🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
June 17, 2025 at 10:10 AM
https://chat.whatsapp.com/JK7YoPhixRlEvCHe3dWf6g
*Dear readers, book redu murudo murufu richambomira kuuya munyori ari busy. Vasati vaverenga this one let's read.*
*Join my group usazojambwa*
https://chat.whatsapp.com/IiBdCNtkUPGI0e43Dw2wwp
*Follow my channel for more books*
https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U
🖤 *RUDO RWAKE 🖤*
______ ________
_Story by_
*Prince Washe*
(+263784802591)
*All rights reserved.*
*📒Read and Share*
*Chapter 1 📕*
*Tatenda*
"Nhai Tatenda ndiye munhu wawatiunganidzira here uyu?"
"Ndiye mhamha , ndati ndikuratidzei musikana wangu wandoda kuroora."
"Eeh zvaakabereka mwana, nhai mainini mwana ndewani?"
"Ndewangu."
Pakamboita karunyararo , hanzvadzi yangu yakabva yati.
"Tatenda ndochii ichi, ini ndakaroorwa zvakanaka iwe wouya nemvana pano unozviitirei?"
"Tanaka please usati mvana kumusikana wangu, ndiye wandada iyeye."
Ndakadaro yakazoti yagamwa naChihera amai vangu.
"Tibvireiko! Iwe musikana ibva pano handidi kukuona. Nhai Tatenda unotora musikana ane mwana wachembera here iwe? Tsvarakadenga dzakazara muno iwe woita hako dambe rakadai, hadzigare dzimba idzi tanga newako patsva...."
Mhamha vakazopedzisa kutaura ndabuda ndave kumhanyira Ropa musikana wangu ainge abva achimhanya akabereka mwana wake. Ndaimhanya ndichinyatsonzwa mashoko amhamha achiti juu pamwoyo chaipo ko kuzoti aimaudzwa wacho.
"Ropa! Hey mai Tania!"
She stopped ndokucheuka akanditarisa ndakabva ndatanga nekupukuta misodzi yake yakange yave pamatama.
"I'm sorry my love nezvataurika kumba, zvitori zvishoma izvi mhamha vangu vanotaura mushonga asi usazvitedzere ngatidzokere kumba."
"Kunodii? Ndisiye Tate kana uri wangu ticharoorana kwete zvekuitwa kunge ndopenga izvi, ndakasarudza here kurambwa nemurume ainge akandiroora?"
"Chirega kudaro mudiwa ndochemawo here?"
Ndakange ndave kutodonhawo misodzi.
"Usacheme Kani Tate, ukachema achanyaradza mumwe ndiani?"
"Ndarwadziwawo sezvawaita izvi asi kutiza handione riri zano rakanaka, handei tinotaura navo."
"Handisi kudzoka Tatenda, toonana mangwana wauya kumba."
"Haa Ropa zvaifanira kungopera nhasi izvi, hongu zvine kakunetsa kuti vazvigamuchire asi vanozvigamuchira chete."
"Vachagamuchira ndiri kumba kumba kwenyu ndaitwa sembwa yepanext yapinda mukitchen ndisiye zvangu ini."
"Okay mudiwa chienda hako famba zvakanaka, I hope neniwo hauna kunditsamwira."
"Handina ini."
"Okay umhorese maiguru Rudo."
Avo vaive sisi vake vaaigara navo pamba pavo. Sisi vacho vaive nemurume asi akange akaenda kunosunza kunze kwenyika saka kubva aenda akange asati adzoka saka vaichengetana vari vaviri nevana vavo.
Ndakazobva apa ndomhanyira kumba zvangu ndainge ndabhowekana nazvo. Ndakasvika nekupinda muroom mangu ndokuona Tanaka arimo zvake.
"Tanaka uri kude..."
"Eeh mirai izvozvo hanzvadzi ndoda kukubatsirai."
"Wangu ndakambobatsirwa nevanhu vakawanda asi hapana zvazvakandibatsira, ndave kuda kuita zvoda mwoyo wangu , ndomene haichemedzi saka kana kuri kuzobondera kumberi uko handina wandopa mhaka."
"Ndazvinzwa asi ini sehanzvadzi yako handirege kukupawo maviri kana matatu. Inzwa kaa ini ndiri musikana pano, saka hapana chandisingazive infact ndave mukadzi wemunhu saka zvemumba ndave kuzviziva. Uyo musikana wako Ropa chikumbiro chisiri changu asi chemwoyo wangu siyana naye. Haungasarudze mvana , haa pafunge wangu, pavasikana vose vari muKuwadzana muno."
"Rega ndigare ndakugama usati watutsira mamwe manzwi, chada mwoyo hamba yakada makwati unozviziva iwe , asi zvaipei nhai makangofanana wani kungoti uyo ave nemwana iwe wako ari mudumbu plus ndakasamutora ini achatorwa nani."
"Ehe uri kuzvisimbisa hako, ndiri kuzviziva kuti wakashandisirwa mushonga saka uchimuda kudai. Uchachema hako ukaramba wakabata paari. Ndivo vanhu vanohura ava vakambopinda muwanano uye hauzive kuti akarambirwei. Imbwa nyoro idzi ndidzo tsengi dzamatovo bata mashoko angu hongu ndichine muromo wemucheche asi zvandiri kutaura zvinokubatsira."
"Haa mushonga? Mapundu buda hako ndinokwenya, muviri zvimba hako ndinotova wangu handisi kuzomusiya."
"Tatenda!"
"That's my first name."
Ndakadaro ndichivhura door ndokuramba ndakanyarara hangu.
"Waita basa hako nekunditerera uye kundivhurira door kuti ndibude, machengete andareva kwauri."
Ndakamusiya achibuda akange ave kutowedzera kundisvota. Ndakarara hangu pabed ndichifunga kuti ndaizodii kana mhamha vasiri kuzvitendera. Nemadiro andaiita Ropa uye nekumuvimbisa zvizhinji ndaisada kumurwadzisa. Ropa ndainge ndasanganawo naye ndisingatozive kuti ane mwana ndakanzwa hana yangu kundiudza kuti ndiye wako. Ndakamira mira semurume ndokukanda shoko rerudo. Semusikana haana kutanga nekubvuma asi ndakaramba ndakatsika chepakati kusvika andibudira pachena kuti aive nemwana.
Ndakatadza kumusiya nekuda kweizvozvo ndakabva ndazvitambira takapinda murudo. Zvaifamba zvakanaka pese apa ndichienda kumba kwavo kana sisi vake vakange vave kundifarira. Ndopatakazoronga zvekuti ndinomuratidza kuna mhamha naTanaka hanzvadzi yangu uyo ainge akaroorwa ndokuzosungirwa kumba ave nenhumbu yake yekutanga.
Ropa akamboda kusiya mwana ndakamumanikidza kuti vagare vazviziva zvisazonetsa. Ndainge ndisina kuziva kuti ndiri kutomutsa zvirere hangu ndichiratidza mhamha Ropa ndokumudzinga. Zvaindidya mwoyo zvose izvi asi ndaingozvisimbisa kuti munhu wangu ndinotora chete.
Nguva dzakafamba ndisati ndabuda muroom mangu ndokuzodedzwa chikafu chaita. Ndakaenda sezvo nzara yakange yakandigara matunduru yave kundibvunza mutupo. Takadya zvedu pasina kana aitaura maziso ndoaingotarisana chete uye mundangariro munhu aingogadzira mashoko ake ekutaura.
"Maita basa mhamha ndaguta." Ndakadaro ndave ndave kugeza maoko.
"Horaiti, ndinovimba kuti wazosiyana nemunhu wako uya waita basa nekunzwisisa."
"Mhamha ndichimusiirei imi muchinyatsoti munhu wangu, wangu handimusiye kudai mati wemumwe yeah ndaisiya."
"Unoda kuita sewakangwara nhai? Uyo hatimutambire mumusha isu , zvinonyadzisa zvawaita ndotoshaya kuti chikoro chako hauchishandise sei?"
"Mhamha apa hapadi kana kushandisa kuti ndakadzidza asi mwoyo wangu wamuda kudarika vasikana vose vamunoona vachipesvaira munomu."
"Nhai Tanaka ndinzwirewo."
"Ndambomuudza mhamha manje ndakaramba ndingori pano chete hakuna kwazvosvika munondiziva wani. Ini ndakaroorwa ndiri mhandara ndakabvisirwa zvakafadza vacheche nevatana Iwe woda kutitorera zvakadaro here? Ndokutsvagira musikana here pamwe uri gwara wakati zvine vana ndozviri nyore?"
"Zvemusikana sira kwandiri Tana, kuna Trish wandinongoti muroora uya.. ndowirirana namai vacho takatomboitaura nyaya yacho kuti atorwe zvake naTatenda ndichatotaura naye Trish wacho mangwana." Vakadaro mhamha vachibva vaona kunge vatoisa full stop asi ini ndakabva ndatanga nevara guru pamberi pacho kuratidza kuti nyaya ichiripo.
"Mhamha Trish uye haana kana hunhu, imi munongomuona maenda kumba kwavo manje ini ndomuona pandombofamba famba. Uye chimwe chinhu handitsvagirwe musikana ndingatotsvagirwa basa."
"Eeh inharo kaa idzi. Unoona kuti ini nababa vako takasiyana nekuda kwekuti vakange vane umwe mwanakomana musango ndisingatozive, mushure mazvo ndokuzoti vave kuda kuti tigare navo pamwe voita madzimai maviri. Ndozvakaita kuti tisiyane izvozvo iwe wotonakirwa nekutora mvana une chokwadi iwe?"
"Asi mhamha zvakaipei, kana vekumba kwavo vanotofara kuti aroorwa."
"Ehe vanofara kuti dambudziko raenda uye harisi kuzotorwa newe period." Vakadaro amai vangu vakasimuka vasiya varova table zvine mutsimba kuti nditye zvekuti mvura yaive mucup yakatombotamba tamba. Ndaivaremekedza hangu asi apa ndaimbodarika mwero chete. Chokwadi mhandu yemukadzi mukadzi, kuitirwa mumwe wavo godo rakadaro pane kuti vafare kuti ave kuwanikwa.
"Nhai Tanaka ungatotevedzera amai here ndibatsirewo wangu wani Dan ndaingomusiya achiuya kuzokuona?"
"Eeh nyarara zvako, hatingapinze munhu mumusha achiuya nerimwe zimwana ko rakazoita mbavha. Dan aisava nemwana kaa uya iwe siyana naye I think mhamha zvavataura wazvinzwa kuti vakutorere Trish hmm kakanaka wani kuzongozvida chete."
"Munobhowa mose tichaona kumagumo kwazvo."
Ndakadaro ndave kutosimuka ndakange ndasvotwa nenyaya dzavo. Ndainge ndakatsidza kuti kunyangwe zvidii Ropa ndaizomutora chete, zvaitove nani kumirira mhamha vafe ndosara ndichimutora pane kumurwadzisa. Ndini ndakakonzeresa kuti anyure murudo neni saka ndaifanira kumuchengetedza asina misodzi yaizobva mumaziso ake.
Zvevasikana ndainge ndakambopindawo mazviri ndichiri kuchikoro ndakuona zvose hapana chandisingazive. Musikana kunge vanenge vachangobva zera zvonetsa kuti umuite ari mumwe chete nekuti anenge achiri kuvaviva saka munogona kuita vatatu pamusikana mumwe. Chimwe chinhu musikana akaenda kuHoliday kana kumboshayawo hake kwaaenda ikoko akaita mazuva akati kuti anobva asiya mukomana. Izvi ndaizviona pane mumwe wandaifambidzana naye kuchikoro kuti pese paaibva kuHoliday aidzoka totombonetsana chete. Kunyangwe umupe nguva yako kana mari asi ziva kuti pauchangobva paari acharamba achida nguva nemari futi saka kwakauya mumwe achida unobva wadyirwa muhomwe semangai.
Mari chaiyo zvayakatadza kumisa dzimba kana kuchengetedza rudo wani. Murudo chinofadza hakusi kupihwa mari kana kupihwa muviri nemusikana asi kuwana anokuda chete. Vamwe vanoti kana uchida kugara newako zvakanaka mupe mari mushure mazvo ndozoshamisika vane mari vachizochemedzwa nerudo. Kuchikoro taidzidza hedu asi syllabus yerudo ndakazvidzidzisa ndega mukudanana nevasikana umu. Zviya zvekuti ukasarara nemusikana anokusiya achiti wakadhakwa ndakazviedza ndakasiiwa zvechokwadi ndakayeredza misodzi asi hazvireve kuti ndochaizvo asi kuti anenge asiri wako. Iye anenge akusiira izvozvo anogona kutozosangana nemumwe asingarare naye akatonyura murudo zvekudaro.
Zvose izvi ndakazviisa muhupenyu hwangu zvekuti pakutsvaga rudo ndakange ndave kuziva. Ropa ndainge ndadanana naye zvemwedzi nine asi ndakange ndisati ndamuratidza hama dzangu. Ndakazosvika pakuenda naye ndatoona kuti apa ndodiwa. Aindida musikana wangu kana neni ndaimuda zvese nehama dzake nemwana wake. Kana ndaizochema kana kupenga ndaipengeswa naye chete, ndiye aingogara mumwoyo mangu zvekuti kudai ndaibhadharwa nekutakura munhu ndingadai ndave billionaire nekumutakura mumwoyo mangu.
Nguva dzakazofamba zvangu ndiri muroom mangu kwainge kwatosviba. Ndakabva ndafonerwa nasisi vaRopa ndakadaira
📞📞📞
Hello.
"Yes asi haudaro hako Tatenda. Une chokwadi kuti watora munin'ina wangu kuti anosekwa kumba kwenyu here?"
"Handainge ndafungira kuti zvichasvika pakudaro maiguru , mhamha vangu vagara vane dambudziko."
"Hoo manje ngavasadaro unozviziva kuti Ropa haanonoke kutsamwa izvozvi ari kutoti rudo rwacho ngarwupere."
"No, Ropa wangu haangandidaro ndomuziva."
"Ndiri kukuudza kaa unoti ndingaswero ita zvekutungana kwembudzi newe here?"
"Haa musadaro taurai naye wani abva kuno tichiwirirana."
"Aah apa tiri kuChitungwiza kwadaddy vake ndokwandiri kumusiya ndouya mangwana."
"Please mupei phone nditaure naye."
" Please usarwadzise mwana wamai wangu ndapota. Amai vako ngavasadaro so bye usafona."
Ndakarwadziwa kuti Ropa akange ave kudii futi? Nemadiro andaimuita aifanira kumira neni zvekuti vabereki vangu havana kumufarira zvaisava nebasa. Hongu vabereki vanosarudzira mwana wavo hupenyu hwakanaka kana mabasa akanaka asi pamukadzi ndaizvitsvagira ndega.
*Ropa*
Misodzi ndiyo yakandiperekedza kumba kubva ndipesane naTatenda. Ndakanyepera hangu kufaririra asi ndakabatikana. Mashoko andainge ndaudzwa aisada kana kuita zvemutsimba asi kuzvionera wega kuti apa haudiwe. Hongu nharo dzinoitika asi ndivamwene vainge vadaro kana pakugarisana paizonetsa.
Ndakafamba nzira yose ndichiti ndakafunga mashoko avo ndombomira ndichitadza kufamba. Ini Ropa ndainge ndanyengerwa nemari nabamukuru vangu murume wasisi kusvika vandimitisa. Nyaya iyi handina kana mumwe wandakaudza kana mukomana wangu ndainge ndakamuudza neimwe nzira akazvibvuma. Sisi vaive murima kuti ndainge ndine mwana wemurume wavo. Bamukuru vainge vakanditi ndinyarare vandivimbisa kuti vaizondibatsira kuchengeta mwana sezvo taigara navo. Kubva mhamha vangu vashaya handina kuzoramba ndichigara nadaddy sisi Rudo vakati vanogara neni. Ndivo vakange vave kumboitawo vachindibhadharira school fees asi pamwe vaikundika ndichimbodzingwa kuchikoro kuzosvika ndave musikana aingogara pamba.
Sisi pavakaziva zvenhumbu vakambondinetsera kuda kuziva muridzi asi ndaingovanyenyeredza vasingazive kuti muridzi ndiye aivatengera zvokudya. Mazuva akafamba bamukuru vakazoenda kuSouth Africa kunoshandako ndisati ndave nemwana. Ndaive netariro kuti vachadzoka asi pakapera makore maviri vasati vauya kana runhare rwavo rwakange rwave kusaita. Tairwadziwa tose naRudo apa tainge tangosara tiine usimbe nekushanda. Takasimbisana kuti taizongoitawo zvimabasa zvinenge zvangomuka tichirarama nekuraramisa vana. Taigara zvedu zvakanaka kudzamara ndazosangana naTatenda akandida. Neniwo ndakamudawo zvekuti ndakashaya kuti ainge andihwina sei nekuti zvevakomana ndaisada kuzvinzwa. Ndakatanga kudanana naye zvaiyemurwa nevana vachiri pamukaka chaivo kuzoti ndumurwa dzaiita kutiimba. Tainzwanana uye tainge tavimbisana kuroorana asi nyaya yekusadiwa pamba pavo ndoyaindin'en'ena mwoyo wangu.
Ndichibva kumba kwavo ndopandakasvika pamba ndokupukuta misodzi ndakapinda mumba maive nasisi.
"Aah mwana wamai wangu wauya!"
"Ehe ndadzoka sisi."
"Okay kwakuri sei wafarirwa here ndofunga waurayirwa jongwe chairo kudai ndaendawo zvangu ini."
Ndichinzwa mashoko akanaka aya ndakabva ndarangarira andainge ndabva kunoudzwa misodzi ndiye mokoto. Ndaisada kuti vazvizive asi marwadzo akandikurira ndakaibuditsa mvura yekutambidzika .
"Kana pane chinhu chandisingade kuona kana kunzwa kuchema kwako mwana wamai wangu. Pakafa amai ndakavavimbisa kuti ndaizomira newe zvino zvowochema pamberi pangu vanofara here?"
"Sisi kaa ndoshaya kuti ndakanyanyodii ini."
"Ropa usadaro, chingodurura zviri mumwoyo ndokuti unzwe zviri nani. Rega shungu dziputike, buritsa misodzi zvireruke uchindiudza hako nyaya yacho pane kungochema."
Ndakataura nyaya yose yainge yaitika kumba kwanaTatenda.
"Hmm haa mwana wamai vangu kaa, tarira ndakasiwa nabaZviko iwe woenda pamba pakadaro hazviite. Ndimo mudziva mamakarwe manje unodyiwa zvakashamisa. Ndozviziva kuti munhu wako unomuda asi kana zvadai mukombe wacho ngaupfure zvavo aah."
"Sisi ndiye wandakaonawo anotondikoshesa nezvandiri asingatarise zvekuti mwana asi anotarisa mwana sewake ."
"Ndozviziva mubereki wake akasafara iwe uchaungudza chete kana wapinda muwanano. Handisi kuda kukufurira hangu asi maonero angu siyana nazvo zuva richakacheka nyika kudai. Tarira apa uri kuchema uchiri pamba pedu pano ko kuzoti waenda kunogara kwavo unotozvicheka cheka zvee."
"Zvonetsa izvi, takavimbisana kuti shoko rekuti *handichakuda* haritaurwe pahuviri hwedu. Ndazvionerawo ndega pamhino sefodya asi munhu wangu ndomuda."
"Iwe vakomana vakazara ava, unotowana anokuda nemwana wako uye vabereki vake vokufarira zvekare , semawanira awakaita Tatenda kunouyawo John ari serious zvakafamba."
"Ndingasarudze kugara ndisina zvangu pane kusiyana naTatenda hazviite sisi handizive kuti nei."
"Okay mwana wamai."
Pandakapedza kutaura nasisi ndakange ndave kunzwa zviri nani kana munhu wangu ndaiona tichizotorana chete. Handizive kuti zvaizopera sei asi ndakange ndine tariro.
"Eeh Ropa ndipo kaa phone yako ndimbotaura naye kuti asakurwadzise."
"Okay sisi munenge magona."
"Okay ndomufonera ndichienda kumashops uko zvangu."
Vakadaro vachitambira phone yangu, ndaida kuti vataurewo naye kuti asazoore mwoyo nekuda kwekuti ndine mwana. Aifanira kuramba achindida sepakutanga kusvika tapinda musvitsa. Chokwadi rudo harusi zita remunhu chete asi rwuriko rwusingafe.
Sisi vakazodzoka havo ndokunditambidza runhare rwangu ndaitoona kuti pfungwa dzavo dzaisada zvekuti ndirambe ndina Tatenda.
"Mataura naye here sisi?"
"Ehe haa anokuda hake, asi iwewe wambofarisirei pakuenda kumba kwavo wakabereka Tania zvine musoro here?"
"Aah ndambozviramba asi Tatenda ati anoda kuti vagare vazviziva."
"Aah ndopamairasa ipapo , vaifanira kuzviziva mave mumba."
"Aah mati havaone here kuti apa pakazvarwa mwana ."
"Iwe wakazongoramba kundiudza muridzi wemwana uyu nei apa tatambura tega?"
"Aah sisi handichatozive kuti akatizira kudenga here nekuti haasi kana kuwanikwa muno."
"Hoo haa pakaipa zvichaita mwana wamai."
"Hamheno hmm zviri kumba kwavo kana ngoma chaiyo inokundwa kurira naivo sisi vacho kuita kutetena magaka anovava vachinditi mvana zvenyu."
"Hee vose zvavo, haa Ropa handichada kukuona una Tatenda hmm zvazonyanya izvi aah ngazvigare zviri nani uwanikwe neane vana kare pane izvi. Ndabva ndabatikana handichade kumuona pano."
"Imhosva ya..."
"Haisi yake asi handikusiye uchipinda muchoto Ropa zvatopera nhasi izvi "
"Okay sisi ."
"Cool mangwana haubude mumba ndoita basa ini akauya ndomuudza kuti uri kuChitungwiza."
"Ndazvinzwa sisi."
Yakazopera yakadaro kana nharo ndakadzishaya ndaizoita zvido zvavo sezvo ndivo vaive muchengeti.
*End of chapter*
*#rudorwake*
❤️
😮
🙏
😢
👍
😂
🤌
21