kuwora netsvina, kutarisa t-shirt yangu ndakanzwa kurwadziwa. Ndikatomuti," please itokurura isati yanyanya kusviba." Akanditi,"ndichakurura ndapedza kudya ndinenzara." Ndakatenderera nemadomasi ndikamusiya achidya. Sekureva kwamama aive akanaka madomasi acho musi iwoyo. Handina kutenderera for long aive apera. Ndakawana Kay avakutotamba chuti muroad achakangopfeka t-shirt yangu." Ndakasvikira kumuti,"Kayla! Kurumidza enda unokurura t-shirt yangu!" She stubbornly continued playing kusvika ndapamha akati," ukandiitira dzungu ndovaudza vanhu zviye zviye." Shamwari dzake dzakabva dzatoti bvuu kuseka. Aizoita manyemwe kana aripa shamwari dzake kani. Hameno vaisekeyi and it made me walk past them fast ndichimusiya achitamba. Stay tuned
❤️ 🙏 😂 😢 😮 15

Comments