🇿🇼Chihelele Shona Stories
June 21, 2025 at 09:42 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K
*Follow my channel for previous chapters and more books!*
https://chat.whatsapp.com/DO7EVxFjXBs34M6D4yq9YG
WINDFALL
Written by Nita Chihelele
0️⃣7️⃣8️⃣6️⃣6️⃣1️⃣5️⃣9️⃣9️⃣7️⃣
Chapter 6
Katherine.
Life yangu yaive yavanani ndavakugezawo mvura yekuma dale dale kuBorrodale Brooke. Maimufundisi nemurume wavo vaive vanhu bho zvekuti. Ndaive ndawanirwa kwandaipota ndichienda ndichinodzidziswa how to pose infront of the camera. How to model, the best part of the job yaive yekupfeka mbatya dzakanaka kani. I would wear dzimwe vachizoshandisa ma pictures acho to advertise neku marketer on social media. Ndaitodzinzwirawo ipapo semunhu aive ajaira dzemubhero. Mai mufundisi vaive vanditi vaizonditanga ne $200 which was a lot of money kwandiri and my family vozondiwedzera. Chimwe chinhu I was supposed to be on social media zvekudaro ndichidzidza zvakawanda nekuti ndini ndaizofanira kunge ndichibatsira ku manager ma platforms ese. Mai vangu vaiita kufara kani apa ndainge ndogara ndichitsiurwa.
Chirungu chaisandinetsa kana. Nyaya yaive pakufamba negogo apo. Vaindiseka kani vese naRudo.
Kwaive ne all sort of entertainment kwamai mufundisi. Muroom mangu ndaive neTV yangu. Rudo aive wo neroom yake ine TV. Ndaizodzokera kumba weekend. Ndaive ndatokwanisa one full week ndirikwamai mufundisi. Vaive vaona kuti going to and from home zvainetsa. I couldn't wait going back home kuti ndinovaudza kasoft life kandaive ndavakurarama. Sechikafu ichi ndaidya zvimwe zvandaisatoziva. But she would limit me on food hanzi,"we can't afford to get you fat shamwari. You're a model so you have to watch your weight. I'm sorry sha but weight itori important." Ndaizobhoikana ipapo chete.
Pandakapedza helping Rudo I retired to bed early musi iwoyo. Ndaive ndisina kumbowana mukana wekutaura naItayi wangu. Ende ndeumwe munhu wandaive ndasuwa iyeye. Kayla ndaive ndamusuwa wo mwana wamai vangu. Unfortunately she didn't have a phone yekuti tipote tichataura. But pamberi apo ndaizomutengerawo. And buy my mom phone ine app, vambozorore kambudzi.
Pandakagara pabed pangu ndakabva ndatotora phone kuti nditsvake munhu wangu. Yaitove last seen an hour ago. Ndakambotarisa mastatuses evanhu zvangu. Data ndaisatorityira sezvo pamai mufundisi paive neWIFI.
Ndakanodhumana nestatus yaItayi akambundirana neumwe musikana. Ndakanzwa hana yangu ichirova very fast. Kunzwa ndichidikitira hapwa idzi. Apa musikana waaive akambundirana naye ndaimuziva ainzi Rutendo. Ndakarizoomer picture riye. Kwakuvhura status yechi2 kwakuona varivese zve naRutendo. Ipapo Rutendo aive agaraswa pamakumbo vakachitsvodana. Nyaya yekuti anodanana naRutendo ndainge ndamboinzwa naCharity shamwari yangu. Ndikamubvunza kwakubva atotsamwira Charity uya.Ndakatadza kugadzikana kwavakubva ndatofona. Yakarira isiri kudairwa ikazodairwa pa third ring.
"Baeb!" He answered arimu happy mood. Ndikabva ndatopinda munyaya ndichiti,"ndibudire pachena Itayi, kana uchiita zvaRutendo ndiudze ndizive." It wasn't his first time being unfaithful.
Ndakangonzwa achiti,"ooh shit!" I guess zvakabuda asina kutarisira kwakubva akurumidza kuti,"hona Kathy babe, Rutendo means nothing to me ufunge hako. Ipic zvaro angindikumbira kuti titorwe takadaro. Panemu face waanga achingoda kufinhura chete." Ndakanyatsonzwa kuti manyepo chaiwo. Kwakutonzwa misodzi yangu ichivavirira mumaziso. Ichibva yatotanga kuyerera. Itayi ndaimuda veduwe. Akasvika pakuti,"Babe? Babe taura neni? So watotsamwira zvisipo ipapa. Haaa Kathy amana come on mhani. Hindava uchida kungozviwonza nezvinhu zvisipo?" He knew I was crying nekuti ndaidzoreredza madzihwa.
"Sha nezvauri izvozvo unofunga ungakwikwidzane naRutendo here iwe?" And that was true, body structure iyi ndaiponda zvangu. Ndaive ndakapihwa zvese. Nhamo ndiyo yaingondivhiringa chete. I remember ndakambowana basa remudzimba. Baba vepo nemwana wepo mukomana vaitoda kundibata. Ndakaudza mama vakatonditi better tizotambura ndiripamba.
Though he had managed to remind me how beautiful I was but hazvina kunditira mushe mapozero avakange vakaita papicture naRutendo. Vese ivavo Rutendo naItayi tainamata tese kuGod disciples ministry.
Rutendo kumba kwavo vaive nani unlike isu. She had both parents, aitopfekawo zvandaiyemura. Ini ndaingove one Way net-shirt yangu yandairwisana naKayla. But all that zvaive zvachinja, I had found a job. Ndaizopfeka zvekufinhura vanhu. Rutendo was on top palist yevanhu vandaida kufinhura. She had a tendency yekufinyama whenever pandaipfuura paari. Dzimwe nguva kutongoseka zvaiita ndishaye step. Kunaka kwangu kwaisazoonekwa nenyaya yekushaya. Ndakazviudza kuti chero achidanana naItayi wangu. Zvaizodhakwa soon Itayi avakuonawo ndichichena kupfuura Rutendo iyeye.
Itayi interrupted my thoughts paakati,"sha unonditorera pasi pasi chaipo ndazviona. Unofunga ndingade Rutendo ini? Besides kuri kuti tinodanana kwacho ndingazviise pandinoziva kuti unoona here?" Neniwo ndakaona kuti hazvigoni, maybe he was telling the truth after all.
I swallowed kachigodi kaive kamira pahuro ndikanzi,"please say something Sha. Unondiomesera nekuramba unyerere." I forced myself to say,"okay ndazvinzwa Itayi."
"Babe iwe uripa top hapana musikana anoyenzana newe kunaka muHighfields muye sha," I melted ndichinzwa kudaro kwakusekerera wiping off my face. Achibva ati,"let me delete the pictures if that's going to make you happy."
"Hazvina basa handiti you have explained to me," ndakadaro asi zvaisabva pakadzika dzika pemoyo wangu. Ndaitoda amabvise zvese nekuphone kwake. Akabva ati,"I sacrificed kuti uwane phone sha. Saka hauone kuti ndinokuda here?"
"Ndinozviona," I responded achibva atoti,"please usandifungire zvese izvo. Handiko kwese uko ufunge hako." Yakazopera iyoyo tikadzokera mukutaura zvekudanana kwedu. I was promising him kumuona paweekend kuchurch. Kungoti kubva zvandakasvika kwamai mufundisi hatina kubvira takuenda kuchurch. Pastor ndivo vaingoenda vega. He was so happy kunzwa kuti Sunday ndaizosvika kuchurch. I was even happier nekuti ndaizosvika ndakachena, ndichinhuwirira chirungu. Patapedza kutaura I quickly went to have a look at the posts. I just wanted to compare Rutendo neni. Kwakuwana post yacho yabviswa.
Itayi.
I sighed after dropping the call. Ndakazvigogodza forehead not believing how careless I had been. Hameno kuti zvaive zvafamba sei ndisina kumuvharira pamasettings kuti aone post iyoyo. Apa aivepo iye Katherine wacho. Nema face angu taimuti isimbi. Mwana aive nezvese zvaimisa blambi iyeye. But kaisunga play zvekuti haulume. Ndaingokarerawo kuti rimwe zuva ndaizopapinda chete. Rutendo wasn't that beautiful but kungoti ainakidza pakuti she had no any restrictions. Pese pawada waipinda unobudikira kwawada. Kungoti negen'a rangu taiita makwikwi ekuita vasikana. We would bet kuti ndiyani achadiwa nanhengi agopihwa mutakura. Kuchurch taifambira kupihwa zvinhu mahara nekuvhima mababe. Church ndokwaive kuhunting ground. Taisarovha kana.
I called Yutman muface wangu ndichida kumubatisa shura raive raitika. Paakangodaira ndakatanga nekuseka achibva aseka wo hanzi,"asi urikubva kunotema Rutendo here? Mupfanha uchakazadza ndipo pauchaona kuti Jeso idombo."
"Maya wena, far from that. Hameno ndabatwa neyi Sha kwavakumwaya mapics aye pastatus ndina Rutendo masikati paye awanga uchititora..." Akabva atoseka interrupting me hanzi,"and you forgot to block Kathy from viewing!"
"Ehe sha!" I said akawedzera kuseka hanzi,"ndakakuudza kuti ita ma Whatsapp akawanda. Umwe neumwe amire neyake. Manje handisi kuda kukuvanzira once warambwa naKathy I will be the first kunomunyenga."
"Haa sha wakutoda kundibhowa manje," akaseka hanzi,"sorry kwacho." Ndokuwedzera achiti,"but Bernardino ndiye achakutorera chete muface uya muchenjerere." Ainzi Bernard mukomana wacho taizongomuti Bernardino. He was a very cool, quite, very clean guy wekuchurch. Aindishayisa mufaro nezvaaive ari so. Aidiwa futi nevanhu vakuru. Even the pastor himself loved him. He would make examples when preaching using him especially the good examples. Saka neteam rangu raigara richinditi ndiye achanyangira Katherine wangu. Izvozvo zvaibva zvaita ndimuvenge zvekutoda kumutsvakira nyaya yekuti zita rake risvibe pachurch.
"Sha Bernardino uya ndine zano randinaro which will make him carry his little ass out of that place and never look back. Richaita anyare kusvika muguva mira uone."
"Zano reyi?" Akabvunza ndikati,"handiti April kuchaitwa camping yema youth here? Ndirikugaya kumuisira drug rekuti anyenge vasikana zveginya. Atozosungwa futi akaita munyama." I wasn't joking kana. Yutman laughed so hard hanzi,"unopenga iwe, anovanyenga how? Asi unenge wamubatira here mababe acho?"
"I'm planning to find a drug rinoita kuti anzwe kuda mukadzi. Ndomuisira mudrink handiti ndiye zve leader wema youth. Achipedza kunwa mira uone zvako achipengereka mumatent muye amuka chimbwa mupengo avakutoda munhu. " Ndakamuudza zano rangu which I was planning every day. Akati,"uchenjere kuti anonyenga Kathy." Aitoda hake kundikwidza BP nekuti he laughed harder after saying that. Ndikati,"after spiking his drink Kathy ndinenge ndakabatira muhapwa."
"Anonyenga Rutendo,"he said ndikati,"uyo ndinotokuzirira kuti nyudza stereki Bernardino boy." We both laughed so hard.
Stay tuned.
❤️
🙏
😮
👍
😂
20