🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
June 18, 2025 at 05:36 AM
*Join my group*
https://chat.whatsapp.com/JK7YoPhixRlEvCHe3dWf6g
CHAPTER 3. AND 4
[6/17, 11:59] Prince Washe: *Join my group tifambirane*
https://chat.whatsapp.com/IiBdCNtkUPGI0e43Dw2wwp
*Vanoda machapters ekumashure follow this channel*
https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U
*Facebook Page*
https://www.facebook.com/profile.php?id=100089244880030
🖤 *RUDO RWAKE*🖤
_______ _______
*STORY BY*
PRINCE WASHE
📕 *All rights reserved...*
*Chapter 3*
*TATENDA*
Hana yangu yakarova ndichivhura pasi pepillow ndichiona paine chipfeko chake chemukati cherudzi rutsvuku zvekuti ndakashayawo kuti chaive chei?. Ndakatanga kudedera ziya ndiye teu teu kutya kwakabva kwandiwira. Ndakasimuka ndakaenda panze ndakambomira ndichirohwa nemhepo ndaitoshaya kuti ko ndakange ndave nekakurwara sei, nguva diki ndakabva ndaona Tanaka achiuya ndakamudana takaenda muroom mangu.
"Tanaka zvichiri zvekuwirirana here izvi?"
Ndakadaro ndichitarisa chiso chake ndakasimudza pillow asi akaramba akatarisa ndokunditi.
"Ko chii?"
"Hausi kuo..."
Ndakabva ndanyarara ndaona pasisina chinhu, ndakavhunduka ndakazoona ndakabatanidzira nepillow ndakabva ndasiya ndopaakaona.
"Hee nderani?"
"Iye kaa Trish wako namhamha tarira hunhu hwake moti ndotora iye here?"
"Ko zvakaipei maybe she's trying to be romantic to you ungati angasiirei?"
"Haa uyu musikana ane mushonga chete nezvandanzwa pandavhura haa pakaipa. Apa zvanzi ndichengete anoda kuzoriona kana auya."
"Hey haa rudo rwake ndarwudawo ini haa unodiwa mhani."
"Muchapinza mhepo mumba itai zvekutamba muone."
"Haa kana wati tingavhundutswe nevanana vakadai here?"
"Wangu muromo ndavhara zip."
"Okay ndaenda ini chengetedza hako."
Haa ndakasvotwa nazvo ndakabva ndangosiya zvakadaro ndakanotora salt ndokudira half yebepa rose ndakati zvimwe waive mushonga. Haa zvaifumuka chete, mumba macho makange mave kutomara ndakazoenda panze mhamha vakati vadzoka nenyaya yavo.
"Ndinewe jaya guru, handidi kuzofa nechigumbu waroora munhu wandisingade saka wotomira uri pasi perairo yangu. "
"Zvitori nani ndisaroore hangu ndozorora pamunenge mafa pacho."
"Iwee unoshura here? Mashoko ako aunoita seuri kutaura nasahwira wako womaunza kwandiri. I'm your mother and nothing can change it. Ndaiti zvimwe une njere ini asi pandakaona uchiuya nechembere ndakabva ndati uyu achiri pwere ndosaka ndakaita simba rekuunza Trish pano. Uchajairana naye hako usanetsekane ."
"Handidi kukutendererai ini kana kurova imbwa ndakaviga mupinyi , imi mhamha raramai nekusingapere. Kana ndisina kubviswa mwoyo ndoiswa wenyu ndopandingade Trish as long ndine wangu ndine wandakapa and nothing can change it full stop."
Ndakaona mhamha vachiita kudumbirwa nehasha ndavaudza chokwadi changu. Vaifanira kungozvigamuchira kuti mwana aita sarudzo yake hupenyu hwotofamba pane kuramba vachida kundiregedzesa chandainge ndakabata nemaoko maviri. Ropa aive ngoda chairo , nemaonero andakamuita ndisati ndave kuziva zvemwana ndoandaingoita ndave kuziva zvemwana. Sisi vake vaimbondifarira asi apa vairwadzirwawo mwana wamai wavo saka zvaigozha kuti vangozvitambira kuti ndidanane naye iye asingadiwe kumba kwedu.
Ndakazosiya mhamha vasina chimwezve chavainge vapamha ini ndini ngori muimba yangu ndokuzorora zvangu. Uyo Trish ndiye aitondikanganisa nepant rake raakange asiya mumba mangu. Ndakazongozvisiya ndaisaita muranda kaa nekuda kwake, ndakabva ndatotsamira paraiva ipapo. Ndakangoti kotsirei zvishoma ndokuona Trish achiuya akabva andibata semunhu aida rudo asi ndakazopatika andiruma pahuro apa pave kubuda ropa. Ndakavhunduka ndokumuka ndichiyerera dikita, ndakabva ndabuda mumba ndokunogara panze.
"Chiiko chiri kunetsa?"
"Tanaka kaa I'm just feeling weird ndiri mumba mangu. I don't trust Trish ini maybe she's a satanist."
"Kkk wanyura kaa murudo naye wakuramba uchimufunga, siyana naRopa wako uyo."
"Hazvibude izvozvo infact nyaya iyoyo chitomboinyararai pano kana kuri kusiya ndaona kuti haaite ndichasiya ndega. "
"Zvakanaka asi chirega kufungira Trish zvisina basa nekuti ndiye wauchazoda."
"Okay ngazvipere."
Takazodedzerwa kudya namhamha takaenda mudining room. I prayed tisati tadya vakatoshamisika nazvo ini ndaitozvityirawo hangu. Tichipedza kudya ndakabva ndamboenda kugarden ndakatanga kutimba timba hangu ndokuzodiridza. Ndakazonogeza ndokubva ndashaika pamba ndakamboenda kumashops zvangu.
Ndakasangana nemukomana ainzi Brendon wandainge ndakadzidza naye book four. Ndaisatamba naye asi ndaitoda shamwari panguva yakadai nekuti mazano marairanwa kaa pamwe aindibatsira. Takamhoresana paya nemufaro sevanhu vakange vave nemakore vasati vaonana.
"Wainge warovera kupi Brendon ?"
"Ndakange ndamboenda S.A namukoma vangu saka apa ndambouya kuzoona vamwe ndichadzokera pachapera mwedzi miviri hangu muripo zvenyu."
"Haa takashaika isu munogarwa nani muno? Tiripo isu muchiri pamba penyu paya?"
"Ehe haa hatibve paya ndopedu."
"Okay ndichauya kuzokuona hangu boys racho ratakatamba naro pahudiki rapera kubva muno."
"Haa unouya ndinenge ndiripo hangu."
"Okay iri bho ndokuona."
Ndakabva ndazonanga kumba kwana Ropa ndaitotya kusvika hangu. Ndakazosvika ndokuona vakagara zvavo vose paverenda ndakavakwazisa.
"Taswera maswerawo sei?"
Vakadaro sisi vacho ndakabva ndadaira ndichitogara pasi sezvo ndainge ndatambirwa. Ndakamhoresa Ropa akadairawo ndokuzomboti zii zvishoma ndokuzoti
"Maiguru Rudo ndine hurombo nezvakaitika kumba, ndinoziva kuti hamuna kufara nazvo kuti Ropa anzwarwo asi zvaitofanira kuitika nekuti vabereki zvotombovanetsa. Zvisinei nekufamba kwenguva zvinoita ini Ropa ndomuda please miraiwo naye kwete kumuramwa nekuda kwangu."
"Tatenda hauzvinzwisise izvi, ukavengana navamwene kaa hapana zvekuti wakaroorwa nekuti hondo yacho inenge ichitokunda ngoma kurira. Ini ndotofarawo kuti Ropa ave kupinda muwanano asi kana mubereki wako asingafare hazvishande kaa . So I think kusiyana nazvo is the best woita zviri kudiwa nemubereki wako."
"Ko zvodiwa nemwoyo wangu zvinozoitwa nani? Ko ndakararama hupenyu hwavo hwangu huchararamwa nani? Hamusi kundinzwisisa pandiri kuti Ropa ndinomuda uye ndinorevesa zvekuti vari kufara vangani uye vakatsamwa ndivanani izvo zvave zvavo. Handidi kurwadzisa mwoyo wangu kuupa zvausingade kaa zvodiwa nemeso kana nevamwe vanhu ndichida kufadza mwoyo yevamwe nenjere ko ini zvangu zvozofadzwa nani? Ropa ndokuda wangu."
"Neniwo ndokuda Tatenda."
"Tatenda ndivimbise kuti Ropa hauzomuchemedze hako apa ndanzwa zvekuti kumba kwenyu kwaive nemusikana anonzi Trish hazvizonetse here?"
"Zvagara pose paunoda kuwana chakanaka unowana zvinokurwisa asi panoda kushinga kwako kuti uchibate. Ini Ropa kunyangwe hake aine mwana ehe munhuwo wenyama ainge anyengedzwa nevakomana akasiiwa asi ini mwoyo wangu wakada zvakasemwa izvozvo. Ndingaise maronda manyoro mumwoyo mangu nekusiyana naye."
"Okay ndiri kukunzwa, yeah munhu wako unomuda zveidi. Ini ndakunochera mvura kwakusviba uku sarai muchikurukura."
Vakadaro maiguru vachitosimuka ndokutora mabuckets aive padivi pavo vakananga kumvura. Ndakasara nemudiwa wangu haa ndainge ndakanyura chokwadi ndaitoshaya kuti ndomutanga sei iye ari wangu.
"Tatenda uri kungozvisimbisa hako but zvi...."
"Please iyo nyaya ngaitopera, tave kutotadza kuronga zvemberi kaa nekuda kwenyaya iyi."
"Horati Tatenda so vari sei zvavo mhamha natete Tanaka?"
"Vakanaka zvavo hmm kamwana ngakakure aka ndave kuda wangu manje."
"Kk usatye manje manje kanenge katokura ndokasiya namhamha vacho Rudo."
"Ehe zvakakosha kaa kuti tiite mwana plus soon ndinenge ndave kushanda ndakamirira processing yemapapers angu ndonoshanda kuDelta beverages saaccountant saka zvinenge zvave kufaya. Kana machocolates ndinenge ndave kuuya navo kasingagumi."
"Sure here babe?"
"Yes ndiwe kaa munhu wacho wandinenge ndave kushandira."
"Okay thanks murume."
"Okay Ropa unozviziva kuti ndokuda asi rega ndikuyeuchidze ndisati ndaenda. Ndinokuda kudarika chingwa chine polony pakati mudiwa, chero dai uri ngomwa tainotenga mwana wedu tochengeta. Runako rwako rwunozadza mukanwa mangu nemate kuti ndigomamedzazve ndakuona , rangarira kubva pakutanga kusvika pari zvino handina kumbobvira ndatendera rudo rwangu kuti rwutonhore kwauri ndinokuda zvisingaite uye ndiri kuramba ndichiwedzera kukuda. Pandokutarisa mazuva ose unenge wachinja unoita seunodiridzirwa zvako, sezvo uri ruva rangu. Please zvose zvatichasangana nazvo iwe simba kuti tisaparadzane."
"Wow thanks mudiwa neni ndinokuda zvakapetwa kanomwe. Wakandikoshera nekuti ndiwe wakaunza tariro yangu yakange yadeurwa kuti ndicharoorwa. I love you Tatenda."
"You're welcome sweetie wangu I promise to make you happy."
"But get rid of Trish please kana usingamude ngaasasvike pamba penyu nekuti zvinogona kuenda nepamwe."
"Okay haa usatye ndoda kumugadzirisa ."
"Okay mudiwa."
"Rega ndiende ndakuona ini nyaya hadzipere idzi uye mazuva mazhinji."
"Okay thanks nekuuyawo kuzondiona."
Ndakasimuka ndakabva ndamira ndokumubata maoko ose ndakamusimudza. Akasvika nekungorovera pachest pangu ndokumbundirana zvedu. Ndakanzwa hana yangu ichirova haa ndakange ndine wangu chaiye. Takatsvodana ndokuzokasika kumusiya sezvo taive panze ndakabva ndaenda. Ndakadzokera kumba haa kwakange kwave kutondibhowa kusvika ini nenyaya dzainetsa idzi. Ndakasvika ndokuona Trish adzoka achitaura hake Tanaka. Akandisimudzira ruoko ndakabva ndangoita serious nekwandaienda . Ndakapinda muroom mangu nguva diki ndakabva ndaunzirwa mafresh chips nedrink naTanaka.
"Zvabvepi izvi?"
"Ndini ndatenga mari yandasirwa nemumwe wangu ."
"Okay haa timbodya mari yatsano waita hako basa ko mhamha vaendepi?"
"Aah vambonohodha mapiritsi avo aye."
"Okay rega ndizvikuvadze hangu."
"Okay idya hanzvadzi."
Ndakatanga kudya ko ndainge ndarohwa nenzara nekufamba. Tanaka akabuda ndakasara ndichikambura zvangu mapotato akakangwa nemafuta. Ndakabva ndatokanganwa nhamo dzose apa ndakange ndave kunzwa hope ndichinakirwa. Ndakazongodonhedza kabottle drink ndakada kunokanhonga asi ndakatadza nekuda kwehope dzandakange ndave kunzwa. Ndakazongozvikandira pamubhedha nemusana ndakatorara zvekuti ndakazvishaya kuti chii chaitora nzvimbo.
Ndakazopepuka pave paye ndokuona nguva kunze kwatosviba apa ndakange ndisisina kupfeka t shirt. Ndakangoti pamwe ndini ndainge ndabvisa asi ndaisarangarira ndichidaro. Ndakatarisa phone yangu asi handina kuiona ndaida kufonera munhu wangu. Ndakasimuka ndichidzedzereka hope dzakange dzisina kunyatsopera. Ndakazobuda mumba kwave kubvunza Tanaka phone akangoti haasi kuziva. Ndakadzokera muroom mangu ndokuzoiona iri pasi zvayo. Ndakazviseka hangu ndakabva ndainhonga kwave kuitora ndokufonera munhu wangu. Ndakafona katatu kese asi haina kudairwa, ndaiti zvimwe haasi kuinzwa ndakabva ndafonera sisi vacho ndivo vakazodaira.
"Hello gulez."
"Usanditi gulez zvako Tatenda and unogumbura kusvika pekupedzisira. Ko kana usingade Ropa unozvimanikidzireiko musiye anorarama wanzwa. Nxaa benzi remunhu usafone uye usatsike pamba pangu."
"Nhai ko.....du!du!du!"
Vakabva vatodambura runhare rwavo zvavo ndisati ndataura. Ndakanetsekana kuti ko ndainge ndapara dzei futi , haa zvinhu zvacho zvakange zvoda kutondinetsa. Ndakabuda zvangu muroom mangu ndokuenda kwaive naTanaka ari busy nephone yake zvake akabva ati.
"Waiona here?"
"Ehe."
"Okay ari sei zvake Ropa?"
Akadaro ndisati ndapindura akabva aseka nekuti ndakange ndatojenga misodzi mumaziso.
"Heyaa hamuchada kupindura here asi wave kuda Trish?"
"Tanaka chii chawaita?"
"Eeh ndisiye ini."
Akadaro achitosimuka zvake akaenda kuroom kwake . Ndakabhowekana nekuti ndaiziva kuti ndiye ainge akonzeresa zvose izvi. Handina kana kudya manheru acho ndakafuta ndakabva ndanorara hope dzakaramba kubata. Ndakabuda muroom mangu kwave kumhanya kumba kwanaRopa ndokuona vatorara. Ndakanocker door asi havana kana kudaira ndakabva ndangosiya zvakadaro ndokudzokera kumba.
*End of chapter*
[6/17, 11:59] Prince Washe: *Kana uri fan wethis book join my group*
https://chat.whatsapp.com/IiBdCNtkUPGI0e43Dw2wwp
*Follow my channel for previous chapters*
https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U
*Follow me on Facebook💥*
https://www.facebook.com/profile.php?id=100089244880030
🖤 *RUDO RWAKE*🖤
_______ _______
STORY BY
PRINCE WASHE
📕 *All rights reserved*
*Chapter 4*
*Tanaka*
"Asi nhai mhamha ko takangosiya Tatenda woita zvaanoda hake nekuti haasi kana kumbochinja kubva paya?"
"Eeh kuti zvidii nhaiwe? Unoona zvichiita here kuti wakachengeta mwana mangwana fume woda kukuitira zvakadai wounza muroora ane mwana wake kare. Kana ndiwewo togarisana zvakanaka here nekuti uyo akambogara mumba tinonetsana chete nekuti anenge ave kuzviti ndini nekuda kweexperience yaave nayo. Zvakatonaka kuti atore Trish uyo anonditerera zvisingaite mwana uya. Iwewe wave kuda kumudairira nhasi kwaitikei wabhadharwa here?"
"Haa kana mhamha ndiri kutorwadziwawo nazvo ndangoti ndingotaurewo maonero angu asi kana madaro handisi kuzomusiya ndoda kuti vanetsane nemusikana wacho zvipere."
"Hoo imboita mwanangu please ndinokugombedzera kuti uvapesanise kana zvichigoneka iwe wanga wafunga kuitei?"
"Mondipa piritsi rekurarisa riya ndimbomusota."
"Aah wabva watondirangaridza mafamily planning tablets ave kupera rega ndinohodha huya utore rauri kuda."
Ndakasimuka paya namhamha ndokudungamidzana takananga kubedroom kwavo. Vakandipa piritsi randaida ivo vakatogadzirira kuenda mutown. Ndakabuda navo ndichienda kwana Trish. Tatenda ainge abudawo hamheno kuti ainge aenda kumukadzi wake here. Ndakasvika kwana Trish ndakamuona aripo, aigara naamai vake uye vari vaviri. Takamhoresana naamai vacho ndakazobvapo naTrish.
"Trish I came up with a good plan."
"What is it?"
"Look at this, this is a sleeping tablet."
"Okay so?"
"Inzwa kaa handiti iwe unoda Tatenda here? Uye zvagara munhu akanaka uye akadzidza soon anenge ave kuenda kubasa saka ndoda kuti ugare wakabata. The other thing iwe ndiwe unodiwa namhamha uye neni. Chatisiri kuda kuti aroore mvana iya nezvaari haa he deserves you. So ndoda kungoti varambane iwe ndoda kuti titenge anything chekudya then we'll drug him. Paanorara topatoita nyaya dzacho dzose totora mapics uinaye then toshandisa phone yake kutumira musikana wake."
"Wow ndave kutononokerwa ini tenga titoenda uone zvandoita."
Takabva tatomhanya pamashops ndokuenda paitengeswa mafresh chips takatenga aive nechicken then drink raitonhorera. Takasvika kumba ndokukanda piritsi riya mudrink ndokumboisa mufridge takanogara panze tichimirira kuuya kwake.
"Haa asi kana ndiwewo Trish , Tatenda nezvaakaita woenda naRopa."
"Hazviite ini ndini ndave wake, mhamha vako vanotondifarira uye ndovafarira saka pavakauya nenyaya iyi ndakaifarira."
"Okay haa hatina mazuva matatu anenge ave wako chose."
"Okay."
Takakurukura ndokuzoona munhu ave kuuya chiso chake chiine kamufaro. Haa zvakange zvapera aizoita kuda kwedu chete kana mhamha vaizofara. Akanopinda mumba ndakabva ndasimuka ndakasiya Trish ari oga ndakanotora drink nemachips aya ndomumuendesera. Nekuda kwake kudya haana kana kunyumwa akatotambira ndakatomuti ndakutengera akafara. Akatanga kutodya ndirimo paakanwa drink ndakabva ndatobuda kunodedza Trish nekuti ndaiziva kuti aisatora two minutes akasvinura.
"Are you ready girl?"
"Yes."
"So let's do it now."
Takabva tadzokera mumba ndokusvikoona drink riri pasi zvaro machips asina kana kupera. Ndakamboda kunzwa tsitsi asi nyaya yekuti ndaitobatsira hanzvadzi yangu kuti isarasike ndakabva ndatotora phone yake ndakaenda kucamera.
"Right Trish chitoita kunge muri mose handiti ngazvisabude kuti akarara."
Trish akabva asimudzira kaskirt kake ndokusiya zvidya panze akaenda pamubhedha, akaturika rimwe gumbo pamusoro paTatenda akabva aita seari kumutsvoda ndakabva ndatora. Akaita zvimwe futi ndakabva ndamutora ndakazomupa phone akatanga kutora ari iye zvake nehungwaru kuti angobuda semunhu akatsinzinya maziso. Akapedza akabva anditambidza phone ndokumusiya arimo ndakabva ndatobuda ndichinoenda kuwhatsapp. Number dzaRopa ndodzakange dziri pamusoro ndakabva ndatobatidza data ndakasenda mapics ose zvangu.
Ndichipedza ndakamira zvishoma nekuti aive online achingovhura ndakabva ndadeleta ndakanodzosera phone. Ndakasvika ndichiona Trish achiri pamusoro anenge aitoda kuzvifadza ndakabva ndamumisa.
"Eeh Trish chirega kudaro akarara munhu uyu, plus hazviite kaa nekuti ndiripo handei usatye ave wako uyu."
"Okay ."
Takabuda naTrish ndokumuperekedza zvedu tichifara haa zvakange zvaringana. Ndakamusiya pakati iye ndokupfurira mberi ini ndakadzokera kumba. Ndakatanga kubika zvangu munhu achiri akarara mhamha vasati vadzoka. Ndapedza zvose Tatenda ndopandakazoona ave kudhanaira achiuya kuzobvunza phone. Ndakatombotya kuti pamwe yainge yatorwa naTrish asi akazoiwana. Akazouya kwandiri munhu achida kubuda misodzi ndakabva ndaziva kuti chabvondoka. Ndakatotanga kumubvunza nezvaRopa kuda kumunzwa ndokuzomusiya afuta nehasha ndichienda kuroom kwangu.
Mhamha vakazouya ndakavatsanangurira nyaya yacho.
"Hmm inga wakangwara, handainge ndazvifunga kaa izvi nguva dzose idzi. Wadadisa apa aripi ko kubva ndiuye handina kumuona adya here?"
"Aah richidyika here nhasi anotombovata nayo, arimo muroom make umo."
"Haa wamugona kunyangwe akasazoda Trish hake uko zvavharana zvakanaka."
"No anofanira kutoda Trish nekuti aita basa hombe kaa apa mwana wevanhu."
"Taura hako plus agara ndiye muroora wangu uya."
"Hamunyepe."
Takazoparadzana namhamha nekuda kwehope ndivo vakatotanga kuoneka vakapinda mubedroom mavo. Ndakasara ndichimbotaura naDan murume wangu zvangu. Haa parudo aiziva mumwe wangu kana ndega ndainzwa kuti ndini ndega. Ndaiti kana ndichitaura naye pawhatsapp aigara ari muchat room mangu kusvika tapedza. Ndainyatsonzwa manyukunyuku naye kwete zvana Tatenda zvematakanana kungoda kuzvikuvadzisa.
Ndakazoenda muroom mangu kwave kurara nhumbu yangu yainge yatokura yave ne eight months ndakange ndakangomirira kuti mazuva aite kakuswedwera ndonogarira kuchipatara saka ndaida kutosiya Tatenda ave munhu kwaye. Ndakanorara zvangu ndokuzomuka mangwanani mhino yangu ichibuda ropa. Ndakatoshamisika nazvo nekuti ndaisabuda mututu kubva ndizvarwe. Ndakanogeza paya kusvika razomira kubuda, ndichiri panze Trish akabva auya achisvika tisati tamhoresana takabva tanzwa mhamha kuti "Yoweee!"
Takamhanya mumba mavaive ndokuona vazvicheka havo ruoko vachimenya mapotatoes apa vakange vatotsvuka ropa. Ndamhanya panze ndokunotora kadish netowel ndokuenda mumba asi ndakasvika ndichinyara ndaona Trish akaisa chigunwe chavo mumukanwa make. Akaramba akadaro kwenguva ndakanodzosera kadish ndokusvika achizovasiya ropa rakange ratomira.
"Ooh waona zvandaitirwa naTrish iwe kutosema zvako ropa rangu."
"Aah mhamha handisati ndambozviita izvi saka ndaida kutorova kafirst Aid kaa."
"Haa don't worry patonyarara apa ."
Mhamha vakabva vatoenderera mberi nebasa ravo. Tatenda akange achiri akarara zvake ndakatanga kuita basa naTrish.
Takazoona Tatenda ave kuuya panze haana kana kutaura nesu. Akanogara pazuva zvake akabata shaya dzose nemaoko maviri. Ndakabva ndangokwenya Trish akaendako zvake.
*`Tatenda*
Ndakange ndabayiwa panyama nhete naTanaka, ndaisaziva kuti ainge aitei hake asi ndaiziva kuti pane zvaakaita kuna Ropa. Ini hamheno kuti hope dzainge dzandibatawo sei pamwe kudai asina kana zvaakaita, pamwe ainge afonera Ropa, Trish akataura naye. Zvaitondinetsa kusvika ndizobiwa nehope kwave kuzononoka kumuka zvangu. Ndakazomuka mhamha vachitobika zvavo mumba ndakabva ndavamutsa vakadaira ndokundidedza.
"Eeh wakazoramba kunditerera kaa watonyura murudo zvako naRopa wako?"
"Mhamha hapasi kuda kutererana apa asi pakuda kuterera mwoyo wangu. Izvozvi so hamheno kuti Tanaka akadii nezuro handisi kutoziva kuti ndichadii naRopa mhamha akatotsamwa."
"Inga Mwari vakanaka, iwe chingosiyana naye zvee kudai aikuda aisatambokudaro aitokupa nguva yekutaura naye."
"Aah mhamha ko kana akaudzwa zvinorwadza moda kuti asekerera zvakadaro here?"
"Aah zvave zvako, Trish auya ari panze apo please usarwadzise mwana wevanhu itawo zvaari kuda. Irombo rakanaka kudiwa nemusikana kaa apa akanaka kudaro."
Handina kana kudaira ndakabva ndatoendawo panze ipapo ndokugara pazuva. Ndaitonetsekana mumwoyo mangu ndichifunga kuti zvainge zvatopera here naRopa. Ndichinetsekana zvekare kuti ainge akamboudzwa kuti kudii chaizvo zvekumutadzisa kuti amire neni isu tainge takavimbisana kuti pasina rufu taisaparadzana. Ndakarwadziwa ndaitombozama kuzviwanza asi zvaioneka chete kuti ndine bundu mumwoyo, ndakatozovhunduka ndabatwa mumabvi naTrish ndokuti.
"Wamuka sei Tatenda?"
Ndakabva ndabata maoko ake ndokumabvisa apa aive soft zvake, ndakamatsveta kwaari ndokuzodaira.
"Ndamuka zvakanaka hangu."
"Okay totenda Mwari ko wakazodii nemudziyo wangu uye?"
"Trish please enda unobvisa pant rako muroom mangu."
"Tatenda usakwidze izwi kani, ndoenda zvakanaka."
"Okay enda hako ndisati ndatsamwa."
"Okay."
Trish akabva asimuka ndokupinda mumba. Ndaisada kana kuita zvekutamba naye zvangu, akazoita nguva asati abuda ndakati anogona kutosiya rimwe zvakatowedzera. Ndakasimuka ndokumutera ndakaona akangomira zvake.
"Iwe ndokubvisa pa...."
Ndichiri kutaura akabva atendeuka ndokundivhara muromo newake. Ainge akavhara maziso ake ndakabva ndanzwa kutopera simba akatanga kundikisa. Ndakapedzisira ndave kuda kuhakira akabva azotanga kundikisa pahuro ndokuzonzwa mazino ake ave kuda kupinda munyama mangu. Ndakada kumubvisa akabva aramba akandibata akavhura mazino pamwe aida kundiruma ndakazvishaya kuti iromance ipi yakadaro. Ndakabva ndazowana simba ndokumusandudzira kure akabva aridza tsamwa achibuda. Hana yangu yakatanga kurova ndakabva ndatarisa pasi pepillow ndokuona pave nerimwe richena. Munhu aitondijairira uyu ndakabva ndaritora ndokuisa muhomwe ndakabuda panze kuti ndimupe asi ndakazoona atove kugate achifambisa.
"Waitei mwana wevanhu iwe?"
"Wadii kumubvunza, ndomudii ini?"
"Aah usadaro Tatenda munhu anokuda uyo."
"Ngaandide zvakafanana nekuda team yebhora ine vanhu vasingatokuzive zvako uye vasingakude nekuti uri mutema ivo vachena. Ari kungoda hake munhu asina basa naye. Ko ropa nderei iro?"
"Aah zvangotanga nhasi handisi kuziva kuti chii?"
Akadaro achinogeza patap, ndakabva ndabhowekana ndakatobva pamba muhomwe mune pant raTrish. Ndaida kuti ndakasangana naye ndomupa asadzoke pamba pedu. Ndakananga kumashops zvangu ndakange ndisati ndave ready kuti ndione Ropa ndaida kumbomupawo kanguva kekudzikama. Ndakasvika kumashops ndokuzoona tsano Dan vaine mumwe musikana vakabatana maoko. Vakandiona vakabva vavhunduka vakamusiya.
"Aah tsano ndimi , haa.. eeh uyu mukadzi wamukoma vangu so ndimaiguru."
"Dan!"
Akadaro musikana uye tsano Dan vakabva vangovhara vhara.
"Haa okay ndokuonai tsano haa zvinhu zvacho here."
Vakadaro vachitobva pandaive ini ndisati ndatombopindura zvangu. Musikana uya akabva atotanga kumhanya achivatevera asi haana kuda kumumirira kusvika vapota nekuseri kwamamwe mashops. Ndakangoseka zvangu ndakabva ndapfurira mberi nekungombeya asi Trish handina kana kumuona. Ndakazoshinga kuenda kumba kwana Ropa ndokuona akagara nemwana wake zvake, ndichida kumutanga akabva asimuka nekutopinda mumba akavhara door.
"Ropa nyarara kani uchachema kusvika rinhi? Ndaikutsiura wani imbomira zverudo izvi?"
Vakadaro sisi vake vari mumba imomo zvekuti ndakatotadza kukumbira kutaura navo.
"Sisi kaa ndaisafungira zvakadai hangu, haa maive right paya zviri nani ndizvichengetere mwana wangu ndega."
Handina kuzoda kunzwa hurukuro yavo ndave kurwadziwa apa misodzi yave kubuda. Ndakapukuta misodzi asi yakaramba ichingobuda kusvika ndazochema shungu dzakapera. Ndakadzokera kumba ndokusvikodzosera pant raTrish pasi pepillow paakange akariisa. Ndaisada kuzosimudza zvirere ndaripisa saka ndakangosiya zvakadaro. Tanaka akauya muroom mangu nechikafu apa ndakange ndisina kudya manheru ndakazongoshinga kudya kunyangwe ndairwadziwa zvangu. Rudo rwakange rwafa nekuda kwaTanaka namhamha nechakaitwa chacho ndaisaziva. Iye Tanaka handina kuda kumuudza zvandainge ndaona kumashops ndaisada kuti akanganisike sezvo aive nemwana mudumbu.
*End of chapter*
*#rudorwake*
❤️
😂
👍
😮
🙏
15