🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
June 19, 2025 at 05:05 AM
CHAPTER 8 AND 9
https://chat.whatsapp.com/JK7YoPhixRlEvCHe3dWf6g
[6/17, 11:59] Prince Washe: *Pinda mugroup kana uri kuverenga this book*
https://chat.whatsapp.com/IiBdCNtkUPGI0e43Dw2wwp
*Follow my channel for more books*
https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U
*🖤 *RUDO RWAKE*🖤
_______ _______
*A Story By*
*Prince Washe*
📒 *All rights reserved.*
*CHAPTER 8*
*TATENDA*
Ndakamhanya sendichadambuka makumbo ko ivo sisi vacho kuzokwikwidzana neni. Chataimhanyira chainge chakosha ndaingonamata nechemumoyo kuti ndiwane mumwe wangu achifema, ndaiziva kuti munamato wangu waishanda. Takasvika paye ndokuona Trish achibvapo ndofunga ainge ave kuenda kumba kwavo apedza basa zvake. Ndakasvika nedzungu ndave kungodaidzira zita raRopa. Ndakazoona achichema akasungwa bandage mumusoro. Ndakamhanya kwaive ndakamumbundira sisi vake vachiteverawo.
"Hmm thank God hauna kukuvara zvakanyanya here?"
"Handina ndangokuzvuka musoro apa pari kurwadza sei?"
"Chimira kuchema tarira avo vakuvara zvakanyanyisa chitotenda Mwari kana usina kunyanyokuvara."
"Okay ndiri kutorwadziwa nevanhu ivava uye vafa ava kuti dai ndirini ndatosiya nyika."
"Haa pakaipa chihandei kumba Ropa, hmm wagona kusiya mwana inga zvakaoma."
Vakadaro sisi vacho takabva tanbotaura nemupurisa takabva tanzi tiende zvedu. Takatora nzira yedu tiine mufaro ndokudzokera kumba kwavo. Vana vakange vave kungoridza mhere ko vainge vasara voga.
"Nhai Ropa chii chanyatsoitika kuti accident iitike?"
"Aah zvinhu zvacho here uyu Trish angotanga kukosora kasingagumi driver akacheuka achibvunzawo kuti indava asi haana kuzotendeuka zvekare aramba akatarisa apa mota yaimhanya. Tose tanyatsoona ichibuda muroad takambodedzera kuna driver asi aramba akadaro kusvika yazobheuka."
"Hey yeah she's a satanist indeed."
"Trish here?"
"Yes zvandaona kumba uku zvinokunga ngoma yezion kurira."
"Waonei?"
Ndakamutsanangurira nyaya yose yaTrish zvekuti vose vakatanga kutya .
"Nhaiwe ko akurambirei achiuya kumba kwenyu kana achidaro?"
"Mhamha vanenge vakatosotwa kare vaya havatode kunzwa chakaipa pamusoro pake wena, kuzoti kaTanaka kakapotsa kafa asi hakade kusiyana naye vachakaruka vave pakaoma zvavo."
"Hmm yeah hazvina kumira zvakanaka saka, ndave kutokutyirai ini ."
"Haa ini usandityire ndave naJesu ."
"Hoo yeah ramba uchinamata zvinoita."
Trish akange ave kuda kungwarirwa manje vanhu vacho vepamba vaive murima ndini chete ndainge ndakavhurwa ziso rekuona. Pavaizosangana nazvo vaizoona kuti ndinobika chokwadi kwete nhema. Iye wacho kuzotadza kundiuraya nekuti anondida manje aisandiziva izvozvo zvekutombozama kundiuraya ndozvakatowedzera kuti ndimuvenge. Munhu wandaida ndiye wangu Ropa kunyangwe aive nemwana ndaimuda akadaro kana iye aizviziva. Kana vaizondidzinga pamba ndaidzingirwa iye ndoona yekutamba kwete kusiya mumwe wangu. Ndaisafa ndamira kuda Ropa ndaitomira kudya zvangu asi mumwe wangu ndichimuda.
Ndakazooneka ndakaperekedzwa naRopa asi haana kundisvitsa kure ndakatoona kuti akange ave kutya. I hugged her ndokuzoenda zvangu kumba zuva rainge ratopinda muna mai varo. Ndakasvika mhamha vari pakati pekutobika zvavo, handina kuda kuvaudza nezveaccident nekuti vaisanditerera . Ndakange ndangosira meso avo kuti azozvionera oga. Ndakanopinda muroom mangu ndichingoti "fire fire!" ndaida kubvisawo kutya nekuti maityisa nechiitiko chainge chamboitika. Ndakazoona message muphone yangu yainge yabva kuna daddy vachiti vainge vandiwanira basa saka ndaizotanga kushanda paitanga umwe mwedzi. Painge pasara vhiki rimwe kuti upere. Ndakafara zvisingaite ndakange ndave kuda kutsvaga yekuti ndiroore zvangu uye ndizvitangire zvinhu zvangu. Pamwe inyaya yekutoshaya mari yaiita kuti mhamha vasandinzwe ndichitaura uye kuti vandisarudzire zvavanoda .
Ndakazobuda ndanzwa maplates kuti gwedere patafura ndakaziva kuti chikafu chainge chaita. Ndakasvika ndokugara namhamha ndakatanga kunamata asi ivo vainge vatotanga kudya zvavo. Ndakangovhara muromo wangu zvangu ndaisada kutanga zvimwe. Ivo mhamha vaitooneka kuti vainge vaine zvekutaura asi vaisada kuzvidura kana ini ndaitodawo kuvaudza zvebasa asi nekutsamwa kwavo ndaitozeza. Ndakazozvishingisa hangu kuti nditaure navo asi phone yavo yakabva yaringer. Vakaibata vakatarisa ndakaona chiso chavo chichidana nyemwerero vakabva vasimuka vakamhanya panze.
Haa zvimwe zvaisada kubvunza ndakatoona ndega kuti pane ainge aba mwoyo wavo. Zvaisaita kubvunza semwana ndaizongogarira muromo wangu meso ndosenga kuti aone. Ndakadya ndakapedza mhamha vasati vatombodzoka, ndakange ndave kutonzwa kuda kunorara. Ndakamboti pamwe pane zvavawana ndakabuda panze ndokuvaona vakaita kugara zvavo mudhaka vachiseka phone iri panzeve. Ndakakasika kudududza vasati vandiona ndokutonanga muroom mangu.
Ndakasvikawo nekufonera mudiwa wangu ndaida kuti ambosekawo zvaiita vamwe.
"Hello."
"Yes Roro kuri sei?"
"Kuri bho uku musoro chete?"
"Unoita zvakanaka hako mudiwa ndiri kungonamata kuti upore izvozvi in the name of Jesus."
"Kk yeah kunamata mave kukuda bamwana."
"Ehe ndave kutaura nendimi kaa zvoita vamwe zviya."
"Hmm Tatenda hausi wakunyanya here?"
"Ehe ndokuitira here?"
"No taura naMwari kwete ini kkk ndini ndadii zvangu."
"Aah wangu unongoita sengirozi yaMwari wani."
"Hmm shuwa here ?"
"Ndinorevesa asi uri ngirozi koronyera manje rakaba mwoyo wangu kana naMwari une chivi."
"Haaa."
"Ehe zvee Mwari havadi munhu anoba."
"Saka tese takatadza iwe wakabawo wangu."
"Yes mudiwa ndinokuda zvisingaiti kana ukati ndimbomira kufema kuti ndive newe ndinotomira hangu."
"Hmm chirara nhasi chiiko kufarisa kudai?"
"Aah chihera vave murudo kuno vari kungonakirwa vega panze ndakati ndingasaririre ndakakufonera."
"Hoo Trish uyo!!!"
"Kkk wakuda kundivhundutsa manje aah uchiri kuita mafunnies naye ini ndakaona zvihombe handitode kutamba nezita rake."
"Haa pakaipa kana zvakadaro chirega ndimbodya wangu ndirare pamwe musoro unganyarare."
"Horaiti ndokuona mangwana."
"Bye I love you."
"Ndokudawo."
Ndichipedza kutaura nemudiwa wangu handina kumboda kutsvaga hope ndakabva ndangonamata ndokutorara. Ndainge ndakarara dzehumambo zvangu, ndakazomuka ndanzwa kutaura panze ndokutamura nyama dzangu. Ndakabuda ndokumira padoor ndakatanga kuona mota yaive kugate yandainge ndakaona zuro ndokuzofamba zvishoma ndakadongorera kurudyi kwangu ndokuona mhamha nemumwe murume wandaisaziva kuona zvese nezita.
Ndakaita zvivindi ndokubuda ndakavamhoresa. Vakasekerera vachidaira zvavo ndakabva ndamutsa mhamha.
"Eeh wamuka sei mwanangu gadzirira tinoona sisi vako."
"Okay mhamha."
Ndakabva ndadzokera mukati vaitotaura neni zvakanaka havo. Ndakatoona kuti ndakange ndave nababa vatsva apa. Ndakanogeza ndokuchinja kuti ndiende kunoona Tanaka.
"Mhamha regai nditungamire ndoda kudarika ndichiona Brendon ndogona kuenda naye."
"Aah zvakanaka mwanangu ita zvada mwoyo ndokuona."
Ndakafamba ndisati ndaenda kure mhamha vakange vave kutofamba murume uye achitevera vakananga mumba. Handina kuda kutarisa kechipiri ndakabva ndananga kwandaienda. Murume wacho ndaisatombomuchenese hamheno chii, ndaitoona seasingakodzere kuuya pamba pedu.
Ndakafamba ndokuenda kwana Brendon ndakasvika achitobhemba hake panze.
"Aah Tatenda ."
"Man Brendo zviri sei?"
"Haa low low wena naro basa."
"Haa pakaipa ko kungomukira kugara kunobhowa kaa ndazongoti rega ndichenese apa ndomogara mosquito kaa umu."
"Haunyepe ndanga ndauya kaa kuti undiperekedze kuchipatara "
"Hapana chakaipa rega ndibvise marengenya aya ."
"Okay ndakakumirira."
Ndakangomira kunze kwegate ndakazopinda mukati ndaona kuti ainge anonoka. Ndichimira zvishoma akabva adzoka takasimudzira kuenda kuchipatara. Takasvika ndokupihwa nguva yekutaura naTanaka , mhamha vakange vasati vauya.
"Hesi kani Tanaka."
"Point of correction, Ita kuti amai Shantel ndave nemwana kaa ini."
"Hoo atove nezita kare ko kana ndichida kumupawo ndodii manje?"
"Haa don't worry uchapa wako, ko mhamha vasarepi?"
"Eeh ndavasiya kumba."
"Okay ko Trish?"
"Vasara mudzimba dzavo, mira kubvunza vanhu ini ndini ndakakosha ndauya kudai."
"Okay uri sei zvako."
"Ndiri nani ko nemakorokoto emwanasikana ."
"Aah ndeedu tose apa baba vacho havasi kuda kuuya zvavo."
"Vachauya usatye pamwe vane zisurprise ravari kugadzira."
"Aah hoo rega timbodaro."
Vakazotangawo kutaura naBrendon kusvika mhamha vazosvikawo.
"Mwanangu uri sei?"
"Ndizvozvo mhamha kukusuwai chete."
"Hmm kana neni ita udzoke kumba timbogadzirisa zvatakasira panzira."
"Musatye two weeks dzichingopera ndinenge ndave kuuya tofambira nyaya dzacho. "
"Yes mwanangu ndine mufaro wanzwa ndichakuudza hangu ."
"Okay mhamha I can't wait."
Ndakatoona kuti ndini ndaidzivirirwa kuti ndisanzwe saka ndakatoona kuti kubuda kwaive nani.
"Tanaka ndokuona rega ndiende."
"Okay mukoma mofamba zvakanaka ."
"Ok ndaida kuonawo mwana zvee manje hamusi kuda naye."
"Aah ndambomupihwa makuseni seni muchazomuona zvenyu."
"Okay ndaenda."
Ndakabva ndatobuda hangu naBrendo ndichitofunga zvekuita. Ndakazongonanga nekumba kwavo ndakamusiya ini ndokunoona Ropa ipapo ndaisakanganisa. Akange ave nani zvake ndakazobva ndadya ndokuenda kumba ndakasvikorara hangu. Mhamha vakazodzoka havo takange tisina nyaya dzekudaro hedu vainge vakanditsamwira. Mazuva akafamba Trish asina kumbobvira auya pamba ndopandakaona ave kuuya namhamha . Vakandidedza ndakaenda zvangu ndokuvapa nzeve dzangu dzose.
"Right Tatenda this is the final say, uyu ave wako. Zvese zvekuda kumunyepera kuti asauye pano handichada kuti zvidarike nemunzeve dzangu. Mwana wevanhu akange ave kusatoda kuuya pano nekuti uri kuita zvekutamba hako apa mai vacho vambopopota nenyaya iyoyi."
"Mhamha ndoku..."
"No no no! Handina kana chandiri kuda kunzwa pamusoro paTrish. Uyu atove muroora wangu saka kana usingade kunetsana neni wotodzidzira kumuda zvako. Trish usafe wamusiya uyu ndiye wako."
Mhamha vakadaro vachitobva pataive ndokutisiya tiri vaviri.
"Trish please ndokumbirawo usiyane neni. We both know kuti mhamha havasi kuziva zvauri ini ndini ndiri kuzviziva saka kana usingade kuti ndizvifumure siyana neni ndave kutokumbira."
"Tatenda listen please, besides zvekuti ndiri munhu anoita zvimwe zvawakaona izvozvo inini ndinokuda pachezvangu."
"Ndine musikana wangu Trish, anozonzwa sei kuti ndakazotora Trish plus hazviite futi "
"Zvotadza nei nhai babe?"
"Trish please usandibate."
"Manje mhamha vako vakatarisa avo unoda kuti vafe nestress here chingonyepera kundida vanzwewo zvirinani. Vanokushuvira zvakanaka ndosaka vachidai , kana uchida kuona mufaro wavo ita seuri kudanana neni."
"But zvozonetsa."
"No hug me now."
Akadaro achitondimbundira ndakabva ndamumbundirawo. Mhamha vakatanga kuombera ndakabva ndakasira kusiya Trish.
"Please ngakave kekupedzisira aka handidi kuzopesana nemudiwa wangu."
"Horaiti Tate."
Ndakabva ndatobva paari ndakaenda kuroom kwangu. Ndakatanga kutodemba zvandainge ndaita nemusatanist uyu, luck haana kuzouya muroom mangu. Daddy vakazondiisira message vachiti ndisakanganwe kuti mangwana acho ndaifanira kutanga basa. Ndakafara zvisingaite ndakange ndoda kuzvimiririra ndega.
Mhamha ndivo vakazoita zvekuuya muroom mangu nyemwerero iri kugotsi chaiko.
"Haa wandifadza mwanangu hauone kuti tinenge tave kuwirirana here kana zvadai? You'll never regret this trust me. Apa wazvibatira mukadzi chaiye akasvika kana runako hatichataura kuita seanogeza nemukaka kudaro aah ndafara zvangu."
"Mhamha ndangoitira kuti mufare zvenyu asi munhu wenyu handimude wandoda momuziva."
"Haiwawo zvinopera izvo, chitotanga kumuona seunomuda panopera mazuva mashoma unenge wakusada kumushaya iwe."
"Horaiti mhamha."
"Ehe apa ave kutobika zvake ndagarika ini."
"Mhamha anobika sei iye asati aroorwa ?"
"Zvakangofanana izvi Tatenda. Chinzwa kaa handidi kuti uzoshamisika hako nekungoona munhu wausingazive pano. Murume uya anonzi Shaddy ndiye wandave kufambidzana naye uye anoda kundiroora togara tose ane vana vaviri. Usazvinetse zvakakosha izvi kuti ndiwanewo wekugarawo naye kuitira zvimwe zvinhu , hapana pandosvika ndiri single kudai ivo baba vako vane mukadzi."
"Aah ini mhamha handina chekutaura hangu ipapo sarudzo ndeyenyu."
"Good asi iwe ndokusarudzira waita mutete."
"Kk hoo. Mangwana ndave kutanga kuenda kubasa."
"Yeah zvofadza watokura iwe ."
"Hamunyepe mhamha ndoda kumbokutengerai zambiya zvee."
"Ehe ndokuti jaya rachihera zvee ."
"Yes mom."
Mhamha vakazobuda ndakasara ndichingofunga kuti kuzogara nevamwe baba zvekare aive makwikwi. Ndakazoona door rave kuvhurwa muchipinda Trish nechikafu . Akasvika nekupfugama ndakabva ndangotambira asi ndainge ndakabatira hana mumaoko kuti aikwanisa kungondipandukira zvekare. Zvaitove nani ndozoita zvekutiza pamba nditsvage room yekulodger hangu.
"Ko Tatenda hanzi mangwana uri kuenda kubasa."
"Ehe ."
"Aah uchizvitambudzirei ooh mari iyi."
Akadaro achivhura kabag kake ndakabva ndaridza mhere nemari yandakaona imomo.Trish akabvaa abvisa top yake akatanga kuita seaitamba. Mhamha vakauya vachimhanya vachisvikoona Trish asina hembe vakabva vangovhunduka vakadzokera. Akasara achisimira mhamha vadzokera ndokusimudzira nyaya yake.
"Tatenda ungafe nekushanda ini ndine mari here?"
"No iyi yako handiide ini."
"Haina kana chakaipa kungowanda chete ."
"No ngazvigare hazvo."
"Manje ndoda kukuona iyi ndasiya apa."
Akabva abvisa bundle remari akagadzika papillow akabva abuda zvake. Ndakasara ndatoguta kana apa ndakatarisana nemari yaiita kutyisa nekuwanda. Dzimwe pfungwa dzaiti ndinodedza Brendon dzimwe dzichiti handina mhosva ndongoitora ndiroore Ropa nekutenga imba. Ndakazonzwa mhamha vave kutaura vachiuya vachiimba ndakabva ndaitora ndakaiisa pasi pepillow. Vakapinda nekundikandira drink ndakabva ndangogama vakabva vabuda zvavo. Ndakasara ndichifunga zvekuita nemari zvaitove nani nditize hangu nemari yacho.
Ndakazosiyana nayo ndaizoona zvekuita manheru ndave ndega vanhu varara. Ndakabuda ndokuenda kwana Ropa ndokuona aripo hake mudiwa wangu. Handina kumuudza zvebasa nezvemari ndakange ndisati ndatombofunga kuti ndodii. Ndakange ndave kutononokerwa nekugara naye mudiwa wangu. Takatandara zvekuti kana kumba vakange vave kutonditsvaga. Handina kana kuenda kwana Brendon ndakabva ndazodzokera kumba kunze kwatosviba.
Mhamha vakange vave kundifarira havana kana chavakataura. Ndakadya ndokutopinda muroom mangu. Ndakagara pamubhedha ndokubvisa t shirt yangu ndakatanga kufunga zvekuita.
*End of chapter*
[6/17, 11:59] Prince Washe: *Joín my group*
https://chat.whatsapp.com/IiBdCNtkUPGI0e43Dw2wwp
*Follow my channel*
https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U
https://chat.whatsapp.com/IYaEXm7UN7oHc8cqWjhkTs
🖤 *RUDO RWAKE*🖤
_______ _______
*Story By*
*Prince Washe*
(+263784802591)
📕 *Mixture of fiction, imaginations and reality. All rights reserved.*
*Chapter 9*
*TRiSh*
"Now it's your turn to offer many sacrifices so that you can make a lot of money. Don't be afraid my friend, see I've got many cars and my big house. Don't you like my good life?"
Yakange iri text message kubva kuna Catherine uyo akange ari shamwari yangu kubva tichibubudza. Taitamba tose uye tichingoshuvawo zvakanaka muhupenyu dzamara tazosvika pakupesana iye achinogara kuAvondale ini ndakasara muKuwadzana medu. Tisu vasikana vacho vaibvirisa mastreets nekunaka asi ndakange ndisina kwekuwana mari yekuri ndipfeke zvipfeko zvakanaka.
Ndaigara naamai vangu tiri vaviri , baba vaive vakashaika kare. Company yaimboshandirwa nadaddy ndoyaitipa mari every month end saka kuti inyatsokwana pazvimwe zvinhu yaiita shoma. Ndakange ndangove nekakurwadziwa kuti nekunaka kwangu ndoramba ndichitambura apa kudzidza ndakange ndisina kubuda zvakanaka. Mhamha vaigara vachingonditi zvichanaka kubva ndiri kuchikoro asi ndakatozoona kuti zvaitozonaka ndafa. Handina kumwe kwandaikwanisa kuwana mari vakomana vandaingodanana navo vaindirasisa uye ndaingopihwa tumari twemachocolates kudzamara ndazongotanga kuwanza vakomana kuti ndiwane iri nani. Ndipo pandakazivirwa naTatenda nekuti aiswerawo muzvirounds achindiona.
Amai vake ndivo vaingondifarira nekuti vaiwirirana namhamha vaingonditi muroora wavo. Mazuva akafamba shamwari yangu Catherine ndokuzouya kuzondiona apa ainge akachena zvaiyemurwa nebofu chairo aine mota yake yerudzi rweBMW. Ndakambodonhedza misodzi kuti chokwadi mumwe wangu wandainge ndakakura naye tisati tave nebvudzi muhapwa akange atove nehupenyu hwakanaka.
"Don't cry my friend, it shall pass within 10 days nhamo inenge yafa iyi?"
"Are you serious or you're mocking me? Yangu nhamo ndeyemudzanga uku unotsva uku mazino ane ngura akakuruma nemukanwa munonguwa dzimwe nguva. Haa ndave kutofunga zvekuita chipfambi ini."
"Hell no! Listen now kutouya kwandaita uku ndatokurangarira mumwe wangu. Ndakuunzira hembe dzakanaka idzi uye nebangle iri and this watch."
"Nhai saka zvinopedza nhamo here zvekuchena nemabhenguru egoridhe haa usadaro mumwe wangu."
"Inzwa kaa ini handina kubasa kwandoenda but I own my botique and a large house nemota yauri kuona iyi."
"Saka wakazviita sei mumwe wangu ndibatsirewo kana kuri kuAvondale tiende tose."
"Okay bangle randakupa iro newatch unongorara wakazvipfeka nguva dzose . Unozofamba nazvo hako kana watenderwa."
"Aah kutenderwa nani ,mhamha havandirambidze ini?"
"Hausati wave kuzvinzwisisa hande mumota ndikutsanangurire."
Takabva mumba matainge tichikurukurira ndokuenda mumota make. Ndichipinda ndakapotsa ndafenda nekuona mari yakange yakazaramo. Haana kuzotsanangura akangondinongedzera mari akabva ati
"Ukaita zvandataura uchaibata iyi, ini handina yandiri kukupa zvimwe totaura parunhare ndave kuenda."
"Catherine!"
"Yes ndini, making money without sweating hangu."
"Okay umhorese mhamha."
Ndichidaro akabva atanga kuyeredza misodzi paya. Ndakamunyaradza ndopaakazonditi vakafa.
"Vakafa zvarinhi vairwara here?"
"I don't want to talk about it zvinorwadza."
"Okay bye mudiwa."
"Sharp sweetie."
Ndakasara ndakamira ndakavhura ziso sechura radzipwa nechisukiso. Kana mate aingozara mukanwa kuti ndigowana kumamedza ndichiona mota ya Catherine ichifamba. Ndakangosiyana nazvo ndokumhanya mumba ndakatanga kuyedza hembe dzangu dzandainge ndaunzirwa. Dzakange dzakanaka apa dziine maprice tags airatidza kudhura kwadzo. Ndakafara zvisingaite kana mhamha ndakanovaratidza pavakadzoka.
"Hmm inga shamwari yako anokuda zvisingaite kukupa zvese izvi."
"Eeh apa ave nemota nemba ."
"Hmm mwanangu usachive zvakadai izvi, hauzive kwazvakabva."
"Haa mhamha regai tirambe tichitambura chokwadi. Ndiri kungoyemura chete handisi kuchiva chinhu ini."
"Okay kana zvakadaro zvakanaka."
Nguva dzakazofamba hadzo ndichitononokerwa nekurara zvangu. Bangle racho ngarinake raizobhowera kuti raisapfekeka masikati aah ipapo manje. Manheru akazosvika ndakakasika kubika musi uyu ndokudya nekutoenda kunorara zvandakange ndisati ndamboita. Mhamha vakatombondibvunza kuti zvimwe kuda ndairwara asi ndakangovati ndoda kukasika kurara.
Ndakapfeka bangle rangu ndokusunga watch yangu kune rimwe ruoko. Ndakapinda mumachira ndokuramba ndakangodaro asi hapana kana mari yandaiona. Ndakange ndave kutofunga zvekunotengesa hangu zvinhu zvacho ndiwane mari, ndakazobatwa nehope ndokurara ndisisina mufaro. Ndakazotanga kunzwa masounds mumba ndiri kuhope ndakabva ndamuka apa makange muchipfungaira utsi. Ndakaenda paibva utsi ndokusvikonyura pasi zvandisina kunzwisisa ndakabudikira paive nenzvimbo yakanaka chose.
Hana yangu yairova nekuti ndakatanga kuona vamwe vasikana nevakomana vakanaka vakachena varipo. Ndakazobanganuka ndaona Catherine achitouya kwandiri nemumwe mukadzi.
Pakatanga kufarwa vanhu vachindifarira ndakatoshaya kuti ndainge ndagonei zvangu. Ndakazopepuka ndiri mumba pasina chandanzwisisa. Ko zvandainge ndabuda zvechokwadi asi ndakamuka ndave pabed rangu. Zvakandinetsa zvekuti handina kuzorara ndakafonera Catherine.
"Hello."
"Hmm wangu zvandarota kuno pakaipa."
"Usatye hauna kurota taitove tose paya ini ndatobva kunosvika kumba. Ndokwandakawana access yekuwana mari ikokuya. "
"Kunoitwa nezvei?"
"Haa zvidiki diki just masacrifices nekujoinisa vamwe futi mari ichiwanda."
"Sacrifice yei manje?"
"Blood sacrifice I mean kuti kuuraya vanhu ."
"Catherine is this not satanism here mana?"
"Wow congrats wave kuziva ndizvo chaizvo and you are now part of it. Iwe chawave kuita kuti ugaine zvivindi unofanira kukonzeresa kuti vanhu vabude ropa wonwa ndokuti usimbe."
"Ndozviita how ?"
"Watove nesimba kungotaura kuti ropa ngaribve mumhino kana kuti munhu ngaakuvare wotaura zita rake uine watch yako iya."
"Hmm okay ndichaona kuti ndodii?"
"Chitoita zvifambe pachine nguva haudi mari here iwe?"
"Ndoida."
"So? Hapana chekumirira apa bye tozotaura zvimwe."
Akabva akata phone, hana yangu yaingobika manhanga kuti ndakange ndatove musatanist zvechokwadi. Kunze kwakazoedza ndakabva ndasunga watch yangu bangle ndakange ndakanzi ndimbomira. Ndakapfeka kajuzi zvekuti yaigara iri mukati kuti mhamha vasaione. Pasina nguva ndopakazouya mai Tatenda vakambotaura namhamha nezvangu ini ndaisakwanisa kuramba nekuti zvakange zvabvumirwa namhamha. Iye Tatenda wacho ndakange ndagara ndiine malikes naye saka zvakatondinakira. Ndakazoenda kumba kwavo namhamha vake only to find out kuti Tatenda wacho akange asiri kutondida zvake aitove nemusikana waaida. Zvakandibhowa ndakabva ndabvunza Catherine pamatext kuti ndodii akandiudza zvekuti ndishandise pant rangu ndotaura zvandoda ndorisiya mumba make. Ndakabvisa pant rangu pandakange ndiri ndega ndokuti
"Tatenda kunyangwe usingandide usafe waroora mumwe musikana asi ini chete."
Ndakabva ndariisa pasi pepillow. Mazuva akafamba ndopandakazoda kuzama zvekunwa ropa nekuti ndaipinzwa busy manheru pandairara. Ndakakonzeresa kuti amai Tate vazvicheka nebanga ndakanonwa ropa riya asi hapana chavaiziva, Tanaka ndakaita kuti abude Ropa mumhino ndakanonwa. Tatenda akazokuvarawo pagumbo ndakanonwa zvekuti ndakange ndave kunzwa kuti kana kuuraya munhu ndouraya. Tatenda ndiye aingondinetsa hamheno zvaive paari kana kuti andide ndaizvitadza asi nemusikana wake vaisafa vatorana chete.
Mazuva akafamba ndopandakazoda kutanga kuuraya ndaida kutanga nemwana waTanaka aive mudumbu kuti azvarwe chiri chando asi zvakaramba. Vanhu ava vaive nerudo neni pamwe ndosaka zvairamba here. Mumwe mukomana aifamba naTatenda ndiye aindityisa nekunamata kwake. Ndakazosvika pakuudzwa kumeeting kwedu kuti ndikonzerese accident asi ini ndaisafa ipapo vamwe vaikuvara vamwe vofa. Ndakange ndichizvitya ndakabva ndaenda kwaikwirirwa makombi ndokuona Ropa achipinda ndakabva ndati henaro ndakapindawo imomo. Zvinhu zvacho zvakaitika zvoga ndakatanga kukosora kusvika driver anditarisa akabva aramba akangodaro kusvika accident yaitika. Ndakazofara ndasvika muroom mangu makazara mari zvekuti imwe ndakaiisa muwardrobe ndokuivhariramo. Ndarara ndakazonzi ndaifanira ku initiater vanhu 10 nemari iyoyo. Ndakamuka ndokuzoenda nayo kwana Tatenda ndokumusira mari kuti akangoishandisa anenge atove musatanist saka ndaida kumuraura nayo mari yakadaro ndaiziva kuti aiishandisa chete. Izvo zvaiitwa kuvanhu vakuru kuvana kwaishandiswa tuma sweets.
Ndakadzokera kumba ndokuona message kubva kuna Catherine yekuti ndiite masacrifices akawanda kuti ndiwane mari. Handina kuzeza ndakange ndave kuda kutotenga mota chaiyo, zvese izvi mhamha hapana chavaiziva kunze kwaTatenda ndiye akange akaona zvimwe zvacho.
Ndaida kuti aite first sacrifice yangu asi nekumuda ndakazviramba. Ndipo pandakazourayisa vazhinji mukombi.
Ndakazorara hangu ndokuzoenda kumeeting kwedu manheru. Musi uyu queen vedu vakange vakashatirwa zvisingaite.
"My eyes are on you girls and boys. We need many souls in our Kingdom. Now Christianity is overtaking us by far. Let's initiate guys i will say it again let's initiate there's the rewards. The other thing for this coming 3 days we are not going to offer any sacrifices so that we can offer the biggest sacrifices. How many of you have the living mothers?"
Takabva tasimudza maoko takati wandei takange tiine vanamai vapenyu hamheno kuti vaida kuti tivatengerei. Catherine ainge akadzikisa sezvo vake vakange vakashaika .
"Right I want you all to kill your mothers on the fourth day from today and all who don't have the mother's you're going to kill your guardians."
"Whaat!"
Takaitirana tose muchaunga imomo tanzwa mashoko ekuti tiuraye vanamai Catherine aingosekerera zvake nevamwe vakange vachionekera ipapo, isu manew souls akange ari maone. Hana yangu yakange yakurova kuti ko ndiko kwazvazosvika inga hakuna chekwaSatan chinouya zvakanaka.
"Who is not willing?"
Vanhu vese vakabva vati zii vave kutya kuramba. Zvaitoreva kuti munhu wese aifanira kuuraya amai vake. Ndakabva ndaita zvivindi zvekusimudza ini nekuti ndakange ndisingade kuti amai vangu vafe.
"Okay so I'm giving you the power to choose between your mother and youuuu!"
Ndakabva ndatopepuka ndave mumachira semazuvaose. Ndakange ndatota nekudikitira apa hana ichiita kunge ichasvetukira pasi nekurova. Chokwadi kuuraya amai vangu ndaizosara nani? Kana iri mari yacho ine chitema. Kutadza kuuraya amai vangu ndini ndaifa, haa zvakabva zvandipa kuda kuita utsinye zvekuti kana Tatenda ndakange ndave kuda kumupfudza. Ndakaenda kumba kwavo ndokusvika zvichinzi aenda kubasa ndakabva ndapererwa ndokutsamwa kusvika amai vacho vashamisika. Ndakaenda muroom make ndokutsvaga tsvaga mari ndokuona musina ndakaziva kuti ndaizosangana naye manheru chete kumeeting. Ndaida kuvauraya amai vake ndopandakazorangarira kuti pathree days ndaisafanira kuuraya munhu kusvika ndauraya amai vangu.
*TATENDA*
Ndakashaya hope manheru ndichiona chitsama chemari . Ndakafunga zvandaida muhupenyu zvaigona kundikwanira pamari yacho. Asi kaa Trish aive musatanist zvandaiziva saka kushandisa mari yake zvainditemesa musoro kuti ndotora ipi nzira. Ndakambopfugama ndakatanga kunamatira mari iya kuti isawane zvainokonzera pandiri. Ndakazopedza kunamata ndisina kana kuti amen ndatoona kuti ndaipedzera minondo kumakunguwo.
Ndakaitora ndakaiisa pasi pemablankets ndokurara zvangu. Ndakamuka ndokutogadzirira zvekubasa hangu, kudya cheziya ndozvaive zvakakosha. Ndakapedza ndokufonera daddy ndave kutobuda. Vakadaira takataura kwataisangana mutown. Ndakabva ndafonera Ropa mudiwa wangu ndichimuzivisa akafara zvisingaite. Ndapedza ndakafonera Brendon akandifarirawo.
Ndakasvika mutown ndokuona daddy ndakange ndave nemazuva ndisati ndavaona. Takakwazisana nemufaro ndokunanga kwaive nebasa racho. Kubasa kwacho kwaigadzirwa mabox ose kubva kumabiscuits nezvose zvaishandisa mabox daddy ndivo vaimanager imomo. Ndakafara nemashandiro acho ndaizongoshanda ndiri pacomputer uye mari yacho yakange yakanaka.
"Right Tatenda ndine imba yandaida kutenga saka ndakange ndave kutogaramo ndichibhadhara half half. Ini ndagara ndaive neimwe so iwe uchaendako wopedzisa kubhadhara iwewe."
"Wow thanks daddy iri kupi?"
"MuGlennorah B."
"Okay saka monondiratidza nhasi kana kumba handichatoende."
"Okay haa zvimwe zvinhu zviriko zvandakange ndatenga asi nyaya yekuti kuzongogara ndega ndichisiya mukadzi hazviite."
"Okay saka vari sei havo amai vangu ?"
"Vari bho havo. Mubasa muno usazoshandise advantage yekuti ndiri mukuru wakafanana nevamwe uye boss vakatomboramba kuti ushande pano."
"Okay daddy."
Takange tisina nyaya dzinoenda mberi takabva tatomirira ipapo. Ndakazotanga basa ndichidzidziswa zvangu zvekuti nenguva diki ndakange ndave kuoperator ndega. Takazopedza hedu kushanda takabva taenda kumba kwaitaurwa nadaddy. Pakange pari nani paida kutovandudzwa chete potonaka. Ndakafara kuti ndakange ndave nemba yangu ndega kana zvekuvhairirwa namhamha ndakange ndave kusatya.
Daddy vakazondisira mari yefood and transport yemangwana acho vakaenda. Ndakasara ndega pakange pave kutobhowa ndakatozovhunduka kuti ndakange ndisina kuzivisa mhamha. Ndakazovafonera ndichivazivisa kuti ndakange ndisisadzoke uye kuti ndakange ndapihwa imba nadaddy yandaizopedzisa kubhadhara.
"Okay Trish ambouya achikutsvaka makuseni ."
"Hoo mamuti kudii?"
"Ndamuudza kaa kuti waenda kubasa ko nhaiwe wakange uine mari yakawanda kudaro uri mbavha here?"
"Mari ipi mhamha?"
"Ndaida kaa kukuwachira magumbeze ndopandaona bhanduru remari ndakatorawo shoma ndakatenga chikafu.."
"Mhamha!"
"Chiiko waida kuishandisei?"
"Haa apa ndakakuudzai hamuzvitende futi, ndakaipihwa naTrish uye haina kuchena mari iyoyo musaishandise please."
"Kkk iwewe so , ndazviona kuti une mwoyo mukukutu. Sei usingade kuchengeta amai vako iwe? Iyi mari wakaipihwa nadaddy vako inga munonzwanana , manje ndoda kuzviona ndiri kuzvifadza nechikafu hangu ini."
*End of chapter*
*#rudorwake* 🖊️🖊️
❤️
😂
😮
🙏
👍
😢
14