🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
June 17, 2025 at 05:09 PM
https://chat.whatsapp.com/JK7YoPhixRlEvCHe3dWf6g *Join my group* https://chat.whatsapp.com/IiBdCNtkUPGI0e43Dw2wwp *Kana wakajambwa ne1 follow my channel* https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U 💥 Please follow me on Facebook https://www.facebook.com/profile.php?id=100089244880030 *RUDO RWAKE* ______ _______ STORY BY PRINCE WASHE 📕 *All rights reserved.* *Chapter 2* *Tatenda* Nyaya yaRopa haina kuzonyararwa pamba ndakatonzwa mhamha vachiitaura nevamwe amai ndichiri mumachira. Vose vaitsigira point yekuti ndisiyane naye nekuda kwekuti akambopinda mumba. Ndaitoseka zvangu ndichiti ndakanzwa mashoko avo ndotarisa zviri mumwoyo mangu ndaiona vachitambisa nguva ini. Vaizomuda chete kunyangwe zvidiki uye hakuna chaizvimisa. Ndakamuka ndokupinzira mudiwa wangu runhare akadaira. "Hello." "Yes Ropa uri sei?" "Ndiri bho." "Ari sei mwana?" "Ari bho." "Kwakanaka here kupindura semurwere kudai, wadzimbikana neiko mudiwa?" "Haa Tatenda Kaa ngatisiyane nazvo wangu." "Zviii?" "Zverudo haa pakaipa handina kukodzera kudanana newe ." "Ropa chii newewo, zvauya sei izvi wani takavimbisana kuti toparadzaniswa nerufu hatisati tafa wani." "I'm sorry but handina option than to let go." "Okay uripi?" "Kumba." "Okay." Ndakadambura runhare rwangu kwave kukwaranyuka kubva mumachira ndini muhembe dzangu ndakabva ndatobuda. Ndakasvikomutsa mhamha vakabva vatoda kuziva nekwandaienda "Uri kuendepi Tatenda?" "Hapana nyama dzangu dziri kurwadza ndoda kumbomhanya mhanya zvangu pamwe ndinganzwe zviri nani." "Hoo ndinovimba kuti handisi kunyengerwa apa uchienda kumukadzi uye." "Haa kana mhamha ." Ndakadaro ndichitotanga kumhanya, ndichibuda gate ndakabva ndaenda neopposite direction yekumba kwana Ropa ndokuenda nekumwe ndakazotenderera ndakasvikapo sisi vake vachitosuka. "Aah maiguru Rudo muri sei?" "Zviri sei bamunini?" "Haa ndizvozvo aripo here Ropa?" "Ropa akaenda kuChitungwiza nezuro ndakakuudza wani." "ASI afona achiti aripo kuno."" "Aah watonyeperwa plus inyaya yekuti haachada nezvako Saka ari kudai." "Saka ari kutorevesa here kuti rudo rwedu rupere kudai?" "Aah zvozonetsa kaa mave kugara mose nevabereki vako." "Aah siyai zvevabereki vangu ivo vakaroorana voga Saka ndave kuroorawo wandoda." "Eeh handichazive ini haapo uyu." "Okay regai ndie..." Ndakabva ndamira kutaura ndanzwa mwana kuchema mumba. Akange ari Tania chaiye ndakaona sisi vacho vave kungobaya baya pasi vave kunyara vave kusanditarisa mumaziso. "Ko ndiani ari kuchema uyu?" "Aah ndiTania vakamusiya." "Aah munonyepa ndamunzwa munhu uyu pandafona achichema saka Ropa aripo." Ndakadaro ndichitoenda mumba mavo sezvo ndainge ndangojaira kumupinda. Ndakasvika nekumuona zvake akagara nemwana wake akabva aita kakuvhunduka. "Ropa." "Tatenda please nditerere ndinokuda nemwoyo wangu wose, uye ndaidawo kuti uve wangu asi nemashoko andakaudzwawo nasisi vangu ndiwo andave kutevedzera kuti ndisiyane newe. please handina kukuudza izvi." ""But hazvibude kaa izvozvo vanoda kuti ugare usina murume here iye anokuda auya zvakadai svinura wangu ini handisi kuzokusiya kunyangwe zvadii." "Kana neni ndinokuda." "So chii chiri kunetsa." "Hapana sorry nekuterera sisi vangu asi ndine zvandozoda kukuudza please ndokumbira kuti undiregererewo." "Ropa please zvenyaya ngatimbomira zvishoma tozozviona handisati ndave kuda kuti tisiyane." "Aah zvitori nani pane kuti uzozviziva tave tose mumba hazvibude." "Okay ndiudze." Asati ataura maiguru Rudo vakabva vapinda, vakangokanda ziso kuna Ropa vachienda mubedroom mavo. Ndakabata Ropa ruoko ndokubuda naye panze kuti andiudze nyaya yake ndakange ndave kutonetsekana. "Babe ndiudze kaa." "Mira hazviite ndikuudze izvozvi ndokuudza kana tiri free nekuti zvinogona kukonzeresa zvimwe pano." "Chingota..." "Iwe Ropa hausi kunzwa kuti mwana ari kuchema." Vakadaro sisi vake apa vainge vatsamwa ndakatoshaya kuti vainge vatsamwira nyaya yangu kusvika pakushata kudaro nekutsamwa. "Tate rega nditore mwana." "Okay babe." Ndakasara ndakamira panze iye akapinda, ndakazoshamisika mukova wave kupfigwa nasisi vacho. Ndakamboramba ndakamira ndichiti pamwe vangovhara zvimwe zviya asi pakazotora chinguva chakati kuti pasina kana ambovhura curtain zvaro. Ndakarwadziwa kusvika pakuguma ndokuzonzwa vave kupopotedzana mukati. "Iwe Ropa ndakakubvunza mukomana akakumitisa ukaramba kutaura tingadai takashanda naye pasina zvose izvi." "Aah sisi ndotaura ndichichema here kuti akangotizawo nenyika." "Hoo ko akadzoka nekuti hamuna kurambana ." "Haadzoke." Ndakabhowekana nekunyeperwa kwandainge ndaitwa naRopa kuti ainge akaroorwa iye akange asina. Zvaive bho hazvo kuti akange asina kuroorwa asi pakuzonyeperwa apo ndopandaisada. Handina kuzoda kugara ndakabva ndapinda munzira ndangoneta kudzokera kumba. Ndakasvika mhamha vachiri kutsvaira panze havo. "Nhai Tatenda asi kumhanya kwacho kungabva kwakunetesa kudaro here?" "Aah ndamhanyisa mhamha ko Tanaka aripi?" "Pane kwandamutuma mangwanani manje abva aita bete rawira mumukaka kudai zvinobuda here?" "Anodzoka musatye ." "Okay haa akadzoka unofara nhasi ndine zvandakugadzi...aah uyo abva auya." Ndakamhanyisa meso angu ndokutarira kugate ndakaona achiuya zvake naTrish. Handina kuda kumira ndakabva ndamhanyira muroom mangu zvangu. Ndaisada kana kunzwa izwi rake zvangu. Munhu akanetsa nekusanganisa vakomana ndaiitawo naye sei zvangu? Ndakagara zvangu pamubhedha pasina nguva Tanaka akabva apinda. "Nhaiwe uri mhungu here zvaunongosvika uchiti nguri muroom musiri mako?" "Tatenda pane vaenzi dzikama ." "Vaenzi vani vaunotaura nezvavo." "Trish auya kaa ndatotaura naye zvese zviri mugwara haa unodiwa hanzva..." "Please Tana handidi kudiwa newandisingade, iye anogoona kunge ndiri gwara here zvekutadza kumuudza ndega?" "Kana ko zviri simple and smart kuti nditaure naye ini. Hande umuone." "No umo handisi kuzoenda wangu ndingatode chigrader chondisimudza pano ." "Haa ibvapo inga wakakurira pasina huya please handidi zvekunyadziswa." "Like I said before handisi kubva muno, it was better kuti ndisiyane naRopa pane zvekuti nditorane neyadayapinda iyi kana, Inzwa kuombera panze apo tsano vauya kwete kusweroda kuvhiringidza life yangu." Tanaka akazomira kutaura ave kuterera panze ndokunzwa maoko achisanganiswa akabva amhanya sezvo aive murume wake ainge auya. Aiwanzouya kaviri pasvondo achiona mukadzi wake. Vaidanana zvavo zvandaiyemura. Tanaka akaenda panze ndakaramba ndirimo zvangu. Pasina nguva phone yangu yakaringer ndokuwana ari Ropa ndakamboisendeka kwakadaro nekuti ndaida kumbofunga. Yaisava nyaya hombe hayo yekuti akange asina kuroorwa chonetsa ndechekuti aiita nezvei pahusikana hwake kuzosvika pakumitiswa. Ropa ndakange ndichiti ndave kumuziva asi ndaizvinyepera ndaitoda rimwe gore ndimuzive. Ndakazobva muroom mangu kwave kunomheresana natsano vainge vauyawo netwunhu twekudya. Uyo Trish akange akangogarawo achimirira kuti ataure neni. Takatandara tsano vakazobuda naTanaka ndakasara ndichida kusimuka kuti ndiende muroom mangu. "Tate." Akadaro Trish nekavoice kake kaive kakatsetseka pachokwadi ndakabva ndamutarisa. Zviri zvekunaka aisashoreka. "Ko hapana chauri kutaura wani, I can see kuti unonyara Iwe." Ndisati ndatombomupindura ndakabva ndanzwa mhamha vachipopota panze ndakanotarisa ndokuona ari Ropa hake . Aingopopoterwa iye ndokuramba akangonyarara kusvika ndazoenda paari. "Ropa chii?" "Wangu kaa chingonyepera mhamha vako kuti handina mwana uye aive wasisi vangu undiroore hako sisi havasi kana kufara nazvo." "Tichimbonyeperei nhai mudi..." Ndakavhunduka ndamwayiwa mvura namhamha . "Chii chamunoita pamberi pangu? Munorevesa here kuti mungaite matakanana akadai Iwe Tatenda wakadyiswa chete nemusikana uyu unoda kushungurudza Trish here auya kuzokuona musikana wako." Ropa akamboda kutaura ndakabva ndamubata muromo ndokuenda naye takasiya mhamha vachipopota zvavo. "Ropa handina mufaro uchindiona kudai. I over heard your conversation nasisi vako vachiti wakaramba kuvaratidza muridzi wenhumbu kureva kuti hauna kumbobvira wapinda muwanano here sezvawakandiudza?" "Tatenda calm down please ndozvandaida kukuudza pawauya kumba paya ndichiti usazondirambe." "Saka wakambonyeperei pakutanga?" "Aah ndakazvitaura tisati tave kudanana saka ndaitotya kuzochinja futi patakange tave kudanana." "Hoo hapana chakaipa hacho saka aripi muridzi wemwana." "Ari kuSouth , please Tatenda ndakatadzira sisi vangu nekuda kwekuti ndiende kuchikoro." "Uri kungosanganisa nyaya Ropa horaiti taura zvose zvakaitika ndizive wangu muromo ndasona." "Okay pakafa amai vangu ndakanogara nasisi vangu nemurume wavo uyo aindibhadharira mari yechikoro. Pakutanga zvakange zvakaringana kusvika ndazoona bamukuru kuti vari kundida. Ndakaramba pavakauya nenyaya yavo asi vakazotanga kusabhadhara mari yeschool fees ndakange ndave kungodzingwa. Chinhu chandaishuvira kudzidza zvakanaka uye ndipedze asi nyaya iyi yakakanganisa fundo yangu. Ndakanobvunza bamukuru chaikonzera vakati ndivade kuti ndiende kuchikoro. Ndichinzwa izvi ndakabva ndabva pavari ndichichema ndakaenda muroom mangu sisi vaisavepo. Vakanditevera kwakutanga kundinyaradza kusvika vave kundibata bata ndakamboda kuita nharo asi ndakasvika pakupera simba. Vakaita zvavanoda neni apa ndakange ndisati ndamboziva mukomana ndakatorasikirwa nehumhandara hwangu. Ndakachema kusvika vandinyaradza nemari yavakandikandira pamubhedha vakati ndisazvitaure. Ini nekuda kuenda kuchikoro mangwana acho ndakanobhadhara ndakabatana nevamwe asi ndaiti ndakafunga kwakabva mari musodzi waitobuda. Mazuva akafamba ndichiavoider bamukuru kusvika ndazonzwa kuti ndave nepamuviri. Sisi vangu ndovada saka ndaisada kuvarwadzisa uye kuti imba yavo iparare saka ndakavanyepera kuti ndamitiswa ndokungotaura mumwe mukomana zvake ndokuvati ainge atiza nekuda kwenhumbu yangu. Vakarwadziwa nazvo kana bamukuru vakange vangomira kundiendesa kuchikoro kusvika vave kuda kuenda kuSouth nekuti basa ravo rainge radhakwa. Vakasiya vandiudza zvekuchengeta mwana vachiti vachazondibatsira kumuchengeta ndakangodaira vakaenda kusvika nhasi hatizive kuvaona, sorry hako nekukunyepera." "Ropa mumwe wangu wakangotadza here kuramba zvechikoro zvacho zvakazongoramba wani?" "Handina kuzvifunga nguva idzodzo ndaitoti ndichapedza chikoro ndogadzira upenyu ndisingazive kuti zvainge zvadhakwa." "Okay ndainzwa nyaya yako saka vakazodzoka uchadii?" "Hapana zvee vanongouya kuzoona mukadzi wavo." "Okay zvakanaka chose asi hmm vanhu vakaoma ko Ivo sisi vako vakazviziva hamukuvadzane, hamheno Mwari. Ropa ndokuroora mumwe wangu kunyangwe zvidii usatye ndotenda nezvawandiudza now ndave kuziva. Please usazofe wandinyepera zvekare." "Ndopika mumwe wangu ndotenda nekunzwisisa kwako rega ndichienda kumba " "Okay famba zvakanaka ndokuona pamwe manheru." "Okay ko Trish ndiani?." "Haa imhepo dziya mhamha ndovanditsvagira hanzi ndimuroore ini handisi kuda zvakadaro." "Oooh nice to hear that rega ndiende." "Usatsamwe mudiwa hapana kana chiri kuitika." "Ndanzwa babe." We hugged each other kwekanguva karefu ndokuzosiyana mumwe ananga kwake.Ndakasvika kumba ndokuona Trish ave kuda kutobuda namhamha vakabva vamira. Ndakasvika nekudarikira ndisina wandatarisa ndokunzwa tsamwa kubva kuna mhamha vangu vakabva vandidana ini ndini cheu ndokuteya nzeve kuti ndinzwe kuti vaidei. "Okay uyu ndiye musikana wandoda pano uye ndiye achava muroora wangu pano saka wotosiyana nemukadzi uya handiti." "Mhamha hamudewo kuroorwa here kunyangwe munesu?" "Ndoda zvee ko ndichiri mudiki zvee." "Zvakafananawo naRopa mhamha vangu, zvamunoda naiye anozvidawo saka musamubvarure tariro yake yekuti anoroorwa. " "Ini ndoroorwa kaa neane vana vake kwete kuti iwe utore ane mwana." "No mhamha imi kunyangwe mukaona mukomana asina mwana hamungamurambe asi kutoti Mwari wangu." "Chisiyana neni Tatenda, wave kuda kutojairira amai vako ini zvandataura wazvinzwa , Trish ndiye mukomana wako uyo." "Okay mhamha thanks." Kakadaro hako kachitotyora muzura ndakabva ndasvotwa nazvo. Mhamha vainge varwadziwa nechokwadi chandainge ndavaudza vakange vatotsamwa manje ini kana shungu ndaisada kusarudzirwa musikana ini. Hongu vaive nerudo kuti nditorewo musikana asi kaa ane mwana ndiye wandakange ndada. Ndakanopinda muroom ndokuona Tanaka arimo haa muroom mangu aimuda. Ainge achitodya machips zvake akagadzika chocolate padivi. "Tatenda waRopa kkk, haa unozondinakidza bhudhi wangu aah. Iwo maziso anenge nhunguru aya anotadza kuona vasikana vakazara muno shame chokwadi rudo ibofu." "Siyana nenyaya iyoyo Tanaka shamwari." "Hmm tambira chocolate iyi ndoda kuti wozopawo Ropa wako ini ndaipihwa nemunhu asinganyunyute akandiwana ndiri ngaa uyo kana kundicheater haafe akazviita. " "Hmm heya tichaona thanks nechocolate rega ndiidye ini." "So watoramba nhai kusiyana naRopa anonzi amai ani?" "Amai Tania I love her so much." "Tania ani, ane surname yedu here?" "Kwete anoshandisa yaamai vacho." "Okay then rega timboona kuti ungasiyane naye sei ndaenda ini." "Nhai Tanaka kudai wakasarudzirwa mukomana waibvuma here?" "Ehe ndaibvuma asi dai ndakapihwa murume ane mwana kare ndairamba." "Asi chii chakasiyana nhai?" "Aah hauzvinzwisise wagara une nharo manje ndoda kudzipedza." "Aah wangu ko unodarirei kundishungurudza kudaro? Manje ndini ndoda kufamba nedare rekuti musikana ane mwana anoroorwa akatochata uye hapana chinozvimisa ." "Hoo manje ini ndine nharo nezvine nharo kaa." "Zviri zvemwoyo kanganwa hazvichinjiswe nemumwe munhu chienda hako." "Ehe ndoenda." Akadaro achitobuda zvake ndokusiya ati bhaa door. Ndakasara ndichidzeya mashoko ake asi ndakaona ose asina maturo ndakabva ndazofonerwa nenew number ndakadaira ndokuonzwa ari Trish "Nhaiwe uri kudei? Okay maybe handina kukuudza ini handikude." "Tatenda calm down hako, ndokuda zvisingaite ndokupa zvose zvaunoda." "Chandoda kwauri kuti usiyane neni chete." "Hazviite nekuti ndanzi unondida iwe , so pane zvandasiya muroom mako pasi pepillow uzvichengete kusvika ndadzoka ikoko please bye." Akabva atokata phone yake ini ndokugadzika yangu pasi ndokunovhura pasi pepillow ndakabva ndapera simba nezvandakaona. *End of chapter* Ngatisanganei muchikamu chinotevera... Please comment book rivandudzwe _#rudorwake_ *Prince Washe* 🖊️🖊️🖊️
❤️ 😂 😢 🙏 12

Comments