🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
June 18, 2025 at 07:00 PM
https://chat.whatsapp.com/JK7YoPhixRlEvCHe3dWf6g
*Vanoda machapters ekumashure follow my channel*
https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U
*Join my group usajambwe*
https://chat.whatsapp.com/IiBdCNtkUPGI0e43Dw2wwp
Ndokumbirawo vane Facebook to follow me
https://www.facebook.com/profile.php?id=100089244880030
🖤 *RUDO RWAKE*🖤
_______ _______
*Story by*
*Prince Washe*
📕 *All rights reserved*
*CHAPTER 7*
*TANAKA*
Ndakange ndiri pakati pekufara zvangu naTrish tiri mumba. Taitotaura nyaya yaTatenda ndopandakazosimuka ndokutanga kunzwa pain uye kunzwa kutota ndakatarisa ndakaona ndave kubuda ropa. Ndakaridza mhere zvekuti mhamha vaive mubedroom vakauya vachimhanya, vose naTrish vakashaya pekubata vapererwa. Ndakatanga kugomera pain yacho yakange yakanyanya. Mhamha ndivo vakazoti kuna Trish vabatirane ndokundibata vakaenda paroad. Vakamisa mota yakamira ndokuendwa neni kuchipatara, ndaitononokerwa nekusvikako ndichirwadziwa.
Takasvika kuchipatara manurse ndokutomhanya mhanya ndokuzotariswa nadoctor. Vaindibvunza kuti chii chainge chaitika ini kana kutaura ndakange ndave kusagona . Vakamira mira vachimhanya mhanya kusvika vazotaura vazoti vaida kundiita operation kuti mwana asakanganisike. Ini ndaitozvishayawo kuti nemwedzi yangu ndotozvara here.
Ndakarwadziwa kunzwa kuti mwana wangu anenge asina kusvika , ndakangozvigamuchira hangu sezvo handaipikisana nachirembaa. Nguva dzakafamba kusvika ndave kukwanisa kutaurawo ndopakazodedzwa hama dzangu dzaive panze. Ndakashamisika kuona muchipinda Ropa ndakabva ndatomugura kusvika hake nekuti pamwe ndiye aitokonzeresa zvake. Ndaisada kana kuti asvike pedyo neni, ndakatorwadziwa kuti Trish akange aenda apa ndiye ainge akandibatsira.
Ropa akazobuda munguva duku Tatenda akateverawo ndakasara namhamha naDan. Mhamha vakangotaurawo zvishoma vakabuda ndokusira mukwasha wavo nguva.
"Babe ko chii chaitika kwauri?"
"Handisi kuzvinzwisisa ini ndoona sekuroyiwa ini."
"Aah ndiani ko angakuroye mudiwa?"
"Aah vavengi havaperi kuda kutoti mwana wangu afe."
"Usatye zvinoita zvakanaka."
"Okay haa ndakusuwa zvako dai zvakapera izvi ndiuye kumba."
"Neniwo ndakusuwa mudiwa wangu rega ndiende hona doctor vari kungokanda ziso kuno pamwe vave kuda kutanga basa ravo."
"Okay just kiss me on my forehead uende zvako."
"Okay mwaa bye."
Dan akabuda ndokuona doctor vave kuuya nevamwe vavo. Vakavhara door ndokuzotanga kunditaudza.
"Eeh so sister regai kutya tikubatsirei mwana wenyu uyu abude zvakanaka, hamufe zvenyu saka tichabvarura dumbu toburitsa mwana ."
"Heee?! "
"Yes hazvirwadze hazvo tichakubayai mainjections."
"Hmm haa okay please do your best."
"Musatye."
Ndakabva ndazonzwa kubaiwa kumagadziko vanhu vacho vaisatambisa nguva. Ndakabaiwa mainjections andisina kuzokwanisa kuziva kuti mangani ndokuzonzwa chiveve muviri wose. Ndakatanga kunzwa hope asi vaindirambidza kurara, ndaitoita zvekushingirira vakatanga kuita basa ravo. Hana yaisatomborova kana uku ndichingoona zvaisanzwisisika. Ndakange ndave kutonzwa dzungu kusvika vapedza mwana akabuditswa. Misodzi yangu yaingoyerera apa ndakange ndave kunzwa nzara futi.
"Chiremba ndane nzara."
"Aah unfortunately we can't allow you to eat now, munotenderwa kuzodya after 6 hours after this operation."
"Hmm madarirei kundionesa ndondo kudai?"
"Ndozviripo motoshinga mwana wenyu tichamuisa muglass and tichagara nemi kusvika 2 weeks dzakwana."
"Holy shit! Ndichitei pese apa?"
"Ndiko kuti murarame mese nemwana, kunyanya wenyu uyu asina kusvika anotoda nguva yekuongororwa."
"Horaiti chiremba zvido zvenyu kunyanya."
"Okay mazvita, tichatendera hama dzenyu dzimbopinda dzikuonei."
Akadaro chiremba achitobuda, pasina nguva pakabva papinda mhamha .
"Mhamha!"
Vakabva vandibata ruoko ini simba ndakange ndisina.
"Makorokoto mwanangu."
"Ndeedu tose mhamha handina kukwanisa kunzwa kuti mwanai?"
"Musikana.".
"Yes haa ndafara hmm ndoda kunyatsokachengeta zvakanaka kasazoita zvaRopa izvi zvekungowira."
"Yeah ko iye Tatenda haasi kutoda kuterera kaa."
"Nhai mhamha apa nemanakiro akaita Trish aya aah vamwe havaone , hongu Ropa akanaka asi kunaka kwemusikana nemukadzi kwakatisiyana."
"Yeah haa vachasiyana chete rega uone."
"Aita rombo rakanaka kuti ndiri kuchipatara ndaida kuzvipedza, ko akazodzokerana naye sei?"
"Aah mukomana zvee anyengerera mvana yake."
"Okay ko mukwasha wenyu afamba sei?"
"Haana kuzombogara patabuda paya."
"Ok mufonerei nditaure naye "
Mhamha vakabva vafonera bamwana vangu, vakapedza nguva isati yadairwa ndokuzoregedza zvavo.
"Havasi kudaira phone ava."
"Yeah saka vari busy zvavo."
Mhamha vakazobva mapinda doctor.
"Nhai doctor hadzisati dzakwana here 6 hours dzacho."
"Aah hadzisati pave ne45 minutes."
"Nhai Mwari wangu zvandatove pamutsanyo ."
"Iwe uri murwere kutaurisa uku chitombomira hako nekuti operation haidi dzungu. Ziva kuti haisati wapora infact uchiri muprocess yekurapwa saka unogona kufa. Ndokumbirawo kuti uterere zvatinenge tichikuudza, zvinoita bho hazvo kana nguva yaringana."
"Ndazvinzwa doctor but panzara apo."
"Aah iri harinzwe, chimbosara wega."
"Doctor kana banana zvaro."
Doctor vakange vatoenda, ndakange ndaziya nenzara chokwadi . Nguva dzakafamba Dan asina kana kuuya , ndakatosvotwa kuti aiziva kuti ndiri kurwara. Ndakazonzwa hope ndakarara kuti nguva dzangu dzekudya dziswedere.
*TATENDA*
*Akazongoerekana andijambira ndokundibata akasimudza ruoko rwake rwaive nebangle ndokuti*
*"My world, I'm ready!"*
Nguva iyoyo ndakada kuita simba asi ndakatadza nesimba rakange rave paari. Ndainyatsoziva kuti Trish musatanist uye ndaigona kunwiwa ropa ndakatarisa kana kutofa. Akatanga kushona senyoka akabva andisimudza akapinda neni mumba door rakasara richivharika rega. Pese apa ndaifunga kuti ndodii asi ndaishaya kana chekuita, takapinda muroom mangu ndokuona mune mumwe mukadzi akange akanaka zvisingaite akapfeka hembe dzerudzi rwered necrown yegold.
Ndakatanga kudedera ndichiona kuti ndazodyiwa zvino . Kana kuti *Jesu* ndakatadza nekutya ndakange ndave kungoti "jechu, jechu" ndichitaurira pasi pasi asi handina kumbosiwa kureva kuti zvaisashanda. Mukadzi uye achinditarisa mumaziso ndakaona achishatirwa akabva abata bendekete raTrish.
"Trish what is this?"
I'm sorry my queen I didn't kill him."
"Why we need a dead person here, why did you call to the dark work yet you failed your mission."
"Please queen forgive me."
"What have you done? I'm angry at you why didn't you kill him?"
"Because I love him."
"You are going to pay this, we need blood please, we need blood."
Mukadzi uya akabva angonyangarika Trish akabva andidonhedzera pasi. Akabva atanga kungochema paya zvekuti aive musatanist handina kuzozvifunga ndave kumunzwira tsitsi.
"Trish ukuchemei?"
"Tatenda kaa, zvandiri kuitiswa handizvide ini."
"Uri kuitiswei ko?"
"I can't tell you, ndakangozvitaura ndinofa but I have no choice ndichangoita zviripo kuti ndirarame."
"Hey siya izvi unobatsirika naJesu ini ndadedza zita rake ndakapona wani."
"Iwe usazvipembedze wanzwa, ndangotadza kukuisa mazino pahuro nekuti ndinokuda."
Akadaro achisimuka ndokutanga kuenda, handina kana kupfakanyika zvangu. Kwakange kuri kutaura kwemunhu ainge apona nepaburi retsono uye kuzvishingisa. Ndakapotsa ndazviitira weti chaiyo ndakabatwa naTrish. Ndakabva ndasara ndichipfugama ndakanamata zvishoma ndokutonzwa kuneta.
Mumba mangu ndaingonzwa kuremerwa namo. Ndakabuda ndokuenda kwana Brendon ndokudzoka naye kumba ndichimutsanangurira zvose.
"Hey inga pakaipa tinofanira kumira nekunamata hazvishamise ave kuda kuuraya family yako."
"Pakaipa wangu kukurukura hunge wapotswa, handichazive kuti kundida ndokwaita kuti andisiye here kana kuti azochinjwa pfungwa pandati Jesu."
"Obvious ndiJesu vakubatsira."
"But handina kunyatsodedza zita racho chaizvo ."
"Aah iwe tenda kuti ndiMwari chete."
Takakurukura kusvika tasvika kumba, takapinda muroom mangu ndokugara pamubhedha.
"Hmm muno makaipa huya tinamate."
Akadaro tichibva tatanga kunamata nguva diki takange tanyarara.
"Hmm Tatenda pane zvirimo muno ."
"Harisi pant here iri?"
"Aah ko iwe wanga uchirichengeterei? Hauzive kuti chipfeko chemukati chakashata here enda unorasa ."
Ndakabva ndabuda panze ndakanogadzika pasi ndokutotungidza nemoto. Ndakadzokera mukati nekusvikobatirawo pakati prayer yakange yave kurohwa nemumwe wangu. Pakanamatwa kunge taifa mangwana acho uku Brendon akange ave kunamata nendimi. Ndakatanga kutevedzerawo ini mashikarababa iwayo ndini ndaidi ndakange ndave kutoshaya mashoko ekunamata. Ndichitaura nendimi dzekunyepa nguva diki ndakabva ndanzwa mumwe wangu kunyarara ndakabva ndavhura maziso ndokuona akanditarisa.
"Tatenda chimbomira mafunnies wanzwa."
"Ko ndadii nhai Brendon?"
"Iwe ukutaura nendimi dzipi idzodzo usade kuti tikundwe hondo nevakaipa."
"Aah Brendon ndiri kutevedzerawo iwewe kaa ndokuti ndidzigonewo."
"Damn, iwe zvinouya zvega namweya mutsvene izvi kwete kudzidziswa nemunhu kana kutevedzera. Please do not grieve the holy spirit."
"Okay sorry Brendon ndaisaziva but ndanga ndakugonerera."
"Haiwaa."
Brendon akange atotsamwa nezvandainge ndaita. Ini nekusaenda kuchurch ndaisazivawo kuti zvendimi zvinofamba sei ndaingoti pamwe ndakatevedzera zvinenge zvaringana.
"Okay Tatenda ini handigare newe pano wotoshinga nekunamata ukaita dambe ndokuona wafa. Hausi kuziva kuti paanodzoka anenge afungei, iwe chingotenda muna Mwari chete zvofamba."
"Horaiti Brendo waita hako muno matoreruka haa ndichaudza vamwe hamheno vakandinzwisisa."
"Usatarisire kunzwisiswa nevanhu tendera Mwari vakunzwisise ivo , chindiperekedza ndiende hangu ndinovimba kuti wandinzwa."
"Okay Brendo ko ukanondipawo bible rako riya ndichizongomurova naro kana ave kundiattacker."
"Tatenda ita zvandiri kukuudza, bible harishande izvozvo rinoverengwa shoko ririmo ndorinoshanda. Iwe chingova nekutenda chete zvinoita."
"Okay bro."
Takazosimuka paya ndanga ndakutozeza kutaura zvakawanda kana kubvunza nekuti munhu wacho aisada mafunnies. Takabuda panze ndokuona mota yakamira pagate pedu. Ndakashaya kuti yaive yani takabva tambomira, pakaita kanguva ndokuzoona mhamha vave kuburuka vachisekerera ndakabva ndaona kuti vave murudo chete. Ndakangoita sendisina kuzviona ndokutanga kufamba tave kuenda ikoko.
"Eeh muri kuno zvenyu endai munoona hanzvadzi yenyu yabatsirwa mwana musikana uko."
"Yes! Thank you God. Haa ndafara mhamha."
"Ehe mumwe wako ane mwana wake kwete iwe une mwana asiri wako."
"Horaiti mhamha iyoyo ngatimbomirai ndimbokuudzai zvandaona pano."
"Waonei ?"
"Tatenda rega ndimhanye kumba ndokuona mangwana hona pane nguva."
"Okay rega ndisare namhamha ndokutora mangwana undiperekedze kuchipatara."
"Okay."
Brendon akabva abuda gate, ndakasara namhamha.
"Ko mhamha imota yani yamauya nayo?"
"Ndeyemuridzi zvee ko kubatsirwa imhosva here? Wakangwarisa iwe , ukutadza kutora Trish uko ."
"Okay regai ndipinde munyaya yangu, ndasvika pano ndokupinda muroom mangu maiita kunge maive nemunhu asi ndazonzwa nock kudoor aive Trish. "
"Yes ehe wabva waita sei mwanangu hauone kuti wave kutaura, huya ndiite zvekugara pasi undiudze."
"Mhamha."
"Huya."
Vaitodaira vachifamba vachifara apa ndisati ndapedza kutaura nyaya yangu. Takasvika pedyo nemusuwo vakagara pasi ini ndakaramba ndakamira.
"Yeah chindipira tinzwe iri mudariro handichagona nechidokwadokwa ufunge."
"Okay musafare henyu, eeh ndazotanga kutaura naye apa ndainge ndave kubuda ropa mumhino. Pane paazondijambira akandibata...."
"Yes haa ndazviziva chete kuti wave murudo , ndoita zvekudii ko ini haa apa wandifadza. Ane hunhu mwana uye apa munyoro zva..."
"Mhamhaaaaaa!!!"
Ndakadana zviye zvekuratidza kuti ndave nehasha, ndipo pavakazonyarara vakarereka nzeve dzavo kwandiri. Ndakadhonza mweya ndokuzotangira pandainge ndasira.
"Eeh paandijambira asimudza ruoko rwake rwaive nebangle akadedzera zvaadedzera ndiri kutotya kuzvitaura panogona kungoipa. Adaro ndazonzwa kupera simba iye akabva andisimudza ndokuenda neni muroom mangu."
Ndakambonyarara ndaona mhamha kusekerera, ndakangoti zvakaoma ndivo vaizofa chete.
"Tichipinda mumba ndabva ndaona mave nemumwe mukadzi ainge akasimira zvitsvuku nekorona yegoridhe..."
"Aah Tatenda, unodarirei kuda kutamba nepfungwa dzangu. Taura chokwadi zvamaita naTrish kwete kuda kuisa mumwe munhu asi wamuona wanyura murudo kani?"
"Kwete mhamha okay munhu wenyu musatanist. Akange achifanira kundiuraya asi haana hamheno azoti atadza nekuti anondida here? Mukadzi uye azonyanga... Mhamha mirai kusimuka ndipedze kutaura."
"Chimbondisiya ndiri kuzvifarira hangu nezvandasangana nazvo nhasi woda kundipaka nhema mupfungwa dzangu manje. Wakamumakirei iwewe Trish haa unobhowa."
"Mhamha ndoziva kuti hamunditerere asi apa ndipeiwo nzeve please."
Havana kana kupindura vakabva vapinda mumba. Ndakangosiyana nazvo ndakabva ndabva pamba ndave kuda kuenda kwana Ropa zvangu. Ndakabuda ndichifamba ndakasvika paive nelibrary ndokushamisika kuona paine accident ndakabva ndamhanyawo ipapo pakange patoungana mapurisa. Ndakasvika ndokuona vanhu vakati kata kata mukombi yaienda Harare kubva muKuwadzana. Vamwe vainzi vainge vakuvara vakange vachikangorara nedumbu handina kuona zviso zvavo. Ndakazoona pana Trish zvekare akagara pasi akabata mumabvi make. Ndakavhunduka apa ndiye aitotsanangura zvainge zvaitika. Akatozosimuka kureva kuti ainge asina kukuvara. Vanhu vaingoti ana Mwari wake ndakabva ndaziva kuti akange aita sacrifice yeropa apa. Akange atadza kuuraya vanhu vekumba hake asi ndakarwadziwa nekuona kufa kwevanhu vasina mhaka.
Handina kuzoramba ndiripo ndakabva ndananga kwandaienda. Ndaingotya nzira yose pandaisangana nemota ndaitsambukira kure. Ndakasvika kwana Ropa ndokuona sisi vacho iye asipo.
"Maiguru Rudo muri sei?"
"Ndinofara hangu ave sei Tanaka ndanzwa kuti haasi kunzwa zvakanaka."
"Haa anenge ave nani azobatsirwa mwana musikana."
"Inga makorokoto, wabva wasvika mumwe wako achangobuda kaa ndamutuma mutown ."
"Hee! Pane kombi yaita accident apo regai ndimufonere."
Ndakafona ndichidedera phone yakatanga kuringer. Yakazodairwa nemunhurume.
"Hello."
"Hello ndoda kutaura naRopa."
"I'm sorry, tokumbirawo mumhanye pane library apo pane zvaitika ndiri mupurisa."
Ndakabva ndangodonhedza phone pasi ndokutanga kumhanya, Rudo aiteverawo apa ainge asiya vana voga. Hana yangu yairova kuti ndakange ndisina kuona Ropa sei patsaona, mhepo yakabva yabatsira misodzi yangu kuyerera ndisati ndaziva kuti kwakamira sei?
*End Of Chapter*
❤️
😢
👍
😂
🙏
10