🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
June 18, 2025 at 12:52 PM
https://chat.whatsapp.com/JK7YoPhixRlEvCHe3dWf6g
CHAPTER 5 AND 6
[6/17, 11:59] Prince Washe: *Chimbofollower channel yedu tifambirane.*
https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U
*Join my group usajambwe*
https://chat.whatsapp.com/IiBdCNtkUPGI0e43Dw2wwp
https://chat.whatsapp.com/IYaEXm7UN7oHc8cqWjhkTs
🖤 *RUDO RWAKE*🖤
_______ _______
*STORY BY*
*PRINCE WASHE*
📕 *All rights reserved.*
*CHAPTER 5*
*TATENDA*
The rain falls because sky can no longer handle its heaviness.Just like tears, it falls because heart can no longer handle the pain.
Ndakange ndiine marwadzo aisvika kumwongo kwebhonzo . Ndaisakwanisa kana kusekerera nekuti chaiita kuti ndisekerere chakange chandisiya nenyaya yandaisazivawo. Ndakange ndiri murima zvangu kuti ndainge ndakarambirwei nyaya yacho yakange yandiomera wekuudza ndakange ndisina. Mhamha vakazondidedza ndakaenda ndaitoziva kuti vaive nenyaya yaTrish .
"Nhai Tatenda zvawabva wangosuwa kudai chii chiri kuitika mwanangu?"
"Ndingafare sei ini ndakasiwa nemy bundle of joy."
"Ndokuti kudii ikoko, iye Ropa ndiye waungati bundle of Joy here?"
"Ehezvee mhamha umwe angave ani?"
"Okay haa zvowanikwa siyana naye, iwe bata pana Trish mwanangu. Usafe wamurwadzisa anokuda mwana uye apa akati munaku zvake. Haa paye unozvarirwa mhenya dzevana , nemachinda ehumhare."
"Mhamha munondinakidza manzwa, so ndozvamaiitirwa nevabereki venyu here izvi?"
"No asi ini ndakange ndakarongeka ndaive nejaya rangu ini ndiri mhandara saka zvainge zvakarongeka kunge patakaenda kumaintro hapana chakanetsa kwete zvenyu zvekuuya makaberekerwa mwana kudaro kkk."
"Haa zvowanikwa mhamha ndiye kaa wandoda."
"Okay haa sorry zvapera zvenyu zvose izvo, hamheno kamufaro kandongonzwa kana Trish aripo so?"
"Horaiti mhamha ndimi munozvinzwa regai ndiende ini."
Ndakadaro ndave kutofamba zvangu ndokuenda mumba. Ndaiti ndakaona Tanaka ndainzwa tsitsi zvangu kuti murume wake akange aenda nenyika nekuti akange asipo. Haa varume dzimwe nguva zvatoita hazvina kunaka, chokwadi munhu akabvisa dzinotsika wotanga kuita chipfambi hako. Ndakanzwa kurwadzirwa hanzvadzi yangu asi ndakangozvichengeta mumwoyo mangu ndega handina kumuzivisa.
Ndakanozvigarira muroom mangu apa maitobhowa ndichiziva kuti maive nepant remumwe munhu. Nezvaraishanda ndaisazviziva apa kuzochinjanisa ndaitozvishaya kuti zvaive zvei? Ndakazonyatsoribata ndokutanga kuritarisa ndichida kuona kuti raisirwei. Ndakanyatsonzwa ropa rangu kumhanya mhanya muviri wose ndakabva ndakasira kurikanda pasi. Ndakange ndave kunzwa kuda kurara nemusikana, ndakabva ndafunga wangu Ropa ndakabva ndabuda muroom mangu.
"Iwe Tatenda!"
Akadaro Tanaka ndakabva ndamutarisa ndichida kunzwa kuti aidei.
"Ko wave kubudawo ropa mumhino?"
Ndakabva ndabata mhino ndokuona ropa kutsvuka mumaoko. Ndakanogeza hana yangu ichirova kuti ko chaive chirwere rudzii chainge chapinda mumba medu. Ndakangosiyana nazvo ndakageza nekupukuta kusvika rapera. Kana kwandaida kuenda ndakabva ndatoshaya simba racho rekuenda ndakagara panze. Pasina nguva Trish akange achisvikawo pamba ndakabva ndafara kuti ndaizomupa chipfeko chake chete.
"Hesi Tatenda."
Akadaro hake zviri romantic apa akanditarisa mumaziso chaimo.
"Ndiri bho."
"I'm sorry ndazokutiza paya ngatidzokere hedu."
"Trish are you normal? Kutoita basa rekuchinjanisa mapants ako pano manje ndokuti zviite sei?"
"Sorry ndaida kuti uzive kuti ndokuda zvechokwadi Tatenda."
" No I don't trust you, uri kumbonyanyodei pano?"
"Trust me I came here for your love ."
"Iwe enda unotaura nevakakuunza pano uvabvunze kuti ndodiwa here ugare waita imwe plan nguva ichigere kudai."
"But Ta..."
"Eeh, eh kana ndambokupa mukana wekutaura neni hazvireve kuti ndave kukuda , ndinofa ndiri bhachura hangu."
"It's okay but ndodawo rudo kubva kwauri kunyangwe usina kundiroora hako."
"Hee? Why me hakuna vamwe here kunze?"
"Okay ngazvipere chindipa pant rangu ndibve pano."
"Aah wagona mira ndikupe."
Ndakatanga kumhanya mumba ndakabva ndatadza kutsika ndakada kudonha ndokurovera ibvi rangu pafloor. Ndakakasira kukwinya trouser rangu ndokuona patokuvara pakatanga kubuda ropa, ropa rakatanga kudonhera pafloor ndakabva ndadzokera panze paye Trish akamhanya kwandiri.
"Waitei Tatenda?"
"Iwe hausi kuona kuti ndakuvara here ibvapo ndoda kugeza."
"I can help you if you don't mind ."
"No I'm okay usatye."
Ndakabva ndaenda patap ndokutanga kudira mvura ndokuchena. Ndichida kufamba ropa riya ndokutanga kubuda zvekare, ndakagezazve zvekanguva rakabuda zvekare apa ndakange ndave kunzwa kurwadziwa.
"Tatenda let me help you ."
"Okay but kundibatsira chete hapana zvimwe."
"Sure."
Akabva auya paye ndokupfugama akatanga apadzvanya dzvanya zvishoma nezvishoma ndakazoshamisika aisa muromo wake Ipapo. Ndakada kubvisa asi akange akatotenderedza gumbo rake nemaoko ake. Ndainzwa rurimi rwake kunyatsonanzva nanzva. Ndakamusiya achidaro kusvika apedza ndokuona ropa rave kusabuda .
"Wazviona kaa."
Ndakanzwa kutya apa mukanwa make makange mazara ropa. Akazotarisa kuside zvekanguva ndokuzonditarisa achisekerera apa makange machena musisina kana. Ndakanetseka kuti aitadza nei kuripfira pasi zvake. Ndakatarisa Tanaka uyo akange atove kugarden zvake. Ndakabva ndatora hangu chikorobho ndokuenda mumba kuti ndipukute ropa randainge ndadonhedza asi ndakasvika nekungomira ndokushaya ropa riya pasi. Hana yangu yakarova ndichida kudzokera panze ndokuona Trish akamira kumashure kwangu.
"Trish chii?"
"Ndiri kuda my underwear please."
Ndakange ndave kutya kuenda muroom mangu ndega kuti aigona kunditeveramo sezvo ndaisamunzwisisa. Ndakatarisa ndichiti zvimwe ndingaone mhamha asi handina kuvaona.
"Okay Trish mira ipapo ndikutorere."
Ndakabva ndapinda mumba ndokunanga paraive ndakaona pasina chinhu. Ndakadzosera pillow ndokuisimudzazve asi pakange pasina chinhu. Ndakabva ndakasira kusimudza mablankets angu ndichizunza asi ndaitopedza nguva hapana chandakaona. Ndakatarisa muhomwe mangu makange musina chinhu, ndakazovhunduka ndanzwa nock padoor.
"Ndiani?"
"Ndini Trish ndoda kuenda please."
"Okay mira zvishoma."
Ndakabva ndaita kakudzikama ndokutanga kufunga kuti ndainge ndariisa pai. Pfungwa dzangu dzakangondinongedzera pasi pepillow ndokuvhura zvakare asi pakange pasina chinhu. Door rakabva ravhurwa Trish akapinda .
"Tatenda wakundinonotsa nekuti hapana kwandoenda ndisina pant rangu."
"Okay honestly kaa handisi kuriona."
"Usade kundinzwa Tatenda please wati haundide ndipe ndiende."
"Trish tora pawakariisa horaiti."
Akabva ananga pandaitarisa pacho akabva agara pamubhedha akati
"Tatenda hapana chinhu apa."
"Okay maybe hamheno pariri ndozokutarisira."
"Okay then make love to me."
"No!"
"I said make love to me!"
Ndakabvamo ndichimhanya ataura nezwi rachirume. Handina kana kumira panze ndakangodarikira kuenda nenzira. Hana yangu yairova zvekuti ndakabva ndazoenda kumba kwanaBrendon uyo wandainge ndakadzidza naye. Ndakasvika akagara hake achiverenga bible akabva afara achindiona.
"Hmm inga haunyepe ndaiti zvimwe kwaive kutaura kwekundifadza kaa."
"Kana mumwe wangu handinyepe."
"Ko kuzotaura uchifemereka kudaro chii chaitika kwauri?"
"Aah hapana ndangouya ndichimhanya zvangu."
"Apa ndopawanyepa apa , taura chokwadi."
"Hmm pakaipa mumwe wangu."
"Okay gara pachair iyi ndiri kuuya."
Ndakabva ndagara pachair iye ndokupinda mukati akabuda neimwe akagara. Takamboita kanguva kadiki kekusabuditsa mashoko ndokubva azonditanga.
"Right Tatenda ndiudze chii chiri kuitika?"
"Hmm wangu kaa pane zvandisiri kunzwisisa kumba uku."
"Ndiudze tibatsirane."
"Okay pane musikana akapihwa ini namhamha ini handinei naye. Ndaive nemusikana wangu ane mwana wake saka ndiye wandainzi ndisiyane naye pamba. Ndakaramba kuita zvavaida kudzamara musikana azondiramba kwete nemashoko asi haasi kuda kana kutaura neni. Hakusi hako kune nyaya so Trish ndiye wandakanzi ndidanane naye uyo akauya pamba zuva rekutanga akasiya chipfeko chake chemukati pasi pepillow muroom mangu. Zvakandishamisa akazouyazve akasiya chewhite akatora chekutanga chered.
Ndakambozama kuda kuti atore asi zvairamba. Chakatanga kundishamisa kubva musikana auya sisi vangu vakange vave kubuda ropa mumhino neniwo ndabva ndazviitawo nhasi achibva asvika iye Trish. ...."
Ndakamutsanangurira zvose kusvika pakuzotiza kwandaita.
"Hmm saka iwe wafungei nazvo izvi."
"Hapana ndatopererwa ini."
"Hoo munonamata here pamba penyu."
"Aah hapana kana ari serious totoenda apo neapo kuchurch."
"Yeah ini hangu handisi kuziva chiri pamusikana iyeye asi chandaona ari kuda ropa. She's a new satanist saka ari kutsvaga zvivindi zvekuti azokwanise kuuraya. Maybe ukarara naye ndopauchafira ipapo handizive. Kana wanga usiri serious nekunamata please tanga nhasi."
"Hmm yeah ndichatodaro nekuti haa zvakaoma apa vose vekumba vanomuda sei?"
"Haa pakaipa wangu ndongokukurudzira kunamata usati waita zvimwe zvemutsimba naye."
"Okay thanks wangu hmm ndaitoshaya kuti ndobatsirika nei zvako?"
"Uchitendei hako, so sei hupenyu hwako."
"Haa ndizvozvo une marwadzo uyu ndakasiwa nemusikana wangu pasina kana chandaita pakaipa."
"Just go and prove kuti hauna chawakaita zvee."
"Aah haasi kuda kana kuona chiso changu."
"Okay unondiudza pamba pavo ndonotaura naye."
"Okay unenge waita basa hako."
"Hande ndigare ndaenda achiri masikati kudai."
"Okay bro."
Takazobva pamba pavo ndokunanga kwana Ropa. Ndakange ndave kungofunga mudiwa wangu kana zvaTrish ndakange ndakanganwa. Takasvika pedyo nemba yavo ndakamira Brendon akaenda. Ndakamira zvenguva akazouya ndakabva ndateya nzeve sedzetsuro nekuti ndaive nechidokwadokwa chekuda kuziva chakakonzera musoro kutema.
"Haa wangu kaa sei uchidaro?"
"Ko chii?"
"Ungabva wasendera mapics musikana wako une mumwe musikana pamubhedha here?"
"Hee hapana zvandakasenda ini."
"No mapics ako ndatomaona wakararirwa pamusoro uye nemamwe wakaisa ruoko pamazamu emusikana wakavhara zvako maziso."
"Brendon ndokuudza sei? Iwe handisi kutozviziva zvauri kutaura izvi akaita sei musikana wacho?"
"Mutsvuku akarukwa zvebrown."
"Trish."
"Unodanana naye kaa waindinyepera."
"No ndiri kutozama kubatanidza kuti chii chakaitika nekuti musi wacho ndakapihwa chikafu naTanaka. Ndakazongoerekana ndabatwa nehope masikati machena ndakatadza kupedza drink rakadonha pasi ndakabva ndarara. Ndakazomuka pave paya ndopandakafonera Ropa akasadaira. Okay so zvoreva kuti mapics akatorwa ndakarara nhai akabva asendwa nephone yangu kuna Ropa."
"Ndozvakaitika here?"
"Ndinorevesa wangu, right Trish ndoda kumugadzirisa hazvina basa nhasi naiye Tanaka wake."
Ndakasiya Brendon ave kungodana zita rangu ini ndaenda. Ndakasvika kumba ndokupinda muroom mangu ndokuona Trish aenda, ndakatsvaga Tanaka asi akange asipo vose namhamha. Hasha dzakasvika pakupera pasina kana wandainge ndaona ndokuzodzikama zvangu.
Ndakanogara pamubhedha ndave kuchema asi chokwadi chakange chabuda zvacho. Haa ndainge ndatambwa yakadzidza apa manje ndaizvibata chete. Ndakatarisa pasi pepillow ndokuona pant riya riripo. Ndakamboseka nhamo serugare zvangu ndokufunga mashoko aya aBrendon ndakamboedzawo kunamata. Ndakanamata a short prayer ndakabva ndatoneta zvangu ndokutora phone yangu. Ndakaenda kutrash ndokuona kwaienda zvinhu zvandinenge ndadeleta, ndakabva ndaona mapics andaisaziva ndakabaya ndokutanga kuona Trish akandirarira zvake.
Mamwe akange asina kunyatsobuda , mamwe ndiwo akange akabuda achiratidza kunge chokwadi. Mamwe acho aitoratidza hawo kuti ndakange ndakarara, ndiwo andaida kuenda nawo kuna Ropa ndimuratidze. Ndakasimuka ndisati ndabuda phone yangu yakabva yaringer ndakadaira vaive mhamha.
"Hello mom."
"Yes Tatenda tiri kuchipatara izvozvi sisi vako vaibleeder kuzasi kwavo hamheno kuti chii? Saka apa vari kurapwa ini ndakatomirira kunzwa kuti zvakamira sei?"
"Hee? Ko chii chaitika zvekare? Mwedzi yavo haisati yakwana here?"
"Aah haisati iyi ndatobatsirwa naTrish aisatogona kufamba ."
"NaTrish! Aripi?"
"Ndinaye hangu kuno."
"Okay thanks nekundizivisa."
Ndakabva ndakata phone ndakazorora zvangu ndapererwa. Ndakamboda kuenda kwana Ropa uye kuchipatara asi ndakazotadza zvose ndokuramba ndiri mumba ndakange ndave confused.
*End of chapter*
*Rudo Rwake*
[6/17, 11:59] Prince Washe: *Join my group usajambwe*
https://chat.whatsapp.com/IiBdCNtkUPGI0e43Dw2wwp
*Kana uchida machapters ekumashure follow my channel*
https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U
🖤 *RUDO RWAKE*🖤
_______ _______
*WRITTEN BY*
*PRINCE WASHE*
*📕This is the work of fiction. All rights reserved..*
*CHAPTER 6*
*TATENDAA*
Proof yekuti ndaisadanana naTrish yakange yavepo ukuwo hanzvadzi yangu Tanaka yakange iri panguva yakaoma. Hongu aindiitira zvandaisafarira asi handaizomurasa nekuda kwaRopa. Kuna Ropa ndaisaziva kuti aifungei nenyaya yangu saka ndakazomhanya kumba kwana Brendon ndokumusvikira asipo. Ndave kuda kubuda ndopandakamuona achisvikawo nekuti ndainge ndamusiya ari kwana Ropa.
"I hope you didn't do anything stupid."
"Wangu pakaipa ndasvika ndichiona mashura muphone yangu ndokunzwa futi mashura muphone yangu."
"Tanga wandiratidza zvawaona ."
"Hona zvavakaita izvi apa ndaitoratidza kuti ndange ndakatofa nehope."
"Okay so they drugged you ukarara wakadai, saka zvanaka kaa Ropa akaona zvakadai."
"Ehe but ndakutokumbira kuti iwe uende kumba kwavo ini ndomhanya kuchipatara kwaendeswa Tanaka hanzi ari kungojuja ropa apa Trish wacho ndokwaari."
"Hee? Inga pakaipa hmm handei tose wangu hupenyu hwakakosha uhwu zvaRopa tozozviona hedu."
"Okay thanks hande."
"Rega nditore sun hat yangu."
Ndakasara ndakamirira Brendon apa phone yangu yaingoringer ichifonwa namhamha handina kudaira ndaitya kuudzwa bad news . Brendon akazodzoka takaenda kuchipatara kwaive naTanaka kwacho. Takapinda muya ndokuona mhamha naTrish vakangovhura maziso pasina aitaura nemumwe.
"Mhamha aita sei Tanaka?"
"Aah hazvitsanangurike izvi zvatoshamisa madoctor saka hanzi mwana anogona kukanganisika akaparara."
"What?!"
"Hey Tatenda usavhunduke kuna anonzi Mwari, please tisati tataura zvizhinji nekutya mashoko achiremba ngatibatanei maoko tinamate." Akadaro Brendon Trish akabva asimuka.
"Mhamha ndakuenda vamwe vauya ava sarai navo ndasiya ndisina kuita basa kumba."
"Aah enda hako muroora waita basa nerudo rwako."
"Iwe Trish hausi kunzwa kuti tiri kuda kunamata here asi uri kuda kuti Tanaka afe here?"
"Heee? Inini kuda kuti Tanaka afe manje , maihweee!"
Akabva atotanga kuchema zvake mhamha vakabva vanomumbundira.
"Nyarara muroora , iwe Tatenda mind chimuromo chako wanzwa, usade kundiwedzera stress enda hako Trish."
"Okay mhamha thanks."
Trish akabva abuda achimhanya.
"Nhai mhamha munomudairira Trish uyu ko kana ariiye ari..."
"Tatenda let's pray please."
Ndakabva ndanyarara zvangu , takabatana maoko tose. Takatanga kunamata aah ini ndaitonamatirawo pasi ko ndaizviziva here zvekunamata. Mhamha vaingoti fire fire , Brendon ndiye ainamata achiita achiisa mashoko emubhaibheri achirevesa ndakabva ndazongonyarara ndave kuterera munamato wake kusvika tose tazoti amen.
"Yeah Mwari ndivo vatingatoudze nyaya dzedu kwete kusweropedza nguva pachedu , anoita zvakanaka hake."
"Hamheno Mwari ."
Vakadaro mhamha vachigara pasi, ndakagarawo pasi kudivi kwangu ndega Brendon ndokunogara pedyo namhamha vakatanga kutaura vose ikoko. Ndakatanga kuona mapics aye haa ndainzwa kudumbirwa nehasha apa munhu ainge akazviita akange ave pamubhedha zvake arwara. Ndakada kusenda mapics airatidza kurara kuna Ropa asi ndainge ndakablockwer kare. Pasina nguva doctor vakauya tose ndokusimuka maziso akavatarisa nzeve dzakazaruka.
"Right eeh mwana anogona kurarama hake asi tave kutoita operation asi mwana wacho haasati asvitsa mwedzi mipfumbamwe saka achange ari gavamwedzi kureva kuti premature. "
"Hmm okay doctor chikuru kuti vose vararama please ngapasawane anorasikirwa nehupenyu hwake."
"Tichaedza regai timbomira zvishoma mwana agadzikike mudumbu tozovhiya dumbu."
"Hmm okay doctor endai muite chero zvamaita vararame."
Doctor vakabva vadarikira vachienda kumwe.
"Mafonera here tsano."
"Handina ini regai ndivazivise nemessage."
Mhamha vakabva vasendera tsano Dan message kuti vauye. Ini ndakange ndave kunonokerwa nekuona Ropa ndainge ndamusuwa mudiwa wangu.
"Brendon hande ndozodzoka hangu ndega."
"Horaiti , mhamha tokuonai."
"Okay ufanobika iwe Tatenda ."
"Ndoita sekudaro mhamha."
Takabva muchipatara hedu ndokunanga kumba kwana Ropa. Ndaive nekamufaro ndichiziva kuti zvangu zvainge zvakuzoringana, wandaida akange ave kudzoka zvee kwandiri. Ndakaita zvivindi zvekusvika pamba pavo naBrendon sisi vacho vachisvikawo kubva kumvura.
"Eeh nhaiwe Tatenda ndakati kudii nekuuya pano?"
"I'm sorry ndauya kuzotaura naRopa kekupedzisira ."
"Hoo mumirire hako aenda kumvura ."
"Okay maiguru."
Ndakamira paye ndichitaura naBrendon, pasina nguva ndakabva ndamuona mudiwa wangu achisvika akadengezera mugomo wemvura. Twukomba twemumatama twake twaioneka kunyangwe akatsamwa , nehutema hwake hwainyorovesa mwoyo wangu. Ndakaramba ndakamuringa zvake iye akanditarisa kamwe ndokuita seasiri kundiona kureva kuti akange asina hanya neni zvake. Akasvika nekuburutsa takanyarara zvedu akabva auya achida kupinda mumba ndakabva ndati.
"Ropa ndini Tatenda."
"Ndakuona zvangu."
Akabva adarikira achipinda mumba. Hazvina kunditorera nguva ndakabva ndanocker padoor sisi vake vakatanga kutaura naye ndopaakauya kuzomira padoor.
"Watii?"
"Ndokumbirawo kutaura newe."
"Nhaiwe ndosaka ndati watii handina nguva please."
"Okay handiti ndakakuudza kuti mhamha naTanaka vari kuda kuti ndidanane naTrish anova wawakaona pamapics. So musi wacho ndakapihwa chikafu naTanaka ndakazoerekana ndarohwa nehope zvandisina kunzwisisa. Ndakarara ndakamuka ndichida kukufonera asi hauna kudaira. Ini handina kutomboziva chainge chakonzera kuti undirambe asi ndazozviona nhasi. Ndainge ndakaisirwa mushonga wekuti ndirare hope vakaita zvavakaita kunditora mapics ini pasina chandaiziva, ooh proof iyi apa ndainge ndakarara."
Ndakamutambidza phone akatanga kuona mapics aye.
"But apa waiita kunge wakatobata wani?"
"Kungwara kwavo uko wena handingakudaro wangu, ndingaite zvinhu zvandisati ndamboita newe here?"
"Tatenda hakusi ndaifara nezvainge zvakaitika ndaive mupain pese apa. Handina kumbobvira ndakuramba asi ndaive ndakatsamwa chete. Sorry hako nezvakaitika mudiwa wangu."
Akadaro achichema ndakabva ndamubata ruoko ndokumudhonzera panze. Ndakamumbudira neniwo ndakange ndajenga misodzi mumaziso handina kuzoibuditsa ndanzwa sisi vake kutaura.
"Eeh eeh ko Ropa wanyeperwa kuti kudii nemapics atakaona aye."
"Hapana zvaakaita uyu akatoisirwa sleeping drug mapics akatorwa, tarisai aya."
Akadaro achivatambidza runhare rwangu.
"Hoo inga vanhu vakaoma ava, very sorry Tatenda nezvandakataura kwauri."
"No need, maitofanira kuzvitaura nekuti zvaiita sechokwadi."
"Okay pakaipa kana vasvika pakudai hmm vashata kana munin'ina wangu anofa zvee."
"Haa kana ndangwara manje."
"Okay bamunini."
Maiguru Rudo vakabva vapinda mumba mavo ndakasara naRopa naBrendon. Ndakatsanangurira Ropa zvainge zvaitika kumba kuna Tanaka.
"Hmm shame zvoita here kuti tinomuona tese?"
"Yeah handei pakaipa ."
"Okay rega ndisire sisi mwana ."
Ropa akanosiya mwana takabva tapinda munzira, Brendon akazosara ave kuenda kumba kwavo. Ndakamutenda nekundibatsira takabva tananga kuchipatara. Takasvika tsano vavepo namhamha zvekare , tichingosvika doctor vakabva vasvikawo ndokuti
"Right tave kuda kutanga operation saka ndokumbirawo mumbopinda muone hama yenyu hatizive zvoitika during operation."
Mhamha havana kumirira kuudzwa zvimwe vakange vatopinda kare. Tsano pamberi pedu ini naRopa takambomira zvishoma hedu. Takazopinda hedu ndokuona hanzvadzi yangu yakarara helpless asi aigona kutaura hake. Akangonongedzera kuna Ropa ndokuti.
"Iwe ndiwe uri kuda kundiuraya please ibva muno."
"Tete Tanaka musadaro handisi kuda kukuurayai ini."
"Ndati buda muno imbwa, istress yako yandipa kudai handisi kuda kukuona please."
"I'm sorry te..."
"Eeh iwe hausisina nzeve here kana kuti wakaisa maearphones. Zviri kunzi buda wani ."
Vakadaro mhamha vashatirwa kana tsano vaitoshamisika nezvaiitika apa. Ropa akazongobuda hake ndakabva ndasara nevamwe.
"Unopora mwana wangu usatye, usanyanyofunge anokuurayisa hanzvadzi yako uyu nezvaanoita izvi."
"Okay mhamha ko Trish aendepi?"
"Adzokera kumba kwavo."
"Hmm ndatomusuwa ini , hesi Tatenda."
"Ndiri bho hangu unopora."
"That's if wasiyana nemukadzi uyo."
"Okay."
Ndakangodaira hangu ndisina kurevesa. Ndakazobuda ndave kunoona mudiwa wangu ndokuzomuona ave kutoenda.
Ndakamumhanyira ndakaona ave kutochema.
"Ropa usatambise misodzi nezvisina basa wanzwa,"
"Hmm zvozonyanya wangu ndave kuonekwa semuroyi manje."
"Inguva mudiwa zvodarika, just be strong tabva kure babe."
"Hmm rega ndizame wangu hatingaparadzaniswe nemashoko evanhu asi rufu bedzi."
"Wataura mudiwa , let's focus on our love izvi zvagara zviriko kuchinhu chakanaka pane kurwiswa asi kunotipa kutsungirira, kutsungirira kunotipa tariro, tariro yozotipa kubudirira."
"Yeah plus zvimwe hazvidi kushandisa mwoyo yedu tichidanana so asi zvodawo kumboshandisa mabvi aya tichinamata. Togona kuti ndimai vako vari kurwisa ari Satan hake."
"Yeah wataura ndichatomira naBrendon anonamata uya andidzidzisewo."
"Horaiti Tate chindiperekedza kumba pamwe Tania ave kutochema zvake ."
"Okay babe ."
Ndakaperekedza mudiwa wangu ndokudzokera kumba zvangu. Ndakange ndave nemufaro wakapetwa kaviri zvekuti nhamo dzese ndainge ndakanganwa. Ndakasvika kumba door rakavhurwa ndakati zvimwe mhamha vainge vadzoka. Ndakapinda muya ndokunzwa hana yangu kurova ndakabva ndasvika padoor remuroom mangu . Door rakange risina kuvharwa rose ndakabva ndamira ndanzwa kutaura kwevanhukadzi.
Ndakavhura door ndokuona musina kana munhu, ndichiri kushamisika door rakabva ranockwer. Ndakanovhura ndiine kutya ndokuona ari Trish. Akange akachena akapfeka bangle regold muruoko mwana wevanhu.
"Trish ndanzwa izwi rako mumba mangu chii chiri kuitika?"
"Hmm kundifunga uku , apa watove neproblem yekubuda ropa mumhino nhawe."
"Ehe ndozviita kana wauya please siya rakadaro."
"No ndokumbirawo kukubatsira."
"Trish ibva pano uri muroyi iwewe wanzwa, uri kuda kuuraya mwana wasisi vangu ndiri kukuziva zvako. Manje ukaita zvekutamba ndinokukanganisa wanzwa."
Ndichitaura ndakabva ndanzwa kubatwa kumashure kwangu, ndakacheuka ndokuona kusina chinhu.
"Uri kucheukei nhaiwe? "
"Trish ibva pano."
"No Tatenda ndakakupihwa iwewe saka unofanira kuva wangu uye kushanda neni."
"Trish please handide kunetsana newe uri munhu wechisikana."
Akazongoerekana andijambira ndokundibata akasimudza ruoko rwake rwaive nebangle ndokuti
"My world, I'm ready!"
*End Of Chapter*
Stay tuned
❤️
👍
😮
😂
😢
14